Maybe Novels
February 9, 2025 at 08:03 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaMos7nAO7RLKNf1Ai1p
*STARLIGHT*
Maybe Novels
0716962865
Colossians | Vakorose
English
1:4 because we have heard of your faith in Christ Jesus and of the love you have for all the saints-
Chapter 3
*Tanaka*
Haina kupindurwa ipapo message iya ndikaziva kuti shasha yaiva mulesson.Akazoipindura ndava kudya breakfast achiti,"tipirei tinzwe, hanzi kudii?"
"Fona ndikuudze, handiti une airtime?"ndakamudaro akati,"yeah, ndotowana wekutaura nayewo muchiroad chinobhowa ichi."
Akabva atofona ipapo ndikatanga kumutsanangurira zvese sekuitika kwazvo.Ndakazopedzisira ndichiti,"chandangofarira zviri kuratidza kuti zvinhu zvakarongeka, abuda nebenz mukomana and phone yacho wo futi isvinu zvayo.Aiwa, ndinenge ndisina kunyanya kurasika zvangu."Akaseka ndokuti,"ipapo ndipo pandanga ndichinyanya kutyira, but kana pakadaro bhoo manje."
Takataura nekuseka kusvika ava kumba ini ndokuzopedzisa wo basa rangu.Munhu anga anzi ari kuuya kuma keys anga asina kuuya so I had to tell mother nyaya yacho sezvo Royen wacho aiva asati aisa message. "Hoo ah ukaona time dzino dzakwana asina kuuya munhu iyeye haachatouyi, anozongomatora iye Royen wacho abva kubasa.Sununguka hako kuenda."
"Okay maita basa,"ndakatenda kwava kuchibuda ndokuenda kumba and ndakatanga kusvika kwana Nicole kuti timbotaura nyaya yaRoyen tichionana."Iwe munhu akasvika hake iyeye, apa anoratidza kuti anogeza zvake yoh, zvinhu zvaanga akapfeka hazvisi fancy hazvo but zvanga zvakachena and zvakamufita."
I couldn't stop talking about him zvekuti ndakatombokanganwa kubvunza about soulmate wake.Ndakazomubvunza akati,"ndasangana naye, apa nhasi ndakurumidza ka ndasangana naye ndava kuda kutosvika."Anga asina hake zvakawanda about him nekuti vanga vasina kutombomhoresana futi.
Ndakaenda kumusika uko kwandaingobvunzwa kuti ndaiva ndanonoka nei.Umwe mukadzi anga ava kutonditi,"mama vako vanenge vachizviziva here kuti uri kuuya kubasa masikati?"Ndakangovatarisa ndikasavapindura nekuti mashoko nevanhu vakuru ndanga ndisingadi.Ndanga ndakapindura umwe chete nyaya yacho ikaita mwedzi ichinetsa mama vakati ngakave kekutanga nekupedzisira ndichibva ndateererawo.Apa mai vacho manyemwe manheru pakauya mama kutouya kumba kuzoreporter zvavo.Vakaita kunge vanga vangoshanyawo kwava kuzonzwa voti,"ko nhasi Tanaka kuuya kubasa masikati zvake, ndatomboda kutaura naye akandinyararira.Munoziva kuti basa redu iri rinonyanya kufamba makuseni saka kana wava kutozouya masikati hapana chaunenge uchafambira."
Ndakatarisa mama avo vakabva vanditarisawo kwava kuti,"ndichataura naye ndinzwe kuti azvifambisa sei, maita henyu."
"Muchitendeiko, kungozama kuti tibatsirane, munoziva unenge achitoti kumba zviri kufamba iye munhu achitoitawo zvake zvemusoro wake, vana ava vanotipa maBP mufunge,"vakadaro mai vaya mama kwava kuti,"imiwee?zvakaoma mufunge.Unoshaya kuti vanoda kuti utaure wakakwira mumuti here."
Vakazoperekedzana vachienda pavakadzoka ndikati,"nhaimi, ko inini ndakakutadzirai chii?"Vakaseka ndokuti,"wanga uchida kuti nditi chii nhaiwe?kutanga kutsanangura kuti ane kumwe kwaachange achienda mamwe mazuva?"
"Maigona kusadaro henyu mongoti ndini ndanga ndamutuma,"ndakadaro vachibva vati,"vaizonyara veduwee, zvinozoda here munhu mukuru."
"Ehe zvinoda, ndiko kuti vazive kuti dzimwe nyaya vanofanira kungosiyana nadzo, vakanyara havazodzokorori futi,"I said mama kwakuti,"haisi type yacho manje iyi,havamboregi kutaura nekuti nyaya vanodzida.Ipapa I'm sure vanga vakatoronga kuti tobvunzana varipo kuti wanga uri kupi kuti vazowana nyaya dzekuenda nadzo kuroad mangwana."
Takabva tatotanga kuti navo navo paya namai vangu totaura dzese nyaya dzavainge vambofamba nadzo.Ndakatomboti dai havo vakamira mudhuze vakatinzwa tichivanyeya pamwe vaisazoita dzungu zvekare.Pandakaenda kunorara ndiyo nyaya yandakasvika ndichiudzawo Nicole iyoyo.
Patakapedza kutaura nyaya dzekumaraini akabva azoti,"ko brother kedha how far?havana kuisa message?"
"Kana nhaimi, apa ndanga ndichitarisa phone yangu sei?"ndakadaro tikaseka achiti,"indava achiita zvekunonokera zvinhu so, haazivi kuti unowanikwa neatanga here iwewe?"
Takaseka tichirovana maoko ndikati,"musiye akadaro, achazviruza."Taiva totonakidzwa nenyaya dzake iye wacho kwava kuita sekunge ndizvo zvaanga akamirira.Yakapinda message from a new number yakanzi,"Hey Tanaka, it's Royen."Pandakaivhura I screamed ndichisimuka kwava kutanga kujamba jamba pabed.
Ndakazodzikamiswa nevoice ramama rakati,"Eeeh vasikana, kana musati mava kuda kurara budai henyu panze."
"Sorry mama,"ndakapindura ndichifemeruka and Nicole laughed achiti,"handisi hangu kuda kuudzwa zvaitika, ndifembere?"
"Kufembera kuti chii?"ndakamudaro apa ndichiseka zvese nekufemuruka pamwechete."Kuti message yatanga takamirira yazouya,"she said ndikati,"obvious, yakanyatsonyorwa kunzi Royen zvekuti handina kana mubvunzo wekuti ndiye here kana kuti."
"Chipindurai, vanhu vanorara musati mataura,"akadaro and aitovawo excited kunge ini.Ndakabva ndapindura semunhu asina kumbojamba jamba ndikati, "oh okay, urisei."
"Ndiribho hangu, waswera sei?"akadaro ndikati,"ndaswera hangu bhoo. hameno iwewe."
"Ndizvozvo sha, busy chete.Ndaswera zuva rese ndichida kutaura newe but zvichiramba.Ndanga ndakabatwa zvakasimba,"akadaro and ndakabva ndawana mukana wekubvunza kuti,"unoshanda kupi?"
"Ndinoshandira imwe company inonzi B and C construction, so mazuvano basa rinenge rakati wandei,"he said.Ndaida kutobvunza kuti uchiitei ikoko but ndakaona kunge ndaigona kuzozvinyanya pafirst conversation.Pane zvakawanda zvandaida kuziva but fact yekuti he was into construction was enough for me nekuti ndaiziva kuti kunobudawo zvinenge zviri nani."Haa sorry hako,"ndakazomudaro akati,"thanks nana, anyways, enough about work, uri kuita sei hako?"
"Hapana,ndanga ndava kuda kutorara,"ndakapindura zvikanzi,"Okay, saka rega ndisakunonotse hako kurara, ndangoti ndinzwe kuti urisei."
"Okay iribho, thanks,"ndakamudaro akati,"alright sharp, goodnight."Ndakabva ndasekerera ndichipa Nicole phone kuti averenge ega mamessages ataiva tataura."Right, izvi ndozvinhu zviri kufamba manje,"she said nekubva atotanga kuronga muchato achiti,"inini sabest girl ndine dress rangu randiri kuda.Nditori nepicture yacho."
Takatozorara tichitaura nezvaRoyen zvakaita kuti ndirote titori tese.Taiita kunge tiri kumusha ndiine nhumbu achinditsemurira manwiwa andaiva ndati ndiri kuda.Pandakapepuka ndakaseka and ndizvo zvandakatanga kuudza Nicole akati,"uri kumhanya bhururu slow down."
Kuita slow down kwacho kwaitonetsa nekuti pandakabata phone message yaivamo yaiva yaRoyen yaiva yakanzi,"goodmorning Tana."I smiled ndokuti,"Hey morning."Hatina kumbonyanya kutaura hedu sezvo akabva ati ava kuenda kubasa.Manheru akazoisa futi goodnight message nekubva ati,"I can't wait to see you tomorrow, pane zvandiri kuda kutaura newe face to face."
End of Chapter
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
254