TANYAE NOVELS
February 2, 2025 at 02:56 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaLyIpj6WaKwHjQ9g71Z HIRED HUSBAND Written By Tanyae +2637832959⁴⁶ +2637123166⁶⁷ Chapter 11 Isabella "Rega ndiyende dzatova 14:02." "Totaura paphone. Be safe and keep updating me handiti? We might come visit pa weekend kana Eric akabvuma." "Okay umhorese Bamukuru for me," she said achisimuka ndikasara ndichisimukawo. I watched her ndamira pamusiwo kusvika ndisisamuone kwave kuzofamba ndakuendawo kubasa. "Ndapedza basa daddy," ndakatumira Eric iri message ndapedza basa. Zvekuti daddy in person ndanga ndisati ndatozvijaira. Haana kudaira akazofona auya kuzonditora ndikanzi,"Mota unayo inosarirei kumba?" "Maswerasei?" Ndakabvunza ignoring zvaanga abvunza zvikanzi,"Hesi." "Takuenda kumba?" I asked zvikanzi,"Yes unless une zvimwe zvauri kuda." "Hapana," ndakadaro zvikanzi,"Isa seat belt. That's the first thing you should do uchipinda mumota." Ndakaisa chinyararire akambo driver kusvika nda connector Bluetooth ndikatanga kuridza music paphone pangu. Akangodzikisa volume silently and handina zvandakataura nekuti I wasn't even in the mood of arguing naye. Ndaitonzwa kuti dai abika futi patakasvika but I decided to do it on my own ari ku bedroom. Kubika hangu ndaigona ndakapedza asina kana kubudikira ndikaita wekuteera. Ndakasvika ari paphone achiti,"Ingondiudzai date chete ne location ndokuonai." When he hung up ndakabvunza ndikati,"When will I see your family? Your brothers to be precise." Akaita seaifunga akanditarisa ndokuzoti,"When the time is right." "Ndapedza kubika," ndakadaro akati aiuya. Akauya tikadya and he was back to being quiet. Semunhu aiziva whatever that was going on handina kuda kuita makwikwi naye nema moods. Ndakatomuisira mvura yekugeza apedza kudya. "Ko ndati ndirikuda kugeza?" He asked achitorakidza kuti zvekugeza zvaisave muma plans ake ndikati,"Ndini ndirikuti ugeze saka hausi kuda?" "Handina kuramba," he said ndikati,"Chienda unogeza." "Inga zvakandiomera," he complained asi achisimuka. Paakabuda ndakaendawo kunogeza ndapedza ndikamuwana ari kwemazuva ese. Ndakaita zvandanga ndaita the previous night zvekumirira dzamara tazonorara. He allowed me to lay my head on his chest tikarara ndaitoti akada kundibvisa ndobva ndaswedera kusvika asvika ku edge kwebed otoona kuti haasisina kwekuenda. Ndozvandanga ndakuita mazuva acho dzamara akasiya katsika kake kekupota achindivhara achienda ku office akungonanga kunorara. Tanga takutombopota tichitandara tichitotaura nyaya nekuseka. Eric wandanga ndakajaira anga akuita achidzoka mbijana mbijana asi zvaive nenguva nekuti aingoerekana achinja obva aita crawl back into his shell. Nami ndiye aipota achindipusha ndichipiwa ma ideas. Ndanga ndanzwa nekunzi huya utore hembe ndichingoti ndichauya zvekufamba ndakashama ndainyara. "When is your next appointment with the doctor?" I asked umwe musi takarara zvikanzi,"In two weeks." "Toenda tese ka?" Ndakabvunza ndichitambisa ndebvu zvikanzi,"Toona." "Hausi kuda," ndakadaro zvikanzi,"Handina kuramba." "Saka sei usina kungoti toenda?" "Toenda," he said ndikati,"Zvekuramwa here?" I moved kwa kwave kuita kuti ndimutarise kumeso. "Chirara," he said achibvisa maziso pandiri ndikati,"Handina hope." He cleared his throat ndikati,"So you don't even feel like kissing me? I mean I understand kuti maybe you might be struggling with erectile dysfunction but ko kiss?" "Ndambokuudza kuti chirara wakutaurisa." "Ndirikuda kunzwisisa," I said zvikanzi,"Why would I give you false hope?" "What is that supposed to mean?" Ndakabvunza zvikanzi,"Mafeelings ako anosimuka of which I can't perform husband duties....yet." "But handiti zvogona kuita here?" Ndakabvunza zvikanzi,"Ndokumbirawo urare." "No ndirikuda kutaura newe." "Possibility yekuita iri low Isabella that's why I'm avoiding it." "Zvikaramba ndonzwisisa asi handinganzwisise if we don't try." "Do you think this is joke? Do you think i don't want to make my wife a woman? Do you think I'm not struggling too?" "Handina kudaro," ndakadaro zvikanzi,"You know what get off me. If you cant be patient with me then i shouldn't have told you." Akabva atoburuka pamubhedha atsamwa akabuda mu bedroom. Ndakasara ndichiita sendichachema regretting zvandainge ndatanga. Ndakafamba ndichimutsvaga ndikamuwana mu kitchen achinwa mvura. Akacheuka ndapinda kwave kuisa glass mu sink zvikanzi,"I'm sorry ndanga ndisiri supposed kutaura newe like that. This whole thing is overwhelming sometimes ndoita hasha." "I'm sorry i brought it up," ndakadaro zvikanzi,"You have a right to. Ndokumbirawo undipewo time okay?" Ndakagutsurira musoro ndikanzi,"Good now let's get to bed." Takadzokera ndokurara kwatakazoita. Patakazodzoka kubva kubasa the following day he brought cards zvikanzi,"We play five games ano looser ndiye anobika." I giggled ndikati,"Yes deal." "Mangwana you will come up with something." "A game?" Ndakabvunza zvikanzi,"Yes something like that otaura ma conditions ako." "Looking forward to that," i said feeling excited already. We took turns pakugeza kwave kuzotanga kutamba ma cards aye and he won. Ndakaitisa nharo ndikati,"Wauya nawo knowing kuti unomagona. How can you win four games babe aiwa wabirira." He laughed zvikanzi,"Ndanga ndichingotamba zviri clean wani?" "Kunyepa waviga amwe tione simuka." Akaramba ave kuseka ndikati,"Ndakubata simuka Eric shaa. Haaa kana simuka tone waviga. Tone pasi pe carpet." Takatanga kunetsana ndichizama kumuita kuti asimuke which somehow landed me on top of him. We were both laughing and i was trying hard kuti amove. Ndakapedzesera ndaneta ndakufemereka and rested paari ndikanzi,"Chibva." Ndakaramba ndikanzi,"Isabella ibva pamusoro pangu." "Tanga wasimuka," i said ndaisa chirebvu on his chest ndakamutarisa kumeso. Akaita a few seconds akanditarisa kwave kuzotarisa kuside zvikanzi,"Move so that i can move." Ndakaramba kusvika azomuka zvakadaro. Paakakwanisa kugara ndanga ndamugarirawo akasimuka neni and i wrapped my legs around him ndichiramba kudzika. "Chiburuka ubike," he said ndikati,"Nooo!" Hugging him tight zvikanzi,"Chiburuka mukadzi wangu ubikire murume wako chikafu ane nzara." "Mmmm," i murmured squeezing him kwave kuzomuregedza jumping down. He shook his head ndikazobva paari ndave kunobika. Following day i bought a chess board in town knowing i was good with chess. Akaseka aiona zvikanzi,"Watodzwa kare iwe what are the conditions?" "If you loose you will cook week rese. We're playing two games ikaita draw then we will cook tese." He chuckled zvikanzi,"Gladly." Ndakamukunda twice and the whole week rakapera ndichibikirwa zvinonaka. He didn't even complain and ndakaona kuti finding different games to play everyday zvakaita kuti tive close unlike zvatainge tiri kumashure. We would laugh and talk, take turns in choosing movies to watch everyday after work. He was no longer going to his office before sleeping chero hazvo ndaimbomunzwa achimuka sometime manheru achienda ku bathroom. Kwa Doctor akazongondiudza kuti anga aenda akandiratidza ma papers acho ndaisatozvinzwisisawo that's why i didnt pay much attention to it ndiye aitotsanangura kuti zvaizofamba sei. Pandakazokwanisa kusangana na Namatai ndakaigirwa kabag zvikanzi,"Unovhura wakumba but kana urikuda kunyara vhura izvezvi." Ndakadongorera ndikati,"Tuma lace twei utwu?" "Night wear for daddy." "We're not consumating our marriage Nami hazvisi necessary." "Did you find out if mushini uchiri kushanda?" I ignored her kwave kunwa juice zvikanzi,"Ooh my God you didn't. Everyone my sister has been married for three months and she's still a virgin." "Wakakwana here iwe kwana mhani we're in public." Akanditarisa ndikati,"He doesn't want. He's afraid it might not work." "Hanzi inorwadza?" "He never said that," ndakadaro zvikanzi,"Dai yairwadza waizviona. If he doesn't want make him want you. Wearing this is the first stage. Haaa kana apa hazvikone. Iwewewo wacho unodhuva kuzonyara Isa. Pota uchigara pamakumbo nekuzembera zemberawo. Ruoko rwomborasika tichiendawo pamakumbo." "I think we're done young sister bhadhara bill," i said ndichigadzirisa pahuro zvikanzi,"Let's bet. Ukateedzera zvandikutaura then mwedzi opera asina kukupa kiss kana kukubata i give you 100 bucks. If I'm right you gimme 100 bucks. Well maybe he might fail to do the deed due to his condition but he will definitely fall into temptation. Ngatibheje " "Fine," ndakadaro zvikanzi,"Deal." End of chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 🔥 🇪🇸 🍇 🎉 581

Comments