Tanic✨ Novels
February 14, 2025 at 07:01 PM
*PRETENDER*
Written by CoNY
0775 313 387
Edited by Tanic✨
0714 557 929
*Chapter 13*
*Mai Kunashe*
Baba Kunashe anga atoshinga shuwa kutonobvisira kapfambi kake , ini ndakanyatsotsidza kuti handimbogare naye mumba mumwechete, aigona kundiuraira mwana wangu. Brian aiuya kuzoona mwana here and there zvinova zvakandigumbura fani, shuwa ndanga ndatoparikwa kaini just like that. Pandakakaona zvanyanya ndakati better nditsvage kwekuturirawo nhunha dzangu. Munhu akauya mupfungwa dzangu ndi mai Mellissa , mwana wababa vangu.
Back then, we were not that close because mai vangu vanga vakatorera mai vake murume anova iye baba vedu. But nekukura uye kurasikirwa nana mai, baba vedu vakatibatanidza. Ini ndainge ndakaberekwa ndiri one asi vana Mai Mellissa (Shy) vainge vari vatatu, aive nema brothers ake two.
Chandaimudira hangu Shy ndechekuti aiva munhu aiziva hama asi murume wake anga asina kana basa nehama dzemukadzi wake, especially ini hangu waaiziva kuti vana mai vedu vakasiyana, aitoita seasingandizive.
Murume wa sis Shy anga aine company yake yaita zve timber ku Greendale , vairarama upenyu hwavo husingashoreki havo.
Chero nguva yanga yareba ndisina kutaura naMai Mellissa, i had to swallow my pride kuti ndivatange nekuti ndaitoda munhu wekumbotaurira zvaive zvandiwana , so ndakabva ndatobata phone yangu and i sent her a message.
"Sisi makadii
"Kwakanaka here kwawandifungawo nhasi nhai Pau
"Ehee kwakanaka hako
"Warovera kupiko, huya undionewo nhai
"Munenge muriko here mangwana
"Ehee unouya chero nguva
I felt releived, at least havana kuda kunditongesa, ndozvandaivadira hangu izvozvo. Asi iniwo ndaizonyanya kuti zii kwacho, ipapa vaisaziva kuti ndave nemwana wechi two.
Ndakanotambirwa zvakanaka naMai Mellissa, ndaifunga kuti vachatsamwa kuti handina kumbovaudza kuti ndave nemwana asi havana havo.
"Unenge uchifunga kuti ndokuroyera mwana wako here nhai Pau kusandiudzawo kuti kwane kasisi kaKunashe.
"Aiwa, ndaiti ndichauya hangu
"Hooo, ko akadii murume wako, anotozivawo here kuti une hama
"Muchiona ndauya kudai sisi zvakaoma
"Chii futi
"Brian akatora mumwe mukadzi
"Iti shuwa
"Ndirikutorevesa mufunge, akatoroora mufunge henyu
"Hezvo, anorigona here barika nhai, zvino vana vake arikuchengeta here
"Zvakaoma sisi, ini ndatoshayawo kuti ndodini nazvo, ikozvino anouya kumba kwangu nenguva dziri kure
"Aaah, unoreva kuti hamugare mese
"Ehee, anogara nemukadzi wake munyowani
"Ndewekupiko mukadzi iyeye
"Handizive ini ndakangoona asvika mumwe musi achitaura kuti akatomboita nhumbu yaBrian ikabva ndikatotsamwa nazvo ndokudzokera kumusha asi pandakazodzoka ndoda kusununguka ndopandakawana vachitogara vese.
"Unoonaka mai Kunashe nyaya yako yekutsamwa zvisina basa uchiita basa rekunogara kumba kwababa, unofunga kuti murume anganyengerere izvozvo, ndakambokuudza kare paya uine mimba yaKunashe wamuona aine mumwe musikana ukatsamwa ukaenda, hazvibatsire chinhu zviya, munhukadzi unotoshinga kumira neimba yako kwete kuramwa. Iyezvino hona akatozotora mumwe mukadzi.
Panzvimbo yekuti vandipewo mazano anovaka vanga vatove busy kundi blamer nhai. Zvanga zvava kutondibhowa ini zvekuti ndakambofunga kuoneka kuti ndakudzokera asi ndakazozvidzora.
"Horait Mai Mellissa saka ndoitasei nhai, ndosaka ndauyaka kwamuri mundibatsirewo pane kundi blamer
"Haiwa unozviitisa mai Kunashe apa unozouya kuno zvinhu zvatoipa kare, asi murume wako anopenga chete iwewe, ndosaka ndisina kumbobvira ndamufarira ini, barika anorigona here nezera rake iroro.
"Zvakaoma sisi, chikafu anounza paadira hake, zvekuti dai pasina mari yema lodger ekumba kwa baba uko tingadai takafa nenzara nevana vangu. Ndakatombofunga kunogara hangu kwababa navo vana vangu because rent yepatinogara chaipo haabhadhare nenguva.
"Inga zvakaoma nhai, saka mukadzi wacho anoita nezvei
"Hameno kwaanoshanda uyu
"Dai mwana wako anga ati kurei handi ndaitotaura nababa Mellissa kuti vakupinzewo basa kucompany kwavo ku Greenadale uku.
"Mukadaro munenge magona sisi, mwana ndotsvaga munhu wekusiira
"Ummm hazviite , kasvava ikaka kusiira munhu, aiwa imbochengeta mwana wako Pau, ivo baba Mellissa vacho havaziikanwe futi vanogona kuramba vaya, handi chero ini havadi kundiona ikoko.
"Zvino ndodii ini ndatambura ini
"Unofanira kumuudza kuti achengete vana vake baba Kunashe, anoda kuchengeterwa nani nhai, nxaa ndatsamwa zvekuti, ndogona kungomuendera kaini, anogara kupi ?
"Aiwa sisi musaende, ndichambozama kutaura naye
"Ehee unyatsomuonese wozondiudza kuti ati kudii
Kana wamboudzawo munhu nhunha dzako unosara wonzwa zviri nani. Ndakazodzokera kumba ndave kunzwa zviri nani, Brian anga aita kundionesa moto veduwee.
Ndakasvika kumba kwangu ndokuwana Brian ariko achitotamba naKunashe.
"Ko urikubvepi nhai Mai Kunashe nemwana kurikupisa kudai
"Ndanga ndaenda kwasisi
"Wakazoita sisi rinhi iwe, urikuita basa rekuhura handiti, shuwa munhu anoyamwisa wakutoita zvevarume kare, haunyari wakaitasei iwewe
Ndakatukirirwa panze ipapo , akanhongerera twese hapana chakasara, dai pasina kuti ndanga ndakabereka mwana ndingadai ndakarohwa chete.
Hunhu hwaBrian hwehubhinya uhwu ndaihuziva, zvanga zvisiri zvinyowani kwandiri, ndiine nhumbu yaKunashe aitombondirova kana zvakakwidza. Handikanganwe pandakambomubatira ma message muphone make aaitaura nemumwe musikana waaigaroti ishamwari yake , haaa ndakarohwa munongonzwa, hanzi wandibvunzirei, wabatirei phone yangu. Asi kubva pandakaita Kunashe, anga achinja mufunge, kutoita sababa vemhuri chaivo zvekuti ndanga ndotopinimidzawo asi apa hwanga hwadzoka hunhu huya.
Paakapedza kundituka haana kuzogara, akabva apa Kunashe mari yaanga auya nayo ndobva atopinda mumota akadzokera.
Saka uhwu ndohwanga hwava hupenyu hwangu here, ko zvaaainditi Bella handimbomude ndoda iwewe saka dzaiva nhema here, zvanga zvichapera here izvi
*Isabella*
Kana pasina ari kukuda unozvibvunza kuti wangu munyama ndewei, asi kana wodiwa unotombozvibvunza kuti ndini here, Brian anga ave kundida veduwee, zvekuti ndaishaya zvekuita. Kotiwo kubasa kwangu uku, na Max tainge topengesana. Ndanga ndisisina basa nekuti vanhu vanoti chii pabasa because i was enjoying it.
Pama trips e out of town ndairwadziwa kana akasaenda neni asi iye aibva ati don't worry ndinenge ndichiitira kuti vanhu vasataure taure. Worse paaienda naRose haa, ndaisara ndichitadza kana kugara, i was jealous, kana ari sa Rose ndaisambomu truster kana ka1 because aive achidanana naLeo my ex boyfriend who knows pamwe vakatotanga kudanana before we broke up so pana Max ndaisamuchenesa kanab.Asi Max anenge anga akavimbika hake because kana aenda out naRose vaikasira kudzoka, vaitodzoka tichiri pabasa zvinova zvaiita kuti ndi feele better.
Kubasa kwacho ndanga ndosvika time dzandada, hapana ainditongesa, Max paakazobvunza kuti ko kunonoka mazuvano chii ndakamuti makombi arikunetsa so kana Brian asipo to drop me off ndinototambura. Ndaingotaurawo se excuse yenhema not knowing kuti Max achatozvi consider.
"Bella, guess what i got for you
That was Max asking achimwa coffee yake yandanga ndamuendesera ku office kwake
"What is it Max, you know i'm not good at guessing
"Fembera kani sweety
"Ummmm, a trip to a nice place
"No, watadza, anyways dongorera panze nepa window apo
Ndakadongorera asi hapana chandakaona ini
"There is nothing wan...
Ndisati ndapedza he was standing right behind me akatambisa tambisa ma car keys
"I got you a car !
"Whaaaat !!
"Yes, it's all yours but vanhu vepabasa tinovati i company car, even your husband you can tell him that but it's all yours my love
"Max are you serious ?
End of chapter 13
❤️
👍
😢
😂
🙏
😮
43