S❤️Bandera Novels
3.4K subscribers
About S❤️Bandera Novels
Welcome to my channel, read and share don't forget to like. Follow the S❤️Bandera Novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14 Makadii vaverengi ndini munyori wenyu S❤️Bandera ndini ndakanyora mabooks aya anotevera. Kana usati wasangana nawo pinda muchannel ndimo maanouya kana kuuya kuinbox wosarudza aunoda. Kune mafree books zvese neanotengeswa. 1.NYASHADZASHE (all seasons 1-5) 2.TRUE LOVE NEVER ENDS (all seasons 1-5) 3.IS THIS LOVE OR ABUSE (season 1-2) 4.MABASA FAMILY(season 1-2) 5.SHE WAS INNOCENT( season 1-4) 6.VALENTINE'S DAY 7.ABNORMAL LOAD 8.AM I CURSED 9. ROSELINE s1-2 10. AND THEN WE WERE ONE s1+2 11) MAYBE I WAS WRONG (S1-4 12) MIRACLE CHAPTERS 1-3 13) THE CONCLUSION 14) SILLY MISTAKES 15)New generation 16)TINODA'S DIARY 1-2 17) PERMANENT SIDE CHICK 18) KOMBORERAI Call and whatsaap 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ Pinda muchannel usarasikirwe kana kuuya kuinbox panumber idzo, dzikaramba kureva kuti dzinenge dzabanwa saka kutopinda muchannel S BANDERA NOVELS
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
Gara wapinda muchannel uwane mamwe mabooks emunyori https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14 Main grp https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX *SILLY MISTAKES* 💦🌹💦🌹💦🌹 *WRITTEN BY S❤️BANDERA* 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ *CHAPTER 19* Vimbiso I wasn't blinded zvangu ndaitoona kuti Martin anoda Tamara kundidarika. Ndakazongoti better ndichengete mari yandaishandisa for transport kunomuona. The truth is ndaimudawo Martin and zvaindirwadza achindiratidza kuti haandide. Imwe weekend ndakaenda kwatete vangu kuUzumba. She knew that I was a second wife so she asked kuti ndakagara sei. "Makata tete maybe kana ndane Mwana he will change." "Nanhasi here, haasi kana kukuyemedzawo sezvo nhumbu yakura kudai?" "Haanzwisisike uyu mumwe musi anenge ari sweet mumwe musi iii haatangike. But kuna Tamara ndoona uri mutserendende ini." Vakambonyarara sevanofunga vakati, "Asi mumba anokupindira here achiita zvaanofanira kuita, ndabvunza pachikuru I hope wandibata?" Ndakazviziva ndikati, "Ehe ipapo hangu I can't complain asi mamwe maitiro ake ndotoona kunge anenge achifunga Tamara iye aneni." Her: "Anokuda asi kuti zvinonetsa kuti munhu 1 Ade vanhu zvakaenzana. Kutokubvisira mari yakawanda kudaro it means anokuda." She had no idea kuti imwe mari yaiva yangu. "Dai aratidzawo kunyatsondida ka." Vakambonyarara futi vakazoti, "Zvimwe zvinhu zvatinozoita vakadzi zvinoita sehutsinye but varume ndivo vanotituma." I didn't get well her statement so ndakarammba ndakavatarisa kuti vaenderere mberi. "Anoda kudyiswa murume wako mupfuhwira chaiwo." Me: "Uummm tete zvemupfuhwira zvinoshanda here?" "Chaizvo zvakanyanya ini pano I'm a living testimony. Dai ndisiina kuita zvemupfuhwira ndingadai ndakarambwa kare asi parizvino ndigere. Hausati wakurohwa handiti akatanga kukurova uchaita action hako." Yemupfuhwira yakandirovesa hana. Handina kana musi mumwe wandakambofunga kupfuhwira Martin. "Pamwe inhumbu iri kupa kuti tivengane tete. Ndinozoona ndazvara kuti anoramba achidaro here?" I said kuri kusada kuvabudira pachena kuti hana yangu haisi kuzvida. "Hoo pauchadzingwa wakarivara uchaona kuti wakainonokera korogeti. Handiti wakati akati ukazvara muchaita DNA test?" "Ehe and mwana ndewake hake handina mumwe wandakarara naye panguva yacho kunze kwake. Aiti chero akanzi ndewake achandidzosa but mazuvano anyarara nezvazvo pamwe akungoda kuti tigare tese." "But ka murume haasi mwana wamai wako. Uchatangirwa kumudyisa kwacho zvikazoshya basa. Zvinozoda here kuva pabarika rekuti ndiwe unenge uchinyengerera murume?" She convinced me kusvika ndatoona kuti shuwa ndikanonoka kumudyisa anogona kundiramba. But zvakadaro ndaingonzwa kutya ini. "Ko ndikabatwa ndichiisa mupfuhwira wacho?" I asked vakaseka zvekundiseka chaizvo. "Unobatwa Seiko newewo unennge wakapusa futi. Unoenda ka kucollege paya muri vaviri wobikira munhu wako modya mese. Uyu ndewekuti haadi kukushaya chero akatenga sweet anomedura achikuigira chipiece chako." Ndakaseka ndikafunga kuti pamwe ndiwo waakapiwa naTamara nekuti maitiro ake ndaisamanzwisissa. "Ko pamwe akapiwa kare naTamara zvinozoshanda here?" "Dai akapiwa ungadai wakarambwa kare. Ukamupa ziva kuti wakusara wega pamurume." Ndakambonyarara ndichifunga. Martin ndaimuda kani. Tichiri kufara zvedu zvaTamara zvisati zvabuda ndainyatsofadzwa naye kusvika ndakubuda tumisodzi. ZvaTamara pazvakazouya ndanga ndakuita kunge ndinomumanikidza. "Handisi kukumanikidza its by choice. Chandisingade kuti mwana wehanzvadzi yangu ushungurudzike ini tete vako ndichibatsira vamwe kuti misha yavo imire." me: "Haazorutse here ndikapinda busy?" "Anorutsa kuti unenge wamupa madhodhi kana ropa rekumwedzi here? Uyu mupfuhwira wekuti mudye mese hauna chakamboshata kana pane zvinozongosanganiswa zviri pauri kuti anyatsoita chiname newe akuteerere." Takanzwa muridzo panze tikanyarara obvious waiva bamukuru. "Ah muramu wangu." Vakadaro vachiuya kuzondimhoresa. Takabvunzana mufaro paya vachibva vazoswedzana nemukadzi wavo. "Mai Mwana oi orange randatorera sahwira wangu anga achienda kunotengesa. Ndangotora one irori akati ndichamuitisa loss." Rakatorwa muhomwe tete vakandichonya vakazotambira. "Mirai ndikuchekereiwo half." Vakadaro tete vachida kutotora banga. "Aiwa haa chekera mainini wangu ava. Ndakumbonokutemera huni dzekuzoshandisa muzhizha zvinozoda here kuti uku uri kuita zvemumunda uku uri kunotsvaga huni." Vakatora demo vakabuda ndikachekerwa orange tete vachiseka. "Zvakaipa here izvi nhai Vimbiso?" Ndakaavati hazvina vakaati, "Ndaisazviziva izvi bamukuru vako ava vaisajairirwa zvekutemera mukadzi huni. Vairova zvese nekuhura asi pandakangoti tuma teaspoon chete zvakabva zvapera. Ndigere ini handizomuite kunge banzi hangu kumuwachisa hembe asi kuri kuda kuzviita ndozviita." Ndakati hoo vakati, "Wako anoda kutopfuhwirwa akudewo. Zvake zvekuti ukazvara achakudzosa ari kutorota hake achamuka kubva kuhope. Iwe ndiwe wekuitwa dasvawatasva uchisiiwa kuti wakaparei? Hakuna izvozvo kana zvanetsa tosunga chombo chacho kamwana ikako kakaona isisashande kanodzokera kumba kwako." Vanga vatotsamwa tete but neni ndakazvinzwisisa. Ini ndini ndoita wekushandiswa ndosiiwa vamwe vachigara manje. "Ndokugadzirira here order dzacho?" Ndakabvuma vachibva vatora kabadza vakanditi vachadzoka. Ndakasara ndikabatwa nehope vakatozondimutsa vadzoka. Vakandiudza zvekuita nezvekusanganisa zvacho vakati ndinoisa pazuva zviome. Pazvakaoma vakakuya vakandipa. "Unongoisa mbichana kunge uri kuisa salt usawanze zvinoshata akanyumwa." Ndakagutsurira musoro vakati, "Hatidi vazukuru vanodzokera kumba zvakapusa kudaro. Munhu ngaadzoswe achinzi ahura kwete kudzoswa kunzi handingokude iwe waikwirwa ah ndochii ichocho." Ndakarara 1 night kumba kwavo ndichibva ndadzokera kwavamwene vangu. Monday yacho ndakaudza Martin kuti ndiri kuuya weekend Tamara ngaadzoke. Iye kwakunditi, *Dai wachirega kuwanza kufamba famba shaa unozvarira munzira.* Dai taisava pabarika ndaiti kudiwa. Zvino apa ndakatoziva kuti haasi kuda kuti Tamara abve ikoko. Dai kwaiva kundidisa aindivinga ka kuzondiona kuti ndisafambe fambe kwacho. *Ndati ndiri kuuya ndichiri kure kuti ndizvare.* Akazongoti okay ndikati bhoo. Friday ndakanonoka kupedza basa ndikanzwa nungo dzekuenda kuna Martin nekuti ndaizosvika husiku. Tamara akasvika ndatova kumba. She was glowing nhumbu yaimunakisa although yanga isati yakuoneka. Yangu yaindishatisa vakomana ndanga ndine mazipundu kumeso mhino kukura kunge ndakachinjirwa husiku ndakarara. Iko kufuta ndanga ndaita chidrum chaicho. Saturday morning ndakafumira kuenda kuNyadire. Ndakasvika good time kutosvika Martin ari pakati pekubika. "Welcome mai future." She said while smiling. Aiita zvechinyamusi munhu wacho. Apa airatidza kufara hake. "Ndauya baba future." Akanditambira bag rangu akaisa pakanaka. We greeted each other akaenderera mberi nekubika. "Ndanonoka kubika ndanga ndichida kuti usvike uchidya." He was romantic zvekuti ndakasekerera ndikati dai aingondida kudai pese apa handiti ndaisazvinetsa nekuda kumudyisa. "Watofembera ndabva kumba ndisina kudya." Akapedza kubika akapakura tikatanga kudya. Ndanga ndaneta so ndakangoti kupedza kudya nekutokotsira. Ndakazomuka atobika futi zvemaskati. "Ko wakufarira kubika nhai mazuvano?" I asked akanditi, "Ndiri kukubikiraka I know kuti with your condition zvizhinji zvava kukunetsa. Handiti apa waneta." "Ehe hazvo but ndodawo kubikira murume wangu. Thank you nekundizorodza manheru ndinobika ndini." Papiko pandaizotaura kuti uri kundishayisa mukana wekukuisira mupfuhwira. Anyway manheru ndakabika arimo kana kumbobuda sezvaiimboita. Ndizbo zvakaipira kuti bedroom ndiyo kitchen ndiyo dinning. Akaramba arimo kusvika ndapedza. Ndakaita kunge ndichamutuma kuti imboendawo chero kutoilet nhaiwe. Ndakashaya mukana wekuisa mupfuhwira wangu tikadya zvisina mupfuhwira. Mangwana acho akabva ati ari kubuda nemashamwari ake. Akazofona achiti Ava kubhora apa achiziva kuti ndiro zuva rangu rekudzokera. *Saka ndichaenda usipo?* I asked him akati, *Unoenda mangwana kuseni unongofona kubasa uchivati uchati nonokei.* Ndakambobatwa nepfungwa yekusiya zvemupfuhwira zvacho. Anenge anga akutondida zviri natural hake. Pandakazofunga kuti anoita zvinyamusi ndakabva ndatosimbisa pfungwa yekumupfuhwira. Ndakabika ndikasota sezvandakaudzwa. Ndakamirira munhu wangu kuti achiuya tidye tese. Ndakagara ndikasvika pakutosvotwa. Akazosvika ndatotsamwa apa kutosvika achisekerera. "Ndizvo zvaunoita kana una Tamara here zvekuenda uchinonoka kudzoka?" Akandipindura zvisina hasha hanzi, "Sorry ndazovarairwa nana boys." "Kana uri kuno unotozviita mukomana ka. Kuswera ndega pano apa uchiziva kuti handigare kuno." Akaramba akanyarara zvikatowedzera kundibhowa ndikati, "Kuramba kukura ka uku murume mukuru kuenda kubhora nevana vadiki? Ndipo panobvira hurombe ipapa." Ipapo akandipindura hanzi, "Wakuzozvinyanya manje handina zera nababa vako ka ini zvekuti ungatonditi handingatambe bhora." Ndakazvidzora ndafunga mupfuhwira wangu. "Ndanga ndakakumirira kuti tidye tese saka ndakunopakura. " Akabva anditi, "Aiwa ndaguta ini ndingasadzipwa here kudya chikafu chabikwa nemunhu ambondituka." "Martin sorry its only kuti ndangobhowekana chete sorry hako." Him: "Besides that ndadya hangu patanga takuuya ndizvo zvatondinonotsa zvaizoita here kuti vamwe vachitenga sadza ini ndongobwaidzika." Ndakatoona kuti zvadhakwa ndikaedzawo kunyengerera ndikati, "Ii nhai apa ndanga ndakakumirira Martin. Mwana ari kuda kuti tidye tese ingoti mbichana kani." Akaramba achiti aguta kusvika ndatozotsamwa. "Kuramba chikafu chandabika ndiko kuita sei. Kwandiri ita a sign yekuti haundide." Akaita kakushamisika kwakuti, "Usade kutsvaga zvakawanda iwe ndati ndaguta." Me: "Ndizvo zvaunoita kana Tamara abika here? Hazvisi fair Martin ndichaita sei chikafu chandanga ndabika ndichiti ndechevanhu 2. Iwe haudi chimunya." "Unoziva kundimanikidza kwauri kuita kuti ndidye kwakundipa question mark. Munhu kana ati aguta unomumanikidzirei handisi kurwara ka ini zvekuti ungandimanikidze kudya." Ndakatozozviona kuti ndakunyanya and akunyumwa ndichibva ndati, "Rega ndidye ndega zvangu ndingazonzi ndaisa mupfuhwira." Ndakadya ndega but ndanga ndatsamwa. Kureva kuti ndanga ndafambira mahara zvese nekutambisa mari yangu yebhazi. Anyway ndakadzokera kwaMurewa Tamara akaendawo kuNyadire. Next week yacho ndiye akabva auya Martin wacho. Hapana pandaizoisa mupfuhwira mupoto yandaiziva kuti mai vake vachadyawo. Ipapo ndipo paakandibudira pachena kuti haakwanise kunondisungira haana mari yacho. Ndakapopota hangu but hazvina zvazvakachinja. Zvekumuisira mupfuhwira zvakaramba zvichingonetsa kusvika ndatozvisiya ndazviudza kuti ndichaisa kana tava kwedu tega. Mwedzi yangu yakaendedzana kusvika ndatora maternity leave. Pakarwadza nhumbu Martin aiva kuNyadire Teacher's college akafonerwa akauya. Musatambe nekurwadza kwenhumbu ndainzwa kuti ndogona kupenga. Pakasvika Martin ndanga ndakupusha mabeds ekumaternity ward. Ndakaita kunge ndisina kumuona ndikaramba ndichiita zvandaiita. "Vimbiso!" He said aona ndakusimudza mumwe mubhedha ndaitoda kuutsiga chaiko. Pandakamucheuka ndakafambisa kuenda kwaanga ari ndaida kutomudimbura chigunwe. End of chapter 19 In God we trust🙏🙏🙏 To be on sale from chapter 21 2 dollars kana 120 zi Vari SA R30 voucher kana R40 airtime yeku SA inopinda kwese. Kana kutaura nehama dziri kuno kuti vakutengerei. Ecocash, Omari or innbucks 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ Bandera Confirmation moisa ipapo futi. Tinenge tichishandisa boom reader application. Thank you for your love and support.
LOVE BEYOND DUTY 🔥🔥🔥🔥 RIKUTANGA KUUYA ON MONDAY STAY TUNED
Gara wapinda muchannel uwane mamwe mabooks emunyori https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14 Main grp https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX *SILLY MISTAKES* 💦🌹💦🌹💦🌹 *WRITTEN BY S❤️BANDERA* 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ *CHAPTER 20* Martin Pandakaona akuuya kwandiri ndakati ka ndanzwikwa pamwe kuuya kuzoyemerwa. "Be strong okay." I said but before I knew it second finger from the thumb yanga yatova mukanwa. "Iwe .....aizve...." Ndakamboda kushinga semurume but yoo munhu aitotsenga. I screamed but haana kusiya kusvika ndazamura mbama iri strong ndipo paakazondisiya. "Wandirova ini ndichirwadziwa?" She said akabata dama rake, yanga iri oversize yembama yandakamupa but I didn't regret. Manurse anga atoungana vachitarisa drama . I was bleeding mazino akaita kudhinda pachigunwe changu. "Saka ndauya kuti uzondiruma so?" I asked her ndichinzwa hasha nekuti ndanga ndakurwadziwa. "Ndiwe une zvese ndiwe wakandipa nhumbu iri kundirwadza. Ndiwe une mwana ari kundirwadza." Akada kundivinga akabatwa nemumwe nurse wechirume akanzi, "Uummm askana mimba yacho yabva yanyanya kurwadza sei zvaita kuti musazvidzore?" I regretted kuuya kuzomira naye panguva yandaingonzwa kuti yakaoma. Kutosiya Tamara achichema nemusana ndichiti ndimhanyire munhu ari mulabour izvo kumhanyira kunodyiwa chigunwe. Ndakatozoiswa bandage nurse wacho achindiseka. "Inonzi labour pain haina kumira fine tambirai kure bamunini." Ndakabhowekana ndikambofunga kudzokera. Pandakazodzokera kwaanga ari anga akuumburuka pasi achiti akamuka otanga kumhanya. Tumibhedha twemuchipatara twakasimba twuya twakaona nhamo naVimbiso. "Vimbiso uri kutambisa simba richazodiwa pakupusha mwana. Dai wangofamba famba hako sezviri kuita vamwe siyana nekusimudza simudza zvinhu." Akanzarwo nevamwe sister but haana kuteerera. Ungazomuziva kuti ndiye uya clerk Ari smart weave yanga yakuita kunge dendere reshiri. Ndanga ndakuti ndikaona akusebera kudhuze neni ndotiza. Ndanga ndakutya aigona kuzondibata iri mhino chaiyo ndikasara ndisina. Akasvika manheru achiita mafirimu ake ekusunda mibhedha. She was warned kakawanda kunzi Ari kupedza simba rekuzopusha mwana but aiita kunge anzwa nguva diki obva asimudzira futi. Akaswera achidaro anga akurambidzwa kusunda mibhedha but anga akungomhanya zvisina order. Kudya chaiko akaramba ndikaudzwa kunzi ndimunyengerere adye kuti azowane simba but akabva anditema kumesa neplate yacho hanzi idya iwewe. Pazvakazonyatsorwadza ndipo paakapfugama akati haachagona. Ndipo paakaiswa pawheechair tikaenda naye kwekuponera. "Gomera iwe mwana uyu ava apa uyu." Akanzarwo akataurira pasi hanzi, "Handisi kugona ini." Akasvika pakurohwa mambama muzvidya but aingoti haasi kugona. Aiita achivhara makumbo hake vaitosimba kumubata. "Tambozvitaura kakawanda usanyanye kutambisa simba hona manje hauchagone kupusha." One of the nurses said ndikamuti, "Pusha kani Vimbiso kwawabva ndiko kure ingoshinga." "Handisi kugona ini ah." Ndakaita kunge ndichagomera ndini. Manurse akaedza zvavaigona kusvika vati aendeswe kutheater. Paanga akuda kuendeswa kutheater ndipo paakati ane zvaakunzwa achibva avhara makumbo nhai. "Iwe wakakwana here iwe?" Another nurse said achimuvhura makumbo kwakuona musoro wemwana watobuda kusvika mumutsipa. "Gomera ka1 chete." Vaitaura nani anga Ava busy kumuka kuti aone mwana achibuda. "Nhaiwe......" Akaita kurohwa achibva arara mwana akazobuda hake but haana kuchema. Ndakaramba ndakatarisa vachiedza kuti acheme. "Wadzvanya wega mwana wako iwe, we are trying our best kuti ararame." Ndanga ndazvionawo kuti pakumuka kwake mwana asati abuda pane zvakanganisika. Akaendwa naye kukasara vamwe vachigadzirisa Vimbiso uyo anga akutopfikura. TETE Maitiro ababa Gift so ndaimbofunga kuzvisiya zvemusha zvacho ini. Chaizondishingisa manje aindichengeta hake ipapo I can't complain. Ndaiita hangu zvekuruka majuzi evana vechikoro but yake mari ndaipiwa. Gift aiva kuboarding Mwana wangu achiitirwa zvese. Ndaiti kana ndamubatira zvipande aichema hanzi I don't know zvinoitika pandiri. Zvipiko zvaaiiti zvinoitika paari munhu kungotadza kundibudira pachena kuti ari kuda vana. Ndanga ndaneta kufamba mudzin'anga nemuma profita kuti pamwe second born ingauye but zvairamba. Kwese ikoko hapana akambobata kuti mazvokuda. Ndakaita decision ndakatsamwa. Chakaitika ndechekuti musi wandakapinda mumusha mekwa Muranzi ndichipembererwa semuroora munyowani that's the same day baba Gift cheated me. Kutowanikidzwa akakotamisa musikana waaidanana naye. From that day handina kuzombonakidzwa nemarriage kusvika ndazopona hangu Gift kwakufuririka kunojamba gwenzi kuti ndisazvare futi. Kana ndoda kuzvara ndakanzi ndaizojamba ndichibva the other side ndiko kupindinura kwacho. Handina kubvira ndanotarisa gwenzi riya kuti rava papi sezvo ndaizviudza kuti handichatode kumuzvarira futi nekuti anohura. I guess hwaiva huchildish nekuzokura ndakatoona kuti ndakabhaiza handiti vana waiva vangu here. Iwo mahure aizvariswa aya handiti aichengetwa. Baba Gift aiva mukuru weku ZINWA saka mari yaivapo iri nani zvayo. Ndiyo imwe yaimupa manyemwe ekuwanza vakadzi. Pandakazofunga kuda kunojamba gwenzi riya wange wava muti ndikatadza kujamba. Ndakazofunga plan after some years ndikanotema ndikazonojamba richatanga kufundira paya. Kwaingova kuedza hameno kana zvaizoita asi munhu akandiudza akati ndaifanira kurijamba from the other side ndisina kurigumha. Zvekuti rinotemwa izvo ndakaita zvemusoro wangu. The day randakabva kunojamba gwenzi ndakasvika baba Gift vachigeza. I was tempted kubata fone yavo. I knew he would take long vasati vapedza nekuti ndakataura navo vakati vachangopinda. Vaiti vakangwara kuisa fingerprint kuwhatsaap but ndanga ndakaisawo yangu vasingazive. Ndakavhura kuwhatsaap kuya kwakuona mashura. More than 5 magirlfriends vamwe vachitobvunza mari yerent vamwe vachitobvunza kuti anouya riinhi. Moyo wakatsva but ndakangozvidzikamisa. Ndanga ndaneta nekupopota nekuendera magirlfriends avo so ndakafunga imwe strategy. Ndakacreater group nefone yavo iyoyo ndikavaisa vese. Ndakazongosenda message yanga yakanzi, *Hie zvimhamha!! Muri sei mahure angu? Ndati muzivane abayiwa ngaabude handinyengerere ndine mukadzi wangu akanaka ane magaro kukunda mese.* Ichingoisa tick ndakabva ndadzima data ndikaidzosera ndikaenda kukitchen kwava kunobika. Ndakanzwa yakufoniwa non stop ini zii zvangu asi ndichisekera mumoyo. Ndakanzwa kuti vabuda ndikatarisira kunzwa munhu achidaira macalls ake but handina kumunzwa. Anyway ndaibika zvangu ndine fone yangu ndichiimba masongs ekuchurch. Ndakaenda online just to check kuti manager Muronzi Ari online here kwakuona shuwa Ari online ndichibva ndaenda zvangu offline. Ndakaenderera mberi nekuimba maworship songs kunge ndisina zvandakonzeresa. Ndaiti achauya kuzobvunza but haana. Ndakapedza kubika ndikatoenda kubedroom. Ndakasvika munhu achiri akamonera drying towel akabata fone. Vakabva vaita kugara pabed vachipuruzira mhanza yavo. "Huyai tidye ndapedza kubika." I said ndichitambisa gumbo hangu. "Hoo hoo rega ndipfeke." Munhu akananga pamushonga wangu wemusoro kuda kuzora kuita mafuta nhai. "Hezvo ko chiiko?" Ndakadaro ndichida kuseka. Anga atobatwa neconfusion kare. Vakatovhunduka kwakutora mafuta chaiwo wakazora. Ndakanopakura vakazotevera after some time. Ndaingoona vachibira kunditarisa vachizunza musoro. Fone yangu yakabva yaringer ndikaona ari Martin. _"Hanzvadzi yangu. "_ Him: _" Sad news sisi Vimbiso abatsirwa mwana mukomana but mwana wacho ashaya."_ Ndakaridza mhere yekurwadziwa shuwa mwana wedangwe obva afa here. Ndakazonzwa kuti akata ndichabva ndaudza baba vaGift zvandanga ndaudzwa. "Ah shame saka motoenda ka ini ndozouya kuseni." Ndakanyara kuvaudza kuti muri kuda kusara muchinyengerera mahure enyu ka. "Ehe regai ndiende hhmm hanzvadzi yangu aita munyama chokwadi." Ndakanotora kabag kadiki ndikaisa hembe yekuchinja netumwe tumwe ndichibva ndabuda. Nguva dzanga dzafamba kare so ndakasvika kuchangotanga kusviba. "Huyai kuno mai Muranzi." Mhamha vakandidaidza kumba waiva kumba kwaVimbiso. Ndakasvika Martin achirongedza zvinhu zvaVimbiso. Vimbiso wacho anga asimo. Before I asked mhamha vakabva vati, "Dzorawo hanzvadzi yako hanzi haachada mukadzi nekuti mwana afirei." Ndakamuti, "Nhai Martin hanzii ko hakuchafiwa here?" Akamira zvaaiita akati, "Sisi Vimbiso auraya mwana zvisiri zvekunzwa asi zvandaona. Ngarove pasi ipapo I'm serious kana mukataura nemutauro upi handisi kudzoreka. Mangwana achiuya arikubva ananga kwavo." Ndakatoshamisika achibva azonditsanangurira zvese zvanga zvaitwa naVimbiso. "Kunofiwa yes but Vimbiso atouraya mwana nekuda kwenharo plus kuzviita vanoziva. Ngaaende hake." Mama: "Wazonyanya hasha Martin plus ungati munhu achangofirwa wobva wamuramba here?" Haana kupindura akaramba achirongedza chete. End of chapter 20 This is the last free chapter Book is now on sale 2 dollars kana 120 zig Vari SA R30 voucher ott, blue voucher kana 1 voucher Ecocash and innbucks 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣Bandera Proof of payment moisa ipapo futi. Any day price yema zig inochinja saka tangai mabvunza musati masendai mari NB BOOK RAKAPERA KARE KUNGOISA PONDO WOTOWANA BOOK RESE. RIRI PABOOM APPLICATION NO PDF OR SINGLE CHAPTERS
Garira muchannel uwane mamwe mabooks emunyori *SILLY MISTAKES* 💦🌹💦🌹💦🌹 https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14 Main grp https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX Bonus free Chapter 🔥 🔥 🔥 🔥 *WRITTEN BY S❤️BANDERA* 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ *CHAPTER 21* Vimbiso Ndakaita kunge ndichayedzesa kunze ndichichema. Ndaichema kuti ndafirwa nemwana plus kuchema kurambwa naMartin. Anga andibudira pachena pane manurse kuti its over and ndichingobuditswa chete akutondiendesa kwedu. Chainyanya kundirwadza ndechekuti vanhu vainditi ndini ndazviurayira mwana wangu. I didn't do it intentionally ndaitiwo ndoda kuona kuti kana mwana achibuda kunoshama zvakadii. Martin haana kana kuzoda kuziva kuti ndiri sei. Ndairwadziwa, labour pain haina kucheaper weduwee. Ndainyatsonzwa kuti ndagujunuka kubhowa kwavo kugujunukira mahara. Ndakangoisira mhamha vangu message yekuti ndasununguka mwana but mwana wacho ashaya. Masamples for DNA testing anga atorwa kare mwana akazoenda kumortuary zvese zvatorwa. Martin aipopota zvekuti dai ndakadaira aigona kundirova pane vanhu. *Nhaiwe hanzi wauraya mwana wanyadzisirei kudaro?* Hana yangu yakarova pandakaona message iyoyo from my sister. I didn't respond zvaitondiwedzera stress. Mhamha vangu vakazofonawo kuma late hours. Ndakatodaira ndichida kuwana wekuchemera. _"Mhamha ...."_ I said ndichichema vakanditi, _"Chii chawaita nhai Vimbiso? Kutadzawo kushinga semukadzi shuwa kuurayira mwana pamusuwo."_ Vanga vatozvinzwa kare so hapana pandaizoramba ndakati, Me: _"Mhamha handina kuziva kuti....."_ _"Tseki mhani iwe uri benzi wanga uchida kuonei kutadza kuteerera zvawaiudzwa nhaiwe?"_ Ndakaramba ndakanyarara vakati, _"Wandigumbura Vimbiso murume wako akaroora zvakatifadza tese womuurayira mwana wake une chokwadi. Zvino audza sisi vako kuti haachakuda."_ Ndakaramba ndakanyarara ndichichemera pasi. _"Imbomira zvekuchema hako uedze kutaura naye."_ Me: _"Hamusi kumuziva Martin mhamha but handisi kubvuma kurambwa hangu. Ndicharwira imba yangu. "_ _" Hameno Mwanangu asi tarisira zvese. Kana dai ndaiva ini Ari muroora wangu auraya Muzukuru wangu ndaisambomusekerera. Kana ukanzi wabudirira kugara ikoko ziva kuti hapana achakuda."_ Ndikati, _"Zvevamwe vanhu handina bass nazvo vanozongondijaira kana ndane vamwe vana."_ _"Hameno imboedza asi tete vako nasisi vako ndivo vachauya kuzoviga Mwana. Ndaifanira kuuya ini asi iii ndonyarira kupi better kuuye vasina nyadzi._" Hapana marambiro andaizoita zvarongwa. Pandakapedza kutaura navo macalls akatanga kunaya from my relatives. Some were blaming me vamwe vachindinzwira tsitsi. Ndakatozoisa fone yacho pasilent ndatoona kuti ndingamuka ndakwira BP. Kuseni kwacho my sister and my aunt ndivo vakatanga kupinda. Sisi vangu vakanditarisa zvekundishora chaizvo vakazoti, "Ende unonyadzisa Vimbiso. Saka apa kuzvimba maziso kuchemei?" Before I answered tete vakabva vati, "Mira izvozvo Mai Jay. Haisi nguva yekupopota kana kutongesa munhu. Tiri kuda way forward. Bamunini vari kudya gaka neminzwa yaro Vimbiso. Wakazenge wasota here order dziye?" I told her the truth kuti ndaishaya mukana. "Handisati ndaona munhu akapusa sewe Mwana iwe. Zvino unobatsirika sei kana uvhinzwira tsitsi munhu asiri Mwana wamai vako. Dzimba idzi Vimbiso dzinomiswa nezvakawanda Wanda." Me: "Aiita seanonyumwa munhu wacho tete ndakamboedza.Pamwe pacho airamba kudya pamwe pacho aibva aramba Ari mumba ndichibika kana kutobva abika iye." Vakatura mafemo vakati, "Rega timboedza zvimwe ask dai waiva serious hako nekuda kumudyisa waiisa musalt mushonga wacho. Anyway Iwe ramba kurambwa nhasi ita ndichazobva madna results abuda. By that time unenge uchisota munhu. Ndine wandinawo ndewekuwacha hembe dzake uchitaura zvaunoda zvese sekuti Martin ndiwe murume wangu handidi mumwe. Rambana naTamara ude inini chete chirega kuramba wakanditsamwira vana tinoita vamwe." Sisi vangu vaifinyama vachiratidza kusafarira zvaitaurwa natete. "Ini hangu I don't believe in mishonga. Chimwe chinhu zivai kuti vamwe vangu havadyiswe." "Imi sister holy nyararai tibatsire vanoda help. Ini I'm a living testimony dai ndisina kuita zvemupfuhwira dai ndiri return soldier kana kuti dai ndakaroorwa kechipiri.." Vakandipa mushonga wacho wanga uri mukapaper keblack ndichibva ndaisa muhandbag. "Hauramwe zvekudaro manyoni kuita sewabatwa nechikomba here." Mai vaMartin nasisi vake vakasvika tapedza mwinyi mwinyi dzedu. Process yekuti ndibude yakaitwa chop chop ndikabuditswa tichibva tananga kunoviga mwana. Martin anga avepo taiti tikatarisana ndaiona akanditarisa neziso raityisa. "Martin akatsamwa zvekusadzoreka mufunge." Tanga tasaririra ini nasisi vake. "Taurai naye tete andiregerere. Ndakatadza nekusaziva shuwa." Vakabva vati, "Zvinonetsa anozondipandukira mangwana." That was that kusvika tasvika kumota kwaiva nevamwe. Mota yakanotisiira pagedhi tikadzika. Patakapinda mukati ndakapera simba kupotsa ndagara pasi. Twangu twese twaiva panze kudhuze negedhi. Ini nehama dzangu takatarisana tikataura nemaziso zvandakangofunga kuti tese taiti inga zvakaoma. Takanopinda mudinning and tisati tambodii Martin akabva ati, "Ndinotenda hama dzangu nekutibatsira kuchengeta mwana. Ndanga ndichikumbirawo tete nemi maiguru mubva matakurana naVimbiso sezvandakakuudzai nezuro paye." Hana yangu yakarova ndikatsikitsira pasi. "Hamusi mamhanya here bamunini? Dai mati azouya kana maDNA results abuda maona kuti Mwana aiva wenyu here asi Vimbiso ane chokwadi chekuti aiva wenyu." Nditete vangu vakadaro Sisi vangu vakabvumira. "Panobuda maresults ndinomufonera Vimbiso tonotora tese. Vimbiso agara hake anga achadzokera kwavo kana dai Mwana anga askna kufa. Ndizvo zvandakamuudza kubva musi waauya pano achiti ane nhumbu." "Nhai bamunini hamusi kunzwawo tsitsi kuti munwe wenyu Ari kuchema?" Akabva ati, "Anochemei iye Ari ndiye akauraya Mwana?" Tete vakaombera maoko vakati, "Dai makamusungira akaenda kuna Mai cake dai pasina zvese izvi. Dai Mai cake vakamushingisisa vakamuudza kuti zvinoitwa sei. Zvino imi hamusi kutoona kuti mine mhosva yekusasungira munwe wenyu." Ndaiti achazvipeta otaurawo zvakanaka manje akabva ati, "Zvekuti dai hazvichashanda tete. Takuranai nemunhu wenyu handichada." Tete vakanditarisa vakatarisa Martin vakati, "Saka Vimbiso ndewekungoshandiswa hake osiiwa nhai?" Martin akati, "Musawanze nyaya tete takurai Mwana wehanzvadzi yenyu." "Pindurai ndati uyu ndiye wekushandiswa kuzvariswa ofirwa orambwa handiti?" Martin akabva aturikidza makumbo akapindura zvinyoro nyoro akati, "Handiti akabvuma hake kushandiswa kwacho." Tete vangu vakasunga face vakati, "Watii Martin?" Akadzokorora tete vakati, "Bamunini ndinokunyarai kuti ndakadya Mari yehutete pamakaroora Vimbiso." Mart: "Handisi kuda kukuudzai kuti makadyira Mari iyoyo mahara nekuti hamuna kumurayira Vimbiso wacho. Dai makamurayira kuti no sex before marriage dai tisiri patiri nhasi." Tete vakada kusimuka vakabatwa nasisi. "Iwe wakarayirwa here Martin zera rako iri watova nebarika." "Ndaiva nebarika but now handisisina barika. Imi satete hamuna kurayira Vim Tete: "Iwe Martin ...." Tete vangu vaida zvehondo but vaibatwa nasisi. Mai vaMartin nasisi cake kuita zvitoy havo kana kutaura anything. Ndaingopfikura ndiri pandaiva pasina aindinyararidza. Ndakabvumirana namai vangu pavakandinditi kana ndikabudirira kugara hapana anenge achindida. Vakakandidzirana mashoko Martin natete vangu kusvika ndatoona ndega kuti hapana pandichahwinha. Ndakazoti, "Ndinobvuma zvangu kurambwa asi Martin ngaandipe Mari yangu 600 US ndiende." Vanhu vese were shocked kusanganisira iye Martin wacho. "Mari...wakandichengetesa mari yako?" "Ndakakupa Mari pawakanondiroora martin ndakakupa 600 US." Hama dzangu dzakashamisika nekuti hapana wandanga ndakaudza. Ndanga ndangomupa kwete kuti ndakamukweretesa. Asi nemamiriro anga aita nyaya ndakati better nditi ndakamukweretesa andidzosere zvake. "Asi kamwana kawakauraya kakutokunukira zvekukupengesa? Wakandipa mari iwe zvingaite izvozvo? Usade kunditsvagira nyaya ends kumba kwengu zvichakanaka." Tete vangu vakabva vaitenga vakati, "Dzoserai munhu Mari yake bamunini. Kana pasina mari then Vimbiso haasi kubva pano." Akaseka martin akati, "Goods rake mariona panze handiti? Imba yatopinda mulodger so kana mati agare pano zivai kuti anenge achigara panze." Tete vakabva vati, "Ngaagare zvake tinenge tichiziva kuti Ari pano pamba penyu." Mart: "Idzi inharo ka idzi. Let me show you the other side of me." Akabva abuda panze Martin tikasara takatarisana. Sisi vangu vakabva vataurira pasi vakati, "Askana ini hangu zvekuzoitwa kunge imba handidi. Handei zvichakanaka." Takasimuka tikaona Martin achibva kugedhi akabata rope. Ndakatarisa room yandaishandisa ndikaona pane curtain risiri rangu muchibva matobuda murine aiva nekamwana. "Saka sure nhai kuti imba yangu yatoiswa lodger." Ndakataura ndega Martin achibva asvika. "Mazofunga kubuda mega. Ndanga ndichida kukusungai 1 by 1 ndichikuisai mumota." Hapana akamupindura takadungamidzana tikasvika kunze tikaona kune mota open truck. Zvinhu zvangu zvanga zvaiswa zvese. "Pindai umu ndabhdhara kuti munosiiwa kwenyu." Akaita munyai pandakaroorwa akabva asvika. Akatambidzwa dollar US akanzi, "Munovaudza zvakaita Mwana wavo movati hanzi neni tadya taguta gupuro iro." Ndakada kuchema, ndakarwadziwa ndikati, "Dollar here Martin?" Akandicheuka akati, "Pane change yangu 90 cents ndaifanira kutoendesa 10 cents." Akabva afuratira hake Mwana wekwa Choto tikasara tichipinda mumota kuenda kwedu. End of chapter 21 In God we trust Kumberi kwane 🔥 🔥 🔥 2 dollars kana 120 zig kana R30 voucher 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ Bandera Confirmation moisa ipapo. Book rakapera kare rese kungobhadhara nekupiwa rese. Only available on boom application Thank you for your love and support.
Pindai muchannel uwane mamwe mabooks emunyori https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14 Main grp https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX VALENTINE'S DAY💃 Written by S❤️Bandera 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ Chapter 1 BEAUTIFUL Mumwe moyo wakanditi ndidzokere kumusha kwaMurewa ndikaona kuti hazviite baba vangu vanganditema nedemo. Hakuna mubereki asingade zvakanaka kumwana wake and mwana akaita zvakaipa mubereki anototsamwa. Zvangu zvanga zvanyaya first time I was wrapped nabamukuru baba Nyaradzo ndikaita nhumbu apo ndakaregererwa coz I was too young 14 years kutakura nhumbu.Mwana wacho handina kana kumuyamwisa ndakamuchengeterwa nasisi mai Nyarie vachiti ndiende kuchikoro and till now Ngonidzashe iyeye anoziva kuti ndiri mainini vake hapana kana proof inoratidza kuti mwana wangu. Secondly ndakabvisa nhumbu ndiri form 2 ndikarohwa nababa kupotsa ndafa. Thirdly ndapedza O level ndakaramba mukomana aida kundiroora and ndakamuramba the exact date remarooro ndikazopona nekutiza.Apa ndanga ndafurirwa nabamukuru kuti tidzokerane ndikanobviswa nhumbu yemukomana iyeye nadoctor wabamukuru but unfortunately that marriage was sour chokwadi chaicho bamukuru vaida sisi vangu kudarika ini. Then my biggest mistake manje , ndakazoita nhumbu yemukomana uya wandanga ndamboramba and musi wandamuudza zvenhumbu ndiwo musi waandiudza kuti aisatombondida aingoda revenge chete. Takudzwa Junior my second born nabamukuru ndakangoita wekusiya pagate paigara baba vake nasisi vangu ndikati mheno vanomuonawo hapana pavangamurasa. Ndanga ndakufunga zvese zvandakaita kumashure uku ndichidzungaira ndiri muHarare ndakushaya kwekuenda uku fone ndanga ndatengesa. Ndakazonzwawo mamwe mavendors aitaura zvekuti vanomboenda kuBotswana kunoshanda mumba vachizodzoka. I gathered my confidence ndikataura navo. Sometimes kunaka pachiso kwakaipa vanhu havakubatsire kana uri padambudziko they think uri kunyepedzera. Ini ndaitonzi ndiri kudada until ndaita zvekuchema ndipo pavakazondipa attention ndikavaudza nyaya yangu sezvairi. They were three ladies and one wavo akabva ati, "So sad my dear some may judge you but no one is perfect everyone ane mamistakes aakaita in life and we learn from them, as for me ndakatorerwa hubby nebest friend, I used to tell her ever weakness yemurume wangu zvese zvatainetsana ndaimuudza and she took advantage of that akatora murume wangu izvezvi vari vese ini ndine vana vangu kwangu ndega but I learnt a lesson from my mistake." Eish ndakavanzwira tsitsi and vese waiva masingle mothers mumwe aitoti akabatwa nechikomba akasiiwa ane mbonje panhanza. Mumwe wacho aiti akamitiswa akatongonzi handikudi zvese nenhumbu yako. "Chengeta mwana wako dear , life is not easy but chengeta mwana wako usabvise nhumbu, kana uchida toenda kuBotswana but hatina mapassport tinojumper boarder." Ndanga ndisina option but kutongoenda navo. Ndakagara 1 week ndiri kumba kwamai Alice vaya vekuti hubby akatorwa nebest friend. Life vaiita yekujoinidza kuti vararame nevana wavo 2. Ini nekurutsa kwangu ndanga ndatova imwe burden pamba pavo. Ndakatengesa hembe dzangu kuti ndiwane mari yebus plus kuti ndiisewo something patable kuti ndirerukirwewo kudya. Ndakangosara nehembe shoma chete dzandakazoenda nadzo. Ndaiti zviri nyore ini izvo ibasa. First day takabatwa tisati tasvika tikambogara kucamp for a week kwakuchi depotwa. "Ngatidzokerei askana ukaona zvakadai kumberi kune mari." Ndimai Alice vakadaro ndikati hezvo ndiri kuti pamwe vanhu vachati tidzokere kumba ini. Second time takabudirira asi takazoparadzana tasvika vamwe vangu vakawana basa remumba ini ndaishaya ndichinzi unozotora varume vedu , disadvantage yekunaka iya. Ndakazowana remumunda kumusha chaiko . Kukurukura hunge wapotswa kani ndakachiona chegore iro. Ndaishandira chikafu chete mari yacho yaiva shoma zvakanyanyisa. Ndairutsa ndirimo mumunda ndichirwara ndiriko.Maoko akaputika mhoni aya kusvika ajaira. Skin yangu ndanga ndaita kakutindivara nezuva.Musoro ndanga ndakabva zvangu kuZimbabwe ndine short hair asi apa ndanga ndakuita kunge n'anga kutoshaya mari yekugerwawo. Kana kuri kuwonda handichataure dumbu ndiro raingooneka kukura asi munhu wacho ndakaita kunge kamuti kamupuranga chaiko. Kare ndaiziva ndichidiwa nevarume but kuBotswana ndakapfimbwa ne2 chete nhumbu isati yakuoneka and apa ndakaramba ndega kutoramba kwekuti no zvevarume handichada. Mafeelings andainzwa aye kana kuzombomanzwa pamwe kwaiva kushanda basa rinorwadza. Ndakazoti nhumbu yava mu9 months kwakutaura nevamwe kuti tiitei round vakandinzwisisa ndikatanga kupiwa ndini mari.Pandakati ndiendewo mutown makacheaper kunotenga preparation ndakabva ndabatwa kwakudepotwa Nhumbu yakarwadza ndichangopinda kuZim side apa ndanga ndisina kana kai zvako only my cheap handbag yaiva nevaseline yekuzora pamuromo nekajira kekupukutisa makumbo then kamari keround kandanga ndichida kutenga preparation neID yangu. Ndakashooter mafirimu mufunge zvenyu kuzvarira pachena chena vanhu vachiona apa ndakati Mwari mandiseka kwakupiwa matwins a boy and a girl vana vakazvarirwa pasi pasina kana zambiya kana saga zvaro. Ndakangopedzisira kuona vanhu vakandiunganira kwakuzopepuka ndiri muhospital. "Fonerai vari kumba vauye nehembe dzevana vana havana kupfeka izvezvi." One of the nurses akandidaro achindisvitsa handbag yangu.Ndofunga aifunga kuti ndimo mune fone.Kushanda kwese kwandakaita kuBotswana handina kana kuwana mari yekutenga fone yaingova yechikafu chete luck enough accommodation was free taigara papurazi ipapo Ndoona kunge muridzi wefarm aiona kunge aitotichengeta pakutipa pekugara kwaiita coz mari yataipiwa was valueless. Ndakachema ini ndichitsanangura kuti handina kana chii ndatodepotwa kubva kuBotswana. Ndakakumbirirwa tuhembe kune vamwe waiva nenhumbu tukawanikwa asi matauro haana kuwanikwa. Ndakaita topic of the week pahospital ipapo coz ndakanzi ndimbogara nekuti vana vanga vapindwa nechando. Manurse aiti munhu wese anenge apinda ane nhumbu vokumbira kuti vandipewo something but makumbiriro avaiita vaiita sekakundi mocker. Week rakazopera vana vangu vane bag rehembe netauro rake rake. Musi wekubudidzwa ndipo pandakaona kuti yaa hupenyu hwakaoma.Ndanga ndine mastitch kufamba kwainetsa apa vana 2 plus bag kwekuenda ndanga ndisina futi. Ndakambopindwa nepfungwa yekutengesa one mwana ndikazviti futi "ndotengesera ani plus ndotengesa upi wacho nekuti vese zvavo ndaivada zvakafanana. Imwe pfungwa yakanditi ndingosiya one muchipatara imomo ndikazviti "ko pamwe wandiri kusiya ndiye munhu kwaye ndichitakura benzi rinenge ini mai vacho." Ndakati ndofa ndaedza hangu pane vana vangu ndipo pandiri. Ndakaperekedzwawo nemumwe aitova nenhumbu ndikanosiiwa kugate ndikakwira mota ikanondisiya parank. Ndakambofunga kukumbira fone kuti ndifonere bamukuru baba wevana vangu 2 kuti vandiudzirewo mai Nyaradzo kuti vauye vanditore but pandakangofunga mabviro andanga ndakaita kwaari ndakabva ndasiyana nazvo. Kana ari Prince muridzi wevana handina kuda kuzvinetsa nekuti akanditi ibonus rekumba kwedu. Ndakagara parank 4 days kukazouya mumwe murume anga akanaka chaizvo akanditi, "Ndane nguva ndichikuona pano chii chiri kuitika care to share please." Ndakangomuudza kuti handina kwekuenda ndakadepotwa kubva kuBotswana nhumbu ikarwadza so handina kana pekutangira. "Hey so sad , I can help you but let's make a deal, nemukadzi wangu hatina mwana and mukadzi wangu haatoite mwana zvachose , so if you want wotitengesera 1 even a girl no problem." Ndanga ndanzwa nekurara panze and kana nditi life yangu yaizochinja zvaita sei hameno coz my life was directionless. "Ndazvinzwa hangu asi vana vangu..." "Okay dear I'm not forcing you, was just trying to help you, kana zvisingaite no problem unogona kufamba uchitsvaga basa but machances ekuti uwane basa are very slim unoshanda sei nevana 2?" Me: "It's okay ndokupai zvangu mukomana ini ndosara nemusikana." Ndakatodzosera misodzi yanga yoda kubuda. "Woow thank you by the way I'm Jason and you?" "Ndonzi Beautiful." Him: "Beautiful hey and you are beautiful for sure kungoti pane zviri kushota pauri , anyway what about baby boy's name." Ndanga ndisina kuvapa mazita mufunge. "Munomupa ramunoda asi musikana anonzi Princess." "Woow its a nice name okay tichataura nemukadzi wangu, handei pamota iyo." Akatakura ndiye mwana mukomana ini ndikatakura musikana but deep inside ndairwadziwa. End of chapter 1
FOFOE AND THE FOUR BROTHERS 🍀🍀🍀🍀🍀🍀🍀🍀🍀🍀🍀🍀🍀🍀🍀🍀🍃🍃🍃🍃🍃🍃🍃🍃🍃🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂 By *James T* Follow the James T Novels channel on WhatsApp: https://whatsapp.com/channel/0029VaNecW3BA1ey59eAhP3u Chapter 01 "Nhaiwe chikende sadza wadya here nemusoro wembeva ,nhaiwe chikende sadza wadya here nemusoro wembeva" Ndini hangu ndaitoimbirwa nziyo chiuno chichiita kunge chichamheduka .Tainge Titori patsime hedu seGirls ende ndopataiwanzosanganirana muzuva radoka ipapo tichiratidzana masimba ekukurunga chiuno nekutamba our traditional dance Sorry for not introducing myself ..My name is Fofoe haiwa ndiri musikana akagwinya uno munaku ane structure ndainge ndiri mupfupi saka zvinhu ndainge ndakazvipihwa .ndizvo zvandaizovengerwa nevanhu izvozvo kutsime .Zvino ini ndaizovazunzira svoto ko kuzunza ndokwainge kuri kwangu zveee magaro aya ayita kunge achataura kuti zvakwana .Am 23 years old ndogara mudunhu reMambo Makoni mmmmm mudunhu umu maityisa ayiwa tongoti maive strict ne our traditional vasikana sesu taisunga mazambia aya mapfupi wainyatsoripeta zvakanaka izvo zvaiita kundifita sei nestructer yangu then zambia riya raichekwa kuitira pakuvhara mazamu .varumewo ndivo vaingosungirawo muchiuno Kna kutopfeka nhembe chaiyo . Back to my story "Ndinonzi Fofoe ini ndorova here kubvura" Ndini ndaishedzera kuvanhu "kukubvura" yaive style yangu pakutamba .Chinzwa vanhu manje "Fofoe Fofoe Fofoe " Chinyararai munzwee Ndini ndaitodaro ndichigara kaDush kuisa rimwe gumbo uko rimwe uko magaro pakati ndakagara pasi zviya zvekugarira makumbo Ndakabva ndarova kaFinishing style kangu ndichiti "Ndinorimona ndigorimona. Pandaidaro ndendichitenderedza chiuno ndorikubvura ndinorikubvura "pandaidaro ndainge ndochimasimudza mudenga ndichimazunza manje chiona vanhu vakuita kuita kundidira mvura munoziva kuti kana wakadirwa mvura wakapfeka zambia rinoita kunamira nenyama sooo izvo ndozvandaisada kuisa mupunduru wangu pachena apa l was dark in complexion chiona maSexy eyes ndaiti ndikakuvhurira ziso l tell yu yu go mad nekunaka kwangu Ndichitopedza kutamba rarimwe round reshamwari yangu anesu takutomuimbira pakabva pasvika our future princess to be Musikana uyu ndainge ndakamuvenga ainge ane hutsinye husingate.Isu zvatoita mudunhu redu kunonzi Ana Prince or Princess vano choosirwa vanhu vekuroora or vekuroorwa navo sezvizvi musikana uyu ainge akasarudzwa kunzi ndiye acharoorwa paOne of maPrince ayigara kunze Mambo vedu vainge vane vana vainge vari kunze kwenyika hanzii vaita zvidzidzo what what ini ndaisanyanyo zviteerera and painotambwa kunzi ugosarudzwe kuti ugove musikana waPrince ini ndaisamboyenda ini fanenge apa painge pangosara mutambo one chete for Prince Daniel .ndiye ainge ari mukuru pamaPrince ese vamwe vainge vapedza kutsvagirwa kusara kwaiye. Future princess uya akasvikoti "Ndakuda kuchinja time dzinouyiwa kuno kuTsime redu rinoyera iri" Ehe vanhu mukushamiswa kuti rinoyera .Tsime iri rainge rakacheerwa nemadzitateguru edu sometimes waiti wakada kurotomoka wainzwa kunge wakuda kuzvuvirwa imomo mutsime kusvika wakumbira ruregerero kuvadzimu vedu vamwe vaitomboteterekera imomo kutoshaikwa zvachose asi mvura iyoyo yaingonwiwa zvakadaro . Vanhu vakashamiswa nezvainge zvaitaurwa naFuture princess apa munhu wese ainge akagodama to show respect .Ini hameno kuti simba ndakariwanepi ndakangoerekana ndasimuka ndokuti " Mwana wanezuro iwewe kuda kuchinja nguva dzatakasiiya taisa isusu manje unoswera waenda neNyika kana kufuga rakol wega " Imi ndakangoerekana ndadaro .Ende vanhu vakashamisika nazvo nezvandainge ndaita ku derespector princess. Pandakapedzawo kutaura ndakanzwa kunge pane something chabuda mandiri so l wasn't in myself that time ndakazvinzwa . Ivo Princess vacho handina kuona kuti vakasvika nguvai ndokurohwa mbana yakandionesa nyenyedzi ndiye zii zvakadaro Ndakatozomuka ndiri parukukwe gogo Vangu vakagara paSide neni .ehe ndivo vandaigara navo ndivo vaindichengeta .Cause my mother died giving birth to me and my father hanzii vakangotiza pavakamitisa amai Vangu zvichireva izvo kuti ndaigara naamai vamai Vangu .Mbuya vanhu ndaivada zvisingaite .She was like my mother to me .lvowo vaindida kwazvo Ndakatomukandokunditi "Wasei muzukuru wangu " "Mmmm haaaa future princess anorova gogo " " Anga akuda kundirovera muzukuru wangu .the chosen one " "Mmmmm munorevei kana muchiti the Chosen one ambuya Vangu" Ndakatotaura ndichinyatsogara zvakanaka Vakabva vanditi nditarise pabendekete rangu .ndakatarisa ndokuona pane tattoo reBird iya inonzi eagle rinotyisa zishiri riya imi nndakavhunduka ndichiribata soo rakabva rabaka blue imi ndakajamba ndiye futi zii zvakazoitika handina kuzoziya ini Ndakazomuka atova manheru ndokubuda muNhanga mangu ndakananga kuimba yekubikira .Ndakatosvika ambuya Vangu vapedza kubika vakutopakura .l joined her ndokutotanga kudya .Tapedza vakabva vati "Muzukuru wangu huya ugare apa ndikurume nzeve nguva ichipo" Ndakaenda kunogara ndokunditi "Muzukuru wangu kubva uri mwana mudiki waive une chipo chakanyanyisa chinova icho kuimba nekutamba izvo zvakafarirwa nevadzimu vedu vemuno .Vakakuda uri mutorwa kudaro vakakugamuchira .now wakura ndosaka ukuona tattoo rabuda nhasi cause zuva ranhasi ndopawatanga kubatsirwa nevadzimu hanty ukuona pane zvamboitika masikati " Imi nndakavhunduka ko vazviziva sei ivo vanga vasiko .kasi vaudzwa naAnesu yaa ndiye suspect chete .Ndakabva ndagutsirira musoro kuri kubvumirana navo "Ehe vadzimu vemuno vakakusarudza huye vachakurwira havauye variivo hautombofe wakavaziva whether vanouya mubody mako or Shiri inouya ichikubatsira .uye nhasi ndopauchazivana nayo ichairota shiiri iyoyo and zihombe kwete zvekumbofungira .Vakanditsanangurira zvese kuti Kna ndichida help kana Shiri isina kuSencer trouble yangu ndongodzvanya chitattoo kusvika chabaka blue . Ndakatenderana navo asi pavainge vakutaura zvaPrince wat wat vachiti ane tattoo same neRangu ndandakusazviteerera ini aaaah zvekuroorwa handidi l want to be Fofoe chete Takazoparadzana takunorara kwake kwake Ini ndakasvika ndokurara parupasa pangu "Mmmmm nhasi muneka mhepo ndichatoisa mamwe mahuswa kupfirira imba yangu kuti mumba macho mudziye zveee" ndaitotaura hangu ndega kkk Ndainge ndakutofunga hangu zvainge zvaitika masikati zvino KaTariro aka future princess ndoraive zita rake .Achandiona ndakunzi Fofoe the bird . Ko Hnty zishiri rachok ratorangu ranzi richandibatsira cause hanzii zvandichasangana nazvo to get my prince zvakawanda . But zvekuzorwira munhu ndozvandisingade Prince iyeye anotozozvionaka kunge munhu ari special kaa ehe ari special but not kwandirika uyo ndiye wandichazunzira magaro but haambofe akamabata achaita ekumarotera kuhope .Ndava zvekuroorwa naPrince ndaida hangu . Ndakazongobatwa nehope ndiripakati pemufungo wangu Ndakabva ndarota.... Imi zvakandirovesa nehana...... End of chapter1 ☘️☘️☘️☘️☘️☘️☘️☘️☘️☘️🍀🍀🍀🍀🍀 🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂🍂