L.T. MAHACHI NOVELS
February 1, 2025 at 07:20 PM
https://chat.whatsapp.com/G95gqVKg6Lu8XUDUhQnA5W FROM 1 FOLLOW CHANNEL https://whatsapp.com/channel/0029VaFdnm1CXC3LOi24EY01 TITLE : ECHOES OF THE HEART STORY BY L.T. MAHACHI O77799O714 O775O72O31 INSERT 14 WAYNE Seeing her with another man was just something else, marwadzo acho haatsanangurike nemashoko nekuti akanga ari mukatikati. Zvakandirambira handidi kunyeba kuti ndiko kwakanga kwave kutopera kwerudo rwedu.........hazvina kureruka hama dzangu kuona munhu waunoda nezvese zvako achifara nemumwe munhu. On Friday ndakangobuda mumba early in the morning kwave kunaga kubasa kwake but I was told that she had meetings until lunch hour. Ndakabva pabasa pake kwave kunanga kwaRegie, he was also busy with meetings zvekuti handina kutombowana nguva yekutaura naye. Around lunch hour ndakadzokera again kubasa kwaAshley and chandakatanga kuona ndiyo mota yakanga yamutora the previous day. Vakabuda again vese vachiratidza kufara nekudanana. I asked myself kuti kwandaiita kwaive kumhanyisana nemhepo here or the guy was necessary panguva iyoyo in her life kuitira kuti ndimbogadzirisa zvipande zvangu. Wakadzimbirwa moyo wangu ndakatarisa mota yavo vave kuita drive off. I felt like a loser handidi kunyeba. Ndakadzokera kubasa kwaRegie ndokubva ndanomuudza zvandakanga ndasangana nazvo and akanditi, Reginald : If you guys are meant to be there will be a way, I think for now it's for the best ukamboita deal with what is in your plate. Usakanganwe kuti mangwana uri kufanirwa kuchata. Wave decided here? Hana yangu yakati bhaa kurova, he had just reminded me of imwe horror yakanga yakandimirira. Munoziva munhu unonzwa kunge une zvawakatakura so zvinorema chero wakagara pasi. Musoro chaiwo waitema........ndinosingonzwa vanhu vachiti stress inorwarisa, ndakanga ndisingazive kuti marwadzo acho ndizvo zvaari. Regie haana zvebasa zvaakatozoita that afternoon ave kungovaraidzana neni. Takabuda muoffice make after 4pm, tisina kure kwatakanga taenda he received a call from his aunt vachimukumbira kuti anotambira mwana wavo kuAirport aibva kuSouth Africa. Takatongobva tananga kuairport nguva iyoyo. Handizive kuti kwakanga kuri kuoneswa nedenga kuti Ashley haasi wangu here kana kuti ndakaiswa pressure ndikarasa treasure yangu ndisina kunyatsofunga. Ndakasangana naye zvakare Ashley nemunhu wake iyeye vatori nemaweekender bags vachitoratidza kuti vakanga vari parwendo. Ko vaimboona vamwe vanhu here ivo vakanga vari murudo zvavo? Ndakatadza kuramba ndichifambira kumashure kwavo ndikadzokera kumota kwangu. Dai kwakanga kusiri kuti we had used mota yangu tese naRegie ipapo angadai akawana ndisisipo. Ndakavhiringika kusvika pekupedzesera zvekuti paakangouya nemwana watainge tafambira I asked them to go and drop me home. Akanditi, Regie : So mota ndozouya nayo early in the morning tomorrow, handiti the program is on? Me : Yeah, the program is on.....zvekuunza mota usaite zvako pressure, I'm sure vakaronga zvetransport yavo inokwana. Regie : Cool man, so I will see you there. Me : Yeah, usaregedze kuuya, maybe you will learn something uchiona ndichizvisungirira....muhupenyu mune zvimwe zvinhu zvisiri zvekutamba nazvo. Akandicheukira so and said, Regie : Wazvipira here my guy, handiti unoziva how difficult it is to be granted a divorce? Me : I had wanted Ashley's opinion panyaya yacho but babe aenda shamwari. Nguva yandagara ndega munomu ndangozviudza kuti I will be doing it for my baby waakatakura iye Lorinda wacho. Akangondisimbisawo hake but naiyewo sahwira wangu ainyatsobaikanawo pamoyo, at some point akati...... Regie : In everything that is happening I feel like I somehow betrayed you. I forced a laughter and said, Me : Don't feel bad shamwari........ndakapinda pasingapindwe and I am now facing the consequences. Reginald : You were so drunk musi uya, dai ndakaramba ndiri by your side nothing like this would have been happening.......haaaa, munhu unoshaya kuti wonyatsoita sei chaizvo. Chimuchato icho changa chisiri kufanirwa kuitika mhani! Me : Usanyanyozvirwadzise wangu nekufungisisa, inini ndasvika pakuti hamheno, chero zvazvaita. Ashley is happy......her happiness is more important than mine. Ndini ndakabhaiza as I have said. Ndakatobva ndachinja nyaya paya ndave kutobvunza mpfanha watakanga tinaye dzekuchikoro kwaaibva. I was then dropped pagate ndokubva ndapinda paden. Vabereki vakanga vakagara musitting room but hapana aitaura nemumwe. Vakanditarisa baba vangu and ndakaona relief mumaziso mavo. Ndaifunga kuti vachapopota nekuda kwekusabatika kwangu zuva rese but vakatotaura vachiita kunge vaindinyengerera vachiti, Him : Thank God, you are finally home. Suit yako yavepo pano.......you need to fit it now tione kuti hapana pari kuda kugadziriswa here. Vakatobva vaita lead me to my bedroom vachitoita kunge vachandipfekedza chaiko. The suit was a perfect fit and yakanga yakanaka. He smiled in satisfaction vakanditarisa. Ndakavabvunza ndave kukurura ndichiti, Me : So ndiri kudiwa nguvai kumuchato kwacho? Him : Everything starts at 10, by 9 tese tinenge tave kubva pano, don't worry about anything, everything is in order. Ndakangogutsura musoro ndave kudzosera suit iya mubag mayo and hanged it in my wardrobe........kwandiri yakanga isiri suit yemuchato, yaitove uniform yekupindisa nayo mujeri chaiyo. LORINDA Ndega ndakashamisika when I woke up on Saturday ndichitanga kutaura mashoko ekuti, "Mwari handina zvakawanda zvandiri kuda kwamuri.......chikumbiro changu ndechekuti Wayne auye kumuchato nhasi, zvimwe zvese zvinozoitika kumberi ndinozodealer nazvo ndega." Ndakatovhunduka kuti ndakanga ndataura zita raMwari. Zvekunamata kutaura chokwadi ndakazviguma ndichiri kuHigh School kuKwenda Mission uko kwandakazoenda ndave kunodzokorodza form four. Isu kwedu kumba takangokura tisina kuchurch kwatinoenda zvekuti mazuva andakatanga kusvika kuMission ndakatomboomerwa nehupenyu. My prayer was answered hamawee, I could not hold my tears when my father walked me down the aisle ndichimuona akamira kumberi kwevanhu vese. Ndakaita kunge ndichasvika ndichimumbundira ndichiti thank you pamberi pevanhu ipapo. Zvekuti akanga akangomenya serious asingabuditse kana zino handina kumboita shungu nazvo, presence yake ndiyo yakanga yakakosha. Haaa vanhu vaifara kani, mhururu nemiridzo zvichitsva. Yakazosvika nguva yekuita exchange vows, we were asked if we had prepared our own, iye akangodzungudza musoro and inini semunhu akanga ave nemazuva achiita practice ndakagutsura musoro ndichisekerera. I was telling myself kuti pamwe ndikamuudzawo how much I love him pamberi pevanhu anondipawo kapiece kadikidiki kemoyo wake. Ndakatambidzwa mic ndokubva ndamutarisa kumeso iye akatarisa zvake pasi. Ndakaita kakugadzirisa voice rangu ndokubva ndati, Me : I love you with all my heart, and I promise to love you forever. I promise to be your wife, best friend, and partner in life.I promise to be your biggest supporter, and to help you achieve your goals.I promise to be honest and open with you, and to never break your trust.I promise to make the most of every moment with you. I promise to be there for you, whenever you need me. I promise to be your partner in crime, and to grow old with you. Ndakafadzwa nenoise yakaitwa nevanhu pandakapedza kuudza mwana wekwaMapfumo uyu madiro andinomuita. Ndaifunga kuti achanzwawo manyukunyuku akatambanudza face yake but akatowedzera kuisunga. Ndakazotaura zvakare mashoko andaiteedzera marriage officer anove aakateedzerawo iye. Akandipfekedza ring and ndakashaya pekubata yave nguva yekuti ndichimupfekedza yake. Yakaramba kupinda muchigunwe chake zvachose ring iyoyo, yaitove diki zvayo. I tried to force it ndokubva atotaura akadhinhiwa achiti, Wayne : Iwe, uri kuda kundityora chigunwe here? Marriage Officer vakatozvinzwa mufunge kwave kudzikisa musoro wavo vachitizevezera vachiti, Him : Ko makanga musina kunotryer ring here, honai vamwe vave kutosimuka kuti vanyatsoona kuti chii chiri kuitika. I was so quick to respond ndichiti, Me : This jewelry shop so ka.......we tried, they were delivered yesterday and hatina kumboita pressure takangoti zvinhu zvese zviri right. Vakagutsura musoro ndokubva vazevezera vachiti, “mozongopfekedzana kana manotora the right size”.......akatobva aita kunge pakanga pasina chakanga chaitika achiti, Him : Shoko raMwari chairo rinotaura kuti he who finds a wife finds a good thing, Wayne azviwanira chinhu chakanaka chaakasikirwa naMwari. Honai mhuri yatangwa pano nedenga nhasi, hanzi chanyorwa pasi nekudenga chinenge chatonyorwawo. Vakaita noise zvakare vanhu ndokubva vazoti, Him : With the powers vested in me, I pronounce you husband and wife. Wayne, you may kiss the bride. Akaswedera closer to me akasunga muromo wake kunge munhu akanga akafunda mvura. Ini ndini ndakatofirira kuvhura wangu iye achiita kunge munhu akastroker zvake. Takachizobva tanosigner bepa raizomuita munhu wangu kwehupenyu hwese. Ndakanga ndaibata hove yangu kuti dzvii.......pamutemo wenyika akanga ave murume wangu asisabvumirwe kudanana nemumwe munhu!
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 219

Comments