LATEST GOSSIP 🇿🇼😱
February 11, 2025 at 06:04 AM
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚
https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q
TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK
https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH
FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇
https://www.facebook.com/share/15VNTa3onf/
*THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭*
*WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚*
BOOK 10
PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE
CONTACTS: 0780677763/ 071143699
CHAPTER 2
LONDIWE
Ndakasumuka ndichinonokera expecting kuti zvimwe sir vanganzwa tsitsi but guess what vakazotoita zvekupopota ndikatozofambisa ndichibuda coz ndaisadaa kuva center of attraction. Neiwo mazi uniform angu akasakara aive asingadi izvozvo. Ndakabuda panze ndichishaya kuti ndonangepi kwandaisazoonekwa kusvika lesson rasir vaya rapera. Unfortunately ndakangoti ndichibuda padoor ndiye dhuma dhuma nadeputy head aaah ndakarohwa nehana zvekuti ivo vakatozviona vachibva vanditi
"Hec mwanasikana, ndiwo mapfekeroi awakaita aya. Enda unoona Mr Zhou vakupe zvekuita"
Yeah ndakademba nechandaive ndakazvarigwa ini vehama, muraramiroi uyoyu wekuti kumba unoshungurudzwa kuno kuchikoro unoshungurudzwa. Ndoshaiwa kuti mai nababa vangu vaive vakanyatsondizvarirei chaizvo. Inga wani macondoms nema contraceptive pills akazara, kana vaisandida vakangoregerei kundivirira havo.
Ndakazofamba zvishoma nazvhishoma ndichienda ku office kwaMr Zhou vacho apa I wasn't sure kuti vaiveko here. Vamwe vandaive ndadzingwa navo vaive kumashure and ndofunga vaive vanzi vauyewo kwandaiva ndanzi ndiende. Ndakabva ndatomira coz ndaisada kusvika ndoga kwa sir vacho. Kubva zvandaive ndaenda kumaMP ndaiva ndongokura zvisina order saka ndaisatomboda kuenda pane mateacher echirume ndiri ndoga coz ndaisazoziva zvavanenge vachindidungira.
Ndaiva ndotoita like ndiri munhu mukuru zve nekuda kwebody yangu yaiva yava kukura apa ndigotiwo Mwari wacho aive akandipa body yacho achida chaiko. Chero face yaiva yakanakawo ndiri mutsvuku zviri pakati nepakati but zvaisaonekwa nekuda kutsvina, ko hanty ndaingogeza nemvura yega here. Apa ndoshaya ndaisimba nei ini ndaingodya ka1 pazuva and kutodya kwacho kwaisatova kudya kunoshamisira futi.
Ugoona ndiri form 2 ndaingova ka slender ndichitosemesa kutarisa but now oh Lord have mercy upon me ndikwanise ku surviver in this cruel world with merciless people. Ndaitoti pandinofamba varume vatarise kwandiri apa ndaizama kuda kuzvininipisa but zvaisashanda hama dzangu, dai ndaive ne caring parents ndisina zvandinotya but just because I don't have someone to stand with me zvichaita ndiitwe yese yese nevanhu. Nezviri mbuya vangu zviya chero ndikaitwa something bad ndikavaudza vangazvibvuma? Aaah hameno Mwari ndimi munoziva!
Vamwe vakasvika pandaive kwave kutotanga kundiwanzira ndichisekwa uniform yangu nevanhuwo vaive vasina zvakakwana aah. Ndosaka ndaisava nefriend coz vanhu vemuclass medu vanotsvinya zvinobhowa imi, unoita like hausi munhu mumaziso avo. Ndakazongofambira kumashure tikasvika kuoffice kwavo ndokuwana vasiko vakanzi vaive vaenda kumaform 1 coz ndiwo avaidzidzisa hameno vaiitisa subject ripi, ndaisaziva ini plus ndaisatozvitsvaka zvangu.
Takaenda kuya tikawana variko zveshuwa tichibva tatura nyaya yedu, tikanzu tiite 2~2 tinosuka matoilets. Vamwe vakasharana sare ini ndega ndisina umwe and ndaive ndatozviudza kuti ndonosuka ndoga but sir vacho vakabva vanditi
"Hey, unoenda kupi. Dzoka pano unonzi ani"
"Ndonzi Londiwe Zama"
"Oh okay ndoda kukutuma iwe saka usaenda kuma toilets handitika"
"Okay sir"
"Mira ipapo ndipedzise kupa vana vangu basa ava"
Ndakamira paya hana yangu uchirova chaiko, ndichizvibvunza kuti ndaida kutumwepi chaizvo. Apa ndanga ndisingatodi kuva naSir vacho tiri 2, zvandanga ndisiri kuda ndizvo zvazoitika aah veduwe ka. Takasvika kuoffice kwavo ini ndokumira nechekumukova ivo vakabva vagara pamusoro petable yavo ndokunditarisa imi zvekuti ndaive ndotofunga kubuda ndiende zvangu ndipo pavakazoti
"Ndakanguva ndakutarisa kubva uchitanga form 1 pano ndikanyatsoona kuti uri wife material chaiyo"
Ndakatadza kunzwisisa zvavaireva ini, zvekuti ndakapusa nguva shoma iyoyo ndichibva ndangobata door kuti ndibude coz word randaive ndangonzwa ipapo ndi wife zvimwe zvese hazvina kubatika. Ndakangozviudza munjere dzangu kuti vanenge vanoda kundiita mukadzi chete. Ndava kuda kutovhura door vakabva vanditi
"Where do you think you are going, ikoko kuda kunyepedzera kudzungaira ndiko kwandisiri kuda vakanguva maitwa vakadzi nemafudza mombe moda kuzoita ma saints pamberi pedu aaah"
"Sir zvamuri kutaura izvozvo handizvizivi ini ndanzi ndiuye kuno muzondipa zvekuita chete not zvamave kutaura izvo"
Ndakatoona kuti ndikada kupusa nhema ndoitiswa ndichibva ndangozvivindisa ndokuvaudza ivo vakaratidza kutsamwa vachibva vanditi
"Enda unosuka makomba 5 ematoilets izvezvi"
Handina kuda kuti vataure zvimwe ndakabva ndatomhanya ndichienda ndikanosuka ndikazodzokera kuclass uko kwandakasvika ndichirohwa naMadam vemaths coz ndaive ndanonoka kupinda mulesson ravo. Ndaive ndongoti dai chikoro chapera ndaenda kumba hama dzangu zvepo zvanga zvandiremera. Nguva dzekuenda kumba padzakakwana ndakaona sir Zhou vauya muclass medu vachibva vanditi vanoda kundipa punishment, ndakavatarisa in disbelief moziva kuti ndaive ndaita sei ndonzi ndoda kupiwa punishment.
Vakabva vatonditi ndinosuka matoilets aive asara apa ndifunge kuti ndaizomapedza nguvai ndoenda kumba nguvai. Kumba ndaive ndakapiwa nguva yekusvika, ndakaita sendicharidza mhere guys coz paive pakaipa. Ndakangoona kuti kushopera kwaisabuda ndikamhanya kunosuka matoilets aya ndichibva ndazomhanya kuenda kumba but it was too late.
Ndakatowana gogo vakaita kumira negumbo rimwe kugate chaiko vakabata shamhu, dai zvimwe vaibvuma kuti nditsanangure zvaive nani manje vaisatambira zvichemo. Ndakangorohwa wani ndakanyarara apa ndaitoudzwa kuti mai vangu vakuuya zvese nemurume wavo. Ndaitonzi ndiite semunhu akakwana senge ndaimboida kubatikira kwacho kana vauya aaah.
Ndakaita basa rangu rese ndikabika and ndakabika chakawanda coz vainzi vanouya husiku ihwohwo ndoshaya vainyanyodei ini. Ndakangoita sekuudzwa kwandakaitwa ndikatopakura chavo ndikasiya mupoto ndokudya hangu ndikasuka maplates ndichida kuti mangwana zvizondirerukira. Ndakabva ndatoenda kunorara coz ndaisada kuwanikwa ndiripo pavamwe hangu.
Makuseni ndakakasira kumuka ndikaita basa rangu ndokugeza ndikabuda kuenda kuchikoro hangu vamwe vasati vamuka. Ndakanogara kwandaisaonekwa nevanhu vazhinji and day iri handina zvandakaitwa ndakadzidza zvakanaka. Tatobuda ndipo pandakatevegwa nevamwe vana sir vachiti vanoda kutaura neni ini eeeh Jehovah ndibatsirei ndakamhanya veduwe, ndikasvika kumba ndikawana mama nemurume wavo vachiko apa ini ndaiti ndichawana vaenda. Ndakangovamhoresa ndokusumuka ndichienda mumba, murume wavo ndipo paakanditi...
Stay tuned
End of chapter 2
❤️
🙏
👍
😂
😢
😮
21