Miss Novels T.N Bvaru
January 29, 2025 at 02:04 PM
*THE BURNING SOUL*
๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ๐ฎ
https://chat.whatsapp.com/DGaka0X9kuxDSpZzy0GqAy
*NEW BOOK ๐*
*BOOK NUMBER 18... 2025 PRODUCTION*
*Uchida maprevious books angu follow my WhatsApp channel below unomawana ikoko kusanganisira nerino ririko pinda muchannel usarasikirwe nezvinyora zvaMasibanda TN Bvaru*
https://whatsapp.com/channel/0029VaW1LOK6buMR2Kifdq2G
*For comments click link below*
https://chat.whatsapp.com/KNx1kkMnqFCES6xYch0tbj
By
Authouress
*Miss ๐ T.N Bvaru*
*Lioness*
*Contact*
0๏ธโฃ7๏ธโฃ7๏ธโฃ9๏ธโฃ5๏ธโฃ7๏ธโฃ4๏ธโฃ7๏ธโฃ6๏ธโฃ6๏ธโฃ
*Based on true life events*
*Read comment and share pliz*
*Chapter 10*๐
*Narration*
Mai Chimhuka havana kuda kuzononoka kuenda kumagunje vakabva varara vachirongedza mangwana acho makuseni vakamukira vachibva vanobata bhazi rekutanga pambare rekuenda kumagunje, vakatofonera Mr Chimhuka vava mubhazi vachivaudza kuti vainge vava kuuya. Kumba vakangosiya vana vachibva vazofona kune muninina wavo aigara muharare imomo kuti aende kumba kuvana ivo vainge vabuda. Bhazi rakasimuka ronanga kumagunje Mai Chimhuka vaingodemba kukasira kusvika kuti vanoona zviri mberi asi vaisada kuonekwa kana nehama dzaSimbarashe vaitya kuti nyaya yavo yavakavanza inozobuda. Muroad mese vaifonerana nemurume wavo kusvika vasvika vakusvika vakabva vafonera murume wavo kuti auye kuzovatora parank, Chimhuka akabva anopinda mumota make ndokuenda kurank kunomirira mukadzi wake bhazi rakazosara rosvika iye atovapo kare. Mai Chimhuka vakabva vadzika mubhazi ndokutoona paiva nemota yemurume wavo vakabva vatonopinda mumota muya. Mr Chimhuka vakabva vamutsa mota vonanga kumba kwavo nemukadzi wavo, vasvika kumba vakabva vadzika ndokupinda mumba, maziso amai Chimhuka aingomhanya mhanya kutarisa kuti pamwe pane pavachaona chinoratidza kuti mumba mune munhu wechikadzi asi havana chavakaona vakabva vagara zvavo murume wavo achibva adzokera kubasa. Mai Chimhuka vakasara vari mumba vakagara zvavo murume wavo achienda , vasara mumba vakatanga kutsvaira tsvaira zvavo vepedza vakabva vatanga kubika sezvo zvese zvaivamo mumba . VaChimhuka vakazodzoka kubva kubasa zuva rava kuda kudoka vasvika vakabva vaona zvese zvaitwa vakasvikodya vapedza vakabva vati "Ndiko kumagunje kwamai ramba kuuya kuno", Mai Chimhuka vakabva vati "Ndakuona ndakukuziva", Mr Chimhuka vakabva vati "Maziva chii musati Mambo famba famba kuti muone kuti magunje yacho yakaita sei",, Mai Chimhuka vakaita kakurohwa nehana vachinzwa vaChimhuka vachidaro vakabva vati " Handisi kuda zvekufamba famba ini ndakuda kuto dzokera kumba kwangu mangwana", Mr Chimhuka vakabva vati "Mogoti masvika kuno chii kana musina kana kumbofamba muchiona nzvimbo", Vakataura vachisimuka vachitora Makeys avo emota patable ndokubva vatanga kufamba vachienda kumota , Mai Chimhuka vakaona kuti varambe vachiramba zvaisaita vakabva vasimuka ndokutevera kumashure kwemurume wavo vakabva vanopinda mumota. Mr Chimhuka vakabva vamutsa mota ndokutanga kufamba vakabuda gate vakananga side remashops mugrowth point chaimo. Muroad mese vaitaura nyaya sezvo Mr.chimhuka vaiita kunanaidza mota yavo vakatenderera vachiona malocation ese Mr Chimhuka vachitaura kuti apa ndopanonzi pakati sezvo vaisaziva kuti mukadzi wavo anoziva magunje inn and out, Mrs Chimhuka vainge vari zii zvavo vasingataure vachingoona and havana kuda kuratidza kuti vanoziva nzvimbo dzese dzavaiudzwa , vakatodarika nepadhuze pemba yana simba vakatoona kuti apo asi paiva Pati sakarei pamba pacho havana kuda kuramba vakatarisa ikoko. Vakatenderera kwekanguva kusvika vakuti vakudzokera kumba , vava muroad kuenda kumba vakabva vaona musikana wechikidi aifamba muroad kumberi kwavo asi mafambiro ake aiva akafanana neShelly first born yavo yavakaita naMr Chimhuka vakabva varamba vakamutarisa hana yavo yakarova as they drove closer to her , pavakamudarika vakabva vamutarisa nepaview mirror asi vakaona senge Daisy mwana wavo kuti vamise murume wavo zvakaramba ivo vachimuka vakabva vatowedzera speed Mai Chimhuka vakaramba vachicheuka kusvika vachimuka vaizobvunza kuti "Asi unomuziva here musikana uyu kubva wamutarisa kudaro uchiita kudongorera",, Mrs Chimhuka vakabva vati" Handimuzive ndanga ndamuziva rinnhi ini ndauya kuno nhasi ", Mr Chimhuka kwangovawo kubvunza asi naivo hana yavo yakarova nekuti vakaziva musikana uyu ainge ari Daisy so pavakamuona vakabva vawedzera speed kuti iye asatombovataudza. Vakabva vaenda kusvika musikana uya asisaoneke asi Mrs Chimhuka suspected kuti that was Daisy her daughter asi nekuda kwekuti vaisada kuti vaChimhuka vaziva chinhu she ignored her even kumubvunza kuti ndiye here. Hana yamai Chimhuka yakazotanga kurova vakufunga kuti vaChimhuka vainge vaona Daisy ndosaka vakabvunza kuti une hama kumagunje here , asi hana yavo yakazogadzikana vakuziva kuti hapana chavainge vaziva yet. Vakazodzokera kumba zvavo Mai Chimhuka vachibva vakugadzirira kudzoka kuharare vave kuti vasiya vana vainge vagutsikana kuti vachimuka vaigara vega kumagunje hana yavo yainge yagadzikana. The following day Mai Chimhuka vakabva vamuka vachidzokera kuharare kuvana vavo vachisiya murume wavo ariko kubasa.
*Mai Hailey*
Mai Hailey vakaswera day rese vachifunga kuti vachaona Daisy asi havana kumuona kana , kusvika time dzavo dzekuvhara musika dzakwana vakabva varongedza ndokuenda kumba , vakasvika kumba madoor akavharwa mwana wavo Hailey ainge adzoka kubva kuchikoro asi asipo pamba akabva kuchikoro achibva aenda kunotamba zvake pamba pasina kana chaitwa achitamba kuma next door akatozouya pamba anzwa kudaidza kwaaamai vake , paakasvika vakabva vati "Uri kutamba sure mumba makazara tsvina kudai maplates chaiwo hauna kusuka pamba pari kuda kubikwa",, Hailey akabva ati " Daisy achauya achiita zvese",, amai vake vachibva vati "Uri kumuona kupi Daisy wacho wauri kutaura, tsvaira mumba ndiite zvekubika", Hailey aiva ajaira kuitirwa zvese naDaisy akatoona kunge kunzi tsvaira mumba kwaiva anzi aite raiva basa guru chairo , akaita akatsamwa uku amai vake vachiiita rimwe basa remumba vaiita vachingopopota vakazopedza basa remumba nguva dzaenda vakutanga kuita zvekubika sadza , sadza rakazodyiwa time dzafamba vanhu vazhinji vatorara mudzimba dzavo. Mai Hailey havana kumboita simba rekutsvaga kwaiva kwakaenda Daisy zvekuti vanhu vavakidzani vavo hapana akaziva kuti Daisy haapo pamba apa. Asi kuita vega basa kwakavarwadza sezvo vainge vajaira Kushandirwa naDaisy . Kana ari sa Hailey akarwadziwa kuti mangwana makuseni aizvimukira kuisa mvura yekugeza pamoto iye aiva ajaira kuisirwa naDaisy mumoyo make aingoti dai Daisy adzoka zvake amuitire basa asi Mai vake vainge vasina kana basa nekudzoka kwake vaitoratidza kuti havasi kufunga nezvake.
*Daisy*
Daisy achibva pamba pa Despa akafara zvisingaite akafunga kudzokera kumba kwatete vake asi akazofunga kuti akadzokera anogona kunotorerwa Mari yake zvekare zvakaitwa naHailey akabva amira achifunga kuti oita sei , chakatanga Kuuya Mufungwa dzake kutsvaga pekugara akatarisa mari yaaiva nayo akaona ichimukwanira Kutsvaga pekugara sezvo marentals mumagunje imomo aiita ma20 US dzimwe ma15 dzisina magetsi, akabva atopinda muroad akutsvaga pekugara akabva awanawo pamwe pamba paiva pasina kunyanya Kunaka zvapo akabva abhadhara ndokusara neimwe yaaida kuzohodhesa zvepamusika sezvaaitengesera tete vake. Pamba apa aiva asina gumbezi zvaro rekufuga asi haana kuita basa nazvo chaaida ndepekuisa musoro achiona zvaizotevera mberi. Akazopedza day rese ari pamba apa akazosimuka zuva rakudoka akuenda kumashops kunohodha zvaaida kutengesa the following day, ari munzira kudaro akabva aona mota yababa vaya Mr Chimhuka ichitevera kumashure kwake haana kuda kuvamisa akaramba achifamba payakamudarika ndopaakaona mumota mune umwe munhu aivamo mukadzi, Daisy akabva aziva kuti ndivo mukadzi waMr Chimhuka , vakamudarika akaramba achifamba neroad kuenda kumashops, ava kuda kusvika kumashops akabva adarikwa neimwe mota, yamudarika yakabva yaslower down kumberi kwake akabva aifananidza neyakamuflasher malights the previous day paakavhunduka achibva azofunga kuenda kumba kwaChimhuka. Mota Iya yakaslower down asi haina kumira yakabva yatanga kuenda asi Daisy haana kuona vanhu vaiva mumota umu kuti ndivanani. Akasvika kumashops ndokuhodha zvaaida kuhodha ndokutanga kudzokera kumba kwake Kuya achifamba zvake zvishoma nezvishoma nemunhu ainge asina chaaimhanyira.
*Despa*
Despa paifunga ari mumota muya akabva afonerwa nefriend yake yaigara mumagunje imomo ichiti yasvika pagate, akabva aiti ipinde shamwari yake iyi yainzi T one , paakapinda akawana Despa akagara mumota akabva ati "Despa why kuita low my guy", Despa akabva ati"Hapana hangu kutofizuka neweather yekuno inopisa kudai ", T one akabva ati" Apo iwe haurove mabeers ndopandino bigger munhu anorova mabeers kana zvibhodhoro anonakidza kuswera naye ,kwete iwewe wemagrocery unobhowa iwe, sometimes I wonder kuti takambonyatsowirirana papi ", akadaro T one achiseka Despa akabva ati" Iwe ndisiye pane wandarambidza kudhakwa here ", Akataura achibvisa makumbo ake padash board paainge akamaisa achigara zvakanaka, T one akabva apinda kumashure ndobva vatanga kuita nyaya kusvika time dzaenda. Despa haana kumboda kuudza T one Nezva Daisy. Rakazoti zuva rakuda kudoka Despa naT One vakabva vabuda vachienda kumashops nemota , Despa ndipo paakaona Daisy achibva aslower down achibva ati kuna T one", Musikana uyu ndambomuona asvika kumba kwangu masikati achitsvaga mapart time but her face wasn't knew to me ndiri kushaya kuti ndakambomuona kupi ",, T one akabva atarisa Daisy ndokuti" Wakanganwa here she is the one wawakaflasher nemalights emota nezuro paya kuma past 8 uchiti maybe she needs help ndikazokuti hande uchida kumira ", Despa akabva ati", Yaa mhani ndanga ndichishaya kuti ndakamuonepi I don't think kuti all is well with her ", T one akabva ati", "watotanga Despa hugood Samaritan hwako zvimwe zvinhu siyana nazvo let's go", Vakabva vadarika ndokuenda kumashops Despa akabva atenga zvaaida T one akabva asara ariko semunhu aida zvekunwa beer Despa akabva adzoka kumba ega, ari muroad akabva aona Daisy asati asvika kumba aiva achiri muroad achifamba zvake low low, akabva adriver ndokusvika paari akabva amisa mota yake paside pake achibva adzikisa windo remota yake.
Stay tuned
Masibanda loves you.
โค๏ธ
๐
๐
๐ข
๐ฎ
๐
348