S❤️Bandera Novels
January 28, 2025 at 05:56 AM
*MAYBE I WAS WRONG*
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
Follow channel for more books
https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14
Main grp
https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX
*WRITTEN BY S❤️BANDERA*
0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣
*Chapter 15-16*
WADZANAI
I woke up hana ichirova uku ndichitoda toilet.
Ndakabuda panze ndikananga kutoilet first vanhu vakadaidza ndikaramba ndakaomesa gotsi.
Babra ndiye akanditevera zvekutopinda mutoilet nhai.
"Ah uri kushandisa toilet ndati pamwe uri kutiza hako. Pedza kuzvibatsira ndakakumirira pano."
I did my business ndikabuda shuwa Babra anga akandimirira.
Akanditarisa zvakandipa mubvunzo.
"Ko chii chiri kuitika ndanga ndapreswa? Hanzii nevanhu ava?"
I asked though ndaitoziva hangu kuti hapana chokwadi chakanyatsokwana chandinowana kubva kwaari.
"Nison anga ari kuno manheru?"
Ndakavhunduka nhema zvangu,
"Manheru? Achidei kunge ane chake chiri pano."
Baba vakabva vatidaidza zvine hasha tikatanga kuenda.
"Uchiri mhandara here Wadzanai?"
Akandibvunza Babra ndikaramba ndakanyarara kusvika tasvika pacho paiva nevanhu. Mainini vanga varipo vakaita kubata musana vakatungamidza kadumbu kumberi.
"Ndiyani anga ari pano nezuro? Tsoka ndeyani iyi?"
Ndibaba vakabvunza ndikati,
"Hameno ndiri kutoionawo ipapa."
Bamunini Gift vakabva vadairira,
"Akarohwa anotaura chokwadi uyu. Obvious ndiNison."
Ndakavatarisa
neziso rekutuka chairo vachibva vati,
"Nditarise hako uchituka nechemumoyo asi ndiri kutaura chokwadi unoda shamhu iwe misikanzwa yako yanyanya pano ."
Me: "Munoda ndibvume kuti ndiye ini ndisina kumuona here? Mamubvunza akabvuma here?"
Ndakatongeswa nekubvunzurudzwa zvine hasha ndikapotsa ndabvuma.
Babra ndiye anga akuda kukoresa nyaya akutaura zvekuti ndaiva naNison nezuro.
"Uyu mwana haachatonzwe uyu dai mati aende kuna Nison kwacho zvipere."
Ndakashamisika nemashoko akataurwa namainini.
"Handiende kune munhu wandisingadanane naye. Plus handiite zvekuendeswa ndiisingade."
Bamunini Gift vakangobva mugroup maiva nevamwe mheno kwavakaenda.
Takaenda kukitchen kwambuya vanhu vachindituka kuti hure.
Ndanga ndakuita ndichisimba pazviri. Handina kunyanya kubatikana nazvo.
Bamunini Gift vakazouya havo vakati,
"Hanzi Nison aenda kuHarare aita zvetomukira saka obvious ndiye anga auya kuzowoneka Wadza."
Vanhu vakada kuzvibvuma ndikatanga kuchema.
"Pamba pano ndini ndega musikana here nhai? Vanoda kurova vanorova Wadza. Vanoda kutuka vanotuka Wadza. Afunga kuitirwa basa anoti Wadza ita, ndakaita sei inini? Ko pamwe munhu anga achida kuba makuti ndiNison anga avinga Wadza. Ndofarira kupi inini, pamba pedu pacho ndinoitwa kunge munhu arikuchengetwa nevatorwa. Is it because mai vangu havapo here? Ehe dai mai vangu varipo vanhu maisambondidaiso. Mai vangu pavanga varipo hapana aimbondoshungurudza kudai. Kana musisandide pano taurai ndinobva ndonogara namai vangu."
Vanhu vese vakanyarara ndikanzwa gogo vakuti,
"Hautivhundutsire tichikutsiura. Vasikana makawanda pano asi iwe ndiwe une musikanzwa. Ndiyani pano wawakaona ane mukomana? Ukarohwa mushe mushe unotaura chokwadi. "
"Pane akandiona here ndakamira nemunhu wacho ane bhutsu yamaona? Ko pamwe munhu aitoda kutibhinya?"
Baba vakabva vati,
"Nyaya yacho inonetsa kuzvipedza regai tingoti kubva nhasi ana Wadza rarai kuno nana Babra."
Vakabva vabuda vese nabamunini Gift.
"Wadza wakangwara hako asi ndiNison ane bhutsu iya."
Olinda ndiye akaitenga,
"Makamuona here tete, kana makamuona makadii kuti hey Nison uri kuitei?"
"Haa iwe tibvirwe uko ndiwe Wadza here?"
Ndigogo vakadaro Babra akati,
"Vanofurirana zvisina basa asi Nison anofanira akatorara mumba mana Wadza."
Me: "Uuummmm hamusi makundinyanyira here? Or else makamuudza kuti auye arare neni. Confidence dzamunadzo pakuti ndiNison dzakundipa questions mark."
Vakabva vanzvenga nyaya kwakuti,
"Zvikanzi utariswe unobvuma here?"
Ndakabva ndati,
"Ah handidi imi munotariswa nani."
Mainini vakabva vatanga kupwipwinyika kwakuti,
"Takabva nako kumhunga hakuna ipwa unotiudzeiko?"
Olinda akabva ati,
"Dzakazosara dzichimera mainini dzavako ipwa."
Vakabva vati,
"Hhhm iwe dofo unoti ndiri kutaura ipwa chaidzo here? Ndiri kuti chitsotsi chaWadza chekupinza vakomana mumba ichi taitochiitawo saka takuzviziva.""
Olinda: "Maipinza vakomana mumba mainini?"
"Shut up mhani , I wanted to say masisters angu ndiwo aidaro ndichiona."
Ndakada kuseka ndikazvidzora gogo kwakuti,
"Kuti tigutsikane kuti Wadza hauna kupinza mukomana mumba handei ndinokutarisa kuti uchiri mhandara here."
Apa ndakaramba mainini kwakuti,
"Kana uri mhandara unorambei tariswa?"
"Ndakakunzwai muchiti munhu haamanikidzwe wani mainini ko apa?"
Her: "Iwe uchiri mwana ka?"
"Tese pano natete Babra naEmily naOlinda tichiri vana hapana mukadzi mukuru apa. Ngatinotariswa tese."
Emily akabva ati,
"Ini ndichiri mhandara asi kushamira vanhu handidi."
Olinda akabva atsigirana naEmily. Babra haana chaakataura.
Bamunini Gift vakasvika iri noise kuti Wadza ari kuramba kunotariswa.
"Ngaaende tizive kuti tine vana vangani pano pamwe atova mukadzi mukuru."
"Ngatiende tese vasikana vari pano."
Mainini vakanodaidza baba mufunge kuvaudza zvakadaro kuti Wadza ari kuramba kunotariswa.
"Ummm nyaya yacho haichade inini iyi yakuda ana tete. Asi zvikanzwikwa munosungwa amai, hazvichabvumidzwe mazuvano hanzi kushungurudza vana. Vanoiti Child abuse."
"Chirungu chenyu ichi muchazonyara navo vana venyu. Chadyambudzi (child abuse) kuita sei isu tichichengetedza vana."
Vakadaro gogo Olinda naEmily vakaseka. Baba vakazoti,
"Itai zvamunoona zvinoita nevazukuru venyu amai."
Vakabva vabuda zvavo ikatangidza futi kusvika ndati,
"Kuiswa zvigunwe ndiko kwandisingade. Last time makandirwadzisa zvenyu kuita kunge muchatondibvisa ndimi plus hazvisi health zvamunoita."
Pane pekuti unoramba ugobudirira apa zvakaramba. Babra ,gogo, mainini nabamunini Gift vakandiisa pacorner kusvika taenda kwambuya Muchara nagogo namainini.
Mainini kwakutopindawo nhai kuda kundionerera.
"Ah vanhu kuita kundiunganira kuda kundionerera here vamwe budai. Munondiunganira kana ndakuzvara."
Ndakadaro mainini vakati,
"Zvine basa rei handiti tiri vakadzi tese. Plus uneiko chaunonyara?"
Ndakaramba kubvisa kusvika mbuya Muchara vati,
"Ingobudai mai Hakata tipedze ndiri kuda kuita basa."
Vakabuda vachiginun'una.
"Gezai maoko vanhu hanzi zvinopa infection izvozvo. Plus hanzi humhandara hautariswe muchiisa zvigunwe zvinotozobvisa humhandara hwacho."
"Hezvo nhaiwe mwanawe zvauya sei? Ndinomboendesa kure here?"
Gogo : "Akavhurwa uyu ndosaka akuwanza nhoroondo."
Ndakabvisa ndikarara pasi mbuya Muchara akatarisa ndikanzwa vakuridza mhururu.
Mainini vakabva vamhanya kupinda ndikavhara makumbo angu nekutopfeka.
"Akakwana uyu muri kuonei nhami chiri kupa kuti muuye naye kuno?"
Mainini: "Ane misikanzwa uyu zviri kutotinetsa kuti sei muri kuti imhandara."
Mai Muchara vakabva vati,
"Mumwe anotamba akangwara haavhure gumbo asi mbiri ichifambiswa kunzi ane misikanzwa."
Takadzokera kumba ndichiita nyaya zvekubhowa mainini chaizvo.
Vanhu vakaudzwa maresults bamunini Gift akangonditarisa chete.
Anyway maskati ndakaenda kumba kwedu kuti ndinotaura naNison.
I switched on my fone ndikawana mamessages ake hobho kubva kuseni achiti good morning pese kusvika asvika kuHarare.
Ndakazoita kumufonera akadaira pasecond ring,
_"Finally wazobatika I was stressed unoziva?"_
Me: _"Anga ari ma1 Nison. Kumuka vanhu vachitarisa pawanga wakamira nezuro pawindow hanzi ndiyani anga ari pano?Ndatomutswa nekutaura kwevanhu."_
Him: _"Whaat, obvious ndiBabra ane zvese. Mungwarire Babra wako mudiwa."_
I told him zvese zvekunotariswa virginity akapopota.
_"You are no longer safe mudiwa. Unoda here kuti ndikutsvagire basa kuno? Ikoko unoitwa yese yese nevagoni kutotumirwa vanokuraper chaivo._"
Ndakabvuma ndichitofara.
_"Okay ndichakutsvagira gara uri ready handiti ka?_"
Takazoudzana masweet words kusvika airtime yapera.
MR HAKATA
Nyaya dzevana vasikana dzinotemesa musoro.
Kurambira munhu kunonetsa unozonyara mangwana azvimbirwa nadzo nyemba.
Ndakazongoona zvakanaka kuti ana Wadzanai varare kumba kwamai kuti mitauro ipere.
Ndakapedza holiday yechristmas kusvika musi wa31 ndiri kumusha ndichibatsira Precious kusakura.
Anga akazamawo hake kudyara pakakura more than half yemunda wamai Gerald zvekuti ndaitozosvika pakudzokera musi wa2 January tisati tapedza kusakura. Akatodarikira pandakamuchekera akayambukira kwandaiti kwamai Gerald.
Handina kuona chakaipa ini pane kuti munda ugare usingarimwe uchinzi kana murwere azodzoka.
Anyway musi wa31 December iwoyo tanga takarindira gore idzva semakore ese asi kuti musi uyu tanga tiri kwedu tega naPrecious. Makore ese taigarira goreidzva nemhuri yangu dzimwe nguva tiri tese kumba kwambuya Hakata.
Precious aiti anonzwa musana saka zveparuzhinji akaramba.
Pakangokwana 12 o'clock midnight chete kumba kwambuya Hakata kwakatanga kurohwa rohwa zvimigomo sezvaingoitwa makore ese kufarira goreidzva. Ipapowo fone yangu yakaringer mai Gerald vaifona.
Precious akabva ati,
"Daira uise paloud."
Ndakaita sekudaro but hana yairova.
_"Makorokoto egoreidzva Mhofu yangu hamuna kupinda neback door here baba wevana vangu._"
Ndakambonyarara vakati,
_"Hello baba Gerry, muripo here?_"
Me: _"Hello ndiripo tapinda tapinda._"
Her: _"Haa better ndofunga gore rino ndinouya. Kwangosara mbichana chete ndava kutogona kutakura 10 liters bucket revhura zvava nani._"
Precious akabva abvuta fone akaikata.
"Ndatoita mistake yekuti utaure navo. Kana uneni haufanire kutaura navo vakafona haufanire kutodaira. Unotaura navo ndisingazvinzwe."
Yakaringer futi ndikakonewa kuidaira. Ndakazonzwa ava mamessages Pp akabva aidzima.
"Uvaudze kuti vanouya kana vakugona kusenga 25 litres dzemvura."
Ndakabvumira tichibva tazorara zvedu.
Kuseni pandakabata fone yangu ndakawana mune 2 messages from mai Gerald.
*Ndati manje manje ndinouya ndava nani chaizvo*
Imwe yacho yakanzi,
*Mamuka sei Mhofu yangu manje manje ndiri kuuya dzimai henyu fone hazvina basa*
Hapana yandakapindura. Ndakatongonanga kumunda.
Akazoteverawo nemahewu tikatanga kusakura tese.
"Munda haupere nekukasika uyu wadii kusiya waudza ana Wadza naOlinda kuti vazondibatsirawo handiti uri kuenda mangwana. Zvandakadyara zvese ndinoda kuzvikohwa."
Me: "Uumm ko kumunda kwamai , wadii kuti pamari iye yandakakupa utenge mabooks ekunyorera mapen nema cover oti vanhu vauye kuzosakurira. Ndizvo zvaiita mai Gerald haa vanhu vanomhanyidzana kuzosakura."
Akabva amira akati,
"Zvekuenzaniswa namai Gerald handidi hangu."
Me: "Okay sorry mukadzi wangu."
"Mari handisisina ndakatumira mhamha kuti vatengere mwana hembe for Christmas plus chikafu."
"Ah yese ko sei usina kutanga wandiudzawo?"
Her: "Ah handiti wakandipa uchiti ndeyangu here? Ndakatumira yese ini."
Ndakanzwa simba kutapudzika ndikasiya zvekusakura ndikamira.
"Saka handitorina yebhazi yekuendesa kubasa?"
Akabva ashamisika hanzi,
"Asi pane yawakandipa ndipo paiva neyako yebhazi here?"
Handina kupindura but kutogara pasi muvhu imomo.
"Unenge watsamwa Givemore. Waida ndiite sei iwe wakandipa mari uchiti ndeyangu. Unenge watoipirwa kuti ndakatumira mwana wangu. Waida atambe Christmas nehembe dzidhara here? Waida atengerwe nani ini ndiri mai vake? Ndorasa mwana wangu nekuti ndanewe here?"
"Hayaa handipo pane nyaya handina kana cent pandiri pano apa mangwana kubasa."
"Ah wakandipirei yese taura namai vatengese huku kana chibage."
Zvekusakura ndakabva ndasiya ndikanoudza mbuya Hakata kuti handina mari yekudzokesa kubasa. I didn't tell her zvekuti mari yakatumirwa vabereki vaPrecious ndakangoti munhu aifanira kunditumira haana kutumira.
"Motobata huku monotengesa asi mari yangu ndinozoida."
"Imwe nyaya amai muroora wenyu haangambopedze munda wese ari ega. Ndaikumbirawo kuti ana Wadza naOlinda vazomubatsire kuti akasike kupedza zvisati zvafa nesora."
Vakabvumira zvavo ndikabata huku ndikanotengesa.
Manheru ndakaudza ana Wadzanai kuti vazobatsira mainini wavo kusakura kutotanga mangwana vakabvuma.
Ndakadzokera kuMarondera kubasa. Pakapera 2 days ndadzokera kubasa Precious achiti ana Wadza havasati vauya kunomubatsira. Pandaifona kuna Gift waibva vati vachaenda mangwana yairamba ingori mangwana.
Precious akazondiisira message ari manheru.
*Ndavingwa naGerald ufunge Give hanzi hanzvadzi dzangu hadzisi mabhoyi enyu zvarai venyu vana vakubatsirei kusakura. Ane rough Gerald wako ndamuona ini hanzi murume wenyu anoshanda wani madii kutengerwa maherbicides pane kushandisa vana vamai vangu. Angomira neni zve2 minutes chete achibva adzokera kwamhamha haana kusvika zvekuti hapana munhu wepamba amuona. Atosika akazvi introducer mushe kwakuzotanga kurutsa mashoko anonhuwa kudaro.*
End of chapter 15
*To be on sale*
*MAYBE I WAS WRONG*
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
*WRITTEN BY S❤️BANDERA*
*Chapter 16*
GERALD
Ndakanzwa hasha Wadzanai paakandiudza kuti baba vati Wadza naOlinda vabatsire mainini kusakura.
Ndakavarambidza ndichibva ndatoenda kunovaona mai ivavo vaida kushandisa hanzvadzi dzangu.
Ndakazvidzora ndikangovaudza zvandaida zvandakafunga kuti zvinovabata. Pavakandibhohwa ndepavakanditi,
"Ndosaka wakadzingwa pano nemurume wangu usadzoke."
Ndakanhonga chimuti ndaida kuvarova kunge mwana mudiki but ndakazvidzora. Ndakatya kuzosungiswa kunzi ndarova munhu akazvitakura.
"Pano ndichadzoka kana ndakuda. Kusada zvangu kudzoka and hapana anombondirambidza. Ane nharo neni ndinoita zveshamhu kana akasimba ndoita zvemaoko tichidzoserana."
Ndaitonzwa maoko kuvava nehasha. Havana chavakapindura ndakabva ndatobvapo ndikananga kwana sekuru.
Ndakatengawo grocery rekusvika ndakabata.
Mai Hakata vakandiona ndichangopinda muyard vakamhanya zvezera ravo kunonditambira.
"Titambire Mhofu Yemukono, titambire baba."
Vakada kutora chishopping bag chandaiva nacho ndikavarambidza.
"Chiri kurema amai regai ndatosvika."
Her: "Ndatika ndikutambire mwanangu. Ndava nani chaizvo zvimwe ndava kukwanisa kutakura."
Ndaiziva condition yavo saka handina kutombovateerera. Pamwe pacho tiri kumba vaizvimanikdza kuita basa rinorwadza vobva vatanga kurwara serious.
Takakwazisana mbuya mai Mucha vakatanga kuita majokes neni vachiti ndichiroora.
Mhamha vakabva vati,
"Aiwa maiguru regai kudaro achiri mudiki uyu. Gerald anofanira kuzoora Wadza aroorwa kare. Plus handisati ndakuda kunzi ambuya ini."
Mbuya mai Mucha vakaseka nematauriro anga aita mai kuita kunge zvinouraya zvekunzi ambuya zvacho.
Mbuya mai Hezel vakazouyawo tikatandara. Ana mbuya vangu ndaivakoshesa vaichengeta mai vangu nemoyo chena.
Ndakazosimuka nguva dzafamba ndikaperekedzwa namai Gerald.
"Ndabva nekumba ndichivhundutsira mainini vanga vadarikira maboundaries."
"Hanzi vaita sei, unoziva handivazive. Patakaenda havana kubuda kusvika tadzoka."
"Ndatotangawo kuvaona nhasi. Baba vakaudza ana Wadza naOlinda kuti ngavanobatsire mainini kusakura kana ndimi. Manje ndavasvikira vari pamba pavo ndikavati ngavatengerwe maherbicides nemurume wavo. Obvious ndivo vane zvese saka ndavaudza zvinoenderana navo."
"Inga vakajaidzwa kuda kushandisa vana vangu. Ivo baba vako kuita kunge vakadyiswa kutadza kufunga kuti izvi hazviite izvi. Dai ndachiporawo."
Ndakabva ndavaudza kuti vakatoudza Wadza kuti mari yekuenderera mberi havana.
"Dai ndanga ndiriko ndaimira mira kuti aitewo course zvayo."
Vakaratidza kunetseka ndikavati,
"Musazvidye moyo amai. Kungoti pari zvino ndichakabatikana zvishoma ndine course yandiri kuita. School fees yaOlinda ndabhadhara vasati vavhura kudai handidi kuti azodzingwe. Kana ndapedza course yangu ndichataura naye Wadza ndinzwe kuti anoda kuita course yei."
Vakaombera kunge vari kuombera munhu mukuru kwavari vachitenda.
"Handizive kuti dai usipo mwanangu zvinhu zvaifamba sei.Ndinoenda nekuchengeta kwauri kuita hanzvadzi dzako.
Pawakazoita mistake ndepekurova Nison dai wakarova wako ndiye asingafunge."
"Akazvirovesa ega Nison but ndaisada kumurova zvakanyanya hangu asi iye aibva ati, tsano musandidaro hanzvadzi yenyu ndinoida" zvaibva zvandipa hasha."
Takakurukura ndikazovati vadzokere ndinoda kufambisa.
Mazuva akafamba ndichitaura naWadza achindiudza every dot com raiitika kumba.
WADZANAI
Mainini vakauya kumunda kwataiva vachiita kunge vachadonha nekamimba kavo.
Vakasvikoti,
"Ndapotsa ndarohwa naGerald amai."
I was shocked kuti anga auya nguvai. Anga asina kundiudza hake kuti achauya akangoti tisaende kumunda kwavo achazvigadzirisa.
Handina kunge ndabvunza kuti achazvigadzirisa sei.
Bamunini Gift vakabvunza ziso richiita kunge richabuda kunze.
"Ma...mati Gerald ...ari kupi heee?"
Ipapo vaicheuka cheuka zvekutya chaizvo.
"Amheno kwaaenda asi hii regai adzingwe pamba haana mukanwa mwana uya. Kunditi zvarai venyu vana mubatsirwe kusakura. Hanzi murume wenyu anoshanda wani madii kuti atenge maherbicides. Kutaura ikoko achiudza munhu mukuru anenge ini?"
Gogo vakabva vati,
"Akajaidzwa namai vake vaingomuti hee baba hee Mhofu. Akutoona kunge ndiye baba wemusha uno."
Mainini: "Asi anotyisa hanzi pano ndichadzoka kana ndakuda hapana anondirambidza aita nharo neni ndinorova."
Bamunini Gift vakabva vati,
"Uumm vanhu ka ini zvehondo handidi hangu especially kurwa naGerald akayamwa 2 years and 2 months uyo uumm handidi. Tangai dzamunozopedza ini handina kusvika gore ndichiyamwa hanzi ndakaramba ndine 9 months."
Vaitova serious bamunini but zvawakataura zvakapa kuti tese tiseke. Chaiva chokwadi kuti vakaramba mukaka vane 9 months uye kuti Gerald akasvitsa 2 years 2 months achiyamwa.
Gogo vakazoti,
"Haiwawo ngatisakurei anorova ani mwana wake?"
Mainini havana kutozoenda kumba kwavo hanzi ndiri kutya Gerald.
Anyway Nison akazondiudza kuti pane panzi pachadiwa musikana webasa first of February so ndigare ndakumbira kuzoenda kubasa.
Ndakaita 2 days ndichishaya matauriro uye kuti ndoudza ani. Ndoti basa racho ndakatsvagirwa nani uye kupi?
Ndakazoti better nditange ndataura naOlinda.
"Ndodii Olinda ndiri kuda kuenda kubasa end of January but ndozvitaura sei vanhu vepano havabvume ava."
"Kuenda uchindisiya?"
Anga atopusa zvakandishamisa. Oli chaiye kusada kusiiwa neni.
"Ndoita sei Olinda bamunini Gift ndakuvatya ini. Haundinzwire tsitsi here ndinongodhokonyiwa pese pese nemachembere. Nison akati akandiwanira basa, pakurwadza kugara pano."
"Yaa I understand you. Ini hangu handiitirwe dzungu ndinozvimiririra. Taura tichipedza kudya paye unoti wakatsvagirwa basa naGerald. Hapana anombomufonera achibvunza nekuti hapana ane number dzake."
It was a good idea ndakaseka kuti ndakundwa kufunga nemwana mudiki kwandiri.
Anyways manheru ndakataura nyaya yangu munhu wese aripo.
Bamunini Gift ndivo vakati,
"Kubasa kwei gara pano nambuya vako nemisikanzwa yako iyi haupedze mwedzi unenge wamitiswa."
Emily: "Asi kuchinja nzvimbo hakuna kumboipa ndiri kufunga kuenda kuHarare kwababa Jay( bamunini veku Harare) ndozoona zvekuita ndiri ikoko."
"Iwewe Emily unoenda asi Wadza hazviite. KuHarare kure plus nehunhu hwake uyu toswera tanzwa zvimwe. Kana afunga kushanda better aende pamateacher pedu apa nema nurse padhuze patinomumonitor."
Gogo vakatiwo basa pano rinozowanda.
Madays acho anga afamba waitova musi wa20 ndaifanira kuenda kuHarare musi wa31.
Baba vakabva vafonerwa vakaudzwa vakaramba vachiti kuHarare kure asi dai pari padhuze zvaiita asi ndaizofanira kubva pamba kana tapedza basa rese rekusakura.
Ndakanofonera Nison ndichichema kuti ndarambidzwa akati,
_"Kana uri serious ndinouya ndichikutora musi wa31 wacho, kumba kwedu handisvike."_
Me: _"Anything can happen unozozvipedza here?"_
Him: _"Vanhu vanoda zvinhu Wadza, first pay yako unotenga mazi grocery wouya nawo kumusha unoona hako vanhu kufara."_
_"Mira ndozokupindura nditange ndafunga._"
Ndakaita mazuva ndichishaya kuti ndoita zvipi. Kuita kutiza ndakaona zvisingaite. Ko zvikazonooma kumberi Nison aizvikunda here.
Emily akatumirwa mari nabamunini akaenda.
Musi wa26 Nison akabvunza kuti how far ndikatsenga mukanwa.
Zvakazoitika masikati acho zvakandipa kufunga kaviri. Zvakaitika ndezvekudai, ndaida kupinda mumba bamunini Gift vachidawo kubuda. Handizive kuti vakadzedzereka zvechokwadi here kana kuti vakazviitisa havo, vachinozviwisira pandiri handina hangu kudonha asi vakandidzanyidzira kumadziro vakandibata mazamu zvisiri zvemistake kutokanya kanya vachida.
Pavakakandisiya ndakavapa mbama kumeso nesimba rangu rese ndikapinda ndikanoisa chihuri mumba matairara.
Ndakachema asi kwete zvinoenda kure.
I told myself kuti pano ndikapusa ndinobatwa nehama.
Ndakarovera moyo padombo ndikaisira Gerald message.
*Mukoma Gerry ndiri kuda kukuonai pane zviri kuitika.*
Akapindurawo ,
*Uuye kuma shops kuma 2 ndinenge ndasvika.*
Ndakabva ndatoenda kunogeza kuti ndinomuona. Ndiye wandaida kuudza zvekuenda kwangu kubasa.
End of chapter 16
❤️
🙏
😢
👍
😂
😮
68