S❤️Bandera Novels
January 24, 2025 at 05:09 PM
https://chat.whatsapp.com/CC3RGRR6Py9J4tejFQooNg
*Chawagona Hapana*
_Collaboration written by_
S❤️Bandera
0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣
&
Nitha Chihelele
0⃣7⃣8⃣0⃣3⃣6⃣8⃣4⃣9⃣2⃣
Chapter 3
Chipo.
"Problem yako Chipo hautarise zvinhu zviripa ground! Izvezvi urikuona tirikubva kumusha ende imari irikushanda. But unongoramba uchinetsera zvinhu. Imboitawo semunhu mukuru anofunga. Iko pese pandaiitira vana ndiwe here waindiudzira?" Nyaya iyoyo yemacover ndiyo yaive yazoita munhu andivhurire ziso kudaro. Ndakatongoona kuti kunyarara ndokuzvipedza. Akazoramba achipopota ega ndanyarara kuti zii.
Rwendo rwacho rwakandiitira rurefu kani. Tapinda mutown shasha yakatitengera zveChicken Inn. Apo munhu achiti haana mari. Tichisvika kumba ndakangonanga kunorara Tadiwa naTatenda ndivo vakazviponda nayo Chicken inn yacho ini moyo wakasviba kuti tsva!
Hope dzakaramba kuuya ndichingobidirika bidirika. Ndainyanya kuzvibvunza kuti ndirikunyanyofirei chaizvo pamba paPhinieas?
Bonde chairo aive andisema kunge ndinonhuwa. Apa iri nyaya yekumabitsira kwangu anamirana nemukadzi wemuridzi. Ndakazobatwa nehope ndatoronga kuti better ndiifumure nyaya yacho. Nekuti ini ndini ndainge ndoitwa kunge benzi chairo.
Ndakamumukirira kuseni seni chaiko ndokunomugugudzira kubedroom kwavo. Akatodaira ne tone yake iyoyo yekudada. Ndikatomuti," ayewa budai ndinezvakakosha zvandiri kutotaura nemi izvezvi!"
Akatonzwa kamudairiro kacho kuti mai yakatsamwa iyi. Haana kupindura ndakangonzwa kumuka ndikaziva kuti akuuya. Ndakabva ndatonomira panze. Akabuda akapfeka short nevest achitoshama n'ai. Moyo wangu waive uchiri kumuda murume wangu. Asi iih kwaive kwangove kuita wekuchiva achifamba.
Akasvikira kuti," chii chandiri kumutsirwa nehusiku huno?"
Ndakagadzirisa pahuro ndokuti," babaTadiwa asi chii chaizvo? Ikezvino wakaudza udza vanhu vese. Vese nevekwenyu kuti ndiri hure ini. Yet uchinyatsoziva zvakaitika iwewe. Wakandikumbira kuti ndirare nemurume uya kuti urarame iwe asi nhasi wakunditenda nendiro izere nhoko ndizvo wo here? Wakusema vana vako chaivo?" Akabva ati," Chipo unoziva zvinongondibata kufunga kuti wakatorarwa neumwe murume so. Hazvisi nyore kwandiri."
" Murume iyeye akakonzereswa nani ko kuti arare neni kwacho? Hachisi chihure chako here?"
" Haa sha zvinhu zvakapfuura zviye."
"Zvakapfuura sei iwe wakazosvika pakutora umwe mukadzi? Wakundisema ka iwe kubva ipo paye. Kana usisandide taura Phineas." Kwaingovewo kuedza kuvhundutsira kuri kuti atoti haachandidi kwacho ndaive ndisina kwenanga. Kunozara kumba kwedu kana, taive tavamusha unembiri yema return soldiers. Ndaive nanasisi vaviri vaive vadzoka kuvarume. Ini ndikadzokera ndainoita wechi 3 plus mama vaive shirikadzi. Pana Phineas ndipo pandaizofira .Plus ndaitodawo kurwira imba yangu. As long ndisina kupadzingwa. Zvaimborema ndotakura mikwende ndoenda but situation yekumba yaindidzora ndega ndisina atevera.
"Taurai babaTadiwa kana musisandide ndizive. Nekuti mhosva yangu iripakukubatsirai. Plus ndaneta nekungonzi hure nekuda kechihure cheumwe munhu. Apa imi makandifumura kuvanhu but ini nekuda kwekuti ndakapusa yenyu pfimbi yekunamira pamukadzi wemunhu ndakaipfimbika. Please ndiudzei izvezvi kana musisandide." Ndakapedza kutaura ndavakutofemera mudenga akati," usandiise mashoko mukanwa maiTadi wanzwa? Ndamboti handichakudi kupi? Uye izvo zvauri kuti ndakaudza vanhu handizvizivi ini. "
"Musade kuramba apa! Prisca akazviwanepi? Chero hama dzenyu dzinotaura behind my back kuti ndiri hure. Vakazviwanepi?"
" How am I supposed to know nhai Chipo? Vanhu vanongotaura ka zvavada."
"Kubva vangosarudza kuti ndiri hure ishuwa iyoyo?" Akamedza mate achicheuka kumashure ndikaseka ndichiti," makutya madam kuti vanozoti manga mavakuitei?"
" Noo handizvo, wapedza here pane kwandiri kuda kugadzirira kuenda."
"Ini chikumbiro changu ndechekuti muonewo vana babaTadi? Shuwa vana vangu havachazive mbatya nyowani. Dzese dzavadiki, kuchikoro hamusi kuda kuvaitira chinhu."
Akarasa rasa maoko ndokuti," Chipo wakataura ndakazvinzwa amana! Do you have to keep on reminding me here? Ndirikuzvigadzirisa nhai ? " Akabva atofamba kuenda ndikasara ndichitura mafemo ndakamuyeva achienda. Ndakakweva makumbo going back kumba kwangu uko kwandakasvikogara ndakafunganya.
Vana vakazomuka ndikavaitira porridge. Apa sugar yacho yaive yakutopera zvayo. Ndaiziva kuti tapedza kudya porridge next meal isadza necabbage.
Ndakabva ndafunga kumboona vamwe sahwira wangu aigara murayini medu imomo.
Ndakatowana vachiona TV nevana vake. Murume wake aive truck driver saka kazhinji aigara asipo.
Akafara achindiona akatotangirira kunditaudza ndichipinda kugedhi hanzi," vekumusha makadzoka rinhi? Kutiza kurima here uku? Ini ndaitoti muchauya zvikoro zvakuvhurwa!"
Ndakapinda ndichinogara pasofa tainyatsokenererana zvisingaite namai Ruva.
Ndakatanga ndatura mafemo kwakuti," iiih imi ka imi ndadzoka ndisisade nezveko kani. Munongoziva kuti kana urimuroora vana tete vese vanenge vachingoregerera iwe basa rese. Ndaive ndega vekuHarare vaive vasiko."
" Ko Prisca anga asina kuenda here?" Ndakaita kuminyura miromo ndichiti," trophy wife vanobatei chinorema?" Akati," haa zvichamuperera Prisca wacho." Vaitomuziva Prisca since aive mwana wemarayini medu imomo.
Ndakazomuudza nhamo dzangu especially yekusa supporterwa vana. Ndikanzi," tsvaka basa shamwari nekuti vana ndevako ava! Kana asiri kuda kuvachengeta simuka uzviitire hausi chirema ka iwe." Ndakatomboti zii digesting zvaaive ataura kwakuti," agobvuma here Phineas wacho?"
"Hausi serious hako maiTadiwa iwe. Anoramba iye asiri kukuchengeta nevana? Vamwe vanhu munojaidza varume stereki. Aaah ini munhu atondiratidza hake kuti haana hanya neni ndinozvishandira ini. Vana vangu vafambe magaro panze ndakangoti vavava? Bodo zve," ndikadzamisa pfungwa ndikaona kuti ndizvo chaizvo and zvaigona kutoita. Kwakuti," ndinoriwanepi basa racho maiRuva?"
"Unongofambisa shoko imomu medu imomu kuti anoda kuwachirwa or anything uripo. Neniwo I'll help kurifambisawo hauzoshaye kamari kako." My face lit up ndokuti," thanks sahwira ipfungwa yakanaka ndogona kutozowana mari yekuvhura musika wangu."
"Urikuona ka? Kwete zvako zvekuswerochemedzwa nemurume izvo. Achatozonyara wavakuzviitira tunhu twako." Mood yakabva yatochinja ndakutoona mupfungwa dzangu ndavakutoita zvinhu zvangu. Buying vana vangu zvavanoda. Takati tandareyi kwakuzokumbira sugar yandaive ndafambira. Ndikatoipihwa iri 2kgs yese , ka2kgs keglour , 2kgs dze rice ne2litres dzemazoe namabiscuts 1kg , kuchinzi," Christmas box yaana Tadiwa iyi sahwira." Ndakamutenda maiRuva ndikatoenda kumba nekagrocery kangu. Ndiye aimira neni chero zvanyanya kurema. Aitondishingisa kuti Phineas achazotendeuka chete kuitawo munhu kwaye.
Ndakati ndichisvika kumba ndichitowana mota yababaTadi ichibuda namai Junior naJunior wavo. They waved at me ndikashaya chaive chakafarisirwa. Ndakangoridza tsamwa waving back. Ndakanoita mafat cook chaiwo chaiwo. Vana vaisamaziva I thought havaizomafarira asi vakatomafarira zvekuti. Izvo zvakaita vaswere vakarohwa moyo nawo zvekusatoda sadza. That saved us kucabbage. Madeko ndikatoita rice nesoup zvikaita nani. Phineas nemhuri yake vakazosvika kuma 7 manheru. Apa radio yemota yaive padenga denga vachinzwika kuti they're enjoying. Mazuva iwayo mari vaigara vainayo. Waingoona nema up and down aiitwa nemota. Ini pfungwa dzaive dzakutofunga kuwana mapiece jobs nditengere vana vangu zvekuchikoro zvaidiwa.
Ndakarara early ndokusiya vana varipaTv. Ndakatozopepuka kwayedza apa ndaive ndarota ndatowana basa life yangu yakutoendeka. Kupepuka kudai ndichiona kuti kwanga kuri kurota ndakarwadziwa. Ndakamukira kugadzira gadzira mumba ndokutsvayira vasikana vasati vamuka. Ndaida kutombopinda nerayini ndichimwaya shoko rekutsvaka basa. Ndakurasa marara kwakuona box repizza. Moyo wangu ukabanda chaiko. Mari yaivepo mazuva iwayo kwete zvekubvunza. Hameno kuti aive awedzerwa pay here kana kuti chii. Nekuti yaive isisapere mari yacho. Phineas aisave munhu ari rich. Pane pamwe pekuti mwedzi unenge usati wapera ndaitonzwa wo Prisca achichema chema. But apa vaive vavanenguva pasina kuchema chema chero pari pakati pemwedzi. Izvo zvakandipa kufunga kuti pamwe akawana increament kubasa.
Ndakadzokera mumba kwakumutsa Tadiwa aitove kuhope zvake ndokuti," Tadi ndirikuuya wanzwa manje manje. Mukamuka munotamba panze," she nodded nekutodzokera mukurara.
Ndakabva ndafunga kunanga kwamaiChengeto vaive netuckshop kumapeto kwerayini. Kwakutowana vachitsvayira tsvayira kunze kwetuckshop yavo. Ndakatowana mapindiro ndichiti," hamudi here munhu anenge achikubatsirai kutsvaira ikoko nhai maiChengeto." Vakabva vatomira kutsvayira vachizorodza musana ndokuti," maiTadi asikana mari yekumupa munhu wacho ndoiwanepi zvangu. Zvetuckshop izvi hazvina profit izvi kana mufunge!"
Kwakubva ndangoseka seka ndokutaudzana navo paye. Ndokuzoti," askana ndirikutsvakawo chero basa. Kuwacha kana kudii zvako ndaomerwa. Vakamboti ziii ndokuzoti," but pane mwana wangu anogara paYellowcity apa. First born yababa Chengeto. Anombotsvaka munhu anomuwachira. Ndichanzwa kana akamuwana ndinozotuma Chengeto azokuudzai. " Izvo zvekutuma Chengeto ndakaona sekuti vaigona kuvarairwa kwakuti," murikumuona rinhi ndizodzoka kuzonzwa?" Vakati kungoti phone yangu yakadzima izvezvi but ndaisa pacharger. Ndichazotaura naye yava nemoto."
" Oky ndichadzoka hangu masikati," ndizvo zvatakazotenderana paye. Kwakutombombeya mbeya ndichimwaya shoko muvanhu vandaiziva. Ndakatozodzokera kumba kuma 9 kwakutenderera nekumashops mahombe. Ndiye dhuma dhuma nemota yababa Tadiwa vakapaka paneimwe imba so. Kwakupfuura nemudhuze mayo ndichida kuona kuti varimo here. Kwakutoita mahwekwe nemeso avo vakatobata face yeumwe mukadzi kissing her. Vakakurumidza kumusiya ini kwakutopika step ndichipfuura zvangu kuenda. Yaive nyaya yaPrisca to fight for not me bodo. Nechemumoyo ndakangoseka ndichiti," Prisca waifunga ungamugona Phineas iwe? Atanga kudai wakuchizochemawo misodzi yeropa manje."
End of chapter 3
❤️
😂
👍
🙏
39