LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±

1.2K subscribers

About LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±

Whenever you don’t understand what’s happening in your life, just close your eyes, take a deep breath, and say… "GOD, I know it is your plan. Just help me through it."✨️✨️✨️✨️✨️

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±
5/26/2025, 7:57:29 AM

*Best Relationship? It’s when you can joke around, have unexpected hugs, random kisses & give each other that specific stare and just smile.*

❀️ 1
LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±
5/26/2025, 7:57:21 AM

*God is the best listener, and you don’t need to shout, nor cry out loud. B’coz he hears even the very silent prayer of a sincere heart.*

❀️ 3
LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±
6/18/2025, 7:27:14 PM

Ukaenda nebadza rako mumunda kunochera ivhu rekugadzira hari (clay pot ) kana kunochera Mbeva or Makurwe hapana mupurisa anombokunetsa Asi nebadza iroro enda pane GOLD or DAIMOND unorichera unomhanyiswa nemapurisa ukaita munyama kutopika jeri chaiko Asika kuchera Mbeva or Gold kuchera chete but CHACHERWA chacho ndicho chinokonzeresa. Muhupenyu hwako ukaona ukaita chinhu usinga facer machallenges ziva kuti zvauri kuita hazvina musoro kana value. Muground rebhora ane bhora ndiye anomakwa , hakuna sub rinomakwa riri pabench Muti une Mango ndiwo unokandwa matombo. Muhupenyu ukaona vanhu vakuita godo nekutaura taura chibva watoziva kuti wabata satan panorwadza !!! Vamwe vanogodoka nemarriage yako,mari yako ,success yemu family menyu vanofara vachikuona uchichera mbeva ende vanoita kutokunongedzera pane tumwena twembeva twese asi kana ra GOLD vorwadziwa zvavo . Nhasi ndauya kuzokuudza kuti hakuna life svinu svinu isina matambudziko inongova mutserendende chete. Kana uchida mari itaka stress yemari kuti mari ndoiwanepi, unogoda life isina stress sei iwe uchiida. Chiri kuita kuti uite stress ye murume kana mukadzi wako inhau yekuti unomuda dai usinga mude usina that stress. Ukaona parikukuitisa stress ipapo ndipo pane goridhe hapana mbeva. Say ''Mwari andikusiyei kusvika mandiropafadza''' Rarama uchiziva kuti mitoro yedu yese tinoiisa kuna Mwari. Kunamata hazvireve kuti hauchapindi mumatambu dziko asi zvinoreva kuti simba rekukunda matambudziko wava naro. Saka shinga mutendi shinga kana matambudziko auya kwete kutuka Mwari nekuti zvaoma.

LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±
5/27/2025, 8:47:27 PM

🚨🚨🚨🚨🚨🚨🚨🚨 I know someone in my Village akavaka imba akaisa Solar System nekutoendesa vana kuchikoro achifamba nengoro yemaBanana. Big business harisi rekutengesa zvinhu zvihombe,big business nderinoitwa nemunhu muhombe.Kunevanotengesa dzimba varikutadza kuvaka dzavo vanotengesa pamusika vachitovaka. MaBusiness mazhinji anoda mari shoma kutanga haanyanyonetsa kutanga patsva kana wanyura.There is no Company in the land which has more revenue than Delta inotengesa zvinhu zvema Coin nedhora. If you really want to start something big with less just focus on products which are consumed more buy the poor.Hakuna dziva risinganyudze kana ukaenda pakadzika usingagone kutuhwina.Business rinotora zera nemhumhu dzepfungwa dzearikuriita. Usazvinetse nekuchinja product chinja pfungwa.Unogona kutanga nezvikuru ukanyura pakuru!

❀️ 5
LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±
5/22/2025, 7:38:45 PM

*No man succeeds without a good woman behind him. Wife or mother, if it is both, he is twice blessed indeed.*

❀️ πŸ˜‚ πŸ™ 4
LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±
5/26/2025, 7:57:09 AM

*I love my parents no matter what we go through, no matter how much we argue, b’coz I know, at the end, they’ll always be there.*

LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±
5/22/2025, 7:38:37 PM

*Dear God, I wanna take a minute, not to ask for anything from you. But simply to say THANK YOU for all that you gave me.*

❀️ 3
LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±
2/18/2025, 6:04:50 AM

FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA πŸ’šπŸ’šπŸ’š https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH FOLLOW ME ON FACEBOOK πŸ‘‡πŸ‘‡ https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/ *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭* *WRITTEN BY TRICIA πŸ’š πŸ’šπŸ’š* BOOK 10 PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE CONTACTS: 0780677763/ 071143699 CHAPTER 7 Sir vaiva votoda chaiko and ne expression yaive pachiso chavo yaingokuudza wega kuti zvaive zvavashatira. Ini ndaive ndisina chandainzwa hangu, coz pandakangofunga zvavaive vandiita the other day riya ndakabva ndato looser focus. Pavaiva voda kutotangidza madhiri takanzwa ruzha rwevanhu vaisvoverera and tese takavhunduka pandakacheuka wanike vanhu vaive vakatowanda kusanganisira umwe musikana ainzi Cassandra wataidzidza naye. Ndakaona ndaparara ipapo, coz nedzungu raive nemusikana iyeye ndainozadzwa chikoro chese vakomana. Ndaizofambirepi nhaimi aah zvakaita like upenyu hwangu hwaive hwatoguma. Iye Cassandra akabva atoswedera pedo apa taive tangomira nasir tichishaya chero zvekuita. Akabva ati "Ummm iwewe Londiwe unosemesa veduwe, neiwo mazitsvina aunawo iwayo woita futi chihure ummm. Chihure handi chodawo uchionekera here. Instead of concentrating on things which will change your tsveee wave kuita zvekuvatiwa neziteacher iri risina moyo. Usati ndiwe wega zve watanga kuvatiwa naro ipapa ummm shame" Mashoko ake akapinda mumoyo pamwe nemunjere and aitaura chokwadi hake, ndaive ndaita kubhaiza chaiko. Ndakademba kuti dai ndisina kubvira ndaita izvi but yanga yave too late. Vamwe vanhu vaive na Cassandra vakatanga kutaura zvavaida paya vachiti nemonday vaizonosvika vachiudza vanhu kuchikoro. Ini ndakaona kuti kuramba ndiri paya nemashoko aitaurwa zvaisaita ndichibva ndangoti sveverere ndiye speed ndakananga kumba. Hana haina kubvira yagadzikana hama wee, coz ndaiziva kuti zvaitozosvika kuna mbuya chete nevemakuhwa. Sezvineiwo weekend yakapera ndisina kumbobvunzwa maybe vaiva vasina chavanzwa havo. Ndakaenda kuchikoro zvekushinga hangu and ndakati ndichinosvika ndichibva ndatotanga kunzwa nyaya iya, haaa pakazorira bhero rekuti tiende pa assembly zvaiva zvatove worse. Apa ndakabva ndatonzwa kuti sir vakatiza hembe dzavo dzakatozouya dzosengwa ivo vatoenda nakare. Ndipo pandakaona kuti ndaivharwa chete ini, munhu aitaura zvekundiroora now zvadai ave kutiza achindisiya ndoga aaah ndozvinonzi usafa wakavimba munhu chokwadi. Ndakazenge ndave topic pachikoro kubva pa assembly ipapo, headmaster vakatotsiura vamwe vachishandisa ini as an example gaya. Ndichibva ipapo ndakange ndongodeedzwa nemateacher vachibvunza nyaya yacho. Day iri ndakapfidza matadzo ese hama dzangu, muclass maiva musisagariki vamwe vachingoti padiki padiki votangidza ndosekwa paya. Chainyanya kutaurwa hutsvina hwangu pamusoro pazvo ndoita chihure aaah veduwe zvanga zvakaoma. Pakuenda kumba ndakangoendawo zvekuti ndaisava nekwekuenda hangu but ndaiziva kuti chakachaya ikoko, musi wacho vana Mwasi vakakasika kusvika kumba ndokunoudza gogo, iii guys ndakarohwa ndichinzi "Rega mai vako vasingakudi shuwa, imagine vakugara newe wotora murume wavo aaah." Vaingodaro havo but dai pamwe vachindida mai vangu ndisina kumbowira mutsaona iyi. Ndakarara nenzara musi iwoyo, makuseni ndakangomuka ndikaona kuti acha yaiva yakaiswa rice yakakanganwiwa mukitchen ndichibva ndangobika ne extra ndikadyawo at least ndaizonosekwawo ndine energy. Kuenda kuchikoro dzaingova nharo coz mashoko andaiudzwa nevamwe plus kumba vaitaura zvavanoda futi aaah aive ma1. Ndaidzungaira ndoga kudai pachikoro, munhu 1 akangoratidza kuti haana kuita basa nazvo ndiheadboy, aiuya kuzotaura neni but ndaive ndisingatodi coz ndaiziva kuti chinangwa chake i1 muupenyu hwangu. Ndaingomusiya akadaro vanhu vachitombomuseka but aisava nebasa nazvo everyday pabreak nepalunch aitouya muclass medu kuzotaura neni. Mazuva aive achitofamba zvakadaro and ndaive ndatongojaira kuti kusekwa ndekwezuva nezuva apa zvinhu zvacho zvaisa fader wena. Uyuwo headboy ndiye aindisimbisa but ndaisamusekerera zvangu and ndakabva ndazoziva zita rake kuti ainzi Tamuka. I think aive otoona kunge ndiri shamwari yake chete. Takazosvika pakuvhara zvikoro for second term zvinhu zvakaminama kudaro. Ndaitoziva kuti nhamo iya yaive yatanga kunoswera kumba kwandinenge ndichiitwa yese yese zvaive zvakangooma hazvo. Gloria akauya kumba nemwana wake mukomana, I think aive kuzvigrade 7 ikoko coz anga ati kure and ndakazonzwa kuti ndiye ega aive mwana wake ndikatoshaya kuti why aive asingadi kuzvara vamwe. Inini ndaisava nebasa naye and iye akamboda kutaura pamusoro penyaya yangu achiti hee hanzviitwi nemunhu akabva mudumbu mangu kudii wee. Ndakazongomurangaridza kuti handina kubva mudumbu make hanty yake mimba yaive yakabva here. Vakazongondirova vachibatsirana namai vake but chokwadi vaive vachinzwa havo. Rimwe day ndakazongoti ndakagara kuseri kweimba ndokunzwa vachitaurira iye Gloria namai vacho. Ndakanzwa gogo vachiti "Saka iwe unombofambawo here uchinzwa kuti chii, unoti tinosvikepi tichiramba nhaiwe at least dai waita nhumbu taiziva pekutangira" "Aaah mama zvinhu zvacho zvakangooma izvo aaah..." Handina kuzonzwa kwaienda nenyaya yacho coz uyu mwana waGloria akabva auya kwandaive ndiri achiti mainini makagairirei ipapo kudii wee. Apa ndoona kuti aindifarira but aishaiwa mukana wekutaura neni coz aingoti kungoti chakati kwandiri otopiwa zvekuita or ini ndaibva ndatotumwa. Ipapo akauya akagara pandaive achitaura neni achindibvunza kuti why ndaifarira kugara ndega plus ndakanyarara. Ndakangomuudza kuti ndizvo zvandaiva asatya hake. Ndakagara paya naye aive otondivaraidza hake coz waitaurisa ndipo pandakazongonzwa ndotukwa namai vacho hanzi ukuudza mwana wangu kuti kudii. Hee uro toxic iwe handikudi padhuze nemwana wangu. Iye mwana wacho akabva ati "Mama why are you always shouting at mainini, anotori munin'ina wenyu zveshuwa here or mainyepera dady. Ini ndini ndauya kuzotaura navo why musiri kutuka ini muchituka ivo vatadzei. That's why Mwari vachiita kuti musandibarira munin'ina imi nxaaa" Stay tuned End of chapter 7

❀️ πŸ‘ πŸ™ πŸ˜‚ 😒 36
LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±
2/20/2025, 4:01:10 PM

Ndomalikes acho here aya🀐🀐🀐🀐

πŸ˜‚ ❀️ 😒 4
LATEST GOSSIP πŸ‡ΏπŸ‡ΌπŸ˜±
2/18/2025, 9:55:52 AM

Vana Giroria murimo here muno? Kana murimo muchinje hunhu hwenyu, kune vamwe vari kunze uko vari kudemba vana ava, varikungoti chero mukandipa chirema henyu, Mwari ndogamuchira!!! Very sad πŸ’”

😒 ❀️ πŸ™ πŸ˜‚ 12
Link copied to clipboard!