S❤️Bandera Novels
January 20, 2025 at 06:15 AM
*MAYBE I WAS WRONG* 🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹 Pinda muchannel https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14 Main grp https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX *WRITTEN BY S❤️BANDERA* 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ *Chapter 4* MAI HAKATA Kubva ndichitanga kurwara handina musi wandakarota baba vangu asi pandakanga ndava kumba kwedu apa ndakavarota vakatovhura maoko zvekunditambira zviya. Pandanga ndaendeswa kuHarare ndipo pandakavarota ndakazoita zvekuvhunduka ndisati ndasvika pavari, ndakaona hanzvadzi dzangu dzichichema. "Ndatora baba vachinditambira nhai ndashaya kuti zvinorevei?" Mudiki wacho akabva abata kumeso ndikanzwa akupfikura. "Zvakaoma ngatifumirei kun'anga kuya mangwana zvisati zvaipa." Vakadaro baba vaHezzy baba vaMucha vakabvumira. Ndakatambudzika nekuda kwehope dzandakarota idzi. Hanzi vakafa havawadzane nevapenyu ko ini kurota baba vangu vachindisekerera vachinditambira zvairevei, ndakakurumidza kupepuka vasati vandibata ruoko. Ukuwo mashoko ababa Hezzy ekuti zvisati zvaipa ndaimafunga kuti vaizama kutii. Anyways mangwana acho takaenda kwavaiti kun'anga kwacho. Mumba maityisa zvamo imomo. Bvudzi rangu raiita kunge ramira kunge mune zviri kufambamo. Sekuru vacho vaitotyisawo futi ndakangoti kurwara uku kwaindionesa zvakawanda. Ndakasvipirwa mvura nasekuru vaya. Vakatora muswe wandakatoona kuti uyu ndewe bere vakandimwaya mwaya nawo mushonga. Hapana chavakataura chandakanzwisisa ini kana zvekunzi ngozi havana kuzvitaura vaingoti imhepo dzema dzinza. Takapiwa mushonga umwe wekunwa umwe wekugeza kozoti wekufukira. Hazvina kubatsira kusvika vakomana vati ndiendeswe kuhospital. Matests mazhinji akaitwa nadoctors akati hapana chavari kuona. "I don't know kuti muno believe mune zvipi mhamha but hapana chatiri kuona kureva kuti moita zvekufamba kungava kuma profita kana kun'anga." Akandidaro doctor wechikanzi musi wandaibuditswa. Ndanga ndava naniwo ndisisazarirwe asi pain ndaiinzwa asi kuti yanga yava pemazuva ese pandanga ndakajaira. Ndakagutsurira musoro akaenderera mberi akati, "Ndiri chiremba yes but ndinotoendawo kuma pastors nekuma profita kana zvarema. Pane zvimwe zvaunoona wega kuti izvi hazvichade injection kana drip zvakuda mweya mutsvene kana vana godobori chaivo. Hameno mhamha wish you the best." Anga akasununguka zvake mwana iyeye. Ndakamuudza kuti tiri kuedza zvese akati ndisaneta. Hatina kuzogarisa kuHarare takadzokera kumusha namai Hezel. Baba vaGerald vakatumira mari pakapera mwedzi asi ivo havana kuuya. Panga papera 2 months ndiriko baba Mucha vaiti vakanzwa kuti kune kwauya muprofita vaiti hanzvadzi handei. Hapana chaibatika chataiudzwa kana ngozi yaitaurwa iya hapana akamboibata. Vamwe vaiti z iri kubva kwandakawanikwa vamwe vachiti kumusha kwedu saka chokwadi ndakashaya kuti chechipi. Vana wehanzvadzi dzangu vaitoti vaiona Gerald naWadza kuchikoro hanzi Wadza anokusimbisai every day tete. Akazouya ndakavarairwa Wadzanai. "Ndairambidzwa kuuya kuno mhamha zvaibva zvanzi basa rinozoitwa nani pano ndangoita zvemusoro wangu ndega ndikauya Gerald ati ndiye achaudza gogo kuti ndauya kuno." Mashoko ake iwayo akatondiudza kuti vana vari kuitwa madhongi nevagoni. WADZANAI Bamunini Gift ndanga ndakuvatya kubva pandakanzwa Olinda achiti vamubata mazamu. Ndaiedza kuva avoider kakawanda manje ivo vaibva vada kuita nyaya neni. Olinda wacho mazuva iwayo akamboti chinjei kuita munhu kwaye. Ndaitaura nana mainini vana vana sekuru ndivo vaindiudza kuti mhamha vari sei. Ndakazokumbira ambuya mumwe musi kuti ndinoda kuzonoona mhamha. Instead yekuti gogo vandipindure ndakabva ndapindurwa naBabra kuti basa repamba rinozoitwa nani gogo vakazongotsigirawo. Ndakasiyana nazvo asi mhamha vangu ndaivafunga zvekuti. Pane pandakazonyatsobvuma kuti mai vangu ndavasuwa and ndinofanira kunovaona. Ndakaudza Gerald akati, "You can go and see her vasazoti hativafungewo." "Ndinorambidzwa hanzi ndiyani anozoita basa repamba." Him: "Kuti ndiwe house girl here enda kana zvanetsa ndini ndinoita basa racho. Ndini ndichavaudza kuti waenda kwana sekuru." Handina wandakaudza ndakangoisa hembe musatchel dzekuzonochinja kumberi. Ndaizodzoka Monday ndichibvira kuchikoro. Ndakafara kuonana namhamha and I told her kuti ndairambidzwa kuuya kuzovaona. "Unopota uchiuya usavateedzere, ko Olinda naiye Gerald vari sei zvavo? Uvaudze vauyewo ndavasuwa." "Vari right zvavo Olinda ava nani akarohwa nabamunini." Ndakavaudza maroverwo acho asi zvekubatwa mazamu handina kuvaudza. "Dai ndachiporawo ndauya ndigare nevana vangu ndega. Kurangirwa mwana wako nemumwe munhu hakungoite so." Ndakaona kuti vabatikana ndikabva ndachinja nyaya. It was a great weekend for me. Monday yacho ndakatanga ndaenda nechikoro. Gerald akanditsvaga pabreak achida kunzwa kuti mai vari sei. "Ndizvozvo zvemazuva ese vakafara kundiona hanzi uzouya uchivaonawo mese naOlinda." Him: "Yaa ndichaenda. Kumba kwakasara kukaita chimoto uku pandakavaudza kuti waenda kwana sekuru. Hanzi sei asina kutaura kuita kunge anorambidzwa." Akaseka but ndanga ndava worried kuti ndichanoita sei. "Hoo saka zvakazonzii?" "Haa bamunini vachakonana neni manje manje vari kuda kuzviisa pachinzvimbo chisiri chavo. Chavasingazive ndechekuti ndina baba 1 handina 2." Ipapo ndakamubvunzisisa kuda kunyatsonzwa zvakawanda akati, "Hanzi ndinodakumurova akadzoka kuti next time asangoende asina kutaura. Manje haurohwe ndiripo vangatorova tese." Me: "Uuummmm inga tine nhamo." "Usaende kumba wega ndimirire tibatane." Patakanzi tichienda kumba Emily ndakamuhwanda kusvika aenda ndakamirira Gerald tikazoenda tese. Ndakasvika kumba zvichiratidza kuti ndanga ndakamirirwa nemunhu wese. Babra ndiye akatanga nekunditi, "Ko kusataura kuti hausi kuuya kumba ndiko kudii? Waiedza kuprover chii?" Mbuya vakabva vati, "Kuita kunge anorambidzwa nhaiwe Wadza wakadii kutaura?" Munoziva ndakashaya kuti ndotii nekuti vanga vakambondirambidza vese. Bamunini Gift vakabva vapinda, "Ndidzo nguva dzekuuya kumba here idzi Wadza? Sei watangirwa naEmily waunodzidza naye?" Gerald anga akanyarara zvake. "Ndanga ndatumwa namadam veGeo kumba kwavo kuti ndivasukire maplates." I lied Babra akaseka akati, "Kuitira vamwe vanhu basa uchiti kuno maplates anosukwa nani?" Bamunini Gift vakabva vati, "Vana vaGivemore munoda shamhu imi. Iwe ndiwe unoitwa bhoyi nema teacher. Apa une yako kare yekuenda kwamai vako usina kutaura nhasi unoti baba nemuridzo. Ndikakuregerererai munoenderera semuboora. Ndiri kudzoka, nhasi unopinda mumuforo chete." Vakabuda vachifambisa ndikatarisa Gerald anga atotsvukisa maziso kare. "Asi gogo zvii zvingaroverwa munhu apa?" Akabvunza Gerry mbuya vakati, "Teererai zvinotaurwa nababa venyu mukadaro zvese zvinonaka." Bamunini vakapinda vakabata zijamhu kudarika ravakarovesa Oilnda. Ndaiti ndichanzi ndibude panze manje vakangosvikondirova naro ndikamhanya kwaiva naGerry. "Bamunini musadaro." NdiGerald akadaro aita kusimuka ini ndanga ndava kumashure kwake. "Uri kuda kumisidzana neni here Gerald? Ndati uri kuda kumisidzana neni here?" Gerry: "Ndati musamurove bamunini, akatadza asi musamurove anga asuwa amai." Vakandipa ngofo ndiri kuseri ikoko ndikaita kuti kwati kwati kumusana kwaGerald. Mbuya natete Babra vanga vakupopota kuti Gerald anopindira sei kana bamunini vachida kutira. Vakanetsana asi bamunini havana kuzondirova. Bamunini Gift naGerald vanga vakasiyana ne6 years but Gerald anga ari giant, akasimba ari murefu bamunini Gift waiva vapfupi vane kasmall body. Mazuva akafamba zvawo mumwe musi tapedza kudya takutandara bamunini Gift vakati vaneta vakunozorora. Mbuya vaitiitira ngano saka tanga takanyarara tichiteerera. Takanzwa mhere yabamunini Gift tese tikamhanyira panze. "Amai kani ndavaviva ini , mhai kani ndofa ini." Vaigwabvura bamunini apa vanga vasina kupfeka hembe kumusoro kuzasi vanga vane kashort katiki tiki. Olinda akabva andizevezera, "Vanomapisa chete magumbeze ese ndombonzi aniko." End of chapter 4
😂 ❤️ 🙏 👍 😢 😮 81

Comments