S❤️Bandera Novels
February 1, 2025 at 04:31 PM
*MAYBE I WAS WRONG* 🌹🌹🌹🌹🌹🌹🌹 *Subscribe uwane book rakapera kare iri* *WRITTEN BY S❤️BANDERA* 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ *For subscribers only* *Chapter 21* GERALD Ndakakwira mumuti wepamba pambuya Hakata ndichiitira kuti pakamuka hondo chete ndonodzivirira mai vangu naOlinda. Pane zvaitaurwa mumba zvimwe ndaizvinzwa asi zvimwe ndaisazvinzwa. Mainini vakaendawo mumadziro kunoteerera ndikada kuvavhundutsira ndikazozvidzora ndafunga kamwana kaiva mumaoko avo. Vaigona kuzodonha zvakashata kamwana kakakuvara mhosva yaizova kwandiri. Anyway mai naOlinda pavakabuda vachienda kumba ndakambosara ndiri mumuti muya. Ndanga ndisisade zvekuramba ndichiteerera zvinyaya zvavo but I had to remain silent ndirimo kusvika mainini vabva sezvo ndaisada kuonekwa. Zvavakarongera mai vangu zvese ndakazvinzwa ko vanhu vacho vanoita kunge vasinganyatsonzwe. Munhu asinganyatsonzwa zvakanaka anotaura achiita zvekudaidzira anofunga kuti munhu wese haanyatsonzwa saiye. Zvanga zvisina kuipa zvakarongerwa mai vangu kuti hanzi vangogarire vana kwete murume. Ndizvo zvandakanzwa and ndakazvifarira. Zvaitozondipa simba rekuchengeta mai vangu ndichiziva kuti hapana anovadyira mahalf. Bamunini Gift ndivo vandaida kupedzerana navo. Nehugwara hwavo ndiye munhu wandaida kubatisa moto manje. Anyway mainini vakazopinda mumba maiva nevamwe vaneta kuteerera zvaitaurwa. Ndakadzika ndikaenda kwamai Gerald. Ndakamira nemadziro ndikanzwa vachitaura naOlinda. "Ko wazenge wakutaura zvevedio kudii iyo fone iri nyowani?" Olinda akabva ati, "Ndaizviziva kuti bamunini vachaita something but not kundipwanyira fone. Kungoti vanhu vanovharidzira kana hama yavo yaita zvakashata but vazviziva havo kuti hama yavo yakabata mbudzi. Ndichapedzerana navo havandinetsi." Ndakatya kuzonzwa zvinoyera ndikagogodza. Zii yakaitika mumba ndakaziva kuti vabatwa nekutya. "Ndini Gerald amai vhurai door." Vakavhura ndikapinda. "Ko unofamba husiku Gerry?" She asked vachitonzwika kuti vari worried. "Mukomana anofamba chero nguva amai especially kana pane vakamukoshera vaanoda kuchengetedza semi kudai. Dare rapera zvakanaka?" Vakandiudza zvandanga ndanzwa chaizvo nezvimwe zvandanga ndisina kunzwa. "Ndanga ndiri mumuti hangu, ndanzwa zvishoma hangu, ndazononotswa nevanga vari mumadziro vachiteerera." Takasekera pasi kusada kunzwikwa. "Ndafara kuti mave kudzoka. Musatya zvenyu. Imba yenyu yakaputswa siirai inini. Ndichatsvaga achakuvakirai kamachesa kekubikira ndakamirira kuti kitchen yenyu hombe ivakwe." Vakabvumira ndikati, "Zvizhinji siirai inini. Bamunini Gift musambonetseke navo zvenyu. Ndivo vachatouya kwana sekuru kuzokutorai. Vakasekera futi pasi vachitoramba kuti havangambodaro. Dai waiziva kuti bamunini Gift ndakavaita sei kuti vaperekedze Wadza kubus stop vaindinzwisisa. Anyway ndakambonyarara mai vachitaura naOlinda. Takanzwa knock padoor tikatarisana. Ziso rangu rakananga kuzidish resimbi zihombe ndikapa mai sign yekuti vandivhare naro. Ndakazvipeta vakandivhara asi vakaisa zvimachira kuti riite kakusimuka ndiwane mhepo. Zvakaitwa nguva diki diki knock iya ikapamhiwa zvekare vachibva vadaira. "Vhurai door mai Gerald, we need to talk." Ndakanzwa richivhurwa time time ndikanzwa pamusoro pedish paya pagarwa. "Hatikwanise kutaura mangwana here ndakuda kurara ini?" Vakadaro mai vangu ndikaziva kuti kutyira dangwe ravo raiva pasi pedish. "Ndinogona kushaya nguva yacho. Olinda buda ndinoda kutaura namai vako." Pakaita kanguva ndikanzwa baba wave kuti, "Mati makudzoka kunochengeta vana." Mhamha vakabvuma. "Ehe dzokerai vana chete kwete ini. Zvese munenge muchizvionera. Imi neni hukama huri pavana chete kwete pabonde." Zvandanga ndichanzwirira nhai. "Ehe ndazvinzwa , mapedza here muyende?" "Haundimhanyise ndichiri kutaura. Handidi noise nemudzimai wangu handitika?" Mhamha vakadaira. "Gerald handidi kumuona pano kusvika andipa mari yangu. Ndikamuona pano ndiri kumuisa demo mumusoro." "Uumm ...." Baba : "Ipapo handidzokere shure mari yangu yaakatora ndinoida." Vaitononoka kupedza nyaya dzavo ndanga ndakudikitira nekushaya mweya wakakwana plus ndanga ndakirwadziwa nekuzvipeta kwandanga ndakaita. Amai vakabvumira zvese vachiita kuti vakasike kubuda but vakatora nguva yavo kutaura zvavaida. Baba vakazoenda ndanga ndasarirwa padiki kuti ndisandudzire zidish. Mai vachingondivhura vakabva vatanga kundifena nehembe vachitaura kazeve zeve. "Ko zvawanga uchafira mudish nhai mwanangu?" Ndakangosekerera, pandanga ndava kunzwa zviri nani ndipo pandakasimuka ndikatanga kuzvitwasanudza. "Ndakunorara, zvizhinji tinotaura pafone." Ndakanorara muimba yevasikana Olinda akanorara namai. Handina kurara hope dzemunhu ari parugare aiwa. Ndakazoyedzerwa ndava kunzira inoenda nabamunini kumafuro. Nguva dzekuvhurira mombe dzakakwana ndatoneta nekuvagarira. Pandakavaona vachiuya, handina kuita zvekuvahwandira aiwa ndakatomira paioneka. "Ah .." Vakavhunduka pavakandiona asi this time havana kuda kutiza. "Eh Mhofu yemukono." Ndakadaro ndichivapa ruoko for handshake. Pavakangondipa ravo ndakabva ndaribata zvakasimba. "Ko makapwanyirei fone yemwana?" Ndakavabvunza ndakavatarisa neziso dzvuku and ndakavatarisa muziso chaimo. "Ndaa..eehh.aii... uri kundirwadzisa Gerald." Ndakaita kakuvaregedzera ndikati, "Makanyenga mbudzi bamunini?" "Ehe ...asi zvaibvumika here?" Me: "Mukarova mwana imi makanakirwa shuwa nembudzi?" Vakaramba vakanyarara ndikati, "Muri baba handifanire kukuitai kunge mwana mudiki so. Anyway fone yemwana ngaidzoke handiti?" Vakadaira nemusoro ndikavatarisa ndakaunyanidza mhanza vakadaira fast nemuromo. Vaizviziva kuti kana ndatsamwa handidi sign language. "Ndimi muchanotora mai Gerald kumba kwehama dzavo imi natete vekuNyamapanda muri vaviri. Muchasunga mombe ndimi monovatora havadzoke vega nhaika?" Vakangonditarisa ndikati, "Tiri kuwirirana here?" "Ko mukoma vanozotii? Ivo sisi vanobvuma here?" Ndakaseka zvangu kuvhara hasha ndikati, "Mukoma wenyu munotaura navo just like matauriro amakaita navo kuti Wadza aende kubasa. Pahukama hwenyu Mhofu munotyei? Tete munhukadzi vaya munoshandisa hubaba havamborambe." Vakabvuma ndikavabvunza kuti vachanovatora riinhi, "Zvakutoda mangwana vekuNyamapanda ava vasati vadzokera." Me: "Good movafonera mai Gerald kuti mangwana muchanovatora vagare vari ready. Musasiye tete vekuNyamapanda please." Vakabvumira ndichibva ndavasiya vakumhanyira mombe dzavo. Nzara yanga yoruma saka ndanga ndakuita ndichimhanya kuti ndinotsvaga chekudya pama shops. Fone yangu yakaringer ndikaona ari Nison. _"Hello mukuwasha._" Ndizvo zvandaimuita, akatora nguva akanyarara ndikatozobvunza kuti pane munhu here. _"Takasiyana naWadzanai. Ndati ndi..taure pane nguva kudai mungazoti ari mu..maoko angu._" Aiita kakukama ndikati, _"Ko indawa._" Him: _"Akawana zviri nani kundidarika. Haa ndakaedza kunyengerera zvikaramba._" Ndakanzwa achikwidza madzihwa nekutobuditsa sound yekuchema. Ndakakundikana kuzvidzora ndikatanga kuseka. Munhu mukuru wese kuchemera musikana ah nemawandiro avakaita. Pandakazoda kuti hello hello fone yanga yakatwa. Ndakati better kubata Wadza wacho ndimuti ko indawa kurasisa munhu akakuratidzawo chirungu. WADZANAI Vanhu vaimisa combie Smart asingamire. Ndaichemedzwa nemashoko aNison zvekutadza kana kunyarara. Akazono parker kwanga kusina vanhu vakawanda iniwo ndanga ndava nani hangu ndisisacheme. "Manga musina kurambana?" I nodded ndikamunzwa achitura befu. "But you told me kuti makarambana." "Ndaishaya reason yekumurambira ini." Him: "Now yavapo. Zvaadaidzira zviya zvinoratidza kuti aisakuda." Ndakamupikisa akati, "Wadza ndikakuroora ukahura ndichikuda handimboshambadze kunze. Handikutuke pane vanhu, tinotaurirana tiri 2." "Haa I think moyo yevanhu inosiyana, arwadziwa ndosaka adaidzira zvaadaidzira zviya." "Tell me more about zvaadaidzira zviya. Is it true?" I wasn't ready kumuudza masecrets ekumba kwedu but nezvanga zvaitika ndakamuudza about bamunini Gift kundikanya mazamu nekundibatisa chiweti chavo. Ndakazopedzisa ndichiti, "Handina kurarwa nabamunini zvaataura zviya munhu arwadziwa chete plus ndiye akatondiunza kuno ati ndingazobatwa chibharo." "He is not a gentleman. Akagona yes akakubatsira but ka haakumanikidze kudanana newe. Zvaatotuka zviya itoziva kuti akazokuroora unenge uri munhamo. Anokutuka nezvekumba kwenyu chese chaakuitira chakanaka ukamukanganisira anokutuka achikuudza kuti ndini ndakakuti...." We talked kusvika ndakunzwa kuti ndava right. "Pedzerana naNison handidi kuita makwikwi pamunhu wangu." I nodded achibva ati, "Handikuudze zvekunomuudza. Iwe ndiwe unoziva zvinoda moyo wako. What I believe is unoda inini..." He smiled and said, "Ndosaka wamusiya ukauya kwandiri. Ndanyepa here Wawa?" I smiled ndikati, "You are right ndinoda iwewe, pakadai wozondirasisa Smart. Kana kuti ndozoziva kuti une mukadzi wako ini ndakaramba mukomana." Ndakataura ndadonhedza face akati, "Tanga wapedzerana naNison ndikuratidze kuti ndinokuda. Ndine brother yangu anogara kuKuwadzana tinoenda ikoko ndiko kwauchanoziva kuti who is Smart Gasura." Ndakaseka paakati Smart Gasura achibva andibata ruoko achikwidza naro kumusoro ndikazuzuma zvaakaona. "Ndiudze chokwadi Wadza unonzwei ndikakubata?" I smiled zvekunyaririra ndikati, "Hazvitsanangurike mheno zvinoita muviri wangu." He smiled akati, "You are my perfect rib ini ndinonzwa magetsi muviri wese kubva kubvudzi kusvika kunzwara dzemutsoka. Ko Nison akakubata like this unonzwei?" Akabata nzeve dzangu achiuya kumatama ndikabatanidza makumbo angu chop chop akandisiya akuseka. "Hapana haa kuna Nison hapana." Him: "Ngaatsvage wake iwe hausi wake ndini wako. But hii handidi kutomboenda pakahwanda newe magetsi ako akawandisa." Akazofonerwa naconductor wake ndiko kuzosimuka kwaakaita. Akanondisiya kudhuze nekumba kwandaishanda. Ndaicheuka cheuka kuti ndingavingwe naNison. Sezvineiwo Nison wacho ndakamuwana akagara paveranda yamai Mangena pasina vanhu kudaro. Kumutya kwese kwakabva kwapera ndikava neconfidence dzekutaura naye zvaiva pamoyo pangu. "But why Wadza?" Akanditarisa ndikaona maziso ake akaita red kuratidza kuti anga ambochema. "I'm the one anofanira kubvunza that question Nison. But why Nison, ndakararwa nabamunini here inini? Ndine nhumbu ini?" I asked ndakuda kuchema, kufunga zvabamunini kwaisandinakidza. "Ndangotaura mukutsamwa and ndaitira kuti kana muchidanana muchinda uye akurambe urambe uri wangu ndega." Ndakamutarisa ndikanzwa hasha dzichizara mandiri asi ndakati handidi kumuudza zvinomurwadza. Akarwa kurwa kwakanaka Nison. "Une chokwadi Nison? Zvawadaidzira zviye nekurema kwazvo woti hauna kuitira ini?" Ndakambofema ndikati, "Unoziva chii, munhu uya aindipfimba and aitoziva kuti ndiwe mukomana wangu that's why adaidzirawo zvaadaidzira. Paya ndaida kutonomuudza kuti zvaaita handina kuzvifarira and ngaasandinetse iwe kwakudaidzira hako zvako zviya." Akasekerera ndikatoshaya chaaifarira. "Saka ndini ndahwinha babe?" Me: "Haa hazvichaite Nison. Ndatoona kuti iwe neni kumberi uko tinozochemedzana...." "Never .....over my dead body...ndakakuunza kuno ndini. Kuti uzive marobots ndini Wadza. Pasina ini ungadai wakamitiswa naGift iwe. Kuti uzive roll on chaiyo ndini wakatobvunza kuti chii ichi. Hazviite kuti undirambe." Anga akutyisa but hazvina kunditadzisa kutaura zvandaida kwaari. "You see pane problem yako. Wakandibatsira yes and I appreciate your help, but hona zvawakutaura. That's why ndati iwe neni hatiwirirane. I'm sorry nekukutambisira nguva. Uchawana wako." Misodzi yake ndakaiona akatora nguva achikakama. "Nditaure ndichitii Wadza. Handisi rini here ndakaita kuti uuye kuno?" "Zvapera Nison, mashoko awandituka nawo pakazara vanhu ndiwo aita kuti ndichinje pfungwa dzangu. Ndaikuda but ndine zvandaona nhasi pauri ndikatoona kuti kumberi uko handiwane mufaro wakunditi ndiwe wakandiunza kuno." He tried kuzvi justify achiti aitira kuti combie driver arwadziwe andirambe. Ndakazoita kupinda mumba nekuti airamba kurambwa. Mangwana acho akatorovha kubasa akauya ndikamuudza kuti panezuro ndipo pandiri it's over between us. "May I was wrong pandakati uuye kuno dai ndakangokusiya kumba kwenyu. Ndatsabvurirwa nevane mari. Asi waindida chaizvo chaizvo here Wadza?" Me: "Ndaikuda and nanhasi ndinokuda but not romantically love. Ndokuda semunhu wekumusha kwedu akandibatsirawo ndiri panguva yakaoma. Kwete kukuda kwakuti mukomana wangu, uchawana wako Nison." Him: "Heya gara waudza driver wako akutsvagire rimwe basa. Pano ndakakutsvagira ndichiti uri musikana wangu saka zvausisiri musikana wangu haa zvadhakwa." Akabva aenda ndikasara ndichitura mafemo. Mai Mangena pavakauya vakabva vandipa notice vakati havasisina mari so panopera mwedzi ndoenda. End of chapter 21 4 seasons dzese dzakapera UKABHADHARA wotowana book. 2 dollars per season kana 100 zig asi kana uchida ese ka1 moisa 7 SA R30 voucher per season Ecocash kana innbucks kana Omari 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ Bandera Confirmation moisa ipapo futi
❤️ 😂 😢 😮 🙏 19

Comments