TRICIA NOVELS 💚💚💚
1.7K subscribers
About TRICIA NOVELS 💚💚💚
REACT TO EVERY POST PLEASE
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
Vana Giroria murimo here muno? Kana murimo muchinje hunhu hwenyu, kune vamwe vari kunze uko vari kudemba vana ava, varikungoti chero mukandipa chirema henyu, Mwari ndogamuchira!!! Very sad 💔
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚 https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇 https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/ *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭* *WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚* BOOK 10 PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE CONTACTS: 0780677763/ 071143699 CHAPTER 9 LONDIWE Vakazongoramba votaura nyaya yacho ini chingova zii zvangu. And nematauriro avaiita airatidza kuti nyaya iyi haina kutanga kutaurika nhasi aiwa bodo. Yaiita like yakataurwa ndiri form 2 but ava vanagogo vanenge vairamba kuda vachifunga kuti mwanasikana wavo angabara. Murume waGloria akazoti "Apa isu tiri kungotaura hedu but mainini havana chavambotaura wani, ko kana vasingadi" Gloria..."Asingadi kudii kwacho, anototi arorwe zvake kuda kusara achinetsa mama pano. Plus it's not like akunogara ka sterek ikoko chake kungozvara oona plan neupenyu hwake" Yeah, mai vangu vaive nemoyo wedombo ndabvuma hangu. Mashoko akaita sei iwayoo anobuda mumukanwa mavo kana vane moyo wetsitsi. Ipapo ndakawedzera kuzvisimbisa kuti ndaisaenda zvangu coz vaigona kunondiuraya chete. Ummm moyo wangu waive nechidokwa dokwa chekuda kuziva chaive chambonyatsoitika kuti mai vangu vandivenge kudai. Maybe handisi mwana wavo hangu zve, coz chero vachiti vakandivenga but zvekuzobvuma kuti ndizvarire murume wavo zvingaitwa nemunhu akakwana here izvozvo. Nyaya yakazonyaragwa vana Naliwe vadzoka, maybe vaisafanira kuzvinzwa havo. Ndaigaya kuti saka ndaizodii kuti ndisaenda coz it was obvious kuti kana ndaizoramba gogo vaisazogara neni saka ndaifanira kuwana kwekutiza ndichienda. Ndakambofunga kuenda kwana Tamuka kunomuudza kuti basa ndairida but ndakazongofunga zvandakaitwa nasir vaya ndichibva ndatozviudza kuti kana ndaizofira musango ndichitetereka zvaive nani, pane kuzonovatirwa kutsvakirwa basa ikoko. Sadza rakabikwa rikadyiwa, ini ndichingofunga kuti ndodii chaizvo. Pakuenda kunorara ndini ndakatanga kuenda coz ndaida kunorongedza hembe shoma. Ndaisada kuti vana Naliwe vandione coz tairara muimba imwe chete but ndairara zvangu pasi ivo pabed. Ndaiva ndagaya kumukira bhazi inter-africa raibva Musumhe richienda Harare. Ini ndaisada kuenda Harare ndaida kuenda kuZvishavane hameno ndainoita sei ikoko ndainoona ndaveko. Ndaiziva kuti nguva dzarinodarika kuma3 am hapana anenge akamuka vanozongofuma vonditsvaka ndaenda. Mari ndaive nayo $30, 20 yandaive ndakapiwa nemurume waGloria then ne10 iya yekwa sir. Yaindikwanira then inenge yasara ndozoona kuti ndoiita sei nayo. Ndaive ndotoda zvekuenda chaizvo zvaive nani kunofira musango than kuurawa nevaroyi ava. Ndakatozoona kuti nechifoni chandakapiwa nasir ndaive ndichiri nacho ndikangoti ndozonoona zvekuita nacho. Husiku uhu handina kurara shame coz ndaitya kuti bhazi rondisiya zve. Ndaifanira kuenda kustation na2 kuti risazondisiya. Nguva ndaiona pachifoni chiya ndaingo maker sure kuti hapana akundiona ndichibaya chete. Nguva padzakakwana ndakamuka ndokutora satchel randaive ndaisa hembe ndokubuda ndichinyahwaira vamwe vaive vakafa nehope saka ndakabuda boo, and pamba pedu paisava nembwa saka ndaive safe, ko yaizogona kundihukura zve ndikanzwika. Ndakafamba ndokubuda gate ndichibva ndazochinja hembe ndichipfekawo rimwe dress raivonekerawo. Ko ndaimbove nadzo here hembe dzacho, ndaitoitawo dzekupiwa naMwasi or naNaliwe vaona dzakakurisa kwavari. Ini ndaitozokwana coz ndaive nebody hombe zve, ndakapedza kupfeka ndino uyo tande neroad. Guys kwaive nezirima raityisa but ndakashinga ndikafamba. Ndaingova ndakabatira hana mumaoko ndichingoti ko pakawana chaizondibata husiku ihwohwo nhaimi. Paive nekamufambo panhu pacho but semunhu aive ajaira kufamba handina kurwadziwa napo. Ndakazosvika and ndichingomira mbichana bhazi richitosvika imi woye, zvandaive ndichasiiwa zvangu. Pa station pacho paive nevanhu vakati wande ndichibva ndavhara kumeso coz ndaisada kuonekwa nevanhu vekuziva zve. Apa bhazi racho raive rakatozara zvaro aaah imi ka, takazongokwanidzirana imomo tichibva taita zvokumira. This was my first time kukwira bhazi, ndaiva ndisina kumbokwira bhazi ndaingoita zvekuperekedza vamwe chete ini ndosarira pastation. Apa ndaive futi ndisina kumboenda kutown saka aive ma1 but ndaida kuzonoshinga so that ndisaonekwa kuti handizivi town. Conductor akazotanga kubhadharisa vanhu ndinzwe bhazi $4 kusvika Zvishavani ndikati Mwari makanaka henyu ko hanty ndaitoti ndichinzi chero 20 zve. Ndakabhadhara ndokupiwa change hangu, ndaifunga kuti padhuze zve ndione iii zvakwatochena tiri munzira apa ndifunge kuti ndaisada kuonekwa nevanhu. Ndakazvivhara kumeso nekadhuku kandaive nako. Bhazi rakafamba chaiko tichibva tazosvika muZvish kumapast 6 ndokuburuka hangu. Ndaisatoziva kuti ndoita zvekudii chaizvo and kuti ndaive ndaburukirepi ndaisaziva. Ndakazongonzwawo nevamwe kuti taive taburukira murank yekuMandava. Ndakazongotevera vamwe vairatidza kuti vakuenda kutown sezvo rank yacho yaive kunze kwetown. Shungu dzangu dzaive dzekunoona town chete. Ndaitofambawo kunge munhu aiziva kwaaienda aaah veduwe ka nhamo yakangoipa chokwadi. Ndakazosvika paicrossewa road aaah imi ndakayambuka zvekushinga ko ndaimboziva kucrosser pane mota dzakawanda kudero. Ndakazosvika pamwe painzi pamadhaira ndichibva ndagara paive nevamwewo. Ndaive ndomboda kunetswa nemawindi but ndakazonunurwa nevamwe mai vakati 'siyai mwana' vanenge vaitozivanawo nemawindi acho. Ndakagara paya kusvika masikati ndisingatozivi kuti ndodii chaizvo, apa ndaiva ndonzwa nzara chaiyo. Ndakazotora dollar pachange yandaive ndadzorerwa mubhazi ndokutenga drink nemabuns. Ndakadya zvenzara ndichibva ndapedza hangu. Vanhu vaive vonyanya kunditarisa ndichibva ndasimuka ndokutanga kungomberereka nekwandaienda ndaisakuziva. Ndakazonowana pamwe pekugara ndichibva ndagara hangu, kusvika zuva rangodokawo vamwe vaive voenda kudzimba dzavo vaitengesa vachirongedzawo zvinhu zvavo. Pavari vese hapana akamboda kundibvunzawo kuti sei ndaive ndakangogara iko kwaive kwavira. Kwakachizonyatsosviba manje and vanhu vaive voita sevoshomeka, ndakazongobva paye ndokunoti kwati nemadziro eimwe shop ndokugara ndakadaro. Vanhu vakachizopera zvino apa chando zvachaive chondiita remember maive muna August ka chando chaive chisina kunyatsopera. Ndakazotora dzimwe hembe ndokufuga oave ndave kutobatwa nehope ndipo pandakazoona ndakombewa nevakomana 3 and nguva iyoyo vakabva vangondisimudza ndokutanga kufamba neni ndakambofunga kuridza mhere but vakakasika kuona umwe wacho ndokundiisa banga pahuro. Vaitonondiita zvavanoda havo after all *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS* 😭😭😭😭... Stay tuned End of chapter 9
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚 https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇 https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/ *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭* *WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚* BOOK 10 PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE CONTACTS: 0780677763/ 071143699 CHAPTER 10 LONDIWE Ndainamata nechemumoyo ndichidaidza Mwari wandaive ndisina kumbobvira ndasheedza muupenyu hwangu. Munoziva kare kwese ndaisanamata hangu ka but day iri ndakanamata shame. Ndaingonamatira minana nezvishamiso kuti vanhu ava zvavaindifungira zvisabudirira but ndofunga Mwari vakatadza kunzwa ini maybe because ndaisavanamata hangu. Ndakaendwa neni paive pakaita pasango ndichibva ndabviswa dress randaive ndakapfeka apa vaibvisa zvechirough chaizvo. Vakandichinjana guys vese vari 3 kana kusema kuti vaipinda panhu 1. Apa ndaive muvhu chaimo zvekuti ndainyatsonzwa kuti ndasvuuka musana pano vanhu vacho vaitoita zvehutsinye chaizvo zvekuti ndakangozviudza kuti chibereko paiva pasisina chaive chadambukanya chete. Ndakambotanga ndichanzwa kurwadza pedzisire handichina chandichanzwa, vakangoita zvavaiita kusvika vangonetawo neni ndokubva vaenda. Ndofunga ndakangosarawo ndikafenda ipapo coz ndakazopatika ndichiitwa zvekurohwa rohwa so. Pandakavhura masiso ndakaona kuti kwaive kotochena and ndakabva ndaona kuti ndairohwa rohwa neumwe mukadzi. Paakaona ndavhura maziso akabva ati "Pheew thank God uri mupenyu pandasvika pano ndafunga kuti zvimwe wakasofa kare ka ini. Apa uri kuratidza kuti wakakuvarisisa chaiko. Hold on ndimbotsvaka taxi apa ndikuendese pamedical center iri padhuze apo" Handina kuwana simba rekupindura mukadzi uya ini apa ndaitova neconfusion kushaya kuti aive abvepi anoda kundibatsira aaah dai akandirega ndafa zvangu ko ndanga ndine basa rei. Ndichava munhu akaita sei nhaimi ava kutoziva varume hobho at 15, apa chero uyoyu mukadzi akandibatsira zvozodii mberi kwacho. Ndakabva ndangoti achidzoka ndoda kumuudza kuti arege hake ndife coz zvaisabatsira izvi. Ndakaita nguva ndakarara paya coz ndaisakwanisa kusimudza chero ruoko muviri wangu wese wairwadza imi apa uchirema kuita sendakatakudzwa zidombo. Ndaiti pamwe achakasika kudzoka zve mukadzi uya manje iii kuita nguva asati auya, ndaive ndotofunga kuti pamwe akundikanawo hake. Ndaiva ndoshuvira kuti dai ndaigona kumuka ndangozvipedzisa hangu. Ndakatozoti ndiri mundangariro ndipo pandakanzwa mota kudhuma, then vanhu vachifamba vachiuya kwandiri. Iye mukadzi uya akabva asvikoti "Sorry munin'ina wangu ndazononoka iii taxi yacho yanga ichitonetsa kuwana iyi but zvazoita. Iwe Gidza uya undibatsire kusimudza munhu uyu tiise mumota" "Aaah amana ndingabata munhu asina kupfeka here uyu unoda ndiite sei" "Haaa iwe Gidza usadza kuita seunopenga, iye mwana mudiki uyu ndiye waunoda kuita semunhu mukuru here plus zvine basa rei ari kurwara zve uyu" Vakanetsana kusvika vazondibatirana ndokundiisa mumota then mukadzi uya akadzokera ndokunotora satchel yangu ndokudzoka akapinda mumota. Yakamutswa mota tichibva taenda kwandaisaziva and ndakazoona tasvika paive pakanzi Lordsland medical center. Manurse acho aivepo akauya nekukasika ndichibva ndatogwa ndokupindwa neni mukati. Vakatanga kubvunza zvavaida kuziva mukadzi uya achipindura ini ndaingove zii coz ndaisatoziva kuti voice ndaive ndichiri naro here or raive ratopera zvaro. Ndakazotanga kurapwa vanhu vacho vairapa vaive nerudo zvavo vainyatsondicleaner zvakanaka. Musana waive wakuvara saka vaitondicleaner nekundiisa mushonga. Ndakazomborara chaiko after ndapedzwa neni ndikazomuka mukadzi uya akagara paside pangu. Paakaona ndamuka akabva ati "Oh wamuka, ndauya nechikafu ichi idya uwane kumwa mapiritsi shaaa. Tanga nemaheu aya then wozodya sadza" Ndakazama kumuka zvikaramba achibva atotanga kundimwisa maheu aya ndakarara kudaro. Apa pahuro pangu paive pakaita kuomerwa chaiko but ndakazvimanikidza semunhu aibatsirwa ne a total stranger. Zvaisada kuti ndiyeme ipapo bodo, ndakamwa kusvika muhalf mechigubu achibva azotanga kundidyisa sadza ndichingodyawo semunhu aisava ne option but ndaisarinzwa. After that ndakazomwa mapiritsi acho apa aive akawanda sei, aindiudza hake kuti aya ndechii aya ndechii but njere dzangu dzaitova disturbed ndaisamboterera zvangu. Pandakapedza kumwa akabva anditi "At least uri kubvuma mapiritsi unokasika kupora manje. Ini ndonzi Mecky, unogona kungonditi sis Mecky hako no problem. Iwe unonzi ani handina kuzombobvunza ka zita rako" "Ndinonzi Londiwe" "You have a nice name shame, iko newewo you are beautiful hako. Chimborara mapiritsi anyatsoshanda kana wazo recover tozoona zvinotevera" Ndakangogutsurira musoro ndichibva ndatovata hangu and hope hadzina kunonoka kundibata wena. Ndakaita vhiki ndiri muchipatara muya sis Mecky vachiuya everyday kuzondiona vachindivigira chikafu. Ndaizongotya kubvunza kuti vanombogarepi uye vachiita nezvei chaiko. Apa muchipatara mandaive vairatidza kuti munodhura saka ndaitozvibvunza kuti vaizoibhadhara nei mari yacho nhaimi. Ndaingozvinetsa hangu ndiri ndoda wekubvunza ndaisava naye, pakupera kwevhiki iyoyo ndaive ndogona kusimuka ndega pamwe nekufamba ndichitoenda kutoilet ndega. Ndaive ndapona veduwe, chibereko chainzi hachina kukuvara zvakanyanya saka vakakwanisa kundirapa chaive chave bhoo. Kumusana kwaive kopora zvekuti I was ready to be discharged hangu. Rimwe day ndaiva hangu ndakarara ndakavhara maziso but ndisina kubatwa nehope ndichitofunga kuti zvandaive ndapora ndaizodii. Sis Mecky vakabva vapinda vane munhu wavaitaura naye handina kuvhura maziso saka ndakangonzwa voice ravo chete vachiti "Iwe ini mari yangu haichakwani, ndiwedzerewo mari ndipedzise bill iri unoda ndiite seiko nhaiwe" "Aaah iwe waimuunza kuno kunodhura sei iwe uchiziva hauna mari yacho. Ona plan shaa usada kundinetsa" "Jay usadaro wangu saka waida mwana wamai vangu awore here, akarepewa ka uyu usaita kunge usina kuona kuti anga akakuvara sei mhani iwe" "Iye airepewa aripi haiwawo handina mari yacho ini" "Hoo okay okay so iwewe chaunongoda pandiri i səx ka, kana ndikakumbira mari haudi dai mari yacho yakawanda better $30 here nhaiwe. It's okay kana usina rega zvako ndichaona plan" "Aaah shaa zvave zveku threatena na here wangu, kana ndisina handina" "Ndati It's okay wani wave kuramba ychitaurei nxaaa" Ndakazonzwa kufamba anenge aive oenda munhu wacho then ndikazonzwa ivo sis Mecky vogara pabed. Ndakakasika kuvhura maziso ndarangarira kuti ndaive nemari $25 yandaive ndisina kuzoshandisa iya pandakabva kumusha so ndaida kutore vawedzere then pozongoshota $5 chete zvaive nani. Ndakabva ndangomuka ndichiti "Sis Mecky maswera sei, ko satchel yangu irikupi" "Kkk hezvo nhaiwe Londie wangomuka uchibvunza satchel kwakanaka hère kasi wave kuda kuenda here" "Aiwa ndoda mutore mari muchihomwe chemukati kana ichirimo isina kutogwa nevanhu vaya muwedzere pane iri kushota" "Kasi wanga usina kurara nhaiwe" "Ehe tarisai muone kana ichirimo" "Aaah ndanga ndichizongotsvaka don't worry" "No torai please " Vakazosimuka ndokutora satchel vakatarisa vakawana irimo, pamwe nechifoni changu chiya. Ndakatofara coz vaitozochitengesa vawedzere futi... Stay tuned End of chapter 10
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚 https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇 https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/ *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭* *WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚* BOOK 10 PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE CONTACTS: 0780677763/ 071143699 CHAPTER 7 Sir vaiva votoda chaiko and ne expression yaive pachiso chavo yaingokuudza wega kuti zvaive zvavashatira. Ini ndaive ndisina chandainzwa hangu, coz pandakangofunga zvavaive vandiita the other day riya ndakabva ndato looser focus. Pavaiva voda kutotangidza madhiri takanzwa ruzha rwevanhu vaisvoverera and tese takavhunduka pandakacheuka wanike vanhu vaive vakatowanda kusanganisira umwe musikana ainzi Cassandra wataidzidza naye. Ndakaona ndaparara ipapo, coz nedzungu raive nemusikana iyeye ndainozadzwa chikoro chese vakomana. Ndaizofambirepi nhaimi aah zvakaita like upenyu hwangu hwaive hwatoguma. Iye Cassandra akabva atoswedera pedo apa taive tangomira nasir tichishaya chero zvekuita. Akabva ati "Ummm iwewe Londiwe unosemesa veduwe, neiwo mazitsvina aunawo iwayo woita futi chihure ummm. Chihure handi chodawo uchionekera here. Instead of concentrating on things which will change your tsveee wave kuita zvekuvatiwa neziteacher iri risina moyo. Usati ndiwe wega zve watanga kuvatiwa naro ipapa ummm shame" Mashoko ake akapinda mumoyo pamwe nemunjere and aitaura chokwadi hake, ndaive ndaita kubhaiza chaiko. Ndakademba kuti dai ndisina kubvira ndaita izvi but yanga yave too late. Vamwe vanhu vaive na Cassandra vakatanga kutaura zvavaida paya vachiti nemonday vaizonosvika vachiudza vanhu kuchikoro. Ini ndakaona kuti kuramba ndiri paya nemashoko aitaurwa zvaisaita ndichibva ndangoti sveverere ndiye speed ndakananga kumba. Hana haina kubvira yagadzikana hama wee, coz ndaiziva kuti zvaitozosvika kuna mbuya chete nevemakuhwa. Sezvineiwo weekend yakapera ndisina kumbobvunzwa maybe vaiva vasina chavanzwa havo. Ndakaenda kuchikoro zvekushinga hangu and ndakati ndichinosvika ndichibva ndatotanga kunzwa nyaya iya, haaa pakazorira bhero rekuti tiende pa assembly zvaiva zvatove worse. Apa ndakabva ndatonzwa kuti sir vakatiza hembe dzavo dzakatozouya dzosengwa ivo vatoenda nakare. Ndipo pandakaona kuti ndaivharwa chete ini, munhu aitaura zvekundiroora now zvadai ave kutiza achindisiya ndoga aaah ndozvinonzi usafa wakavimba munhu chokwadi. Ndakazenge ndave topic pachikoro kubva pa assembly ipapo, headmaster vakatotsiura vamwe vachishandisa ini as an example gaya. Ndichibva ipapo ndakange ndongodeedzwa nemateacher vachibvunza nyaya yacho. Day iri ndakapfidza matadzo ese hama dzangu, muclass maiva musisagariki vamwe vachingoti padiki padiki votangidza ndosekwa paya. Chainyanya kutaurwa hutsvina hwangu pamusoro pazvo ndoita chihure aaah veduwe zvanga zvakaoma. Pakuenda kumba ndakangoendawo zvekuti ndaisava nekwekuenda hangu but ndaiziva kuti chakachaya ikoko, musi wacho vana Mwasi vakakasika kusvika kumba ndokunoudza gogo, iii guys ndakarohwa ndichinzi "Rega mai vako vasingakudi shuwa, imagine vakugara newe wotora murume wavo aaah." Vaingodaro havo but dai pamwe vachindida mai vangu ndisina kumbowira mutsaona iyi. Ndakarara nenzara musi iwoyo, makuseni ndakangomuka ndikaona kuti acha yaiva yakaiswa rice yakakanganwiwa mukitchen ndichibva ndangobika ne extra ndikadyawo at least ndaizonosekwawo ndine energy. Kuenda kuchikoro dzaingova nharo coz mashoko andaiudzwa nevamwe plus kumba vaitaura zvavanoda futi aaah aive ma1. Ndaidzungaira ndoga kudai pachikoro, munhu 1 akangoratidza kuti haana kuita basa nazvo ndiheadboy, aiuya kuzotaura neni but ndaive ndisingatodi coz ndaiziva kuti chinangwa chake i1 muupenyu hwangu. Ndaingomusiya akadaro vanhu vachitombomuseka but aisava nebasa nazvo everyday pabreak nepalunch aitouya muclass medu kuzotaura neni. Mazuva aive achitofamba zvakadaro and ndaive ndatongojaira kuti kusekwa ndekwezuva nezuva apa zvinhu zvacho zvaisa fader wena. Uyuwo headboy ndiye aindisimbisa but ndaisamusekerera zvangu and ndakabva ndazoziva zita rake kuti ainzi Tamuka. I think aive otoona kunge ndiri shamwari yake chete. Takazosvika pakuvhara zvikoro for second term zvinhu zvakaminama kudaro. Ndaitoziva kuti nhamo iya yaive yatanga kunoswera kumba kwandinenge ndichiitwa yese yese zvaive zvakangooma hazvo. Gloria akauya kumba nemwana wake mukomana, I think aive kuzvigrade 7 ikoko coz anga ati kure and ndakazonzwa kuti ndiye ega aive mwana wake ndikatoshaya kuti why aive asingadi kuzvara vamwe. Inini ndaisava nebasa naye and iye akamboda kutaura pamusoro penyaya yangu achiti hee hanzviitwi nemunhu akabva mudumbu mangu kudii wee. Ndakazongomurangaridza kuti handina kubva mudumbu make hanty yake mimba yaive yakabva here. Vakazongondirova vachibatsirana namai vake but chokwadi vaive vachinzwa havo. Rimwe day ndakazongoti ndakagara kuseri kweimba ndokunzwa vachitaurira iye Gloria namai vacho. Ndakanzwa gogo vachiti "Saka iwe unombofambawo here uchinzwa kuti chii, unoti tinosvikepi tichiramba nhaiwe at least dai waita nhumbu taiziva pekutangira" "Aaah mama zvinhu zvacho zvakangooma izvo aaah..." Handina kuzonzwa kwaienda nenyaya yacho coz uyu mwana waGloria akabva auya kwandaive ndiri achiti mainini makagairirei ipapo kudii wee. Apa ndoona kuti aindifarira but aishaiwa mukana wekutaura neni coz aingoti kungoti chakati kwandiri otopiwa zvekuita or ini ndaibva ndatotumwa. Ipapo akauya akagara pandaive achitaura neni achindibvunza kuti why ndaifarira kugara ndega plus ndakanyarara. Ndakangomuudza kuti ndizvo zvandaiva asatya hake. Ndakagara paya naye aive otondivaraidza hake coz waitaurisa ndipo pandakazongonzwa ndotukwa namai vacho hanzi ukuudza mwana wangu kuti kudii. Hee uro toxic iwe handikudi padhuze nemwana wangu. Iye mwana wacho akabva ati "Mama why are you always shouting at mainini, anotori munin'ina wenyu zveshuwa here or mainyepera dady. Ini ndini ndauya kuzotaura navo why musiri kutuka ini muchituka ivo vatadzei. That's why Mwari vachiita kuti musandibarira munin'ina imi nxaaa" Stay tuned End of chapter 7
Muisewo zvemalikes imi, book rikuverengwa nevanhu 8 here iri? Kana uri muno muchannel uchida kuwedzera number usiri kuita zvemanovels please unfollow...ndoda kusara nevanhu vanoverenga pamwe nekuliker... Thank you 😊
Tamuka naLondie vamuri kuti dai vangozosangana! Vanosangana kupi kambe?😂😂😂😂🙌🙌🙌
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚 https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇 https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/ *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭* *WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚* BOOK 10 PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE CONTACTS: 0780677763/ 071143699 CHAPTER 11 TAMUKA Ndava nemazuva ndichifambira kumaraini kwana Londiwe but handisi kumuona guys, aaah ndoita sendichazosvika pamba pavo ini. Ndamusuwa guys mufunge henyu, apa iye asiri kubatika kudai. Rimwe day ndakangomukira ikoko ndisina chero nekugeza kumeso shungu dzangu dzaive dzekuda kuona mwana anga aba moyo wangu. Ndakanogara padhuze nepaden pavo ndichiti zvimwe ndichamuona ave kubuda zvino haana zvekuti nguva dzaive dzotonanavira kuma10. Ndaive ndotoda kuita zvekupinda pamba pavo ndipo pandakazoona umwe musikana achibudapo ndichibva ndaenda kwaari. Iye akangoti achindiona achibva asekerera achinditi "Aaaah ko ndiwe Tamuka hako, our handsome headboy zvrsei. Ko ukutsvakei makuseni ano" "Ndiri kutsvaka mombe hangu, ursei. Ko Londiwe aripo here" Akaratidza kubhoikana and chero mufaro waive pachiso chake wakanyangarika ne2 mins. Ini handina kuita basa nazvo coz chandaida kuziva kuti Londie aivepi. Iye akazoti "Ummm ukutsvaka Londiwe kwakanaka here, unomudii munhu airarwa nasir nhaiwe uchisiya isu hedu vana Naliwe. Anyways Londiwe akatizira kumurume wake" "Akadii, ukurevesa here nhaiwe ndiudzewo ka chokwadi" "Ndikakuudza chokwadi unondipa number dzako ka" "Ehe aaah number yaisi nyaya wangu" "Londiwe akatiza uyo hameno kwaakaenda atove neweek. Akatiza kushungurudziwa zve namama vake nagogo" Ummm ndakamboda kuramba but nekuda kweserious yaaive nayo ndakaziva kuti chaive chokwadi chete. Ko angave aive aenda kupi nhaimi ndaizomuwanepi ndiudzeiwo. Musikana uya akazongoramba otaurisa achitonetsera number ndichibva ndamupa hangu. Akafara zvisingaiti asingatozivi kuti phone yacho ndaiibata nenguva dziri kure ndaive ndisina basa nayo ini. Ndakazokweva vakumbo ndichidzokera kumba apa ndaive ndochinyatsonzwa nzara pamwe pese ndaiva ndisiri kuinzwa henyu. Ndakanosvika kumba gogo vachidzungaira havo vachinditsvaka ko hanty ndaive ndabuda ndisina kutaura here. Ivo vaizonyanya kuda kundiita mucheche gogo aaah. Ndakangoti ndichisvika vachibva vati "Unoda kundiuraya ndichifema here iwe mwana waTamuka, wanga waenda kupi makuseni ano aya. Ipapa ndanga ndoda kutoisira bambo vako message pa app ndichivaudza kuti handikuoni" "Aaah gogo veduwe handichasi mwana mudiki ini. Apa ndanga ndaenda hangu kumba kwana Londiwe kunomutsvaka" "Aaah iwewe shuwa bodo, saka wamuwana here. Mwana uyu zvawotokupenza nhaiwe" "Ndamushaya ini gogo hanzi akatiza hameno kwaakaenda" "Aaah nhai Mwari wangu zvino akaenda kupiko mwana uya ini zvangu ini. Paya patinenge tichida kupindira munyaya dzakadai tinozonzi vana mbuya Musana vanoda kutonga kwese nekuti vane mari zvino oh ndezvipi izvi" Ndakasiya vodembedzana nasekuru ipapo ini ndoenda hangu mumba kunotsvaka chikafu. Ndakadya hangu but moyo wangu waipisa chaiko but chandaikwanisa kuita hapana. Sorry guys ndazongotanga nekupengeruka ndisina kukuudzai zvizere pamusoro pangu, ini zita ndinonzi Bradley Musana iro rekuti Tamuka ndongodeedzwa naro but harisi rangu ndera baba vangu. Mbuya nasekuru ndivo vakangoti randaiva ndapiwa rinonetsa kudeedza vachibva vatotanga kuti Tamuka richitobva ratozikamwa iroro. Even kuchikoro ndongonzi Tamuka coz ndoravanoziva azhinji havatozivi zita rangu chairo. Ndogara nambuya nasekuru vabereki vadady vangu, then dady namama nehazvanzi yangu vari kuCanada ndiko kunoshanda vabereki vangu ikoko. Ini hangu ndakazodzoka kuno after ndapedza primary level coz handina kubvira ndambofarira kugara kuCanada zvachose. So ndakazosarudza kuuya kumusha hangu although vabereki vangu vaisada. Hazvanzi yangu Brenda akasara ikoko but ndakatonzwa kunge anodawo kuuyiswa kuno. Takangozvarwa tiri 2 chete apa dady vangu vakabarwawo vari 1 havo. Saka apa ndinogara nagogo nasekuru then nemukomana anorisa mombe takadaro. Paden pambuya vangu vane everything and ndingatoti ndisu tine mari kudarika munhu wese mu village. Ini hangu handina show off nemari coz handina basa nayo even kuchikoro vanhu vanoda kundipa respect nekuda kwemari yekumba kwedu apa ini handizvidi. Kutoitwa headboy kwandakaitwa imwe reason was being kumba kwedu kune mari. Hongu chikoro ndaigona hangu uye pakupfeka ndaikwikwidza handirambi hangu. Lucky this is my last year ndiri paMurerezi aaah kumwe kuremekedzwa kwazonyanya plus kudiwa nemababe. Almost musikana wese wepachikoro pedu anotondida ini, mafariro avanoita kana ndirini ndiri kuleader pa assembly anotobhowa imi vanoita ku screamer pandinotanga kutaura. Apa ini zvemababe zvitori kure neni hazvo but pana Londiwe ndaive ndada guys nemoyo wese. Vanhu havo vaindiseka nekundiwanzira pamusaka pake but ndaisaterera my goal yeive yekudiwa naye manje zvinenge zvakaramba chokwadi. Ndichitanga kumuda ndakaudza mbuya vakatonditi kana ariye adiwa nemoyo wangu hapana chakaipa. Plus mbuya vaimufarira Londiwe hanzi anoshanda plus haana kuvhengedzera sevamwe vasikana. Pandakatanga kumuvinga ndaifunga achandida zve but iii zvakaramba apa iye onoda sir ndiudzeiwo. Handina hangu kumushora coz sichazi yaaive yanga yakangooma but at least dai akada inini ndaizongomubatsira ndisingarari naye zve. Ndaitova serious naye guys zvisiri zvekunyepa. Chero pakazonzi aonekwa akarara nasir kurwizi handina kumira kumuda but ndakabatikana hangu. Vanhu vaimuseka kuchikoro but inini handina kumboda kuita give up naye ndairamba ndichitaura naye ndichizama kuti ndidiwe but zvaakaitwa nasir ndofunga zvakamurwadza coz zvaaitaura so ka waingonzwa wega kuti munhu ane zibundu mumoyo uyu. Zvisinei ndaive ndangoti ndichamubatsira nepandaigona napo but zvakaramba now akatiza handitombozivi kuti aripi aaah veduwe ka. I was trying to be strong but ndairwadziwa sekuru ndivo vakazondisimbisa vachiti kana ari wangu chaiye tichazosangana rimwe gore. Ndakazongobvuma izvozvo moyo wangu uchibva wadzikama. Ndakazotogeza kuti ndinzwe bhoo ndokubva ndaenda muroom mangu kuti ndinorara but ndakasvika foni yangu ichi ringer. Apa dzaive new number pandaiva noda kudaira ndipo pandakafunga kuti ndaive ndapa musikana uya number dzangu ndobva ndarega. Pasina nguva ndakazoona papinda text ichiti "Ndi Naliwe, ndidairewo kani" Handina kuzotodaira ndakabva ndatodzima phone yacho ndokurara. Kana mama or dady vaida kutaura neni vaindibata paphone yambuya... Stay tuned End of chapter 11
*Aah ndambozama kutyper maoko akarwadza hama dzinodiwa...ndichapedzisa mangwana kuseni ndokupai chapter 11*
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚 https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇 https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/ *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭* *WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚* BOOK 10 PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE CONTACTS: 0780677763/ 071143699 CHAPTER 8 Ini ndaisada zvekunetsa navo mai ava, zvino mwana wavo ndiye aive otoda kutangidza hondo. Asi aive hake ava udza chokwadi, but instead of kuti vanangane nemwana wavo vakabva vatorana neni hanzi "Ndiwe wanga uchiudza mwana wangu zvisina basa ka, kuda kuti andipandukire manje ukada kufarisa unobva pano and hameno kuti uchaenda kupi" Trey..."Imi mama munoda kuswero netsana namainini sei, ini ndini ndakupindurai and ivo hapana zvavambondiudza ava ndanga ndichitovabvunza kuti why muchivavenga vakatoramba kutaura. So ini ndave kuda kuziva reason iri kuita muvavenge kudaro apa vamwe vana mainini avo hamugari manetsana navo asi havana chavanomboita pano pamba futi" Gogo..."Iwe Trey rega kuda kungwarisa nhema apa haiwawo" "Ko mungatii nhai gogo imi muchibatsirana namama kuvenga munhu asina mhosva. Munofunga kuti ndiri mwana mudiki sterek zvekuti ndingatadza kuona here. Manje itai henyu zve izvozvo asi chandoziva Mwari havasi benzi muchavafunga mainini ava nerimwe zuva" Iii mwana uyu zvaaitove nemashoko nhaimi, ini ndakazongobvapo zvangu coz zvehondo ndaisada musi wacho. Ndaingonzwa kufizuka zvangu, kuita like ndaizonzwa bad news. Ndakazototanga kubika chikafu chaizodyiwa masikati, ndave kutopedza murume waGloria akabva asvika. Vakafarirana havo ini ndaingove mumba zvangu ndaisada kukanganisa precious time yevanhu netsvina yangu. Iye murume wacho kuzoita dzungu kani achindibvunza aaah iye mwana wacho akabva ati "Mainini vanofarira kugara kwavo vega avo coz vanovengwa namama nagogo" Imi woye imi, panze pakaitwa ruzha vanhu vachitsiura mwana aingotaura zvaasina kubvunzwa. Ivo baba vacho hakazouya mukitchen tikamhoresana vachibva vanditi "Mainini ndoda kukutorai muite mudzimai wangu. Mobatsira sis venyu kundizvarira vana, ndichikuendesai kuchikoro hangu" Munoziva ndakarohwa neshock ndikakachidzwa nemate imi zvekuti ndakakosora vanhu vakauya mumba vachida kuona kuti chii chaitika. Gogo vakabva vatonditi "Iwe buda muno mhani, unokosora zvisina order kuti waitwei kutsvaka kutisemesa zvako. Wagarisa usingarohwi" Handina kunonoka kubuda ndichibva ndatomboenda kumunda kunogara ikoko. Ndakazoti kukosora kwapera manje ndipo pandakatanga kugaya mashoko aive ataurwa nemurume waGloria. Imagine kuti anoda kundiroora ini apa akaroora amai vangu, ingoti aisaziva hake kuti Gloria aive mai vangu. Izvozvo ndozvandaisazoita hangu, hongu amai vangu vanga vakandibhaizira but moyo wangu hauna kuoma sewavo. Ndakademba kuti dai baba vangu vaindida veduwe ndaifawo ndaenda ikoko, zvino ndingori munhuwo zvake asina anotombomuda panyika ino. Njere dzangu dzaive ndakaita kuremerwa chaiko and ndakangozoti rega ndimbobuda ndimbofamba famba ndichidzora ndangariro. Ndakabuda ndokuenda pane rimwe ziware hangu ndichibva ndagara pamumvuri ndikadzamisa pfungwa chaiko ndichinyatsotarisa mararamiro andaiita. Now handichina chiremerera nenyaya yevabereki vangu vasina hanya neni. Ndichaita sei chaizvo, apa dai kune anondionawo semunhu andibatsira zviri nani manje ndingori ndega ndega mufunge. Misodzi yakazoguma yoyerera ndigere paya, ndakazotovhunduka ndahwa kufamba kwemunhu and ndaida kutotiza coz ndakavhunduka zvekurevesa. Ndakazotoona kuti aive Tamuka hake ndoshaya aive aziva sei kuti ndaiva ipapo. Ndozvandaisada zvevanhu vanoteverana neupenyu hwangu like this. Akasvika ndokundimhoresa ndikaramba ndiri zii hangu achibva azoti "Nhaiwe Londie kundivenga here kana kuti zvaungabva wandinyararira kudaro. Ndiri kuda kungoziva kuti waita sei ini uri kuchema" "Chero ukaziva zvandiri kuchema ugodii, siyana neni pamwe neupenyu hwangu. Handina wandakambotsvaka ini so chauri kuvavarira chii nxaaa" "Usawanza hasha Londie, ndiri kuda kungobatsira nemoyo unorevesa ini handisi kuda kutora advantage or something but ndongonzwa kuti moyo wangu unoda kukubatsira" "Handisi kuda kubatsirwa siyana neni" "Kukusiya ndiko kwandisiri kuzoita hangu, ndatokuvigira chikafu zvangu, saka tora zvako udye" "Ndanguva ndati siyana neni chii ko newe nxaaa" "Haudi basa here ndina tete vangu vanoda musikana anoshanda mushop, ndatovaudza kuti vasatsvaka munhu ndotsvaka ini. Zviri nani uende ikoko unoshanda kana zvazoita wopedzisa chikoro pane kugara uchishungurudzwa here" Ndakabva ndatosimuka ndikatotanga kufamba ndichodzokera kumba hangu, ndaive ndisiri kuda kubatsirwa naye ini. Kana andibatsira ozotanga kundiita yese yese haaa bodo, ndakashandiswa pakakwana ini. Iye akambozama kutaura neni but ndakaramba kusvikira azongondisiya ndakadaro. Ndakasvika kumba munhu wese akandimirira wena ndikashaya kuti kwaitikei zve, Gloria akatanga kundituka paya aaah zvaive zvotobhowa achindiudza chihure nezvekuti ndakavatiwa hee what what. Ndakanzwa hasha dzichindizara apa ndifunge kuti kuzonovatiwa kudaro yaive mhosva yake. Ndakatadza kuzvidzora ini ndikamuti "Siyana neni iwe Gloria, zvekuhura kwangu zvine basa rei newe, chero ndikahura unobvei seunebasa neni nxaaa getaway mhani" Ndakaona munhu achiita kubvunda nehasha achida kundirova but murume wacho akabva amubata vakatanga kunetsana ivo. Bongozozo rakazopera then gogo vachibva vatuma Mwasi naNaliwe kumashop iii zvakatondishamisa. After vaenda gogo vakabva vati "Iwe Londie mangwana unoenda namai Trey nababa Trey, unowanikwa nabamukuru vako. Sis vako havachakwanisi kuzvara saka iwe ndiwe uchanozvarira bamukuru vako ikoko" Ndakavatarisa neziso raitaura chairo kuti vaive vakatokwana here kana kuti vaitopenga havo. Shuwa vangaite hutsinye kusvika pakuda ndiroorwe pamurume umwe namai vangu here. Ivo vaitoita like zviri kuvanakidza, ndakamhanyisa ziso kuna Gloria ndikaona akanditarisa kuda aida kuona reaction yangu hameno. Ndakangozviudza mumoyo kuti ndaisazoenda navo hangu zve, hameno kuti ndaizodii but ndaisaenda hangu... Stay tuned End of chapter 8