Mai Tanny Novels
January 20, 2025 at 07:22 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Follow my channel for latest updates* *Free book. Share before you read* *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 1 Ndakapedzisa kurutsa kwave kutura mafemo ndoona kunge my fear was right. Kurutsa rutsa kwacho kwaive kwanyanya zvekuti ndaive ndotoona sekunge ndaive nenhumbu zvesure. Zvinoitisa nhumbu ndaive ndaita but I had thought the first time wouldn't matter. Ndaingozvinzwawo vamwe vachitaura kwave kuzviisa musoro but it seemed ndaive ndaigochera pahutsi. Ndakasimudza top yangu kuda kuona kana paive nechaioneka ndikachishaya kwave kumbozvisimbisa kuti maybe dzaive pfungwa dzangu or maybe chikafu chacho chaive neproblem hacho but ndakadzokera kune vamwe kwakuona vachingokambura maspaggetti aye nebaked beans zvisina dambudziko. Mama vakabva vatonditarisa vakati," Kwakanaka?" sezvo ndaive ndangosimuka zviri random ndikati," Ahh ndanga ndakachidzwa" sezvo nyaya yekurutsa ndaiziva kuti zvaisimudza mhepo kana yaitwa nemusikana. " Hamuzvipe nguva yekutsenga anaPortia, ndizvo zvamunonetsera. Ugoshaya kuti nekurikumhanyirwa ndekupi" she said ndikanyarara ndotakura plate yangu kuenda kukitchen. Ndakasvikokakaira waterglass yemvura kwave kubuda panze kunofamba kutenderera yard yese. Hapana kana chandaiita kunze kwekuda kungodzora pfungwa kwave kuzodzokera mumba kuspare kwangu mandakasvika nekutora phone yangu ndotsvaga Courage mukomana wangu. I called him ikadairwa after the second ring ndikati," Courage ndiri kungorutsa, ndiri kufunga kuti ndine nhumbu" " Hee?" akaita kukanuka ndikati," Ndati ndinenge ndine nhumbu Courage, ndamborutsa and hameno zvandiri kungonzwa plus handina kumboenda kuperiod futi" akapindura achiti," Uchiita nhumbu ka1 ikako here? Vasikana handiti munombojamba kuenda kuside kwenyu uku?" ndikati," Ini handimbojambe ini, plus ko kurutsa?" " Vanhu vanongorutsa Portia, ini marimwezuro chaiwo ndakatomborutsa but hazvireve ndine nhumbu, usangomhanye kufunga zvisina basa." he said harshly achitondipusisa. Ndakabva ndatombodzokera pakufunga kuti maybe I was overthinking the situation and he went on to say," Ndichakutengera pregnancy test horaiti tione" confusion ikaita kuti ndimbogutsurira kwave kuzoti," Horaiti, kana ndiinayo saka ndinenge ndave kuita sei?" He sighed ndokuti," Tinozoona P, usabva waita kunge uri kutoida nhumbu yacho. Asi wakatonditrapper?" ndikati," Ndichikutrapper chii ini ndirikudakutoenda kuchikoro nhaiwe? Ndinoidii nhumbu ini ndirikuda kunyorera masubjects andakafoira? Handiti ndakakuudza kuti anamama varikuda kutoti ndiregister Maths neScience? Undikwanire" ndave kutoita tuhasha. Maitiro aaive oita anga ave kutondibhowa worse nekutoti ndiye aive andivhevhetedza kusvika ndarara naye ndisingade. Aive anditi ndimuperekedze kweshamwari yake yainzi Tobias ndikaita saizvozvo. Ndaive ndisina kumbofunga zvakawanda semunhu wangu wandaive ndangodanana naye kwenguva refu. Taive tatanga kudanana kuhighschool ini ndiri form 4 iye ari form 6 and iri raive ratove gore redu re2. Ini ndaive ndatonyora form 4 maresults angu akabuda ndakapasa 3 iye kwavekubuda ne13 points dzake kuA level ave kutogadzirira kuenda kuKwekwe poly kwaaive awana nzvimbo. Izvo zvekuda kuenda kure ndizvo zvaive zvazoita kuti arare neni achiti," Ndikangokusiya P ndinodzoka watorwa" yet aive onditi ndini ndakamutrapper. " Sorry, kungoti ndatove nepressure saka chimbomira kuita sekuti itoripo timbotanga taona kuti iripo here sure toita plan. Handiti?" he said avekuita searikunzwisisa ndikati," Iribhoo" Akabva acutter ndikatura mafemo ndofunga kuti ndaizodii kurikunzi ndaive nayo zvesure. Pfungwa yakatongouya mumusoro mangu ndeyekutizira kumba kwana Courage and though yanga isiriyo plan initiallly. Taitoronga kuzoroorana zvakanaka bit ndizvo zvaive zvavepo and it didn't seem that bad. Ndaimuda munhu wangu iye achindidawo and kuenda kwaaida kuita ikoku kwaitondipa stress yekufunga kuti pamwe aizonotorwa nevamwe kupoly ikoko. Manje kana andisiya kumba kwavo, ndave mukadzi wake at least zvaizoita nani and hana yangu yaizodzikama. Ndakaswera stress yave nani iye kwave kuzouya the following day nekapregnancy test kaaive ataura. Akati tinokaitira kumba kweshamwari yake futi and when I did it yakabuda iri positive. Hana yangu yakarova despite kumbozvisimbisa ndichiti ndaida kutizira. Iye ndakaona achiyerera tuziya akati," Yah ma1 aya" ndikati," Saka tave kuita sei? Ndave kutotizira ka?" akati," Ehe but nor now, ndinotoda time yekuti ndironge kuti tozvifambisa sei iwewe just make sure kuti haubatwe tisati taronga." Ndakatura befu rekurerukirwa nekunzwa kuti taive nemuono mumwechete ndikati," Iribhoo" kwakubva aturawo mafemo before coming close to me achiti," Saka watove mukadzi wangu ka iwe?" ndikasekerera as he leaned over to kiss me oti," It's not like uchaita imwe nhumbu pamusoro peiyi ka? Come to daddy" and I giggled ndichinopinda mumaoko ake nekurerekerawo kamusoro kuti kiss isvike zvisina disturbance. We ended up making love zvisina kana kutya semunhu aive atove nenhumbu kare kwave kuzoperekedzwa kumba after ndatengerwa machips. Taive tongoenda kwaTobias kuye regularly kunosasana sevanhu vanga votoda kutorana mazuva achitofamba. Courage aiti aida kutsvaga tumari twekuzobvisawo tsvakirai kuno so handina kuda kumumhanyira. Kumba ndaingoviga viga zvekuti kana pandakatopihwa mari yekunoregister neyemaextra lesson nadaddy ndakatoitambira. Ndakanyepera kuenda kunoregister kuye apa mari ite ndotofunga kuiwedzeresa manapkin emwana nekuti hapana kudzidza nekunyora kwandaizomboita nekamimba kangu. Ndakabva ndatopinda mutown mandaiita window shopping yezvinhu zvemwana imagining kamunhu kangu naCourage kakapfeka tunhu itwotwo. Ndapedza window shopping yangu ndakanozvitengera pizza neimwe yemari iye change kwakuisira Courage paecocash kuti andichengetere. Ndakazoenda kumba nguva dzatoti fambei kwakunosvika kuina tete. Vaive first born yemumba mana baba vangu vaigara kudhuze nekumaraini kwedu ikoko. Ndakapinda ndichisekerera kunovamhoresa kwave kusimuka ndoda kubuda ndichibva ndanzi," Mainini dzokai pano" ndikatoshaya kuti yaive nyaya yei. Ndakadzokera paye vakati," Mune nhumbu?" mama ndokuti," Nhumbu ani?" vakanzi," Mainini Portia ka ava, hamusi kuzviona nhai maiguru? Nyatsotarisai ohh" vachisimudza top yangu ndakavarairwa nekurohwa neconfusion yezvaiitika mama ndokuti," Nhai Mwari wangu, Portia!" ndikati," Mhaa?" zvikanzi," Portia une nhumbu iwewe?" Ndakashaya reason yekuramba or kunyepa so I nodded kwakuzongonzwa chinhu chakati bhoo pamuromo kwave kuona iri bhutsu. Mukanwa macho maive motovavira kuratidza kuti ndatemera misodzi ichibva yati mokoto. Yamhamha yakatangawo kuyerera as she said," Une nhumbu yei iwewe munhu watiri kuti aregister anyorere? Ndizvo zvakakufoirisa ka saka zvekuswera uchiteverana nevarume, Portia unodarirei iwewe?" Kuvaona vachichema hurt, kukapedza kumbongotora nyaya yacho seiri nyore. Ndakatarisa pasi ndichiyeredza misodzi tete vakati," Chiregai kuchema maiguru" mama vakati," Ndinovaudza kuti chii baba vake? Ezvi arikubva kunoregister iye achiziva hake kuti ane mimba, tete inga tinozama wani kuti aitewo hupenyu hwakanaka?" tete vakati," Vana havazvione zvese izvozvo, chiregai kuchema tinzwe kuti ndeyekupi nhumbu yacho. Bhudhi ndinotaura navo siirai zvese kwandiri handiti?" Vaive vahugger na ini ndangoti tumbi mama kwakuzogariswa pasi vopedzisa kupfikura. Ndakatanga kupinzwa mucourt natete ndichibva ndangovaudza zvaCourage vakati vaitondiperekedza musi iwoyo. Ndakatonorongedzeswa hembe the moment yakasvika daddy ndikapabva pamba ndave kukamhaniswa. Vaive vatsamwa daddy but I was glad hapana aive azombondibvunza mareceipts emari yekuregister. Vanhu vese vaive vakatsamwa including tete avo vakandiperekedza vachingopopota tikanosvika kwanaCourage kuye kwatoti svibei. I got nervous as we got closer kwave kutambirwa nemutwin waCourage ainzi Karen. Akanditarisa and smiled as we got in kwave kuzevezera kuti," Asi une nhumbu?" sezvo aindiziva ndikagutsurira. Akatora bag kunatete tikapinda mumba muye takazvideredza nekunogara pacarpet. Maive musika pekunyatsogara mumba macho muine mitundu mitundu yezvinhu nemabag kuratidza kuti pane vaida kuenda kurwendo. Main Maingove nemaparents aCourage ayo andaingozivira pamapicture tete kwave kuparura nyaya yedu. Mai vacho vakaseka vakati," Vana vanoiteiko nhaimi? Munhu watiri kurongedzera mabag ese aya kuti amukire kuKwekwe kuchikoro mangwana ndiye ave kutizirwa?" tete vakati," Iyeyu abva kunoregister form 4 nhasi chaiye kuti anyorere masubject aakafoira" vakarovanisa maoko mai vaye vakati," Aiwa vana vanokugarisa mudish ,ndapererwa ini" Ndipo pakazodairawo baba vacho vachiti," Musheedze Courage Kary, auye kunyaya dzake" Karen uye kwave kusimuka akadzoka adungamidzana naCourage uye. Anenge aive asina kumbomuudza nezvekuuya kwangu nekuti akavhunduka nekundiona baba vacho kwavekuti," Mukadzi wako auya ka uyo, uri kufamba uchimitisa vana vevanhu Courage unovapei iwewe?" akati," Kumitisa ani? Kana akuudzai kuti ane nhumbu yangu musikana uyu ari kutokunyeperai" end of chapter
❤️ 👍 🙏 😂 😢 😮 429

Comments