S❤️Bandera Novels
January 27, 2025 at 05:16 PM
Main grp https://chat.whatsapp.com/CC3RGRR6Py9J4tejFQooNg Comment section https://chat.whatsapp.com/HNIEukZM0kNGhPnfX370dc *Chawagona Hapana* _Collaboration written by_ S❤️Bandera 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ & Nitha Chihelele 0⃣7⃣8⃣0⃣3⃣6⃣8⃣4⃣9⃣2⃣ Chapter 6 Prisca Phineas achingobuda chete ndakabva ndafonera mhamha ndikatanga nekuti, "Mhamha I have good news. " Zvikanzi , "Good news dzei nhai murungu wangu asi mukadzi wababa Juju aenda zvachose?" Ndizvo zvavaindiita vainditi ndiri murungu wavo. Ndaivaitirawo zvese kani ko Mari yaiva yenhamo here Phineas aindipa mari ozoita kundikumbira. "Aiwa haa iyoyo ndichaifambira hangu mushe. Gadzirirai rwendo rwenyu rweku Tanzania mari iri kuita manje manje, 2 thousand mhamha." Ndakavanzwa vachiridza mhururu ndikanzi, "ndosaka ndichikuda mhani mwanangu unoziva zvandinoda iwe. Saka uchandipa marii ingondipa 2 thousand yese ndizadze shop yangu." Ndakangovati ndichaona kana yauya. Mhamha ndanga ndakatovavhurira boutique muMarondera town nemari yandaidururirwa naPhineas. Vaisimboenda kunohodha kuSouth Africa neku Zambia saka vanga vane nguva vachinditi ndivape Mari vaende kunohodha kuTanzania. "Ita kuti mukadzi wake aende unyatsopiwa yese pasina inozombonzi yaenda kuna mai Tadi. Haikona kupusa iwewe. " Pavakandidaro ndakaona iri good idea ndainonokera zvinhu mhani. Ndakazopedza kutaura namhamha ndikagaya kuti ndomupinda neipi Phineas kuti aendese mai Tadiwa kumba kwavo. Phineas anga akandiudza how he get extra money. Aiva ne2 mareceipt books saka pese paitengeswa fodya nevarimi aitowana mari double double.Kana isiri nguva yekutengeswa kwefodya aiba mainputs achitengesa ndizvo zvaimuwanisa extra money yandaikuturirwa yese ndichinzi babe idya mari kusvika moyo wamira. Akazondifonera Phineas uya achiti nditopinde mutax ndiende kubasa kwake. I asked him kuti kwanga kwakanaka here akangonditi ndiuye chete. Mupfungwa dzangu ndakati 2 thazza yaita. Kana kuzogeza handina ndakufarira mari. Ndakangopukuta kwakubereka Juju kwakutopinda mutax kuenda kubasa kwadady. Ndaida kunanga muoffice make but ndakatoona ari panze tikanosangana kucar park. "Zvaita ????" I asked ndine face yakazara mufaro akati, " not yet babe, ndati undiperekedze kuxool kwana Tadiwa. Ndangonzi svikai kuno izvezvi it's urgent. So ndatya ini ko ndikasvikowana zvinofendesa hangu. I want you to be by side. Chero ndikafa iwe ndiwe uchange Uri pane coffin rangu, ndiwe mudzimai wangu ari pamoyo." Ndakanyara kuridza tsamwa. Shuwa kufambira zvakadaro izvozvo. Kuda kuti ini ndini ndizomuita first aid manje. Handina kuda kumuratidza kuti ndabhoweka aizonyumwa kuti ndinongoda mari yake. "Okay no problem handei, I hope kwakanaka hako. Hamuna kubvunza kuti kunei here?" Zvikanzi, "Ndabvunza asi Havana kundiudza vangoti ndisvike nekukasika." Hatina kuzononoka takaenda kuchikoro kuya tikananga muoffice yaDeputy Head vainzi ndivo vanga vafona. "Mr Guyo ndimi henyu?" That was deputy's welcome achipa Baba Juju handshake. Takagara tikakwazisana navo. Deputy uya akabva afona ndakangonzwa achiti Tadiwa ngaauye kuno akazofona futi akati Tatenda ngaauye kuno. Akatanga kusvika ndiTatenda tevere Tadiwa. "Ndini ndakudaidzai baba, ndikatarisa zvamuri ndotarisa vana venyu ndinova nemubvunzo wekuti vana ava ndezvenyu here kana kuti ndeve hama yenyu yakafa muri kungovachengetawo?" Ndakabva ndatarisa vana kubva kubhutsu ,yuwii zvaisaita kana. Mauniforms acho anga ava mapfupisa uku achenuruka plus anga anzwa nekusonwa. "Mr Guyo ndevenyu here vana ava. Kana vasiri venyu tivanyorese kuwelfare tovati futi vabhadharirwe nebeam nekuti school fees yavo inononoka zvekuti kubhadharwa apa vana vachothey are very bright vanotovhiringwa nekumbodzingwa." Ndakanzwa Phineas akuti, "vana ndevangu mufunge ndanga ndisiri kuziva kuti vana vari kuuya kuchikoro vakadai. Vanobuda ndisati ndamuka pavanodzoka ndinenge ndiri kubasa . Mai wavo ndivo vane problem hombe Mari ndinovapa asi hameno kuti vanoishandisa sei. Ndanyara zvekuti ndichiona vana vangu vakadai. Mai wavo ndivo rombe risingazive kushandisa Mari zvine hungwaru. Tichanopedzerana kumba andiudze kuti mari yandinomupa anoiisa kupi." Deputy vakanditarisa vakati, "ndimi Mai wevana here?" Ndikati, "iii mukundiona kunge chembere here ini. I'm only 20 ndingaite vana vakura kudai here ini." Zvikanzi nababa Juju, "she is my second wife atori nebrain dzinodhonza kudarika mai wevana ava. " Deputy akazunza musoro akati, ' okay I see saka mati zvoitwa sei, mangwana vana vauye vakadai here, ko school fees inouya riinhi?" Ndakasvotwa achipindura kuti, "nhasi ndikugadzirisa zvema uniforms nebhutsu. School fees ndichabhadhara mangwana kubank. " Zvikanzi nadeputy head, "that's good munenge magonesa. Mukangodaro chete ndinobva ndaziva kuti shuwa mai wevana venyu irombe sekutaura kwenyu. Asi mukazvikonewa ndendakutoona kuti imi ndimi rombe guru honai kana dressing yenyu nemudzimai wenyu mochitarisa vana, kana hembe dzechristmas vana vakadziwana here ava?" Vakazopedzisira vakuseka Phineas kwakusekawo achiti, " makupinda personal vakuru, imi pererai kuma uniforms neschool fees chete." Vakangozhinya deputy vaya then he dismissed us. Tava mumota ndakati, "Madii kuti vana havasi venyu vanyoreswe kuwelfare nhai, vabhadharirwe nebeam ?" Ndikanzi , "ii babe their birth certificates have my name as their father hazviite ndosungwa. Rega ndinoita zvema uniforms zvacho zvinoonekwa nema outsiders." Ndikati, "saka wakutoshandisa mari yangu kuita zvevana vako, handidi nemari yangu tsvaga hako kumwe. " Ndakamupusisa murume mukuru achinyanya kuda vana vadiki. Yake iyoyo yaaindipa ndiyo yandaiti yangu. Akabva ati akunokwereta shamwari yake yekubasa. Ndakamuti anondisiye kumba. Takasvikirana namai Tadiwa vaitoratidza kuti kubva pavanga vabuda kuseni vanga vasati vadzoka. "Imbobvunza vahosi vako kuti vari kubvepi, havasi kugara pasi these days vanenge vane chikomba ava, chero kugeza vaimprover." Ndakataurira pasi pasi Phineas akadaidzira kuna mai Tadi, "Hey Chipo Uri kubva kupi?" Zvikanzi, "ndiri kubva kumusoro uko kune munhu wandanga ndanowachira hembe ndiko kwandinoenda Monday and Friday." Ndakataurira futi pasi ndikati, "varambidze hako zvemumaraini zvinopa kuti vafurirwe kana kupiwa mupfuhwira ukadyiswa ukaita chipotanemadziro pano. " Ndakazopedzisa kutaura rimwe gumbo raa panze kuti vasanyumwe kuti ndini ndaifurira murume zvekutaura. Ndakatanga kufamba kuti ndinopinda mumba ndikanzwa, "Zvekumbeya nemaraini zvaguma nhasi, gara pano kana uchida zvepano. Gutsikana nezvandinokupa ndizvo zvandinowana, are we together?" "But baba Tadi....." Haana kupedza kutaura vakanzi, "kana uchida zvepano no more kunoita zvechi house gero, period." Ndakanzwa door remota kuvharwa ndikaita sendicharidza mhururu. Ah munhu wepi anongoda kufamba nemaraini ndimo mukupiwa mupfuhwira wekudyisa murume wangu kuti andiseme. Ndakazvikanda paleather sofa hangu ndikatombobatwa nehope. Pandakamuka ndakatanga kungobhowekana nemari yaida kutenga zvevana vamai Tadiwa. Yaifanira kuita yangu ndega mhani. Ndanga ndanonoka kufunga dai ndanga ndaudza ba Juju kuti zvakadii kuti vana vamai Tadiwa vaende kunodzidza kumusha kwamai wavo to cut macosts. Pandakati ndibude panze ndifurwe nemhepo ndiye dhuma namai Tadiwa vaine mabag 2 evana vechikoro ainge akafuta kuratidza kuti ane zvinhu. "Ko????" Ndakabvunza vakapindura vachisekerera zvaitobhowa hanzi, "Ndikubva kutown ndaenda nababa Tadi kunotengera vana zvekuchikoro zvese nekubhadhara school fees yevana. Haa moyo wangu wazorora manje, mauniforms vati titenge straight from NB anodhura iwayo zvataiita kare chaizvo kutengera vana quality uniforms. Bhutsu tatenga dzeku BATA ." "Hoo mazoenda mese nguvai ndapinda mumba ivo vachi reverser kuti vabude? Zvikanzi, "ipo pamapinda mumba ndipo pavanditi ndivanyorere masizes ema uniform nebhutsu dzevana ndikati zvemazuvano zvakuvhirirnga zvinoda ndichitenga ndiri ini ndipo pavati ndipinde ndiende kunosarudza. Ndafara zvisingaite vana vangu vakunoonekera pane vamwe. " Ndakasekerera nhema ini mumoyo ndaitsva kuti sei Phineas azoenda navo behind my back. I told myself kuti anondiona Phineas or else pangu haapadyi. "Heya nhai inga magonerwa. " "Zvisingaite Mai mwana, ndakaguma kuenda navo kushopping 2 years ago. Dai zvikaramba zvakadai." Ndakanyepa kuti fone yangu iri kurira mumba kuri kusada kuvaratidza kuti ndaisvotwa to the highest level. Phineas ndiye wandaida kunyatsopedzerana naye. End of chapter 6
❤️ 😂 😢 👍 🙏 34

Comments