S❤️Bandera Novels
February 2, 2025 at 05:14 PM
Main grp
https://chat.whatsapp.com/CC3RGRR6Py9J4tejFQooNg
*Chawagona Hapana*
_Collaboration written by_
S❤️Bandera
0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣
&
Nitha Chihelele
0⃣7⃣8⃣0⃣3⃣6⃣8⃣4⃣9⃣2⃣
Chapter 14
Phineas
Pakafona Mai JuJu I was in a meeting nema managers from Harare ndikabuda zvine stayera kunodaira fone. If only I knew what was behind her call ndaisadaira hangu. But pamwe kusaidaira would worsen the situation auya kubasa kwacho. "Prisca please ndati ndiri kuuya." I said ndanzwa kuti haasi kugona nehasha. "Hure rako randirova ndakuvadzwa inini nekuda kwechihure chako. Mira hako uone Phineas ini ndasiyana mamai Tadiwa vakapusa. Ndoda kugadzirira size zvekuti ukabuda apa hauuhure futi.". She hung up ndikasenda message yekuti asauye ndiri kuuya kumba tichitaurirana.
Ndakadzokera mustaffroom ndichibvunda. Kuri kunzi auya akandifumura, ndaisapererwa nebasa chete asi ndaipinda mujeri futi. Ndakamirira kuti pamwe meeting ingakasika kupera ndibude but it seems kuti yaisatopera nguva dzandaifungira. I was now sweating ndikakumbira kumukuru wedu. I lied that I had a headache, nekuda kwekudikitira kwandanga ndichiita akatonditi ndiende kuclinic. Ndichingobuda ndiye dhuma naPrisca, face yakaita churu kuzvimba. "Iwe mbavha......" Ndakakasika kumuvhara muromo ndikaita wekuzvuzvurudza kuenda naye kumota.
Ndakaimutsa zvemufirimu ndichibva pabasa. "Prisca of all the people ndiwe munhu aifanira kundinzwisisa , shuwa shuwa nemadiro andinokuita nemari yandinokupa , one mistake iyoyi woda kundisungisa?" Akabva atanga kutochema hanzi, "hausi kuona kuti ndakuvadzwa kana kundiita sorry hauna. Kuudza hure rako kuti ini handina nzeve ndingori nemwena chete shuwa here Phineas? Wakandiroora ndiri mudiki wakundishambadza kumahure ako."
Eish ende ndanga ndazonyenga benzi chairo anga achazvitaurireiwo izvozvo. Apo ndanga ndisina kana nguva refu ndadanana naye ndakangochiva mazi hips ake. "Sorry mai Juju muyedzo wakangondibata ufunge otherwise ndiwe chete wandinoda. " Ndakatoita zvekuvhara mawindow nekuti aihwihwidza kani cursing me pakuita chihure. Takasvika kumba achingochema, mai Tadi waiva pamusika handina kutombotaura navo. "Ndiendese kumba kwedu hako Phineas handiti wakawana mumwe saka ini uchandidii? Ndiendese hako. " Kumuendesa kana kumusiya achienda zvaisamboita obvious aizongonochibvondora kubasa . I hugged her ndikatanga kunyengerera iyewo zvekuyema aizvigona akabva aramba achichema, zvakaipirawo kudanana nemwana mudiki. Ari mai Tadi kumuti sorry muromo mumwe chete atonzwisisa. "Ndokuitirei nhai Prisca kuti undiregere , ndakatadza yes ndokuitirei." Akabva amira kuchema kwakuti , "wakambozviitirei Phineas? Mai Tadiwa wakahura ko ini?"
Zvaitaurika here kuti Mai mwana hamuna kushongedzwa plus remunhu anotaurisa harinake. "Pauri hapana chinoshireka babe, ndini ndingori neruchiva chete. Ndakuzviona kuti ndakabhaiza ndosaka ndati ndikubhadhare nei mudiwa wangu."
Ndaiziva kuti Mari anoikara kunge mb**ro ndosaka ndaida kumuvhara nemari. "Ndipe 2k ." Eish handina kufunga kuti angataure a large number yakadaro. "Mai Juju fodya yava shoma iri kutengeswa saka amount yawataura yakakura mumwe wangu. Hona ndakabva kutumira mhamha vako imwe mari ine mumvuri futi. " Ndikanzi, "Uri kukoshesa mari kudarika health yangu, ndarohwa ka ini who knows KO pamwe ndakuvarira mukati . Kana usingade it's fine ndichaziva zvandichaita ganya nemari yako ." Those words alone told me that I should scratch every corner kuti ndiiwane mari iyoyo . Salary yangu yaisambosvika one thousand iye achida 2 thousand. It was hard for me. " Okay ndipoo 2 weeks ndikutsvagire please usandiendere kubasa ndinosungwa."
Akabvuma kumirira, ndakadziisa mvura ndikamutova tova anga arohwa shuwa kuita kutsvukuruka kumeso KO aiva mutsuku hake munhu wacho. Mazuva iwayo ndakambodzikama, anga akonzera disaster uyu ndakabva ndamuramba. Tale ndakangomuti ndiri kushandira kuma out skits kunonetsa network ndikamuti ndini ndichazomufonera ndadzoka. Ko kuzonditi zvakadii kuti aende neni nhai ndakamuti hazviite ndinenge ndine vamwe vangu.
Ndakatanga kuunganidza mari it wasn't easy, hapana dhiri raiiika twaingova tumari twandaipiwa nevarimi kunzi nditenge drink kozotiwo dzimwe dzataigovana nevamwe zvepajekerere. Zvaitoreva kuti ndaitozotora salary yangu yese ndomupa. Two weeks dzakapera Mari isati yakwana ndikatomuti amirire ndatambira. Ndichiri pakunetseka nenyaya yemari mai Tadiwa akabva anditaimira kuseni ndakubuda akati, "mamuka sei Mhofu, ndati ndikuudzei kuti Mhofu makazviita ndajamba apa nyon'o yakundinetsa. " Pamwe dai pasina stress yemari ndaigona kufarira mumoyo ndisingamuratidze. "Okay zvauriwe urove bembera kuudza vanhu nana mai Junior kuti une mimba unozviruza." Akabva apusa KO aimbononoka here kupusa. "Asika vachazongoiona. " Akadaro ndikamuti, "ngavaite yekuona kwete kutaura iwe by then ndinenge ndane imwe plan. Ndakuenda." Ndakamutsa mota ndikaenda ndikamusiya akamira .
Ndakazotambira salary yangu yese ndakapa Prisca isingasvike 2 000 because ndanga ndagadziriaa windscreen. . " Uzondipa imwe yacho kana waiwana. " Ndakambida kunyarara but ndakati no mhani she has to know kuti ndaiva ndagadziriaa windscreen. "Hakuna imwe ichauya ndagadzirisa windscreen rawakaputsa." Akamboda kuti heee Aiwa ndoda 2 thousand yakakwana ini rambe ndiri zii kusvika anyarara.
Luck kuti kubasa taipiwa fuel dai pasina izvozvo hameno kuti ndaiita sei mwedzi iwowo. Ndakatambura mwedzi iwowo kubvunzwa chikafu naiye Prisca, aibva anyora pasi yaanenge ashandisa onditi anozoida. Nechemumoyo ndaiti achaiona. Mai Tadiwa nekuside vairutsa every morning ndaiwanzovaona mutoilet dzimwe nguva panze. "Uchazvibatisa iwe rutsira mubucket mumba mako wozonorasa mutoilet ." Ndakamudaro mumwe musi akati,"ah kurutsira mubucket kunze kwachena kuti zvidii. Ndikudawo polony nhasi." Hayaa zvanga zvatotanga.
Pandakachayisa ndanga ndane kamari from mafarmers ndakangonzwa kuda kuvatengera ndakatenga the largest one kuti apedze shungu. Munyama wacho Mai Juju ndivo waiva panze time dzandakasvika vakauya kumota vakaiona kwakuti, "Woow maita Mhofu hey ndomboita zvizuva ndichidya." Achingoitora mai Tadi akabva abudawo, ndakaona achiitarisa. " Hii mainini ndichekereiwo askana kutonzwa mate kuzara mukanwa nekuida." Prisca wacho kwakuti,"ii askana mune musika wani ingotengai ini handina kwandowana mari ndototengerwa neivava vanoshanda. "
Takadungamidzana namai Junior kupinda mumba. "Mai Tadiwa vanenge vane nhumbu or else wava nacho chirwere kurutsa kwavari kuita mazuvano."
I didn't comment zvinoenda kure KO ndaizivaka chairwarisa munhu. Zvino munhu wacho haana kuneta akabva ati, "ko kana iri nhumbu unoita sei?" Ndikati, "Ah nhumbu, kureva kuti anenge akahura anobva aenda kumba kwavo for good. " Akasekerera achibva anyarara.
Pakapera 3 months kadumbu kamai Tadiwa kanga kakuoneka ndanga ndava busy kufunga kuti saka ndichatii kuna Prisca. Mathreats Ake ekuda kundimhangarira ndiwo anga akundityisa. Ndakazongozviti paanozviziva ndongomuti ndichambotsvaga Mari yemombe yegupuro ndivaendese mai Tadiwa wacho, ndoramba ndichingoti zvakasunga kusvika mwana azvarwa. Ndaifunga hangu zvese izvozvo handina kuziva kuti mai Tadiwa vazovhiringana namai Juju vakabuditsa monarch rehembe dzepreperarion dzandakatenga. Ndakazviziva ndadzoka kubasa Prisca akaita kuzara hanzi, "saka wakakwira mai Tadiwa shuwa Phineas kusvika vabata nhumbu obvious wakavakwira kahobho, kuvatengera quality yehembe kudarika dzawakatengera Junior. Vandiratidza zvese , moyo wangu waubaya futi Phineas."
Anga asingacheme hake asi ndakatya yekunomhangarirwa kubasa ndikati,
"Chipo akutojairira kuramba achienderera panapa, this time anoenda chete ." Ndaitofamba kuenda kwamai Tadiwa kwacho. Munhu wepi ane manywemwe kuita kubuditsa secret kudaro.
End of chapter
❤️
👍
🙏
😂
😢
😮
138