LATEST GOSSIP 🇿🇼😱
February 12, 2025 at 06:48 AM
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚 https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇 https://www.facebook.com/share/15VNTa3onf/ *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭* *WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚* BOOK 10 PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE CONTACTS: 0780677763/ 071143699 CHAPTER 3 LONDIWE Ndakamhoresa mama nemurume wavo ndichibva ndasimuka hangu kuti ndiende kunochinja uniform ndiwane kuita basa. Ndakatoshamisika mbuya vasiri kutaura anything ka kuda vainyara mukwasha wavo. Murume wamama akabva anditi "Mainini why muchipfeka uniform yakasakara kudaro. Mama vakushaya mari here, chinjai tiende kumashop tinotsvaka uniform" Ndaka sticker, not knowing how to answer coz I was totally confused nezvaaiva ataura. Ini kunzi mainini pakai manje, ndakamboramba ndimire ndipo pandakazongofambisa ndichienda kuimba yataivata mama nagogo vakasara vachindideedza. Ndakangoti hameno ikoko ndaizongoona zvinotevera unlike kuti ndizodavira zvisizvo aaah. Ndakachinja uniform but ndaive ndotya manje kubuda mumba ndikazonzwa mbuya vodeedzera ndikabuda ndiri bara. Ndakasvikonzi, "Bamukuru vako vanoda kuenda newe kumashop saka ita changamu changamu tione" Ndakavatarisa mbuya neziso raibvunza kuti really??? Why vaida kundiomesera kudaro nhaimi. Ivo vakazviona kuti ndavhiringika vachibva vafinyama kumeso. Ndakazonzwa murume wamai vangu oti handei mainini, ndaingoti nechemumoyo dai vana Mwasi vakasvika vakati vanoda kuenda ivo. Coz ndivo vaitova vana mainini chaivo kwete ini. Mwasi naNaliwe vaive vana vasekuru Kenny, vaive havo kuSA hameno basa ravaiita ikoko. Gogo vaingova nevana 2 ivo sekuru Kenny vanova first born namama vangu chete. Pahama dzamai vangu hapana kana1 aindida, kana vari sasekuru vaitonditi gora vachinyatsodudza kwete zvekunzwa nemakuhwa ka. Mukadzi wavo worse haaa aitondiona sendisiri munhu zvangu, kuda kana sekuru nyakubereka amai vangu vaiva vapenyu better manje vanonzi vakatoshaika ndisati ndazvarwa zvangu. Ndaiva ndakangomira ndakasticker zvekuti ndakazovhundutswa nevoice ramama vainditi ndinopinda mumota. Handina kuda kuvatarisa kumeso coz ndaigona kuzoyeredza misodzi ka. Chandaiva ndakavatadzira handichizivi zvangu. Ndakanopinda mumota kuback seat ndichibva ndagara zvangu ndiri zii, munjere dzangu dzaingofunga kuti zvimwe pamwe kwaisava kuenda kumashop zvako pamwe vanhu vaive varongana kare. Havana kutaura neni till tasvika kumashop kuya apa ndaingoziva kuti chero vakatenga uniform yacho yaigona kunotorwa futi so I wasn't happy at all. Takaenda kwaitengeswa ma uniforms ndichibva ndanotengerwa yainyatsondifita zvese nebhutsu, masocks, bag nemabook. Ndakangoti mashura angu zvangu apa ndaisatofara coz ndaiziva kuti hazvisi zvangu izvi. Ndakatozotengerwa ma biscuits nedrink hameno kuti ndaive ndakazviguma rinhi not kuti kumba zvaisavako ka but ini ndaiziva kuti ndiri wesadza zvezvimwe izvi handiko. Ndakamadya ma biscuits aya ndichitoitira kuti ndizosvika kumba ndapedza zvangu. Tava kudzokera kumba ndakabva ndanzi nababa vaya "Ko imi mainini, mune makore mangani" "Ndine 15" "Hooo, aaah saka zvoreva here kuti muna baba venyu mega" "Why" "Coz makore enyu nepanonzi pakafa baba hazvienderani" Moziva ndakashaya zvekupindura ndikanyarara. Ko ivo vaindibvunzirei nhaimi vakadii kubvunza vakavaudza. Vakaona ndaramba ndiri zii vachibva vati "Sorry mainini if I offended you, but ndanga ndichingoda kuziva chete maybe ndanyeperwa. It's my first time yangu kuuya ndichiwana muripo pamba ndanga ndisina kumboudzwa nezvenyu. Plus there is a lot of things zvandisiri kunzwisisa pamuri zvekuti dai makasununguka ndakubvunzai hangu" Handina kuda kutaura anything coz ndaizogona kutaura nepasipo. Iye akatoona kuti hapana zvaanowana kubva kwandiri kwave kuzonditi "Kana musina kusununguka It's okay...anyways why musiri kufarira uniform yandatenga kasi yakashata here" "Noo aaah kana ndiri kufara ini maita basa" "It's okay" Takabva tanyararidzana paya apa ndaiona kuti vainditarisa zvisingaiti, ndikangoti hameno ndezvenyu izvo. Iniwo I wasn't comfortable zvangu sezvo kwaitova kutanga kuvaonera pedo, ndakambovaona pamarooro amama but ndaingoona ndiri kure coz ndaisatenderwa kusvika padhuze navo. Nekuti zvainzi havandide ndotoshamisika kuti vazouya ikozvino vachida kunditengera why, hameno rega ndisiyane nezvisinei neni, coz ipapa kuti ndizive kuti vane vana vangani handitozivi, ndongorangarira ndichinzwa kuti vabatsirwa ka1 chete hameno kana vakazoita vamwe vana. Takasvika kumba ndikawana vanhu vakaita kumira negumbo rimwe hameno kuti vaifunga kuti hatidzoki here. Ndakanoisa zvinhu zviya mumba and handina kutomborongedza ndakangokanda zvangu. Ndakatozowana mama vachibika for the first time since I was born. Handina kuda kumamisira ndakangogara ndiri zii zvangu vamwe vachitaura nyaya vachiseka zvavo, vana Mwasi vaive vazouya. From nowhere murume wamama akabva ati "Mainini Londie havaiti kunga last born, why vachigara vakanyarara kudai. Ini ndoziva malast born akazhangandira plus achiyema especially ava vakazvarwa makore aenda" Mwasi..."Mati chii bamukuru, mainini Londie" Hapana akazotaura futi mumba makabva maita imwe tension yairwadza imi. Sadza rakaibva rikapakurwa ini kutozoisirwawo rakawanda mhani ndakangoti nechemumoyo dai murume uyu agara aripo pamwe ndaidya ndichiguta. After tapedza kudya ndakabva ndada kusuka gogo vakati ndisiye ndikazviendera kunorara hangu makuseni ndakamukira semazuva ose but ndakashamisika kuwana mama variko kukitchen vatovesa moto. Ndakavamhoresa ivo instead yekuti vapindure vakabva vanditi "Wakaudza murume wangu kuti kudii iwe nezuro pawakaenda naye kumashop" "Handina zvandakambotaura naye ini" "Hooo, asi ukaona ndikaziva kuti une zvawakataura hauko mupfana. Ini handisi mai vako, yangu mimba ndakabvisa iwe hameno kuti wakabvepi so please usandiverenga muupenyu hwako" Ndakangogudzurira musoro trying to hold back my tears, ndaiva ndanyatsomanzwa mashoko avo chaiko haaa kana ndakamborwadziwa musi uyu ndakarwadziwa hama dzangu. Pain yekurambwa namai hamusi kuiziva imwi ummm. Ndakabva ndanzi ndidzokere kunorara ndozomuka nevamwe. Ndakaita sekudaro ndikanorara then ndokuzomuka nevamwe tikaisigwa mvura yekuti tinogeza inodziya ndikatoshamisika ini zvaitova zvinyowani kwandiri zvaiitika apa plus zvinenge zvaishura nhamo. Ndakapedza kugeza then tikanodya ndokuzoenda kunopfeka ini ndaishaya kuti ndopfeka uniform iya here or ndodiiko. Ndakazongopfeka mabvaru bvaru angu ndokubuda hangu. Ndakanzwa murume wamai vangu oti "You know what Gloria, there is something am not understanding here. Please itawo ndinzwisise, why mwana uyu achiita semuranda pano" Gogo handina kuona kuti vakabva nepi vakangosvika nekuti... Stay tuned End of chapter 3
❤️ 😢 🙏 😂 28

Comments