Tanic✨ Novels
February 11, 2025 at 06:45 AM
*PRETENDER* Written by CoNy 0775 313 387 Edited by Tanic✨ 0714 557 929 *Chapter ten* Brian anga afunga zvehondo chaiyo neni, ndiye munhu ainzi akavimbisa kuuya kuzoroora here uyu kana kuti ndakakanganisa kunzwa. Basa ranga rapera apa munhu ondiudza kuti ndibhadhare ndega mari yekurapwa. Ndakademba Leo, dai tainge tichiri tese ndisina kumbopindana netsvina dzakadai idzi. "Bella shamwari, Hermej vane machira avo eku church avanoda kuwachirwa, saka vati since akawanda vanobhadhara havo mari so ndavati uchanoatora wowacha, handi hauna zvauri kuita pano here iwe, wotowacha hako uwane mari yekurukwa musoro nekuti ini handingazvikwanise Gogo vaive vatozviona havo kuti pana Brian hapana chimuko ndosaka vanga vonditsvagira tumabasa kudai, ndakatofara ndikanoatora machira aya, ko ndaiti angori machira njee izvo anga atori ma bag matatu (machangan) ma medium . Apa musana wangu wanga uchiri kurwadza asi semunhu aitoda mari ndakashingirira, gogo vakazonzwa tsitsi vakandibatsira ndokutozopedza kwandakaita ikoko. Hermej vakandipa kamari kangu ndikasungirira, ndanga ndakutoita ekuvhima ma piece job aya kuti ndiwane mari, ko basa ranga risati ramuka rimwezve saka ndaitamba irikurira. Kuonda kwandaive ndaita manje vanhu vanga vofambisa mbiri yekuti Bella akabvisa nhumbu, ndakainzwa ichitaura na Hermej namai vepa next ndikangoti hangu ndezvavo izvo, dai vaiziva havo kuti ndakatomboenda kumurume vaitaura zvinopfuura ipapo. Mumwe musi ndakawana kabasa kuna Piers mu borrowdale imomo, raive riri reku cleaner mumba painzi panoda kuitwa party kudiiwe so mai vacho vaingoda munhu anovabatsira zve one day ku cleaner. Vaenzi vavo pavanga votanga kusvika vakabva vanditi ndichienda hangu mai vaya, ndave kunobuda pa door kudai ndiye dhuma dhuma naRonny ndikati nhasi zvangu ndobvunzwa chikwereti pavanhu ndikasvoda. "Hesi nhai Bella, wavasei "Ndiri nani hangu, munandiregererawo zvinhu zvenyu ndirikugadzira "Zvinhu zvipi futi 😳 "Mari iya, haisati yakwana kungoti chete ndakamiswa basa asi ndirikugadzirisa "Ehee ndakanzwa na Brian kuti wakamiswa basa, i'm sorry about that "Na Brian 😳 Phone yake yakabva ya ringer akabva aenda, ndakashaya kuti Brian anga anzwa nani zvekuti ndakamiswa basa because ini ndanga ndisina kumbomuudza even Tinashe handina kumuudza, kotiwo Ronny , he was pretending as if haazive kuti ndine mari yake, maybe it was his own way of saying it's okay, who knows. Zvetumabasa izvi zvaitofaya nhai, zvaingoda ma connection chete otherwise ukawana munhu asina kuomera hake waitobva nekamari kasvinu. Mother ava vanga vati vachazondidana futi the following day kuno cleaner futi ndikafara because zvaireva kuti ndeimwe mari iyoyo. On my way back home pane zimota rakandimirira and murume anga arimo offered me a ride ndikarambira padenga chaipo, zvevanhu vemazimota ava ndanga ndapfidza, kudzidza chaiko, ndaisada kudzokorora same mistake. Vanenge vaivawo nenharo baba ivavo because ndakavaona hangu kuti varikuda kuona pandogara manje ndakapfuurira kuti vasambondiwane futi. Varume vanga vatove mhandu kwandiri, ndanga ndapfidziswa na Brian, kuda zvinhu ukuu ka, hakubhadhare. Ndanga ndanyatsotsidza kuti ndakuda kumboita serious ne life yangu, zvekutsvinyirwa nana Brian bodo. "Nhai Bella muzukuru, uri kutombotsvagawo basa here iwe kana kuti watovarairwa hako "Gogo kubasa ndokwandiri kutobva wani, ipapa mai vacho vatonditi mangwana vanogona kundidaidza futi "Hoo, aaah kana uchiona zvichikuitira hako, nekuti ini mari yekukupa kuti unorukwe musoro handina ugare wazviziva hako "Haa nhai gogo, ndinozviitira ndega izvo, ndakambokukumbirai here mumwe musi "Shamwari yako anga aripano achida kukuona "Shamwari yangu ipi iyoyo "Aka katsvuku katete aka , wawaishanda naye anonzaniko "Rose here "Ehee iyeye, atombokumirira asi azofonerwa akaenda Ndakatombofara kuti pamwe kune kwaanzwa kuti kwamuka basaka, so ndakabva ndatoti better kumufonera ndinzwe kuti nyaya yacho ndeyei. I tried her number dzikaramba ndikabhoikana nhai, then ndokuzoenda ku whatsapp kuti ndinomuisire message aizoiona hake later. Chakatanga kubata maziso angu i profile picture yaanga akaisa, zvinova zvakatondishamisawo nekuti aive nemukomana of which Rose haasi munhu ano poster anything about her social life. Ndati better ndinyatsoivhure profile pic iyi ndione kuti ndiani waainaye. Ichingobva ku downloader kudai yakabva yati picture have been removed asi zvandanga ndaona kuti ndizvo here, haa kana hazvisi. Nechandatangirawo kufona nhai, dai ndatanga nekungomutsvaga pa app maybe ndaiona pic riya kwekanguva risati rabviswa. Rose na Leo, haa kana, dzaive nhema chaidzo, ndanga ndakanganisa kuona chete. Umwe moyo wakati bvunza umwe ukati siyana nazvo . The fact yekuti vanzi vakudanana ndoyandakarambisisazve, ndaizorwadziwa kusvika papi nhai. Panguva yandange ndava apa nekurasiswa kwandakaitwa na Brian ka, Leo ndainge ndomudemba . Ndakazongomusendera message Rose ndichida kunzwa kuti pane chamuka here. "Ndeip, ndanzwa kuti wambonditsvaga na gogo "Ehee ndambouya shuwa, ndanga ndichida kuti undiperekedzewo kwana Leo handikuzive "Kwanga kwakanaka here, wanga uchidei ikoko, saka wazoitasei "Ehee haa kuribhoo, azouya akanditora hake I could sense kakutsvinyirwa chaiko from our conversation, kuitawo here ikoko anga achindiudzirei, plus futi of all the people why kuda kuperekedzwa neni, kuda kundisvotesa kauku , saka picture iya ndanga ndaona chaizvo kaini. Vanhu vanenge vanga vakutodanana kaava, asi koiyo speed yake Rose kutoisa picture vari vese pa profile yanga iri yei nhai, kuda kuti ndirwadziwe here. Kutaura shuwa ndakabatikana nazvo, kana zviriizvoka vanenge vandigona but i was not supposed to show it kwavari kuti zvandibata, vangasafare nhai. Dzimwe pfungwa dzakati dzokera kuna Brian, handi anga asina kumbondidzinga here, asi kuti ndini ndega ndanga ndati handichadi nezvake. "Gogo ndafunga kudzokera kuna Brian "Ko zvaitasei futi, hausiwe waiti hauchadi musi uno apa "Ndazofunga "Heya Havana kundirambidza kureva kuti vaisaona chakaipa pazviri, ndakabva ndatorongedza zvinhu zvangu kuti mangwana ndiwane kurova pasi. Message yakabva yapinda mu phone *Bella uuye futika mangwana kuzo cleaner, handingazvikwanise ndega* Hey , vaive mai vaya vekuna Piers, ndodii manje apa ini ndanga ndafunga kudzokera kuna Brian mangwana acho. Haa mari ndoyandaidazve, so i decided kutanga ndaenda kubasa kuya, ko iko kwa Brian kwacho ndainodyei nhai. So the next day ndakanoshanda kwamai vaya ndikapihwa kamari kangu ndokusungirira futi. Kwa Brian ndaizoenda the next day. Ndakaona sekuti mhepo chaidzo ndodzanga dzandibata kuti nditi handichadzokeri kuna Brian, ko ndaizonyarirepi nhai kana Rose ave kufambidzana na Leo kudai, ndaitoita chiseko chenyikazve . Izvo ndozvandakaramba manje, ndainoshinga ndiriko kuna Brian chete. I didnt tell Brian kuti ndiri kudzoka aizongoona ndasvika. Pandakasvika pa gate sekuru vakandibvunza kuti muviri wave sei ndikati ndapora. "Ko Brian ariko here kuseri uko "Ummm eeh mambomubata here anenge abuda uyu "Asi mava nemumwe wamochinjana naye duty here nhai sekuru "Aiwa hapana "Saka mamuona achibuda here, aaah mota yake iyo iripo wani "Hoo saka pamwe aripo Dzinenge dzaimbobudawo futi dzasekuru ava. Ndichingoti mveee paseri pe main house ndakaona kamwana kaitambisa hako mvura pa tap ndikabva ndatonoivhara ndichikarambidza maiwe kakati kaibongomora mhere. Brian nemumwe mukadzi vakabva vabuda mumba vachimhanya "Ko waitwa sei, vakabvunzirana *End of chapter ten*
❤️ 😢 👍 😮 😂 🙏 37

Comments