Tanic✨ Novels
February 2, 2025 at 12:39 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaGjiZBDTkK51vBjDm1G
*PRETENDER*
Written by CoNy
0775 313 387
Edited by Tanic✨
*Chapter 1*
_Isabella_
Ndanga ndakaita kudumbirwa nehasha zvekusada kana kutaura nemunhu.
Ibasa rudzii rekuti time dzekuenda kumba padzinenge dzave kukwana munhu ndopookuwedzera basa.
Yanga itori tsika yavo boss vangu kuti vakaona kuti nguva dzekuenda kumba dzave kukwana he would come up with loads of work just kuti ndinonoke kubuda chete.
Ndakatanga hangu kuzvitenderedza pachair pandaive ndakagara mu office mangu phone ndoku ringer.
I looked at the code kuti ndione kuti yaibvepi ndokuona kuti yaibva ku office kwa boss.
Haa ndopaunoita hashaka ipapo. I didn't pick it up instead ndakabva ndabuda ndokuenda ku ladies.
Ndichingobuda mu ladies ndiye dhuma dhuma na boss mu corridor.
"Bella, did you just ignore my call?
"No sir, did you call ? When ?
"Don't pretend as if you didn't hear that call, ndobasa rema camera pano, you ignored that call deliberately watotarisa code ukaona kuti the call is from my office and you walked out.
Ndakabva ndatarisa pasi ndaona kuti ndabatwa. Ko inga wani munhu wese wepabasa aiti macamera haasi kuita these days, ndakashaya kuti ndopindura kuti kudii.
"Kana uchirega kupicker ma calls angu so tell me kuti why are you getting paid heee.
"I'm sorry sir
"Sorry for yourself, now huya ku office kwangu tione pane paperwork yandoda kuti kugadzirise as soon as yesterday it's needed urgently
Ndakabva ndanzunzutira ndichivatevera ku office kwavo
Vakapinda vakavhara door ini ndokutanga nda knocker and he responded ndaknocker kechi two
I sat pa couch yaive just opposite his desk.
His office setup was like this , his desk had two chairs for visitors aive akatarisana neyavo ivo.
Then kumberi kwe desk ravo kwaive nema couch four and a glass table as well. Pa table pacho paigara paine bowl rine all sorts of sweets for visitors.
Then ku right kwe desk ravo ndokwaive nezi TV raive kumadziro ku left kwaive ne a built in cupboard where he would lock ma files and other documents.
Ndakagarazve paya munhu haangataure basa racho raari kuda kundipa.
I then picked a sweet from the bowl
"Eeeh eeh eeeh, are you a visitor, why are you taking those, they are for visitors only.
"Sorry sir, ko basa racho ramuri kuda kundipa riripo, so that i can start working on it
"Urikuda kundimhanyisa here
"No sir
Ndanga ndakuita ku boiler nehasha manje, ndakatarisa time pa watch yangu ndokuona dzave ten minutes before four apa basa raipera na four.
"Sir please ndipei ndiite basa racho, four dzakutoda kukwana.
"You should have thought of that before ignoring my call
Oh, i want you to fill in all the required information about this company make sure you get the right and correct information from everyone.
"okay sir
Ndakasvika ku office kwangu ndokutanga kutarisa paper work iya, imi ndakaita mudumbu.
Paidiwa ma personal details a everyone wepa company apa, ma assets e company and their worth.
I couldn't do that ndikazvipedza nenguva yanga yasara iyi .
I quickly realised kuti pandanga ndagara camera yanga yakaita kunditarisa chaiko so ndakagara the other side ndakafuratira camera ndokutanga kuchema.
Why was he doing all this to me ?
phone yangu yaka ringer ndokushaya kuti ndodii , taisabvumirwa kubata phone when at work.
Ndakabva ndaisa my hand mu handbag ndokui wraper ne tissue paper and i walked out ndakananga ku ladies.
When i got there it was still ringing
"Hello
"Hi sweety asi uchiri kubasa
"Ehee
"Hey pakaipa, i thought wabuda kaini i wanted to see you i really miss you.
"Hooo
"Aaaah, ko wakatsamwei ndozvinoitwa here izvozvo
"Ndokubata Leo , bye
Ndakazvituka kuti dai ndatanga ndatarisa kuti ndiani arikufona.
That was Leo my boyfriend, anga ave kungondibhowa those days hameno kuti sei maybe i pressure yekubasa .
On my way to my office i noticed kuti vamwe vanga vave kuto packer packer kuratidza kuti vakuda kutobuda.
Kana ari saRose anga atotakurana ne handbag yake akutoenda.
Ndakamatarisa futi ma paper aya ndokupererwa boss kwakufona futi.
"Hello
"Kudaira fon kwerudzii ikoko munhu ari pabasa
"I'm sorry sir
"Wave pa page ani
"Handisati ndatanga
"Aaah hoo, ndrikuzvida hangu nhasi
"But sir nepane time i don't think i ...
"Vakabva vandikatira phone
Ndakatsamwa handidi kunyeba, vamwe vese vakasvika pakuenda ini ndingorimo mu office
Pakakwana five ndisati ndambodii kana ndakati zano nderipi, ndokungotora handbag yangu kwakududa kuenda.
Zvavo zvekuti hee ndomada nhasi ndaizozviona mangwana, i was really tired pressure yacho yanga yakanyanya.
Ndichingobuda gate vakabva vatanga kundifonera , i guess vanga vandiona ndichibuda.
Ndakaidaira because i knew ku ignowa kuzviparira
"Hello
"Ko waenda kupi, wapedza zvandati uite here
"Hello
"Ndati wabuda ne handbag wapedza zvandati uite here
"Helloo
"Bella, i need my paperwork today ! Come back !
"I can't hear you sir, phone yacho iriku breaker iyi
Ndakabva ndacutter, kunyepera kusavanzwa ndoyanga iriyo way out.
Apa pandaimirira transport pacho yainetsa this hour.
Ndakamira about 20 minutes ndichishaya transport ndanga ndakutotya kuti boss vachadarika vakandiona ndiripo
I worked just near Mutare road ku Greendale so kubva pabasa kusvika mu highway paive padhuze.
Ndatoneta nemumirira pakabva pasvika ziRange Rover re white rikamira pamberi pangu chaipo.
Driver wacho akabva adzikisa mawindow ndokubvunza kuti
"Urikusvika kupi ?
"Eeem ndakamirira kombi
Ndanga ndaita kupererwa nezvekutaura, munhu wacho anga ari this dark handsome guy, airatidza kuve kuma late twenties soo.
"Come on , i know wakamirira kombi but i asked kuti urikuenda kupi, unogarepi
"Borrowdale
"Okay, pinda tiende
"Aiwa, maitabasa regai ndipinde mukombi iyo yetown yatosvika
"Hop in, i will drop you off mu town
Ndakabva ndatongopinda ndakanyarara kwakuzoti thanks ndagara.
"So tell me, urikubvepi nguva dzino
"Kubasa
"Aaah ibasa rudzii iroro rinononoka kupera, it's almost 6 ka, this is not good for a beautiful lady like you
"Well, ndangononoka kupedza nhasi.
"Okay, ini ndonzi Brian koiwewe
"Isabella
"What a beautiful name for a beautiful lady , do you mind if i call you Bella ?
"I don't mind, actually many people call me Bella so it's fine.
"Okay then, so how old are you Bella ku Borrowdale unogara kupi nani ?
I remained quiet, wasn't expecting so many questions at once.
"Oh, sorry ndabvunza zvakawandisa handi.
"No it's just that ...
"Okay rega nditange inini, i'm 30. I stay alone ku Mt Pleasant but my parents vanogara kuAvondale.
I'm into mining and i also do zve branding & signage.
"Oh that's great, well , i stay with my grandma and i work for a company inoita zvetimber, as a sales rep.
"Oh i see, and your age ?
"24
"Cool, can i have your business card kana uinaro
Ndakanyepera kutarisa muhandbag mangu kwakuzoti akapera andaive nawo and he gave me his phone kuti ndiise number.
"Munogona henyu kundisiira paArmtec Motors apo so that ndotsvaga kombi
"Unokwirira papi
"Pana fourth
"Since ndakutoenda hangu kumba i can drop you off kumba unogara kupi exactly
"Muna Armadale, just after village
"Okay, so this is what i will do, ndonokusiya then ndozodzoka ndobata Churchill ndoenda kumba.
"Maitabasa
"Ani ?
"Imimika
"Aaah ndonzi Brian ini
Brian akanondisiya pa gate chaipo ndokuenda hake and ndakafara zvekuti because hustle yekukwira makombi yaitonditemesa musoro.
Ndichipinda mumba ndakawana gogo vakamira vakabata muwaist.
"Ndiani wawauya naye uyo ?
*End of chapter one*
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
47