S❤️Bandera Novels
January 25, 2025 at 07:23 PM
*MAYBE I WAS WRONG*
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
Follow channel for more chapters
https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14
Main grp
https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX
*WRITTEN BY S❤️BANDERA*
*Chapter 11-12*
MR HAKATA
"Zvekuti ndigare mumba mamhamha handidi Givemore. Nenhumbu iyi ndinenge ndichidawo kurara pandadira. Ndinenge ndichida kudya zvandinoda but kana ndiri kumba kwana mhamha hazvigone. In short ndiri kuti ndiri kuda kuvakirwawo imba yangu."
Ndanga ndakaiswa pakati pemakumbo naPrecious uku achitambisa bvudzi rangu repa chest.
Position yacho yandanga ndiri yaidziya uku ichimhanyisa ropa nekuti aiita achidhonza dhonza tunyatso twangu.
"Ndiri kukunzwa mukadzi wangu, your word is my command rega ndibatanidze mari ndikuvakire yako inoti iwewe."
"Itai zvinokasika ini handidi kugara kuno kutown zvakanyanya ndinoda kuvaka musha wangu ndichirima ndichiita production pamusha nekuti basa obvious muchazosiya tinoda kuwana pekugara pakanaka saka kana ndiri kuno hapana chinofamba. Ndiri kudawo kuchekerwa wangu munda futi."
Mukadzi aifunga zvemberi uyu. Anyway things didn't go as per my plans. Mari yacho yaiwandirwa zvekuti kuti ndiunganidze mari yekutenga zvidhinha neimwe building material zvakatadzika.
Ndakafunga zano rekunoputsa kitchen yamai Hakata vakuru. Yanga yakakura saka ipapo ndipo paizobva zvimwe zvidhinha ndozotengawo zvishoma ndovakisa 2 rooms dzamai Hakata vadiki tozochaisa zvimwe zvekuvaka kitchen yavo mai Hakata vadiki kana tati gare gare.
Ndakatanga ndaudza amai idea yangu yekuputsa kitchen yamai Hakata vakuru vakati,
"Ehe zvinoita ko vachadzoka here? Mudhadhadha uyo siira vana asi manje manje vasikana vanoroorwa ava mozoputsa zvese. Gerald kana adzoka anovaka dzake."
Ndakazoudza mai Hakata vadiki kuti zvandisati ndawana mari yakawanda better ndiputse imba yamai Gerald.
Haana kuramba aitoti anonokerwa nekunoita madevelopments kumusha.
Ndakazotora 1 month leave ndikaenda kumusha. Ndaida kuti panozopera mwedzi ndosiya Mai Hakata vadiki wave kumba kwavo.
Pandakasvika kumusha handina kutambisa nguva ndakabatsirana namai Hakata vadiki kuputsa, in 2 days time tanga tapedza kuunganidza zvidhinha tasarirwa nekutakura kuendesa pacho paaida kuti imba yake ivakirwe.
Ndakamuti asarudze paanoda akasarudza parefu mbichana nepamai Hakata vakuru. Nyangwe hazvo ndaisada barika asi obvious mai Gerald vaingonzi ndivo vakuru sezvo vanga vasati vatakura zvinhu zvavo.
Musi wandatanga kusunda bhara ndichinoisa zvidhinha zviya kwaida kunovakirwa imba Olinda akandivinga sezvo ndanga ndiri ndega mai Hakata anga asara akarara aiti musana.
"Baba zviri kumbofamba sei, kitchen yamai vangu yakaputsirwei and zvidhinha zvacho muri kuenda nazvo kupi?"
Uyu mwana ndanga ndakamuregerera kubva kare ndichiti mwana mudiki asi anga atokura akaregererwa.
"Usanditanangire wanzwa Olinda. Uri ani iwe unouya kuzonditongesa?"
"Kubvunza chete baba nekuti hanzi mhamha wave right chasara kuti vadzoke saka vakadzoka vanobikira pai, panze? Ko kukanaya?"
Ndakatovhunduka nazvo nekuti ndanga ndane nguva ndisingataure navo ivo vanga vasisafonewo.
"Ndinoona zvekuita ndini baba pano. Chibva pano izvezvi kasika."
"Heya nhai, Gerald akazviziva izvi hapagarike pano."
Ndakazoita wekupotsera zvidhinha kuti abve nekuti anga akuramba achiti mai vake zvawave kudzoka vachabikira pai and akataura zvakandibhowa hanzi, "Kupwanya imba yamai vangu muchivakira mainini mune shuwa imi?"
Ndakaita basa rangu asi ndanga ndisisina kugadzikana kubva pandakanzwa Olinda achiti mai vake wava right and wave kuda kudzoka.
Wadzanai haana kundibvunza asi ndaiona kuti haana mufaro. Vaizokaira zvavo ndaisvika kupi ndichiita masturbation.
Mazuva akafamba imba ikatanga kuvakwa 2 rooms dziya.
Aimira mira mai Hakata kuimba yake iyoyo.
Payanga yava muwindow level ndipo pandakavingwa naEmily achiti mai Hakata nehanzvadzi dzavo vauya. Ipapo ndanga ndina Precious nemabhiridha and akatozvinzwa nekuti Emily wacho akataura nezwi repamusoro.
Ndakanzwa mudumbu kubvunduka kuda kunochaya chaiko ndikatosimba kusunga.
Ndanga ndisina kugadzirira mhinduro kana kuti ndizive kuti vanga wavingei handina kuziva.
"Endai munopedzerana handinei nenyaya dzenyu."
Akandidaro Precious pandakamuti tiende kumba kunoona vayenzi vaitaurwa.
Ndakaenda ndega ndikatotanga ndapinda mutoilet nekuti zvandainzwa ndaigona kutozonyadzisa pane vanhu.
MAI HAKATA
Wadzanai ndiye akatondiisira message yekuti kitchen yangu yaputswa. Dai pasina iye ndaingogara ndichiti musha wangu uriko zvese zvakaringana.
Pandakaratidza baba Mucha message yacho vakazunza musoro.
"Izvi hazvichade kuti tingora izvi hanzvadzi. Murume wako anotidheerera nekuti taitamba tese kuchikoro asi apa tinoda kuti aone kuti hatina zvedu kupusa."
Neniwo ndaida kutoenda ndinoona zviriko ndoona wacho akatsiva nzvimbo yangu.
Baba Hezel vakaudzwa vakauya kuti tiende tinonzwisisa.
"Kana asisade hanzvadzi yedu ngaabude pachena mhani kwete kuhwanda nemunwe zvaari kuita izvi. Imi sisi kana taenda musaratidze kurwadziwa maningi kana kuchema in his presence ngatingoite setauya kuzoona vana chete. Hatibvunze kuti ko kitchen zviri kufamba sei ka kuti takanzwa kuti mane mumwe mukadzi kusvika ataura ega. Then kana asina kutaura ndipo patichabvunza kuti mwana wedu zviya mapfihwa ake aiva panze here totangira ipapo?"
Ba Mucha ndivo vakadaro baba Hezy vakati,
"Akati haachada mukadzi no problem hanzvadzi unogara pano."
Ipapo ndakaramba ,
"Aiwa ah ndinonogarira vana vangu. Ndinoda kuti vana vangu vakure vachionana nehama dzavo nyangwe hadzo dzine moyo wakashata."
Vakangotarisana ba Hezy kwakuti,
"Hanzvadzi barika rakaoma auya uyu obvious ane paakatsika. Imi makatsika pai?"
Ndakashaya mhinduro asi ndaidzoka hangu kunogarira vana vangu.
Iko kurwara kwangu kana kuchinja zvaingoita on and off. Kufamba tanga tisina kuneta zvedu kwese kwatainzwa kune aita mbiri taienda semhuri.
Takadarika nekumba kwangu tikaona shuwa kitchen yangu pasisina.
Ndakarwadziwa pandakafunga sherufu yangu yedhaga yandanga ndakavaka imomo yandaiisa chidziro yaipenya zvakanakisa ndozadza maplates angu emaruva imomo.
"Uyu munhu zvivindi zvake kunge mwana wemuroyi kudai chii?"
Vakadaro baba Hezy Mucha vakati,
"Kwete wemuroyi but wen'anga inoroya nekuroyonora zvese pamunhu mumwe chete."
Takananga kumba kwaamwene vangu. Vakationa tiri parefu ndikaona vakunzunzutira kuenda mukitchen ndikaona bamunini Gift natete Babra nana Wadza vachibuda.
Vana vangu vakatimhanyira vamwe vese vakadzokera mumba.
"Mhamha?"
Akadaro Olinda achiita kushaya zvekuita nekufara. Akanombundira ana sekuru vake asi Wadza akambundira ini chete ana sekuru vake akaita vekumhoresa mumaoko ndikaziva kuti kwava kukura uku.
"Makura vasikana. Mazamu here ayo Olinda?"
Akabva aabata achiratidza kunyara.
Takafamba tikasangana naEmily akandizevezera munzeve,
"Ndakunovadaidza baba Gerry vane mabhiridha ari kuvaka imba yemukadzi wavo vari ikoko vese nemukadzi wavo muchamuona."
Akandibhabhadzira achibva amhanya.
Takazosara tosvika ndofunga tanga tapedzwa kare nesu, takasvika vanhu vari zii and after greetings hapana akataura.
Baba Gerald vakazopinda ndikatoona kuti zip yetrouse haina kuvharwa.
Ndini ndaitonyara saka ndakatora fone yangu ndikavaisira message kuti vavhare zip. Ndaiti ndichanzwa ka fone yavo kupinda message vovhara zip but handina kuinzwa.
Takakwazisana zvakanaka vakatodaira vachiomberawo.
Ndaiti vakatarisa kwandiri ndovapa sign yekuti vavhare zip but waibva vafinyama nhai votarisa kuside.
Ndakazofunga kuisira bamunini Gift message avo yavo fone yakabva yachema vakaitarisa ndikaona kuti vakupindura.
Yakauya message kubva kwavari ,
*Vasiyei vapindwe nemhepo vari kutsva nekuti vabva kushandira maiguru Precious wechidiki.*
Ndakabatikana asi handina kuzviratidza ndakangopindurawo kuti, *Kkkkkkk yaa taurai zvenyu.*
"Tati tidongorere vazuru pano mazuva awanda."
Vakadaro baba Hezy ba Gerald vakati,
"Matogona ipapo ana tsano vasikana vacho nekuchikoro uku kunyanya Wadza akuda kunyora form 4 uyu haachawane nguva yekuuya kuzoona mai vake. Plus imi nguva zhinji handiti munenge muri kuHarare."
Vakabvuma baba Hezy kuti shuwa nguva zhinji vanenge vari kuHarare.
Chikafu chakabikwa tikadya baba Gerald vasina kuvhara zip kudaro.
Ndaiti replacement yangu yacho achapinda but handina kumuona achiuya kuzodya.
Ndakatozofunga paya paya kuti ndiye anga atakurirwa chikafu naBabra nekuti akabuda neplate yechikafu akadzoka asina akazopakura chake.
Patakapedza kudya vana vese ana Babra nana Wadza vakabuda panze tikasara vakuru chete nabamunini Gift.
Anyway baba Hezel vakazobvunza zvekitchen yangu nekuti nguva dzanga dzafamba vanhu vachingotaura zvekuoma kweeconomy yenyika.
"Ko zviya mai Hakata vanga vasina kitchen here tadarika nepo tichiuya hatina kuona kitchen isu?"
Amwene vangu vakabva vasimuka vakabuda panze tikatarisana nehanzvadzi dzangu.
Baba Gerald vakati,
"Vanga vanayo asi denga rayo ranga rawira mukati sezvo isisagarwe saka ndanga ndati since vasati vauya zvavo regai nditengese zvidhinha zvacho ndiwane kucover zvimwe zviri kunetsa. Ndichaivakisa zvangu manje manje ndiri kuchayisa zvidhinha."
Ipapo ndakadaira,
"Umm baba Gerald ndakabva kuno mazuva aye ndikatobikira imomo yakazodhirika denga zvariinhi."
Bamunini Gift ndivo vakadaira,
"Kwakazoita mhepo maiguru yakadhirika chokwadi."
Vakangonyarara ndikanzwa baba Gerald vakugadzirisa pahuro kwakuti,
"Ndanga ndiri munzira kuuya kumba ana tezvara vangu..."
Ba Hezel vakabva vati,
"Hoo huyai zvenyu Mhofu makasununguka chaizvo."
Ba Gerry: "Sezvo mauya kudai regai ndibva ndangotaura nyaya yacho. Ndane imwe mhuri ana baba."
Ndakaita kunge ndatanga kuzvinzwa musi iwowo. Ndakatanga kuzvifuridza muhembe nekuti ndainzwa kutsva.
Baba Hezy vakangondipa ziso rekuti , tawirirana kutii" ndichibva ndagarisika.
"Muchirevei ipapo budai pachena zvenyu Mhofu. Mati mane imwe mhuri kureva here kuti yekutanga hamuchaida? Handiti ndimi maitanga regai tichingoipedza pasina ana tete kudaro."
Baba Hezy ndivo vakadaro.
"Kwete kuti handichaida. Mai Gerry ndivo vahosi zvavo asi vanodzoka zvavo pano kana vapora iniwo hupenyu huchienderera mberi. Kana vapora ndinovakisa kitchen yavo vodzoka zvavo kuzobika mumba mavo."
"Muchireva here kuti vakasapora havadzoke? Budai zvenyu pachena Mhofu hamusi kusungwa kana mati mai Gerald hamuchavada. Kana mati hamuchavada it's fine motipawo jeredzwa redu rese. Kana mati munovada munoripa tsano. Ipapo hatikuvanzirei zvedu munoripa mombe inotsika kuripa kutadzira kwamakaita mukadzi wenyu."
Vakambonyarara baba Gerald ndanga ndakutya kuti vachati havachandida.
"Ndinovada asi vanouya kana vapora. Mombe yekuvaripa ndichatozotsvaga kana yawanika vadzoka ndinovapa."
Ba Hezel: "Heya pakanaka Mhofu daidzai amai venyu tivaoneke takuda kupinda munzira."
Vakabva vasimuka baba Gerald kana kutimanikidzawo kurara zvechirango hazvo. Ndakazonzwa ba Mucha vakuti,
"Ah tsano no tazofunga regai tiite svondo tiri kuno tichionawo vazukuru vedu ko tinomhanyirei kunge nguva yekurima. Ava veHarare vari paleave ava, tingatofamba tichigumburwa kunge pasina dzimba pano."
Ndakada kuseka hangu baba Gerald vachinditarisa zvekuda kuziva kuti baba Mucha vari kurevesa here.
Ndakatofara ndaida kuona wacho anga auya pamurume wangu.
End of chapter 11
*MAYBE I WAS WRONG*
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
*WRITTEN BY S❤️BANDERA*
*Chapter 12*
MR HAKATA
"Manje handisi kurara ndega. Ndakauya pasina mukadzi pano. I can't share you with someone, never."
Ndanga ndava pakati zvino. Mai Hakata vakuru vanga vatoenda kumba nehanzvadzi dzavo ndanga ndavati ndichauya kuzorara ikoko.
Uyu Precious kubva paanga anzwa zvamai Hakata haana kuzombobuda mumba hanzi ndinozonokorwa tsoka ndikatadza kuzvara.
Ndanga ndamuudzawo kuti ndakunovhara ma1 ndingonorarawo kune vamwe zvino aitochema achiramba hanzi hatisi pabarika.
"Inzwa ka Precious ndezvanhasi chete I promise you handimborare navo kuda kungotiwo hama dzavo dzisazvione kuti handichatovade."
"Why did you lie to them ? Wadii kungobuda pachena kuti hauchavade zvachose? Maybe uri kundivhara zvako mukadzi wako unomuda."
I tried kusofter munhu ndichimuudza kuti kana ndati handichavada pfuma yakasara yaidiwa so handina, but munhu wacho aisatonzwisisa.
Ndakazongobuda ndikamusiya achichema.
Ndini ndaiziva kuti pandakatsika pari kupisa sei.
Ndakaenda kwaiva namai vangu tanga tisina kuzombotaura tese kubva zvavanga vabuda paya.
"Ko mazondisiya ndega nhai amai dai mandibatsirawo kupindura. Mandisiya ndakakombwa Gift anotaurei iyeye wamandisiira?"
"Ah ndatya kunzi ndini ndinokufurira. Saka mawirirana kutii?"
"Hanzi kana ndisisade mai Gerald ndinofanira kubhadhara pfuma yese yakasara. Kana ndati ndinovada ndinovaripa nemombe. Saka ndatoona kuti zvinganetsa ndati ndovada mombe ndichavaripa kana vadzoka pano asi vanodzoka vapora."
"Yaa ndiko kuzvipedza havadzoke ava ramba wakatsika pekuti vanodzoka kana vapora."
"Nyaya yakunetsa apa muroora wenyu ari kuchema hanzi ndisaende kuna mai Gerald. Zvinozopa picture ipi kuhama dzavo ini ndati ndinovada."
Vakambonyarara kwekanguva vakazoti,
"Rara kuno kana abatwa nehope wochienda kwamai Jeradhi ende kunze kunenge kwava kuchenawo."
It was a good idea but yoh ndakarara ndakamonererwa naPrecious wacho. Anenge akanyatsoitira kuti ndikanobira kwamai Gerald zvishaye basa nekuti ndinenge ndisina simba.
Pandaida kubva paari aibva andisebedza panodziya chaipo.
Pane pandakaona kuti dzamubata zvemachokwadi ndikamuka ndikapfeka ndava padoor ndakanzwa "Uri kuenda kupi?"
Ndakati,
"Ndikunoita weti."
"Handei tese ndatopreswawo."
Takabuda tese, ndakazomuvaraidza kusvika abatwa nehope chaidzo.
Kwamai Gerald ndakazoenda kuma 4 am vanga vasina kuisa chihuri.
Ndakasvikopinda mumagumbeze ndikanzwa kuti vaichema.
"Asi kune kwafiwa?"
I asked and she replied,
"Kana musisandide hazvina basa baba Gerald ndinodzoka kuzogarira vana vangu."
Vakataura vachikakama zveshungu zviya ndikati,
"Handina kumboti handichakudai mai Hakata. Nyaya iripo mava vaviri pano. Imi munozodzoka kana mapora. Pamba penyu ndepano."
"Zviri pachena kuti hamuchandide. Mazouya kwandiri nguvai dzino? Makapedzisira kundibata riinhi ndauya pano motoenda kumunhu wenyu wamagara muchifadzana naye saka zviri pachena kuti muri kunyepedzera kundida kuri kusada kubhadhara pfuma yakasara."
Ndanga ndati handinovabate but zvakaramba zvakazviita zvega vakanditenda nemutupo. Ndakatoshaya kuti simba racho rabva kupi nekuti neni ndakagutsikana kuti ndashanda ndavasvitsa chaiko vakanditenda.
Zvinoita zvinhu ndanga ndati ndichakasika kumuka ndomutsa madzitezvara angu ndodzokera kwamai vangu Precious asati amuka zvino zuva rakabuda ndakarara mufunge kumuka vana vatoenda kuchikoro.
Mai Hakata vakabva vapinda vachibva kunogeza.
"Mamuka sei Mhofu mazorarisa ka?"
Vaitaura vachizora mafuta.
" Ko madii kundimutsawo?"
"Ndati munyatsopedza hope. Anyway tiri kudzokera nhasi kuseni. Ndaisa mvura yekugeza mubathroom endai munogeza."
Kuramba kwaisaita ndakabuda ndikatanga ndanomutsa madzitezvara anga arara mumba maGerald.
Ndakatarisa kumba kwamai vangu ndikaona Precious akabata musana akatarisa kwandaiva.
Akasimudza ruoko that sign yekundidaidza.
Ndiri pakufunga kuti ndoita sei mai Gerald vakabva vabuda.
"Handei ndinokukweshai."
Ndakabatwa ruoko ndikanogezeswa.
Kaisava kekutanga hako vaizviita nekukura kwavo ikoko vaikwikwidzana nevana vadiki pakugona kubata murume chavaisazogona havo kundibereka. Precious ndizvo zvaaigonawo zvekundibereka.
Papiko pasina kugezwa pachibviswa tsvina yese. Ivo vakuru vanosika vana vakavhurwa vakagezwa vachitarisiswa. Ndakazonzwa voti,
"I'm sure hamuna chirwere baba Gerald nekuti ndafarisa ndikabvuma kuita nemi bonde risina kudzivirirwa."
"Ndakachena zvangu usatya."
Pfungwa dzangu dzanga dzava kuna Precious anga andiona ndakabatwa ruoko nemunhu wandaiti handimudi.
"Dai ndaigona kukuberekai ndakuberekai kunosvika mubedroom."
Me: "Ah ko tikaonekwa nana tsano?"
"Vaenda kwana mai ava hanzi takunogarira ikoko muzouya tionekane."
Ndakatozoita wekuti ngatikasike nekuti vaitoda zveromance ini mumwe wavo pfungwa dzanga dzisisiri panzvimbo.
Pakuenda kwamai ndaida kufambisa but vakati,
"Ndikafambisa chest pain inobva yatanga."
Takananaira kusvika tasvika muruvanze rwamai vangu ndione munhu akundibata bata musoro.
"Mune magumbeze mumusoro. Kana pandebvu mirai ndibvise. "
Mheno chakandipa kukanda ziso kuroom yataishandisa naPp. Ndakamuona achidongorera asi mai Hakata havana kumuona nekuti vanga vakafuratira.
Takapinda mukitchen tikaonekana vakasimuka vakaenda.
Ndakangovabuditsa chivanze ndikadzoka ndichifambisa ndikananga kwaiva naPrecious kwakumuona achirongedza mabag.
GERALD
Mhamha vakaisa please call ndiri kubasa ndikavaisira message yekuti ndichavafonera ndava kumba.
Ndakazofona ndava kumba vakati,
_"Takaenda kumba nezuro nana sekuru vako tadzoka nhasi. Ariko shuwa mukadzi asi handina kumuona. Ndofunga anga achindihwanda handina kumuona._"
I asked her kuti baba vakatii. Ndaida kuziva kuti vachiri pamwe chete here.
_"Hanzi handina kukurambai asi munodzoka mapora asi zivai kuti mava vaviri._"
Me: _"Ah vari kuda kungwara nhema baba._"
Her: _"Ndizvo zvandaona asi hameno pamwe ndinopora. Chiri kundirwadza Gerry baba vako vakaputsa kitchen yangu vakavakisira mukadzi wavo imba._"
Me: _"Ah mhamha let me deal with him. Ndikapiwa off ndiende ikoko vanoivakisa within a week._"
_"Kwete Gerald usaite zvehondo. Parizvino unosungiswa Gerry siya zvakadaro vakati vachandivakisira._"
Me: _"Haa mhamha hapana kuvakisirwa apa. Anyway siirai zvese kwandiri. Kana ndaita mari ndichakuvakisirai dzenyu dzimba. Handisi kuda yakakurisa no just 3 roomed iri flying butterfly nekitchen yenyu yethatching."_
_"Mwari vakuropafadze Gerald ndinoziva hauna kuomera ana Wadza wakandiudza kuti uri kuvachengeta. Hanzi ndiwe wakabhadharira Wadza mari yeku register kunyora._"
Takataura kani and I promised her kuvasendera mari kana ndatambira.
Days passed ndikazofunga kuenda kunoona vana vamai vangu.
As always ndainovaonera kuchikoro.
Olinda aisabatika zvekudaro saka munhu wandaitonyanya kuendera aiva Wadzanai ndiye aozotsvaga Olinda.
Ndakataimira nguva dzavanobuda kuchikoro.
Ndakanzi Wadzanai aenda pane katime.
Ndakambotarisa tarisa ndichiti pamwe ndingaone Olinda but handina kumuona.
Ndakatevedza road yekumba. Ndine munhu wandakafananidza naWadzanai but aifamba nemukomana anga asina uniform.
Mafambiro avo aitoratidza kuti they were in love zvakapa kuti nditi anenge asiri Wadza but futi ndichiona kuti ndiye.
Pandakadarika vamwe vana ndakanzwa mumwe akati,
"Awanikidzwa nhasi Wadzanai nemukomana wake ivo vari kuzozvinyanya every day vanenge vari vese."
Ndakabva ndaziva kuti handina kutadza kuona. Ndakaita kunge ndisina chandanzwa hangu asi ndanga ndakutonzwa kuda kurova munhu.
Ndakaita zvekumhanya chaizvo nekuti ndanga ndonzwa hasha dzichizara muviri wangu wese. Shuwa nelife yatairarama munhu otoita zvevakomana asati anyora 'O' level.
"Hey tsano."
Ndakadaro ndava mugotsi mavo chaimo vakavhunduka vese. Wadzanai akada kutiza ndikati,
"Mese zvenyu kana mukada kutiza hapana anondisiya. Kana mukasanganisa speed yenyu hamumbondisiye."
Ndakatarisa mukomana wacho ko zvaanga ari munhu wekuziva.
"Hesi kani tsano."
Ndakamupa ruoko sendinoda hand shake achibva andipa rake ndikamubata zvakasimba.
"Tsano...haa ndoita zveshamhu maoko ndingapare mhosva."
Wadzanai anga akutochema kare.
*Gerald bhoo here?*
End of chapter 12
❤️
👍
😂
🙏
😢
😮
67