Tanic✨ Novels

7.3K subscribers

About Tanic✨ Novels

*Welcome to our vibrant platform, where learning meets entertainment🤭 Immerse yourself in captivating real-life stories that educate and inspire, while enjoying thrilling novels that spark your curiosity🌟 As you turn the pages, take notes and absorb valuable life lessons, making the experience even more enriching✍🏾 Get ready to be entertained, informed, and transformed✅* ‼️Introducing *"Books in Tanic's Closet"*- Your Ultimate Destination for Educational Entertainment‼️ *Explore Our Collection👇🏾* ❤️ _*Pretender*_ - Uncover the truth behind the facade 😶 _*A Thousand Secrets*_ - Secrets, lies, and revelations 😂 _*Just Deserts*_ - Laughter and lessons in unexpected places 🥹 _*Kusina Mai*_ - A culinary journey with a side of wisdom 🤔 _*Blessings and Beatitudes*_ - Reflections on life's blessings and challenges 🤰🏾 _*My Daughter*_ - A heartwarming tale of love and growth 🌚 _*Inconsiderate*_ - The consequences of thoughtless actions 😩 _*Unbearable*_ - Finding strength in the face of adversity 🙏🏾 _*Redemption*_ - Stories of forgiveness and new beginnings 😭 _*An Eye For An Eye*_ - The impact of our choices 🧠 _*Emotions Or Brains*_ - Navigating the mind and heart 🤺 _*Pay Back Time*_ - Karma and the power of actions 🤕 _*Cruel World*_ - Resilience in the face of challenges _We warmly welcome everyone to our channel!_ 🤗 - Enjoy pure, trustworthy, and engaging content - Read at your own pace, anytime, anywhere - Suitable for all ages and reading levels *Dive into the world of "Books in Tanic's Closet" and discover the magic of educational entertainment!* Enjoy your stay🫶🏾

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Tanic✨ Novels
6/12/2025, 6:03:43 PM

```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0785505702* *Chapter 30* *Mr Dube* Takapedza kudya tichibva tatooneka kuti taive toenda kuchipatara na Trevor. Mai Ralph vakazo suggester zveku private hospital vachiti pane kwavaiziva what what. Takaona zviri wise kuenda Ku private because waitoenda uchiziva kuti ndinodzoka ne good news. Ku hospital chaiko kwaisava effective sterek waigona kusvika uchinzi hakuna optician wacho. Family doctor taive naye but aive asina Ku specializer kumaziso. Ku hospital kwaiva bhoo pakuti tainoshandisa medical aid asi zvaifana kuitwa chop chop. Vakafona Mai Ralph Ku private kwacho kwavaiziva ndobva vato booka appointment. Vakaita luck nekuti vakabva vatonzi Optician weikoko aitovekowo. Takazobuda hedu inini na Trevor wacho toenda kuya. Tichibuda gate mudzimu unonzi Ralph takauona wakazviunganidza pagate ipapo. Asi Ralph aitoshura chete kana kunyara kana kuti ndaizoti kudii... aive ari ziii hake ipapo. Ndakashaiwa kana simba rekumboita hasha naye ini. Ndakangokwanisa kumuti kopinda kaa mugate. Akasimuka hake ndokufamba achipinda. Trevor handina kuda kumbotambisa nguva ndichimuudza zvehurombe hwa Ralph taifana kumhanyira kwataienda. Asika Ralph ndaisada apa angoite kunge paive pasina zvaakapara kaa he deserved to be punished but kuti inini ndi deale naye ndaisada saka ndaida mapurisa aite basa. Ndakafonera mapurisa ndichibva ndavaudza kuti munhu wavaitsvaga ainge ave pamba ndakavabvumidza kumu discipliner aah ndainge ndanetawo ini, vakati vaive votoendako. Ndakaa cutta ndikati ndezvekwake Ralph vaizopedzerana vega nepolice yacho. Trevor akabvunza kuti koyaiva nyaya yei ndikamuti ambozvisiye zvakadaro ndaizomuudza hangu rimwe zuva. Trevor akatanga kudakundiudza kuti, "B.. but mofana kubata Ralph zvakanaka ndiye first born wenyu kaa, your heir. Aaah ndakangoseka ndikanyarara, Apa ndaida amboite zvekuti arapwe shamwari wangu uyu. Takasvika on time akaitwa consultation yake zvakanaka naka. Then akanzi aifana kutenga mishonga hobho hobho yaakanyorerwa so omboishandisa for 21 days course yacho. The optician promised that aizoita hake bhoo Trevor. Akanzi kana course ikapera asati aita bhoo aigona kuzoita zvekuparwa. Takaenda neku pharmacy tikanotsvaga mishonga yese kusvika taiwana tikatenga. Takazodzokera hedu kumba zvakanaka. *Ralph* Ndakagara pagate paya kusvika pakutokanganwa. Ndakazovhunduka gate rovhurwa. Ndakabva ndato tensa hangu ndiripo. Yakabuda mota ya Dad handina kana kuitaseyi. Vakangonditi ndipinde mu gate chete havana kana zvimwe hobho zvavakarotomoka sezvavaimboita, ndakangoti Mwari wangu mupenyu ndichipinda mumuzinda waDad ndakaisa ruoko muhomwe ndichi nyatso feeler ma USA andaiva nawo. Vakabva vato driver ndokuenda havo. Ndakanyahwaira ndichipinda hangu mumba. Hmmm padoor ndakanyatsonzwa kuti wow. Ndakabva ndatodaidzira _home sweet home!_ Mhamha vachibva vaita kudzika ma stairs vachimhanya ndokusvika vachi sticker pamberi pangu vakanditarisa. Ndakabva ndatovanzvenga ndokunanga Ku room kwangu ndaida kuviga mazi mari angu mhamha vasati vatanga kutaura neni. Vakatanga mhamha, "Nhaiwe Ralph, urikumhanyepi?" "Imimi manga muchimhanyawo wani." "Aizve hanty ndanga ndichiuya kuzokutambira here? Zvino huya kuno." Ndakaramba ndichifamba kuenda kuroom kwangu, Damn! Ndakasvika door racho rakato lockwa haro. "Dzoka kuno Ralph apa hauna kana kundimhoresa ipapa." "Mhamha ndirikuuya, koseyi door rangu raka kiiwa?" "Urikuda kupinda payi netsvina dzako idzodzo, tanga watogeza nekurasa matata awakatipfekera iwawo. ...then wobva waa.... Vakabva vaperera ipapo mhamha zvairatidza kuti mumba mainge mapinda munhu. Ndakabva ndananga hangu ku bathroom kuti nditogeza. Ndichingopinda muya makabva mapindawo police officer. Maiwee ndakavhunduka ndaive ndotofunga vaya vekumbondivharira ndabva kubirwa phone. "Ndiwe Ralph handiti?" Chi voice chacho so, ndakaramba ndakanyarara ini aaah. Vaindibvunzireyi aaah koinga ndaive ndava mumba medu. "Shamwari urikutoramba wakanyarara hako nhayi. Inini ndangouya kuzokutora chete. Nyayawo newe handina hangu. Saka famba tiende" Yoh, aida kuenda neni kupi? Ininiwo hangu ini aaah apa ndainge ndabvisa trousers rangu ndiro raive nemari yangu iya. "Ehoyi, ndimirireiwo 2 minutes ndoda kuita wee." Akabuda ndokuvhara door hake. Ndakabuditsa mari yangu mutrouse ndikaisa muboxer ndichibva ndaribvisa ndokuriisa mu washen basket yaive mu bathroom imomo. Ndokubva ndapfeka trouse rangu bhoo bhoo ndichibva ndabuda. Officer vaya vakanditi ndipinde mumota yemapurisa, ndikapinda hangu. Mhamha vakabudawo panze asi hapana chavaitaura. Vakabva vangonzi anodzoka mukomana vakangoti horaiti vachitofuratira kupinda mumba. Aaah komhamha vainge vasisandirevererewo here. Mota yakabva yatobatwa tichibva tatonanga kwacho ikoko. Ndakasvika ende handina kumboita zvekuvharirwa sezvandaive ndakamboitwa kuya. Mapurisa acho anenge aitoziva nyaya yangu inini yandaisaziva coz vaingoitana ndiye wacho ndiye wacho. Vaive four vakapinda neni mune imwe room. Vachibva vatanga kundibvunza zvekukiira Aunty mumba huh ndakarambisisa ini. Vakambondisiya vachibva vaenda havo. Maybe after an hour ndakaona vavakuuya futi then ndakaita kunzwira kure vachiti........ _horaiti nyangwe kurikunyepa_ _mudhara wake aichema chema nenyaya yemusikanzwa yake even ipapa handiti ainzi aishaikwa aive arikupi? Punishment anongofanira kutopiwa saka totoita basa ratakanzi tiite varume_ Zvimwe handina kuzozvinzwa asikaa hana yakatanga kuita kunge ichabuda kunze kwehembe. Vakabva vanyatsosvika nemboma huh ndakaita kunge ndichazvinyorovesa hembe ndichiona mboma ende munhu aive akaibata airatidza kuti aive arikumashure kwenguva. "Right, Ralph wati hauna ku kiira munhu mumba handiti." Hamenowo chii chakaitika ndakabva ndatanga kutaura zvisina full stop. Ndakarudunura zvese zvekuti ndaive ndakakiira Aunty mu room mavo tichida kuenda Ku visit. Ndakatanga kutaura zvekwa Laura futi, ndipo pandakazonzi, "Hey zvakwana, zvatanga tichida kunzwa tazvinzwa asi handiti wamboramba saka kurohwa hausi kurega kurohwa urikutorohwa." Aityisa munhu akataura kudaro asi ndakakwanisa kuwana simba rekutaura kumu pindura ipapo. "Ndi-nd- no "Nyarara hako Mukomana zvambarara ipapo tione." Ndaifunga kuti vaitamba ini ndakaramba ndakamira hangu. Vakabva vaita kundibatirana 2 vacho ndokundirarisa pasi nedumbu. Imi ndakatanga kuramba ndichingotaura chete zvimwe zvisina zvazvaireva. Ndakazonzwa ndanzi one pasi petsoka ndakarwadziwa kusvika mubrain ndichibva ndanyarara kuti ziiii. Ndakanzi imwe ipapo mudumbu mangu makaita kunge maiva nemwana. Koini shamhu ndaiitya kaini, guys kana vanhu vaya varipabasa ravo vanenge vachitorevesa. Ndokuzonzi imwe futi huh ipapo ndipo pandakajamba kusimuka kudayi apa pasi paisatsikika pasi petsoka pachiita kunge paiva nemoto ndakabva ndatodonha nekurwadziwa. Ndakanzi gadzikana ukasadzikama dzinosvika 20. Ndakanyatsoteerera ndoku tensa hangu, vakandipa dzimwe 2 vachibva vati vaive vapedza. Ipapo maziso angu akaita kuoma apa ndaida kuchema asi huh zvakaramba. Ndakabva ndanyarara kuti ziii ndobva ndanzi simuka. Imi Huh ndakatadza kutsika ndichibva ndaita kugara ndakatandavara hangu. Vakanditsiura tsiura kuti hanzi ndikazonetsa futi vaiita zvinodarika ipapo. Ndaive ndisisanzwi kana zvavaitaura pain ichinzwika mubvudzi chaimo nemunzeve asi ndainge ndarohwa pasi petsoka hameno zvaifamba seyi. Ndakazoita kuzunzwa ndikavhunduka, vakanditi ndiende kumba. Ndaive ndakanganwa ndokuedza kusimuka kudayi ndikadonha futi. KO handiti ndivo vaive vauya neni here? Saka vainge voda ndiende kumba seyi. Ndakavaudza INI kuti handisikugona. Vakanditi enda kumba izvozvi. Ndakakambaira kubuda muya ndakasvika padoor ndokugara hangu. Vakatevera zvikanzi tidarikewo zvee. Ndakasuduruka vachibva vadarika. Ndakakambaira futi ndokunogara panze. Vakanditi ita zvekusimuka uende. Mmmm but ndakakoniwa. Vakazondisiya hangu ndiripaya. Ndaiita ndichiedza kusimuka asi ndairwadziwa ndakazongokwanisa kukambaira kuenda pamumvuri ndokuzvambarara hangu. Hope dzichibva dzauyawo. *Mai Dube* Ndakasara hangu pamba apo vaDube vakaenda na Trevor kuchipatara. Ndakatotsvaga tsvaga kwekuti vaende naye kunorapwa kuma friends angu ndichibva ndatowana help. Zvekuti Trevor aite bofu mmmm ndaisamboda hangu. Ipapa ndakasara ndichifunga kuti koivo vaDube vaienda riini kupraz vaive vagarisa aaah, ndaitoda vamboende ndisare naTrevor ndimuudzewo good news dzeka Ralph kadiki kandainge ndakatakura. I knew kuti aizofara coz ndiye aive akauya neplan yacho. Zvino oita bofu huh kana zvaisashanda kaa izvozvo. Ralph akabva apindawo nekuita noise ndakatosiya zvandaiita ndokumhanya kunomuona zvee. Moyo wakaita kufara kuona mwana wangu asi Ralph wacho kana kundimhoresa akabva atondinzvenga hake ndikasara ndotaura ndega. Pakabva patopindawo mupurisa achimutsvaga. Huh ndakabva ndanzwisisa kuti kusagadzikana kwa Ralph ainge abva kwaaibva maybe achidzingirirwa. Ndakangobatanidza nezvekuti baba vake vainge vambondiudza the previous night kuti vainge vaudza mapurisa saka ndakangosiyawo zvakadaro achibva atotakurwa akaenda. Ndakatosara ndichida kutevera kunomutora nekunotora aunty because basa racho raitondikurira. Ndakazongoona kumurira vana vaDube kurinani ndisati ndateverawo kumapurisa but futi aaah ndainge ndisina mota saka kwaisatoendeka. Ndakabva ndatorara hangu pasofa, ndokuzovhunduka ndichinzwa kuti gumbo rangu rainge rabatwa. Ndakatarisa kudayi ndokuona ari Trevor asi vaDube vainge vasimo. Ndakabva ndatoda kumuudza nyaya yedu ndichibva ndanyatsogara iye akagarawo Pa same sofa ipapo. Ndakamu hugger ndokuisa muromo panzeve pake ndichida kuzevezera, vaDube vakabva vavhura door........ *End of chapter 30* _May The Grace Of God Be With You!!_

❤️ 1
Tanic✨ Novels
6/12/2025, 11:42:48 AM

1. When you feel weak, rest 2. When you feel lonely, talk to someone 3. When you feel overwhelmed, take a step back 4. When you feel anxious, breathe deeply 5. When you feel sad, allow yourself to feel 6. When you feel broken, seek healing 7. When you feel angry, walk away if needed 8. When you feel confused, ask questions 9. When you feel afraid, confront it gently 10. When you feel tired, take a break 11. When you feel ignored, speak up 12. When you feel lost, find a quiet place to think 13. When you feel stressed, prioritize peace 14. When you feel judged, stand firm in who you are 15. When you feel unheard, express yourself clearly 16. When you feel unloved, love yourself more 17. When you feel stuck, try something new 18. When you feel invisible, affirm your worth 19. When you feel disappointed, learn the lesson 20. When you feel hopeless, remember past victories 21. When you feel impatient, trust the timing 22. When you feel guilty, make it right 23. When you feel burdened, share it with someone 24. When you feel discouraged, reflect on your progress 25. When you feel inferior, remind yourself of your strengths 26. When you feel neglected, focus on those who care 27. When you feel like quitting, remember your ‘why’ 28. When you feel pressured, slow down 29. When you feel emotional, don’t suppress it 30. When you feel joy, embrace it fully *Encouragement Paragraph:* Life is filled with shifting emotions and unexpected turns. It’s okay to feel weak, sad, or unsure—what matters most is how you respond. Give yourself permission to pause, breathe, reflect, and heal. Strength is not in hiding your feelings, but in honoring them and growing through them. Keep showing up for yourself.

❤️ 👍 😢 🙏 14
Tanic✨ Novels
6/11/2025, 8:03:38 PM

```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *Chapter 29* *Tinashe* Ndakabuda zvakanaka muroom maMakanaka, hepano pakuvhara door, Ndakaita kuri banger hamenowo zvandaifunga ....mhamha vaMaka vakabva vabuda ndokutovheneka pandaiva. Ndakaramba ndaka sticker guys. Light riri muma ziso angu chaiwo. Makumbo akatanga kudedera ndakati ndimhanye ndikati kana, ndakafunga Maka ndikati haaizosara mushe kana. Aidyiwa namhamha vake ava, so I had to stand for her. Pfungwa dzakafunga zvakawanda ma seconds mashoma iwayo mhamha vaMaka vachiuya kwandaive. Ndakazviudza kuti kana vakadzinga Makanaka ndaimutakura hangu. Ndaive ndotorova ka prayer kuti kohavangangoti takuranai here. Imi uku ndiko kwainzi kuzviisa mu muromo we shumba. Vakasvika vachiita kufemera mudenga Mai Makanaka havana kubvisa light mumaziso angu apa nyadzi zvadzinoita so. "Hezvo hausi mwana wekwa Mhizha here iwe?" Ndakanyara ndakaramba ndakati ziii. "Inga wakakomborerwa fani, unoita zvaunoda pano hanty? Saka urikubvepi nhaiwe? Urikuendepi? Wavingeyi? Wazviwana here?" Yakatanga kumwaiwa mibvunzo thousand apa hapana kana 1 wandaiva ne answer kwauri. Ndakaita kuenda pa mute. "Inga waita hako wauya, rega ndimudaidze Makanaka, pamwe ndiwe baba vechimwana chaainacho." Paisadairika apa, asi zvavaitaura zvaisandityisa nekuti chokwadi ndaichiziva kubva kwavari futi. Ndototenda Mwari vakaita ndizvinzwire, nekuti dayi ndainge ndakangoita zvekuzoudzwa naMaka nematauriro amhamha vake waibvuma kuti mwana ndewake worse wakatanga kuudzwa na Nomsa. Makanaka aive akaomerwa chokwadi. Manje I knew the truth and that was my secret. "Nhaiwe hautaure? Haunzwe here? Chiiko munhu asina matyira?" Handina kana kutaura chinhu ndakaramba ndiri ziii. "Koiye, Makanaka, Makanaka!" Akadaira mwanawevanhu achitobuda panze. "Nhaiwe Makanaka ndiudzewo, heyaa wakatosvinura hako handiti. Saka murikuzivana zvee. Ndiudze ndiani uyu?" "Ndi Tinashe mhamha." "Taura zvese Mai Mac, ...." Ndakatoona kuti vaingoda kumuti Mai Mac zveshaisano chaizvo. Makanaka wacho akabva atonyararawo hake. "Makanaka saka urikuita basa rekuhura pano, indava usina kana matyira. Izvozvi wakaita chimwe chimwana chirimumba icho apa ndirikukuchengetera. Izvozvi wava kutsvaga umwe kaa. Ndiudze haasi iye akakupa mimba yekutanga here, urikuda kuita chimwe futi handiti. Unoda futi kuti ndikuchengetere inini. Nhaiwe Makanaka chandakakutadzira chii? Chekuti unounza varume pamba ndiripo chokwadi maiwee hii hii mwana wangu chaiye arikudayi uyu, nhayi Mwari, nyika yorema pano, zvotoitirwa nevana hazvitsananguriki baa. Makanaka Maka kani." Vakanga votochema mhamha vaMaka ndakashaiwa kana chavaichema ipapo asi ndaiziva hangu kuti kwaitova kuvhara ma1. Mai vaive vasina kana nyadzi ivavo. Apa busy kunyepa kuti nditye. Hanzi chimwana chawakaita, ndakarwadziwa iye Maka wacho aisataura kana chinhu. Ndakada kuvapindura ini, chembere isinganyari kuitira mwana wayo hutsinye hwakadaro. Ndakada kuvaudza ini kuti imi hamunyari kunyepa asi ndakazovanyara since ndaida kuita mukwasha wavo. Ndaiziva kuti nyangwe ambuya vari mupengo kudaro ndaisafanirwa kupindira nyaya dzacho she deserved respect yese kubva kwandiri. Vakarotomoka nhema dzavo kusvika vaneta ndokuchipukuta misodzi yavo manje. "Eeeeh manga muchida ndicheme kaaa, mafara, manje misodzi yaamai ndiyo ine minyama yese kana musingazvive." "Masweraseyi mhamha?" Ndakadaro ndichiombera. Vakaisa light ravo pasi vakabata muchiono ndokutanga kuombera manje, "Mhamha? Mhamha ndiani, ndiani waurikuti masweraseyi mhamha pano ndiani?" Ndakanyara ndikatsikitsira hangu. "Indava usina nyadzi nekuti ndakunzwa nhasi, wavakutanga kunyepedzera hunhu handiti. Handizive kuti urichii uye urikudeyi. Ndatobuda ndichiti i mbavha manje humbavha hwacho munenge murikuita nemwana wangu. Hausati wandiudza kuti urikuita nezveyi pano nguvadzino. Ndafara chose kuti unotaura kaaa. Ndanga ndichitofunga kuti haunzwi nekutaura zvese, aaah zvino zvakanaka ndiudze zvese kana uriiwewe baba vemwana Mac.... Ndakagadzira pahuro ndokuti, "Mhamha...... "Hezvo, hezvo usanditiwo mhamha zvee, mwana wangu pano ndiyeyu one wamurikuona apa vamwe vacho havapo havo." Ndakanyara ambuya ava vaitaurisa kana kunyara vaisanyara kana. "Ndine hurombo nezvaiitika, ndanga ndisingadi kukonzeresa kana kudii asi... "Asi chii? Rombe remunhu Kurumidza kubva pano. Unofunga ndine time yekuteerera tsvina dzese idzodzo ibva pano. Ndisare ndipedzerane neyangu imbwa." Ndakadzingwa zvinonyadzisa ini manje ndaisazobva ipapo. Worse kusiya Makanaka achinzi rega ndisare ndichipedzerana naye. Huh vanga vakuenderera manje. Ininiwo twangu twaive twotokwidza ipapo. Vaishungurudza Maka mhani. Makanaka akazonditi, "Tinashe enda," apa misodzi ichierera achinyatsooneka kuti airwadziwa. "Ndokumbirawo kutaurirana nemi zvakanaka, "Iwe ibva pamba pangu wanzwa, hauuyi kuzonditonga pano kuzondiudza zvaunoda pano. Anotonga pano ndini. Plus nxaaa, hamusi imi vemutemo here? Zvino ndiko kuchengetedza mutemo here ikoko? Une mhosva iwe urikutsvaga chii pano husiku huno?" Huh ndakasarenda mhamha vaMaka vaitaura havo kwete zvekunyepedzera. Ndakasimuka ndokuenda. Kana kuoneka ndakanyara, Ndaive ndonzi hamusi vemitemo here. Asika vakaramba vachiita zvavaiita ndaizoshandisa mutemo panyaya dzaMaka dzavaiita idzi. Ndakaenda hangu asi moyo waita kurwadza, Makanaka ndainyatsoziva kuti ndamusiya ndamukanyira. Aigara ari wekurwadziswa chete musikana uyu. Ndakasvika kumba ndichitonopinda mugota mangu asi ndainyara nekurwadziwa kana kurara handina ini. Saka mhamha mangwana makuseni ndaivati kudii ende vainge varara vatobvunza ndika promiser kuzovapindura mangwana. Ariwo Nomsa iyeye ainge atanga zvese izvozvo. *Makanaka* Kana pane chinhu chinonyadzisa kumubereki wako, kuonekwa uchibuditsa mukomana mumba. Na Tinashe hapana misikanzwa yataiita isu ende ainge atongoita zvekuuya husiku kusvika pamba zuva iroro chete but kuti uchizvitsanangure huh zvaisawana anoteerera. Mai vangu vaiva type yavo vega huh ndakatya. Vakadzinga Tinashe wacho tikasara tava 2 manje. Ndakangofarira kuti havana kuita zvekudaidzira raini rese coz kune vanenge vakatomirira nhau idzodzo. Nyaya yacho taingoiziva tiri 3. Akaenda Tinashe ndikasara ndakugogodzwa kunzi taura chete, "Makanaka haundinyararire kana ndichitaura newe iwee. Ndaifunga kuti wakarongeka ini, ko izvi ndozvipi? Handina kumbokudzidzisa hunhu hwakaora kudaro. Unonyadzisa shuwa wakuita zvekuvharira vakomana mumba, haunabasa nemuviri wako iwee. Kana kukutarisa ndirikutonyara. Manje kana yanga iri plan yekuti ubve pano wadzva, unogara pano neni hapana kwaunoenda. Ndatopedzaso,..... "Mhamha Tinashe mukomana wangu, ndiye mukomana wangu. Akanzwa kuti ndine mwana saka ndizvo zvaanga auya kuzonzwisisa." "Kuuya kuzonzwisisa husiku huno, haa fokofu kunzwisisa chii chacho? Akakubvisira kana kiti pano here? Saka wamuudza kuti chii, Heee. Manje MacDonald mwana wako, Uchagara naye pano." "Mhamha kani.... "Nyarara mukomana iyeye ngaatozive kuti Mac mwana wako iwewe, vanhu vese ndozvavari kutoziva ende this is our secret tiri 2 ndakafara chose pakaenda baba vako ndivo vaiziva chokwadi. Apa anoziva chokwadi ndisu tega. Saka zvichagara zvakadaro." Vakadaro mai vangu vachitofuratira kuenda. Ndairwadziwa nezvese zvaiitika ini. Vakadzoka futi mhamha vaya, "Door siya hako rakadaro usavhara vazopinde mushe kana vauya." I stood up, that was enough! I couldn't bear it anymore. I just wanted her to know the truth. Ndakavabata shoulder. "Mhamha, "Usandibate, urikundibatireyi?" "Mhamha zvamunotaura zvekunyepa, zvese zvamunoita vanhu vese, zvese zvekunyararidza vanhu zvese zvekungoda kunzwikwa imimi moga nhema futi, Kwandiri Ndokumbirawo Muchirega! Am sick and tired of how you treat me here. I tolerate everything you do just because you're my mom but it doesn't mean I'm okay with it all. Rambai muchidaro, I have been patient with you all along but mukasachinja hameno. To tell you the truth am slowly losing it ........ "Iyaaa, ndinyararire iwe hure remunhu wanzwa, kuguta kwaunoita pano kunokupa simba rekuvharira varume mumba after izvozvo wotoda kundifarisira, saka apa urikuzama kundiudza kuti hapana chawatadza here? Hee? Urikutoda kuzvichenesa zvinhu zvandazvionera ndega apaa iweee. Ndakatoona kuti hapana kwataienda mhamha vaisatombondinzwisisa I knew. So Ndaitofana kungobvuma kupusa just like mazuva ese. "Sorryi mhamha." "Ndizvo zvinoitwa kwete kuda kuona kunge taenzana, handidi hangu kuona mashura anenge aya futi. Kana kuri kumashops kwaurikuwana turume twekuunza pamba ndinozvivharisa ini. Ndazvinzwa zvisaitike futi. "Ehoyi mhamha." Vakaenda havo kunorara but ndainzwa kunge pane zvimwe zvataiva tisina kutaura naTinashe. Ndainzwa kuda kuendako kunomuona but ndaive ndisina hunhu ihwohwo. Apa kuti iye azodzoke kunge zvaaiva aita apa zvaisaita, apa phone ndaiva ndakatorerwa huh paive patoipa. Ko Nomsa chii chaitika? Kuti nditevere Tinashe hwaiva hwava husiku chaihwo so ndakangonorara. Ndakamuka ndikaita basa rese ndikapedza. Mhamha ndakavaudza kuti ndainge ndogona kuenda ndega kumusika izvo ndaitoda kumhanyisa dzimwe nyaya dzangu. Ndakageza bhoo bhoo nekutogezesa mwana. Mhamha vakatobuda neni vachifunga kuti ndaienda kuya. Vachingo kona kuenda nekwavaienda nako. Ndakabva ndatoita U turn kudzokera kumba. Ndakanosiya zvinhu kumba but Mac manje aive akasvinura kuti ndimusiye zvaisaita. Ndaida kutaura naTinashe asati adzokera kubasa chete, so ndakatakura Mac wacho kuenda naye kwana Tinashe ikoko. Hanty iye aive asvikawo pamba pedu saka kwavo ndiko kwaizoyera here? Aiwa kana. Ndakafambisa hangu ndakabereka Mac wangu ndichitoenda kumba kwavo. Ndichingosvika kudayi makuseni seni iwayo, Nomsa ainge achitomhanya mhanya payard paana Tinashe, pfungwa dzangu dzakamhanya ku pic riya ndakachizviti ndisvike here or ndidzokere kumba kwedu.......? *End of chapter 29* _May The Grace Of God Be With You!!_

😂 🙏 2
Tanic✨ Novels
6/10/2025, 6:15:59 PM

```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *Chapter 28* *Laura* Ndakapedza kuverenga ka note kaya, tusimba twese twuchibva twatoperawo. Ndakapererwa ende katsamba aka kaito threatena kaa kuti ndikautaura chete hazvaizopera mushe. Manje ndaizodii koini. Ndakati rega nditodzikame coz girls dzacho kana dzatanga revenge ndaisazozvigona. Kuti ndirare kudayi bed raive rakati chakwata zvino nemvura apa ndainzwa hope se hope. Ndakanyatsotarisa vana vevamwe ndokuona vakaita kurara zvakanaka vachiratidza kuti hapana chainetsa. Then why me, aah ndaka screamer zvekuvharira chaizvo. Vamwe vana Ma'am vairara kuma hostel ikoko vakabva vauya. Vakasvika vakabvunza nekundipopotera zvese kuti noise haunyare here. Ndakataura ini kuti bed rangu raive rakanyorova. Handina kana kufunga zve threat ndakanyatsoti hameno. Ko ndairarepi dayi ndakada kusekerera nonsense iyoyo. Ndakazopiwa pamwe pekurara and then mangwana acho girls dzemu hostel medu dzakadaidzwa dzese vakaudzwa udzwa nekutsiurwa pamusoro peku abuser vamwe. Vanhu vakazoenda kuma lessons zvapera zvese izvozvo. Inini hapana kuma lessons kwandaienda ndaive nebasa zvee ku garden. Ndakasvika bhoo ndokutanga kushingirirana ne punishment yangu but it was very painful. Guard vaya venyaya dzavo vakatanga kungotenderera tenderera pandaishanda paya. Vakatanga kungonditaudza ndichingodaira. Pasina time vakatanga kutaura futi zvekuti vaindida. Ininiwo ndainge ndachineta manje nekushanda, umwe moyo wainge uchiti ingovabvuma ndezvekungotamba hazvirevi kuti watoroorwa. Ah ndaiona kuti hazviite ndidanane nemurumekomana akadaro. Ndakavati hazviite, huh ndakaramba. Vakambo disappear futi ndobva vazodzoka haiwa vaive vandivavarira kani musi iwoyo. Vakatanga kundiudza kuti vaiva munhu aribhoo hanzi dayi day riya rawaiva nemukomana dayi kusiri kuda kwangu dayi wakapinda pama 1 chii chii. Ndakazongovabvuma guard vaya ini aah, vakaita kuzhinya kwavo kuya. Pese pandichavataura from now ndinenge ndichingoti *mazhinyu* . Mazhinyu akabva atotora ma tools akatanga kupedzisa punishment yangu. Ndakaenda kubreak ndikadzoka basa rarohwa zvekuti hande. After lunch vaive vapedza havo. Ndakafara at least zve punishment zvaive zvapera. Aka disappear Mazhinyu hanzi hapana anofana kumbozviziva and for sure hapana wandaitomboda kuti azvizive. It was going to be our secret. Mazhinyu akanditi aizonditsvaga achibva atoenda. Inini ndikanotsvagawo Ma'am vangu ndakabva ndaenda navo Ku garden vakanoti, "Ende unoshanda next time ungoitewo sevamwe handimbodi kukuomeserawo ini." Ndakangoti haiwawo ndaitoda mamwe ma punishment kuti Mazhinyu aite. Apa here ndaive ndisisatyi kana chinonzi punishment nekuti ma punishment hobho munhu aiyendeswa Ku garden, ndoswera hangu ndisingaendi kuma lessons. *Ralph* Takaenda kubasa kwa Nigga vaya vachitoita zvavaiita havo. Ndakangoona umwe munhu aitoverenga newspaper rake. Mmm ndakaona rimwe pic so asi mapics emu newspaper anenge asiri clear sterek zvawo. Ndakakumbira newspaper riya ndikapiwa ndakaenda paive ne pic racho wanike aaah nderangu. Paive neka heading kaiti _a minor missing_. Yaah ndakaseka ndiani ainditsvaga wacho iyeye asi vana mhamha vainge vatoneta kunditsvaga kusvika pakunotaura. Asiwo kumba ndaive ndoda kuenda hangu. Ndakabva ndatoti rega ndichifambire nyaya dzacho rwuchiri rungwanani. Nigga ndakavati ndakumbotsvaga recess vakanditi bhoo. Dayi vaiziva kuti kwaitova kutiza kwangu nekupera kwavo vasina kungoti bhoo mudenga mudenga. Ndakarova road straight ndakananga Ku plastic rataigara. Ndakasvika bhoo ndikabvongodza kusvika ndapinda chete muplastic riya. My mission now was to search for his money. Ndakapinda busy ndofunga one hour ndisingaoni kana sign yemari apa I needed money at all costs ndaida kuenda kumba. Ndakasvika paku surrender ndaishaya mari iya. Ndakati rega ndimborara asi dzakaramba kuuya hope mu plastic. Huh ndakamuka ndikarongedza zvinhu zvazvaive zvakaita coz kuti Jahman kuti vazoone mashura iwayo apa ndatadza kurova pasi paisazobuda chisvinu kana 1. Ndakadzokera hangu kubasa kwa Nigga vaya ende apa ndaive ndakanyatsobhoikana hangu. Ndakasvika Nigga vasipo Ndichibva ndangogarawo ndakavamirira. Hameno chii chakaita ndivhure rimwe zi jacket ravo maybe ranga rangobvisirwa kuti munhu aitsva here. Ndakatanga kubata bata maoko acho aitomhanya mhanya kunyatsoita embavha chaiwo. Ndakazobata mari manje ndichibva ndanyatsobuditsa yese yaive yakatowandawo zvayo. Ndakangopfumbata mu one palm. Ndakaiisa muhomwe mangu. Ndichingopedza vakabva vatosvika Nigga vaya nesadza zvikanzi ngatidyeyi. Ndakarirova zvekurevesa ndichipedza pasina 3 minutes ndaive ndotonzwa kuti ndaifana kutiza apa. Ndakabata mudumbu ndikati mudumbu mangu kani, Vakati rega ndinokutengera mapiritsi ndikati aiwa siyayi ko ndaitya kuti vanozoona vasina mari. Ndakavati ndakuenda Ku toilet and vaida kuenda neni ndikati aiwa ndinodzoka. Ndakabva pavaiva ndakaita kukotamira ndakabatanidza makumbo ndichienda hangu. Pandakangoona kuti ndaive ndava pavasingandioni. Ndakatanga kufamba mushe manje. Ndakafamba straight ndakatonanga kurank yemabazi. Ndakariwana raitoti Rusape, ipapo ipapo ndakangokwira ndokunozvigarira ndiri ziii hangu. Ainyora ma tickets akazouya pandaive ndakabuditsa mari iya. Yoh ndakavhunduka aiva ma US chaiwo ega ega ma 100 ma 50. Conductor uya haana kuita basa nazvo hake better. Ndakazoona 20 ndobva ndamupa....akandipa change plus ticket. Takasvika maRusape macho kwatosviba and ndaitya ndiine mari kuti kumba gate rinenge rato lockwa time idzodzo plus pane vamwe blaz vainge vongondi checka neziso repa corner ndainge ndotovatya kuti ndikaburuka vaigona kuzonditevera. Ndakabva ndangosimuka Sekunge ndai buruka, blaz vaya vakabva vaita kuuya kuseri kwangu chaiko apa vachiisa pressure isina basa huh ndakanyatsoona kuti ndiyo yainzi mbavha manje. Ndakabva ndagara pane rimwe seat rekumberi akaita kundidzvokora akada kugarawo asi ndakaona akazonyara ndobva aburuka, huh ndaitovawo mbavha saka ndainge ndakatochangamuka. Handina kubuda ini bhazi richibva ratosimuka raive rasara vanhu vashoma zvakabva zvanzi rainge ronorara Ku garage ndakati bhoo ndobva tatoenda. Handina kana kurara kwacho ndainge ndofunga kuti kumba kwacho ndaizosvika zvakamiraseyi. Kwakaedza ndichibva ndatonokwira taxi ndokusiiwa pa gate. Ndinenge ndaiva ndaita 5 days ndisiri pamba. Ndakangonomira pagate pedu ndichishaya kuti ndodii. *Mr Dube* Trevor aisatombova bhoo sterek, one could note that nekungomutarisa. Takarara hedu then mangwana acho akasvika ndaida kuenda naye Ku hospital aiti maziso ake aida optician. Ndakaenda Ku room yaive arara ndichinomumutsa nekuonawo kuti aive amukawoseyi. Ndakanogara mu room yaaiva, "Trevor shaa tikadya nekugeza toenda kuchipatara kaa." "Kunaani kuchipatara?" "Ndoda kuenda newe unomboonekwa nachiremba, you're not okay." "Im okay mukoma, very fine ndirikutoda kuenda kumba kwangu." "Kumba kwako?" "Yes mukoma." Ndakashaiwa kuti aireveyi, koaida kuenda kumba kwakeseyi iye asingaoni. "Trevor, kourikuona here zvaunoda kuenda kumba kwako?" "Aiwa mukoma, sorry aah Hameno ndanga ndichifungeyi yaah ndoda kuenda kuchipatara or totoita zveku private nekuti I really need to see." "Bhoo ndanga ndatya kuti kondezvipi zvawanga wava kutaura. ....But imbomira, ko hausati wandiudza kuti chii chakaitika. What happened kusvika nhasi?" Akataura zvese Trevor hameno kana chaiva sure kana kunyepa aisangochema chete but airatidza kuti airwadziwa. Ndaiziva hangu kuti aisambondinyepera chaiva chokwadi chese. Akataura zvekuti aive atakurwa what what nemota yake. Zvakabva zvandiratidza kuti saka chaiva chokwadi kuti mota yake yakaonekwa yaka dhambwa ndakabva ndatoda kuenda naye kumapurisa Trevor wacho. Takamirira breakfast tichimboita zve kugeza yakazouya hayo tikadya. Ndakatsanangurira Mai Dube nyaya yaTrevor yese vakaratidza kurwadziwa kuti saka maziso aizoona here kana kuti aiwaa. Vakabvunzisisa nyaya yemaziso iyoyi ndikangoti shame vaitorwadziwawo. *End of chapter 28* _May The Grace Of God Be With You!!_

🙏 3
Tanic✨ Novels
6/9/2025, 5:28:12 PM

```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *Chapter 28* *Laura* Ndakapedza kuverenga ka note kaya, tusimba twese twuchibva twatoperawo. Ndakapererwa ende katsamba aka kaito threatena kaa kuti ndikautaura chete hazvaizopera mushe. Manje ndaizodii koini. Ndakati rega nditodzikame coz girls dzacho kana dzatanga revenge ndaisazozvigona. Kuti ndirare kudayi bed raive rakati chakwata zvino nemvura apa ndainzwa hope se hope. Ndakanyatsotarisa vana vevamwe ndokuona vakaita kurara zvakanaka vachiratidza kuti hapana chainetsa. Then why me, aah ndaka screamer zvekuvharira chaizvo. Vamwe vana Ma'am vairara kuma hostel ikoko vakabva vauya. Vakasvika vakabvunza nekundipopotera zvese kuti noise haunyare here. Ndakataura ini kuti bed rangu raive rakanyorova. Handina kana kufunga zve threat ndakanyatsoti hameno. Ko ndairarepi dayi ndakada kusekerera nonsense iyoyo. Ndakazopiwa pamwe pekurara and then mangwana acho girls dzemu hostel medu dzakadaidzwa dzese vakaudzwa udzwa nekutsiurwa pamusoro peku abuser vamwe. Vanhu vakazoenda kuma lessons zvapera zvese izvozvo. Inini hapana kuma lessons kwandaienda ndaive nebasa zvee ku garden. Ndakasvika bhoo ndokutanga kushingirirana ne punishment yangu but it was very painful. Guard vaya venyaya dzavo vakatanga kungotenderera tenderera pandaishanda paya. Vakatanga kungonditaudza ndichingodaira. Pasina time vakatanga kutaura futi zvekuti vaindida. Ininiwo ndainge ndachineta manje nekushanda, umwe moyo wainge uchiti ingovabvuma ndezvekungotamba hazvirevi kuti watoroorwa. Ah ndaiona kuti hazviite ndidanane nemurumekomana akadaro. Ndakavati hazviite, huh ndakaramba. Vakambo disappear futi ndobva vazodzoka haiwa vaive vandivavarira kani musi iwoyo. Vakatanga kundiudza kuti vaiva munhu aribhoo hanzi dayi day riya rawaiva nemukomana dayi kusiri kuda kwangu dayi wakapinda pama 1 chii chii. Ndakazongovabvuma guard vaya ini aah, vakaita kuzhinya kwavo kuya. Pese pandichavataura from now ndinenge ndichingoti *mazhinyu* . Mazhinyu akabva atotora ma tools akatanga kupedzisa punishment yangu. Ndakaenda kubreak ndikadzoka basa rarohwa zvekuti hande. After lunch vaive vapedza havo. Ndakafara at least zve punishment zvaive zvapera. Aka disappear Mazhinyu hanzi hapana anofana kumbozviziva and for sure hapana wandaitomboda kuti azvizive. It was going to be our secret. Mazhinyu akanditi aizonditsvaga achibva atoenda. Inini ndikanotsvagawo Ma'am vangu ndakabva ndaenda navo Ku garden vakanoti, "Ende unoshanda next time ungoitewo sevamwe handimbodi kukuomeserawo ini." Ndakangoti haiwawo ndaitoda mamwe ma punishment kuti Mazhinyu aite. Apa here ndaive ndisisatyi kana chinonzi punishment nekuti ma punishment hobho munhu aiyendeswa Ku garden, ndoswera hangu ndisingaendi kuma lessons. *Ralph* Takaenda kubasa kwa Nigga vaya vachitoita zvavaiita havo. Ndakangoona umwe munhu aitoverenga newspaper rake. Mmm ndakaona rimwe pic so asi mapics emu newspaper anenge asiri clear sterek zvawo. Ndakakumbira newspaper riya ndikapiwa ndakaenda paive ne pic racho wanike aaah nderangu. Paive neka heading kaiti _a minor missing_. Yaah ndakaseka ndiani ainditsvaga wacho iyeye asi vana mhamha vainge vatoneta kunditsvaga kusvika pakunotaura. Asiwo kumba ndaive ndoda kuenda hangu. Ndakabva ndatoti rega ndichifambire nyaya dzacho rwuchiri rungwanani. Nigga ndakavati ndakumbotsvaga recess vakanditi bhoo. Dayi vaiziva kuti kwaitova kutiza kwangu nekupera kwavo vasina kungoti bhoo mudenga mudenga. Ndakarova road straight ndakananga Ku plastic rataigara. Ndakasvika bhoo ndikabvongodza kusvika ndapinda chete muplastic riya. My mission now was to search for his money. Ndakapinda busy ndofunga one hour ndisingaoni kana sign yemari apa I needed money at all costs ndaida kuenda kumba. Ndakasvika paku surrender ndaishaya mari iya. Ndakati rega ndimborara asi dzakaramba kuuya hope mu plastic. Huh ndakamuka ndikarongedza zvinhu zvazvaive zvakaita coz kuti Jahman kuti vazoone mashura iwayo apa ndatadza kurova pasi paisazobuda chisvinu kana 1. Ndakadzokera hangu kubasa kwa Nigga vaya ende apa ndaive ndakanyatsobhoikana hangu. Ndakasvika Nigga vasipo Ndichibva ndangogarawo ndakavamirira. Hameno chii chakaita ndivhure rimwe zi jacket ravo maybe ranga rangobvisirwa kuti munhu aitsva here. Ndakatanga kubata bata maoko acho aitomhanya mhanya kunyatsoita embavha chaiwo. Ndakazobata mari manje ndichibva ndanyatsobuditsa yese yaive yakatowandawo zvayo. Ndakangopfumbata mu one palm. Ndakaiisa muhomwe mangu. Ndichingopedza vakabva vatosvika Nigga vaya nesadza zvikanzi ngatidyeyi. Ndakarirova zvekurevesa ndichipedza pasina 3 minutes ndaive ndotonzwa kuti ndaifana kutiza apa. Ndakabata mudumbu ndikati mudumbu mangu kani, Vakati rega ndinokutengera mapiritsi ndikati aiwa siyayi ko ndaitya kuti vanozoona vasina mari. Ndakavati ndakuenda Ku toilet and vaida kuenda neni ndikati aiwa ndinodzoka. Ndakabva pavaiva ndakaita kukotamira ndakabatanidza makumbo ndichienda hangu. Pandakangoona kuti ndaive ndava pavasingandioni. Ndakatanga kufamba mushe manje. Ndakafamba straight ndakatonanga kurank yemabazi. Ndakariwana raitoti Rusape, ipapo ipapo ndakangokwira ndokunozvigarira ndiri ziii hangu. Ainyora ma tickets akazouya pandaive ndakabuditsa mari iya. Yoh ndakavhunduka aiva ma US chaiwo ega ega ma 100 ma 50. Conductor uya haana kuita basa nazvo hake better. Ndakazoona 20 ndobva ndamupa....akandipa change plus ticket. Takasvika maRusape macho kwatosviba and ndaitya ndiine mari kuti kumba gate rinenge rato lockwa time idzodzo plus pane vamwe blaz vainge vongondi checka neziso repa corner ndainge ndotovatya kuti ndikaburuka vaigona kuzonditevera. Ndakabva ndangosimuka Sekunge ndai buruka, blaz vaya vakabva vaita kuuya kuseri kwangu chaiko apa vachiisa pressure isina basa huh ndakanyatsoona kuti ndiyo yainzi mbavha manje. Ndakabva ndagara pane rimwe seat rekumberi akaita kundidzvokora akada kugarawo asi ndakaona akazonyara ndobva aburuka, huh ndaitovawo mbavha saka ndainge ndakatochangamuka. Handina kubuda ini bhazi richibva ratosimuka raive rasara vanhu vashoma zvakabva zvanzi rainge ronorara Ku garage ndakati bhoo ndobva tatoenda. Handina kana kurara kwacho ndainge ndofunga kuti kumba kwacho ndaizosvika zvakamiraseyi. Kwakaedza ndichibva ndatonokwira taxi ndokusiiwa pa gate. Ndinenge ndaiva ndaita 5 days ndisiri pamba. Ndakangonomira pagate pedu ndichishaya kuti ndodii. *Mr Dube* Trevor aisatombova bhoo sterek, one could note that nekungomutarisa. Takarara hedu then mangwana acho akasvika ndaida kuenda naye Ku hospital aiti maziso ake aida optician. Ndakaenda Ku room yaive arara ndichinomumutsa nekuonawo kuti aive amukawoseyi. Ndakanogara mu room yaaiva, "Trevor shaa tikadya nekugeza toenda kuchipatara kaa." "Kunaani kuchipatara?" "Ndoda kuenda newe unomboonekwa nachiremba, you're not okay." "Im okay mukoma, very fine ndirikutoda kuenda kumba kwangu." "Kumba kwako?" "Yes mukoma." Ndakashaiwa kuti aireveyi, koaida kuenda kumba kwakeseyi iye asingaoni. "Trevor, kourikuona here zvaunoda kuenda kumba kwako?" "Aiwa mukoma, sorry aah Hameno ndanga ndichifungeyi yaah ndoda kuenda kuchipatara or totoita zveku private nekuti I really need to see." "Bhoo ndanga ndatya kuti kondezvipi zvawanga wava kutaura. ....But imbomira, ko hausati wandiudza kuti chii chakaitika. What happened kusvika nhasi?" Akataura zvese Trevor hameno kana chaiva sure kana kunyepa aisangochema chete but airatidza kuti airwadziwa. Ndaiziva hangu kuti aisambondinyepera chaiva chokwadi chese. Akataura zvekuti aive atakurwa what what nemota yake. Zvakabva zvandiratidza kuti saka chaiva chokwadi kuti mota yake yakaonekwa yaka dhambwa ndakabva ndatoda kuenda naye kumapurisa Trevor wacho. Takamirira breakfast tichimboita zve kugeza yakazouya hayo tikadya. Ndakatsanangurira Mai Dube nyaya yaTrevor yese vakaratidza kurwadziwa kuti saka maziso aizoona here kana kuti aiwaa. Vakabvunzisisa nyaya yemaziso iyoyi ndikangoti shame vaitorwadziwawo. *End of chapter 28* _May The Grace Of God Be With You!!_

👍 2
Tanic✨ Novels
5/14/2025, 5:29:05 PM

```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *NB: Season 2 will be on sale!!* *Chapter 41* *Makanaka* KwaMai Blessing kwainakidza veduwee. Ndaiita kunge ndiripamba pedu and ndaiti ndikafunga kwedu chaiko kwaitoita kunge ndiko kwaiva kubasa. Pamba pandaishanda painge pasina kana basa rakawanda sterek ndaitoswera naMac vana Mai Bee nemurume wavo varikubasa. Taingoperekedza Blessing ku creche kwake inini naMacDonald. Tozonomutora futi coz airamba kuenda nemota naDad vake. Then apa ainge ave paholiday hake. NaBlessing tainge takaclicker zvisingaite. Ndofunga ndiyo reason yandaibatirwa zvakanaka nema parents ake. Ndakafarira kuti naTinashe tainge toonana every Sunday. Ndaipiwa day rese off wena saka ndipo pandainoswera naTinashe. Mamwe ma days ndaitoenda na Blessing. Then MacDonald aisara, aisanetsa kana ani hake. Those days Mac aive avekutotaura, anga ava paya paya pekuti mwana anenge achinakidza saka vese Mai nababa Blessing vaimufarira. Mumwe musi vese mhamha na Daddy vaBlessing vakazonditi vaida kuti ndiende kuchikoro, kutangira pandaive ndakasiira ndipedzise. Ndakavhunduka ndaisatombofunga kuti ndichaenderera mberi nechikoro ndaifunga kuti zvaiive zvakatongovharanawo, asi kana Mwari vavekuda kuita zvinhu zvavo so rega ndinyarare. Ndakavaudza kuti ndaive ne O level yangu so ndaida kunyora A level vakangoti yaisava problem. Vaida kutonditsvagira nzvimbo pane imwe High School but ndakazovati ndaida kungoverenga ndiri pamba ndaizononyora chete. Ndainge ndichiri kuzivawo zvimwe sezvo ndaisava dofo hangu. Vakataura zvema Online lessons tikabvumirana kuti ndizvo zvandaizoita. Rimwe day takatoenda tese mutown vachinonditengera stationary zvese zvandaida kuzoshandisa the likes of books and pens etc. Ndakatotanga kuverenga ende time ndaive nayo sterek. Then zvakazoitika manje mwedzi wava kutopera yaive Sunday ndatoenda kunoona Tinashe. He was very happy ndikatoshaya kuti seyi. Then akazondiudza kuti ainge aona advert ye nursing. Akandiudza kuti zvaisamunetsa ndaito applyer ndichiziva kuti ndaizotorwa. Ndakamuudza zve plan yekuti ndainge ndanzi ndiite A level akanditi better uende Ku nursing. Ndakambotsenga mukanwa ndaisada kuita kunge ndaive ne confusion kuna Baba naMai Blessing ndaishaya kuti ndaizonovaudza seyi kuti A level no, nursing pwetere. Paakazondiudza zvema CALA huh ndakatoona nursing iribhoo. So ndaizonotaura kumba kuti ndakuda kuenda ku nursing. "So babe wotoenda kunursing kaa, "Yaah rega nditoite izvozvo." "Saka wanga wakauya nema documents ako kaa, I mean chitupa, birth certificate, O'level certificate." Huh ndipo pandakaona kuti ndaive ndisina kunyatsongwara. Ndainge ndakasiya zvese kumba. Asi mhamha ndofunga ndivo vaive vakazvirongedza nekuti pandairongedza handina kumbozviona. Dayi ndaive ndakasangana nazvo dayi ndaive ndakatozvitakura. "Tinashe handina kana kuuya nechitupa babe." "Urikurevesa here babe?" "Ehe handina kuuya nazvo ini. "Don't worry hunnie, unonotora hanty?" "Aaah kudzokera kuya manje, aah ndanga ndisati ndavakuda kudzokera ini babe." Ndakanyatsofunga kuti ndaive ndakaita zvekutiza kaini so kwaizodzokereka here zvekumhanya huh ndainge ndapisira. Mai vaya vaizondirega ndichipunyuka here hiiii aiva ma horror chaiwo. "Urikutofana kudzokera mwedzi uno uchingopera we have to apply pachine time kaa." "Yaah sure but mmmm." "Usatye Makanaka wanzwa babe wangu, Mwari vanesu. taura zita remukomana wako tinzwe." "TINASHE" "Saka zvinoreyi izvozvo?" Ndakaseka aah Tinashe so "Zvinoreva kuti Tina-She......we have God!" "Exactly babe wangu, and if God is for us then who can be against us?" "Tinashe aah takutoita bible study here?" "Yes sweetie, enda kuna Isiah unoiona verse iyoyo." "It's okay babe ndichaenda." "Ehe plus futi Mwari vakaitaseyi?" "Panyaya yei?" "Panyaya yemusikana wangu....ndiudze vakaitaseyi?" "Aah Tinashe aah.... "Taura kaa, ndiudzewo kuti musikana wangu anonzi ani?" "MAKANAKA." "Akanaka wacho ndiani?" "Ndi Mwari." "Very good sweetie wangu. Saka wazvinzwa kaa since tii NASHE and futi Ishe vacho Va KANAKA....tinokunda chete wanzwa here babe wangu?" "Yeah thanks so much my love, saka ndinoenda kumusha monthend kunotora zvinhu zvangu." "Yaah bhoo." Takazotandara nedzimwe nyaya kusvika tazoparadzana hedu. Ndakaenda kumba hangu ndaidakuudza vana Mai Blessing the new developments. As usual ndichitamba Na Blessing na MacDonald wangu baba Blessing vakabva vauya havo, "Bee uchatadzisa Maka kuverenga iwee noise yako iyi anoverengawo nguvayi?" Ndakabva ndatoti rega ndivaudze. Ndakavatsanangurira zvekuenda ku nursing kuya vakambofunga then vakati vaida kutanga vaudza Mai Bee. Pakauya Mai Bee vakaita kubvumira mudenga hanzi nursing inonyatsoita manje, Makanaka ngaatoite izvozvo. So vakabva vabvuma vese handizivi kuti pabasa zvaizofamba seyi asi huh Tinashe aisashaya plan plus ku nursing kwagara hakuna fees yaizodiwa ndakatoona zviri zvinhu zvaive zvakanaka. "Huh Makanaka itoita zve nursing zviribhoo sterek." "Ehoyi maitabasa, ko basa manje pano?" "Don't worry tinenge tichizoona plus munin'ina wangu aimboti anoda kuuya aah saka patime yacho munenge muchizobatsirana." Ndakatoshaiwa kuti koseyi vanhu ava vaiva nemoyo wakanaka kudaro mmm ndaitoda kuchema chaiko. "Mai Bee, manje inini apa ndainge ndakauya ndisina ma documents angu ndinoda kunoatora kumba." "Hokay, huh unoenda weekend." "Maitabasa," Takazopedzisa zvataiita kusvika vanhu vaenda kunorara. Ndaiita kufara vanhu ava vaingobvuma zvese vainge vasina kana mitemo yakaoma. So weekend ndiko kwaiva kupera kwe Mwedzi ndaizoenda. Ndakanorara paya but aah ndakazobatwa nemadzikirira chaiwo chaiwo mmm ndakatambura Ku hope ikoko ndobva ndamuka ndikanamata. Hope dzakazondibata futi but husiku hwemusi uyu hwakandirebera. Ndakatanga kurota zvinotyisa kutyisa chaiko. Ndainge ndakapedzisira kurota hope dzakashata ndichirota Baba vangu. Musi uyu zvaitova serious. _Ndakarota vari Mai vangu vainge vakagara mumba vari vega vachiratidza kufunga sterek then ndakazovaona vaita sevachinja vainge vakapfunya chisero vakagara nemunhu aive akapfeka zveblack all black chaiyo. Vainge vakaita kudzikama chaiko vachipiwa zvavaipiwa nemunhu uya. Akapedza kuvatambidza zvinhu zviya ndobva atanga kuseka. Ivo vakazobva paya ndokutanga kufamba vachidzokera kumba vakatakura zvinhu zvavaiva vapiwa. Vakasvika kumba ndokutanga kudaidza kuti Makanaka zvairatidza kuti vaindidaidza vakaita kuti Makanaka ka 3 ndokuzotanga kuchema._ Inini ndipo pandakapepuka zvekuita kuvhunduka chaizvo. Mmmm zvaityisa izvi ndakatya kana kuenda kumba kwacho ini. Ndakamuka husiku ihwohwo ndokugara nekutanga kuchema. Ndakatadza kana kunamata, ndakazviona kuti mai vangu vainge vachitonditsvaga nemaziso matsvuku kumba. Ndakatanga kunyatsotya kuti saka ndiende here. Mmmm ndaitoda kuudza Tinashe apa. Saka kwakazoedza ndobva ndatoita mabasa angu ese. Ndikabva ndaudza baba Bee kuti ndaida kunoona Tinashe. Vakanditi taizobuda tese. Vakuenda kubasa takaenda tese, Blessing naMacDonald takavasiya vega pamba. Ndobva vazoenda vachinondisiyawo kubasa kwaTinashe huh zve munhu ainge asina phone kwaingova kudzungaira kwega kwega. Lucky enough munhu wandakazotanga kutaura naye akanditi aiva friend ya Tinashe so akanondisiya kuna Tinashe chaiko. Tinashe akafara hanzi surprise visit. Dayi aitoziva kuti aive ma horror ainge aita ndimushanyire akamira izvozvo. Takazoenda paside kumwe kwaiva kusina vanhu....and I narrated my horrible dream kwaari. Ndainge ndotochema ini. Akandisiya kusvika ndapedza ndobva apukuta misodzi yangu, ndokundipa hug achitaura, "Makanaka usatye Mwari Vanesu." Ndakabva ndaita kunzwa simba and kutya kwese kwakabva kwatopera. My guy was just all I needed. Akandishingisa chaizvo chaizvo. "Saka ndiende kumusha?" "Tinoronga tichienda mberi Makanaka, zvatakatoronga ndizvozvo. Saka urikutoenda weekend, inini ndinozokuona wadzoka." "Horaiti Tinashe." "Makanaka ngatiiteyi 3 days fasting and praying about kuenda kumusha hanty." "Babe.... "Yeah ngatiiteyi 3days idzodzo ende I'm sure uchaenda tisina kuonana futi. ....but am always with you in prayers." "Thanks hunnie, ndakuenda kumba." Takaonekana ndokubva ndatodzokera kumba, ndakasvika Mac akatorara hake ndobva ndangoti bhoo. Kaisanetsa kamunhu kacho kaiziva situation shame, Ko kaigodii mai raiva benzi sorry, I didn't say that my mom raiva benzi. Ndakatotanga ma prayers angu ipapo ndaiziva kuti Tinashe ainge achitoitawo. 3days dzakadarika and then Saturday yasvika makuseni acho Mai Bee vakandipa mari ye transport neimwe yavakati unonopa mhamha. Ndakavatenda ndobva vatonotisiya mutown naMac taizodzoka mangwana acho, kureva Sunday. Takasvika kumba mhamha vatoripo ende vakaita kusekerera kusvika kunzeve. Vakasimuka ndokutopinda havo mumba kana kutitambira. Vakabuda futi vachiita kurova ka danzi hanzi, "Ndini Mai Nhingi ......ini wangu anodzoka chete, hehede usadheerere. Handiitirwe mahumbwe ndombonzi ani koini?" _Dai vaiziva kuti taitodarikawo dayi vakadzikama havo._ Takasvika mu yard zvikanzi mirai ikoko, mirai ikoko hamupinde zve muchivanzi changu kunge murikupinda mu toilet. Ndoda kumbokuvhetayi moda kundijairira sterek hamudi kana kusekererwa vana vamazuvano munoto........ *End of chapter 41* _May The Grace Of God Be With You!!_

❤️ 😢 👍 😂 🙏 😮 26
Tanic✨ Novels
5/15/2025, 12:36:38 PM

```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *NB: Season 2 will be on sale!!* *Chapter 42* *Mr Dube* Ndaiita ndichienda kupraz kwangu hangu apa ndaive ndoenda frequently manje. Ndainge ndaka promiswa mukadzi nambuya Magwezvero, kamwana chaiko. Ndakambotanga ndichitsenga mukanwa ndikazobvuma kuti ndaida kukaona first. Saka apa pese pandaienda kupraz kwaive kunotaimira futi kuti musikana wacho pamwe ndaizomuona. Zvaizoitika after izvozvo ndaingoti hameno ikoko. Handiti Mai Ralph nhumbu yavaiva nayo ndaiziva kuti yaisava yangu. Hameno kwavainge vakaipiwa kwavaita zvekugadzira vana, neni tainge tisingate ndosaka ndaizoenda hangu kunopedza shungu pachembere Mai Magwezvero. Zvino ndainge ndangomirira musikana chaiye ende vekumusha ava ndaitoda new life naye. Vana vaya vekumusha vanenge vachiziva zvavanoita hehede regayi ndinyarare. Ndaida munhu akadzikama kwete zvamai Ralph apa worse nemimba vaisvota zvisiko aah vaimbowa ndati. Trevor mface wangu aive akunyatsoona bhoo bhoo and I was happy. The sad part manje basa rainge rakapera. Huh aitorarama bhoo bhoo mface wangu achitsvaga zvimwe zvekuita. Ralph ainge ogara achiti aida phone hee so umwe musi akaita kumukirira kutaura zvephone ndikamudzikamisa.Trevor akatouya hake kumba apa pane work yangu yandaiita pa laptop so ndakangosiya ndisina kana Ku saver. Kondaigotyeyi pamba painge pasina pwere vana vangu Ralph na Ralphoncyn vainge vatokura ava, kunze kweka nhunzi kainge kakatakurwa naamai vacho. Ndakaenda kunogara naTrevor uya tichitotandara nekuhurova hwahwa. Takazonzwa Ralph oseka mumba make ari 1 kunge mupengo chaiye ndaifunga achanyarara but eeh akaramba achingoseka. Ndakabva ndasimuka ndokuenda ku spare kwake. Pandakapinda muya akaita kuzvambarara pa floor achiumburuka nekuseka chete. Ndakabva ndaona laptop yangu iri pabed pake ndiyo yaive nezvaisekwa zvacho chete. Ndakabhoikana aive aipihwa nani ndaida kumurova ndega aifarisa Ralph kungobata bata. Munhu wepi kusagona kugarawo akadzikama koinga aive aka disciplinwa wani Ku police. Ralphoncyn ndaitoziva aiva mu spare make achiverenga iri bharanzi richiita kunge imbwa. Ndakaenda pa laptop paya ndokuisimudza yoh! Ndakaona Mai Magwezvero aahh imi, ndokuona inini Dube apa raitove video. Dikita rakaita kuyerera apa ndichitarisa ku door kudayi ndakaona Mai Ralph vachipindawo. Ndakakurumidza kubaya power button kudzima laptop iya. Paida kuto actor fast chaibvondoka ipapo ipapo, apa l couldn't stand the embarrassment paive na Trevor futi. Mai Ralph vakabva vatouya ndobva vatobatawo laptop iya, "Chiiko nhai baba Ralph?, tioneiwo.... "Heee, "Ndipei laptop yacho ndizvionere aah nhayi zvinganetse here." Vaitodaro vachitora laptop yacho, password zvese vaizviziva. Ndakaita kupererwa, kana hwahwa hwandainge ndanwa hwakaita kuti hwa ndikaita sober ipapo ipapo. Iye Ralph drama aisapererwa akamhanya ndokubvutira Mai vake laptop iya, "Eyy Mummy, whats your problem now?" "Huh iwe Ralph, ndirikuda kungoona zvawanga uchiseka zvee." Umwe aive akabata side iri umwe akabatawo side iri vakabatirana laptop mai nemwana. "Murikuda kusekawo?" "Eheeka." "Manje hapana kuseka kwamuri kuzoita. Please may you leave my spare bedroom now" Ndainge ndiri zii Ralph achipedzerana naamai vake. "Haiwawo Ralph so urikutondidzinga muno here?" "Yes budayi mhamha now, ndakurambidzwa kuseka here ini. Budayi ndisare na Dad its a boys talk tisiyei inini naDad." Damn kaironga kamwana aka ndakabva ndatotanga kuitawo simba ndokupindira, "Mai Ralph budayi kani we need our space sababa nemwanakomana, you're disturbing us." "Hezvo disturbing you chii chacho ipapa?" "Mhamha murikunonoka chiendayi." "Ralph usade kundingwarira wanzwa." Mai Ralph vaitoda kunetsa manje ndaive ndaona kuti Ralph aida kutondi saver. Ndakabva ndaita kubvuta laptop iya. "Imi mai Ralph, Ralphoncyn ariko ku room kwake endaiwozvee, isusu hatimbopindire nyaya dzenyu. Ko saka kuno ndakutadziswa kutaura naRalph here?" "Nhaimi baba Ralph handiti mapinda muno muchipopota nyaya yelaptop iyoyi." "Ehe, "Saka yanga yatopera?" "Musasavadaire avo Dad vachabuda chete." Achingopedza kudaro Mai vake vakarovanisa maoko ndokuti, "Inga zvaazvinhu!" Ndobva vabuda havo mu spare muya. Dikita rimwe rakayerera futi kuti saka Ralph apa aive serious here kuti aizozvivhara kuna amai vake. Mmm asi aizvivhara kusvika riini. Ndakanzwa ndavekurohwaa bendekete, "Dad, garayi henyu pabed pangu ipapa hatidi zvekusheedzeresa." Ndakamutarisa ndaida kumupwanya pwanya asi soaka vamwe vana i shit chaiyo. Ndaive ndotoshaiswa rugare nerwusvava irworwo Ralph sure. "Dad saka phone yangu munonditengera riini?" Akadaro achiita kusekerera hake. Nyaya yemakuseni saka ainge asina kunzwa here zvandaive ndamupindura makuseni. Ndisati ndadaira aive obatidza futi laptop iya. Damn ndakaramba ndakasticker hangu. Ndobva atoenda futi kuvideo riya. Aaah saka zvaitova mulaptop mangu, kosaka inini seyi ndaisazviziva ndaisambozviona ndega kaini. Zvaive zvaiswa riini? Zvakatorwa riini? Aah I felt like crying aah. ....asi sababa haizobude misodzi yacho. "Dad ndati ndirikuda phone!" "Urikuda yakaitaseyi Ralph?" Ndakaona kuti ndikaita zvekuoma musoro munhu wacho aitove benzi hake, aigona kutonoratidza mai vake ipapo ipapo ndikapinda ma1 makuseni iwayo. "Tinoenda tese Dad kunotenga ndinyatsosarudza yandinoda." Ndaitoziva kuti kwaive kutoti ndazovabata baba ava endewo zveshuwa ainge andigona. Aiziva kuti hapana kumurambira kwandaizoita. "Nhaiwe Ralph video iroro waritora kupi?" "Don't worry Dad ndinaro, neamwe akawanda andinongochengeta ma videos enyu muri out." Chaitotaura chisingambotyi kana, chimwana ichi chaive chikwambo chete aah chainge chondishungurudza ipapa. "Unawo hobho?" "Ehe Dad, huh don't worry. I'll keep them to myself asi zvinhu zvikoma ndinobuditsa seapa changa chaoma iphone yangu. I need it." "Okay but promise me hauzoratidze mhamha vako whatever that you have. " "Mukangonditengera phone zvese bhoo manje. Munenge matopedza ma sports acho." "Okay Ralph." "Yeah huh, hanty pese apa ndanga ndakangoachengeta ndega." "Ehe, saka deal kaa." "Reyi Dad?" "Mhamha vako havasi kuzozviona hanty?" "Kana ndangova nephone kaa. Ndikarara ndisina kutengerwa phone yacho ndogona kutovaratidza." Mwana aive nenharo uyu. "Ralph handeyi kunotenga phone yacho, but please let it be a secret between us okay." "Its okay Dad, deal bhoo wani." "Are you ready tibve tatoenda kunotenga phone yacho?" "Yes Dad handeyi." Ndakabva ndato chinja password ye laptop iya. Ndaiziva mai Ralph vaigona kuzosara vachitsvaga chaisekwa. Ndakanotora mari tichibva tatotungamidzana naRalph. Trevor aive mu dinning ndobva tatomuti, "Ngatimbopinde mutown kaa, Haana kumbopikisa akabva atosimukawo. "Mai Ralph takumbobuda." Havana kumbobvunza kana kuti taiendepi. Vakangoti bhoo. Takapinda mutown Ralph achinetsa hanzi _aah yakadayi handiiede ndotoda yakadayi mmmm Dad aah iyi futi huh kana koiyi manje mmm ehe huh but dai tamboenda kwakati_ Kusvika tazotenga yaaida chaiyo. So takabva tazongonanga kumba kwa Trevor. Takatoswera ikoko hedu, manheru ndokuzodzokera kumba. Mai Ralph vaisavako. Kwakaramba kuchitodoka kana sign yemunhu. Kutobvunza Aunty na Ralphoncyn hanzi havana kumbooneka. Hezvo vaiva vaenda kupiko. Kuedza kufona foni yavo kudayi, yaitoti not reachable. Mmm asi vainge vasara vakatsamwa kani uku kwaiva kutoramwa saka. Damn chii chandaiitirwa naRalph ichi? A aaah inini hangu inini inini aaah Ralph ainge uchandiuraya chete. Kuti ndifonere Trevor ndakangoti aah munhu wandanga ndiinaye ndokubva ndazvi ignore. Kuma 10pm ndakaona ndafonerwa ne munhu wandainge ndaka saver kuti broilers. "Hello,.. "Hello ndiVaDube handiti." "Ehe ndini, "Its okay ndini customer yenyu yema broiler zvekupraz zviya." Nxaaa ndaida kutokata munhu kutondiudza zvekuti pwastomer husiku ihwohwo ugoona ainge akapedzisira ku order huku dzacho kare. Ndaive ndiripanguva yekufunga kuti Mai Ralph varipi munhu achirotomoka kudaro. "Hoo zvakanaka." "Boss, ndafona kuti ndikuudzeyi kuti Mudzimai wenyu a admittwa makuseni pa Rusape General Hospital. Kutaura kuno arimu ICU and hapana ambouya kuzomuona." Ndakanzwa mabonzo ese achiita kunge aisunungurwa body ichisara yava loose so. "Mati Mai Dube vari muchipatara?". "Ehe, mukasvika varimu Intensive Care Unit." "Ko chii chaitika?" Ndaive ndotodzungaira ndichingobvunza mibvunzo yenhando. "Handitoziviwo, it's good mumbovadongorerewo." "Saka ivo varikuti kudii?" "Huyai muvaone kani. Thanks Sir Byee." Pu pu pu "Hello hello hello Munhu ainge atokata, ndakazvidhonza manje ndokugadzirira ndokutobuda nekuenda. Ndakasvika kuma 11 kuya. Ndokunanga kwandainge ndaudzwa imi vanhu handina kunonoka kuwana help ndobva ndatonoona Mai Dube. Vari pa mute havo, vasingataure kana thi Munhu ainge akaita kubairirwa tsono hobho hobho ari zii apa musoro wainge waka bandagwa bandagwa kudai vachiratidza kuzvimba so, she was in a serious condition. Vamwe nurse vakauya, "Don't worry she's breathing vanoita bhoo." "Ko vaitaseyi, vauya seyi kuno?" "Mmm tangoona kuti she has been involved in a fight vanga vaine ma bruises." "Fight? With who? And ho........ *End of chapter 42* _May The Grace Of God Be With You!!_

❤️ 😂 😮 20
Tanic✨ Novels
5/13/2025, 4:58:28 PM

```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *Chapter 40* *Mai Dube* Huh ndakarohwa neboys dziya kunyatsorohwa size chaiyo chaiyo. Ndakarohwa kusvika ndavekusamborwadziwa muviri wese nyama dzaiita kuibva. Vakazondisiya havo vanhu vaya but ndainge ndapera. Ndakashaiwa nyangwe zvikaitaseyi, kuti mamonya akadaro kupedzera simba rawo pamukadzi anenge ininiwo shuwa. Huh vakandigona apa ndisingatombozive nemhosva yangu. Mukadzi uya wekutanga kutaura neni ndiye akazosara neni boys dzake dza disappear. Akatanga kutaura, "Mai mwana kana muchirikuda zvekurarama mosiyana nemurume wangu, inini am very dangerous zvamaitwa apa zvishoma am capable of doing zvinodarika ipapo manzwa kaa. Therefore, you better change your ways achiri mangwanani." Ndaisakwanisa kana kudaira ko murume wake waaitaura ndiani ipapo. So aiva Ronnie, koinga Ronnie wacho ainge asina kana kundiudzawo zvemukadzi wake. Haya ainge andigona hake. "Urikuramba wakanyarara handiti, ehe ziva kuti Ronnie waunongoti Ronny ndibaba vevana 4 ende vane mukadzi. The next time yauri ku textera murume wangu uchiti " _babe_ ." huh I don't know kuti zvichadii, I just don't know. I have warned you saka the choice is yours kana uchirikuda hovio yeah lets go tinozvigona." Ndaitya kudaira mai ivava huh ndainge ndodedera kutya chaiko chaiko ndaitya kutourayiwa so ndaisadaira ndichinyatsoitwa chituta. "Ndinenge ndapedza newe shaa, iwewe wozongoona kuti wadiiwo nezvandataura zvese izvi. I have a lot to do ndichibva pano." Vakauya nechigaba chaiva nespray so inenge spray ndokutanga kundisprayer the whole body handina kana kudii vakatonditi _ita kudayi oooh tione, I wanna make sure kuti body yako yese yaendwa nethis fluid._ Ndakaita kuchinja maside ndichisprayiwa kudaro. Huh mai vaindiita ndakanyatsopusa ava chokwadiwo I appeared foolish. Then she asked for my phone, ndaifunga vaiitorera zviripo ini kuti vaende nayo vakangoikanda mumvura yaiva padhuze nepataiva. Ndobva vabuditsa yavaiva nayo ndokubvisa line nekuritsenga tsenga tsenga. Vakanditambidza phone iya futi ndobva vanditi ndiibate vachiisprayer futi. "Thanks for your understanding, you're such a darling. Phone munoshandisa iyoyo yenyu yatonwirira mvura and yatofa. So iyoyo munongotsvaga line chete inoshanda. Musare bhoo, I wish you a speedy recovery muzoite a perfect date naRonnie." Akafamba achienda ndakazoona kuti ainge aka Parker mota yake kure zvishoma. I couldn't read the number plates so yakatoenda mota ndakatarisa. Apa pandaiva pacho paiva pa quiet place chaipo chaipo. Kwakahwanda hakuna kana aiuyako ko tainge taenda tichiti taienda ku date zve. Kusina vanhu. I managed kufamba ndikapinda mumota yangu ndokutanga kudriver ndaingotsvaga the nearest hospital ndobva ndaenda ku Rusape General Hospital kwacho, ndofunga ndaive nechiveve coz pandaka parker mota yangu ndichida kuburuka kudayi ndakanzwa pain chaiyo mudumbu umu and ndainge ndopera simba zvishoma nezvishoma ndobva ndakwanisa kubuda nekukiya mota yangu after izvozvo, ndakadonha then ndakaramba ndiri ipapo maybe after some minutes ndipo pandakazoona kwouya chingoro chemuchipatara chiya and ndakavhunduka then I became unconscious...... *Ralph* Kuchikoro kwaifaya yaah ndichidanana naLaura wangu bhoo bhoo. Takazovhara zvakanaka and I was going to miss my love zveshuwa. Kumba kwaiva bhoo pa holiday ndichitoswera na Ralphoncyn hangu, Aunty ndaiva avoider ahh ndaisada hangu madrama navo. One chinhu chandainge ndonetseka nacho, I needed a phone ndaida phone yekutaura nababe wangu. Kuti nditenge ndega zvaisaita ndaizonzi komari waiwanepi so paitoda kungwara sterek ipapo. Ndakavaudza Dad kuti ndaida phone and huh vakati imbogara wakadaro mwanangu apa handina mari. Nxaa mari yekutenga phone manje ndiyo yavaiti havana. Huh ndaiziva kuti kwaiva kunyepa chaiko vaisada kunditengera chete. Ndakambodzikama ndichifunga kuti vaizonzwisisa vonditengera but time yaitofamba vasingaite kana action aaah munhu wepi iyeye. Ndakazofunga kuvapindira neimwe nyaya aah vaisada kunzwisisa kaava. Ndakanyatsomukira makuseni ndokuvabvunza, "Dad phone munonditengera riini?" "Ralph usade kundinetsa zvisina basa urikuzvinzwa here iwee." "Dad ndirikukumbirawo kutengerwa phone." "Hapana phone yandirikukutengera Ralph wanzwa kaa. Yawaiva nayo yakaendepi? Ndini here ndakairasa?" "Hamusi imimi Dad, "Saka usandinetse wanzwa." "It's okay Dad." Ndakabva ndatofunga size yavo chaiyo yavaizokwana sure sure varambe kunditengera phone inini. Bhoo vaizoitenga chete cuz ndaitoda kutaura naLaura. Ralphoncyn airambisisa nephone yake, inyaya yekuti aitovengawo Laura wacho. Aitoti kana uchida kutaura chero naani umwe asiri Laura ndinokupa manje, I only needed to chat na Laura zve. Ralphoncyn ainge akamuvenga zvekurevesa, Huh zvaisanditadzisa kuda kababe kangu izvozvo. Ndaimbopota ndichiba yamhamha phone ndichimuisira ma message ndichimuti unodaira kana ndakuti daira. Inini ndaizodzima hangu but huh hwaisava hupenyu ihwohwo aah kuita kutamburira kutaura neari pamoyo. Plus phone yamhamha yacho ndaisaipiwa everyday vaingondipa apo neapo after ndanzi verenga ndoti ndapedza then after vaita make sure kuti ndambobata book ndipo pandaipiwa phone yacho ndovati ndinenge ndichitamba magame apa futi dzimwe nguva vainge varikubasa. So zvaitomara big time. Yeah plan yangu bhoo ndakafunga, handiti mdhara aida kuzviita mugoni sterek. Ndakarangarira ma pics avo nechembere yavo kupraz ne video yacho yaah. Huh ndakati izvi zvaizoshanda chete. Yes phone ndainge ndakatengesa but back up ndaive nayo isu tiri boys dzekungwara dziya. Ndaive ndakaisa mu SD card rangu and ndaive naro. Ndakavhura drawer raigara SD card riya ndokutora hangu uku smile irikunzeve. Ralphoncyn aive ne T-flash ndobva ndamukumbira akandipa ndakabva ndaisa card rangu mu flash muya. Ndaive ndabata flash now. Chainge chodiwa i laptop manje. Ndakaenda Ku study room ndokutora laptop ya dad yaitova ON vainge vatoisiya iri ON vachienda ku dining Trevor had visited ..... Ndakatora laptop iya ndokuenda nayo kuspare kwangu ndakaisa flash rangu ndokuto navigator kusvika ndasvika pama pics nevideo ramudhara nechembere yavo. Ndakaisa video riya ndokutanga kuseka ndichiita noise yaizara imba yese ndakaisa hangu laptop pamubhedha wangu. Ndaiita kuseka zviya zvekunge ndaimhanya bani. Ndakasaver those pics nevideo mu laptop iya ndokubvisa flash ndokuriviga. 2 minutes ndichiseka chete door rangu rakabva ravhurwa it was Dad. Ndakaita kuwira pa floor ndokuzvambarara ipapo ndichiseka ndichiita kugwesha ndiripo ndichiseka chete. "Noise iwee, Ralph noise!" Ndaka ignore hangu ndaida vazvionerewo vega. "Haisi laptop yangu here iyi Ralph, wapiwa nani and ndanga ndichiishandisa ndanga ndisina kana ku saver work yangu. Ralph nhasi ndinokuuraya haunzwe iwewe. Watora laptop ndichiishandisa." Ndakaramba ndichingoseka chete hangu. Mhamha vakabva vapindawo muroom mangu. Dad vachibva vati, "Chiiko chacho chanyatsosekesa mulaptop iyoyi nhasi?" Mhamha vanga vachiri padoor. Dad ndokubva vaenda pa laptop iya vachingotarisa kudayi ndakaona voyerera dikita 2seconds idzodzo ndichingoseka chete ndakabva ndaita worse. Dad vakatendeuka kudayi ndokuona mhamha vachingobva kupindawo........... *End of chapter 40* _May The Grace Of God Be With You!!_

❤️ 😂 👍 😮 🙏 24
Tanic✨ Novels
5/16/2025, 2:19:31 PM

```Tanic✨ Novels``` *_A thousand secrets_* Story Written By Tanic✨ *0714 557 929* *NB: Season 2 will be on sale!!* *Chapter 43* *Tinashe* Damn ndakazozvifunga Makanaka aenda kuti nyaya yaNomsa yaigona kuzokonzeresa futi. Nekuti Nomsa aive kumba kwedu achiti aive akatizira hii saka ndainge ndotya kuti Makanaka aizozvitambiraseyi. Apa haya nenyaya yekuti kwainzi nhumbu futi mmmm Maka agonzwa kuti ndaive ndakatomborara naNomsa hayaas hameno zvaizopera mushe here. Weekend yainge yaenda Makanaka kumba ndiyo yandakaendawo kwedu ndikasvika zvee Nomsa ariko ndikazomutinha kumudzosera kumba kwavo. Sezvo ndaiva kumba kwedu ndakanyatsosununguka kuti ndaive ndadzinga bharanzi rainzi Nomsa ndakanyatsononoka kumuka mangwana acho hangu ndiriflat muroom mangu kodzainyatsotapira zvee ndichiti minus 1 problem. Izvo ndaitozvinyepera nhayi. Hama dzangu kudzinga munhu arikuti ane nhumbu yako hakusi nyore kana ka1. Zvinonetsa zvinhu zviya. Munhu anorambirira paitoda kurwa semvumba chaiyo. Nomsa ndaisazoneta hangu kumudzinga aindimara big time. Makuseni pandakazomuka hangu, hanty bathroom dzekumusha inenge iri uko isirimumba ndakabuda hangu ndichienda ikoko. Ndichingobuda ndakaona munhu akapfugama neka bucket, "Ndakuigirayi mvura yekugeza." Nxaa mwana ainge akapusa uyu nhayi aifunga murume anowanikwa nyore nyore nhayi worse asingakude. Apa kuzoshingirira manje kunge kumba kwavo kwainge kwakaendawo 50cents. Ndakakasimudza ka bucket kaive kakazara mvura makuseni iwayo ndokubabatidza munhu wangu. Maybe aitendeukawo akaziva kuti aisadiwa neni. Ndakamudira mumusoro akapfugama zvekuti muviri wese wakadziirirwa makuseni iwayo coz mvura yacho yaitopfungaira tuhutsi. Ndakamusiya aripaya ndokuenda kunomukisa mhamha. "Aah Mhofu manga matogeza here mvura yamaendeserwa?" "Kuendeserwa nani, handisikuida ini." Aah saka mhamha ndivo vaive vatomuti enda unope Tinashe mvura hameno hake aizoroorwa namhamha ivava inini ndaisazochinja kana ka 1. Ndakabva ndatofamba ndokudzokera ku room kwangu ndikanogara hangu. Ndichinetseka kuti asi ndaive ndanyanya kunonoka kuroora saka ndizvo zvaiita Mai vangu vade njapisi inenge Nomsa manje. Ndichifunga kudaro chikafu chakauya naNomsa. Aaah mwana aindishura chete uyu handina kuchitambira ndobva azochisiya pasi akaenda hake. Ndakazodaidza Tinaye time time ndobva andibikira hake takadya tiri 2 naTinaye tichitaura nyaya tichinakidzwa mmm. Mhamha vakazouya ndofunga vaifunga ndainge ndadya marara aNomsa ndokutanga kupopota, hanzi _chikafu chisina kudyiwa mu room mako zvirikuitirweyi hee?_ Aah vakazonyarara havo ndobva ndatombobuda naTinaye tikaenda. Ayaas patakadzoka takaona Nomsa achitobatwa kubatwa muyard medu neumwe mukomana and ndiwo marara andaitarisirwa kuti hanzi tora uite mukadzi huh maya zvaisazoshanda izvozvo. *Nomsa* Tinashe ainge akaoma mmm paakauya ndaiti ndaizomuitira madanha zvee kusvika andidawo. Ndakazoenda kuroom kwake time dzafamba ndichitoti ainondiguta musi iwoyo pane paaizoregerera mukadzi aiita kuuya kuzozvipira here? Ende kamwana kacho kainetsa eeh kaitoda baba vako zveshure but manje huh baba vacho vaisabatika zvekumhanya zvekuti dai ndaive ndichiri kumba kwedu ndaimbokatsvagira James kuti asimbise. Tinashe akatodzikamira hake kana kudii kana kuswedera kwandaiva apa ndaive ndakato dresser wo zvacho zvemu bedroom but huh iyaa aiva ma horror. After ndofunga an hour or so. Munhu akazotanga kutaura hanzi budai muno imi ndakambofunga kuti kwaiva kutamba but rume raitorevesa pandakaona oita zvebelt ndakabva ndamuka kuti ndiite take cover. Pandakazonozviisa paari ndichiti pamwe akanzwa kunhuwirira kwangu aizochinja moyo ndakapiwa gwati ndikadziona nyenyedzi mumba imomo. Ndakanyatsonzwisisa kuti ndaisadiwa apa. Ndokutobuda paya, iye akatevera ndokunondisiya kumba kwedu chaiko. Ndakagara hangu panze ndokubva mhamha vazobuda mmm vaitoratidza kundinzwira tsitsi. Vana Mai moyo wekubereka ndiwo unozovabata chete. Dad pavakazobuda huh imi Handichadi kuzvidzokorora kutaura zvavakaita ndinozochema just know that vakandidzinga. Ndikadzokera husiku ihwohwo kwaana Tinashe ndofunga ndaitofamba nezvigorototo coz hwaive husiku chaihwo. Zvekuti ndofunga varoyi vandaisangana navo vaitondinzwirawo tsitsi. Ndakanoparara panze paana Tinashe ndichinjiwa hangu nemosquito, ende kana zvakadaro hakuedzi I'm telling you. Ndakapinda mu kitchen since ndaiziva paigara ma keys. Ndakatozokuhwidza moto coz chando chacho chaindiita yese yese. Kwakazoedza ndobva ndatotanga kutsvaira ruvanzi kuita zvese kudii kudii. Vamwene pavakamuka ndakavaisira mvurawo yekugeza vakafarawo seyi. Wandainge ndakavinga akazomuka ndikamuteverawo nemvura iya ndikaidirwa yese makuseni iwayo huh imi kaa. Kana usingadiwe haudiwe _usazode kumanikidzira rudo_ airevesa Killer T. Apa ndaisadiwa hangu asi vamwene vaindipa hope plus the love I had for Tinashe yaindipa kushingirira zvakadaro, plus kumba kwaisadzokereka kaa Dad vangu mmm kana demo vaisimudza. Tinashe haana kana kudya food yandaive nda prepare nemoyo wese ndichiti iiih munhu wangu anozofara chete. Ndaibika kani but aisada kana ku taster hake munhu wacho. Vakazobika ne sister yake yakundivengawoseyi... ndobva vadya havo. Vakabva vabuda ndikasara navamwene. Dzimwe mhepo zvadzinoita so. Ndakasara ndokutanga kuita washen hangu kuseri kwemba ndobva James auya. Akasvika ndokuita kundi hugger from behind apa ndakakotama, ndokuzevezera hake, "Urikunditiza kaa mazuvano nezvinhu zvangu." Pandakasimuka kudayi ndichibvisa maoko ake mu waist mangu ndakaona Tinashe na Tinaye vakatosticker havo vakatitarisa. Ndikazoti, "Iwe James mhani urikuitaseyi ndisiye, Zvaingova zvekuvhara vhara zviya iye achibva aita kubata my butt Tinashe achiona aaah ndakanyara. Ndofunga iye James aisavaona coz aingobata paada. Ndakazoita wekuti zi mbama kumeso ndokubva angoribata achitoti _ndirove imwe kani, I miss you_ Ipapo ndipo paakaona Tinashe na Tinaye ndobva ati, "Aah mukoma Tinashe muriseyi?" Kana nyadzi aive asina mukomana iyeye. Mhamha VaTinashe vakabva vauyawo kuseri kuya ndobva atovati, "Mhamha makadii henyu, ndanga ndauya kuna Nomsa ndamushaya kumba kwavo ane zvinhu zvangu zvandirikuda." Imimi ndaita kunge ndisina kana hembe munhu wese akanditarisa ndaiita kunyara benzi iri James achirotomoka hake mwana wembwa. Mhamha vakangoti, "Ndinofara hangu." Tinashe haana chaakataura kana 1. Imi vanhu inini ndainge ndonyarawo ndega aah zvinhu zvacho hameno zvaida ndinyatsodii chaizvo. Rakaoneka zimbwa riya hanzi, "Regayi ndiende maitabasa, Nomsa uchengete zvinhu zvangu uzouye nazvo kuya kuya handikaa." Munhu wese achinzwa, mmmm ndaive ndisisiri munhu ndikati rega ndizvivhare, "Aah James arikuda mabooks ake andiinawo." Katete Tinaye kakabva kaita kuseka "ehehehdeeee _mabook mabook mabook musango_ rega ndinyarare ini." Kakabva kamhanya kunopinda mumba. Ndaiziva aka kaigona kungotaura zvekiss iya. Mhamha vavo ndivo vakabva vati, " "Hokay une ma book ake." Tinashe didn't say anything akangodarika ndokupindawo mumba. Ndakaenderera mberi newashen yangu hangu ndobva Mai Tinashe vapindawo mumba. Ndakazonzwa yava noise mumba imomo ndakangoti ndaisazvipindira ini. Vakazoita kubuda panze, Tinashe achiti, "Mhamha iri ndiro hure ende handidi hangu zvisina basa, "Haudi zvisina basa ko pawaimbopa hure racho nhumbu waifungeyi?" "Hapana nhumbu yangu apa mhamha." "Tinashe garisanayi naNomsa. Zvinhu zvenyu zvitotange kufamba matokura so mutoite zvine musoro muri pamwechete." Vaitaura kani ndaivafarira ini mai ava manje mwana wavo ainge akaita kuoma moyo chaiko. "Garisanayi henyu naNomsa wenyu mhamha, inini am out of it handizive kuti makamutambira seyi pano. Handizive, handizive ende inini handizive izvozvo." "Tinashe ndirikuda utonobvise tsavakirayikuno usati wadzokera." "Hoo, muchanoibvisa imimi. Mhamha inini hangu zvekupindurana nemi handikwanisi. Ndakuenda hangu kubasa kwangu. Izvi handizvikwanise, Nomsa mmm handidi hangu mweya yetsvina. Handidi hangu mhamha inini ndakuenda." Vakazoramba votaura Mai Tinashe asi iye ainge otogadzirira kubuda. Akabuda zvesure akaperekedzwa naTinaye wake Hameno aiudzweyi ikoko neka sister kake. Takachisara zvino tiri 2 navamwene takati tuzu tuzu tuziso itwotwo. *End of chapter 43* _May The Grace Of God Be With You!!_

❤️ 😂 👍 😢 😮 🙏 24
Tanic✨ Novels
5/13/2025, 2:39:46 PM

June candidates hurry hurry👆👆👆 *Mukana wekupasser uyo* *November candidates ndiwo mukana wekuita put your house in order*

👍 2
Link copied to clipboard!