S❤️Bandera Novels
January 27, 2025 at 05:46 PM
Main grp
https://chat.whatsapp.com/CC3RGRR6Py9J4tejFQooNg
Comment Section
https://chat.whatsapp.com/HNIEukZM0kNGhPnfX370dc
*Chawagona Hapana*
_Collaboration written by_
S❤️Bandera
0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣
&
Nitha Chihelele
0⃣7⃣8⃣0⃣3⃣6⃣8⃣4⃣9⃣2⃣
Chapter 4
Chipo
Ndakafambisa zvekusada kukanganisa vanhu, chandakafarira ndechekuti anga andiona kuti ndamuona. To be honest handina kana kunzwa jealous ndakatoti dai ari Prisca aona mashura iwaya.
Ndichangoti endei kure ndakanzwa phone yangu kurira ndikaitora ndikaona ari Phineas . Ko aidei nhai iye aiva pakusasana nemumwe mukadzi.
Ndakadaira akanditi,
_"Mai Tadi uri kupi?"_
Ndakati asi haasi Phineas wangu here nematauriro acho aakaita. Kutotaurawo nezwi risina hasha.
_"Ndiri kuma shops on my way kuenda kumba."_
Ndakadaro akati, _"Huya tisangane pashop paRise apo ndikutengere zvisiko kumba ."_
Ndakati Mwari waRazaro mandibvira nekupi. Ndakabva ndatora nzira yaienda kwaRise, the first thing chandaida macovers evana zvimwe zvozotevera. Mabooks anga aripo ndanga ndakaita dzungu rinobhadhara last year yacho pandakapiwa Mari kwakutenga akawanda. Ndakawana mota yake yavapo kare anga ari ega. Ndakanogara kumashure semazuva ose achibva andicheuka akataura nezwi risiri rekuvhundutsira randanga ndajaira,
"Huya kumberi kuno Mai Tadi."
Ndakasimuka ndichizengurira ndikati,
"Ndozeza kuonekwa namai Junior ndiri paseat ravo ndosaka ndanga ndangogara kwandakajaira."
Akaseka zvekumanikidzira ndikagara zvangu pamother seat pandakapedzisira kugara Prisca asati auya. He drove opposite direction nekumba apa tichitobva kuma shops kwacho.
"Asi mafunga kuti tinotengera kutown chaiko?"
Ndakabvunza ndaona takubuda mulocation ndikati pamwe afunga kuti tinoita swipe kuma big wholesale supermarkets eku town. Haana kundidaira akazongo parker paside peroad tava kusina dzimba dzakawanda.
"Mai Tadi, zvawaona hauna kuzviona handiti."
He wasn't sweet anymore anga ava Phineas uya asinganyengerere. Sezvo ndaisavawo nebasa nazvo ndakati, "ehe handina kuzviona." Ndikanzi, "Good girl handidi kuzozvinzwa zvakutaurwa namai Juju, kungozvinzwa chete you will pay for it." Ndakaseka zvesvoto ndikati,
"Ah ndichizvitaurirei hangu plus kuti zvigodii. Itai henyu yese yamunoda your secret is safe with me. Kana mukatoda kuti ndikubatirei nduwe dzenyu muchiita basa I'm free and your secret will be safe. " Akanditarisa zviya zvinenge zvekuda kuona kana ndaiva ini ndaitaura.
"It's fine chienda kumba usiyane nezvekumberereka nechidhuku mumusoro unondinyadzisa. "
Ndikati, "ko zvamati mune zvamunoda kunditengera?"
"Ndazofunga mushe ndichauya nazvo kumba ndakumhanyira kutown ndine munhu wandiri kuda kuona. Another thing zvawakaita nezuro handina kuzvifarira. Waida kuti mai Junior azive kuti ndakambonamirana nemukadzi wemunhu? Know your boundaries kana uchida kuti zvikunakire. Wakakwirwa wakakwirwa hazvichinje." Ndikati, " ndakakwirwa just to save you not kuti ndaida saka musandipikise jeri sezvinonzi ndakahura baba Tadi."
Paakada kutaura fone yake vakabva yarira ndikadongorera ndikaona pakanzi, *Tale Mechanic.* He smiled achidaira hanzi, "On my way give me 5 minutes ndinenge ndasvika." Zvakataurwa neanga afona handina kuzvinzwa hangu asi ndakanzwa voice kunge remukadzi. Havana kuramba vachitaura vakakata vakanditi,
"Mai Tadi chienda kumba. Go home straight hona chero pata pata rawakapfeka shuwa uchimbeya nelocation rwese."
I felt humiliated, kudzikisirwa nemunhu aindibata rough. "Okay vharai zip yamakanganwa kuvhara. " Akatovhunduka pandakadaro kwakukasika kuvhara ini ndikadzika kwakutora nzira yekumba. Kwandanga ndasiiwa nekwandanga ndatorwa paitova maybe ne a kilometre chaiyo. Ndaifamba ndichizvitongesa kuti asi Phineas ka adii kungoti titaure paanditora pane kundisiya kure kure kwakadaro.
On my way home ndakanzwawo vamwe vakadzi vaitaura nyaya dzavo mumwe wacho akati kumba kwake kune washen isingaite aitoda munhu anoiwacha. I swallowed my pride ndikamira ndikakwazisana navo ndikati, "ndanzwa muchiti muri kuda munhu anokuwachirai, ndiri free hangu kana makasununguka."
Vakatosekerera paya ndichibva ndatoenda nemumwe wacho kumba kwake. Ndakati zvemangwana ndinogona kuzoinonokera colgate better kutonowacha musi iwowo.
"Pano paiva nevayenzi hobho holiday iyi saka mablankets ndiwo akawanda hembe ishoma. " Vakadaro ndikavati ngavabuditse havo simba ndinaro. Ndaiti magumbeze acho ndeaye ma2 in 1. Paingova nema 1 ply asinganetse kuwacha kozoti macomforters. Vakandibvunza kuti ndaida marii, sebasa randanga ndisati ndamboita ndakapererwa ndikavati ,
"Handizive ini vakoma munongondipa yamunoona inoita. "
Vakaseka vakanditi , "Kana pondo handiti?" Ndikavati, "ndoziva hamungandipe pondo." Vakabva vati vanokwanisa kundipa 10 dollars ndikabvuma. Excitement yekuwana mari yakandipa simba ndikawacha fast fast since mvura yaisanetsa ndaisandisa hosepipe. Around past 12 ndanga ndapedza ndikapiwa mari yangu. Vakandipa chikafu vakati handingaende ndisina kudya. Neniwo ndanga ndarenguka nenzara saka ndakatopfunya chisero ndikatanga kudya. Ivo waiva mune imwe room ini ndichizvikuvadza nekudya ko chikafu chakanaka taichiziva here. Kutodya nyama ndokunge ndatengerwa mazai kana machunks. Vakazobuda nepaperbag yaiva neka grocery vakanditi, "Christmas box iyi mudikani, munobikirawo vana. Kana muchida tinotaura mopota muchiuya kaviri pazvondo Monday and Friday."
Ndakaombera zvandisati ndamboita, ndikavati ndichange ndichiuya Monday and Friday yacho. Ndakatobva paya ndatsiga paper bag rangu plus mari. Vanga vatoita havo Baba Tadiwa kundisiya kure kure zvakatoita kuti ndisangane nemari.
Ndakazosvika kumba ndaneta kutaura ndega ndichiti Mwari maita henyu. Vana vangu vaitamba havo muroad nevamwe , vaitooneka kuti vane kamufaro handiti vanga vazorora cabbage. Ndakazovhura paper bag kuti nditarise kwakuona mune 2 litres cooking oil, 2 kgs sugar and 2 kgs rice ne 2 kgs surf. Ndanga ndagonerwa kani. Ndakaviga pakahwanda ndikaenda kwamai Chengeto around past 1 kunonzwa kuti how far.
"Mai mwana ndanetseka kuti ndokubatai sei mwana wangu Ari kutoda kuwachirwa mbatya nhasi chaiye. I hope haasati awana mumwe. "
"Ah saka ndodii ndiri free chero izvezvi."
Vakati wava kumufonera vakataura naye vakati,
"Hanzi svikai kumba izvezvi haasati awana mumwe."
Ndakafara zvekuti ndichibva ndapiwa address ndikaenda . Ndakasvika akandimirira washen yacho iri panze. Yanga yakawanda shuwa.
"Muri sei munokwanisa here kuwacha nhasi ndinozoyanika hangu mangwana. Munongowacha chete muchiisa mudish since nguva dzafamba?" Ndakabvuma Ko ndingasiye basa here. Uyu anga akaomera compared namai Chiko vandanga ndabva kuwachira. Uyu akati aikwanisa kundipa 8 dollars chete apo washen yake yaiva yakawanda plus panga pane dzevana vadiki hobho dzaitova nemadhaka. Ndakati simba mukaka kwakutanga kuwacha. Uku ndakafema motozve, maybe zvanga zvasangana nekuti ndanga ndambowacha futi here hameno. Ndakatozopedza maoko akuvavira kusvuuka nesurf. Ndakapiwa 8 dollars yangu ndikadarika neku tuckshop kwamai Chengeto ndichivatenda. Ndakazongotenga sausage yedollar chete kuti tinodyawo sadza nemuriwo usiri cabbage, imwe iyi ndaida kutengera vana vangu zvekuchikoro.
Musi uyu ndakati Mwari vanorangarira vanhu wavo chokwadi ndanga ndatowana grocery kubva kwamai Ruva plus iri rekuhama yamai Chengeto.
Time dzanga dzatova kuma past 5 luckily ndakasvika baba Tadiwa vasati vauya.
Pandakagara ndipo pandakanzwa kuti I had over worked nyama dzakatanga kurwadza. Ndakanogeza ndikanzwa hunani ndikatanga kubikira vana vangu. Tadiwa anga akafara musi uyu ndikaziva kuti kufarira sausage. My prayer yaiva yekuti in future mwana uyu azowane rugare nekuti aida tunonaka. Kusvika kwemota yababa Tadi hatina kukunzwa nekuti taiita nyaya nevana vangu mumba muchinhuwirira sausage. Ndakazongonzwa door kuvhurwa munhu kwakupinda akabata macabbages 2 mazihombe.
Ndaimona sadza saka handina kukwanisa kuvatambira.
"Hamuchatambire macabbage nekuti mabika nesausage nhai." Akadaro hake Phineas nezwi rake rekudada ndikati, "oh sorry Tadiwa tambira dad hona ndiri kumona sadza." Zvikanzi, "sadza rakosha kudarika ini handiti, kunditi nditambirwe nemwana hmm?"
Voice racho rekuvhundutsira, vana vakabva vasvava kana ari Tatenda akabva aita kurara chaiko. "Sorrii Mhofu." Ndakadaro ndichitambira mazi cabbage aya ndikamaisa pakanaka. "Next time ukati nditambirwe nevana ndinodzokera nawo ukadya sadza nesalt." Vakabva vabuda Tatenda kwakuchimuka. Ndakatoona kuti our differences were affecting vana zvino wekuudza ndipo panga pasina. Chandaizongoita kufara nevana vangu kuti vakanganwe kushusha kunoita baba wavo.
Mangwana acho ndakanotengera vana vangu macovers netumwe tuma small small including shoe polish nema socks nema jiggis ekuzotakura kuchikoro. Ndakasvika nazvo zviri muchibag ndaisada kuti nyachide azvione aizoita makuhwa. Ndakazviviga parefu ndaida kuzoona kuti Phineas aifungei nezvazvo. Mari yakabva yapera, changa chasara ibhutsu nyowani , mabag nema uniforms. January anongoda kuti mwana ange ane zvese zvinyowani mhani especially vangu vana mauniforms avo anga ava madiki bhutsu dzanga dzabvaruka vakazopedza gore vakuita kunge vachatsika pasi. Pandakadzoka I decided kufusha zvangu rimwe cabbage. Mai Junior pavakandiona ndakuriyanika vakanditi, "ah ko makuita rekufusha?"
Ndikati, "Ehe timbochinjanisa kuti mumwe musi mufushwa mumwe musi riri fresh. Ko ndodiiko ndakutoziva marecipe aro chero kuisa dovi ndakutoisa."
Vakaseka zvimwe zviya kwakuti, "ini cabbage ndorida for salad chete ende Baba Juju anotozviziva. Kuriita muriwo handidi." Kwaiva kutodadirwa pachena uku. "Isu taimbodarowo but pane imwe nguva life painokuita kuti ungoti chero ndiri mupenyu regai ndigodye zviripo." Zvikanzi, "ah ini handigarire izvozvo Baba Juju kungondiita izvozvo ndinoenda kumba kwedu. " Anenge Aida kundinzwa hake manje ndakati, "ini handiende as long asina kundiendesa iye ndinongodya cabbage racho handiti muriwo hawo. " Akaita kakusvava kwakuzongoseka seka.
Mazuva akafamba macovers haana kutengwa. Ndaiita mapart time jobs angu ndichitenga chikafu kunyanya muriwo nebreakfast. Chandisina kukwanisa kutengera vana ibhutsu dzechikoro nema uniforms plus mabag asi tumwe tumwe utwu ndakatenga including maluchboxes. Two days before opening day ndipo pandakabatsira ana vangu Kuswera ndichi cover mabooks avo. Baba wavo kana kuzviwanira nguva Havana kana kuzombobvunza kuti ko zvakazodii nema cover. Mabag ndakangosona sonawo zvandaikwanisa asi bhutsu aitova ma1. Manheru pavakauya ndakanovaratidza bhutsu dzevana nema uniforms acho ndikavati, "nebasa renyu Baba Tadi zvingaite here kuti vana vavhure gore vachipfeka izvi?"
Havana kuzvitarisa vakangoti,
"Ndiri kuzviziva asi kana wanonokerwa unoitawo plan hausi chirema iwe. " Mai junior vakabva vapfipfinyika, ndakadumbirwa ndikasimuka kudzokera mumba mangu. "Vana vangu dad venyu havachatide ndosaka vasiri kukutengerai zvavaisimbotenga. Zvaizvezvi pfekai izvozvo zviripo ndikawana Mari kwandinowacha ndichatanga nekutenga bhutsu ndozotenga mabag ndopedzisira mauniforms." Sisi vahombe kubva pavakarohwa paya vanga vakunzwisisa. Seipapa vakatoti kana zvichiita nditange kuvatengera bhutsu ndozotenga mauniforms ndozopedzisira mabag hanzi mabag haana basa vanogona kufana kutakurira muma plastic bags. Ndakanzwira vana vangu tsitsi kuti shuwa wava kutonzwisisa kuti Baba wavo havawade.
Zvikoro pazvakavhurwa ndakanzwa moyo kurwadza vana vangu vakapfeka zvigwishu zvema uniforms. Sezvineiwo ndakafonerwa nadeputy head akanditi mauniforms evana haasi kuvaraidza considering kuti vana vasikana and Tadiwa anga ane big body. Ndakavaudza chokwadi kuti vafonere Baba wavo pamwe vangaite action. Vakakumbira number dzababa wavo ndikavapa.
End of chapter 4
❤️
👍
😢
🙏
10