TRICIA NOVELS 💚💚💚
February 13, 2025 at 06:36 PM
FOLLOW TRICIANOVELS WHATSAPP CHANNEL FOR PREVIOUS CHAPTERS AND OTHER BOOKS WRITTEN BY TRICIA 💚💚💚 https://whatsapp.com/channel/0029VaY7chX3AzNKqkycwZ1q TRICIANOVELS NOVELS MAIN GROUP LINK https://chat.whatsapp.com/CWPcNO2QC6R7TX4p2Z6IwH FOLLOW ME ON FACEBOOK 👇👇 https://www.facebook.com/share/18t57pkAkg/ *THE BLAME LIES WITH MY PARENTS 😭😭😭* *WRITTEN BY TRICIA 💚 💚💚* BOOK 10 PLEASE READ, COMMENT, LIKE, AND SHARE CONTACTS: 0780677763/ 071143699 CHAPTER 4 LONDIWE Murume wamai vangu aive oda kunyatsonzwisisa chaiko ndofunga anga aona maitiro andaiita but yaisava mhosva yangu veduwe. Pane akambozvionawo here kuti kana usina freedom unoita kamwe kakudzungaira so hameno ndini ndoga ndaidaro here, vakamboshungurudzwa huyai mundiudzewo. Mbuya ndofunga vakanzwa kuti zvaipa kwavaive ikoko vachibva vauya vari bara ndokuzvikoti "Nhai mukwasha, kwakanaka here pane here chamusina kufarira pano" Iye murume wacho akangobva ambonyarara hameno kuti aifungei, Gloria namai vake vaive vakaita kundipa rimwe ziso rairwadza imi zvekuti ndaive ndonzwa sendinotsva ndichishaya kuti ndoita sei, then murume waGloria, ehe ndave kutomuti Gloria coz haakodzeri kupiwa respect neni. Hanty, you know kuti respect is earned, not demanded saka ini ndo respecter anondirespectawo. Akabva anditi "Mainini pfekai uniform iya yandakatenga nezuro, shangu mutange madziisa polish handitika. Mukasike ndoda kukuperekedzai kuchikoro nemota coz you are already late" Ndakangokasika kunoita zvandaiva ndaudzwa, ndichibva ndatora nemabook coz ndaitova ndisina emanotes emasubjects mazhinji ndaingonyorera eform 2 iwayo. Dzimwe nguva zvaitondirovesa coz mateacher ose aisada kuti tishandise mabook iwayo. Ndakapfeka ndikatoona kuti zvandaive ndakafitiwa nhaimi, ndaitoda kuzoba imwe sipo chete mumba magogo ndozoshandisa kugeza ko dzaive dzauya hobho so ndoziva vanenge vasina kudziverenga chete. Ndaidawo kuonekerawo zviri nani pavamwe ndisazonyanya kusekwa veduwe, kwaingova kushinga but zvaindirwadza hama dzangu handidi kunyepa. Ndakazobuda mumba ndava kudamwa nana Mwasi ndikabuda ndichifambisa ndokunokwira hangu kuback seat ivo vana Mwasi vaitorirwana kugara mberi maybe vaida kunoonekwa havo kuchikoro kwacho and yakatoita hondo zvekuti murume waGloria akazovati vagare kumashure vese ini ndiuye ndigare kumberi but ndakaramba ndichiti ndaigara kumashure since kwaikwana vanhu 4 apa isu tiri 3. Takazobuda hedu and ini ndaingova zii vamwe ndivo vaitaura, takanosiiwa pagate ndichibva ndangoti maita basa. Ndaida zvekutoenda but ndakabva ndadanwa ndokupiwa $20 ndakamboda kuiramba but ndakaigamuchira ndafunga nzara yandaimbonzwa plus vamwe vaisaona ka vaive vachiri mumota hanty vaida kuonekwa here vachiburuka mbichana mbichana. Ndakangoti ndichigamuchira ndichibva ndangoiti maita basa nekutofamba ndichienda. Hameno kuti vamwe vakazosara vachipiwawo here mari. Vanhu vainditarisa ka coz vaive vasati vambondiona ndakachena kudaro plus ndakapfeka complete uniform. Ndainzwawo zviri nani day iri coz ndaiziva kuti ndaizodzidzawo nevamwe ndisingachaiti ma punishment. Muclass ndaingotaurwa nevamwe but handina kuita basa nazvo then a after break mr zhou vaya vakabva vauya vachibva vati "Ko musikana anonzi Londiwe arimo here muno, ngaasimuke tione. Ndine pandinoda patsvairwe" Ndakangoti kasi baba ava vane zvinovanetsa here, vamwe vemuclass medu vakabva vadaidzira kuti nhasi akapfeka complete uniform sir. Ivo vakaita zvekushamisika zviya vachibva vanditarisa coz ndaive ndatosimuka already vachibva vati "Aaah ko zvawakachena zve nhasi kwangosara kuti ugeze chete" Ummm guys ka, ndakaita kubaiwa pamoyo nemashoko avo zvekuti misodzi yakayerera yega, ndakazama kuigama but zvakaramba. Hongu am a strong person but pane zvimwe zvinondikurirawo so. Vamwe vaive votoseka kunyanya vasikana but vakomana vakabva vaita kuti "haaaaa" zvine ruzha zviya uye zvekuratidza kuti sir mabhaiza. Ivo vakazviona vachibva vati "Oh sorry hako, I didn't mean it. Sorry guys, regai ndiende" Vakabva vabuda havo ini ndokuzogara pasi but ndainzwa kuti ndakaremerwa pachipfuva apa. Day rakazongopera ndakasuwa zvisingaiti, pakuenda kumba ndakangoita semazuva ese ndichibva ndatotanga kubuda ini gate. Ndatova kunze kwegate ndakaona headboy vachinditevera vakatotanga kundinyenga ndikangoti handiite zvevakomana ini, akamboda kutandipa zvimareason zvenhema ndikatobva ndafambisa kuenda kumba zvangu. Ndakawana Gloria nemurume wake vachipo zvikatondibhowa zvisingaiti. Ndakatowana zvese zvakaitwa ndichibva ndanogara kuseri kweimba hangu coz ndaisada kukonzeresa. Day iroro vana Naliwe vakanonoka kuuya ndikatoshamisika mbuya vachitovapopotera mhani vachiti hee Londiwe anguva auya imi manga muchiri kuitei ndakatoona kuti kuvepo kwemurume waGloria kwaindibatsira veduwe, ndotoona sekuti dai amai vangu vasina kundivanza aigona kuzongonditora semwana wake ndikatogarawo good life sezvinoita vamwe. Sare ndaive ndakangoitwa semwana akaraswa ndikanhongwawo nambuya vangu. Dai vaive vakatondibvisa ndichiri nhumbu or kundirasa havo pavakandizvara zvaive nani, chero ndaizonotambura ndave kumwe zvaive nani ndaiziva kuti hapana mai vangu. Mazuva akafamba and ava vaenzi vaive vaenda manje, then mbuya vaisandipopotera like sezvavaimboita ndikashaya kuti chaive chii chaizvo. Apa vairatidza kuti havana mufaro ndikangoti aaaah ndezvekwavo izvo at least ndaimbozororawo. Kuchikoro chaiva chondishungurudza, vakomana vaive vowanda veduwe vaindishaisa peace chaiyo. Nemamwe mateacher aitondidudzira kuti vanondida, ko hanty ndaive ndazoba sipo iya saka ndaive ndave kuglower. Rimwe zuva iri weekend ndichibva kumashop ndakaona Mr Zhou. Hameno kuti vaibvepi havo, ingoti zvekutsvakana nenyaya dzevanhu handizvide. Vakabva vatotanga kunditevera vachindiudza zvekuti vanondida kudii wee, ndikavanyararira road yese vachingotaura ivo, then ndave kusvika padhuze nekumba ndopavakanditi "Dai wandida ndaikuiitira zvese zvaunoda iwe, I can pay for your school fees, ndokutengerawo uniform kwayo pamwe nekutiwo udye. Ndozviziva unobva usina kudya saka kudanana neni i advantage futi" Ndakangoridza tsamwa nechemumoyo ndikangosiyana navo ndokuenda kumba uko kwandakasvika kune mashura chaiwo. Uniform yangu yaive yatsva zvese shirt neskirt ichiratidza kuti yaitwa zvekugadzikwa iron. Ndakarwadziwa guys kutobvunza kuti aive ani ndingaudzwa nani hangu. Kana vari sagogo kutondituka zvavo. Day iroro ndakachema shame, ndichifunga kuti saka Monday ndaizodzokera kumadhumbu angu here. Ndakabva ndafunga kutosiya chikoro chacho ini zvekuti Monday payakasvika handina kuita chero action zvangu. Mbuya vangu vakati vopenga zvavo hanzi kana usisadi chikoro ibva pano handigari nerovha. Apa ini ndifunge kuti kana ndaizobva pamba pavo ndaienda kupi zvangu. Zuva raitevera ndakaenda wani ndikanoti ndosekwa hangu, hameno kuti vana Naliwe vaive vaudza vanhu vemuclass medu kuti chii. That week became my worst nightmare zvekuti ndaiva ndichishaya kuti ndoita sei. Mr. zhou approached me once again nenyaya yavo iyoyo yekuti ndikadanana navo vanondiitira zvese zvandinoda. Handina kutaura anything ndakabva ndangoramba ndiri zii. Pandakazoenda kumba ndakanowana kuchinzi heee kwabiwa mari ndikarohwa imi nagogo hanzi hakuna umwe mbavha kunze kwangu. Ndichibva ndarariswa nenzara day iroro apa kuseni ndaive ndisina kudya. Pakuenda kuchikoro day raitevera ndakangobuda, which means raiva rave day 2 ndisina chandadya. Ndaiita kunzwa kugurikanya mumabonzo nenzara henyu. Ndakambozama kushingirira kuchikoro kuya until ndave kunzwa kuti hazvichaiti. Ndakazongogumisira ndazvipira kuenda kuna sir vaya kunovaudza kuti ndovada hangu so that ndowana kwekudya. Paive pasisina kusiri kufa guys kana maipinda mutsoka dzangu maindinzwisisa imi. Ndakabva ndatosimuka ndokuenda hangu kuoffice kwavo lucky ndakavawana varimo ndichibva ndagogodza ndikapinda... Stay tuned End of chapter 4
❤️ 😢 😂 👍 🙏 19

Comments