Tanic✨ Novels
February 15, 2025 at 12:13 PM
PRETENDER
Written by CoNy
0775 313 387
Edited by Tanic✨
0714 557 292
Chapter 14
“Are you serious Max
“Very serious my love, asi kana ndichiti I love you unoti ndinenge ndichitamba here ?
“Nooo I’m just surprised, a car for me ???
“Yes sweety, just stick around and more will come
“You are the best Max!
“They don’t call me Max for no reason, he said with a grin
Max anga andigonera hake pamota apa ndakafara zvekuti.When I got home Brian wasn’t there I’m sure he had been caught up nebasa.I couldn’t wait to show him my car. Dai anga ari mazuva ake aya ehutsinye haa aindiona asi ototenda hake Mwari kuti anga achinja hunhu otherwise aichiona.
The next morning as I was preparing my breakfast kuti ndidye ndiende message from Max yakabva yapinda.
“Please come prepared we have a three day seminar in Mutare
That was the message it was just to the point and yaitongoratidzawo hayo kuti ndezvebasa. Ukuwo Brian was not reachable at all, I guess inyaya ye network because ku mine network yaitonetsa chaiko i still remember ma days ataimboenda tese tichiri kupisa rudo paya.
I packed a few things for the trip mu weeekender ndokuisa ku boot. Asi munoziva pamota Max akandigonera hake, imagine kutakurana nemukwende iwoyo ndichienda kumakombi handi huBella hwese hwaitozopera here. Haa ndinomutenda Max akaitahake basa kwete zvana Brian basa nderekuswerozvida nema Range Vela evaridzi apa akafitwa sei nayo, ukatomuona achi driver unoti ndeyake
_Boss Max_
Pana Bella ndanga ndatonyura wena, kaive kambama chaiko, my type exactly. Ndakaona kuti aifunga kuti tiri kungoita zvema funnies so I bought her a car kuti anyatsoone kuti ndiri serious. Ndanga ndisina hangu basa nekudyiwa mari because yangu yaivepo hayo. Kune vamwe vaskana vanoti kana akawana zvaanoda either mari kana mota obva atoita walk away asi pana Bella ndanga ndazvipira kufa ndaedza. Mota akaratidza kuifarira chaizvo and I was happy kuti at least ndagona kumufadza.
Ndichisvika kumba mai Mellissa vanga vakatondimirirawo nenyaya isina kana nebasa rese.
“Baba Melissa hamunawo basa ramungapinze Pau here kubasa kwenyu
“Kuti zvidii ?
“Iiii murume wake amutambudza mufunge henyu Brian munomuziva hunhu hwake
“Aaah hakuna basa uku titori over staffed
“Dai yanga iri hama yako wabvumira mudenga denga ipapa asi nekuti ihama yangu ndosaka uri kuramba ndinokuziva Maxwell
“Mai Mellissa vaiti kana vatsamwa vaindidaidza kuti Maxwell asi kuna Bella it was the other way round ndakabva ndatomufunga ipapo Bella achinditi Max
Kana akandidaidza kudaro ndaibva ndazviona sechikomana chidiki kajaha chaiko, ndaizviona ndichiri Max uya mazuva angu chaiyo ehukomana zvinova zvaibva zvaita kuti ropa rangu rimhanye mhanye nemuviri wese.
Bella anoita kunditi iwee, iwe Max, haa kungondidaro chete brain dzangu dzinomhanya bani kutoti ware ware chaiko.
“Saka mwana hamusi kumunzwa here imi baba Melissa murikuoneiko ipapo pamakagara
Ndakatozoita zvekupepuka chaiko ndichiona Second born yangu Tinashe, akabata text book remaths achida kuti ndimubatsire homework yake
“Watiiko nhai mwanangu
“Akabva angonhonga pen yake yanga yadonha pasi akafuratira akaenda
“Dzoka tinzwe zijaya rangu wati kudii zviya
“Mwana angatadze kuramwa shuwa nezvamamuita ipapa murikumbofungeiko murume mukuru kuvarairwa kudaro
“Haaa kubasa uku zvinhu hazvisi kunyatsondifambira wena
“Nhema dzenyu saka ndozvamanga muchisekerera here izvozvo, kubva makutopengaka
Eish ndakanyara vakomana Bella anga azondipengesa manje rwendo rwuno. Kutotadza kugadzikana wena. Mwana aindinzwisa magetsi iyeyee
“Ko nhasi hatisi kudya here pano, ndakabvunzaka ndichida kuzama kutanga imwe topic
“Manje mirai ndikuudzei baba Melissa kana matanga zvenyu zvema game ndikangozvibata chete munondiziva zvandoita, ndokuuya kubasa kwenyu ikoko ndikasiya ndakufumurai
“Chiiko chamunotaura vana vachinzwa nhai mai Melissa vanozofungei pamusoro pangu heee
“Ko pamanga muchizhinya ipapo muchitadza kunzwa mwana anga achitaura nemi munoti anofungei mwana iyeye
“Ndane nzara ini tichadya nguvai
“Makambodya time dzino here pamba pano kana kuti pane kumwe kwamunombodya this time?
Handina kudaira nekuti kwaienda nyaya ndaikuziva so ndakabva ndatobata newspaper kwakunyepera kuverenga hangu ivowo mai Melissa havana kuzoramba vachipopota.
Nyaya yavo payanga iri ndaipaziva hangu vaingoda kuti Pau auye kuzoshanda ku company kwangu manje izvo ndozvandaisamboita zvachose handi ma game angu ese aibva atonyura.
Kushanda kwaPau pabasa pangu kwaireva kuti she will discover kuti ndodanana na Bella obva anoudza sisi vake. Chimwe chinhu chandakaona mai Melissa vaisaziva kuti Brian akaroora Bella, dai pasina izvozvo dai agere mushe mai Kunashe. Iyoyo nyaya yanga isinei neni ndaisamboipindira kana ende mai Melissa ndaisambovaudzawo. Also, I didn’t want Bella to know that munhu waakatorera murume i sister yamai Melissa.
Ini Brian akangondibhowa pakuuya kuzondi threatena kuti ndidzinge Bella basa. Zvivindi zvake zvaive zvei nhai kana kumbotyawo kuti ndichanoudza mai Melissa kuti bamnini venyu varikuita zvakati.
Ini ndaifunga kuti hasha dzamai Melissa dzapera kaini asi manheru vakarusimudzira rwekupopota.
Nyaya yaingove imwechete iyoyo hanzi ipa Pauline basa asi ini ndanga ndakatsikawo madziro ipapo Pauline hazvaiita kuti ashande pabasa pangu Never !
Mai Melissa vakarara vachinditokonya chete zvekuti ndakatoona kuti better kumboshaika pamba kwe three days chaidzo.
Kuseni ndakavaudza kuti vandirongedzere hembe dzangu because i was going for a seminar kwaMutare. Dai vaiziva havo kuti hapana zve seminar vasina kutombodzirongedza hembe idzodzo.
Zvanga zvitori nani kuti ndimbobve pamba apa nekuti situation yacho yanga yave tense. Bella ndaitoenda naye, ko akasara ndiani aizondivaraidza nhai.
End of chapter 14
❤️
😮
👍
😢
25