Tanic✨ Novels
February 9, 2025 at 10:37 AM
*PRETENDER*
Written by CoNy
0775 313 387
Edited by Tanic✨
0714 557 929
*Chapter eight*
"Nhumbu yauinayo ndeyani ?
"Heeee
"Ndati who is responsible for that pregnancy ?
"What do you mean Brian, ndiweka
Ndakangodaira hangu asi ndaitya, i wasn't expecting such a question from him, ndaifunga kuti semunhu anoziva zvaakaita anongozivawo kuti nhumbu ndeyake
"Why uchiti ndeyangu nhai Bella, takamborara tese here
"Nhai Brian
"Pindura mubvunzo, ndakatongonyara hangu gogo vako kuti munhu mukuru ndosaka ndisina kuda kuvapindura otherwise nhumbu haisi yangu iyi, iwewe neni unonyatsoziva kuti hatisati takamborara tese
I started crying, Brian anga akuda kundiomeserawo hake asi achiziva kuti nhumbu ndeyake
"Brian unonyatsoziva kuti ndiwe wega mkomana wangu saka kana nhumbu isiri yako ndeyani, urikuda kungondiomesera hako asi unozviziva apa
"Bella, taura chokwadi chako, nhumbu ndeyani
"Ndeyako
"Takamborara tese here ?
I couldn't answer that question because ndaisaziva kuti ndoti kudii
"Oh, hausi kana kugona kupindura because you know very well kuti hatina kumborara tese
"Wakarara neni Brian , and you know it
"Inini ? Rinhi nhai Bella
"Ehee iwewe, musi we birthday rangu, you took advantage of me because i was drunk and slept with me, infact you raped me .
Akaseka hake as if ndainge ndataura zvinosetsa.
"Bella usade kuchenjeresa zvisina basa wanzwa, i don't know what you are talking about. Kana wakaona kuti wa repwa wakadii kuno reporter uchiri ne evidence ? Heee ? Pinduraka nhai Bella. Uri kapfambi kemunhu iwewe, chimira ndikuudze manje, kurara newe yes ndakarara newe asi ndoziva sei kuti nhumbu yacho ndeyangu? Pawanga wakadhakwa munhu anonzi Leo airamba achikufonera and i know it's your other boyfriend, ndakatsamwa and i slept with you but what did i see there, Leo wako anga akapedza newe kare saka unondiudza kuti nhumbu ndeyangu kuti zvidii, ko kana iri ya Leo maybe haasi ega futi Leo wacho, nemudhakirwo wako wekuti hauzive kana zvirikuitika, unoziva ndakatomboda kudaidza rimwe boys kuti huyai musevewo apa ndabhoikana newe because you were cheating on me asi Tinashe ndiye akatozondidzora otherwise tingadai takakuchinjanisa ne boys rangu.
Unonyadzisa Bella , usatombocheme hako zvenhema apa, nhumbu iyoyo haisi yangu wanzwa, unoda kundipomera nhumbu ya Leo kuti ndeyangu kuti zvidii .
Kana wakangwara hako enda kumuridzi wenhumbu iyoyo pachiri padhuze kudai nekuti ukaramba uri pano achanoiramba futi muridzi wayo achiti waivepi pese apa .
"Brian une shuwa kundidaro iwe, unganditi hure inini shuwa, ndakakutadzira chii nhai Brian ?
"Une vakomana vangani nhai Bella, pavakomana vako ivavo tsvaga muridzi wenhumbu kwete inini, i know very well kuti handisirini, ndiri kutokupawo advice svinu kuti uende kuna baba vemwana before it's too late.
"Ndiwe muridzi Brian and i'm not going anywhere wanzwa
"Aaaah hoo, ini ndakakuudza kuti ndinodya ku main house and kungori ne share yangu chete because ndinogara ndega handina mukadzi pano ini.
"Une moyo waSatan Brian wanzwa, ndosaka usingawirirane nevabereki vako, manje ndoda kunovaudza kuti ndozvauri kundiita
"Vabereki vangu vapi ivavo, shamwari kana urikureva vaya handina kana hukama navo ini, that's my stepmom and her husband wanzwa, havana kana basa newe vaya haiwa dzikama hako Bella, dai watoenda kumuridzi wenhumbu paine time otherwise zvinokuipira.
Brian anga aine hutsinye veduwee, saka pese paya pataidanana achiita sekuti munhu kwaye he was actually pretending nhai ?
Dai ndakaziva kuti Brian was a pretender ndingadai hangu ndisina kudadira Leo. Zvino apa nedumbu irori ndaizodii nhai Mwari.
Hupenyu hwakaoma chokwadi, hunoshanduka sekutamba sekuseka ,shuwa Brian uyu aiita kushaya zvekuita neni ndiye ave kundibata soo nhasi.
My life at Brian's place was not that easy, i struggled to make ends meet apa dumbu raikurawo.
Kamari kangu kandaitambira ndiko ndaitorarama nako. Gogo ndaipota ndichinovaonawo asi magariro angu ndaivavanzira, ndaisada kuti vakwire bp nenyaya iyi.
Chandaigarira kwa Brian panga pasina kana kunze kwepekurara cheteka. Chikafu aisatenga zvachose, ainodya ku main house, chero sipo yekuwacha hembe dzake aisatenga, ndaitomuwachira nesipo yangu inini.
Chikafu ndaiti ndikabika ndikasiya ndichiti azodyewo aisabata kana, hanzi iwewe unogona kungondiisira mushonga.
Brian aive muroyi chaiye aifamba maskati machena, aindionesa nhamo tsvuku. Aiti kana zvakakwidza akabata kundituka aituka dzinza redu rese raasingazive, ini moyo waibva warwadza ndopindura maiweee ndairohwa senyoka yapinda mumba, Brian anga ari mhondi chaiyo munongonzwa.
Ndairohwa ndigofenda pasina auya kuzondinunura ndozomuka ndega. Ko aindinzwa ndiani kuseri ikoko. Brian aishandisa one room chete mamwe 2 aigara zvakawanda wanda ma loan mower mabhara etc so kuseri uku aigara ega.
Mumwe musi ndakaona mari mu jacket rake ndokuitora ndikanotenga preparation. Akazoti oitsvaga mari iya
"Bella ndiwe wakatora mari yangu yaive umu
"Mari ipi ?
"Usandibvunze zvauri kuzivaka, tinogara tiri two muno saka yakamera makumbo here mari iyoyo
Ndakabva ndatora bag raive ne preparartion iya ndokuriisa pa bed
"Iyi mari yako iyi
"What is the meaning of this ?
"Ndakatenga preparation Brian, unofunga kuti mwana wako anopfekei kana ndasununguka, hausati wambouya kana ne socks haro pano unofunga kuti chidhori here chandakatakura ?
"Bella urikureva kuti wakatora mari yangu ukatengera mwana wemumwe murume hembe nemari yangu ?
"Wakuzondigumbura manje Brian, mwana wako wandakataura and you know it kuti mwana wako, why urikuda kungoomesa musoro zvisina basa
"Urikuda kubva pano wave mu coffin handiti, ndakakuudza kare kuti ibva pano zvichakanaka asi wakaramba
Akabva abuda panze achiita kupupa nehasha ini ndikati regai ndidongorere ndione kuti arikuendepi.
Brian aive ari busy kusvotora tumiti twaive pamasaga emarasha aive ari muzasi medurawall. Kana muchiziva marasha aya anotengeswa ari muma empty bags e cement akarukirwa netumiti soo padenga ndiwo aive akazara pamba apa hameno kuti vaimadii marasha ese iwayo, so Brian akatsvotora twakati wandei tumiti twuya ndokudzoka mumba kwakutanga kundirova natwo.
Ndakarohwa kwete zvekunyepedzera , airova seari kurova nyoka chaiyo, aiti kana kakatyoka orasira kure otora kamwe, kuita seane target chaiyo and airova chero paada. Ndakatanga ndicharidza mhere kupedzisira ndongogomera chete.
Brian paakaona ndave kungogomera haana kurega kundirovaka, since aive auya netwakati wandei ungati aida kutwupedzera pandiri, akaramba achingondirova chete kusvika pasisina kana chandainzwa .
Pandakapepuka ndaive ndiri pa bed but kwete mumba ma Brian.The room looked familiar but ndaitadza kuziva kuti ndekupi.
At first ndaiita sendiri kurota but ndakazonzwa kuti aiwa kunzwa chaiko, paive nevanhu three vaitaura, i had recognised two of the voices but the third one i had not.
_Voice 1..._ you have to make sure she recovers aripano otherwise unovharirwa Brian, iyi imhosva hombe iyi.
_Voice 2_ ....zvinonetsa manje Tinashe because she lost a lot of blood because of the miscarriage, we might lose her kana akasawana proper medical attention
_Voice 3..._ You guys must help me, iwewe Ronny handi uri doctor here, please do whatever you can to help her, at least akadzokera kumba kwavo arimupenyu zvirinani
_Voice 2_ ...i will try my best, but what were you thinking kusvika pakukuvadza munhu soo heee, ko dai akafa waiitasei.
_Voice 1_ ...Hako Ronny , Brian ane moyo wakaoma, apa ainyatsoziva kuti nhumbu ndeyake asi aibata mwana wevanhu rough
_Voice 3_ She cheated on me.
"Koiwewe, they both asked .
Hookay so the third guy ainzi Ronny and he was a doctor ndiye aindirapa.
I then realised kuti mu room umu ndomuya mandakarara na Tinashe that day pandakarara out.
Phone yangu yakabva ya ringer but yaive kure neni, vanhu vaya vakabva vauya and i closed my eyes, ndaisada kuti vaone kuti ndamuka.
Moyo wangu wakarwadza kuti shuwa nhumbu iya yatobva nekurohwa kwandakaitwa naBrian, apa he knew kuti he was responsible asi aigaronditi ndiende kumuridzi wenhumbu.
Why are some people like this nhai, hutsinye hwerudzii ihwohwo. Brian was really a good pretender, aiita seandida kare asi pakazobuda nyaya yenhumbu iyi akabva achinja. Ko iko kunyepa hako, he pretended as if he was so rich and owned that car and a house in Mt Pleasant yet he was just working for someone iye achitogarawo hake kuseri nemabhara.
No wonder why Tinashe akambondibvunza kuti wakamboenda kumba kwa Brian here, she knew he was a pretender but couldn't tell me because ma friends.
Oh God, i really messed up, i messed up big time nenyaya yekuda zvinhu ndichitadza kuona kuti Leo ndiye munhu aindida.
Phone yangu haina kudairwa, vanenge vakabva vatoidzima, i guess vanhu vekubasa chete vanga vafona because time dzanga dzatoenda.
Ko gogo vangu nhai veduwee, i really blamed myself for all this, i had put myself in big trouble, asiwo chandaive ndada pana Brian chii nhai ? Ndaisazviona here kuti itsotsi remunhu.
Nekufungisisa kwandaiita uku ndakabva ndatanga kunzwa marwadzo muviri wese, hapana panga pasingarwadze kusvinura chaiko kwairwadza, pandakaedza kuti ndigare kudai haa magaro akati unonyepa, ndopandakazonyatsoona kuti zvandakapotsa ndafa nhaimi, Brian anga akandikuvadza veduwee, ndakazvimanikidza kugara asi zvairwadza.
The bed ranga riri opposite wardrobe so pandakagara ndakabva ndazviona pa mirror re wardrobe iyi, ndakatombocheuka ndichiti pada kune mumwe murwere aiva kuseri kwangu asi ndakaona kuti aiwa ndaive ndega mu room umu.
Face yaive isiri yangu iyi, yanga yakaita kuzvimba zvekuti huya uone, ndaive ndakatsemuka nechepamusoro peziso reku left nepaside pemuromo.
Ko sei vanga vasina kundiendesa ku hospital chaiko nhai, nekukuvara kuri serious kudai, ndakabva ndarangarira conversation yavo, Brian aitya mapurisa, haa pakadai haaimborega kuwana mutongo wake shuwa.
Ndakangoerekana ndaridza mhere ne pain yandainzwa.
Tinashe akabva auya achimhanya ndokuwana ndakagara ndakazvitarisa pa mirror paya.
"I'm so sorry Bella, unofanira kurara you really need to rest hona wakakuvara
"Why me nhai Tinashe, Brian ndakamutadzira chii kuti andikuvadze soo
Haana kupindura akabva adaidza Ronny
Ronny uya akabva auya ndikaona kuti ko zvandaimuziva nhai, musi we party yangu aivepo and he was introduced to me se brother ye boyfriend yaTinashe.
Aya ndomahumbwe avaiita vanhu ava, vaida kundirapira pamba just because they didn't want Brian to face the law after what he had done to me.
"Please, ndiendesei ku hospital and tell my grandma kuti ndiripi
"Ku hospital haumborapwe zvakanaka Bella, Ronny will take good care of you okay
Ndi Tinashe uyu aitaura zvisina basa kudaro,ndakaita hasha ndikazama kumuka futi asi vakanditsikirira kuti ndisamuke
"Mubaye rimwe injection Ronny amborare futi
*End of chapter eight*
❤️
😢
👍
😂
🙏
47