S❤️Bandera Novels
January 26, 2025 at 04:39 PM
*MAYBE I WAS WRONG*
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
Pinda muchannel mune mamwe mabooks
https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14
Main grp
https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX
*WRITTEN BY S❤️BANDERA*
*Chapter 13*-14
MR HAKATA
"Usadaro Pp wangu ndaifanira kuita sei kana ndiwewo."
I said ndichitora bag ndikatanga kubvisa hembe dzaanga aisa imomo.
Haana kundiitisa nharo ndakabvisa dzese ndikadziisa pamutariro padzaigara.
"Maybe I was wrong kubvuma kudanana newe ndichiziva kuti uri murume wemunhu. Now that ndane nhumbu wakundiratidza kuti mukadzi wako unomuda."
"Handizvo mukadzi wangu ndiwe uyo kungovharawo ma1 pane hama dzake."
"Wanditiza pandabatwa nehope ukaenda kumukadzi wako.
Maenda kunogeza mese ndakuonai zvangu. It's obvious makwirana. Kuuya muchinanaidzana zvekundibhohwa chaizvo. Unoti ndinonzwa sei inini Givemore?"
She was crying silently ndikamunyararidza.
"Marara mese ka?"
Ndisati ndaramba kana kubvuma akabva ati,
"Usatombonyepe hako sei waisirwa mvura yekugeza kuseni kuno?"
Ndakazongoti,
"Vandimanikidza ufunge ndangoita kuti zvindibve."
"Ndazviziva hangu, rega ndikuudze Givemore pano handichabve ndinoenda kupi nemimba yako. Ndakutogara zvachose asi rega ndikuudze handisi pabarika. Hameno kuti uchaita sei kuti mukadzi wako asadzoke pano because ndiri mudiki kuti ndinzi ndiri pabarika."
"Don't worry mukadzi wangu, mai Hakata pano ndakati vanodzoka kana vapora saka obvious havadzoke."
"Vachiri mai Hakata here?"
I apologized tikazoswera tava kumba kwaivakwa.
Mazuva iwayo andaiva pamba ndaiona hangu kuti ana Wadza havasi kufarira mukadzi wangu. Kana ari Olinda matauriro aaiita ekuti mainini aitova nekutaura kuti havasi mai vake. Ndakati hameno zvavo vachajaira.
Gerald kana kumbonzwa nezvake. Ndanga ndisina basa naye kana kuziva kuti ari kupi ari kuita nezvei. Pandaizomuona ndaida atange andipa mari yangu first tozotaura kubva ipapo.
Imba payakapera Precious akabva atoti akuda zvekunobika ega.
Ndakaudza mai zvaivapo vakati,
"Ko vakutoda kubika vega mai Hakata, ndaitika vachazobika vega kana vabatsirwa."
Me: "Vanhu vakazvitakura vanonetsa ava amai regai zvakadaro."
Akapiwa tumidziyo twekutanga imba namai.
Ana Emily naBabra vakadzokera muroom yavo kureva kuti ana Wadza vaizonorara vega kumba kwamai wavo.
Pamunda apa Precious ndakamuchekera half yemunda wamai Gerald. Zvekuti atange kugobora haaimbozvikwanisa plus ivo mai Gerald vaizodzoka riinhi handiti munda wacho waitozoita gombo futi.
Leave yangu payakapera ndakadzokera kubasa iye akasara kumusha.
Anga akutoita production pamba anga akutodyarawo michero kunge zvanga zvakaita namai Gerald.
Ndaimutumira mari every month kuna mai Gerald ndanga ndambomira hangu kutumira.
WADZANAI
"Iwe enda kumba!"
Akandidaro Gerald.
Ndaidedera ndaisaziva kuti Nison achaitwa sei.
"Mukoma Gerry please....."
Ndaida kukumbira ruregerero kuti asarove Nison but handina kupiwa mukana wacho akabva ataura zvehasha kuti,
"Ndati enda kumba now. Usacheuke ukangocheuka chete hauzvide zvandichakuita."
Ndaiziva zvangu kuti Gerald ane hasha. Kubva tichikura haana kubvira andiitira hasha taitowirirana kana kumboita sevarumudzani.
Ndakakweva makumbo kubva paya ndikanzwa akutaura naNison.
"Iwe kubva kumba kwenyu kutaimira hanzvadzi yangu kuda kumukanganisa chikoro handiti? Unombotembei iwe?"
Zvakapindurwa naNison handina kuzvinzwa. Ndakakundikana ini ndikacheuka ndikaona Nison achizvuzvurudzwa kuendwa naye musango.
Gerald akabva amira akatanga kutaura achindinongedzera,
"Iwe ndati chii? Ndiri kukuvinga kumba ikoko!"
Ndakaita zvekumhanya chaizvo ndikazofamba ndava kumberi.
Hana yangu yairova kutya kuti mwana wevaridzi musango mandamuona achiendeswa anopona here.
Ndakasvika kumba ndikachinja ndikatanga kuwacha uniform yangu. Handina kumbonotsvaga chikafu kwagogo apa musi uyu tanga tabuda kuma 1 nekuti yanga iri Wednesday.
Ndaiita ndichitarisa tarisa kuroad kuti pamwe ndichamuona Gerald.
Olinda ainditaudza but zvimwe zvacho ndaisazvinzwa nekuti pfungwa dzaiva kure.
Semunhu aizonyora maexams ndaizvipa nguva yekuverenga.
Apa ndakapinda mumba ndikabata book but hapana kana chandainzwisisa.
Olinda paakaona ndabata mabooks akabva ati akuenda kwagogo.
Ndaiwanzoverenga manheru vamwe vakarara but apa kubata book uku ndaitozeza kuenda kwagogo ko pamwe nyaya yangu yanga yasvika kare.
Emily anga asina kuenda kuchikoro pamwe dai pasina zvese izvi nekuti dzimwe nguva taifamba tese tozosara tiri 2 naNison kana takuparadzana.
"Wadza iwe hanzi huya kuno mai vaNison vauya naNison hembe yake yakabvaruka hanzi arohwa naGerald iii musana wese uyu uri kubuda ropa."
Ndakanzwa mudumbu mangu kurira ndikamhanya kutoilet. Pandakazobuda ndakaona Olinda atova kwagogo akupinda mukitchen.
Ndakashaya zvekuita weduwe. Ndakambofunga kutiza zvangu ndoenda kwana sekuru but mhamha vaitozoita bp nekuti vaigaronditi, "Wadza izoita zverudo kana wapedza "O" level."
Ndakazoshinga ndikaenda ndakatanga kunzwa izwi ramai Nison vachiti,
"Kuita here uku kurovera munhu kuti afambirei naWadza? Akanyanya kukosha chii Wadza wacho ngaauye ndimuone?"
Ndichingopinda bamunini Gift vakabva vati,
"Avo ka avo vasikana vekwa Hakata. Nhasi ndezvipi izvi paya zvainzi bamunini vaida kundi raper kundisvibisa zita rangu iye munhu aneta nevarume hake."
Ndakanzwa kuti ndarerutswa ndakazosara ndoenda kunogara pasi ndakutonzwa kunge ndisina kupfeka.
"Ndauya Wadza ndiwe warovesa mwana wangu ka iwe. Hona oh hona kana ndiwe hako."
Vaindiratidza musana waNison anga akuvara shuwa.
"Kudanana kwenyu kwakuvadzisa mwana wangu Wadzanai toita sei?"
Nison wacho akabva ati,
"Hatidanane isu tanga tichingofamba tese."
"Nyarara zvako unoti handizvizive kuti munodanana. Wadzanai kuti moyo wangu uchene ndiri kuda kutombokurovawo. Kana muchizodanana modanana zvenyu ndambokurova sezvaitwa mwana wangu."
Kungonzwa zvekurohwa futi nyama dzangu dzakadairira nekuti ndakafunga chitorobho chandakarohwa nacho nababa.
I tried to defend myself ndikati,
"Hatidanane isu tanga tichingofamba tese shuwa."
"Saka Gerald anopenga here? Anopenga here hanzvadzi yako?"
Vaitoda zvekundirova mai vaNison asi Nison wacho akamira mira kuti ndisarohwe.
Bamunini Gift nagogo handina kunyatsoziva kuti waiva kuside rani.
Tete Babra ndivo vaingoseka zvekukuchidzira chaizvo.
Vakabuda mai nemwana ikasara yava yangu manje.
"Hatina hedu kuda kudaira asi Wadza unodanana naNison."
Ndibamunini vakadaro ndikaedza kuzvichenura but gogo vakabva vamira pamhiri kuti vanoziva kuti ndinodanana naNison.
"Ndafunga zvakanaka Wadza handei kwambuya Muchara unotariswa kuti uchiri mhandara here. Pamwe tiri kugara nevakadzi vakuru pano."
Ndakanyatsoti "ahh" zvakanzwikwa nemunhu wese gogo vakaita sevachandirova.
"Kana uri mhandara unorambei hee? Kana usiri mhandara Wadzanai nhasi chaiye uri kunorara wava kune munhu akakukanganisa iyeye simuka tiende."
Gogo vakadaro vachitosimuka vachimonera zambiya ravo.
"Uyu akapedzwa kaye uyu muchanobata chokwadi mega izvezvi muchanzwa akuti ndibamunini Gift
vakandibata. Ndakamumaka Wadza kubva paakandinyepera paya."
Vakabva vabuda ndikanzwa Olinda akuti,
"Hazvibvumirwe izvozvo gogo itori child abuse kutarisa munhu kuti akazara here?"
"Ibvapo iwe ndinorambidzwa nani kuchengetedza vazukuru vangu? Fanike iwe nekungwarisa kwako unenge wakavhurwa kare iwe."
Olinda wacho akapindurawo asingatombogaye,
"Dai mati tese tiri 4 pano tiende kunotariswa mubate chokwadi."
Ipapo Babra akaramba akati haana kana mukomana.
Ndakabatwa ruoko nagogo tikaenda kwambuya Muchara kwacho kwaisava zvako kure.
Vakasvika vakataura nyaya yavo mbuya Muchara vacho vakatotanga vaseka.
"Mbuya Hakata mhandara inoonekwa nemaziso kungotarisa musikana zvinotooneka kuti uyu akuziva zvevakuru uyu."
"Itai zvekutarisa chaizvo mwana uyu haanzwisisike mufunge. Zuro ndizuro aiti bamunini Givhi vanga vachida kundibata chibharo, nhasi uno arovesa Nison ko zvakavanzika zvingani. Nditarisirei mbuya Muchara kana akapindwa mobva matomuperekedza kumunhu wacho."
Ndakambotaurawo zvekuti itori child abuse yavari kundiita but hazvina kushanda ndakanzi ndibvise pant nditariswe.
Ndakavhunduka ndanzwa kurwadziwa mbuya Muchara vakati,
"Imhandara iyi hapana chinoziikanwa apa kwakavharika."
Gogo vakati,
"Muri kurevesa here imi tionei."
Gogo ndivo vakatozondirwadzisa worse ndikatoita zvekuchema.
"Munobvisa mwana humhandara mbuya Hakata mabva maisa zvigunwe zviviri shuwa. Nyarara zvako Wadza ndanga ndazviona ndisati ndatombokutarisa kuti wakazara. Zvichengete Wadza uende kumurume wakadai mai vako vapiwe mombe yechimanda. Usabvume kufugurwa hembe nemukomana mumasango umu. Ukaona zi nemukomana ndipe hug ramba. Zvinobvira pahug zvouya kumazamu ukadzamara wabatwa zamu zvapera wega unomuti huya."
Vakataura zvakawanda vachindikurudzira kuti ndizvibate.
Takazobva zvedu tikananga kumba. Tiri munzira gogo vaingoti, "ndashamisika kuti uchiri mhandara Wadza. Nekungwarangwanduka kwako ndaiti wakasodyiwa kare ini."
I wasn't happy at all, zvandanga ndaitwa zvaindirwadza mumoyo so ndaida kunoudza mai vangu mangwana acho.
Takasvika mumba magogo mainini vanga varimo vakazvifugidza neka baby blanket sezvo kwanga kuchangotanga kusviba.
Bamunini Gift vakatobva vararidza kuti vanga vakatomirira kunzwa maresults nekuti vakatobvunza gogo kuti zvanzii gogo vakavaudza.
"Chembere iyoyo inonyatsoziva kutarisa kwacho here pamwe manyeperwa."
"Ichokwadi akazara uyu neni ndazvionera."
Havana kuzomboenderera mberi.
Olinda ndiye akabva ati,
"Dai mati tiende vasikana tese magara maziva kuti mhandara pano ingani mvandara ingani."
Yakazopera nyaya yacho tete Babra vakunetsana naOlinda. Mainini vaitotiwo munhu haamanikidzwe kutarisa kuti imhandara here Olinda achiti inga Wadza amanikidzwa vakazoti nekuti achiri mwana wechikoro.
Anyway pakunorara ndakasvika fone yangu ine mamessages from Nison.
Ndakazvipa nguva ndikanyatsomaverenga.
*Hauna kurohwa here mudiwa?*
*Don't worry about me I will be fine.*
*Hatirambaniswe nevanhu babe mangwana ndiri kuda kutokuona.*
Message yake yekupedzisira yakaita kuti ndisekerere though mumoyo ndairwadziwa nekudhokonyiwa nemachembere maviri aya.
*Ndanga ndati uchandiramba Nison thanks for loving me.*
Akabva apindura,
*Uri pakati pemoyo wangu Wadza. I love you and I can't survive without your love.*
Ndakasekerera ndikamuudza my plan for tomorrow. Ndaida kubuda sendinoenda kuchikoro ndoenda kwana sekuru ndozodzoka nguva dzinodzoka vana vechikoro.
Ndichitaura naNison kudaro Olinda akabva ati,
"Nhai Wadza waita zvekuitwa sei pakutariswa kwacho?"
Ndakamuudza akati,
"Yowee ko dai wabviswa humhandara nezvigunwe. Ini pachangu handimbobvume zvakadaro. Anoda kunditarisa wacho ndinomuti penyengura nditange ndakuonawo."
We laughed but aitoratidza kuti ari kurevesa.
Ndakazoona message from Gerald.
*Nhasi ndambokusiya ndikakuona futi idi ndinokurova. Gadzirisa life yako first usakanganiswe nevakagadzira yavo kare kana kuti vakakundikana yavo. Good night my sister.*
Ndakamupindurawo kuti night too.
Kuseni kwacho ndakaudza Olinda naEmily kuti ndiri kuenda kunoona amai. Ndakabva ndakatopfeka Uniform ndikazoibvisira kumberi.
Nison ndakamuwana akandimirira kumberi, anga akaita kakuzvimba kumeso.
"Sorry Nison ndakakurovesa."
I said ndichimubata kumeso.
"It's not your fault nesuwo kumba uku tinorova tukomana tunotaimira Winnie. But apa ndakazvirovesa shaa."
I asked him kuti chii chaitika akati,
"Tsano vakandibvunza kuti sei uri kuda kukanganisa hanzvadzi yangu chikoro. Iniwo kwakuda kuprover kuti ndinokuda ndikati handisi kuda kumutambisa ndiri kuda kutomuroora takatanga kudanana kare asi ndinoita ndichitoziva kuti mwana wechikoro. Ko ndaizivei kuti ndatopisira vakaita hasha tsano hanzi ndiri kuti uri kumupfimba hako izvo makabvira kare kudanana. Wadzanai unongonzwa iwe. Handina kana kudzosera because ndinokuda and ndichamuombera rimwe gore hanzvadzi yako."
Takafamba tichitaura kusvika azoda kuziva zvakamboitika pakati pangu nabamunini Gift.
I trusted him so ndakamuudza zvese even zvanezuro zvekuti wakabvunza kuti ndanzi ndichiri mhandara here.
"Uumm you are no longer safe Wadza. Apa munorara muri 2 ko mukapindirwa?"
"Haa havambokwanise kurivhura door racho nezvatinoisa ipapo kana takurara."
Akaratidza kushungurudzika but ndaiona kuti havaimbopinda.
Akandiperekedza kundisiira kudhuze nekumba kwana sekuru achibva azodzokera.
End of chapter 13
*MAYBE I WAS WRONG*
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
*WRITTEN BY S❤️BANDERA*
*Chapter 14*
WADZANAI
I told mhamha nyaya yangu hoping kunyararidzwa but ndakatotemwa nemugoti pazamu ndikaita kunge ndichafainter nepain.
"Dai Gerald akakurova stereki. Akatotadza kurova Nison dai akarova iwe ndiwe benzi."
"Mhamha mandikuvadza..."
I said ndakuda kuchema kuti shuwa vangandidaro.
"Ndinokutema nehuni ine moto Wadza usandipe hasha. Unomudii mukomama zera rako iroro? Ndakakuti unozoita mukomana kana zvaita sei?"
Ndakavapindura zvavaiva vakambondiudza kuti kana ndapedza O level.
"Saka wapedza here? Ukapiwa nhumbu ndinoita sei inini Wadza? Hauone kuti vanhu vanondiseka kuita sevachabvaruka miromo."
I nodded vachibva vati,
"Umurambe Nison iyeye wanzwa. Ita zvechikoro uzive nhamo yako."
I nodded though ndanga ndisina chokwadi kuti ndichamuramba.
"Hakuna munhu akamhanyisa tsuro mbiri panguva imwe chete akadzibata dzese. Tanga waita zvechikoro mwanangu. Handisati ndakuda mukuwasha ini, handidi kusekwa nenyika kunzi ndakatadza kurayira vana. Unoda ndifunge zvingani Wadza, ndoti kufunga kuparikwa kunenge kurambwa ndofunga hurwere hwashayirwa zita nemushonga ndofunga misikanzwa yako? Uchandiuraya nechirwere chemoyo Wadza."
Mashoko avo akandibata ndikangoona ndakudonhedza misodzi.
"Chii chiri kuchemedza ipapa? Ndisekerere here uchiita misikanzwa?"
Mbuya mai Mucha wakabva vapinda vakabvunza kuti noise kwakanaka here.
Mhamha vakavatsanangurira zvese mbuya vakatoseka.
"Tete stage ina Wadza iyi akutonyengwa uyu and zviri normal hazvo asi anoda guidance kuti asarasike. Anoudzwa zvakanaka kwete kuita wekutuka kana kurova."
"Musadaro maiguru Wadza achiri mudiki, anozobuda nechii kuchikoro kwacho akatanga kuita zvevakomana akadai. Anogona kutotadza kunyora form four yacho aita zvimwe."
Mbuya vakabva vati,
"Ndizvo zvandataura kuti at her age kana mwana asina zvakamugara anotonyengwa asi anoda guidance. Dai mamuudza madangers aanozosangana nawo akasazvibata. Like now akamitiswa anoona moto nekuti baba vake havachatombovacheuke saka anoudzwa zvese izvozvo mune zvakanaka. You never know pamwe mukomana wake iyeye anogona kutomumirira kusvika atopedza vozotorana atokura akushanda. Anoda kuudzwa kuti angwarire kubatwa muviri wake chete plus azive kuti chikoro pamberi. Asiwo kumhanya amhanya hake muzukuru wangu asi kuti titi arambe munhu wake zvinonetsa kwakutomuudza kuti atambe akangwara achiziva kuti hupenyu akahukanya ipapa zvinomuipira kwehupenyu hwese."
Vakazopora mhamha vakatozobatsirana kundidzidzisa zvehupenyu. Ndakabatisisa mashoko avo especially pakuti mukomana haasiiwe achikubata muviri wako ndipo pazvinotangira.
Mbuya vakazoti,
"Asi zvakaitwa nambuya vako zvekukutarisa humhandara zvakanaka but chavakatadza kuisa zvigunwe chete, ko ukaita infection, ko vakazoendesa zvigunwe kumberi."
"Nhai zvenyu chembere rudzii dzisingazive kuti humhandara hunotariswa vachishandisa mvura. Humwe hutsinye maiguru."
Mbuya: "Wadza rega ndikuudze, hutsinye hunobatsira fanike pakuti totarisa humhandara apa dai vaitarisa zvakanaka ndaiti bhoo ngavakutarise every week. Hutsinye asi nerimwe divi zvakanaka zvinoita kuti uzvibate."
Ndakaswera kwana sekuru kutomboswera namai vangu kwakandibatsira zvekuti.
Ndakazosimuka hangu ndakuenda kumba mhamha vakandiperekedza.
"Usandinyadzisewo Wadzanai mwanangu, ukakanganiswa ndinosekwa nenyika ndikashaya pekupinda uzvibate mwanangu."
Ndiwo mashoko avo patakaparadzana.
Ndaifambisa zvekuda kukasika kusvika chaizvo.
Ndakadarika pandanga ndasiirwa naNison ndikanzwa mheterwa kumashure kwangu.
Ndakamboomesa gotsi but ndakazongocheuka chete ndikaona ari Nison.
I stopped not knowing what to do. Excitement plus confusion zvese zvanga zvazara mandiri.
Iye wacho akabva auya akavhura maoko zvekuda hug. Nekusadawo kumu disappointer ndakatanga kumumhanyira ndakavhura maoko.
My aim was to hug him for some seconds but mashoko andanga ndaunzwa akabva auya mupfungwa dzangu ndikanzvenga nepaside pake ndichiseka.
"Wandinyemudza?"
Anga apusa ndikati,
"Hanzi mukomana haapiwe hug haazokusiye."
"Hoo inga unoteerera hako. Ndaona uchifambisa handei unganonoke ukanodhokonyiwa futi."
Taifamba kwete zvekunanaidzana asi dzerudo dzaitaurika.
"Ndanzi ndikurambe Nison."
Akabva amira ipapo ipapo ndikatozomirawo pamberi.
"Come again?"
Ndakamuudza akati,
"Saka watii?"
"I don't know Nison, I'm confused I don't know what to do."
He sighed achibva atanga kufamba asi speed yanga yadzikira.
"Unondida here Wadza?"
"Ehe but hona zviri kuitika Nison."
Him: "Kana uchindida chete no problem. Toisa mabrakes pakuonana apa ndiwe unenge uchindiudza kuti toonana riinhi uye kupi."
"But ndikabatwa this time ndinourayiwa naGerald."
"Ngatiite kuti tisabatwe Wadza. "
We agreed kuti tiite slow slow kuonana kwacho.
Takaparadzana tichiri kure chaiko ndikasvikira kumba kwedu ndikanyepera kuita zvechikoro.
Anyway vanhu vese havana kubata kuti handina kuenda kuchikoro.
Days passed ndichitaura naNison pafone. Anga akuita achindiisirawo airtime.
Gerald aitaura neni and pese pataitaura aisarega kunditi,
"Gadzirisa hupenyu hwako Wadza usaite zvevakomana."
Anyway mwedzi wataizotanga kunyora baba vakauya. Vainanaidzana nemudzimai wavo zvaitondibhowa but ndaisavaratidza zvangu.
Mangwana acho vakandivinga kumba kwedu ndaiva ndega ndichiverenga.
"Ndakanzwa kuti uri kuita misikanzwa Wadzanai?"
Ndakaramba ndakanyarara vakati,
"Zvikakuipira handidi kukuona pano. Anyway handizvo zvandavinga hangu. Wadza makuda kunyora handiti. Nyaya iri pano inini handisisina mari. Kupasa kana kufoira mari yekuti uenderere mberi handisisina. Saka hameno kuti ukapedza kunyora ucharoorwa here kana kuti uchanoita house girl kana kugara pano muchibatsira amai vangu kurima."
Ndakatura mafemo zvekupererwa zviya.
Kare kese vaiti mari yekuenda ku A level neku
university havaiwane zvavo asi yekuitawo macourses ari cheap vanoiwana.
"Tanzwanana ka?"
Handina kudaira ipapo ipapo ndaida kusarudza mashoko akanaka ekutaura navo.
"Inga makati ndizosarudza course yandinoda kuita?"
Him: "That was at that time for now
mari handisisina ndosaka ndagara ndakuudza."
Ndakangotura mafemo kasingaverengeki kusvika vabuda.
Simba rekuverenga rakambotama ndikazozviudza kuti ndofanira kutopasa pamwe vanochinja pfungwa.
Days passed tikanyora tikazogara zvedu pamba naEmily.
Kudanana kwangu naNison kwanga kuchiwedzera though taisanyanya zvedu kuonana asi ndaizvinzwa kuti tinodanana.
Muna December takuda kupinda muChristmas Gerald akauya kumba husiku.
"Ndakuunzirai hembe dzechrismas nemari. Edzai kuti dzinokwana here kana dzisingakwane ndonochinja mangwana."
Taitoti tichatamba Christmas nehembe dzidhara mufunge.
Dzakakwana zvakanaka akazotipa mari.
"Munotengawo zvinotenga vamwe pachristmas. Vasikana munonyengedzwa nepondo chaiyo mukaita musikanzwa pachristmas saka mari iyi. I will be watching your back musafarise zvenyu. Anenge abvunza hembe munoti dzakatumirwa namai ndataura navo."
Akarara mumba make akazomukira kuenda pasina amuona tikamukawo kutsvaira kudzima tsoka dzake.
Nison akanditengerawo kadress kanga kakanaka zvekuti asi ndakamuti ndichakapfeka panew year.
Musi weChrismas patakaenda kuma shops Nison akatondipa mari kudarika yandanga ndakapiwa naGerald mufunge. Ndakachengeta yangu yekwaGerald ndikadya yaNison.
Zvekuti Gerald akanditi anenge achinditarisa ndakazvikandira kure. Taiva naNison naEmily. Olinda aiuyawo kwatiri apo neapo.
Barbra aifambawo nemazera ake but vazhinji vezera rake vanga vakaroorwa.
Babra akazouya kwandiri akati,
"Ndipoo mari Wadza I know wapiwa naNison, ipawo tete kani."
Ndaida kumurambira Nison achibva anditarisa neziso rekuti , " vape."
Ndakavapa vakati,
"Good girl chikabvondoka ndinomira mira satete wanzwa."
Mheno kuti sei musi uyu ndakanyatsobuda pachena kuti ndinodanana naNison kutofamba naye pamwe pacho akatibata maoko tese naEmily.
Zvekuti baba vari kumba handina kuita basa nazvo.
Anyway sevasikana takakasika kuenda kumba asi Babra akasara akazoteverawo ega.
Bamunini Gift ndivo vanga vasara nemombe asi ndakashamisika kuvanzwa vachinditi,
"Unodanana naNison wairamba hako musi uya. Nhasi manga muri mese."
I don't say any word ndakangosiyana navo.
Manheru tava kumba kwedu ndakutobatwa nehope ndakanzwa knock paWindow.
Ndakaramba ndakanyarara ndikanzwa ,
"Wadza ndini Nison."
In my mind ndakati ndibamunini Gift chete.
Ndakatora fone yangu ndikaona pane message from Nison yanga yakanzi,
*Ndiri kuuya kumba kwenyu.*
Ndakafona fone yake ndikainzwa kuringer panze.
To be honest ndakashatirwa aidei pamba pedu bad part of it husiku.
*Wadza ndiri kuda kutaura newe.*
Akaisa message ndikaenda pawindow ndikavhura window ndikati.
"Kubva riinhi uchindiona husiku huno Nison? Uri kuda kundirovesaka?"
"Sorry Wadza but I want to tell you something. Tete vako Babra vanditi ndiuye ndirare newe."
"Ah saka ndizvo zvavawinga Nison?"
I asked izwi rangu rakakwira akati,
"Shhh taurira pasi ,handidaro, ndauya kuzokuudza kuti Babra haakufarire anditi uri mhandara ndofanira kukubvisa humhandara nhasi. Ataura zvakawanda. Mungwarire haana kunaka."
"Nison?"
I said ndakuda kuchema akati,
"Ndiri kuenda kuHarare mangwana Wadza ndadaidzwa kubasa. Ndati handingakuudze pafone. Sara zvakanaka mudiwa wangu ndichadzoka kwauri I hope handiwane wabiwa nevamwe. Asi ndati ngwarira munhu anonzi Babra."
Zvese zvaaitaura zvaichemedza ndakashaya kana chekutaura. Misodzi yangu yakabuda ndikatanga kupfikura akati,
"Ndinodzoka kwauri mudiwa Wadzanai. Chirara ndikaonekwa pano hazvimire mushe. Vhara window ndichiona."
"Ufambe zvakanaka Nison ziva kuti ndakakumirira."
Ndakavhara window ndikachema. Olinda anga akaita kufa nehope zvake mumwe wake ndichinetseka kuti Babra anorwei kwandiri ko iye Nison haazowane vakanaka kupfuura ini here.
Ndakazobatwa nehope nguva dzaenda ndikazomutswa nemazwi evanhu vaitaura panze.
Ndakanzwa bamunini Gift vachiti,
"Iyi boots ndeye chirume iyi yaidei pawindow ipapa vane misikanzwa vana venyu ava mukoma."
Ndakaita kunge ndichazviitira wiwi ndirimo mumagumbeze.
End of chapter 14
❤️
😂
😢
👍
🙏
😮
42