Tanic✨ Novels
February 13, 2025 at 06:25 AM
*PRETENDER*
Written by CoNy
0775 313 387
Edited by Tanic✨
0714 557 929
*Chapter twelve*
Ndingasatoita kunge kanzembe chaiko, pano nepano ndatama ndaenda kwaBrian ndabva ndaenda kwagogo ndabva aaah nhai. Chinouya chinoona ini, Brian akajaira fani, akandiponda paya ndikanyarara ikozvino akuda kundidzinga sembwa kuti ndini ndadii, apa kumba kwedu hapana chaakabvisa.
Mai Kunashe vakauya, asi vakauya vawanda, vanga vatori nepamuviri nhai, ini aizve heyaa Brian ndozvaari kuita izvi. Handaifanira kurwadziwa kana kushamisika nazvo because i knew very well kuti vaviri ava vakawanana ini ndini ndaitongobika mapoto hangu asi zvakangondirwadzawo mufunge, Brian aindidarireiko.
Mai Kunashe vakamboda kuita noise neni asi ndakavaudza kuti hapana kwandaizoenda, kana Brian akamboda kundirova ndikamubudira pachena kuti this time ndainanga kumapurisa.
Another room was created ku cottage kuya and Brian bought another bed kwakuisa mu room iya kuti mai Kunashe vagare, barika ndoraanga ada saka ndoranga ratovepo, ini hapana kwandaizoenda, vaitofanira kundigamuchira havo baba namai Kunashe .
Kuuya kwakaita mai Kunashe pamba kwakakonzera noise chaiyo pamba, vaiti Brian akauya nema paper bag ema groceries vaitora voisa muroom mavo, ini kana ndisipo ndamboendawo kutumabasa twangu vakagwejenura door rangu vopinda mumba mangu. Ndakambozama kuvanyararira asi ndakatoona kuti vane moto vaitonditsvaga, so mumwe musi ndakawana vatorimo mu room mangu tikanetsana zvekutoita noise chaiyo.
Izvi hazvina kufadza varidzi vepamba, and they gave us a warning kuti tikazvipamha zvekare taizodzingwa pamba apa.
Brian aiti akanetsanawo namai Kunashe aitizira kumba kwangu, kana akafuririka odzokerazve kuita mahumbwe chaiwo.
Zvemabasa emaoko aya ndanga ndisina kuzvijaira, zvainge zvichindipedza muviri, ukuwo kwandakakanda maCV hapana changa chati chamuka, ko Mwari vaisandionawo here nhai veduwee.
Makambonzwawo kuti hanzi paya zvinhu pazvinenge zvaomesesa and you feel like giving up hanzi ndipo pazvinenge zvave pedo nekunaka. Nhamo yanga yave kundionesa moto, kushaya zvekudya zvakakwana chaizvo, i was now on the verge of giving up and going back kuna gogo .
But kungofunga chete kuti Brian namai Kunashe vanosara vakafara pano ndaibva ndarasira kure pfungwa iyoyo, i didn't wan't my enemies to celebrate.
"Hesi nhai Bella, ko takatukana here, usvike kubasa mangwana
Max"
That was a message from my former boss, vairambawo kukura baba ava. Zvisineiwo ndakati pamwe vafunga kuti ndidzokere kubasa so ndakatofara ndikati ndinoenda chete ndinonzwe kuti nyaya yavo ndeyei.
Mazuva aya Brian anga akawandira kuna mai Kunashe so i didn't tell him ndakangozvigezera ndokuenda ku Greendale kuti ndinonzwe kuti nyaya yaive yei yandadanirwa.
Ndakasvika kuya kwakutombomiswa kunze kwe reception desk na receptionist , ko ndanga ndatove muenzika apa since ndanga ndisisashandepo, zvinhu zvinochinja chokwadi.
Anyways, boss vakafonerwa vakati ndiende ku office kwavo.
"Hesi Bella
"Makadii henyu
"Ndakawanda here nhai, ingawani ndakakuudza kare kuti ndonzi Max, anyway nyaya yandakudeedzera pano Bella ndeyekuti i have a confession to make
"Confession ??
"Yes, i need to tell you something
Vakabva vasimuka kubva ku desk kwavo vakauya kuzogara kuma couch kwandaive, he sat just next to me apa vakaita kunditarisa mumboni chaimo.
"Your boyfriend or husband hameno, came to me akati iwewe wakarohwa nematsotsi uchibva kubasa kuno and he blamed me for that and even accused me of having an affair with you
"Whaaaat ?
"Yaaa, so he threatened to deal with me in his own way akati kana ndisingade zvehondo naye, ndokumisa basa because akati iwewe waisambobvuma kusiya basa wega
"You mean Brian did that ?
"Ehee, and i complied
"Asi Brian sei achidaro nhai ?
"So Bella, ndakazoudzwa neumwe munhu later on, but i won't tell you kuti ndiani, kuti hauna kupondwa nematsotsi asi kuti ndiye akakurova and you lost your baby.
"Yes, that's what happened
"I'm sorry about that
"It's okay
"So inini i have nothing against you Bella, if your husband wants to deal with me, i'm ready, kana uchida kudzoka kubasa please, feel free to come back
"Thank you so much sir, handizive kuti ndokutendai sei, kubasa ndinoda kudzoka mangwana chaiye ndinouya.
"It's okay Bella, so how is your husband
"He is fine
Ndakangodairawo hangu asi i wasn't confident kuti was he really my husband or not. Saka ndiye hake akaita kuti basa rangu ripere apedza kudaro oti ndibhadhare Ronny, kuti zvidii nhai ?
Mufaro wangu wakawedzerwa veduwee nenyaya yekudzokera kubasa iyi, i was so happy, at least ndinenge ndokwanisawo kuzvichengeta pane kutsvinyirwa nana Brian.
I didn't tell him kuti ndadzokera kubasa, ndaingomuka ndogeza ndobuda ndozodzoka manheru. At first he didn't mind asi munongozivawo kuti kana munhu uchizvishandira uchizvidyira nekuzvigezera, ganda rinochinja. He then started to notice me, pese apa ndainge ndisisaonekeka.
Kubasa zvaifaya, basa raiendeka. Rose anga achinja, she no longer shared her secrets neni sezvaaimboita kare, but ma other sources epabasa ipapa akandiudza kuti vainge vari kupengesana naLeo, my ex boyfriend.
With time ndanga ndadzokera mu gear riya repabasa rekufamba na boss. Taifamba veduwee and ndanga ndisisina basa nekuti vanhu vanotaura kutii.
Salary ndanga ndave kutambirawo yakati ooo pane yandaitambira kare, handizive kuti tese tanga tawedzererwa here kana kuti ndini ndega, zvaisabvunzikaka, ndaingonyarara.
Sometimes taiti tikaenda out of town nebasa tainonoka kudzoka so my boss would drop me off kumba .
Pane day ratakaenda ku Gweru and we came back late vakanondisiya kumba ini ndokuwana Brian akamira pa door pangu.
"Urikubvepi nguva dzino ?
"Kubasa
"Wakushanda kupi, wakaudza ani kuti wakushanda
"Aaah nhai Brian, wakambondibvunza here handiti mai Kunashe ndovega vanooneka pano?
"Bella, you are my wife and i have every reason to know wanzwa
"Your wife ??? Wakazobvisa mari riinhi kumba kwedu nhai Brian, ndaita your wife nhasi manje ?
"Come on Bella, you know i was just being jealous otherwise i love you and you know that.
Paku beleivisa hapo Brian aive shasha, he made me beleive kuti aindida zvekuti and that he was sorry for everything and that he loved me and i believed him.
Ndakangoti Mwari kudzwai, ndizvo ndaichemera kaizvi zvekudiwawo and now zvazoita, i was happy.
"But Brian if you are really serious kuti you love me, unofanira kubvisawo something kumba kwedu, hona nguva yafamba uchingogara neni pano pasina kana chawabvisa.
"Ndozvandanga ndichitodawo kutaura Bella, ndakuda kunoroora.
Kuzondidaro manje haa ndakafara kwete zvishoma, and that night we made love , it was lit . Ndakabva ndatanga ku feeler so special that i didn't even mind kuvapo kwamai Kunashe. So long Brian achindida ndanga ndiri bhoo.
As he had promised, Brian akanoroora kumba kwedu, i was more than happy. Kushingirira kwangu kwakabhadhara. Kana paine munhu akatura mafemo nekufara ndigogo vangu, she was so happy.
Kana Mwari vafunga kukuropafadza soo, zvinhu zvako zvinoendeka. Boss va Brian vakatenga imba kune imwe elite surburb ndokuti Brian asare paya, so we moved tikanogara ku mainhouse.
Mai Kunashe pavakangobatsirwa chete vakati handingagarisane na Bella pano hanzi anondiuraira mwana wangu so Brian anga akuvarentera kwavo, but most of the time aigara neni.
Life yanga yakuita manje , Brian uya wandakada was back! Ndaitombozvibvunza ndega kuti asi chii chakange chamupinda paya , ndikamubvunza anoti past is past let's focus on the future.
*End of chapter twelve*
❤️
😢
👍
😮
😂
🙏
42