Tanic✨ Novels
February 10, 2025 at 07:30 AM
*PRETENDER* Written by CoNy 0775 313 387 Edited by Tanic✨ 0714 557 929 *Chapter nine* I guess injection randakabaiwa na Ronny rakandibatsira kuti marwadzo amboite nani because pandakazomuka i was feeling a bit better. Munhu wandakatanga kuona ndi Brian, the devil himself, ini moyo wangu wanga waita kusviba chaiko, i didn't wan't to see or talk to him, munhu anga apotsa padiki kundiuraya. "Thank God wamuka Bella, i was now worried hako, it's been three days wakarara Pandakanzwa kuti 3 days hana yangu yakarova "Gogo vangu varipi, i want to see her Gogo was the only person wandaida kuona , she was the only one who could comfort me panguva dzakadai. "Gogo vako vari right, don't worry rega ndivaudze kuti wamuka vauye kuzokuona. I was releived. Gogo vakafonerwa vakabva vatoti vakuuya, Tinashe akabva andiigira chikafu, i was so hungry veduwee. "Bella kana uchiziva zvakakunakira usatombofukure hako hapwa kuna gogo vako kana vauya wanzwa "What do you mean nhai Tinashe "Ingori warning yabva kuna Brian, ati ndikuudze "Aaah, handisi kuzvinzwisisa ini, ariku... Handina kuzopedza kutaura gogo vanga vapinda, vakangosvikowira pandaive kwakutanga kudemba demba "Chokwadi munhu akakuponda haana moyo muzukuru wangu, aida kukuuraya chaiko, zvisinei akakunda hake mwana wako akaponda asi usazvidye moyo mwana wemwana wangu, Mwari vachakuropafadzai nemamwe mapudzi. "Amen That was Brian akabva adairira, ndakamutarisa ndichizama kubatanidza kuti gogo anga avaudza kuti kudii, ndakashaya kuti ndobvunza sei, ukuwo Tinashe anga ati ndanzi ndisafukure hapwa. Gogo vakabva vaenderera mberi, "Tototenda mumwe wako uyu Bella, akakasira kusvika matsotsi asati akuuraya, ndiye akatoita Mwari wako chokwadi nyika ino yashata, ugoona Bella ndaigara ndichimuudza kuti asajairire kufamba kwasviba "Aiwa muchitendei henyu gogo, ndiMwari vakatondifemerawo kuti ndishandise road yaaive aenda nayo Bella, otherwise ndingadai ndisina kumbomuona Yowee, ko Brian zvaaive koronyera chairo, saka anga anyepa shuwa kuna gogo kuti ndakapondwa nematsotsi iye akazouya to my rescue, shungu dzakandikurira ndikatanga kuchema "Usacheme hako Issa, unopora handiti, chikuru ndechekuti uri mupenyu, ende mumwe wako akatogona uyu akati urapirwe pamba, kuchipatara waiora iwe maronda ese aya. "Pano arikunyatsorapwa zvakanaka gogo musatye henyu, anopora uyu Paaitaura izvi aipota achiti ziso wee kwandiri achifetura fetura mhino zvekundisvotesa chaizvo, ko gogo vaive vakagara vakanditarisa vakamufuratiraka saka hapana chavaiona. Gogo vaifunga kuti ndiri kuchema marwadzo enyama chete izvo nyambisirwa nyama zvese nemoyo zvairwadza, Brian anga aita kundipedza ini, papi pacho pandanga ndichaudza gogo vangu kuti munhu imhondi uyu aida kundiurayira preparation yemwana wake cahiye. Ndaisara ndikadzipwa ne pillow chete naBrian nekuti utsinye ndohwaanga ainahwo. Gogo vakazooneka vakaenda havo tikasara tatarisana nemhondi iyi. "Ndokumbirawo fon yangu "Unoidii "Ndoda kutaura naboss vangu ndivaudze kuti handisi kunzwa mushe "Ndakataura navo kare varikuzviziva "Wakavati kudii "I told him kuti wakapondwa nematsotsika mu road uchibva kubasa, hazvisizvo zvakaitika here nhai Bella, usandibvunze zvisina basa wanzwa I couldn't do or say anything but cry cry and cry "Ndozvakaitika izvozvo Bella, ndini ndakatozokununura ndikakuunza kuno kuti urapwe otherwise dai vakakuuraya, ndikanzwa karomo kako ako kachitaura a different story i will kill you myself, you know i can do it right ? "Horait "Ehee, itawo munhu kwaye urapike, and i hope you have enough money to settle ma bills ekurapwa kwako na Ronny "Yandinowanepi mari nhai Brian, apa ndiwe wakandiponda panzvimbo yekuti ubhadhare iwewe mari yekurapwa kwangu wakundidaro, why are you doing this to me nhai Brian, ndakakutadzira chii, apa i lost my baby because of you "Ma bills uchabhadhara wega shamwari, handiti wakapondwa uchibva kubasa, saka ucharapiswa nebasa rako iroro, wototenda Mwari kuti kakabva kagora kawanga wakatakura, waida kundichengetesa mwana asiri wangu kuti zvidii iye Leo aripo ? Ndikunzwe futi uchiti ndakakuponda iwee Akadaro achindisikiza mbama nhai, asi Brian anga ari muroyi chaiye, rudo rwese rwuya rwanga rwaenda nepi. I also blamed myself nekudanana navo vese at the same time na Leo, vari gogowo futi vakandimanikidza kudzokerana na Leo paya, nechaiindifonerawo chiiko, ndokwakabva ruvengo rwese rwa Brian, anga ari munhu kwaye uyu. Asi kuti pamwe dai akawana ndiri mhandara aisazondibata rough so, manje akatofunga kuti zvinhu zvairohwa naLeo izvo kwaani. Nhumbu yaive yake Brian and anga atozviurayira mwana wake ega achifunga kuti arikukaurisa Leo, nxaa. Apa ndaioneswa moto kudai nemunhu asina kana kubvisa huku hayo kumba kwedu, shuwa Brian ndiye here anga onditamba rough yakadai, misodzi yangu yaingoyerera ndichifunga nhamo dzangu. "Bella please don't cry askana, unosvikepi uchingochema, usazvidye moyo zvichaita . "Zvii zvichaita nhai Tinashe, wadii wadzorawo moyo weshamwari yako, mabatiro aari kundiita haana kana kunaka, chandakatadza chii nhai "Brian haadzoreke hako Bella, nyaya yaakanyanyotsamwira ndeya Leo, dai pasina izvozvo pasina zvese izvi. Kupfidza ndokwandakaita manje, Brian anga atobudirira kunditamba rough, mhosva kutorova wena sepasina zvaakaita, aitoitwa mutsvene, the good samaritan chaiye. My grandma would come to see me pano nepapo, my work mates vaiuyawo pamba ipapo kuzondiona, ku hospital handina kumbotsikako, Brian akatsika madziro ndikarapirwa pamba apa kusvika ndave nani. Musi wandakabva pamba pandairapirwa Tinashe ndiye akanditakura nemota yake akanondiendesa kumba kwedu (kwagogo) nekuti vaive vati vanoda kumbogara neni kusvika ndanyatsosimba.Brian akanyatsoramba kuenda neni ndichinzwa, akatosimbisisa nyaya yekuti ndikangoreva chete kuti ndiye muparanzvongo aizoona zvekuita neni. Havana kuda kundirasa gogo vangu even though i had dissapointed her, Brian anga asina kana chaakabvisa ende mumba magogo anga asati ambopindamo, and it was normal and okay kwaari. "Gogo ini kuna Brian handichadi kudzokera ini "Ko indava, iye mumwe wako akanditi achauya kuzoonekera nehama dzake "Akadaro kupi, rinhi nhai gogo "Mazuva awakapondwa iwaya, pandaiuya kuzokuona "Aaah, ini haana kumbondiudza wani, anonyepa gogo ini handichadi ini aaah "Unoita zvawada Issa, upenyu ndewako ini munyaya dzako idzi ndageza maoko "The next day ndakamukira kuenda kubasa , dzanga dzave three weeks ndakabatikana nemuvuri wangu and my boss had not said anything about it so ndaida kunoona kuti zvakamira sei nekuvazivisa kuti ndave nani zvekudzokera pabasa. Kubasa ndokwandaifanira kudzokerazve because Brian anenge aitorevesa kuti mari yekurapwa ndichabhadhara ndega so i had to work kuti mari iwanike. Akataura iye kuti murombo haarove chine nguwo aisareva nhema, kubasa ndakawana zvinhu zvaminama, my boss had already replaced me na someone else, basa panga pasisina.Izvi zvaiva zvekundikaurisa chete zvavakaita baba ava, inga wani vainyatsoziva kuti ndainge ndisinganzwi zvakanaka. Rose airatidza kundinzwira tsitsi, she comforted me akati ndizomusendere CV yangu pa whatsapp so that aizokanda kanda ma emails kwakasiyana siyana. Sekutamba sekuseka basa ranga ratopera nhai, ndakashaya kuti ndotangira pai chaizvo, Brian anga andiparira gore rino. Well, ndakasvika kumba and i told my grandma kuti basa ranga rapera vakatopererwawo nazvo but she conforted me vakati ndichawana rimwe. It was almost a week ndiri kuna gogo and Brian had not even called or sent a message kubvunzawo kuti ndirikunzwa sei, aiva nemoyo wakaoma chaiwo munoziva. Ndaitofunga izvi ndakatarisa pa chat rangu naye ndokuona aizve _typing_, ndikati inga Mwari vandinzwa. Pane nguva dzandaiti ndikanyatsofunga ndaiona kuti moyo wangu wanga uchiri kuda nezvake asi pfungwa dzainditi siya iwe imhondi iyi haachakude. You know there are some issues which need us to use our brains not heart, especially nyaya dzerudo idzi, moyo ukauteedzera unoku misleader ukazodemba. Seipapa i was caught in between, ndaiti ndikafunga kundiponda kwaakaita soo ndainzwa kumuvenga asi pamoyo chaipo ndichinzwa kuti achiripo, kutoita musungwa chaiye nekuzvitongesa kuti what exactly do i really want. I waited and waited Brian achingo typer chete, kahana kaiita kuroverera kuti ndafungwawo asi pandakazoona message yacho isingauyi ndanga ndakunzwa mudumbu kuti chii chaizvo chaari ku typer Finally, message yakauya, anga ari two, infact paive ne message ne picture *Ukasatoyeuchidzwa* *haufungeka wega kuti munhu akuda mari yake, andifonera nhasi Ronny achiti howfar, iro* *ndiro bill rake iro, mupedzerane* *handisirini ndakarapwa* That was his message, and the pic ranga riine list yezvakawanda wanda, handina kumbozviverenga ini maziso angu akangomhanyira kuzasi kwaive netotal amount, kunodai wanikwe mashura ekwaani , hayaas ndakapera power *End of chapter nine*
❤️ 😢 😂 👍 😮 🙏 42

Comments