S❤️Bandera Novels
January 23, 2025 at 05:12 PM
https://chat.whatsapp.com/CC3RGRR6Py9J4tejFQooNg
*Chawagona Hapana*
_Collaboration written by_
S❤️Bandera
0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣
&
Nitha Chihelele
0⃣7⃣8⃣0⃣3⃣6⃣8⃣4⃣9⃣2⃣
Chapter 2
Chipo
"It's life." Ndakataura ndega ndichifunga nhamo dzangu dzanga dzawanda kudarika mari. Ndakazobika sadza , as always tese takangosunya zvishoma kwakusiya. Tanga tanzwa naro cabbage ndivo waiva muriwo wedu wemazuva ese.
Ndakazonzwa kuvharwa kwemikova yekwamai Junior, tevere sound yemota panze. Vaizviita havo kakawanda kumbobuda vese kumanheru, ndaizongonzwa yava nyaya mangwana acho naivo mai Juju kuti vakaenda out for dinner.
Ndakamirira zvainzi zviri mupipeline until wava musi wa23 December mumwe wangu anga abva kunorukwa musi wacho. Ndakarovera moyo padombo ndikataimira murume achangosvika asati apinda kwanyachide. Ndakazvika vachitovhara madoors emota ndikati,
"Maswera sei baba Tadi." Tsika ndaiva nadzo asi apa kutyora muzura kwaiva kuda kunzwirwawo tsitsi ndipiwe mari yekunotengera vana mbatya dzeChristmas. "Eh chii futi?"
Ndiko kudairwa kwandakaitwa ndikatanga kuita semusikana aipfimbwa , kutanga kubata bata zvigunwe kwakuzoti, "Ndakangomirira mari yembatya dzevana, honai nhasi ndi23." He looked me form head to toe, akafinyama sendaisemesa. Kufunga kuti munhu uyu akatondibvisirawo mombe nhatu nemari yakawanda chaizvo. Ndainge ndava rengenya kwaari.
"Wakasiya Tatenda achidonhedza Junior, akakuvara tikaenda naye kwadoctor ndiko kwakaenda mari yaifanira kutengera vana vako hembe. Hapasisina mari ."
Vakabva vatotanga kufamba ndakamboda kuchema asi ndakakoka zvivindi ndikati, "Baba Tadiwa , chero yamunenge mandipa ndinonosarudza hangu dzekubhero pane ......" Havana kundisiya ndichipedzisa vakacheuka vakanditi, "iwe dambura zamu rako utengese uwane Mari yekuengera vana vako mbatya dzeChristmas."
Ndakapera simba ndikangomira ivo vafuratira. Vakazocheuka vakanditi, "be prepared we are going kumusha mangwana. Ndiko kwatiri kutambira Christmas." Ndakangoombera maoko. Uko vana vangu vaisekwa vakazvirega chokwadi. Vana vekumusha kwana Baba Tadi vaitamba Christmas nehembe nyowani. Ndakadzokera mumba ndikaudza vana vangu zvandanga ndaudzwa nababa wavo. My heart was broken kuona Tadiwa achichema. Dzanga dzava 2 years vana vangu achitamba Christmas nehembe tsaru. Nekukura kwavaiita mbatya dzavo zhinji dzanga dzava diki, Baba wavo vaisazviona, kuvaudza ndaingonzi zviri mupipeline zvotopera .
Tadiwa akazongosimuka achipfikura kudaro, I asked her where she was going but haana kundipindura.
Ndakazonzwa yava noise kwamai Junior Baba Tadiwa ndivo vandainzwa kutaurira pamusoro asi ndisinganyatsonzwa kuti vaitii . Zvakatondinetsa kuti nhasi Nyachide akwidzirwa voice kuti zvadii.
Ndakamira pamukova pangu ndichitarisa kuti Tadi anga angobuda aenda kupi uku ndichiteerere zvekwa Mai Juju . "Unopenga here iwe mwana wehure? Ndokumamisa buda muno." He roared like a lion ndikaziva kuti mwana wangu ndiye ainzi mwana wehure. Moyo wangu wakaenda kure ndikafamba kuti ndinotora mwana wangu. "Hure ndimai Junior vakauya kuzotitadzisa kufara pano." Ndakabata hana yangu pandakanzwa mashoko kubva kumwana wangu. Ndakanzwa yava mhere Ava kuchema ndikaita zvekumhanya ndikangonopinda ndikawana Phineas achirova mwana nemaoko. Nyachide anga akagara zvake akabata mwana wake.
"Baba Tadiwa mwana haarohwe nemaoko ndapota munotora shamhu."
I said ndamugumbatira that way of protecting her. " Ndiwe wamufurira kuti auye kuzondiudza zvekuti ndivatengere hembe. Ndamuti handina mari and she had the guts to say mai Junior ihure, uyu mwana ndomuita zvimwe zvinhu uyu."
Vakamupa mangofo mumusoro ndikazovharidzira. "I'm sorry on her behalf. Sorry mainini mwana ataura zvakashata." Ndakadaro ndatarisa mai Junior avo vakangoti, "ah pamwe anonzwa imi vakuru muchitaura kuti ndiri hure. Ini mhosva yangu handiione ndakatongonyengwawo sezvamakaitwa ndikabvuma. Ndikaudzwa kuti imi makakwirwa nemumwe murume Baba Juju vachiona mukatobatirira. Ini problem yangu handiione."
I became too emotional ndikangobata mwana wangu kwakubuda. Nyaya yanga yataurwa namai Junior yaindibata
especially ndikainzwa ichitaurwa nepasipo kudaro. Ndakanozvivharira mubedroom mangu ndikatanga kuchema. I was addicted to disappointments but apa I couldn't take it. Zvakaitika ndezvekuti rimwe gore Baba Tadi vakadanana nemukadzi wemunhu anga akaiswa runyoka rwebakatwa vachibva vanamirana. Murume wacho akafonerwa akauya akati kuti apinginure anotoda kurarawo neni. Ndakafonerwawo ndikazviudzwa nekutendeka kumurume wangu plus hasha dzekuti andihurira ndakaramba. After a couple of hours Phineas akandifonera crying telling me that he was dying. He begged me kuti ndingorara nemurume iyeye kuti iye ararame. Zvakandishungurudza but kunzwa murume wangu achichema kwakanditambudza ndikakwira lift kuenda kuMacheke kwaanga akanamirana nemukadzi wemunhu. Ndaiti pamwe murume iyeye achati tiende kunext room toita but akati tinoita avo vekunamirana vachiona. It wasn't easy for me kuvhurira mumwe murume makumbo worse in the presence of my husband. Ndakatanga ndabvunza Phineas kuti haazondipandukire here akapika kuti ndikamuponesa apa anobva asiya zvechihure and it will be our secret. Ndaisema so I asked kana zvaiita kuti tishandise protection muridzi wemukadzi akati kana ndisingade akutoenda kuTanzania kwaanoshandira osiya vanhu vakanamirana, apo wangu murume anga akutidikitira achiti ava kurwadziwa zvakanyanya. Ndakazongobvuma just to save my husband, ndaimuda Phineas ndakati regai ndimuponese zvimwe tinozotaura tava kumba kwedu. I wanted to do it fast ndobva panzvimbo manje murume wacho akatotanga aita romance mufunge. Aitora nguva yake kuvhura mapage, kukissa kudiiko that was the day randakadyiwa kuzasi nemunhurume. Zvese izvozvo Phineas aiona kusvika murume uya auya pamusoro pangu. He was too bigger than Phineas so pakutanga ndakagomera nepain. Zvekunzi ndakabatirira dzaiva nhema nekuti I wasn't enjoying ndaitoda kubvisa murume iyeye pamusoro pangu then aibva andivhara muromo nekiss. Akaita dambarefu achindishandura mastyles aaida kusvika azorasira hake mukati achibva apinginura vekunamirana vaya . Kubva ipapo ndakaona kuti Phineas ainge asisanakidzwe neni mumba yemukati. Ndipo paakazonditi ava kutora mumwe mukadzi asina kukwirwa nemumwe murume. Matauriro aaizozviita kuvanhu aindipedza chido chekutsanangura. Ndizvo zvimwe zvakawedzera kuti hama dzake dzindivenge aivaudza ndisipo kuti akandibata red handed nechikomba. Ndaizozvinzwa pava pava ndoshaya kana simba rekutsanangura zvakaitika. Pane pandakanzwa Baba Tadiwa vachiudzwa nemukoma wavo kuti kana ndakahura vari kudii kundiendesa kumba kwedu. Ivo vakapindura kuti "kana abayiwa achabuda ega handidzinge munhu." Vekumba kwedu handina kuvaudza zvakaitika izvi kuzeza kuudzwa kupusa . Asi ndaigodii ndaida kuponesa Baba wevana vangu vanga vatarisana nerufu.?
After crying for some minutes ndakadzokera mandaibikira maiva nevana vangu avo vanga vakabata shaya. "Tadiwa ndiwe mukuru, wazvinzwa hanzi hapana hembe dzechristmas saka siyanai nazvo vanangu." Apa haana kuita nharo hake I guess anga aonawo kuti Baba vake vapanduka.
Mangwana acho ndakasarudza mbatya dzaiva nani ndikawacha kuti vana vazopfekawo kumusha kwataienda.
Mai Junior vakazobuda panze ndakutopedza kuyanika tikamutsana. "Makugadzirira rwendo rwekumusha ka?" She asked vakafara fara ndikavati, "ehe mainini but ndiri kurwadzirwa vana vangu havana mbatya nyowani. " Vakabata bata musoro wavo wanga vakarukwa zvakanaka vakati, "Mari hapana mai Tadi saka kutongojaira zviripo. "
Ndakamuudza chokwadi kuti, "ini ndinganzwisise ndigojaira but vana vangu zviri kuvanetsa. Vaiziva kuti every Christmas vanenge vane mbatya itsva. Zvakangochinja all of a sudden and they are failing to get used to this situation." Havana zvavakadaira vakabva vadzokera mumba kunotora Junior anga akuchema.
Manheru pakazosvika Baba Tadiwa ndanga ndapedza kurongedza zvandaida kuenda nazvo. Ndaitoziva kuti mother's seat ndeya mainini saka ndakanogara zvangu kumashure nevana vangu. Vakazonanaidzana vouya ndikasvikopiwa Junior. Vaiita show off yaindirwadza, ndaishaya kuti murume wangu akadyiswa here kana kuti Prisca aive nerine sugar kudarika rangu. Musi uyu ndipo patakanyarwawo tikatengerwa mumwe nemumwe box rake rechicken Inn nema drinks nababa Tadiwa vachiti since taizosvika vanhu vapedza kudya. Madyiro akaita vana vangu kuita kunge mombe dzabva kusina uswa.
Patakasvika vanhu vanga voda kurara. Isu tanga tisina kuvaka saka taingosvikira mumba mavamwene vangu. "Mai Tadi wotorara mukitchen nevana vako. Ava mai Junior vanorara mumba mevasikana ndichati vasikana vaende kwatete wavo vozodzoka kuseni." Ndivamwene vangu vakandidaro. Imba yanga yanzi mai Junior varare ndiyo yandaiti ndikaenda kumusha ndoraramo apa zvanga zvachinja. Ndakangoti nechemumoyo chero ndangopiwa pekurara pane kuzorariswa panze. Ndakademba chandakabvumira kuenda kumusha. Mukitchen umu maiva nehuku saka maiva nenhata sei, hatina kurara tichingokwenya. That night was the longest night of my life. Zvakandipa kukurumidza kumuka kuita basa. Vana vangu vakanonoka kumuka hope dzakazovabata kwoyedza. Vamwe vese vakazomuka ndapedza basa rekusuka nekutsvaira.
"Mukitchen umu mune nhata mhai, hiii hatina kurara." Ndakadaro kuna vamwene vangu patakabvunzana mufaro . "Ehe dzakawanda ndakatoti mai Junior havangarare imomo nemwana anozorumwa. Mazuvano tiri kubikira panze kutozeza kurumwa nadzo" Heya ndini ndaikodzera kurumwa nadzo nhai. Baba Tadiwa wakabva vauya patanga tiri ndikavaudza zvekuti vatenge mushonga mukitchen mufiritwe nhata. Vasati vandidaira Mai wavo vakabva vati, "haa zvingaitwe nhasi here zuva rechristmas kudai. Vanozo sprayer after new year pasisina vanhu vakawanda pano. " Baba Tadi vakatogutsurirawo mufunge.
Christmas iyi nevana vangu hatina kuiona. Vana vangu vakabva vanzi vaende kunofudza mombe . Ini ndini ndaibikira vayenzi vese vanga vazosvika kozotiwo vemuraini vaiuya. Mai Junior vaingoti padiki padiki vobudiwa navo nemurume wedu nemota ini ndichifondoka nekubika apo ndichibikira pazuva. Vana vangu vakazouya nevamwe baba manheru nemombe vachinzi vanga vadyisa mumunda havo vakarara. Ndakatoziva kuti ihope dzekusarara zvakanaka nekuda kwenhata. Murume uya akati aida kubhadharwa nekuti dzanga dzanyanya kuparadza. Vakazowirirana kuti vachanoona padyiwa nemombe kana kwachena. Vana vangu vakachiona , vakarohwa nababa wavo Tatenda akasvika pakuzviwetera ndikazopfugama kuti wavasiye. Our life was a hell, ndakademba kuti dai ndaiva nemari ndadzokera zvangu kuDombotombo kwatinodya cabbage every day.
Takazodzokera kumba musi wa2 January. Isu tanzwa nemapundu ekurumwa nenhata, vana vangu vangu vanga wava nemavanga ekukuvara vari kumombe. Musi iwowo takasiya munhu achito sprayer mukitchen Baba Tadiwa vanga vazotenga mushonga. Tiri munzira kudaro ndakavafungisa about back to school yevana ndikanzi, "mabooks chete ndiwo andichatenga manyowani. Macovers munopindura iwayo aripo. Mauniforms vanopfeka iwayo avanawo . Mari ndakabhadhara kwavakadyisa nemombe." Ndipo pandakati, "musakanganwe kuti macovers ndakaapindura gore rapera saka haachaite plus plastic yacho yatosakara ."
End of chapter 2
❤️
😢
🙏
👍
😂
47