S❤️Bandera Novels
February 2, 2025 at 05:14 PM
Main grp https://chat.whatsapp.com/CC3RGRR6Py9J4tejFQooNg *Chawagona Hapana* _Collaboration written by_ S❤️Bandera 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ & Nitha Chihelele 0⃣7⃣8⃣0⃣3⃣6⃣8⃣4⃣9⃣2⃣ Chapter 13 Prisca Vakaitambira phone iya kwakumbovenga message iya. Ndaiti zve vachakwira BP nemessage iyoyo. " Asindakaona munhu achindidzorera phone kwakuti," ende zvakaoma hazvo. Varume ava soo havana mugoni. Murimwana mudiki mainini, munogeza makanaka. Makamupa mwana mukomana mujarifa. Saka hanzi zvaipira papi ko naMhofu nhaimi?" I couldn't believe kuti ndiyo response yavangandipa pakadaro. "Ihure Phineas uyu maiTadiwa! Handei tinomurova mukadzi uyu!" I said ndaita kuvatarisa kumeso. Trying to make her see point ndichiti," maimwana ndiro hure ririkudya mari yevana kusachengetwa Kudai." I said ndichiedza kuvakwidza forongonya. "Mmmhh ini asikana zvekunorwisa munhu ndinozvitya ini. Ko ndikanorohwa zvangu ndoti chandarohwerwa zvangu." Ende vaisatombotirimuka zvavo. Phineas wacho kwakumuona achitobuda mumba kwakusheedzera hanzi," chindipa zve phone yangu ndiende. Hausati wapedza nayo?" Ndakanzwa kunge ndadirwa mbama. He was not showing any remorse panezvaaive aita. I stubbornly walked back mumba. Kwakunosaver manumbers atriple A aye. Kwakutombozvigarira nephone yacho ndichida azoitora ega. Akabva asvikoibvuta ndikati," harinyari rumeguru risingagone kuvhara zip. Unosemesa mbwa yemunhu Phineas! Ndakakuitira favor kudanana newe ndichisiya vezera rangu. Ndichiri kunyengwa ndikutaurire! Ndinogona kunyengwawo. Usafunge kuti kuvapano ndapera panonaka." "Okay," ndiyo response yaakandipa achitobuda. Zvakandiwedzera hasha kwakutora katakkie kaJuju kaive pasi ipapo kwakumutema nako ndichiita kufemerera. Akandicheuka achibvundisa chigunwe akandinongedzera hanzi," ndokunonzi kufarisa ikoku Prisca. Usade kundibhowa wanzwa ka?" "Haiwawo urizimbwa ko iwe ndiwe usina kundibhowa here?" Akabva afamba achibuda ndikanzwa mazihasha achindiputira. Kwakutevera panze ipapo ndabata broom. He paused before getting into his car ndokundinongedzera nacho chigunwe chake chaiita kudedera zvehasha ndokuti," ukaita mafunnies panapa ndakuzokurova Prisca " ndaive ndisati ndakamborohwa hangu. But tone yaakashandisa ipapo. Nekumboona kushandirwa kwaimboitwa maiTadiwa ndakanzwa nyama dzangu dzichiita kuteta. Kwakungozopedzera shungu mukutuka ndichiti," zimbwa! Mugodhoyi!" Akabva apinda mumota make mwana wamai Phineas kwakuimutsa zvekutoda kundisvotesa. Moyo wangu wakaita kuenda kure kure chaiko. Kwakunhonga chidhinha chaive pasi ipapo kwakurova windscreen yemota. Ko mota iyoyo ndiyo ka yaimuita kuti adiwe nemazihure aka. Akanomira uko ndikanzwa hana kurova ndavakutya kudzemurwa. Kwakuona maiTadiwa vachiswedera wo kuzowokera . Ipapo ndaive ndakuita kufemera mudenga nehasha. Akaburuka Phineas kwakumbotarisa tarisa mota yake. Zvandaifungira kuti anogona kundidzokera kuzondibhura bhura haana kuzviita. Instead akangonditarisa kwakudzungudza musoro achiridza tsamwa. Ndokuti," dzimwe mhepo dzatinokumbana nadzo tichiisa pamba soo! Unoziva kuti zvichandi coster marii kugadzirisa windscreen yawaputsa iyi? Uridofo Prisca wanzwa? Be prepared kuswera nenzara nekuti mari yavakunogadzira damage yawaita iyi." Ndaiti achaisiya kwakutopinda mukati ndokutorova pasi. Ndikazenge ndavakudemba kuti dai ndapwanya ese mhani. "Maiguru manumbers ehure raPhineas ndatora. Handei tinomurova Phineas anotijairira uyu!" I tried kuvadhonza maiTadiwa. Vakabva vati," imborwirai murume wenyu asikana. Ini zvekurwa izvi hazvisi mandiri. Imi handina wani kukurwisai. Besides murume ava wenyu ini hure racho kuvapo kana kusavapo hapana parinondi affector." Ndakatoona kuti mukadzi idahwa zveshuwa iyeye. Ndosaka Phineas aimusema. Manje kwandiri ndaisazomujaidza Phineas. Ndaida kuchipedza chihure chake kuti tsvayi. Ndakapinda mumba kwakutora mwana wangu ndokudeedzera Tatenda. Ndaida asare nemwana. Kwakutonzi," makanganwa kuti aenda kuchikoro here nhai mainini?" Kuti ndivakumbire Ivo maiTadiwa ndakambozeza. Semunhu ndaimborasika kutaura ndichiti handidi mwana wangu apinde mumba mavo. But ndakaimedza pride. Mwana ndaisada kuenda naye kunorwa. Ndakasekenyeka nhema ndichiti," iiih kutokanganwa nhai kuti aChihera vaenda kuchikoro. Ndanga ndichida kuvasiya nabhudhi vavo ndimbobuda. Haa ini maiguru handihurirwe ka ini ndakangoyeva " Lucky munhu wacho haana kumbooma musoro ndakatonzi," anonetsa here Junior uyu? Haanetsi uyu musiyeyi zvenyu achitamba ipapa ndinenge ndigere pamusika apa." Ndakangopfeka hat musoro waive usina kumbokwamwa. Chero kugeza kumeso handina ndainzwa kudedera nehasha. Kwakubva ndatongokiya ndokuita kufamba ndichimhanya. Ndakananga kumba kwedu straight. Ndaida kunotsvaka Sarudzai anondibatsira kutinha hure. Ndakatowana paina mama chete kuchinzi Saru abuda hameno kwaaive aenda. Ndakavaudza nyaya yangu ndichiita kufemera mudenga. Vakati," Saka unoziva kumba kwacho kwaanogara mukadzi wacho?" Ndipo pakati bengenu pfungwa dzangu kuti munhu wandaida kunodhinda uyu ndaisaziva kwaanogara. Semunhu ndaive ndatora number dzake I dialed number dzacho ndagara panamama. Haina kunonoka zvayo kudairwa ndakatonzwa ," hello Anna here speaking, ndirikutaura nani?" Ndakambosticker ndichifunga kuti ndiAnna upi uyu? Kuti ndiye wekumarayini ekumashops? Ka area kedu vanhu vazhinji taitozivana. Anna iye yaitove wo momz isina kana zera neni. My sixth sense yakandiudza kuti hakuna umwe ndiye chete.Kwakumuti," iwe hure iwe unoita basa rekuhura nemurume wangu ka iwe?" Paakazopindura ndakabva ndatoribata voice rake. Akadaira achiti," mother dzikamai manzwa? Vara ramashandisa iro rekuti kuhura hamuoni kuti madeepisa here? Handisi kuhura naye asi kuti anonakidzwa neni." Ndakanzwa mazihasha kwakucheuka mama avo vakabva varovanidza maoko. Phone yacho yaitove paloud vaive vanzwa zvese. Ko kuzonditi mother? Iko kungonzwa achitaura zvekuti murume wangu ainakirwa naye ndakaita kurwadziwa chaiko. Mugoona ndaifunga kuti Phineas sezvo ndiri mwanana kwaari haambofe akacheuka umwe mukadzi. Hoyo aive acheuka chembere zvayo munhu mukuru. Anna raitove zimvana zvaro. Apa raive nemazigaro nemazihips. Ndakatadza kuzvibata kwakuti," manje wahura nemurume wemunhu asiri iye Anna. Handiitirwe izvozvo ini." Kwaku cutter ndokuti," mama Saru wacho zvaaendera tuu nhaimi? Ndakuenda kunomuona Anna wacho." "Mmmhh anodherera uya anogona kukukuvadza Prisca." Mama warned but nehasha dzandainzwa ipapo ndaive ndisisagone kugara. " Aah anokuvadza ini ndichiiteyi? Kuti anenge andibatisa tray yemazai kahi? Tinopedzerana ," ndakadaro ndakufambisa kuenda kumba kwake Anna wacho. Ndakatomuwana akabata mutsvayiro amire pamukova. Achiona ndichisvika akabva arovanidza maoko kwakuti," mai imi soo ka! Ndimi mandishayisa mb*ro kuseni nhasi ka? Musadaro zvamuri munhu wekuziva wani? Hindava kundiitira godo inga maiTadiwa vakakubvumirai wo kuiwana? Mava imi panyanga hamuchade sharing nevamwe? Hamuzive here kuti varume varikushota? Kutopota uchipawo vamwe veduwe." Anna iyeye naturally aidheerera aitoziikanwa mumarayini kuti anotaura zvaanoda. Manje ini ndaive ndauya nestrategy yekumurova nematombo nematanda. Ndini ndaizo breaker record rekurova Anna. "Urizihure unosemesa mbwa yemunhu! Handisi maiTadiwa ini wanzwa?" I said that ndichinhonga chidhinha chaive chakavakirwa pamaruva. Ndakanonoka nekuti akabva azviona fast kwakundibata ruoko fast. Ndakaedza kuda kupunyuka. Akaramba akandibata ipapo aive atora maoko angu kwakumabatanidza neruoko 1. Hanzi," vana Prisca makura zvenguvai zvekugona kurwira varume? Uchiri mudiki stereki shamwari Phineas is a big boy who needs big girls vanenge isusu so. Iwewe usina hako kana nzeve unoti anotambisei murume nhaiwe? Unofunga anonakirwa nemwena wako iwowo usina kana chinoyevedza?" Mashoko ake akaita kunge ndachekwa nebanga pamoyo chaipo. Ndakabva ndatowedzerwa hasha ndavakuchema ndichimuruma. Ndikanzwa mbama ndokunzi," wakuda kundijairira manje Prisca wanzwa? Ndakuzokurova manje." Ndakawedzera kuruma ndichitoda kudzipura nyama chaiyo. Pamaoko she proved to be stronger than me saka ndaive ndakumupedzera nemeno. Ndakazoipihwa imwe mbama yakasvika paneropa chaipo. Nekuti ndakabva ndaregedza kumuruma. Kwakuyedza kunhonga dombo. She was so quick akaritora kwakuchitanga hake kundipa mambama kunge arikurova mwana wake zvake. Ndakarohwa kani apa ndichirohwa kumeso chete. Ndakazoona kuti ndingafire pasina. Kwakuita chitsoka ndibereke ndakananga kumba kwedu. Kwakusvika ndichibondera mukova yakatovharwa. Hameno kuti mama vaive vasara vakaendepi. Handina kumira ndakabuda ndakananga kwangu. Ndakazozorora ndasvika pamusika wamai Tadiwa. Ndichicheuka mhandu yangu. Hameno aive adzokerera kupi. MaiTadi kwakubva vati," chii ko nhai mainini?" Ndipo pandakatoona futi nehat ndaisiyako. " Harisi hure raPhineas randirova here?" I said ndichifemereka apa ndichinyatsonzwa face ichiita kupisa nemambama. "Hii nhaimi zvamatorohwa zvisvinu." She said ndikati," manje Phineas ndirikuda kumunyudza. Ndirikuda kumudzingisa basa nenyaya yekuba kwaanoita kubasa kwake!" Ende ndaive ndavakutoda kumuitira hutsinye Phineas wacho. MaiTadi kwakuti," heya vanoba?" "Ehe zimbavha remunhu!" Ndakafambisa ndichinopinda mumba kwakutomufonera iye Phineas wacho. Akatodaira aine mukonyo. Kwakubva ndamuti," ndirikuuya kubasa kwako izvezvi kuzoudza varungu vako kuti urimbavha! Unovabira!" Ndakanzwa munhu akuzvininipisa hanzi," my love mira ndiuye titaure wanzwa? Please Prisca ndirikuuya izvezvi." End of chapter.
❤️ 👍 😂 🙏 😮 43

Comments