S❤️Bandera Novels
January 31, 2025 at 05:02 PM
Main grp
https://chat.whatsapp.com/CC3RGRR6Py9J4tejFQooNg
*Chawagona Hapana*
_Collaboration written by_
S❤️Bandera
0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣
&
Nitha Chihelele
0⃣7⃣8⃣0⃣3⃣6⃣8⃣4⃣9⃣2⃣
Chapter 10
Chipo
Ndakaita 2 days ndisina kutaura nababa Tadiwa, kwete kuti ndaisada asi kuti pese pandaivaona it's either ndaivaona vakutomutsa mota or vaina nyachide wavo. Ivo kana kunditsvagawo havana. Ndaizombozviti asi iyi marriage ka, kwakungara kwekuti ndinzi handisi kumba kwedu chete. Day 3 ndichitsvaira hangu vakamuka kuti vageze mota. Ndakaitawo zvivindi ndikavati, "makadii henyu Mhofu." Zvikanzi, "ah wakadzoka, wakazvionaka kuti kwenyu kune nzara hakugarike. " Ndakademba chandanga ndavataudzira hangu. Ndakangovati , "zvakangofanana izvi kungoti ndajaira kumba kwangu. " Vasati vadaira ndakatanga kuimba ndichitsvaira ndichienda the other direction. Pandakapedza ndakaenda kumarket kunohodha. Pandaiva kumba kwedu ndaitengesa ndichisungirira kamari kese kuti ndiwedzere zvekuhodha.
Ndakadzoka ndikazadza musika wangu kwakugara hangu. Mai Ruva vakauyawo kunonditandadza hanzi, "wakagona shamwari, wanga wandirwadzisa kusiira Prisca murume." Vaitaurira pasi nekuti Prisca anga arimo mukati. "Ndanga ndakanozorodza pfungwa chete Sahwi." Zvikanzi , "ndizvozvo asi iwewe murume wako unomujaidza dai wambomuendera kumapurisa akapiwawo mboma dziya pamwe kuchinja. " Ndakazunza musoro ndikati, "askana advice yenyu yakanaka chaizvo asi domestic violence musaitarisire pasi henyu. Ko akavharirwa nhaimi. Besides kupererwa nebasa rake Hama dzake dzingandionesa moto pano obvious ndinopadzingwa pano. Ndozodii nevana kana ndadzingwa? Better kana ndine pekugara zvimwe ndinongoshinga kutamba iri kurira." Havana kuzoenderera mberi vachitaura nyaya iyoyo. Advice yekunzi ndisungise murume was a negative advice to me ndaisamboiteedzera kana. Ndaingova nefaith kuti one day he will came back to his senses totanga new life.
Vakatenga madomasi nema onions vachibva vaenda. Mazuva akafamba, kuwanza staff kwandaiita zvaiitawo kuti Mari yandaibata pazuva iwande. Baba Tadi Havana kurega kutenga Hupfu necabbage. Chete vaisaona havo kuti musika wangu Uri kuita kuti ndidyewo nenyama yedollar every day. Prisca ndanga ndakumu avoider chero nyaya naye dzekuwanda ndanga ndisisaite. Ndiye anga aita kuti ndiroverwe mahara saka ndanga ndakungoperera mukuitana mamuka sei maswera sei chete.
The other day Baba Tadi akadzoka kubasa ari maskati. Haana kupinda mugedhi akamisa mota kunze kwakuuya pamusika pandaiva. "Business lady."
Akadaro zvekushora chaizvo. "Yaaa ndingadii hangu. " Ndakadaro akati, "yaa I see zviri kuita, wachinja. " Ndakangosekerera to be happy with the compliment, at least anga achitombonditarisawo. "Mai Juju arimo here?" Akataurira pasi, ndakamuudza kuti ndanga ndapedzisira kuvaona vachibuda vakachena chena. "Obvious aenda kwamai vake. " He said looking relaxed . Vakatanga kubvunzwa naprices ezvandaitengesa ndichivaudza. "Chiita mumwe mwana Tatenda akura. " Ndakaita wekutarisa kumeso, anga asiri kutyisa hake. "Heede , mwana? Anoitwa nekungomhoresana here?" Ndikanzi, " ndingakuti ita mwana ndisiri kuzokupa here mwana wacho. Ndiri kuziva zvandiri kutaura. " Ndakazunza musoro ndapererwa. Kureva kuti anga akuda kudzoka mubedroom mangu nhai. "Saka watii Chipo? Honestly speaking vana 2 vashoma ita mumwe." Ndakakakama ndashaya mhinduro kwayo ndikanzi, "itori offer yandiri kukupa, favour yakanakisa. Hausi wane ngura here iwe? Hapana pandingauye kuzongonokufadza mahara ndikuda maresults emwana." Anga atotanga kutaura rough saka ndakazvirereka ndikati, "ndazvinzwa Baba Tadi asi ndiri kutya kuita nhumbu kwacho. Magariro andakaita pano ndaona kumberi ndazotambudzika ndega kuchengeta mwana iyeye musingandicheuke. " Zvikanzi, "haaa iwe inzwawo zvawakutaura. Ndipo pandingatadze kuchengeta mwana wangu here? Saka watii, itori favour yandiri kuda kukuitira you shall thank me later. " Aitosimbirira zvekuti aida kundiitira favour nhai. Ndakambonyarara ndichifunga nezvazvo akadzokorora kubvunza kuti ndinotii nazvo ndikazoti, "Baba Tadi handikunzwisise handikuchenese nekuti wakandipandukira ini ndakuponesa." Saka mwana ndinoita asi on one condition , tenga hambe dzese dzepreperarion ndingoziva kuti kana ukazondipandukira at least preparation iripo. Kana pasina izvozvo haiwa favour yacho ngaigare zvayo ndinogara neivava vashoma. Kana muchitya kuonekwa namai Junior muine bag repreparation munondipa mari ndonotenga."
"Haa Chipo,ndozvinoitwa here ko ikaramba kubata nhumbu yacho ini ndatambisa mari. " I reminded him ndikati, "don't forget kuti handinonoke kubata nhumbu, mwedzi wandasiya family planning inobva yabata. Mukangouya nezvandataura chete ka1. " Akakwenya dzoro Phineas kwakuzoti, "okay ndichatenga. Mari handikupi unozotenga zvekubhero ukaita Maths nemari. Ndichatenga ndini. Zvauriwe uudze vanhu kuti ndati ndichatanga preparation kuti uzoite nhumbu. Unozviruza , remember ndiri kukuitira favour kuti uitewo number yevana yakanaka. "
I reminded him kuti ndaiva nejadel akandipa mari yekuti nditonobviswa musi iwowo. Ndakarongedza zvinhu kuisa mumba. Ndaiva nehondo mupfungwa kuti zvandakuda kuita izvi zvakanaka here considering marriage life yangu. Ndakazozvisimbisa nekuti maybe mwana iyeye ndiye aizoita kuti ndigarewo zvakanaka. Pfungwa iyoyo yakatoita kuti ndisaverengera kunobviswa jadel ndakanobviswa musi iwowo.
His promise made me blush even when there is no reason to blush. Ndanga ndane nguva ndisingazive rume weduwee. Ndakatotanga kushandisa maremedies andainzwa ekudziisa muvuri nekudzora zasi. Kugeza ndakagara ndiri munhu anogeza hake asi apa zvanga zvava extra ordinary nekutoshandisa feminine wash from Avon. Chero mubedroom ndakachinja order zvese nema blankets ndikaisa akachena.
Two weeks down the line tichingoita zvemazuva ese kunge maneighbors. Ndanga ndaku looser hope nekuti namai Juju vaibuda kani kuratidza kuti mari yaivapo. Tiri muweek 2 imomo akazondifonera maskati achiti tisangane mutown andipe bag rehembe dzepreperarion. Weduwee dai pane akandinzwa ndichiridza mhururu aitoti kwaitikeiko. Ndakaita quick shower kwakumhanya kunosangana paanga ati tisangane. Ndakamuwana akazembera mota yake. Ndikatiwo regai ndive romantic ka ndikati, "Dad maswera sei?" Akanditarisa nepamusoro pema specs akaseka achiti, "ana Chipo kuva romantic kunodzidzirwa makura kudai here?" Confidence dzese dzikati hwaa ndakungobwaidzika. Akavhura kuback seat akabuditsa monarch medium size yairatidza kuti yakazara. Ndaiti rinenge ringoriwo bag Ka not knowing kuti ainge afunga kutenga zvakawanda.
Ndisati ndatenda akabva ati, " Zvese zvirimo including 50 mapamper small size. I think uchazvifarira." Akataurawo nezwi rakanaka ndikati, "maita basa Mhofu, Aiwa zvaitwa ndazviona. " Ndikanzi, "I hope hainonoke kubata." Ndakamusimbisa kuti yaitozobata chete. Ndaiva nemufaro kani, more than 2 years ndisingazive murume here shuwa, kufa nenyota makumbo ari mumvura chaiko.
Akanditsindidza futi kuti ndisaudze kana ani zvake. Ndakabhadharirwa taxi kuti inondisiya pamba chaipo .
Sezvineiwo ndakadzika taxi mai Junior vari panze pegate waiva neshamwari yavo. Matarisiro avakandiita, ini kwakuzvuva hangu leather monarch ndichifamba step yemunhu aifara. "Maswera sei askana , ndofunga ari kutaurwa anzwa zveve kurira." Ndakadaro hangu vese vakaseka asi Mai junior ziso raingova pamonarch. Takangoitana maswera sei ndikapinda mukati. Ndakanzwa mai Junior vakuwoneka mumwe wavo ndikaziva kuti kuda kubvunza zvemonarch. Ndakafambisa kupinda mumba, ndichingoti kwede mubedroom ndakanzwa vakundidana vari mupassage. Ndakabuda zvikanzi, "makorokoto ka ndaona mune leather monarch. Musika wabhadhara ka. " Ndikati, "yaa zviri nani , ndanga ndisina monarch ndatoti nhasi ndinoitenga." She cleared her throat vakazoti, "matenga monarch chete here ndaona yakafuta?" Ndikati, "ndazotengawo netumwe tuma small small haina kuzara hayo." Vanenge vaida kutoona kuti munei but handina kuva entertainer. "Ndichatoti Baba Juju vanditengerewo angu 3 ndikuda masizes ese." Ndakaerekana ndati, "better mune vanokutengerai, ini ndichatongodai 1 1 kusvika akwana."
Vakabva vaenda mumba mavo. I locked my door ndikatanga kutarisa zvaiva zvatengawa. I almost cried nezvaivamo. Good quality yega yega. Vana vangu vese hapana anga kapfeka quality yega yega kudaro taisanganisa nebhero nezvimwe zvekusona zvataitenga muroad. Ndakanyatsozvipira kumuita mwana iyeye kana aizondiharasawo hameno. Ndakaisa monarch riya pasi pemubhedha kure chaiko.
Pakapera futi 1 week Phineas neni achingova magreetings chete until the day rakazoenda mai Junior kunhamo kuHarare. Zvainzi maiguru wavo mukoma wamai wavo anga ashaya. Vaida kuenda nababa Tadiwa asi vakati kubasa kuri tight hakubudike. Vakatoenda vakatsamwa kuti arambirei. Manheru munhu aingova kwamai Junior mufunge, moyo wakabanda kuti shuwa munhu kubva atadzawo kuuya kunodya kumba kwangu. Ndakangoti kubva Prisca paakauchera mupfuhwira wake panenge pasi pemvura chete.
As always ndakanorara nevana vangu, kuma 10 ikoko ndakanzwa knock ndikaziva kuti obvious ndiye. Pandakanovhura door ndakamuona ane boxer short chete. Pandakanotarisa pamberi pake yooow anga akatocharger. He kissed me achida kutopinda, zvaisaita kuti vana vamuone akadaro ndikati, " mune vana dad." Akaridza tsamwa akati, "nxaaa musoro wakazara madhokororo saka mwana wacho tomuita sei?" Anga akutofuratira ndikamubata, "mirai Mhofu ndivamutse vaende kuroom kwavo. I'm sorry I didn't know kuti muchauya."
Akaridza futi tsamwa ndikaita kunge ndichamunanzva akazobvuma. Vana havana kunetsa kumutsa vakabva vaenda kuroom kwavo. Phineas ndiye akakiya door, face yake yairatidza kuti ari kutoda kurova basa.
End of chapter 10
❤️
👍
😂
🙏
😮
😢
65