TANYAE NOVELS
5.9K subscribers
About TANYAE NOVELS
TANYAE NOVELS WhatsApp /calls +263783295946. Psalm 73:26; My strength and heart may fail but God is the strength of my heart and my portion forever ๐
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
*Vanoda kutangira pa1 teverai channel ino munowana ma chapters ariko. Kugarira Ku channel kwakanakira kuti ndiko kunotangira kusvika book.* https://whatsapp.com/channel/0029VaLyIpj6WaKwHjQ9g71Z NDIYE WANDAKADA Wriiten By Tanyae O712316667 O783295946 Chapter 20 Chenge Ndakamuka ndichinzwa kuti body yangu yakaneta kare. Semusana wanga usati wapora asi ndakavavarira. Tete vanga varipo vakandibatsira basa makuseni. Pakamuka Mama vakandiwana ndichihora marara andainge ndaunganidza panze vakafamba kusvika padhuze ndikavamukisa. I was surprised nemadairiro avakaita ipapo vaisidaira zvekuti zvivabve asi vakadaira vakateramira. Tete vakabuda time idzodzo vachiti vakunotsvaga chingwa. Zvavakataura ndizvo zvakazoita kuti ndione kuti sei vanga vataura vakadzikama. "Ndanzwa mudumbu nhasi husiku zvino ndazosara ndomuka zvatoshata. Ndokumbirawo kuwachirwa magumbeze acho atokanganisika." Ndakashama kwave kuramba ndakavatarisa after a while ndokuzoti,"Okay " "Otongowachira mutub yemu bedroom ukadzamara wabuda nawo magumbeze acho imba yese inganhuwa kuti kutu." "Okay," ndakadaro kwave kubva vafamba kuenda ndikasara ndakamira. Ndakapedzesa kubvisa marara kwave kuzonopinda mukati. I knocked on her door vakavhura zvikanzi,"Ndatoona kuti ndikati Mira aite haangambochene. Uzoisa sta soft asare achinhuwirira." "Okay," ndakadaro kwave kubva vanogara pamubhedha. Ndakavatarisa neziso kwave kusimukira vakasura vakaridza tsamwa zvikanzi,"Kutonzwa kuda kuita magoo chaiwo mudumbu macho hamusi kuita hameno kuti ndakadyei. Arimo mu bathroom umo." Ndakanopinda mu bathroom ndikaona ma blanket acho akaita zvekumonererwa. Imomo ndomaiva neyese manje ndakavanzwa vachibuda ndikabuda ndakunotsvaga ma plastic. Ndakawana echingwa ndikapfeka mumaoko ndikadzokera ndopandakavhura kunodai kuwana magumbeze akanamira madhodhi. Apa remunhu mukuru anodya all kinds of food rinoita kunhuwa zvekurevesa. Ndakaita rekubata ndikananamura nemaoko ndichikanda muchamber. Aisave manyoka akaita mvura asi anga akanamira nemagumbeze. Ndapedza kubvisa ndakaisa stopper mutub ndikavhurira mvura kwave kuzomaisa imomo ndikadira safe. Ndakatanga ndawacha panga panamira pacho ndapedza kwave kuzomasanganisa. Handina kumbotora nguva yakareba ndanga ndatopedza kwave kudzumburudza ndikasvina. Ndakazoisa imwe mvura yakachena kwave kuisa sta soft ndikadzumburudza futi. Ndaka flasher chamber ndikabva ndatongoikwesha ne domestos nekucleaner bathroom yese mukasara mane mweya urinani. Ndapedza ndakanoyanika panze ndopakadzoka Tete ndichitori panze zvikanzi,"Ko imi haasiwo ma blankets amakawacha musiuno here aya?" "Anga ane tsvina," ndakadaro zvikanzi,"Tsvina nguvai nhai maiguru!" Handina hangu kuda kutaura zvakawanda vakafamba vachinopinda mumba ndikasara ndakamira. Ndakasvipa mate anga awanda mukanwa mangu andanga ndakachengreta kwave kumhanya ndanzwa kuda kurutsa. Ndakanorutsira padhuze ne durawall kusvika mbabvu dzave kurwadza idzi ndikafushira. Ndakazofamba kunopinda mumba ndikanorara after ndakwesha mazino ndaitonzwa kufizika kunyangwe Tete pavakati ndidye ndakaramba ndainzwa kuti appetite handina maybe yaiva nyaya yetsvina yandanga ndabata yanga yave kundisvota ndanga ndakutotadza kana kumedza mate. "Hamunawo ma mint?" Ndakabvunza Tete vakati,"Handina ini ndine ma buble gum chete." "Ndokumbirawo," ndakakumbira vakanonditorera. Ndakatanga ndatokwesha mukanwa ndikazokwanisa kuwadya ende ndakabva ndatorara. Ndakapeputswa me voice ra Tembo randakanzwa richitaura. Vanoratidza kuti vaitaura naMama nekuti ndakavanzwa vachiti,"Dai mataura ndapinda mu pharmacy manje motongotuma vana venyu ivava. Ipapa ndiri pabasa handichatokwanise kudzoka kuno." Hameno kuti Mama vakatanga vatii ndakazongonzwa part yekuti,"Ko wave kuendepi ndichitaura newe. Ko plastic racho rawakabata rineiko ndatoti nderangu ini." "Siyanai nazvo Mama harisi renyu," ndakavanzwa vachidaro ndikazonzwa kuvhurwa kwedoor. Vakapinda vakabata plastic zvikanzi,"Hanzi hausikudya?" "Ndezvanhasi chete ndanga ndakaguta ini," ndakadaro ndichishama n'ai. He looked around zvikanzi,"Kugutei iwe usina kudya?" "Ndanga ndisina appetite," ndakadaro zvikanzi,"Manje ndangouya nema fruits chete ini ndoandafunga kutenga. Munema banana, ma apple nema grapes." Vakasvikoisa plastic pandiri kwave kumuka ndikagara. Ndakadongorera mukati ndikati,"Maita basa." "Saka uribho?" He asked ndikati,"Ndiribho murisei?" "I'm okay. Everything okay?" He asked ndikati,"Everything is okay." "Hapana ari kunetsa?" "Ayewa," ndakadaro ndichidzungudza musoro. "Okay ndiri pabasa." He checked time on his wrist watch zvikanzi,"Lunch yangu yatosarwa ne 30 minutes ndofanira kubata 2 ndine meeting." "It's okay maita basa." "Ndokutora Sunday handiti hanzi Monday kubasa? Manje uri kungoenda usina kutanga wataura nemunhu wacho?" "Ndonotaura naye pandiri kuenda pacho." "Okay it's okay ndakuenda ini.If you need anything use phone ya Christabel." "Okay," ndakadaro vakabuda vakuenda. Ndakanogeza ma fruits aye Ku kitchen Mama vakapinda zvikanzi,"Auya neiko?" Vachivhura paper bag. Vakatora zvimwe chinyararire kwave kubva vatoruma apple ndikati,"Anga asina kugezwa Mama." "Saka kundiudza uri kuzama ku prover chii?" Vakabvunza ndikati,"Ndiri kutongokuudzai kuitira kuti musazonzwa mudumbu futi. Zvinozokuomerai pakuwacha pamwe ndenge ndisisipo." Vakaridza tsamwa zvikanzi,"Usade kundinyenga mukanwa Chenge. Nekuti waigirwa ma fruits nemwana wangu usade kuita sekuti wave kuziva zvese. Zvinhu zvinotengwa maOk izvi zvinenge zvakazvichenera kare." Vakavhura futi kwave kutora kema grapes kese zvikanzi,"Zvema grapes ndezvedu tinoziva chirungu izvi. Dai ndiri mumwe ndatora zvese zvatengwa nemwana wangu izvi." Vakabva vabuda ndikasara ndichipedzesa kugeza zvanga zvasara. Ndakangotora apple nema banana three amwe ndikasiya mu kitchen imomo. Vana vatete vakazouya following day ne Saturday. Vaive three vese vari vasikana. Sunday vanhu pavainge vachigadzirira kuenda kuchurch ndakabva ndanzi naMama,"Mota yacho haikwane munhu wese otongosara uchibika tigowana zvekudya tadzoka " Handina kana kuramba ndakangoti it was okay. Vakabuda vakaenda Tete Christabel ndikangovati ndaisada kuenda kuchurch zvekuti Mama vanga vatii handina kana kuzvitaura. Tembo vakatozosvika kuma1 zvikanzi,"Ndanzwa kuti hauna kuenda kuchurch hauchade zvekunamata?" "Ndoenda Sunday," i said zvikanzi,"Saka toenda Ka?" "Ndisina kuoneka here?" Ndakabvunza zvikanzi,"Saka tomira hedu ka." Vakazosvika later on ndopandakazooneka Mama vakati,"Mopota muchiuya muchitidongorerawo kwete kungohwa nda kumba kwenyu. Zvino zvawakaita izvi zvakaipei handiti ndizvo zvinoitwa? Ndinotova mai vako ini. Mufambe mushe." "Maita basa Mama musare zvakanaka." Ndakatorerwa bag rangu rikaiswa kuboot. Ndakagara kumashure vakagara pa driver's seat kwave kumutsa mota tave kuenda after a while ndikazonzi,"Saka kumashure wagarirei?" "Aaa hanzi kumberi pakaita accident kuri dangerous." He chuckled zvikanzi,"Inga zvakaoma. Unenge uchitofunga kuti munhu anofa newe izvo ari kutogaya kuti ngazvife zvega kumberi ikoko." "Iii nhai Tembo ndambodaro here?" Ndakabvunza zvikanzi,"Aaa handiti kugara kumashure kutiza rufu uchindisiya kuno ndega." "Aaa kumberi handingokude chete." "Hooo nhai saka hautodrive mota yacho zve." "Aaa ndichigona here ndingasaswera ndabondera?" "Munhu anodzidziswa. Saka hautofunge kana kutenga mota one day?" "Aaaa nekudhura ikoko mari ndoiwanepi ini ndisina kana O level." "Saka unoti vese vano driver vane O level here nhai Chenge. Sometimes it's not about bepa. If this is what will make you think differently kutone vamwe vakatorongedza ma degree aya vari kutoshaya mabasa acho. Kune vakapedzesera kuona musiwo wechikoro ku primary but they made it in life. Zvinoda kushandisa pfungwa chete." "Aaaa hooo." Takambonyarara kwakubva ndazoti,"Ndokumbirawo kudarika ndichigerwa." "Kugerwa?" He asked vachinditarisa nepa mirror ndikati,"Ehe ndoda kugerwa." "Iya ko zvekurukwa zvatakawirirana zvadii?" "Handichade kurukwa ini bvudzi rinobhowa." "Aizve haya zvakaoma uri sure?" "Ehe ndoda kubvisa rese." Ndaitorevesa ndainzwa kuti zvebvudzi mumusoro mangu handisi kuzvida. Takadarika neku barber vakati kumunhu wacho,"Ndigererewo munhu uyu kwazvo kwete kunge uri kugera form four. Ukaita zvaari kutaura unofira mahara." Akaseka barber man wacho zvikanzi,"Ndapabata mukuru." Ndakaona achisiya rimwe bvudzi Tembo hameno kuti vanga vaenda kupi ndikati,"Ndibvisei rese please." "Iiii ambhuya mondiurayisa musandidaro ndofira mahara." Pavakadzoka vakasvkomira kuseri kwangu ndakavaona nepa mirror. I smiled zvikanzi,"Uri kusekerera chii?" "Zvakanaka," ndakadaro ndichireva magererwo avanga vaitwa. "Thank you," he said still smiling kwave kutarisa wangu musoro zvikanzi,"Ndozvandiri kutaura izvi kwete zvekubviswa bvudzi rese kunge unopenga." "Hamudi kugadzira here?" Akandibvunza ndikakurumidza kuramba zvepa chair pake ndanga ndisisazvide. Takazobuda kana neni ndakaonawo kuti zvanga zvakatonaka. "Pane chikoro chandirikufunga kuti mainini vaende. Chiri close nekumba panofambika ndichakuratidza mumbonoona nekutsvaga nzvimbo." "Aaaa inini? Handigone ini." "Kudii?" "Kutsvaga nzvimbo yacho. Zvikoro zvekuno zvasiyana nezvedu zvekumusha zvekuno zvinozezesa izvi ndosvika ndichiti chii?" "Ndokuti ujaire kuita zvinhu wega Chenge. Ndokutotanga kujaira kwacho you will figure it out. Chimwe chinhu paunopinda mutown pota uchimbotenderera. Kunyangwe ukazoshaya kwawabva nako unongofona ndouya ndichikutora paunenge uri. Ndokuti ujaire seipapa you've been here for how long asi haugone kufamba mutown. Hautozive kuti macombi ekumba anokwirirwa papi. Kunyangwe kuchurch chaiko waitokwanisa kuenda nemacombi kana tumota asi I know kuti hautozive kuti unodii. Jaira kuita zvinhu ujaire. Get out of your comfort zone and explore handiti? Handidi munhu ari slow anonoka kufunga zvinhu. Handisi kukutuka ndiri kutokudzidzisa." "Okay Tembo ndazvinzwa." Patakasvika kumba ndakazoita mumota mekubuda ndichimhanya ndave kurutsa. Ndakarutsira pa lawn Tembo vakazosara voburuka ndatokotama kare. Ndakatura mafemo ndikanzi,"Ko wadyei?" "Aaa hameno." I looked up ndikaona curtain reku main house richivhurwa hameno kuti ndiani anga akadongorera. So I've decided kukuwedzerai two more *free chapters* zvichireva kuti last free chapter yedu yave 22 and promotion yedu yekubhadhara nema $1 inopera musiwa 02 March 2025 musiwe Sunday. Momuwanepi umwe munyori anokudai seni nhaimi?? Garai mabata ma seat kuSub group Team Chenge zvaizvezvi ndimi murikutopisa ๐ฅ๐ฅ๐คธโโ๏ธ Payment Details Promotion for *Ndiye Wandakada* chete๐ Ecocash usd : $1 Airtime Econet/Net1 : $1 Ecocash zig: 50 Airtime zig : 60 SA side : 25r Voucher Ott Voucher, 1 for you Voucher kana Blu voucher. Number ye Ecocash ne proof of payment O783295946 T.Kwaramba. Pa Airtime chero ma scratch card anoita munotumira ma number. Promotion yechitwo. Iyi ndeyevanoda ndiye wandakada nerimwe book rakanyorwa nemunyori mosarudza aripo akawanda. Ecocash $2.2 (two books) Ecocash Zig 100 (two books) SA side 50r Voucher (two books) Unfortunately pa second promotion iyi handisi kutora Airtime Ecocash nema Voucher chete. Team Chenge to the Weee ๐ฅ๐ฅ๐คธโโ๏ธ
Ndikunzwei muchiti mabook aTanya anodhura๐คบ๐ค
https://chat.whatsapp.com/BgaBNpBxfaMIRLTXVIY0lq If you're going through a lot ingoenda ku comment section day rako rogona kupera mune zvakanaka ๐๐
๐๐ team Chenge makapusa mawachiswa go****a ๐คธโโ๏ธ๐คธโโ๏ธ
Good Morning Dear Fans๐ The promotion is still on as long 20 isati yauya. Team Chenge ๐ฅ don't forget to subscribe. Team Tembo tiri kutokudai kuSub futi. Nemi Team Lena this time munhu wese kuSub. So I've realised kuti ndakakanganwa kuisa promotion for those vanenge vachida Ndiye Wandakada neamwe mabook so ndichaisa pazasi. Promotion for *Ndiye Wandakada* chete๐ Ecocash usd : $1 Airtime Econet/Net1 : $1 Ecocash zig: 50 Airtime zig : 60 SA side : 25r Voucher Ott Voucher, 1 for you Voucher kana Blu voucher. Number ye Ecocash ne proof of payment O783295946 T.Kwaramba. Pa Airtime chero ma scratch card anoita munotumira ma number. Promotion yechitwo. Iyi ndeyevanoda ndiye wandakada nerimwe book. Ecocash $2.2 (two books) Ecocash Zig 100 (two books) SA side 50r Voucher (two books) Unfortunately pa second promotion iyi handisi kutora Airtime Ecocash nema Voucher chete. Team Chenge to the Weee ๐ฅ๐ฅ๐คธโโ๏ธ
Ini hangu ndave Team Lena mu salad itai zvaChenge mega๐๐
*Vanoda kutangira pa1 teverai channel ino munowana ma chapters ariko. Kugarira Ku channel kwakanakira kuti ndiko kunotangira kusvika book.* https://whatsapp.com/channel/0029VaLyIpj6WaKwHjQ9g71Z NDIYE WANDAKADA Wriiten By Tanyae O712316667 O783295946 Chapter 21 *Chapter sponsored by +263 71 718 8734* Lena "Your co-wife is vomiting,"Lean akandidaro kwave kukwakuka pandaiva ndakagara ndichinodongorera nepa window. Ndakavhura curtain mbijana kwave kunyatsotarisa akati,"Iyo ndonhumbu iyo hapana chimwe. Nhaka tichaonerera ini drama ndorangu manje " Ndakanyatsonzwa ndichipera Simba mumabhonzo. Mutsa ainge akamubata musana achimubhabhadzira achirutsa kuita sekuti Chenge wacho airutsa mweya mutsvene. Ndakaona ave kuvhura door remota kwave kubuditsa chigubhu che mineral water kwave kumupa. Akakuchukudza mukanwa kwave kugara pasi. Zvaitaurika zvaisanzwika nekuti vanga vari kure. Akazobatsirwa kusimuka ende kunge chituta iye Mutsa wacho akabva anotora mavhu mumaruva kwave kufutsira marutsi aye ipapo ndopandaka believer kuti Chenge ane zvaanga akapa murume wangu chete. Akageza kumeso nemvura iye ndakamira Lean akanditi,"Gore rino tichadzidza zvakawanda " Akapfipfinyika kuseka kwave kumutarisa ndikati,"Saka chiri kusekesa ipapa chii?" "The look on your face. Aa ndisiye zvangu usade kuitira inini hasha ndini ndadii?" Ndakafamba kwave kunogara pasi. "Ndimi moda marriage stereki ini puu handibate. Varume vari controlling zvekuzotanga kugara nekupfeka ndichida kufadza vanhu ain't my thing. Mwana wangu ndinaye mukomana akaroora ndane vana two zvotovharana ndozvarirei futi? Izvi zvekuitiswa stress nemwana waamwene ndazvidirei hangu? Ndoda kuzvigarira ndega zvekuti kunyangwe ndikapinda mumba pakati pehusiku hapana anondibvunza. Imboshingirirai marriage ana Lena muchaonda kusara musoro chete." Akafamba achienda ndikasara ndega. Ndozvatainge taronga kuti akazouya aite nhumbu asi kuzoziva kuti anga ava nayo hazvina kana kundibata zvakanaka especially ne attention yaange ave kupiwa tisina kana kure kwataenda. Ndakasimuka futi ndikadongorera ndikaona vave three naFarai. Anga ave kufamba ega hake achiratidza kuti aive right kwave kubva vanopinda mu cottage ndiye nyaa varimo. Ndakafunga kuti Mutsa achabuda asi ndakaguma ndasiyana nekudongorera ndakunotsvaga Lean "Aenda ku cottage," ndakamudaro kwave kubva anditarisa ndikati,"What should I do Lean handichade ini. Moyo wangu uri kurwadza I want my husband to myself. She's taking my husband away from me." "Anga atorwa nguvai hanti pese Chenge paaisavepo Bamukuru maive navo?" "But why am I feeling like anga aineni nekuti Chenge anga asipo? Izvezvi aenda ikoko kunoitei? I don't want polygamy inini Lean ndakuda murume wangu. Handizvigone kutaura chokwadi ndakundikana." Akaturikidzanisa makumbo zvikanzi,"Saka pano ndakauya kuti uzondiudza ma problems ako here? Nditonewo stress Lena ipapa baby daddy vari kuramba kutumira mari yemwana yefees. Hanzi taura nemukadzi wangu Gaya Inini manje asi Kana afunga kurara neni anonditsvaga." "Uchiti ndingatadze here kuzobhadharira mwana fees kana aramba? Iyo fees yeECD yakambowanda zvekudaro here pagara pachikoro pavo hapadhure. Apa handiti I promised kuzokupa $100 here pamari yako ye semester yandichapiwa naTembo?" "Kana wadaro wakutaura manje," Akandidaro ndikati,"Ndine stress Lean ndoita sei nekuti chokwadi ka hameno." "Kana usingamude chingomushusha chete. Iwewe Bamukuru siyana navo itovabata bho but what I noticed is uyo anenge ari weak. Uyo dai ane pekutemba napo aigona kuenda kana zvaoma. Akawana basa zvekuti she can sustain herself barika rikanyatsopisa anosiya uyo ndokubhejera ini." "Saka ndomupa mari here kuti aende ndoita Seiko? Ndakatombotaura naye akabvunma kuti anoenda kana azvara mwana one asi nezvakuitwa naMutsa izvi ko akaguma akudawo murume wangu? " "Ipapo manje apa Bamukuru vacho vagara vari hot haaa anogona kusenda uyo asi akaona kuti pakupisa kana aine plan chete anoenda. Dai achishanda or something I don't think aigara." "Manje basa racho anogona kutorambidzwa kushanda especially kana iri nhumbu iyi?" "Anobva aita nhumbu inoda baba nhaka anoyemedzwa wakaita dollar sign ndokuudza ini. Nemadiro anenge achiita Bamukuru mwana ka attention yese inoenda kwaari. Akangoti chakati oitirwa akati apa parwadza vomhanya mhanya kunyangwe akafona vari pamusoro pako vanoburuka." "I never saw this coming," ndakataura ndichitonzwa kurwara. "Iwewe wo wanga wakapusa. Dai wakaramba mhani kubvisiswa nhumbu naMama. Ini vakada kuzviita Ka ndamitiswa paye ndapedza form six ndichifanira kuenda ku university hanzi bvisa uite zvechikoro ndikaramba. Vakatanga kuti hee hee uri mumba mangu ndikati manje ndokusungisai mutemo haubvumidze kubvisa nhumbu ndopavakazondisiya. Ipapa vanogara vachichema nekukukanganisira kwavakaita hanzi dai ndakangomusiya atone vana vake." "Iwewe uri nani wanga wakuto turner 18 ini manje I was 15 ndairambira ani and ndaiendepi?" "Uchiti vaikudzinga here kwaingova kukutyisidzira kuye but anyway zvakatoitika. Dai wakatoita hako zviya zvekuitirwa mwana neumwe munhu momuisa mazai ako nema sperm abamukuru zvaitova nani mwana anenge ari wenyu nyangwe zviri expensive hazvo zvaiva nani nekuti you wouldn't stress about nyaya yekutorerwa murume wako manje apa yooo haaa yatova competition pachezvayo apa chibereko wakadyisa nambuya amurozvi. Ini hangu gogo handina kubvira ndanyatsokenerana navo vanenge vairoyawo vaye ayiwa. Pamwe vakatochidya zvavo chibereko chacho." "Aaaa," ndakadaro kwave kunogara pasi ndatova ne stress. Ndaingoti pamwe any minute Mutsa achavhura door asi akatoratidza kuti zvaisave mupfungwa dzake kusvika ridoke. Ndakatadza kana kubika Lean ndiye akanobika ndikati,"Mutsa akati haaide dressing yako iyoyo Lean " "Varipiko Bamukuru vacho handiti vari ku cottage here ndisiye zvangu ndirohwe nemhepo ini ndini ndadii?" I wasn't in the mood of arguing ndakaguma ndangomusiya akadaro kwave kunanga kunorara chaiko. Ndakatanga kutaura natete Mira ndiri mugudza ndikati,"Teteka muroora wenyu kuno anenge ane nhumbu uyu manje hanzvadzi yenyu handichatoione. Ipapa vauya akarutsa vakatakurana vakanovharirana ku cottage haana kana kutsika kuno. Tete ka hameno kana Chenge asina kugadzira murume wangu ndatone stress ini. Ndakuita kunge ndisipo." "Eish sorry maiguru apa manje kuti nditaure naye Mutsa wacho haadi zvekuudzirwa." "Tete zve barika handichazvide ini." "Manje mosiya murume here nhai maiguru?" Vakandibvunza ndikati,"Murume wangu ndomuda. Aaa Mutsa ndomuda Tete iye ndiye anofanira kuenda. Kurara kwaakaita nemurume wangu akabhadharwa nemari yaakarooreswa nayo ne property yaakatengerwa. Ipapa akazadza cottage nezvinhu zvakatengwa naMutsa. All these years he was saving achiti aida kutenga mota manje mari yacho ndiri kuona kuti kunenge ndokwayakutoperera." "Chenge chandakaona ndechekuti ari too soft I don't think anokwanisa kugara mukaramba muchinetsana. Imimi ingomunyon'orai chete kusvika abhowekana ayenda. Ndakanzwa kuti akawanirwa basa akangodzamara akushanda zvikaoma anoenda asi akaramba aripo manje anoguma akutodawo Mutsa wacho zvaingoda kuitika zvaizvezvi." "Manje ndikamutokonya ko akaudza Mutsa?" "One thing you should know maiguru Chenge haataure. Izvezvi mama vakamamira mumachira akamawacha haana kana kuzvitaura Mutsa akatouya kuno musi wacho haana kuzvitaura. Dai akamuudza Mutsa aibvunza chete. Akaita seachadambuka musana achiwacha kuno asi kana kuzviti bufu. Iye Christabel ndiye aida kuita dzvene achimbomubatsira." Ndakagegedzera ndikati,"Nhaimi Tete mati akawachiswa chii?" "Tsvina chaiyo maiguru Mama here hamusi kuvaziva kana vasisade munhu. Chero mukadii I don't think anomboudza Mutsa iyeka anenge achiti haadi kuparadzanisa vanhu so you can take advantage of that." "Mutsa haabvume kuti aende nemwana wake," ndakadaro zvikanzi,"Haiwawo iyo yazombonyanyo kushamisira chiiko nhumbu yacho isu tinavo vana vatatu takashamisira kupi. Ipapa ndiri kutofunga kuti mari yaaida kutengesa mota dai iriyo yamakanoitisa artificial insemination plus iya 5k yaakanorooreswa nayo. Takangononoka kuzvifunga chete asi mukataurirana mogona kutozviita isati yapera. Imimi moshanda Mutsa anowana mari hazvimborambe Chenge obuda mulife menyu pane kuitiswa stress with a nobody arg. Mwana anotozongouya mukaita zve artificial insemination motsvaga surrogate mother." "Ndakatorara izvezvi ndine stress hanzvadzi yenyu ichandiurayisa." "Zvinopera maiguru musaitiswe stress nemunhu asina basa. Chenge. "Are you sure you don't need a hospital?" Tembo vakabvunza ndikati,"I'm okay ini handisi kurwara. Zvinhu zvandanga ndangodya chete." "Uri kutosiririsa," he said kwave kusekerera mbijana ndikati,"Ndiri kungonzwa kuneta chete. Ndirikuda kurara ini." "Chirara handiti waguta?" He asked ndakagutsurira musoro. Ndakarara and he layed on my side ndikati,"Asi hamusi kuenda?" "Imbomira zvekuda kundidzinga." Ndakavhara maziso kwave kubva ndanyarara. Ndaishaya kuziva kuti chii change chave kunyanya kundirarisa kudaro asi pandakamuka following day ndainzwa kuti ndave nani ndagwinya. Tembo vakabuda vakuenda kubasa following day racho ndikambobuda naFari tave kutenderera tichiona nzvimbo. Kubasa tete vainge vati anga achinja ati ndichiuya wednesday. "Kwamaiva kwanga kuribho?" She asked ndikati,"She doesn't like me." "Hanzii?" "Aaa zvakawanda Fari handidi kutaura nezvazvo ini." "Sisi ka," she said ndikati,"Serious ndopedzesera ndatoita stress let's just brush it off." "Kana zviri that serious you should tell Bamukuru though." "Kuti ndivaparadzanise here Fari? Ndongotarisa ini zvagara I'm a second wife I don't matter that much." "Asi Bamukuru values you havo. Pamwe hamusati makuzviona henyu but I think he cares for you. Inini ndotofeeler kuti besides me you have him zvekuti nyangwe ndisipo ivo varipo ndoziva kuti you're in good hands. He does care and it's comforting. Being honest maiguru venyu vakazozama kukusekererai zvinenge zvisiri genuine. Vakauya musipo vachitarisa zvinhu hanzi pamucharambwa mobuda nebag rehembe chete ndopamuchaona. Ini hangu sisi life seyenyu iyi haisi right. Ndaifunga kuti nekukura togona kuzofarawo but zvoramba zvichiita worse. I don't want you to be that person wekuti anongokurira mukutambura mosvika pakufa muchingochema. Sometimes ndotomboshuwira kuita fast forward time kusvika patime yandinenge ndatokurawo takukwanisa kusapotana manje ndichiri kuda kutochengetwawo." "Zvinozongoita Fari don't worry much. I think we will live to tell a story. Zvimwe zvinhu ndezvekungotarisa zvinongodarika wani." Takazodzoka taneta tikadzokera kumba. Basa ndakazoriwana ndikanzi vaizonditanga ne $100. Pekutanga ndaiita sendichati customer idzokere kuri kutotya chaiko kutaura nevanhu. Apa town yacho yaive busy sei ndaizoti kana ndapedza ndotanga kutenderera dzamara ndakutoziva nyangwe kwaikwirirwa maCombi. Mari ye transport yaisave included pa pay vaitokupa. Takazonosiiwa umwe musi pataifanira kutsvagira Fari nzvimbo iri Saturday kwainzi kunenge kwakavhurwa. Ndakatoenda naye akawana nzvimbo haina kana kunetsa nekuti her form three results were good. Ndakafonera Tembo tasvika kumba zvikanzi,"Saka waityei?" Ndakangoseka zvikanzi,"Ukuona ka kuti unenge uchitya zvisina basa. Ipapa mangwana motongonotsvava ma uniforms nemabook nekuti time unozoishaya next week vari kuvhura." Takabva tatogara tatenga ma uniforms sunday yacho zvese ne bhutsu dzacho dzekuchikoro paisave kure nekumba stereki aitokwanisa kufamba achienda nekudzoka. Ndakatoti umwe musi ndichinzwa kuda maguru kwave kumuti tinotsvaga pamashops yaitova sunday makuseni vachivhura following day. She was so excited and nervous achiti ko kana vanhu vachitaura chirungu. Not that aisachigona asi kuti that feeling of being a new comer. "Manje ndozopedzesa here kucover ma book angu?" She asked ndikati,"Ndokubatsira patodzoka kani Fari inga achiri makuseni wani? "Ayewa sisi ko mukarara? Mazuvano muri kungorara zvinobhowa pese pamawanira mukana. Endai ndosara hangu ndega." Ndakamudhonza ruoko akati,"Ndine nzara kani ndisiyei ndisare ndichidya porridge rangu randabika handiti mariramba?" "Unobhowa," ndakadaro letting her go ndikabuda ndega. Ndakasvikomashaiwa futi maguru acho ndikasvotwa ndakufamba kudzoka. Taitongova tega pamba maiguru vairatidza kuti vanga vabuda early vachienda kuchurch Tembo hamenowo kwavaive. Ndakasvikopinda mumba and frowned ndichiona couch riri stained neropa "Hezvo nhaiwe Fari asi wa spoila sofa ukasiya zvakadaro?" Ndakabvunza kwave kutoona futi ma drops of blood aibuda mu dining achienda kupassage. "Fari!" Ndakamusheedza asi haana kudaira. Ndakamutsvaga ndikazomuwana mu bathroom akarara pasi achigomera. "Fari nhaiwe ko waita sei?" She had bled ropa rakazara pasi pese. Akagomera and i panicked ndikati,"Fari kani mhani ndidaire urikuita seiko ko waita seiko nhai?" Ndakamhanya kunotora phone kwave kuzama kufonera Tembo. Havana kudaira ipapo ndakadzokera ku bathroom ndichimhanya ndikati,"Fari chiiko chaitika iperiod pain here ropa rese iri riri kubva paiko?" Akazama kutaura akatadza. Ndakatanga kuchema ndichifonera Tembo vachingodaira ndikati,"Hameno zvaaita uyu Tembo ari ku bleeder ndoita sei haasi kutaura ari kungogomera. Tembo kani mwana wamai vangu." "Ko chii eish apa uri wega. Apa kwandiri kwacho ndiri kure handikurumidze kusvika. Mhanya unotsvaga transport kuroad umhanye kuchipatara ndakutouya." "Okay," i said kwave ku cutter ndikati,"Ndakunotsvaga mota Fari shingirira please. Please shingirira Fari usandiurayewo." Akandidhonza ruoko kwave kudzunguza musoro. Akaita seainongedzera sekuti aiza kutaura something. Akaita seakudhonza mweya ndakamutarisa akaita seamira kufema ari mumaoko mangu. "Usandidaro mhani Farai chiiko nhaiwe aah." Ndakabuda ndichimhanya ndikawana mota yaitobuda pa next door. Munhu wacho achioma kuchema kwandaiita akakurumidza kuburuka akapinda neni achimhanya. Aiva mukadzi akati achimuona zvikanzi,"Asi aita miscarriage? Kana kuti abvisa nhumbu?" "No haana nhumbu uyu." "Ko ropa rese iri chii?" Akabvunza achimubata nechepahuro apa . Akaita time akamubata kwave kuzocheuka kwandiri. Ndakaruma muromo zvikanzi,"Sorry hako haasisiri kufema." Ndakabata muromo neruoko ndikati,"Nhai Mama kani. Ndokumbirawo please timuendese kuchipatara haana kufa anga achitozama kundiudza something." "She doesn't have a pulse I'm sorry, " vakandidaro ndikati,"No mwana wamai vangu uyu haana kufa vari kutovhura mangwana. Anga achitocover mabook ake haana kufa please musandidaro." "Dear...dear," she said vachizama kundibata ndikati,"Please tikanonoka anofa ndokumbirawo." "Okay okay...It's okay but do you have someone i can talk to?" "Nguva iri kupera," ndakadaro ndichizama kumusimudza ndega uku ndichiyeredza misodzi nechemumoyo ndichiti Mwari ndakambokukumbirai presence yenyu asi apa ndiri kurevesa. ****kumagumo kune nyaya**** So I've decided kukuwedzerai two more *free chapters* zvichireva kuti last free chapter yedu yave 22 ndiyo yasara kuuya and promotion yedu yekubhadhara nema $1 inopera musiwa 02 March 2025 musiwe Sunday. Momuwanepi umwe munyori anokudai seni nhaimi?? Payment Details Promotion for *Ndiye Wandakada* chete๐ Ecocash usd : $1 Airtime Econet/Net1 : $1 Ecocash zig: 50 Airtime zig : 60 SA side : 25r Voucher Ott Voucher, 1 for you Voucher kana Blu voucher. Number ye Ecocash ne proof of payment O783295946 T.Kwaramba. Pa Airtime chero ma scratch card anoita munotumira ma number. Promotion yechitwo. Iyi ndeyevanoda ndiye wandakada nerimwe book rakanyorwa nemunyori mosarudza aripo akawanda. Ecocash $2.2 (two books) Ecocash Zig 100 (two books) SA side 50r Voucher (two books) Unfortunately pa second promotion iyi handisi kutora Airtime Ecocash nema Voucher chete.
*List Of Books Available on Promotion* REGRETS Ssn1,2&3 MHEPO NGUVA HIRED HUSBAND EMPTY HEART THE MARRIED HEART THE PLAN THUNDERSTORM DECISIONS SSN 1&2 CHOICES SEVEN BROTHERS SSN 1&2 FIVE SISTERS BURNT ONION FLAMES MARRIAGE BARGAIN BIRTHDAY PRESENT SSN 1&2 THE RETURN BETRAYAL THE WILL SSN 1&2 WOULD YOU STILL LOVE ME SSN 1,2,3&4. 1 is free UNOZONDIDA HERE SSN 1,2,3&4. 1 is free. THE LONG ROAD HOME BREAKTHROUGH DESPERATION
Haaa rarai zvenyu nhasi Vanhu vaMwari. Nhasi munyori azoita busy 20 inouya mangwana zvanhasi zvaramba