Maybe Novels

5.1K subscribers

About Maybe Novels

Novels

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Maybe Novels
2/23/2025, 7:45:51 PM

*Follow our Channel for more* https://whatsapp.com/channel/0029VaMos7nAO7RLKNf1Ai1p *STARLIGHT* Maybe Novels 0716716574 Colossians | Vakorose English 1:16 For by him all things were created: things in heaven and on earth, visible and invisible, whether thrones or powers or rulers or authorities; all things were created by him and for him. Chapter 14 *Tanaka.* "Kudzoka kupi?"akabvunza zvakare Royen achiratidza kuti zvese zvandaitotaura haasi kutozvinzwisisa."Kuno ka,"ndakadairawo akati,"kuno? kuzoitei?" "Nhaiwe Royen, kuzogara zve, handiti kuno ndiko kwatinogara here?"ndakadaro zvakaita kuti aite nguva akanyarara akanditarisa.Ndakabva ndamuti,"chii?"ndaona munhu asiri kutaura anything."Pane zvandiri kuda kukubvunza, i think ndikatangira ipapo tinogona kunzwanana zvakanaka,"akadaro and I nodded achibva ati,"pamba pano ndepani?like mumba muno matiri, I'm sure zvandiri kubvunza izvi takambotaura nezvavo." "Lucky, wakati ndepa Lucky,"ndakadaira achibva ati,"good, zvichireva kuti ini handina imba ka?" "Yes, but hanti unogara pano here,"ndakadaro akati,"true, ndogara pano, but hapasi pangu worse nemukadzi pamusoro.Torara pai nhai Tanaka?toti Lucky iwewe chirara pasofa mumba mako ini nemukadzi wangu tirare mubedroom mako?" Ndakaramba ndakanyarara ndava kuchinyatsobatanidza nyaya dzacho kwava kuona kuti zvepanguva iyoyo sure zvaiva zvisina kumira zvakanaka. "Ngatiite tichidairana babe, handisi kuda kuita kunge ndiri kutaura ndega or ndiri kutaura zvinhu zvisirizvo,"akadaro aona ndaramba ndakanyarara ndikatura mafemo ndokuti,"ndazvinzwa, saka ndichagara ikoko kusvika rinhi?" "Handizivi hangu ndicho chokwadi, probably kusvika baby atovapo.I have to make sure kuti ndava kukwanisa kumira ndiri ndega first.Kutaura chokwadi kubasa kwangu mari iriko haikwani, that's why uchiona ndichiita tumabasa hobho hobho, kunenge kuri kuzama kuti zvibatane.So pane mamwe mazuva zvinomboita, pamwe pacho zvinorema.Apa zvaindiitira nyore nekuti ndanga ndisina rent, mari yandaingobudisa yaiva yefood yangu chete.Imwe yacho ndaitumira kumusha kuti kuvakwewo pekugara pari nani, then imwe yacho ndiyo yandaiti wo iwewe paya.So for now, kune pekugara pandinototi pangu kumusha, and kuri nani pakuti zvinhu zvakaita kunge hupfu nemuriwo hatitengi, pane kandima kariko kanotiwanisa zvekuti tidye." Ndakatanga kuona ndatova munhu wekumusha full time.Matauriro ake anenge aiva ekunditengesera idea yekuti ndione kunge paiva pasina chakaipa pakugara kumusha.Misodzi yakazara mumaziso ndikati,"ko saka zvekuchikoro ndinenge ndava kuita sei?" "Kuchikoro kupi?"akabvunza ndikatanga kutochema ndoti,"handiti inini ndakakuudza kuti ndinoda kuzopedzisa chikoro here?"He laughed ndokuti,"aaah babie?zvekuchikoro zvekumberi uko here?paunozoda kuenda kuchikoro I'm sure zvinhu zvinenge zvatoita.Trust me, ndichazama nepese pandinogona kuti zviite.Chandiri kukumbirawo is kunzwisisa kwako and your patience, you know kuti zvinhu izvi zvauya ndisina kutarisira so I can't perform miracles.Can you please work with me here?" Ndakapukuta tumisodzi twaiyerera and nodded ndatoona kuti I was being unreasonable for sure.He was trying, and there i was, realising kuti ndaiva ndakurumidza kumedza kutsenga ndichada."Thank you,"akadaro and kissed my forehead kwava kuti,"rega ndikuisira mvura yekugeza, I'm sure Lucky is almost done now." Akaburuka pabed kwava kubuda ini misodzi kwava kusara ichiyerera.Kusazotiziva kuti zvinhu zvacho zvaizondifambira negwara randaida chairo here ndiko kwandaichema."Knock knock,"ndakanzwa Lucky odaro ari padoor and I swallowed ndokupukuta misodzi nekuti,"pindai." Akapinda ndokunditi,"Mamukasei?"I sniffed ndokuti,"ndamuka hangu, mamukawo sei." "Ndamuka,"he said achinditarisa ndichibva ndatsikitsira kuti asaone misodzi yaingoramba ichiyerera."But imbondiudzai kuti zvinombonyatsofamba sei nhai?"he said zvakaita kuti ndimutarise akati,"you are so beautiful, uri kuchema and instead yekuti ushate sezvinoita vamwe wabva wawedzera kunaka, unozviita sei?"Aitaura achitora hembe muwardrobe and I wasn't expecting that so I chucked ndokuti,"aaah?"ndopukuta misodzi nemaoko. "Serious ka, ndiri mushock izvezvi.Ndanga ndichida kutokunyararidza mushe mushe kuti haa ninez zvichaita mukomana anobatanidza batanidza but yoh, beauty yenyu amai yandivhiringa,"he said zvakazoita kuti ndigegedzere kuseka.To me I'm sure he was just trying to make me feel better ndikati,"torai zvamuri kuda mubude." "Ndakutodzingwa mumba mangu,life so ka?"he said ndikati,"handiti makatikweretesa here?" "Horaiti kwacho, anyway musanyanya kuzvinetsa stereki, zvese zvichaita bhoo.Inini ndichazokubatai hangu tombonyatsokurukura sevanhu vasina kumbowana mukana iwowo.Mukatamba neni mushe munogona kuita lucky sezita rangu,"he said zvakaita kuti ndinyatsomutarisa akati,"chiregai zvekuchema, munopa mpfana wangu stress."I sighed ndofunga Royen then nodded ndikanzi,"good girl,"munhu ava kubuda. Royen akazodzokawo and he helped me kugadzira bed.Ndaiva ndoda kutsvaira paakabva ati,"enda unogeza mvura yako yaita, ndosara ndichitsvaira." Ndakabuda kunogeza ndikadzoka munhu atopedza zvemumba atova mukakitchen kavo.Lucky aiva akagarawo pasofa achiverenga mazimari.Ndakaenda mubedroom changed kwava kuzodzoka kwaiva nevamwe food yatogadzirwa.Ndakasara ndodya naLucky uyo akabva andipa mari twenty dollars achiti,"ndeyenyu iyi, ye just in case, haiudzwe baba."I was in need ndisinawo saka ndakaitora kwava kuti,"maita basa." Paaiva obuda akabva apa Royen imwe ndichiona akati,"wozosiira wo mainini kwamuri kuenda uko kuti vagobatsirikana."Akatenda Royen zvakaita kuti ndizenge ndangotarisa pasi iye Lucky achingoti,"pachedu kani, uri wangu iwewe."Ndiye akatanga kubuda achienda isu kwava kuzosara tobudawo kuenda kuBanket.Ndakatadza kuchengeta mari iya ndisina kumuudza saka ndakamuudza sekutaurwa kwazvaiva zvaitwa naLucky wacho.He laughed ndokuti,"ibenzi hake pane zvimwe zvinhu Lucky but naturally he is a good guy.Senge pakupa apa haa anotambanudza, I owe him zvekutodaro muface uya uya." Akanga otoita nyaya dzaLucky uku ini reality yochinyatsosinker in kuti ndaiva ndotobuda muHarare.Royen wacho aitoratidza kuva excited achindiudza nzvimbo kuti apa tava pakati. Takanosvika ko kuma one dzemasikati apa kuchipisa zvako.Yakabuda muroad mota ikadarika munenge mutown macho ichingodzika neroad.Ndakatanga kuona dzimba dzemahuswa kwava kuziva kuti zvaiva zvatoshata.Takanopinda pamba paiva nefence, dzimba 3, one kitchen ine huswa, one yaiva bedroom like yakamira yega, then imwe yacho yaiva netwo rooms dzakabatana.Dzimba dzacho dzairatidza kuti dzichangovakwa dzakatoplastwa zvakanaka. Padzimba dzese dzataiva taona muroad ipapo paionekera fani.Chivanze chaiva chakatsvairwa zvakanaka uye paine maruva aitenderedza dzimba airatidza kuti atodiridzwa musi iwoyo. Pakaparker mota kuseri kwemba hombe kwakabuda mama vandakangoziva kuti ndivo mai vaRoyen nekufanana.Vaiva vatsvuku zvichiratidza kuti ndiko kwaaiva atora paint."Ndiani wauinaye nhaiwe mwana waNoble, wandivigira muroora here nditotange zvangu kudzana,"vakadaro vachifamba vachiuya kwataiva tiri. End of Chapter

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข 345
Maybe Novels
2/24/2025, 3:12:11 PM

*Follow our Channel for more* https://whatsapp.com/channel/0029VaMos7nAO7RLKNf1Ai1p *STARLIGHT* Maybe Novels 0716962865 Colossians | Vakorose English 1:17 He is before all things, and in him all things hold together. Chapter 15 *Tanaka* Ndakatarisa Royen aiva andivhurira door remota achindibatsira kuburuka uyo akaseka ndokuti,"ndiko kutambira vaenzi here ikoko nhai mai Royen?" "Ndiri kuda kuziva ka kuti ndotambira sei,handiti vaenzi vanotambirwa zvakasiyana siyana zvichienderana nekuti ndiani?"she said vava padhuze Royen uya kwava kuti,"vaenzi vanongotambirwa amai, zvirisei?"Aitaura ava kuvambundira sezvo vanga vasvika patiri ini ndaburukawo mumota. "Ndiribho ini, titambire,"vakadaro hugging him back achibva ati,"tambirai henyu."Vakasiyana mama vaya kwava kuuya wo pandiri vakavhura maoko vakati,"handisi kuziva hangu kuti ndimi ani asi titambire, musazoti taita rusarura ganda." We laughed ndichivahuggawo Royen kwava kuti,"saka muri kuti mukadzi wangu mutema here nhaimi ambuya imi?"Ndakawedzera kuseka nekuti ndaiva ndisina kana kumbozvifunga mama kwava kuti,"ndiwe wakutodaro." Vakandisiya vava kutora kabag kangu votitungamira kuenda muimwe yeroom pa two dziya dzaiva dzakabatana."Gogoi,"ndakadaro ndopinda padoor vakati,"pindai pindai henyu vasikana, sunungukai." Ndakaona kuti ndimo maiva musitting plus kitchen mavo, maiva nemasofa maviri mahombe then rimwe side riine kitchen unit yavaiva vakarongedza zvakanaka.Maiva makachena floor ichipenya muine kamhepo kaitonhorera.Maiva neradio yaiva kucorner yairidzwa radio Zimbabwe zviri pasi pasi."Garai henyu,"vakadaro isu kwava kugara pasofa rimwe chete naRoyen ivo vachibva vagara pane rimwe racho. "Makadii mama?"Royen akadaro achiombera vakaombera wo vachiti,"ndiripo hangu baba vangu, makadiiwo?" "Ndiri right ini, kurisei kuno?"akadaro akanzi,"aiwa tiri nani isu, hameno imi kumabasa kwenyu uko." "Haa ndizvozvo,"he said and achingonyarara ndakabva ndatiwo,"makadii mama?" "Ndiripo hangu mwanangu wakadiiwo?"vakadaira vachisekerera ndikatiwo,"ndiripo hangu." "Right, anonzi Tanaka uyu, ndakazongoita musikanzwa paya ndiri kuHarare kwava kuvhiringa mwana wevaridzi.Saka akatouya kumba nezuro then nhasi tikati regai tibve tangouya kuno,"akadaro ini kwava kutsikitsira manje ndomirira kunzwa reaction yavo.Kahana kaiva korova kutya zvaiuya ndikanzwa voti,"kumuvhiringa how?asi wakamitisa?" "Mama, ko kungoti ndakavhiringa sekutaura kwandaita zvakaipei?kumitisa ndiko kuita sei manje?"akadaro mama vaye ndokuseka chikwee vachiti,"nepawaiti, hee zvekuroora kwangu chitimbokanganwai zvenyu, ndichada kutanga ndazodai, ndozodai, zvakazodii?" Haana kudaira ndikanzwa vasimuka mama kwava kutamba kuimba zvavo vachitamba,"zvaringana, kurangarirwa naJesu, zvaringanawe, kurangarirwa naJesu."Royen chuckled kwava kudzunguza musoro mama voridza kamhururu kavo vachitenderera tenderera.Vakazogara pasi ndokuti,"aiwa tafara mauya amai, ndokutambirai nemufaro, munoyerei?" "Shumba,"ndakadaira vakati,"aiwa sunungukai henyu masibanda, pamba ndepenyu." Ndakatura mafemo ndotiwo,"maita basa mama." Royen akabva atotumwa kubata huku ipapo ivo vava kundiudza about imba yedu vachiti,"iyo iri koko ndiyo bedroom yenyu masibanda, ichangopera kugadzirwa zvayo.Midziyo ndiyo ichada hayo kuchinjwa pamwe nekuwedzerwa basi asi imba yakanaka zvayo." Ndakanosiiwa padoor ndava kupinda mukati umo maiva makanaka wo sure.Maiva makachena asi muine bed chete.Bed yacho yaiva yemaspring iya yekuti yaikwira nekudzika apa ichiita noise futi.I sighed ndichirara nemanhede asking myself kuti ndaizopabuda here pandaiva ndazvipinza apa. Mama naRoyen ndaivanzwa panze vachiudzana huku yekubata mama vava kuvesa moto kuside kwaiva neimba yemahuswa yaiva iyo kitchen yekubikira.Pandakabuda vakati,"mazuvano tobikira hedu panze, kazhinji kana konaya ndipo patinopinda mumba.Munobhohwera hutsi ndosaka ndichimutiza." Wakaveswa moto huku yatochekwa ndikada kuti,"ndoundurira pai?"ndikanzi, "siya aundure iyeyu aicheka."Ndakabva ndatogara pabench raiva rakaiswa muberere remba kwava kuvigirwa chimodho nedrink zvandakadya tichitaura nyaya. Vakabika vega mama tikadya hedu ndoudzwa dzimwe nyaya dzaiita Royen achiri mudiki.Takazonorara taneta nekutandara and the next day ndakamuka kuda kuita basa kwava kunzi,"haiwa muchizvinetsereiko, zororai."Ndakatozoita kumanikidzira kugadzira breakfast ndatoona kuti ndikasadaro hapana chandaiita. She was really friendly zvekuti hazvina kumbonditorera nguva kuita warm up to her ndotovaudzawo nyaya dzekwandaiva ndabva.Ndakazotanga kuchema paiva poenda Royen ini ndava kusara.Yaingobuda yega misodzi ndikanyengetedzwa nekunzi,"ndinenge ndichiuya every weekend babe, Friday ndotorara ndava kuno then ndichauya nehembe dzekuti ndongobva kuno Monday makuseni ndichienda kubasa." Mama wo nekune rimwe divi vakasara vachindinyengetedza ndonzi,"akashanda akashanda anotozokutora mogara mese kuHarare ikoko.Zvinenge zvakangonaka kuti vanhu mugare pamwe chete." Ndakazonyarara ndaona kuti ndakutovashungurudza and musi iwoyo kurara ndega ndakatya ndikanovanokera kubedroom kwavo.She laughed ndokuti,"masibanda ka, huya hako tirare unozoenda kwenyu kana murume wako aripo." Zuva raitevera makuseni ndipo pandakabatidza phone yangu kwava kuona mamessages amama.Zvairatidza kuti mari yaiva yasvika nekuti yekupedzisira yacho yaiva yakanzi,"asi Tanaka ka?saka watova kumurume so?"Ekutanga ndiwo aiva ekunditsvaga saka ndakazongopindura yekupedzisira kuti,"Sorryi mama." Ndakabva ndatofonerwa ipapo ndokumboudzwa mashoko zvekuti handina kana anything chandakataura.Mama mai Royen vaivapo vakazenge vondiita cheer up vachiti,"mubereki anotombobatikana chaizvo nenyaya idzi asi zvinozoita nani hazvo nekufamba kwenguva." Taiswera tiri two hedu ndichiendwa neni kunoratidzwa vanhu nekuratidzwa mombe yaRoyen nemhuru yayo kwaibva mukaka wataishandisa kumba.Yaichengetwa kunext sezvo yaiva iri one zvisingaite kuti igare yega and futi yanga isina anofudza. Weekend akauya Royen and I was so happy zvekuti yakapera ndichingoyema chete.Iyewo aiva auya netunonaka twekuti ndidye akasiya ati,"ndaita madhiri ekuti pauyewo bed iri nani.Pane muface wangu anogadzira ari muChinhoyi umu saka ati inouya Wednesday or Thursday achibva atora iyi iripo iyi.Then kumberi uko ndichazoitawo chest of drawers yekuti tikwanise kurongedzera wo hembe." Akapedza weekend yese aripo kwava kuzoenda hake kubasa Monday makuseni.Ini ipapo phone yangu ndipo payaitombochargiswawo zvisvinu nekuti ndiye aienda nayo kucharger kwacho.Kasolar kamama kaiisa moto mushoma mune yangu, yavo ndiyo yaizara sezvo kaiva kari kambudzi. Paakaenda yaiva yakazara moto zvekuti ndakakwanisa kupindura mamessages aNicole andaiva ndava nenguva ndisingavhure.Ndakatanga ndatura mafemo kwava kuzoti,"Sorry shamwari, zvinhu zvacho zvanga zvisina kunyatsomira zvakanaka." Akabva atofona ipapo kwava kuti,"nhaiwe?ko hanzi wakatizira?"Ndakaseka ndokuti,"long story mai mwana,"iye kwava kuti,""Hiii usadaro Tanaka, long story yekutadza kuudzawo sahwira wako sure?apa ndaitokufunga sei?musi uno ndakakwira mota yasoulmate wangu ka kubva muWaterfalls kupinda mutown, kuda kuti bhururu ndodii bhururu angabatika?" End of Chapter โ™ฆ๏ธ *Please Note* โ™ฆ๏ธ *STARLIGHT 2* is going to be onsale. As usual, tichatanga nemaPromo edu. Promo iri kupera panouya Final Chapter yeSeason 1. *Promo 1* Subscribe with $1.50 only to be added musub group. Ecocash/inbucks US: $1.50 Ecocash Zig :75 zig USD Airtime buddie :$2 Airtime Zig :85 *Promo 2* Buy one and get one for free. Buy *STARLIGHT* with $2 and get one free book of your choice. Ecocash US/inbucks : $2 Ecocash Zig :100 Airtime Buddie/Netone: $3 Airtime Zig:120 Ecocash /inbucks number: 0773072702 M. Mutonga To those in SA, R50 for two books , Avon account, 115463032 M. Mutonga. R35 1 for you voucher or OTT Voucher. After subscribing, please send your proof of payment or confirmation panumber idzi, 0716716574 /0778262016 Regai ndidzokorodze, sendai panumber dzinoti, 0716716574 /0778262016. *Please send to only one number between the two* Hurry up and secure your seat ๐Ÿ˜‰๐Ÿ”ฅ

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 267
Maybe Novels
2/27/2025, 4:22:53 AM

*Follow our Channel for more* https://whatsapp.com/channel/0029VaMos7nAO7RLKNf1Ai1p *STARLIGHT* Maybe Novels 0716716574 Colossians | Vakorose English 1:20 and through him to reconcile to himself all things, whether things on earth or things in heaven, by making peace through his blood, shed on the cross. Chapter 18 *Tanaka* Ndakaramba ndakamutarisa ndichiti pamwe achati ndiri kutamba but akaramba akarova serious.Akatotora mvura yaiva paside pake kwava kumwa ndokuti,"I was thinking kuti mwana anosara nagogo vake, I'm sure vese naRoyen vanogara naye zvakanaka kutodarika iwe." Ndakazoseka paakadaro kwava kumuti,"iwewe unotopenga chete, ndisiye mwana wangu manje nekuda kwako?Uri kutoona zvauri kutaura zviine musoro?kuti vamwe vanhu vanotozogona kugara nemwana wangu zvakanaka kudarika ini mai vake?" "You won't be leaving him or her forever zve, kana wapedza zvechikoro wozodzoka uchitangira paunenge wakasiira.Hona ka Tanaka, zvese izvi zviri kubenefitor iwe,kuti uende kuchikoro focus yese iri pane zvaunenge uchiita.It's been long usingaite zvemabooks izvi so obviously zvinenge zvichiti remei and nemwana paside plus murume futi, trust me it won't be that easy.Ehe Royen anogona kukuendesa kuchikoro but it won't be anytime soon, achada kuroora and he is still building his life from scratch. Yes kuda anenge achitoda but he can't, zvinomuremera ,so ndipo pandiri kupinda manje inini ipapo." "Handidi Lucky, ndiri kuda kutoudza Royen kuti ndizvo zvawanga uchitaura,"ndakamudaro akati,"agondiitei seanoroya?unenge watobyzira imimi nekuti anogona kuita tuhasha tusina basa oti ava kubva pamba pangu kunotsvaga pake pekugara. Ne $120 yaanowana kukabasa shungu kake anoitei?I'm sure uri kuzviziva kuti mapiece jobs haasi kubatika futi mazuvano saka anenge atova pama1.So it's up to you, ini I won't lose anything and I won't even deny it futi nekuti handisi kunyepa.Ndiri kukuda and I wanna build a life with you." "Uri munhu akaita sei iwewe?"ndakabvunza still shocked nekuva kwake bold achiudza mukadzi weumwe wake kuti anomuda."Munhu anoziva zvaanoda and asingatyi kuzvitaura.Ukabvuma nyaya yangu Tanaka we aren't going to be intimate ipapo ipapo.Ndinokupa time yekuita adjust to everything maybe for a year before ndakupa kana kiss zvayo.Zvese izvi ndinenge ndichizviitira kuti uone seriousness yangu pauri.I know haundide but ndichaedza nepese pandinogona kuti undidewo.I'm going to better your life, I will rent for you and even give you your own car yekuti kufamba kukuitire easy.I'm willing kuita anything within my means kuti ndihwinewo moyo wako." Handina kuzomudaira ndakabva ndasimuka kutoenda akasimukawo achiti,"I know zvinovhundutsa and you are confused nezvimwewo zvakawanda wanda but imbofunga nezvazvo.Hupenyu hwako hwatiri kutaura nezvahwo uhwu and sometimes ukasaita maselfish decisions haumbofa wakararama zvaunoda."Ndakaramba ndichifamba kwava kubva ndabatwa ruoko ndokubatiswa $100 yakabatana kwava kunzi,"mozotengera mwana hembe, wakuenda tisiri kunyatsowirirana so zvimwe zvacho ndozokupa next time." Ndakada kutarisa 100 iya kwava kunyara kuti zvaigona kuzooneka kuti ndanga ndisina kujaira kuibata.Kuramba ndanga ndisiri kuzoramba hangu nekuti I needed it kuti nditowedzera hembe dzemwana dzaiva dzarehwa.Ndakafamba road yese pfungwa dzichipishana neconfusion yezvandaiva ndaudzwa naLucky.Aiva andipa offer yehupenyu hwandaida nekugara ndakarota.Ndaiva ndotoona ndichifamba nemota ndichienda kumba kwana mama kwaitoonekerawo. Ndakatura mafemo ndozvibvunza kuti ko chakanditadzisawo kuona Lucky first kwamai Mufundisi chii."Matomwa drink racho?"ndakavhundutswa nevoice ramama rakadaro ndikati,"ehe, nerenyu randanga ndatenga ndarimwa futi ndava kutosvika.Ndambozama kushingirira kusvika naro zvikaramba."Ndakanyepa. She laughed ndokuti,"ehoi vamwene, manga maita basa shuwa."Ndakazongosekawo kwava kupinda mumba mangu kunoviga mari yandakaisa pakati pehembe.Ndakagara muya ndakayeva madziro muphone kwava kupinda message from Lucky yaiva yakanzi,"ndakasvika kumba kwenyu pandakaenda nemari paya, and I think you deserve better than that.Ndipe chance uone zvandichakuitira."Ndakamedza mate situation yekumba kwedu ichiuya mupfungwa, Royen kuichinja chaiko anga asingakwanisi hake.Maziso angu akazara misodzi ndichifunga how I had failed pamaplans angu nekuda kwangu Royen kwandaiva ndaita. Zvairatidza kuti zvandaiva ndaona nekufunga pamusoro pake ndisati ndamuda zvanga zvisiri iye but Lucky.Mota yandaiva ndaona pakutanga chaipo ndikafarira chaiyo yaiva iri yaLucky. Ndakwidzira madzihwa ndokurara pabed ndonyatsochema nekuti the life yandairarama wasn't even close to the life yandaida.Chaibva charwadza kuti munhu aikwanisa kundipa life yandaida aiva azouya ndatova mune mamwe mapromises kare.To make it worse munhu wacho iyeye aiva shamwari yemunhu wandaiva ndava naye.Moyo wangu wakabanda zvekuti ndakachema kusvika pakuudza mama kuti ndaiva ndarwara.Ndaiva ndotovanzwira tsitsi vari padoor pangu vachiti,"saka ndokubikirai chii chamuri kunzwa kuda kudya?huyai zve murare kwangu uku kwandinenge ndichikuonai padhuze." Ndakaenda kumba kwavo kuya phone ndadzima ndikazotaura naRoyen pane yavo.He was so worried zvekuti aiva ototi,"ndinouya ndokuona mangwana babie, ndanonoka kuona message yamama." "Ndinoita bhoo iwe usazvinetse,"ndakamudaro akati,"unoita hako bhoo yacho ndakuona."Ndaiti pamwe aizosvika manheru ka mangwana acho but ndiye akatotimutsa kuma six makuseni asvika."Nhaiwe Royen?"ndakamudaro akati,"handina kurara hako babie, ndatomboda kubuda kuma 2 chaiko Lucky ndiye atozondidzora." Pandakanzwa kuti Lucky hana yakavhunduka sezvo anga ariiye honzeri yeurwere hwangu.Ndakazongomanikidzira kusekerera ndoti,"zvakakuomera, apa hona ndatopora." "Hazvina basa, as long ndakuona chete,"he said and paakaona kuti ndaiva ndava bhoo sure akabva atodzokera kubasa.Mama ndivo vakabva vati tiende kwadoctor just to be safe ndikanzi ndaiva right BP ndiyo yaiva yamboda zvayo kuti kwirei. Ndakazviudza kuti I was going to try kusafunga nezvaLucky but zvainetsa.Ndaiva ndotomuona as someone aizokwanisa kundisaver nekundipa hupenyu hwakanaka.Zviri zverudo hazvo moyo wangu waida Royen zvisina kana mubvunzo asi ane zvakawanda zvaanga asingakwanisi kundipa.I started weighing my options kuti kuri kunzi ndabvuma zvaLucky, chii exactly chandaiva ndiri kuzoloser?It was only Royen uyo wandaigona kuzodzokera kana zvangu zvaita.Mumusoro mangu ndaiva ndava kuona kunge Lucky aigona kuzongoita bridge rangu.Kundiendesa kuchikoro, ndodzidza then ndoshanda ndobva ndadzoka hangu kumhuri yangu.I was sure kuti kana ndava nechikoro changu zvese nebasa anenge asisina chekundibatira nacho. I sighed ndichiisa ruoko padumbu ndofunga mwana wangu kuti ndaizodii naye.Munhu wandaida kudealer naye anga atoratidza kuti panguva iyoyo inini ndini ndaiva pamaplans ake chete not mwana.He had a point hake but kuti nditi mwana wacho agare kumusha uku nekukurira ikoko futi ndanga ndisingade.KuHarare kune vangu mai ndaiona kutori worse so ndakabva ndaita stuck ndofunga kuti kuri kunzi ndada kutora offer yaLucky, mwana wangu aizodii? End of Chapter

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 596
Maybe Novels
2/26/2025, 8:46:00 AM

Kuti pamwe Lucky ndiyo soulmate yaTanaka?๐Ÿคฆ๐Ÿปโ€โ™‚๏ธ๐Ÿ™†๐Ÿผโ€โ™‚๏ธ Let's like and share to get the next chapter.๐Ÿ˜Š

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ 89
Maybe Novels
2/25/2025, 2:03:30 PM

Tokumbirawo muise malove nemalikes pachapter 16, chatova chikumbiro.

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข 55
Maybe Novels
2/26/2025, 2:07:47 PM

Tisu hedu tikunoona Lucky

Post image
๐Ÿ˜‚ โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ 190
Image
Maybe Novels
2/27/2025, 4:40:45 AM

Malikes kuchapter, Musikana ari mubishi mekuda kuita decision.

Post image
โค๏ธ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 127
Image
Maybe Novels
2/27/2025, 4:25:52 AM

Mamukasei ๐Ÿ˜Š Nhasi mune time yakawanda yekuliker book. Ngatimboonai kuti na10 am munenge masvika papi๐Ÿ˜…imwe chapter inogona kuzongouya.

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข 50
Maybe Novels
2/26/2025, 8:38:04 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaMos7nAO7RLKNf1Ai1p *STARLIGHT* Maybe Novels 0716962865 Colossians | Vakorose English 1:19 For God was pleased to have all his fullness dwell in him.20 and through him to reconcile to himself all things, whether things on earth or things in heaven, by making peace through his blood, shed on the cross. Chapter 17 *Tanaka* Ndakamedza mate ndichinzwa kahana kangu kurova.Kudaira kwakaramba kwava kubva ndaramba ndakanyarara ndichiedza kufunga kuti ndoti kudii.Ndaiva ndisisiri hangu mwana mudiki wekutadza kuona kuti zvinhu zvacho zvaiva zvisina kakujeka mukati.Kubva pandaiva ndaudzwa nezvekunaka kwangu pamwe nekupiwa mari moyo wangu waiva waona kusajeka kwekuita kwake.Handizivi kuti zvaiva zvakonzerwa nezvandaiva ndaudzwa namai Mufundisi pamusoro pake here kana kuti kwaingovawo kuona kwangu. "Tanaka?"akadaro anzwa pasina mhinduro iri kuuya and I sighed ndokuti,"uri kudei?"He laughed ndokuti,"ndokuudza zvandiri kuda ndakuona, however ziva kuti zvandiri kuda zvinobenefiter tese.Zvine madreams anogona kuzadziswa munhu wese akafara." "Royen ari kuzviziva here kuti uri kuda kundiona?"ndakamudaro akati,"haasi kuzviziva, unozongomuudza ka iwewe sekumuudza kwawakaita nezvemari iya yandakakupa.Inini handina chaRoyen chandjinacho saka kumuudza kana kusamuudza zvakafanana." "Ndiri kurwara ini ndinenge ndakarara,"ndakamudaro nekuti as much as I wanted kunomuona nekunzwa nyaya yake umwe moyo waindiudza kuti it was wrong. "Saka better, ndichasvika pamba ndichiona murwere, bye,"akadaro nekutokata phone ndichibva ndasara ndava kungoboira boira tuziso murima imomo.Kuzoti asvike pamba manje achitsvaga murwere aiva asiri kuzivikanwa ndakaona zvisiri kuita.Worse nenyaya dzake I felt like ndinenge ndaita disrespect mama saka ndakabva ndamubeeper.Akabva afona ipapo achiti,"watii?" "Unosvika nguvai phone yangu inonetsa and kuti usvike kumba hazviite,"ndakamudaro akati,"Ndosvika late afternoon, make sure by 2 wava kubatika, if not ndiri kusvika kumba." "Ko drama nderei rauri kuda kuita iri?"ndakamubvunza ndaona kuti ari kutoita sekuti ndiri kufanira kumuona whether I like it or not."Haaa nguva yareba ndichingoverengera sha saka handichadi, sorry hako kana ndiri kuita sendiri kuwanza pressure but nditoriwo pama1." "Haiwawo, usaite sezvinonzi I owe you something ka,"ndakadaro and he laughed ndokuti,"Okay, sorry Tanaka, tobatana mangwana."Ndakaridza tsamwa ndichikata phone ndochitanga kuzvibvunza why I had agreed to see him.Ndakatoita nguva ndakagara kudaro kusvika ndazokurirwa nehope kwava kurara.Makuseni ndakamuka ndoita zvandaiita zvandaikwanisa wo semunhu anga ava nekadumbu mama vaisada kuti ndiite basa rinorema.Tapedza ivo vakambobuda vakazodzoka havo toita zvebreakfast. Padzaiva dzonanira nguva dziya kuti dzisvike kuma 2 ndakatanga kusagadzikana.Half one I decided kuoneka ndichiti,"ndichambofamba hangu kusvika pamashops apa mama ndimbotenga kadrink." "Horaiti, nhasi mofamba mega, ndine vaenzi vandakamirira vari kuuya kuzondiona,"she said ndikati, "Okay haa ndodzoka manje manje." Ndakabuda kwava kutanga hangu kunanaira ndichienda kuroad kwedu.Phone ndakazobatidza ndatoti fambei zvangu kwava kumirira call yaLucky.Yakazopinda ndatova padhuze nemashops ndichinzi, "ndasvika, ndati kurumidzei zvangu." "Ndatosvikawo,"ndakadaro akati,"makarongeka amai mwana." Ndakaona akandimirira pandaibuda napo chaipo achibva avhura maoko for a hug.Ndakagumbata angu zvekuti handidi zviya achibva angondimbundira zvakadaro.He moved back kwava kunditarisa from kumusoro kusvika kuzasi ndokuti,"wow, kufitwa nenhumbu kudaro?" "Watotanga,"ndakamudaro and he laughed ndokuti, "haa iwewe wakandinakira hangu ndicho chokwadi, your face looks different but kunaka wakangonaka." "Ndizvo zvawanga uchida kuona izvozvo?"ndakadaro achibva ati,"Yes, ndaitadza kurara nekukufunga ndichimbozvishingisa kuti siyana nazvo but ndakakundikana.Let's go kuseri uko pane ka good spot kanogarika zvakanaka timbotaura." Takatanga kufamba kuenda kuya oti,"so how have you been nhaiwe?kurisei kuno?" "Kuribho,"ndakadaro akati,"great, munoswera muchiitei kuno kwakanyarara kudai?" "Hapana zvedu, kungogara,"ndakapindura akati,"inga henyu."Takaenda panzvimbo yaaitaura paibikwa food ndokubva atungamira kuenda kunogara kucorner corner.Takagara ikoko ordered food iyo yandainyatsonzwa kuda ikauya mumukanwa matozara mate.Lucky ainyatsonditarisa ndichidya but handina kuita basa nazvo kusvika ndapedza.Iye akabva andipushirawo chake chaanga asina kunyatsodya ndikadzungudza musoro. "Waguta?"akabvunza ndikati,"ehe, maita basa." "Okay, rega ndivati varongedze wozonodyira kumba,"he said then sighed leaning back."Wakanaka,"akadaro ndisina kana kuzvitarisira zvakaita kuti ndimutarise achibva ati,"I know it's weird considering nyaya yekuti uri mukadzi wabhururu wangu and une nhumbu but ndiri kutadza kuzvicontrolla sha.The first time I saw you hana yangu yakarova and I couldn't believe it nekuti nguva yanga yareba ndisina kumbonzwa zvakadaro.What made it worse inyaya yekuti why pamunhu wasahwira wangu, why not umwe munhu?Ndakafunga kuti zvichapera but zvakaramba zvichiita worse, pese pandaikuona or kunzwa nezvako ndainzwa kuti there is something in me that craves for your attention." Ndakatoona kuti ndaiva ndiri kutopfimbwa kwava kushama muromo uku ndichivhurisa maziso ndakamutarisa."Ndiri player inini Tanaka handidi kukunyepera kana kunzvenga, mababe ndomada iwo achindidawo but when it comes to you it's different. I feel more than kungoti I wanna taste that woman, ndinenge ndichitoda zvekutongova newe even pasina anything intimate." "Lucky, ndiri mukadzi weshamwari yako,"ndakazokwanisa kudaro akati,"I know, and I think ndatombozvitaurawo.Kunyarara kwandanga ndakaita pese apa hakusi kuti ndanga ndisingafungi nezvako.Ndaikufunga everyday but ndaitozama kurespecta iyoyo fact yekuti uri mukadzi weshamwari yangu, but manje ndiri kukuda saka ndauya kuzokuudza." Ndakazongoti tuzu paya ndoshaya zvimwe zvekutaura nekuti aitoratidza kuti haasi kudzora tsvimbo. Apa the way he was serious ndakashaya kuti zvivindi zvacho aiva ari kuzvihodha kupi. "Wazvinzwa?"akandidaro ndikamedza mate ndokuti,"ini manje ndoda Royen." "I know, and kana iye wacho ndotozivawo kuti anokuda saka I'm not going to say anything negative about your relationship. Chandangouya kuzotaura kuti ndinokuda and I'm willing kuita zvese zvaunoda kuti undipewo chance." "I can't believe kuti you want me to cheat on my husband with you, his friend,"ndakadaro akati,"No, Not cheat, I want you to leave him for me.Inini hangu handiite zvekusheya so hapana anenge achiita cheat on anyone.In return, I will make sure kuti wawana chese chaunoda, I mean paunongoti yes chete tinobva tatotanga kuapplyer kuti uende kuchikoro." End of Chapter โ™ฆ๏ธ *Please Note* โ™ฆ๏ธ *STARLIGHT 2* is going to be onsale. As usual, tichatanga nemaPromo edu. Promo iri kupera panouya Final Chapter yeSeason 1. *Promo 1* Subscribe with $1.50 only to be added musub group. Ecocash/inbucks US: $1.50 Ecocash Zig :75 zig USD Airtime buddie :$2 Airtime Zig :85 *Promo 2* Buy one and get one for free. Buy *STARLIGHT* with $2 and get one free book of your choice. Ecocash US/inbucks : $2 Ecocash Zig :100 Airtime Buddie/Netone: $3 Airtime Zig:120 Ecocash /inbucks number: 0773072702 M. Mutonga To those in SA, R50 for two books , Avon account, 115463032 M. Mutonga. R35 1 for you voucher or OTT Voucher. After subscribing, please send your proof of payment or confirmation panumber idzi, 0716716574 /0778262016 Regai ndidzokorodze, sendai panumber dzinoti, 0716716574 /0778262016. *Please send to only one number between the two* Hurry up and secure your seat ๐Ÿ˜‰๐Ÿ”ฅ

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข 386
Maybe Novels
2/25/2025, 2:00:24 PM

*Follow our Channel for more* https://whatsapp.com/channel/0029VaMos7nAO7RLKNf1Ai1p *STARLIGHT* Maybe Novels 0716716574 Colossians | Vakorose English 1:18 And he is the head of the body, the church; he is the beginning and the firstborn from among the dead, so that in everything he might have the supremacy. Chapter 16 *Nicole* "Sorry kani shamwari yangu, sorry sure, and before ndakuudza about yangu nyaya nekubhowa kwayo, what happened pamakaonana nasoulmate?makataura?what's his name?"akadaro ndikaseka ndokuti,"ibvapa, hazvichatombonakidzi kutaura nezvazvo days later.But chakakosha kuti uzive ndechekuti he is married, atori nemukadzi nemwana." "Aaah Nicole?"akadaro ndikati,"Serious, and ndidzo dzanga dziri nyaya dzake idzodzo nemurume waanga akagara naye kumberi.He couldn't stop talking about his wife nekuti mafavorite days ake yava weekend.So it turns out that my soulmate has a soulmate already." "Hiii Nicole, sorry,"she said zvakaita kuti ndiseke ndokuti,"kwana iwe, it's not like I was dating the guy, I don't even know his name." "Okay, but ...eish, haa ma1, sorry, "akadzokorodza futi sorry iya and I had to accept it nekubva ndachinja nyaya ndoti,"hebo, and enough about me.Ndiudze kuti zvakazofamba sei nhaiwe?saka hazvina kunetsa paakaziva kuti wava nenhumbu?" She giggled ndokuti,"kana, akangovhunduka hake but he didn't even ask questions. Kumba kwavo kuBanket ndiko kwandiri hangu and despite kuti the life is slow handina mamwe macomplains." "Ende futi ka?ko iwewe wanga wava kuita zvevakuru naRoyen kuti zviite sei?"ndakamudaro and she laughed ndokuti,"ndakanyengetedzwa vasikana, imiwe, zvakaoma."Musi iwoyo takatombotaura and even though she didn't give every detail about zvaizva zvaitika akandipa basic information yekuti ndaiva ndozivawo kuti zvakafamba sei.Chimwe chaiva chandifadza ndechekuti aiva atambirwa zvakanaka and she sounded okay ne set up yanga iripo. Pakapera call ndakatura mafemo ndorara pabed pandaiva ndakagara.KuLesson ndaiva ndiri kuzoenda manheru saka ndanga ndisati ndava nezvekuita hangu panguva iyoyo.Ndaiva ndisina mazuva ndabva kuHarare uko kwandaiva ndaenda kunotorwa mafingerprints nekusiya imwe information yaidiwa kubasa kwaDaddy pandaiva ndazokwira mota yasoulmate.Pandakangoziva kuti ane mukadzi zvehusoulmate ndakabva ndatozviisawo paside kwava kusiyana nazvo. Ndakazoenda kuLesson manheru and munhu wacho aifamba wo hake zvesure pamaths apa.Ndine zvakawanda zvandaiva ndisinganzwisise zvandaiva ndava kutoziva even kubvunzwa ndakarara.Tanaka ndaitaura naye here and there nekuti aiva asingabatiki zvekumhanya.Weekend ndiyo yaaitonyanya kubatika achiti Royen anenge auya saka phone yake yaichargiswa.Apa kutizira kwake kwaiva kwandipinza busy kumba ndonzi ndizvo zvamaironga pamainonoka kurara.Ndaiva ndava kugara ndakatoitwa take take nevabereki nenyaya iyoyo. Zvisinei mazuva aifamba zvikange zvava kuita zvichikanganwika.Taitaura naTanaka asi zvaiva zvishoma nekuti nguva zhinji aisabatika.Pamwe pacho maweekends andaimbonyanya kutaura naye acho aiva asingatobatiki.Paaiwanikwa pacho ndaiudzwa zvemapundu aiva azara kumeso nekunzi,"mukomana mwana wako Nicole nekuti kamushatiro kandakaita ka, ndiIvan chete." Ndaiva ndakaudzwa kuti baba vemwana vaida kuti anzi Ivan saka ndaiva ndotomutiwo mai Ivan.Mumwe musi ndaiva ndonzi,"saka iwewe hausati wava nemukomana here kuGweru ikoko?"Ndakaseka ndoti,"wandowanepi?plus ndava kutobva kuno, hanti ukuziva kuti tatova padhuze nekunyora?" "Ehe dzokera hako kuHarare unotsvaga soulmate nyowani, ini ndakazvibva,"she said ndikati,"taura hako, zvenyu vamwe makapedza nazvo,"tichibva taseka. *Tanaka* Pandakapedza kutaura naNicole paphone Royen akabva ati,"nyaya dzenyu hadzipere sei imimi?"Ndakaseka ndokuti,"mazuvano tiri kutaura pano neapo saka nyaya dzacho dzinenge dzakawandisa." "Zvinobhowa, apa isu vamwe tinenge tichikudawo,"he said otondikisa and I giggled ndokuti,"wagara unenge uchingondida hako, zvisinei kuti ndiri paphone here kana kuti." "Kukuda kwangu haisi secret zvayo,"he said ndichibva ndasekerera ndichitambira kiss yandaiva ndopiwa.Takabva tapanana rudo zvaiva zvinhu zvataiswera tichiita hedu weekend.Pamwe pacho taiti kana tichifamba famba tikangoona kasango kanoitika zvataida tava kutoita hedu.Kadumbu kangu kaiva kava kutooneka Ivan tomunzwa achitamba hake arimo mudumbu.Mai Royen vaiva vava shamwari yepadhuze zvekuti chero namama vaiva vava kutotaura. Doctor takanoona aiva kuChinhoyi ndiye wataibata kana pane zvinenge zvanetsa.Kunosungirwa paiva pasina sezvo kwainzi kwakangoenda tsvakirai kuno chete.Mama vakazomboda kuti,"asi kana uchida kuenda hako tinogona kuona zvekuita."Ndakafunga kuti ndaizoenda pai nemwana kwava kuona kugara kuri nani.Apa vamwene vangu ndivo vaichengeteswa mari yeroora naRoyen even though yaiuya shoma shoma.Wainzwa voti,"kupera kwegore rinouya inenge yava kuendeka nayo zvayo, kuroora kwagara hakuperi, anenge achizongoita achipedzisa nekufamba kwenguva." Zvaiva nechiedza asi chiedza chacho chaionekera kure kure chaiko.Ndakatanga kuona ndaita umwe wevamwe vaya vaizoroorwa vava nevana vatatu chaivo zvinhu zvichinzi zvazobatana.Kana kuchikoro kwacho kwandaiitira dzungu ndakaona ndisina kukuenda nekuti kubatika kwemari yacho kwaiva very slow.Zvimwe zvese zvaiva zvakanaka hazvo kwana Royen, nyaya yekuti madreams angu aiva ava patambo yekungopera ari madreams chete ndiyo yaiva yondidya moyo.Kudiwa ndaiona ndichidiwa, ini ndichimudawo asi ndaiva ndonzwisisa vaya vaiti rudo harudyiwe. "Muri kufungeiko nhai amai zvamaita kubata shaya kudaro?"ndakanzwa mama vondidaro and I faked a smile ndokuti,"hapana hangu." "Sure here?kana pane anetsa ndiudzei inini ndinopedzerana naye, especially Royen,"vakadaro ndikazonyatsoseka ndoti,"haa hapana zvaaita uyo." "Aita lucky, Ini ndakatomuudza kuti handichatambiri umwe muroora pano and uyu ukamuvhiringa unopedzerana neni straight,"she said ndikati,"thank you mama, haa akangoita zvisina order chete ndokuudzai." She loved me zvandaiona hangu nekuti vaizama nepese pavaigona kuti ndive comfortable.Mwana wavo wacho anga asina hake chaanga aita chandaiti apa andivhiringa.Paaiuya kuweekend yaipera phone ndirini ndinayo ndichitsvagawo zvinhu but hapana kana chandaiwana.Aigona kutobuda ndosiiwa nayo and vaifona vese ndaidaira pasina kana zvainetsa. Ndakazosimuka ndotanga kubika ndokudya ndokuenda kubedroom kwangu uko kwandaiva ndazojaira kurara ndega.Ndaiva ndatopinda mumablankets pakarira phone yangu.Ndaiva ndotoda kuidzima zvekuti ndakafunga kuti pamwe ndiNicole kana Royen nekuda kwenguva dzacho.Zvisinei yaiva new number yandakadaira ndikanzi,"Tanaka?" "Yes?"ndakadaro zvikanzi,"ndi Lucky." "Lucky?"ndakabvunza ndomuka ndichigara zvikanzi, "yes, ndiri kudarika nemuBanket mangwana ndiripa Chirundu apa kubva kuTanzania.Zvinoita here kuti ndikuonewo?ndine ka offer kandiinako kaunogona kufarira." End of Chapter

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข 712
Link copied to clipboard!