S❤️Bandera Novels
February 3, 2025 at 05:11 PM
https://chat.whatsapp.com/CC3RGRR6Py9J4tejFQooNg Comments section https://chat.whatsapp.com/HNIEukZM0kNGhPnfX370dc *Chawagona Hapana* _Collaboration written by_ S❤️Bandera 0️⃣7️⃣7️⃣4️⃣0️⃣1️⃣4️⃣2️⃣1️⃣9️⃣ & Nitha Chihelele 0⃣7⃣8⃣0⃣3⃣6⃣8⃣4⃣9⃣2⃣ Chapter 15---16 Chipo Ndakaita sendichaseka ndichiona Prisca muromo waita churu kuzvimba. Nechemumoyo ndakangoti dzungu richakukuvadzisa. Ini hangu chero ndaihurirwa zvinengeyi asi dzungu rekuvinga munhu kumba kwake ndorandisina kugara ndakaita zvangu. Ndaitarisana nechinondivinga zvemusango izvo ndaingoti hameno ikoko. Ndakanzwa akupopotera murume paphone. Hameno vaive vazotaudzana kuti chii. Kwakuona akubhidhaira achiuya kwandiri hanzi," maiguru mombondisarirawo naJuju futi. Ndirikuda kumuvinga murume hure uyu. Manje ini haatondizive zvake. Ndirikuda kunomufumura kubasa kuti zimbavha gororo." "Musaite zvinhu mukutsamwa mainini. Mukadaro anodzingwa basa racho mozodii?" I warned her though mari dzacho dzaibiwa ariiye aidzipihwa. Akati," handina basa naye ndinoenda kumba kwedu." Ini zii zvangu iih munhu wacho aitsamwa sehwiza inokwachura makumbo. Apa chena yaive kumeso nekurohwa kwaaive aitwa. Akangoenda akadaro ndikasara ndichiseka ndega. MaiRuva vakabva vasvika ndagara zvangu pamusika. Kwakutanga kuseka vega vasati vasvika pandaive chaipo. Ndikatosekawo ndisati ndanzwa nyaya yavo. Vakazosvika padhuze kwakuti," nhaiwe kwakanaka? Ndaona mukadzinyina wako achipfuura pagedhi pangu achifamba kunge mupengo. Apa kumeso kwakaita kunge kwechigure chemandevere hanzii ko?" Ndakawedzera kuseka apo pekunzi chigure chemandevere ndikati," iwe maiRuva kani ndizvo zvinenge zvakaita chigure chemandevere here?" "Ehe, iih agonekwa nani ko? Anozviitisa ka mwana uya. Kubva zvaakangokwirwa naPhineas akatanga kuona sekunge aneyese ka." "Maimwana abhogomorwa hameno kumarayini ekumashops uko. Ndiko kwandaona achinanga." Vakati," asi adenha? Anepamuromo ka mwana uya." "Atorerwa mb*ro maimwana. Aripo akusheya naye. Iye kwakuti ndinonzi Prisca ini handinzwaro." Takaseka zvekurovana maoko vakati," anopenga iye haana kuitorera iwe here mb*ro yacho iyoyo? Iye ndiye akosha zvinengeyi zvekusada kusheya nevamwe?" Takawedzera kuseka vakati," Saka wasiirwa mwana nhasi nekuti arikuda kudealer nechihure chemurume?" "Hanya nani ko ndangoti musiyeyi munorohwa. Nhai nhai ungaite dzungu rekuvinga munhu kumba kwake kana ndiwewo? Manje chaasingazive hake ndechekuti Phineas belongs to the streets. Haafi akamugona unless akanovezesa b*che regoridhe zvimwe angamudzikamise. Anoona isu vamwe takangomedza firiji anofunga kupusa? Kuroorwa naPhineas is for the toughest. Kana unehana nhete unoswera wakatakura mikwende." "But anozvinyanyawo Phineas wenyu asikana mmmhh. Sahwira ndakutanga kuva worried wena. Ndaiti achadzikama sezvo ava neumwe mukadzi but kana. Chasara kuigirwa chirwere chete naye uyu. Murume akadai ndewekutoti utogara neguchu remacondoms kana akuda bonde womutambidza wonyarara. Nekuti iiih maimwana unorwara siki mukadzi mukuru." "Manje havabvume babaTadi zvema condoms. Unotonzi wakuhura, ipapa ndanga ndichiti ndichakuudza good news. Ndaanenhumbu asikana." Akarovanidza maoko kwakuti," maiTadiwa usade kundinzwa wanzwa?" "Shuwa zve, uyu watove mwedzi wechi2 ndakuvavarira ku3. But ndakamungwarira ndikati preparation first tozotaura zvekuita mwana. Apa akatenga mbatya dzequality yepamusoro kani. Monarch rakazara kuti shaku! Ndirikunzwa kunonokerwa kumubata mwana wangu." Vakabva varamba vakanditarisa vakagumbata ndokuzoti," shamwari yangu ka! Handisi hangu kuda kukuvanzira. I'm disappointed in you zvekurevesa. Ndaiti urikutoona kutambudzwa kwaunoitwa nemurume wako uyu. Shuwa nezvese zvaanokuita Phineas ungabvume kumuitira mwana?" "Vasikana murume akaroora asiri wekuchaya mapoto anorambirwa chiridzii nhaimi? " "Yuwii inga uchiri nemindset yakasara nhaiwe! Kuroora kwake ikoko ndiko kowofira? Kuti akaroora nenyanga yenzou here? Ini hangu chero kukanzi aroora neyechipembenene handibati! Ikezvino hoyo akuita zverimwe hure achisiya vakadzi vaviri mumba? Murume anogutsikana here iyeye? Murume wekuzvarira here iyeye? Sewe zvako sahwira wangu chikafu chaicho unochishaya. Urikutambura nevaviri vana wakuda kuzviwedzera mutoro? Inga hauzvinzwire tsitsi nhaiwe mukadzi!" Kuti ndakabhayiza ndaive ndakutozviona pakuti murume aive asingade kuti maiJunior azive kuti ndinenhumbu. Kuita yekuvanza ndiri ini muridzi wemurume. Apa kubva ipapo paakangondipa nhumbu handina zve kuzombomuona achiuya kumba kwangu. Chero kupihwa mari zvayo. Ndaifungira ka kuti kana ndaita nhumbu treatment yaizochinja asi kana! Ndakazovhundutswa namaiRuva vavakuti," hayaa vamwe vanhu munezvivindi shuwa!" "Mwana uyu ihama yangu maiRuva. Saka handirwadziwe hangu ndinozviudza kuti ndaita add imwe hama yangu. Mwana wangu ibenefit yangu," I said ndichiedza kuzvishingisa ndikanzi," you don't love hama yako iyoyo nekuti dai waiida waisaihunza mukutambura kwese uku. Unofunga tese ipapa hatidi here kudziita hama dzedu dzirivana? Asi unenge uchitoona kuti hutsinye kuhunza mwana munhamo." Ndakatura mafemo ndokuti," it's already too late sahwira wangu chirega ndizvizvarire mwana wangu. From there handifi ndakamuitira mwana Phineas." Akabva angoseka ndokuti," varume vakaita sewako nemuhuriro wake ane imwe sweet tongue yekuti hameno. Chero iko kaPrisca karikubhabhauka aka kachadzikama kega kuti hloo mira uone. Saka hanzi ndirikuendepi? Ndaona kakupepereka kachikwidza uko." "Kuvinga murume kubasa zve," I said vakati," anomuvinga kuti anomupodza paarohwa kahi?" "Ehe kunoberekwa nadaddy zve semukadzi anodiwa." Akabva angoseka ndokuti," haa zvichamuperera achazozvirohwerwa izvozvo zvekuendera girlfriend yake rimwe zuva. Ndipo paachaona kuti varume haana zera navo." Takatomboita nyaya kwakuzobva vachiti," atumbwa regai ndidzokere ndasiya phone. Baba vaye vanetsika yekufona nguva dzino idzi. Vanozondishaya ikazoita imwe. Munhu wacho haadi kukushaya paphone." Ndiko kubva kwavakazoita maiRuva paye. Kwakumbotaura zvangu naJuju aingotaura zvisinganzwisisike achizvitambira pamberi pemusika wangu. Vakazosvika Mai Junior nemurume vakangopinda mumba ndofunga vaive vanyengererana. Nekuti aive aita kakudzikamira. Vakambopedza time varimo mukati. Murume kwakuchizobuda kuenda. Mazuva akafamba nhumbu iya ichingondirutsisa daily Murume aingosimbirira kuti ndiivanze kuti ndine nhumbu. Mashoko amai Ruva aive akuuya zvinesimba kuti ndakabhayiza kuita nhumbu ndaizochiona ndega nemwana. Dumbu racho rigoti wo kukura kani. Raive risisatoite kutsimbirira muhembe. Ipapo ndainzi ndichazvibatisa naPrisca. Ndombozvibvunza kuti nhumbu inovigika sei chaizvo. Apa macravings andaive ndakunzwa so. Rimwe zuva ndakatowana mukana wekurayira wo polony. Hameno kuti Phineas aiedza kuprover chii chaizvo. Nekuti akabva atonotengera maiJunior zi3kgs repolony. Ndikashaya kuti kwake kurikuda kungondisvotesa here. Ipapo moyo wangu wakaita kunyura ndichiona so mate akaita kuzara mukanwa. Kuikumbira maiJunior akatondinyima pachena. Ndakatozotuma Tadiwa kumashops kunonditengera kadiki Ako kandisina kunzwa kuti kaendepi. Ndakangoita grudge navo maiJunior kubva zvavakandinyima polony. Panerimwe zuva pavaida kuonererwa vachiti Phineas haakwire umwe munhu. Ndakaita kunonzi kusvotesa ndichiti," kusaziva hanzi kwakangofanana nekufa chaiko maimwana. Manga musiri kuziva here kuti ndine nhumbu? Haisi kuonekwa here?" I said that ndichipuruzira katumbu Kangu. Ndikaona kuti ndamubaya panyama nhete. Kwakuwedzera kukweshera munyu paronda ndichimodhela kunopinda mumba. Ndokuburitsa monarch rembatya dzemwana ndichidzibhedhenura ndichiti," tinotodiwawo mufunge zvenyu asi kuti isu vamwe venyu showoff ndoyatisina " ndakaona kuti ndamupedzera nekuti akafemera mudenga kwakunozvivharira mumba make. Nechemumoyo ndakangoti kana watsvotwa rara nedumbu. Ndaive ndaneta nekungobhowewa naPrisca ndichinyarara. Akaswera asiri kuonekwa panze. Ndakasvika pakubva pamusika murume asati asvika nemota yake. Kwakugara zvangu ndichitoverenga stuff yangu yekumusika kumanheru. Ndakainzwa mota yababaTadi ichisvika. Ndakambogara nguva kwakuzonzwa mutsindo wemunhu ende munhu wacho aitonzwika kuti akatsamwa nematinhiriro aiita paaitsika. Ndakatozonzwa nevoice kuti ndibaba Tadiwa vachiti," iwe maiTadi!" Ndakaziva kuti pano hapana kumira mushe. Kuti ndifunge chandaive ndatadza ndakachishaya. Akangopinda nekundivhara nembama achiti,"handina here kukuti usataure zvenhumbu iwewe?" Kwakubva ndatoziva nyaya yacho. Ini pandaive ndazviita ndaiziva kuti achandibvunza chete. Ndaive ndazviudza kuti ndaizomuti," baba Tadiwa kurara neni hakusi kuhura ka. Prisca anoziva kuti ndirimukadzi wenyu." Ndaiti zve munhu achauya in peace. Not knowing kuti achauya nekutongondibinha. Ndakashayiswa mukana wekupindura ndakubhurwa kunge nyoka yapinda mumba. Vana vangu vakatizira panze. Musi uyu chero kuchinzi ndaimborohwa apa ndakabikwa zvekurevesa. Apa munhu wacho musi iwoyo aisarova kumeso kana kupi. Asi dumbu iroro ndakanzwa imwe pain isingatsananguriki. Akandisiya aneta mwana wamaiPhineas. Kwakuchibuda hake nemonarch rake. Ndipo pandakazoziva kuti maiJunior vaive vakawokera ndichirohwa pandakanzwa vavakuti," maita basa Mhofu ndichatoita mwana nembatya idzi dzakawanda." Mashoko amai Ruva akauya zvinesimba ekuti ndaive ndazvinyudza kuitira Phineas mwana. Ndakazonzwa Tadiwa achikwiridzira madzihwa hanzi," mama!" I forced myself kumuka pandaive. Kwakusekerera ndichida vana vangu vafunge kuti it's nothing serious ndichiti," musacheme vana vangu handina kunyanya hangu kurohwa." End of chapter
❤️ 😢 🙏 👍 😮 😂 21

Comments