L.T. MAHACHI NOVELS
January 30, 2025 at 07:21 PM
https://chat.whatsapp.com/G95gqVKg6Lu8XUDUhQnA5W
FROM 1 FOLLOW CHANNEL
https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01
TITLE : ECHOES OF THE HEART
STORY BY L.T. MAHACHI
O77799O714
O775O72O31
INSERT 11
WAYNE
Ndaifunga kuti Owen achazotsvaga imwe nguva yekuita confront me nenyaya yemahure ake aanomboita nezvawo but munhu akatonetsa nenyaya iyoyo ndiMandy, haaa mukadzi ane hondo iyeye. Each time paaiphoner achibvunza nezvazvo aitotaura kunge munhu ari kuda kurova munhu chaiko. Haaa anenge azoita munyama wekubatwa nemai iyi sorry zvake, anosiiwa asina mazino chete. Ndakatozosvika pakumuudza rough chaiyo kuti asiyane nekundibvunza zvisina basa, I had a lot in my plate.
Akanga afamba mazuva and the wedding was just two days away. Honestly ndakanga ndisisiri sure if I was going to be able to do it. Ndainyatsonzwa kuoma kwazvo each time I tried to picture myself ndichitaura mashoko ekuti, "Ini Wayne, ndinotora iwe Lorinda kuti uve mudzimai wangu........" Ndakanga ndirimo mugroup raitaurwa zvemuchato and ndaingoona mamessages achipinda ndisina kana basa nawo. Zvandainzwa that day zvakanga zvakasiyane nezvemazuva ese. I was feeling like my life had stopped. Ashley wangu ndinomufunga zuva nezuva but zveday iroro was on another level. Ndaitonzwa kuda kuita hold her tightly ndomuudza zvese zvakandiremera. Zvebasa chaizvo zvaitonetsa kuita. It was around 11 when I called munhu one wandinotruster pasi pano. He was so quick to pick up the call achiti,
Reginald : Wangu......wadii? How is everything?
Me : Hapana chiri kufamba apa shamwari, I have made up my mind. I need to go and see Ashley nhasi chaiko.......in fact, ndiri kuda kutobuda izvozvi ndiende kubasa kwake.
Reginald : I'm happy that you have reached that decision, chandiri kungokumbira ndechekuti undimirirewo until lunch hour. We will go and see her together.
Me : Thanks man, so unouya nekunoku handiti?
Reginald : Sure man.
Conversation yedu haina kure kwayakaenda, ndakanzwa karelief mukati mangu but zvebasa zvakaramba......ndakatombozvivaraidza ndichitamba chess pacomputer and that again reminded me of Ashley, how she used to challenge me. Akazosvika sahwira wangu just after 1 pm ndokubva tatobuda using his car. Ndainyatsoziva kuti tinomuwana ariko kubasa kwake because lunch vanopihwa pabasa. Takasvikoparker muvisitors parking lot and yake mota ndakatoiona iri panzvimbo payo. Ndatobata door kuti ndivhure ndidzike mumota ndakamuona achibuda mubuilding but she was not alone. Akanga aine some tall guy who was holding her hand and iye aiita kuseka akatarisa that guy kumeso. The scene was just so heart breaking. Ndakanzwa misodzi chaiyo yave kuzara mumaziso mangu and I started breathing heavily. Mumwe wangu wandakanga ndinaye hapana chaaitomboona zvake. Akatonditarisa ndagara pasi and said,
Regie : Come on my guy......we can do this! Mind you we only have a few minutes to talk to her.
My voice came out ritori almost a whisper uku ndichitaura ndakanongedzera kwavaienda nako ndichiti,
Me : Ashley uyo .........she is happy with someone.
Mafambiro avaiita ipapo akanga asingakusiye uine mibvunzo mumusoro, zvaitongoonekwa chero nebenzi kuti vanhu vakanga vari murudo. Vakananga paVW Amarok yaipenya ichinyatsoonekwa kuti haina mazuva akawanda yabuda mumapepa. The guy opened the door for her and time yaakazofamba achienda kudriver's side kwake ndakaona face yake though akanga ari nechekure ndakaiziva but I could not remember kuti ndakambomuona kupi munhu iyeye. Vakatoita drive off isu takangogara mumota. Akandibvunza mibvunzo wakandisekesa Reginald kunyangwe ndakanga ndiri mukati memarwadzo asingatsanangurike. He said to me,
Him : Todii apa? Totevera here ......I'm sure we will get a chance yekutaura naye.
Me : Wanyatsoona zvandaonawo here Regie? She is in love and she is happy. Maybe this is how things are supposed to be.
Kwaingove kutaura hako nemuromo asi moyo waizhambira muridzi wawo. Akandipa ziso rakanga rakazara netsitsi and said,
Regie : Do you think so?
Ndakafemereka ndokubva ndataura zvekuzvisimbisa ndichiti,
Me : Maybe there will be another way, zvaizvozvi let her be happy.......this is all my fault Regie, I am the one who allowed the devil Lorinda to come between us.......
Ndakatadza kutaura zvese zvandaida kutaura ndave kungofemera padenga, kavision kake achiseka akatarisa face yemumwe murume kachiramba kubuda mumusoro mangu. I couldn't stop asking myself kuti kwavakanga vaenda ndekupi nekuti vaienda kunoitei. Takazobva pabasa paAshley paya lunch hour yave kutopera, handina kana chandakanokwanisa kubata muoffice mangu. I just spent hours ndakaisa musoro wangu padesk ndichiita replay the journey called love that I walked for so many years with Ashley. Zvairwadza and zvairema.......ndakazvituka ndikademba chandakanga ndambomurambira kwave kuzorangarira kuti I was protecting her from mhuka dzinoti baba vangu naOwen who were about to deep their claws in her flesh. Ndaingozvisimbisa ndichiti, "this is not the end of us" but chokwadi chaive paground chaive chekuti akanga atondibuditsa musystem make. She already had found my replacement.
LORINDA
Ndaifunga kuti two weeks dzakawanda when I started preparing for my wedding but hmmm, time does fly. Dai zvanga zviri zvekuti hapana wedding planner waisatombobuda zvachose muchato iwoyo. Chinhu chinongonzi mari zvacho chakanaka veduwee, zvinhu zvese zvinofamba zviri smooth kana mari iripo.
On Thursday evening takanga tave kubva kudance practice kuguesthouse kwataiitira mameetings and everything which has to do with the wedding with my sister when she suddenly killed my mood nemashoko ake anobaya moyo achiti,
Tendai : You surely have perfected your dancing skills but I am wondering kuti musi wemuchato wacho unenge uchitamba nani?
Me : Tendai please! Ko ukangogara nerubbish dzako idzodzo mumusoro mako nhai?
Her : It may sound like rubbish nekuti zviri kubva mumukanwa memunhu akamitiswa asina kubvisirwa mari sezvawakaitwa and asina kuchata sezvawave kuzoita but ukanyatsoita analyse my words une kachokwadi kauchawana mazviri.
Ndakaridza tsamwa iye ndokubva atoita reduce speed since ari iye aidriver. Akanga akatobatwa nemweya wekundisvotesa chaiwo nekuti akabva ati again,
Her : Saka munenge muchitsikana makumbo here nemurume asiri kuziva madances emuchato kana kuti munotongogara pasi mese isu tiri kuziva zviri kuitika topota tichimhanya nematwenty dollars tichiti bride ngaambotamba nebridal team yake pasina vakomana.
Ndakaita kunge ndichamusvipira kumeso iwo mate enhumbu anongogara akazara mumuromo mangu ayo. Chandakazongokwanisa kutaura mashoko ekuti,
Me : Ukarwadziwa neni haupore Tendai, kwasara two days chete.........ndiri kuzoipfekedzwa ring vavengi vakaita sewe varipo.
Akasimudza kabhodhoro kake keBrutal ndokubva adhudhudzira kwave kuseka zvechidhakwa chaizvo ndokuzoti,
Tendai : But what makes you so sure that Wayne will come kumuchato kwacho? Izvozvi uri kuti kwasara two days haasi kutomboziva kuti anenge ari best man wake ndiani kana kuti achapfeka suit yakaita sei. Zvivindi zvako ndazvitya unoziva. Pamwe pacho panongoda kuti munhu uite value yourself as a lady pausingadiwe wosiya. Nhumbu haina basa iyo, mwana anongochengetwa and ini hangu ndinoita believe kuti munhu wese ane wake. Unotozomuwana anokuda nemwana wako pamusoro unoziva.
Me : Haiwawo, kuzvisimbisa kwenyu kwamunoita mvana uko! Ukaona munhu wauya nemwana pamba pevabereki zvawakaita izvo ndiko kunonzi kufoira muhupenyu.
Akadaira achitoseka zvake achiti,
Tendai : Hoooo, saka kupassa muhupenyu kuroorwa murume wacho achingopedza kubvisa mari obva akutiza? Kuronga muchato nemukoma wemurume waunoti wako nababa vake ndiko kupassa ikoko. You don't have to be that desperate my sister. Vasikana vese vauri kuti mafriends ako avo vari kuperekedza muchato vari kutokuseka behind your back kuti uri kumanikidzira zvinhu. Iwewe uri munin'ina wangu handimbofe ndakakunzvenga. Ingoitawo pride semunhukadzi so woti handichada muchato wacho.
Ndakaguma ndanyarara ini munhu achiita kundifamba asina kana basa nekuti mashoko ake aindirwadza kusvika papi. Takanosvika kumba ndadumbirwa handidi kunyeba, munozviziva imi kuti kune chimwe chokwadi chisingangode kutaurwa, sure munhu kunditsvinyira kusvika pakuti ndikaita zvekutamba ndichachata nesuit yandakatenga munhu wandakatengera asipo. Mumba handina kuda kumboita zvekutandara nevanhu, I just told them that I was tired. Kana dinner yangu ndakavigirwa kuroom kwangu namaid, I needed to be alone, I needed to think of a way yekuita deal with my situation permanently. Nezvaaindiitira Wayne izvi akanga ave kundisiya ndisina imwe choice asi kutotsvaga n'anga chaiko......ndinonzwa vakawanda vachiti zvinobatsira.
❤️
👍
😂
🙏
😮
😢
138