S❤️Bandera Novels
January 24, 2025 at 05:02 PM
*MAYBE I WAS WRONG*
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
Follow channel for previous chapters
https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14
Main grp
https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX
*WRITTEN BY S❤️BANDERA*
0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣
*Chapter 9*-10
WADZANAI
Kubva kwaGerald pamba kwakaita kuti tinzwe kunge tava nherera.
Olinda vandaiti haagaye uya zvanga zvatosiyana, ndakamuona akabata shaya patakasara tega.
Takaswera pamba pedu tichingotenderera.
Kwagogo takazoenda manheru kwanga kwasara tete vekuNyamapanda vamwe vayenzi vese vanga vadzokera.
"Mukapota muchinyepa kudai vana imi neni hatife takawirirana."
Vakadaro tete Emily achibva,
"Zvapera wani nhai munhu oramba achingoyeuchidzwa paatadza here."
Tete vakabva vati,
"Kuudza mwana hupedzisira. Kuti anyatsoziva kuti zvaakaita zvakaipa."
"And no one is perfect."
Emily ndiye akatozoita kuti yacho inyararwe.
Bamunini Gift kana kutaura neni havana kusvika taenda kunorara.
Nekusavapo kwaGerald takaisa chihuri nemamwe matsapo padoor to me sure kuti hapana anopinda.
Ndanga ndichiri kunzwa kurwadziwa saka handina kuenda kuchikoro Olinda ndiye akaenda kwagogo Emily ndiye akaenda.
Ndaida kuswera ndakazorora kumba kwedu manje Babra akabva andivinga akati ndiuye kune vamwe.
Bamunini Gift pandakavati mamuka sei havana kundidaira vakabva vatobva paiva nevamwe.
Ndakademba chandakaregerera hangu kuenda kuchikoro zuva rese yaingova nyaya yangu.
Munhu wese aiuya pamba aiudzwa kuti ndakanyepera bamunini Gift kuti vaida kundiraper.
Vacho vaiudzwa vaibva vandi blamer voti ndinoda kurohwa ndiri mharadzi.
Zvema duties zviya hazvina kuzoshanda ndanga ndadzokera pangu paya pekungoitiswa zvese.
Musi uyu ndakaona vanhu vepamba vachingotorana vachitaurirana zvandisinganzwe.
Ndakazonzwa gogo vakuti,
"Pano panoda kusakurwa zvakanaka yard ichene iyi. Muyenzi wedu haafanire kusvika pano pane tsvina."
Kuti ndibvunze ndakashaya wekubvunza. Maybe dai Emily anga aripo ndiye anga akandirerukira.
Vekuchikoro vakadzoka ndaneta naro basa. Yekuuya kwemuyenzi yaingotaurika semadimikira.
Zvairatidza kuti vamwe vese vari kuziva nyaya ini naOlinda ndisu taiva murima.
Anyway mangwana acho ndakaenda kuchikoro.
I cursed the day I was born.
Nyaya yanga yakatosvika kuchikoro. Ndakatanga kuibvunzwa naheadmaster.
Vaisabvunza as such but vaitonditi sei ndakanyepera bamunini vangu.
I couldn't explain to him because he had already judged me. Kana kuvapindura handina vakatoita kakundituka ndikaramba ndakanyarara.
Ndakaita chiseko pachikoro vamwe vachiti ndiri mwana muparadzi some were saying ndakatorarwa kare nabamunini.
Ndakaswera ndiri wekuchema zuva rese. Ndipo pandakafunga mukoma Gerry apa. Aindirwira hondo dzangu kubva kare. Vaindidenha vazhinji ndaitovaziva nemazita nekwavanobva saka ndaingonongedza kuti uyo nyaya yopedzwa yaGerald zvakanaka.
Manje apa Gerald anga asisipo vamwe vanga vakutondidaidza kuti babe rabamunini vamwe vachiti mazamu akuririra ayo imimba yabamunini.
Nekushaya wandinoti best friend ndakabva ndanyotsova lonely. Emily anenge anga akutyawo kubatanidzirwa musi uyu akatambira kure neni.
Olinda akazvinzwa ari kwavo kuma form 1 akanditsvaga kusvika andiwana.
"Ndizvo zvauri kuchema Wadzanai? Rova munhu 1 chete ndiye anoudza vamwe vese kuti haudheererwe."
"Handigone zvekurwa ini Olinda. Handichade chikoro chacho."
"Munhu haarohwe nemaoko unoshandisa matombo. Ukatema 1 munhu chete munoenda zvenyu kwaHeadmaster asi hauzodheerererwe. Munhu ari form four kuswera kuchemedzwa ini handiite."
Mwana uyu aiti zviri nyore sekutaura kwake nhai.
Anyway takaenda kumba Emily achindisimbisa kuti zvinopera vachaneta kusvika vanyarara.
Mangwana acho ngoma ndiyo ndiyo mamwe mateacher akandibvunza zvekuda kuziva but handina wandakaudza zvakazara kwaitova kupedza guhwa ranga rafamba kare.
Pakuenda kumba Emily akanditi,
"Wadza ndikuudze here muyenzi ari kuuya kumba mangwana?"
Ndakabvuma chop chop akati,
"Promise me kuti hauna waunoudza."
"I promise ndiudze Emily curiosity is killing me."
Ndakasekerera but the smile disappeared pandakaudzwa munhu wacho.
"Shuwa here Emily?"
"Shuwa Wadzanai hanzi ane nhumbu mukadzi wacho anonzi Precious."
Ndakachema weduwee Emily achindinyararidza.
Taishungurudzwa nevamwe vanhu apa kouya step mother futi.
"Usataure kuti ndini ndakuudza zvakanzi tisakuudzei."
Me; "Don't worry handimbotaure but mhamha vakazviziva ka hameno."
"Usatombovaudze zvako Wadza ndatoita makuhwa ipapa."
I was disturbed zvekuti pamwe pacho ainditaudza ndisingambozvinzwe.
Yanga iri Friday and pamba panga pagadzirwa shuwa. Magumbeze ese anga awachiwa.
Saturday yacho kuseni tete vekuNyamapanda vakanditi,
"Ndokumbirawo makeys ebedroom yamai vako ndiri kuda blanket 1 nyowani."
Ndakavanyepera ndikati,
"Vakamatakura ava handina."
"Manje muyenzi afuge machira madhara here. Vakamatakurireiko kunge vachadzoka. Rega ndinoita plan nekuti pari kutodiwa 1 blanket nyowani and ikoko ndozviziva ariko manyowani."
Ndainzwa kuda kuchema pandaiona vanhu vachimhanya mhanya kugadzirira kutambira mukadzi wababa.
Vakaenda kumba kwedu tete vakadzoka ndikanzwa vachiti vatadza kugwejenura door.
Bamunini Gift vakauraya mbudzi tikanzi naOli tinosvina matumbu.
Hapana ainyatsoda kuva padhuze nesu kunze kwaEmily akatitevera kwatanga taenda kunosvina matumbu.
Kuma 5 manheru baba vakauya vachibva vapinda mumba nana tete nabamunini nagogo isu tikarambidzwa.
Pavakabuda tete vekuNyamapanda vakabva vaenda neroad yekuma shops vachifambisa.
Zvimwe zvese ndaisava nebasa nazvo ndakakumbira kutaura nababa vakauya.
"Baba handichakwanise kuramba ndichienda kuchikoro vanhu vari kundidenha vachiti ndiri mukadzi wabamunini vamwe vachiti ndine nhumbu yabamunini."
Maziso angu anga atozara misodzi.
"Asi wakuda kuroorwa? Munhu anoramba chikoro anenge akuda kuroorwa zve?"
"Ndanga ndichikumbirawo kuti munotaura naheadmaster kuti vaudze vana vechikoro kuti vasandidenhe. Zvikaramba zvakadaro handiende kuchikoro kwacho 2 days dzese idzi ndanga ndichingochemedzwa.
"Inzwa ka Wadzanai, wakazvida ndiwe nenhema dzako. Sekwa ,tukwa, shorwa ndiko kuti upfidze kunyepa. Kana wati hauchade chikoro ziva kuti pano hapasisina nzvimbo yako."
Vakabva vatobva pandaiva ndikasara ndichichema.
Kuchingotanga kusviba muroora akabva auya natete vekuNyamapanda vanhu vakamupemberera.
Hapana aisafara even Emily aifara. Ini naOlinda chete ndisu taiva nedzedu pfungwa. Mbuya vakatamba zvekufarira muroora vachikanda mari.
Muroora akabva apiwa room yana Emily ana Emily vakanzi vaizorara nesu.
GERALD
Ndaida kunzwa kuna Wadza kuti vakasara sei so ndakataimira nguva dzaibuda vana vechikoro ndikanomira kwavaibuda nako.
Ndakamuona achisvororedzwa achichema ndikanzwa mumwe achiti,
"Mateya aya kushandwa nabamunini uku achiramba isu vezera rake."
Hasha dzangu dzakazara pese pese ndikanomupa mambama 2 chete achibva atotanga kubuda ropa mumhino.
"Mangwa usauye kuchikoro ukauya ndiri kukurova kupfuura ipapa."
Wadza akabva ati,
"Neuyo futi Gerry."
Twakada kumhanya kutiza kukanganwa kuziva kuti ndakadzokorora form 4 pachikoro apa kwete kuti kuda kunyora English neMaths chete but kuda kumhanya.
Ndakarova 4 chete but aiti vakawanda vaimudenha. Ndakarova kwete zvekusikidza but kurova zvekuzvimbisa nekubuditsa ropa.
Ndakazodzoka kwaanga ari ndikaona achisekerera.
"Makasara zvakanaka here hapana chiri kunetsa here?"
"Kwakasara kuchitsvagwa mari Gerry zvikanzi obvious ndiwe. Baba vakati usadzoke usina mari yavo."
"Haa ndezvavo izvo."
Akazondiudza zvakandishamisa kuti baba wakaunza mumwe mukadzi.
"Baba havasisina basa nesu Gerald ndakavaudza kuti ndiri kudenhwa kuchikoro hoping kuti vachauya kuzotaura naheadmaster but vakatonditi ndiko kuti ndipfidze. Dai November asvika hake ndanyora form 4 ndabva zvangu nhamo inosara yava yaOlinda."
Ndakatora nguva
ndakanyarara. Kuti nditi ndaifungei chaizvo chaizvo ndinganyepe.
"Okay rega ndikupe kafone kandakakutengera please usaite kuti kaonekwe. Chanetsa unondiudza masms arimo."
"Takurara nana Babra saka usafone husiku."
Eish ndakamuti igare iri pasilent.
Takazoparadzana zvedu ndaona Emily auya ndikamuti asataure kuti andiona.
Emily aiva munhu manje kutodarika masisters ake ese saka ndaimutemba.
Ndanga ndakawana basa kucompany yema China yaiita zvezvidhinha so ndaishanda 4 days per week 3 days off vaiti ibasa rinorwadza rinoda kuzorora.
Ndichibva apa ndakabva ndananga kwana sekuru nekuti mangwana acho ndaiva paoff futi.
Ndakaona zvisina kunaka kuti mai vangu vararame vari murima.
Ndakasvika atova manheru vakafara mai vangu.
Ndakatanga ndaudza sekuru pavo vega kuti ndizvo zviri kumba.
"Vakadii kubuda pachena baba vako kuti havachade hanzvadzi yangu pane kutihwandira kudaro. Kutiita marombe kuti rapisai hama yenyu ivo vachiziva kuti vane mumwe mukadzi."
Me: "Pandazvinzwa ndapererwa sekuru and hanzi ane pamuviri. Ndati amai vangu havangagare vari murima ndosaka ndauya nehusiku kudai ndiri kudzokera mangwana."
Vakakwenya musoro kasingaverengeke sekuru kusvika vazoti vachaudza hanzvadzi yavo.
After super sekuru vakataura nyaya kuna amai. Handina kunge ndakaziva kuti zvichasvika pasingaite. Mai vangu vakadonha tikazorara tava kuchipatara kuMacheke vari paoxygen.
End of chapter 9
*MAYBE I WAS WRONG*
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
*WRITTEN BY S❤️BANDERA*
*Chapter 10*
MAI HAKATA
Ndaingofungira kuti murume wangu awana zvitsva asi ndisina chokwadi chakazara.
Pandakazoudzwa nehanzvadzi yangu pakauya Gerald ndakatadza kuzvigamuchira ndikanomukira kuchipatara.
Ndaitadza kutaura zvakanaka ndaida kuti manurse andidanire Gerald andiudze zvakazara but vakati ndimbomire zvese izvozvo.
Kunze kwakazoedza ndabviswa paoxygen ndakutarisika zviri nani asi ini mukati kati memoyo wangu ndainzwa kutsva chaiko.
Gerald, baba Mucha namai Mucha vakapinda kuzondiona ndikatanga kuchema.
Muroora wangu mai Mucha ndiye akazonditi,
"Tete munodarirei kutambudza mwana? Ava kutodemba kuti dai asina kuudza sekuru vake haana kurara achichema kuti something bad chikaitika kwamuri ndiye ane mhosva."
"Ndiri kurwadziwa maiguru. Ndakamutadzirei baba Gerry? Ndakamuberekera wani vana 4 vese ko kundiramba sembwa kudai hanzi ndakanyanya kutadzei? Kurwara uku kuda here?"
Ndaiva panguva yakaoma nyangwe hazvo vanhu vaindishingisa. Ndaimboti pamwe Gerald achati ari kutamba zvake, kana kuti ndopepuka muchiroto chakadai.
Pane nurse akazouya akazonditi,
"Amai ndanzwa kuti mune vana 4 vakomana 2 vasikana 2. Munoda kufa here chokwadi muchisiya vana venyu. I know it hurts mhamha but try to be strong for the sake of your children. Muri vapenyu kudai zviri nani vana venyu vachikuonai pane kuti mufe nebp yekufunga munhu ari kuzvifarira hake. Dai ndirini imi mhamha ndainamata kuti Mwari ndipei hutano nehupenyu ndione vana vangu vachikura. Mirai kuchemera murume mhamha namatai kuti problem iri kukunetsai ionekwe nema doctors murapwe muite zvakanaka. Namatirai hutano hwenyu mhamha...."
Aiva mwana mudiki chaizvo but akataura zvakawanda zvakandibatsira.
Gerald aivamo achiratidza kuti pfungwa dzake dziri kure chaizvo.
Ndakabuditswa kuseni ikoko Gerald akati,
"Ndakumboenda kumba ikoko ndinoona zviriko?"
Ndaimuziva in and out obvious aida kunomutsa hondo.
"Aiwa Gerald siyana nazvo ndini ndichaenda."
Akada kundipikisa akazodzikamiswa nababa vaMucha vakamuti,
"Kwete muzukuru usaenda. In life usafa wakapindira panyaya dzevabereki vako unoita kuti zvinhu zvitoshata from bad to worse. Siya zvakadaro tichanzwa kuti ivo baba vako vachazvitaura here kuti vane mumwe mukadzi."
Ndakamuona achipfumbata chibhakera achirova rova muruoko rwake.
"Zvidzore Gerald unopara mhosva ukasungwa mwanangu."
Ndakamudaro nekuti ndaiziva kuti kana achidaro anenge achishaya zvekuti nehasha. Kuri kunzi tinenge riri kumba aibva atanga kuita basa rakaoma kuti aseredze hasha.
"Ndazvinzwa amai regai ndiende kumba ndinozorora mangwana ndinenge ndiri pabasa."
Takaparadzana achienda kumba kwaaigara neshamwari yake makare muMacheke imomo.
Ndaiti ndikafunga kuti murume wangu wehumhandara akandirasa nekuda kwekurwara ndaitura mafemo kasingapere.
Ndasvika kumba hanzvadzi yangu akandigarira pasi nevaroora vangu vachindisimbisa.
"Asi ndiri kuda kuvafonera kungovamhoresa chete ndinzwe kuti vanondiudza here."
Vese vakabvuma ndikafona. Vakanyatsodaira
zvakanaka baba Gerald kana kumbondiudza kuti vane mumwe mukadzi.
"Murume wenyu akangwara nhema regai tinyarare tizoona zvemberi."
Ndakagara mazuva ndichitsvira mukati. Pamwe pandaifona vaisadaira zvavo ndaiti vanenge vari busy but vaisazofonawo back.
Ndakazoona ndakufonerwa nenew number.
_"Muri sei mhamha ndiWadza?_"
Me: _"Uri sei mwanangu ko wane fone? Muri sei ikoko ko Olinda ari sei?"_
Her: _"Ndakatengerwa naGerald tiri nani zvedu asi baba vane mumwe mukadzi anogara kwagogo asi apa vanaye kuMarondera._"
Akandiudza kuti ivo vakurara nana Babra nekuti imba yana Babra ndiyo yakapiwa mainini.
Ndakatobatikana kunge ndatanga kuzvinzwa musi iwowo.
WADZANAI
Baba vakaita 2 days varipo vachibva vadzokera kubasa.
Mainini vakangoitawo dzimwe 2 days vachibva vateverawo kubasa kwababa.
Gerald akaita zvake akandirovera vanhu vaindidenha.
Kuchikoro kwanga kwava kuendeka zvakanaka vanhu vaingokwenyana vakandiona.
Anyway bamunini Gift vanga vasisanyanye kutaura neni like zvavaiita kare. Ndaiti ndikasavamhoresa vaisambonditaudza taigona kutovidza zuva takanyararidzana.
Natete Babra taitaura zvedu but vanga vatondibuda. Taizonyanya kuita zvedu nyaya kana takurara paya.
NaGerald taitaura here and there nema text messages zvekufona ndaitomuudza ndini kuti afone kana ndiri pari free.
Akazondiisira airtime akati nditaure namhamha. Ndakavaudza zvese zvaiitika kumba.
Ndakatombonzwa kurerukirwa pandakataura navo.
Mazuva akafamba zvawo Gerald achitionera kuchikoro achitipawo tumari hanzi mutenge zvamunoda.
Mumwe musi akauya kuchikoro akandipa imwe mari akati ndizopawo Olinda yake.
Tisati taparadzana akanditi,
"Mari yandiri kukupai muri kutengei nhai Wadza?"
"Handiti unoti ndeye airtime nekutenga zvekudya kuchikoro nekuti hatipiwe zvekutakura here?"
Akakwenya musoro akati,
"Ndikasakuudzai hapana anokuudzai. Munotengawo mapants askana mhamha havapo kuti vatarise zvese izvozvo and hakuna mumwe anokupai mari yacho saka zivai zvekutenga handiti."
Ndakadaira nemusoro nyadzi dzanga dzawanda.
"Ehe musazoite ekusunganidza kana kupfeka akabooka ini ndichikupai mari. Tengai anenge adhamba aye mopisa pant hariraswe rinopiswa wanzwa."
Kubva ipapo ndanga ndakushandisa mari iya zvine musoro ndisisakudze kudya tusina basa.
Nekufamba kwenguva ndanga ndakunyanya nekunetswa nevakomana but above all ainzi Nison was serious.
Aisaneta ndakambomutuka ndichiti pamwe achasiya kunditeverera but akatoita worse.
Anga asina hake kuipa but he was only 4 years older than me of which ndaida munhu akandisiya ne6 to 10 years plus ndanga ndakazviudza kuti handiroorwe kuMacheke kwandaigara. Uyu Nison taiva vemusame village.
Mumwe musi akanditaimira ndichibva kuchikoro ndina Emily.
"Tete excuse me ndimbotaura nemuzukuru wenyu."
He said kuna Emily achiseka. Emily kwakutofambira mberi kwedu isu tichitevera.
"Wadza am I a bad guy? Am I that ugly? Ndakanyatsoita sei chaizvo unoziva ndiri kushaya chauri kundirambira? Asi kuti nekuti handina mari but ka mari inotsvagwa Wadza."
Ndakatenderera tenderera ndichimuti handidi kutambiswa akamira pamhiri kuti ari kutoda kuzondiroora kana tese tava mature.
"Ah Nison ndoda munhu akandisiya ne6 to 10 years ini hanzi mukadzi anokasika kuchembera nekuzvara."
"Saka uri kuti ndiri mudiki kwauri, unotya kuti vanhu vanozoti wakabatira mwana? Unoda munhu mukuru kwauri wekuti kana uchifamba naye anenge achiita kunge bamukuru vako?"
Me: "Haa not as such but ndizvo zvandakagara ndichida hangu plus haa kuroorwa padhuze handidi hangu. Hama dzangu dzindione my every move, every achievement yangu, pandakundikana vondiona aiwa handidi Nison ndoda kure kure chaiko."
"Kana zviri izvozvo no problem tinonogara kuMukumbura kumusha kwababa vangu kure zvekuti nekuno."
Haa aindigariridza kwese kwese kusvika ndazomuti,
"Okay ukagona kupindura zvandichakubvunza tinobva tadanana zvedu. Ndiudzewo miriwo 3 isingarungwe munyu."
"Haaa tseki mastatements aitaurwa nanamai vedu vachida kuona kuramba mukomana, hee ndiudze mazita emiti 5 isingatangiswe na mu ibva apa watova wangu Wadzanai."
Ndakazomubvuma but ndakamuudza kuti asambondimhanyirire zvake kana kundiitira dzungu rekuudza vanhu kuti tinodanana kana kunyanya kunditaimira ndakamuti handiti nekuti ndichiri mwana mudiki.
Emily ndiye aiziva zviripo pakati pangu naNison.
Anyway pakapera 2 months baba vakauya namainini dumbu ravo ranga rakuoneka.
Ndakangonzwa baba vachitaura nagogo zvekuti vatora leave kubasa.
Mangwana acho ndakavaona vachipfurunura kitchen yaamai vangu ndikaona wave kubatsirana namainini kuiputsa vachironga zvidhinha zvacho paside.
End of chapter 10
❤️
😢
👍
🙏
😂
😮
32