L.T. MAHACHI NOVELS
January 31, 2025 at 09:34 AM
https://chat.whatsapp.com/G95gqVKg6Lu8XUDUhQnA5W FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : ECHOES OF THE HEART STORY BY L.T. MAHACHI O775O72O31 O77799O714 INSERT 12 ASHLEY Kunonzi kudhakiswa nerudo ndiko kwandiri kuitwa naMunyaradzi the angel of love. Hongu Wayne ndinombomufunga zvangu but in a different way. I believe chiri kuita kuti asabude mumusoro mangu inyaya yekuti he has been a part of me for too long. Munyaradzi knows how to treat a woman, he always has time for me, mazuvano kashoma kutoita drive myself to work.......most of the mornings anouya achinditora kumba onondisiya kubasa ozonoita zvekwake kubasa. Kana ari maramdom presents aya anongoita kuti munhukadzi usekerere haasi enhamo, he sends flowers to my office everyday. I am becoming an envy of many ladies kubasa kwangu. Of course Wayne aimbozviitawo hake apo neapo but pana Munyaradzi haakwane zvake......wega munhu unonyatsozvinzwira kuti uri kupihwa attention yese nemwanakomana. This Thursday he had told me that he will be going to Kwekwe kwaari kuda kunotanga imwe car rental but I was so surprised and happy at the same time munhu achisvika kubasa kwangu palunch hour ndokubva tatobuda ndave kuendeswa out for lunch. I had this strange feeling pandakagara mumota.......you know I felt like there was someone looking at me zvekuti ndakatombotarisa panze but hapana munhu wandakaona. We drove to my favourite restaurant ndangobatwa nekamwe kafeeling kekusanyatsofara so. I don't know why asina kuzvinoticer, or he just ignored it hamheno. Dzimwe nyaya dzaaitaura ndaitongodaira ndiri absent minded, honestly ini ndaisatonzwisisawo kuti chii chaiitika kwandiri. Nguva yatakanga tave murestaurant tichidya akataura about his birthday which was on Saturday in passing, ndiyo imwe home work yandakanga ndinayo mumusoro mangu iyoyo yekuti ndinotengera munhu present yakaita sei. Vanhu vane mari dzavo vanonetsa kani.......ndakatombozvituka ndega nguva iyoyo ndangofunga kuti if it was Wayne I would have bought him headphones for he loves music so much. Dzakatomboti endei kure pfungwa dzangu pakanguva ikako, his voice brought me back when he said, Munyaradzi : You are not eating sweetheart, you seem not to be ok. Istress dzekubasa here? Ndakatomunyebera kuti ndaive nepressure kubasa, how was I going to tell him kuti ndaitofungawo mumwe munhu asina basa nhai? Ndakashamisika achiti, Munyaradzi : Kana basa racho rave kupa mukadzi wangu stress tinosiyana naro. I just took it as a joke and laughed it out though munhu akanga ataura ari serious. Takapedza kudya ndokubva tabuda takabatana maoko zvakare. Tichangogara mumota asati aimutsa he reached for my lips with his and we met in a sweet kiss. Akasekerera ave kunyatsogara zvakanaka achiti, Munyaradzi : I have been dying to taste your lips nguva yese yatanga tiri murestaurant. I gave him a mischievous smile, akabva atora ruoko rwangu kwave kundibatisa the real him who was bulging in his pants kwave kuti, Munyaradzi : This is what you always do to me each time we kiss. Ndakatarisa pasi ndichiita kakunyaririra and he said, Munyaradzi : Kunyara zvinhu zvenyu here uku nhai mai Mariga? Ndakaerekana ndave kusekerera, kundidaidza kwaakaita achiti mai Mariga kwakaunza kamwe kavision so mumusoro mangu, kutoona ndatove nevana naye tiri a happy family. Men can be so crazy munoziva, regai pamwe pacho vachizombonzi vanoshandisa mafeelings kupfuura pfungwa. Munhu akanga ave kutonditi kumbira kubasa timboenda somewhere kunoita spend some quality time together mufunge henyu. Ndakaita brush off nyaya yake iyoyo ndichiti, Me : So what are we doing on your birthday? Munyaradzi : Ummm, I am flying to Victoria Falls with my woman tomorrow evening tonoita spend the weekend tiriko tozodzoka Sunday evening. It's going to be the best birthday ever. Ndakaramba ndakamutarisa iye achisekerera zvake achimboita achibvisa ziso paroad achindikandira ndokubva ndazoti, Me : With your woman? Him : Ehezve, with you ka nhai my queen......I was about to tell you, wazongokasika kubvunza. Ndakashama muromo so not sure of what to say, akatobva aseka zvake and said, Munyaradzi : You love surprises my love, so we are leaving tomorrow right? I nodded smiling, ndakanga ndisina kana reason yekurambira kuenda kunofadzwa nekudiwa. Who doesn't need a holiday inongouya munhu wakavarairwa zvako so? Hmmm, life yandave kuraramiswa naMunyaradzi yave yeimwe level. Takazonosvika kubasa kwangu tave kutoita discuss about maactivities atichanoita on his birthday. Ndichangogara muoffice ndakatobva ndabata phone and texted my mum ndichivaudza kuti I will be going for a workshop yekubasa weekend yese kuVictoria Falls. Papi pacho pandaizovaudza kuti ndiri kuenda kunoita celebrate birthday reboyfriend! Ndave kutanga kuda kuita zvebasa yakabva yapinda call from Thandi and I picked up nemufaro wese ndichiti, Me : Bestie wangu...... Her : Hesi dear how are you doing? Thandi : I miss you hey, ndambouya kubasa kwako ndikawana zvichinzi waenda kulunch. Me : Oooh, very sorry.....ndanga ndamboendeswa kulunch nadaddy Munya. Her : Great, so totozoonana on Saturday timboita catch up. It's been long sweetness. Me : It's been long sure hey. Ummmm apa totozoonana during the week. Weekend yese we will be out of town. His birthday is on Saturday so hanzi tiri kunoita celebrate tiri kuVic Falls. Thandi : Woooh, love is in the air chokwadi. Go and enjoy yourself and please don't forget to play it safe. Ndakaseka zvekurevesa chaizvo ndokubva ndati, Me : Ati tiri kunotamba game iyoyo ndiani? Akasekawo and said, Thandi : Saka uri kundiudza kuti muri kunoita book separate rooms here nhai dear. Kukwira ndege kuenda kuVic Falls kungonotarisana henyu? Inini doctor sahwira ndichatouya neprotection in case he does not bring some. Me : Thandi unopenga chete iwewe! She laughed out more louder and said, Her : Kuchengetedza bhururu wangu dear. Takasvika pakuita end the call tichingoseka chete. Hmmm, pamwe pacho ndinotombozvibvunza kuti ndini here ndave kurarama ndichifara ndisina bundu mumoyo kudai. Dai Munyaradzi asina kuiswa nedenga muhupenyu hwangu by now ndingadai ndave kupenga chaiko nestress dzekurwadziwa neten years dzehupenyu hwangu dzakatambiswa nemwana wekwaMapfumo. OWEN Wayne anozombooma zvake musoro kana ada. Ipapa kutaura chokwadi chaiko we are not even sure kuti anobudikira here pamuchato pacho iye munhu akangotiza musi wemarooro. Taitotaura nyaya yacho with my dad and the old man was as worried as I was. Kwaakanga atori panguva iyoyo tese takanga tisingakuzive, mdhara anoti akanga angobuda kumba in the morning but kubasa akanga asina kumbosvika zvake. Tichiri kutaura nababa vangu kudaro yakapinda call kubva kuna Lorinda and she sounded so much like munhu aitoda kuchema paphone ipapo achiti, Lorinda : Bamkuru maswera sei? Nhai Wayne ndomuwanawo kupi. Ndanzwa nekumuisira mamessages, phone yake haisi kuita, inenge itori off zvayo. We were supposed to meet marriage officer wedu in a few minutes tiri tese. I had to lie to her kuti adzikame ndichiti, Me : Pane emergency yaabuda kunoita attend to yekubasa, in about an hour anobatika. Lorinda : Better, ndanga ndafunga kuti atanga madrama ake. Ndave kuvaudza marriage officer kuti abatikana nebasa. Me : Sure wifey, don't stress yourself ok.......munotikuvadzira mwana wedu. Zvinhu zvese zviri kuzofamba zvakanaka. Akadaira voice rave nekakudadirira achiti, Lorinda : Thank you so much bamkuru. Ndanga ndatovhunduka ini aaah. Akabva achinja tone achiita kunge ane zvaakanga akanganwa achiti, Lorinda : And another thing, haasati auya kuzotora suit yake yemuchato. Ndakangodzungudza musoro ndega so kwave kuzoti, Me : Suit ndiri kuuya ndichitora inini wifey, iye kana angopedza zvebasa hazvichaite kuti arambe achingofamba. Munozviziva imi kuti mhepo dzinongosimuka chero muroad kana pane chakanaka chinenge chichida kuitika. Lorinda : Thank you so much bamkuru, you are just one in a million. Tave kuguesthouse so munouya ikoko, ndiko kwatiri kurara. Me : I will see you soon....... Takaonekana paya ndokubva ndaudza mdhara zvakanga zvataurwa naLorinda. Ndakatobva ndarongedza mapapers ataishanda nawo ndokubva ndavaonekawo ndichiti, Me : Regai ndiende kunotora suit yacho, tinoonana kumba manje manje. Pamwe anenge avekowo iye Wayne wacho tigombotaura. Dad : No, suit ndonotora inini. You have to be home early, ndiri kuzviziva kuti muri kunetsana nemukadzi wako nenyaya yakatangwa naiye Wayne uyu. Ukasvika late mukadzi haazonzwisise kuti wanga uri kupi.
❤️ 😂 👍 🙏 😢 😮 188

Comments