S❤️Bandera Novels
                                
                            
                            
                    
                                
                                
                                January 29, 2025 at 10:26 AM
                               
                            
                        
                            *MAYBE I WAS WRONG*
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
Follow channel 
https://whatsapp.com/channel/0029VaVWIfZ6WaKpaHBRbF14
Main grp
https://chat.whatsapp.com/Jer2F5ZfkyP45ndVX17CcX
*WRITTEN BY S❤️BANDERA*
*Chapter 19*-20
WADZANAI
Ndaiti ndichabhowekana nerwendo but Nison was there for me.
Aindiratidza nzvimbo achindiudza kuti apo ndepapi apo panonzi pai.
Patakazopinda muHarare aiwa kani, kana mhepo yekufema yakabva yatosiyana.
 Hapana kwandaiziva  ndaingotevera Nison chete. Bag rangu ndiye anga anaro. Aisafambisa zviya zvinoita vamwe zvekuti vanoona vanobva vaona kuti mumwe uyo hapana zviri kuziikanwa. 
Haana kumira zvekundiudza kuti apa panoitwa nezvei apa panonzi pai.
"Tiri kuenda kunonzi kuEpworth Wadza."
Akandidaro tapinda mucombi ndikati,
"Ndiko kunogara bamunini vangu I don't know kuti papi chaipo."
Takasvika pekuburukira tikaburuka. I thought achangonanga neni kwacho kwandaifanira kushanda but ndakashamisika tichipinda muka 1 room.
Ndakaramba ndakamira because manga musina kana pekugarira iye akanogara pamagumbeze anga akapetwa.
"Ndipo pabasa pacho pano?"
I asked coz anga akutobvisa bhutsu kuratidza kutoda kunyatsozorora.
"Tichaenda Wadza ngatimbozorora, oh bucket iri gara."
Hana yangu yakandiudza kuti ndatambwa nyowani hapana basa randanga ndavinga.
"Kana pasina basa ndiperekedze kubus stop hako ndidzokere kumba. Uri kuda kundingwarira manje ndakubata."
"Hezvo ko vakuchema? Usandinakidze  Wadzanai, wati ndinokuitei nhai?"
Ndakapukuta misodzi ndakunyara.
"Oh fone yangu tarisa message iripo."
Ndakatambira ndikaona kuti yabva kune munhu anga akanzi MAI MANGENA.
*Kana mauya naye ndimirirei ndosvika kuma 5*
I sighed ndichimudzosera fone yake.
"It's now past 3 toenda here kumba kwevanhu tonogara panze?"
Zvaisaita shuwa ndakagara pabucket paya but I wasn't comfortable kuva nemukomana musame room.
"Ndipo pangu pano. Ndichiri kutanga but as time goes on ndinenge ndane property yangu yakawanda, by then unenge uchikurawo."
 Ndakangosekerera ndikati,
"Kunonzi kuchii kunoku?"
 "Hoo sorry handina kukuudza kuno ndekuna Munyuki. Ndinoshanda kufarm and city Wadza ndisu vepasi vekutakura masaga I mean panodiwa man power paye ndipo pandiri asi mari yacho yakanaka zvayo."
Aiva neka 2 plate stove kake akabva atotanga kubika achindiudza nezvekumba kwandainoshanda. 
Anyway kuma 5 kuya mai vaya vakafona tikaenda. She was a single mother of 3 daughters. Vana vacho waiva vadiki zvavo vese waiva kuprimary.
Takawirirana mari Nison achibva azoenda kwake.
Kana uchibva kumusha uchienda kutown zvakaoma hazvo. Confusion nema mistakes andakaita pafirst week kana neni ndikazvifunga ndinonyara. 
Pakuayina ndakapisa hembe 2 ko ndaiziva here kuti zvinoitwa sei. 
Ndakapotsa ndauraya stove yevaridzi ndichingomonya.
Mai Mangena wacho waiva nemoyo murefu zvavo. Vakandidzidzisa zvese kusvika ndajaira, vaitoti pavakatanga kushanda vakauraya zvinhu zvevaridzi zvakawanda vakadzingwa basa.
Sunday was my off day but ndanga ndisina kwakuenda saka ndaiswera zvangu pamba.
Nison aidisa chaizvo kuti Sunday ndiswere naye kumba kwake but ndairamba. Ipapo ndanga ndakapaudzisiswa ndikapabata.
Aipota achiuya zvake kuzondiona toswera tese tozongobuda tese zvenguva diki. Mai Mangena vaimutenda hanzi wakanditsvagira musikana anoshanda zvakanaka.
Ndaiziva nhamo yekumba kwedu saka mari yangu ndaishandisa zvine musoro. Ndaingotengawo hembe zvisiri  zvekupfachura mari. 
Olinda naBlessed handina kuvakanganwa ndaivatengerawo hembe ndichichengeta.
Pandaizoenda kumusha vaizofara.
Mai vangu ndaivatumirawo mbichana vaitoda kuiramba vachiti nditenge zvinhu zvangu.
NaGerald taitaura every day achibvunza kuti ndiri kuzvigona sei. Pandakazomuudza kuti ndiri kunonzi kwaMunyuki kuEpworth akati,
_"KuEpworth ndiko kunogara bamunini but hanzi kwaJacha rega ndivafonere._
Hapana kupera 10 minutes ndakaona incoming call from a new number,
_"Wadza uri padhuze neni kudaro nhaiwe?_"
Voice chete rakapa kuti ndifare. Emily aiva munhu bhoo mhani.
Me: _"Auntie wangu ndiri kunonzi kwaMunyuki ini._"
Her: _"Ehezve ndanzwa naGerald ndiye andipa number dzako. Uri padhuze shaa ndouya ikoko mangwana."_
Airtime ndiyo yakatozopera zvayo Emily wacho aida zvekutowanza nyaya.
Ndakaudza mai Mangena kuti bamunini vangu vanogara kwaJacha vakatoseka.
"Hapadi lift iwe panoendwa netsoka. Kana uchida hako unogoenda Saturday manheru uchidzoka Sunday manheru."
Ndakabvuma because ndaizvimanikidza kushanda Sunday off day rangu nekuremerwa nekuswera ndakagara ivo vachiita basa.
Emily akauya we hugged zvekusuwana zviya tikatora nguva tichiyeuchidzana zvekumusha.
"Uri kushanda here Emily wapenyerera kudai?"
She laughed achibva ati,
"Rega ndidye mari yehanzvadzi yangu ndakazorora."
I frowned ndikati,
"Umm ndimi ana tete vaya vanoshusha varoora imi tsvagai basa apa."
Akaseka futi hanzi,
"Jokes hako iwe ndakauya ndichida kutsvaga basa but maiguru namukoma vakabva vati ndisare nevana sezvo maiguru vachimbotora nguva vari out of the country vachitengesa saka vanotondibhadhara."
Me: "At least."
We had a great time  naEmily akazoenda nguva dzekunotora mwana wechikoro dzakwana.
Harare yanga yakundinakidza manje. Sunday yanga yava yekuswera kwabamunini pamwe pacho taiswera naEmily kumba kwaNison.
Pandakatambira imwe mari yangu ndakati Emily andiperekedzewo mutown makacheaper hembe. Pese apa ndaingotenga kulocation ikoko kunodhura.
Combi yatakakwira yanga yangosarirwa nevanhu 2 chete kumberi.
Emily ndiye akatanga kupinda ndikazopindawo. Door racho raisavharika zvekudaro driver akabva adzika kuti avhare. To my surprise akavhura akanenekedza fone yake kwandiri ndikaramba ndakamutarisa nditori confused.
"Isa number dzako I wanna call you."
Akataurira pasi ndikaita kakudaidzira,
"Ii nhai mukuwasha hamunyare number dzangu munodzidii?"
Vanhu waiva mucombi vakaseka uku Emily anga andisunya zvinorwadza. 
Driver uya akangovhara door achibva aenda kunzvimbo yake achiseka.
"Ko tete mandisunyirei?"
Ndakabvunza Emily akatondisunya futi. Driver uya akati,
"Tete sunyai munhu andinyadzisa nhai."
 Road yese yanga ingori "nhai mukuwasha hamunyare."
Driver uya aiti akanditarisa ofa zvake nekuseka. Ndaishaya chaisekesa ini. Anga akungonzi mukuwasha driver iyeye. Munhu wese aidzika aidaidzira  "mukuwasha mufambe mushe nemwana."
Ndakatanga ndichatsamwa kusvika ndakusekawo.
Patanga takudzikawo  driver uya akamisa tete Emily hanzi,
"Tete mirai nditaure nemi ndiri kuda muzukuru wenyu."
Emily wacho kwakutomira mufunge. Dai ndaiziva kwandaienda  ndaimusiya.
Akazouya kwakunditi,
"Hatidi munhu ane shavi renhamo Wadza, wandinyadzisa nhasi."
Ndakashamisika ndikati,
"Muri kurevei auntie?"
"Driver atodyira uyo and ndamupa number dzako taura naye mushe kwete zvako zvekuti hee mukuwasha hamunyare."
Me: " But you know I have my boyfriend. Nison munomuziva tete and ndinomuda."
"Zvine basa rei musikana haaite mukomana 1 and hausati wava munhu wemunhu. Danana navo vese then wozosarudza kuti who is better than the other,  Smart the town guy here kana kuti Nison wekumapfanya kwedu uko."
Vakandibata ruoko vachiseka tikatanga kufamba vakazondisiya zvavo but ndanga ndatovhiringika ini, Nison wangu hapana chandaishora paari.
BAMUNINI GIFT
"Ndizvo here nhaiwe Givhi?"
Mabvunziro akaita mai akandipa kutya. Vanenge vaida kutobvumirana nezvaitaurwa naOlinda.
"Hamuvazive here vana vemwana wenyu amai. Ndingaite Izvozvo here inini, vakandivenga vazukuru venyu."
Olinda wacho akabva ati,
"Ehe bamunini manga muchinyenga muriwo. Handidye futi mbudzi dzepano puu,manga muchii...."
Mai vakabva vamukata,
"Iwe mwana waGivhimo zvauri kutaura hazvina kunaka izvi bamunini vako vanoripiswa kwamambo nazvo nyarara uko."
"Asi ndavaona vari kumusana kwembudzi ava vachii...."
Ndakamudhonzera mukitchen ndikatanga kumurova nemaoko. Uyu zveshamhu ndakaona  zvichinonoka otherwise ndaiswera ndavingwa nemachinda amambo.
Ndakashamisika achinditema mumusoro nepoto.
"Ndotokudzoseraiwo chete."
Akadaro achinhonga hari yaiva kumberi kwakunditema nayo pagumbo chichibva chaputsika.
"Nhai nhai hari yangu kani, nhai mwana uyu mukati haana zvakamugara here uyu?"
Mai vanga vakunhonga zvima pieces zviya ini ndikabata Olinda  ndikatanga kumurova. 
Ndanga ndakurova munhu  kwete zvekuti mwana, aidawo kuita tunharo achiramba achidaidzira kuti "manyenga mbudzi ndazviona."
Mumba manga musisina chakanaka midziyo yanga yava pese pese uku amai vachinhonga vachipopota kuti Olinda ane makuhwa.
Akapedzisira akuchema Olinda achikumbira ruregerero.
"Bamunini sorii kani makundikuvadza."
"Wandiona ndichinyenga mbudzi here?"
"Ehe ingondiregai handiudze vanhu."
Ndakamuregerera mbama isiri yezera rake akanodhumira kumadziro achibva ati zii.
"Givhi wazonyanya ... huya ufuridze maoko...nhasi zvangu."
Vanga vakudedera mai handina kuita zvekufuridza maoko ndakangotora mugomho wemvura ndikamudira.
Barbra anga akundityisidzira hanzi wauraya munhu.
Akazomuka hake akaita kunge dzambotenderera achibvunza kuti sei akanyorova. Takamunyepera asi akazozvibata kwakuti,
"Ndazoziva bamunini mandirova kuti ndataurirei kuti ndakuonai muchi......"
"Iwe Olinda nyarara nyaya yako iyoyo haina zera newe."
Mai vakamudaro achibva ati,
"Pano handichagare. Asi bamunini yangu haipere muchazviona. Ndakuenda kuna mai vangu."
Akabva abuda Babra akadaidzira,
"Hamba usadzoke pano, vanenge ndivo mai vako vanokufurira."
Olinda wacho akabva adaidzirawo,
"Ibva uko iwe tsikombi enda unotsvaga vanoroora ubve pano unenge unoshinha neimbwa chaiyo iwe."
Akabuda achimhanya Babra simba rekutevera ndakarishaya. Ndaisaziva kuti Olinda achaudza vanhu vangani nyaya yangu.
Akazodzoka Babra achifemereka uku achikamhina.
"Agona atiza ndaida kumubvisa mazino chaiwo. Andikandidzira matombo kusvika anditema paibvi apa."
Amai vakangoom bera maoko.
"Vana ava vakandivengerei nhai amai? Vachandiurayisa vana vemwana wenyu ava."
Vakaombera futi maoko amai,
"Ndazvitadza ini, hari yangu ndinoida. Yakabva kure hari yangu."
Barbra: "Anofanira kutoitenga Olinda. Ndichatomira mira kuti hari iyoyo yatengwa here. Mashoko ake aandituka nawo achaamirira  mangwana."
Maiguru vakabva vapinda vakabata musana uku vachimonya muromo ndikaziva kuti zvaipa.
"Mai Hakata zvatoipa here?"
Ndimai vakadaro maiguru vakadaira nemusoro.
"Bamunini venyu vasunge mombe here muende kukiriniki, munosvika?"
"Hameno."
Mai vakanditi ndisunge mombe. Ndakazosvika nemombe pamba kuti ndisunge pangoro mwana mukomana  anga atozvarwa kare.
Takazongoenda navo kuclinic tikazodzoka navo  zvedu vachinzi zvese zviri right.
Ndanga ndisina kugadzikana nezvanga zvaitika. Ndaingonzwa hana yangu kurova kana ndakusangana nevanhu. Ndaisaziva kuti Olinda paabva pamba audza vangani. Shoko rekushinha nemombe kana nembudzi rinofamba kudarika shoko rerufu.
Ndakatoona zvakanaka kuti ndigare ndaudza mukoma. Ndaitofanira kumuroverera chaizvo Olinda.
MR HAKATA
Ndakafara pandakanzwa kuti Precious ane mwana mukomana. Mai vangu ndivo vanga vaita nyamukuta wake vakatonditi vanoda kubhadharwa.
Ndakatotaura navo ndichiseka hangu ndikati,
_"Haa mbuya Hakata munoda kubhadharwei pakutambira muzukuru wenyu?"_
Ndipo pandakazoudzwa zvakandishamisa. 
_"Ndibhadare hako mwanangu, vana vako vanogona kufanana vese kureva nhema ndikazonzi ndaona mbuya vakabata chidya chemunhu._"
Ndakabvunzisisa Gift akandiudza zvese kuti Olinda amunyepera kuti anga achishinha mbudzi. Zvese zvekuti Olinda atuka Babra kuti tsikombi inokwirwa neimbwa ndakazviudzwa.
Kana ndakambobatikanaka musi uyu ndakabatikana zvakanyanya.
Sei vana vangu vairuka manyepo akaipa kudaro. Zuro ndizuro Wadza ndiye wekuti Gift anga ada kumu raper. Nhasi uno Olinda akuti Gift anga achishinha mbudzi. Ko Iwo mashoko akarema anga ataurwa naOlinda kuna tete vake Babra.
Ndakangoti,
_"Ndiri kuuya next week kuzopedza nyaya yacho. Olinda anofanira hake kunogara kwamai wake."_
Ndizvo zvandaida kutoita hangu, tunyaya nyaya twanga twawanda.
End of chapter 19
Please note:
Our book MAYBE I WAS WRONG will be on sale from chapter 21
Thanks for supporting 
 *MAYBE I WAS WRONG*
🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹
*WRITTEN BY S❤️BANDERA*
*Chapter 20*
MAI HAKATA
Misodzi yangu yaiita makwikwi ekubuda pandaitova Olinda musoro wanga wazvimba.  Aigomera musoro wake uri pamakumbo pangu.
Anga andiudza hake zvese zvanga zvaitika. Muroora wangu mai Mucha ndiye akatozondidzikamisa ndaida kuenda kunopedzerana navo bamunini. Ndaida kuti vandirove havo asi vandiudza kuti daka ravanaro pavana vangu nderei.
"Zvipei nguva tete, musataure makatsamwa munozotaura mashoko ekuti munozo regretter mangwana. Tangai manyatsa kufunga kuti baba wevana munoda kutaura navo kutii, izotaurai navo musisina kutsamwa."
Ndakabata mashoko emuroora wangu ndikamateerera. Olinda akaita 2 days asingaende kuchikoro achiti musoro wake unorwadza. Ndanga ndaenda zvangu naye paclinic akangopiwa mapain killers vakati zvikaramba zvakadaro ndizoenda naye kumission hospital.
Zvakaitawo zvakanaka after 2 days achibva atanga kuenda kuchikoro.
Mauniforms nehembe akatopiwa nemwana wehanzvadzi yangu.
Day 3 Olinda auya ndanga ndaserera ndakunzwa kuti baba Gerald ndakukwanisa kuvaudza zvakaitika.
Ndakafona ari manheru vakadaira ndikati,
_"Bamunini Gift vakarova mwana baba Gerry, anga akazvimba musoro._"
Him: _"Ndakazvinzwa musi wazvaitika. Wakabvunza here kuti akaroverwei?_"
Ndakavaudza vagoti kupopota,
_"Angatadza nei kurohwa iye achitaura zvekunyepa kudaro? Asi ndiwe unovafurira kunyepa? Shuwa munhu akasvika saGift anganzi aisa chombo mukati nembudzi?_"
Ndaisapiwa mukana wekutaura. Ndaida kungovaudza kuti   vasarambira munin'ina wavo plus munin'ina wavo asarove zvekuponda chete.
_"Ndiri kuuya kumusha Saturday tiwirirane kuti ugare nevana vako, ndaona kuti zvinganetse._"
Vakabva vakata zvavo kunge airtime yacho vanga vandipa ndivo.
Changa chiri Chitatu ndikatozviudza kuti ndinotoenda chete ndinotaura zviri pamoyo pangu. 
Mhuri yangu yoita nherera shuwa vabereki tiripo. Gerald chaiye akadzingwa pamba nekuda kwavo bamunini. Wadzanai kuenda kubasa ndisingade akaenda nekutiza  maitiro avo bamunini. Nhasi Olinda akudzingwa  nekuda kwavo bamunini.
_"Ko ndikashandisa mukana iwoyo nhai kuti ndakudzoka kunogarira vana vangu."_
Ndaifunga zvangu ndakagara ndikaona ndichibudirira.
Ndakaudza maiguru vakati nditaure nehanzvadzi yangu ndega.
Ndakaudza baba Mucha vakafonera baba Hezel vakati hazvina chakaipa kunochengeta vana asi kana kusingagarike ndinodzoka zvangu.
Kumba kwedu hapana chandaishora hangu. Nevaroora vangu  tainzwana zvakanyanya asiwo ndaimbobatikana ndikafunga kuti nditoriwo nemusha wangu nyangwe hazvo wava mamvemve.
Gerald pandakamuudza zvekuti dare ririko Saturday and ndiri kuda kuti ndidzoke kumba akangonditi hazvina kuipa.
Saturday iya bamunini veku Harare vakafona kuseni seni. Ava ndanga ndisina dambudziko navo zvachose munhu anga akasununguka chaizvo kana Wadza paakanditi  every Sunday anenge ari kumba kwavo handina kutombobatikana.  Ndakatofara kuti mwana wangu akawana dambudziko ane vanhu vanomutarisa.
_"Maiguru, mukoma vakati tisangane kumusha nhasi hanzi nyaya yaOlinda naGift here. Handisi kuuya maiguru, mukoma wangu anoita kunge asina kuendawo kusecondary anokasika ku concluder. Ndatoona kuti tingazotadza kuwirirana ndakuvaudza zvavasingade. Kana maenda maiguru vaudzei kuti makudzoka kunogarira vana venyu. Dzokai vana venyu vakura vanokuchengetai. Zvamunodawo kwandiri munotaura namainini wenyu toita tichibatsirana._"
Vakatosimbisa pfungwa yandaiva nayo. 
Anyway takapinda munzira naOlinda tikasvika kuma past 5 manheru. 
Takasvikira kwambuya Hakata. Tete vekuNyamapanda vanga vauya veku Banket vanga vasina kuuya.
Kufinyama kwavo hakuna kunditadzisa kuvakwasiza nemufaro. Tapedza kukwazisana Mbuya Hakata vakabva vati,
"Hari yangu ndinoida Olinda."
VekuNyamapanda vakabva vadairira kuti shuwa anofanira kuitenga. Zvima pieces zvacho zvanga zvakaiswa mudish ndofunga kuitira evidence.
"Ndichakutengerai gogo, svondo haripere ndinenge ndakutengerai."
Anga akandiudza hake nezve hari iyoyo ndikamuti mari ndinayo azovatengera.
Mhinduro yaOlinda ndofunga vanga vasina kuitarisira vakatanga kubvunza kuti anoiwana kupi mari akati anonoita maricho.
Baba Gerald vakazouya nabamunini Gift vaya nyaya ikatanga kutaurwa. Bamunini vaitaura vachiita kukwidza madzihwa hanzi Olinda kundipa munyama kundinyepera kuti ndakanyenga mbudzi.
Yakava yowe yowe anotuka Olinda anodii wee ndanga ndakamuudza hangu Olinda wacho kuti asaite nharo navo. 
Ndakashamisika Olinda uye akuti,
"Ndakatora video bamunini vachishinha nembudzi mirai ndikuratidzei."
Bamunini vakabva vati,
"Mazviona akuda kutondisungirira mwana uyu. Obvious akaeditor zvima video kuti andisungirire."
Olinda paakabuditsa fone bamunini vakaitora vakaipotsera nesimba ravo rese kumadziro ikaita mafufu.
Olinda agoti mhere.
"Saka makanyenga mbudzi sei mapwanya fone yangu ine evidence?"
Haaitadza kuchema fone iyoyo anga akaipiwa Friday kuchikoro naGerald apa Saturday yobva yaitwa marara.
Vanhu vese vanga vachiti shoyoyo zvino vaya vaikwidza mazwi vachiti Olinda anonyepa ungazovaziva.
Pakaita runyararo kwekanguva ndikazoti,
"Tunyaya nyaya twevana vangu pano twanyanya ndafunga hangu kudzoka ndichengete vana vangu."
Vanhu vese kusiya kwaOlinda vakati "ahh" baba Gerald kwakuti,
"Mai Gerald ndakati munozouya pano mapora. Zvandatoona zvinoita ndezvekuti mudzokere naOlinda mochinogara naye kumba kwenyu."
Tete vekuNyamapanda vakabva vati,
"Asi ndimi maifurira vana venyu kuti vanyepe kuti mugoona kudzoka?"
Ndakaseka sendaiva parugare. Ndakaseka zvakapa kuti vanhu vese vanyarare ndikazoti,
"Makandidzinga zvakangwara pano kuti muone kushungurudza vana vangu. Gerald ari kupi, akabvirei pano? Ko Wadza akabvirei pano? Nhasi Olinda akudzingwa futi ka? Ndinopora ndiri pano baba Gerry nekuti ndakata kurwara ndiri pano. Ndikafa ndiri pano ndinotakurwa neNyaradzo Funeral policy yandakajoiniswa nehanzvadzi yangu ndonochemerwa kumba kwedu. Pano ndakutodzoka kunogarira vana vangu, ndapedza."
Ndakabata Olinda ruoko ndichibva ndasimuka tikaenda panze. Ndakawana mukadzi anga akati kwati kwati nemadziro kuratidza kuti aiterera nyaya dzaitaurwa mumba uku anga akabata kamwana mumaoko.
Ndakatoziva kuti ndivo mainini, handina kutaura vano ndakabata mwana wangu ruoko ndichinanga kumba kwangu. Ndakazonzwa vanhu kutaura ndava kumberi.
"Pano ndipo pandiri kuzodzokera svoto manje."
Ndakadaro Olinda akaita kuseka zvake.
WADZANAI
Driver uya akazofona ndava kumba. Ndakamutuka asi haana kuneta kufona nekusenda mamessages achiti anondida.
Emily nekuside agonditi neni hanzi une shavi renhamo kuda mafudzamombe uchiramba  town guy. Pamwe pacho aitaura neni zvakanaka achiti ndidanane navo vese ndozosarudza anoita.
Ndakaita 2 maSundays ndisingaende kwabamunini Emily aindibhowa ahg. 
Imwe  yacho Sunday yechi 3 ndakaenda kwabamunini. Anga andinyengerera Emily. Tanga tingori ini naEmily nevana. Vana vacho vaitotamba zvavo kuroad.
 
Emily aingotarisa tarisa fone yake kusvika azonditi.
"Wadza pane munhu auya pano avinga iwe. Ini ndakuenda kuspare  saka motaurirana handiti. Kuita vakomana 2 hakuna kuipa as long usingazovadhumhanise chete. Ukarambwa nemumwe hausare uri pachena."
"Ah Emily ko iwe une vangani?"
She laughed achibva ati,
"Ndichiri kutsvaga handisati ndawana."
Me: "Danana neari kuuya wacho handimude ndinoda Nison ini. Wakutonditavagira varume Emily iwe usina."
"Akati anoda iwewe so ndomumanikidza here...shh auya...ingonyeperawo kutaura naye zvakanaka."
Takanzwa knock, pandakacheuka akabva apinda driver uya ndikaridza tsamwa, kutarisa Emily ndingamuwana anga atoenda kare.
Ndaiti ndemumwewo ini.Akanogara pasofa raiva opposite nerandanga ndakagara.
"Hesi Wadzanai Hakata."
Emily ka nga akatomuudza zvese nhai.
"Hie."
I replied ndichitarisa kuside.
Akatanga yake yekuti ndimude ndichiramba. Akabvunza mareasons ndikamuti ndine mukomana wangu kare.
"Akabvisa mari here mukomana wacho?"
"Haasati."
Him: "Saka zvine basa rei izvozvo, hausi munhu wemunhu. Itomuramba zvako because I'm serious."
Ndakaramba ndikati,
"Atori serious futi akatonditengesa mari yekuroora."
Mukukakavadzana imomo akapedzisira auya kuzomanikidza pasofa remunhu one randanga ndakagara.
Akandibata ruoko rwangu and squeezed it, ndakavhunduka nezvandakanzwa.
"Unondida Wadzanai."
Akazevezera munzeve  yangu ndikanzwa futi zvandanga ndisati ndambonzwa uku hana yangu yanga yakurova.
"Ndisiye kani."
I said ndichifemuruka, I don't know chii chaiitika pandiri. Akandisiya ndikatura mafemo.
"Ndokuda Wadzanai. I know vanhu munoti madriver mahure, pazuva vanopfimba vanhu hobho vanorara nevanhu hobho. I'm not that type ndakatokurirawo kumusha sewe ndikauya muno kuzotsvaga mari. I told myself kuti ndicharoora musikana wekumusha and ndakafara pandakakuwana."
Ndaiita ndichipera simba rekumuitira hasha. Takapedzisira takutaura zvakanaka asi ndisina kumubvuma. 
Ndakamuudza zvaNison kuti ndiye akandiunza kuHarare and ndiye wandinoda.
"Kukuunza kuHarare hazvireve kuti you are his perfect rib. Akatondiunzira mbabvu yangu padhuze."
Takataura kani achiti ndimurambe ini ndichiramba kuti ndinomuda.
Akazowoneka Emily akazobuda.
"Thanks hauna kundinyadzisa, munhu anorambwa zvakanaka kwete kumutuka. Mhanya navo vese then wozosarudza waunoda."
To be honest ndanga ndakungomufunga Smart. Feeling yandanga ndanzwa ndanga ndisati ndamboinzwa.
Paaifona Smart ndaitekenyedzwa ndodzikama ndosiya zvehasha ndotaura naye zvakanaka.
Anyway days passed kusvika ndazomubvuma asi ndakamuudza kuti Nison handisati ndamuramba ndiri kushaya reason svinu yekumurambira.
Musi wandamubvuma ndiwo musi wandakamubvunza surname yake.
"Ndinonzi Smart Gasura."
Me: "Iii nhaiwe ah ndinenge ndakunzi mai Gasura?"
Akaseka akati ehe ndikati,
"Ah vana vangu vanenge vachidenhiwa kuchikoro kunzi Gasura, iii vanenge vachichemedzwa every day."
Akaita kufa nekuseka kuita kubuda misodzi akazoti,
"Ndinovaudza kuti rovai vanhu vanokudenhai kunge zvandaiita ini baba wavo. Anyway pane zvandichakuudza about this surname that is kana warambana naNison wako."
To be honest ndanga ndakunzwa kuti Smart ndinomuda kudarika Nison. Smart anga akakundwa kunaka pachiso naNison but ndaimuda zvakadaro.
Nison wacho ndaisada futi kumurwadzisa. Pandaironga  kumuramba ndaibva ndanzwa tsitsi ndofunga kwaakandibvisa. Dai pasina iye dai ndakaitwa mukadzi nabamunini Gift. 
Nison wacho aibva awedzerawo kundida asi mari yake ndanga ndakuita ndichiiramba.
Smart ndakazomunyepera kuti Nison ndamuramba because anga akundipa pressure hanzi musikana haaite barika Wadza.
I would make sure kuti handina kudhumanisa.
Ndakaita seven months ndichidanana navo vese and hapana akandibata kana zamu zvaro. Chandakaona kuna Smart kungomupa hug chete ndaibva ndamerera ndotofemuruka uyu Nison aiwa hapana kana kana chandainzwa. Asi zvakadaro Nison ndaingonzwa kumuda uye  kusada kumurwadzisa.
Mumwe musi ndina Nison zvangu pama shops paMunyuki ndakangoona combi yaSmart yamira nechepamhiri peroad kureva kuti anga andiona kare.
Kufarisa kwandakaita ndanga ndakaratidza Smart mapics aNison.
Ndakakotama ndikanyepedzera kupukuta bhutsu, mudumbu manga makurira kunge ndine nzara ini ndanga ndabva kudya.
"Wadzanai!"
Akandidaidza Smart ndikasimudza musoro akandipa sign yekuti  huya kuno.
Ndakatarisa Nison akanditi,
"Ndiyani munhu uyu, ndakaona pic rake mufone mako?"
Ndisati ndapindura Smart uya akandidaidza futi akati,
"Ndouya here kuzokutakura kuti vanhu vazive kuti uri musikana wangu."
Ndakangoti kuna Nison,
"Sorry Nison I have to...."
Ndakamusiya akamira Nison, ndichisvika paiva naSmart Nison akabva adaidzira kuti,
"Kahure kemunhu kakajaira kukwira nabamunini vako kumusha nxaaaa umuudze muface iyeye kuti une nhumbu yabamunini vako."
Ndakapotsa ndadonha pasi mheno kuti dzungu rakabva kupi. Smart ndiye akazondibata akati,
"Pinda mucombie tiende."
Ndakagara kumberi ndikachitanga kuchema luck enough mucombi manga musina vanhu.
End of chapter 20
NB: THIS IS THE LAST FREE CHAPTER
From 21 on sale 2 dollars per season kana 100 zig per season 
Vari SA R30  ott , blue voucher kana 1 voucher or airtime yeikoko iya inopinda kwese ye R40 per season .
*Book iri rine 4 seasons so kana uchida all seasons ka1 pane discount.  Rakapera kare rese kungobhadhara nekupiwa rese.*
Ecocash kana Omari number 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ Bandera
One Money 0715997347 Bandera 
Book redu is on  Boom Application  only
Thanks for your love and support
                        
                    
                    
                    
                    
                    
                                    
                                        
                                            ❤️
                                        
                                    
                                        
                                            👍
                                        
                                    
                                        
                                            😮
                                        
                                    
                                        
                                            😢
                                        
                                    
                                        
                                            🙏
                                        
                                    
                                        
                                            😂
                                        
                                    
                                    
                                        43