Mai Tanny Novels

5.2K subscribers

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Mai Tanny Novels
2/19/2025, 7:35:37 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 15 *Monalisa* Ndakanyatsodzikamira kuti ndinzwe every move that he was making and it was worth every minute. I felt like I was exploding kwave kupedza nekubva ndambundirwa. He held me tightly ndokuti," Ndinokuda Mona" and I giggled ndonyatsorara mumaoko ake hope dzehumambo chaidzo kukanganwa kuti ndiri mumba memuridzi. Chero gogo ndakambovakanganwa kwave kunyatsodzipfodora hope the whole night. Ndakatozopepuka around three kwave kutanga ndambopamhiwa before sneaking back into my room. Smile yaive kugotsi ndichinyatsonzwa kuti life was good kwave kurara zve ndikazomutswa nagogo. Vaive votopopota vachiti," Usade hope kudaro muzukuru, uri munhukadzi iwewe. Munhu haatangirwe nezuva kumuka, apa ndipo pamunoda futi kuita zvetukomana. Kuri kumitiswa wotizira ipapa, ndizvo zvaunonoita kwavamwene?" Ndakazoseka ndikati," Nhai gogo, ndiko kwazvave? Inga mazuva ese ndinongokasira kumuka wani, nhasi ndiye abva atoita kuti nditange kuudzwa mashoko akawanda kudaro?" vakasekawo vakati," Ndiwo matangiro achoni iwaya pedzisire hwatove hunhu hwako" ndikangoti," Haaa, zvakaoma hazvo" Fakafinyamisa face kwave kufemedza femedza ndokuzoti," Ko muno mukazenge mune kahwema wani? Apa wakavhara mawindow, asi waenda kunguva?" kukasira kufunga zvavaive vanzwa kukaita kuti nditi," Ndofunga ndatoenda" zvikanzi," Chimuka utogeza hako, usati watibatira anything. Muka apo" vovhura curtain newindow. Ndakabva ndatongoitawo saizvozvo kwakuzotanga basa rangu ndatochena chena. Ndapedza kubikira vanhu tea ndipo pandakazotorawo phone ndotsvaga mudiwa wangu and paive patoiswa mamessage hobho kare. Yaive yapedzisira kuiswa yaive yakanzi," Ndakusuwa iwe, ndiri kuita kunge ndichatiza basa ndodzoka hangu kumba" Ndakapfipfinhika ndikati," Todyei manje?" zvikanzi," Ipapo chete, ndizvo zvega zvandave kutongogarira kuno otherwise dai ndauya. Yesterday was magical, I can't get it out of my mind" I blushed feeling the right places react to his words ndikati," Ibvapo" zvikanzi," Sure, dai uripano wave kutoona kuti kungozvifunga kuri kutovhiringa pfungwa dzangu" ndikagegedzera kwave kuzoti," Iwewe unotopenga chete iwewe" Our conversation went on and on kwakutozovhiringwa naadzimai vake vakadzoka. For the first time I felt jealous of her nekufunga kuti zvandaive ndaitwa naCourage the previous day aigara achitozviitwa and musi uyu Courage aitozoshaya nguva neni nekuda kwake. Ite nekusaziva zvaive mupfungwa dzangu akasekerera semazuva ese achisvika padhuze achiti," Uri kutaura naniko kuzhinya zvinoonekwa nemunhu ari kure kure uko? Asi waane mukomana usina kundiudza?" Kufunga kuti mukomana wacho aisataurika nekuti aive munhu wake kwakaita kuti ndiseke nhema ndikati," Ndichimuwanepi hangu? Asi happiness inongowanikwa muvarume chete?" akati," Ehe pane kamwe kahappiness kaunoona kuti aka pane munhurume ari involved chete" ndikati," Munopenga mai imi" She sat beside me ndokuti," Ko urisei nhaiwe?" ndikati," Ndiribhoo varisei mama?" and she sighed ndokuti," Mama vari kurwara iwe, it's quite unfortunate kuti madoctors hapana chavari kuona but vari kuoneka kuti vari kudzimbikana chaiko." ndikati," Inga zvakaoma nhaiwe!" feeling a genuine concern since vaive amwene vanguwo. " Ndatove nestress iwe" she said ndikati," Usamboite stress, she will be fine. Uchazoenda riinhi futi kunovaona?" ndotofunga kunovaonawo akati," Mangwana ndotoenda" ndikati," Iribhoo, tinobatana" akati," Thanks" kufunga kuti ndaiitira iye ini ndaitoitira hangu Courage. Kuuya kwaPortia kwakaita kuti musi uyu tisamboonane since akati nonokei kudzoka achinzi apfuura neiko kwamama vake. Paakazouya ndaive ndatove muroom mangu and kusvika kwake ndakatokunzwa nekuseka kwaPortia achiti," Haaa ibvapo, ini ndaitoti nezuro uchauya uchirara kwamama ini" Courage uye akanzwika bass chete nekuzoseka kwavo vese zvakaita kuti pamoyo pangu paite kakudziya. Kufunga kuti Portia aive akatogukuchirwawo kwakaita kuti hope dzinonoke kubata asi dzakazobata hadzo. Sekutaura kwaPortia takatoenda kunoona mai vaCourage avo vandakawana vachinja than the last time I had seen her. Vaive vawonda zvekuti kutongovatarisa waiona kuti vari kurwara asi kutaura nyaya dzaive dzisiri dzenhamo. Chero Angie aive onzi naPortia taizoenda naye akarambirwa achinzi," Pamba pacho panga garike here or mave kutongoda kundipedzisa henyu" tikaseka. Courage akazouyawo on his way from work kusvika kwake kukaita kuti ndiite kakusagadzikana. Ndaive ndongonyara nyara kusvika nguva dzatakazooneka tese tiri vatatu. Ndipo pandakazoona kuti ndaive ndaisirwa message naCourage yekunzi," Thanks nekuuya kuzoona mama, it means a lot" ndichibva ndamucheukira. He winked at me ndikapotsa padiki diki ndaseka kwakubva ndatoavoider eye contact naye kusvika tisvike kumba. Uko handina kumboda kunotandara naye ndakangoenda kwedu kumba kwaitove nemabasa anga akandimirira. Ndamaita ndapedza ndakaenda paphone kwave kutanga kutaura naye achiti Portia aive arara. Akabva atonditi," Huya ka tisangane mupassage" ndikanyahwaira kuenda kuye kwave kuzvivirwa mubathroom. He was already kissing me kwakutofadzana imomo tapedza achibva azoti," I hope une chauri kutora kudzivirira nhumbu, kune matwins ari kuuya uku and I can't afford another baby." *Portia* Ndakapinduka nekunzwa kuvhurwa kwedoor kwave kutarisa kuye ndikaona Courage achipinda. I was sleepy so I just opened my eyes zvishoma kwave kutovhara ndichiti," Wandimutsa apa" akati," Sorry babes, ndanga ndarohwa nemudumbu" Akapinda mumagumbeze kwave kundidhonzera mudhuze ndikati," Mapora mudumbu macho?" akati," Yah mave bhoo" and in no time aive otoridza ngonono. Ini ndini ndaive ndotonetseka nekushaya hope zvangu naiko kumutswa ndichibva ndatotanga kufunga mama. The way her health was deteriorating was really worrying me. Kungofunga kuti she was fit one day and so sickly the next kwaiita kuti ndishungurudzike zvekutofeeler low chaiko. Mangwana acho pandakazofonerwa namama vangu vakabva vatozvinzwawo kuti something was wrong vakati," Ko kuzoita kunge low low hanzii?" ndikati," Gogo vaAngie vari kurwara mama imi, vanzwa nekungoitwa zvimatest asi hapana kana chiri kubuda." vakati," Shame Inga zvakaoma nhai, manje zvinoita kuti ndiuye ndivaone?" ndikati," Murikuda kuuya?" " Asi hazviite? Hameno,ndanga ndangoti tomboisa our differences aside ndovaona sambuya vemuzukuru wangu zvenyaya dzemwana wavo tomboisa padivi" she said ndikati," Zvinoita ko zvinotadza nei" zvikanzi," Asi ndinoda kuuya murume wako asiko, unouya tosangana. Toenda" ndikati," Maitabasa" vakaseka vakati," Ahhh, ayha" Vakauya mangwana acho tikaenda gogo vaAngie vaye vakafara zvekufara zviye. Vaiita kushaya zvekuita kufarira severe and nyaya hadzina kumbovanetsa nekuda kwemuzukuru. Ndivo vakabva vatozotaura nhau yematwins mama kwave kuzonditi," Une matwins?" ndikagutsurira vakati," Portia!" asi smile iri kugotsi nguva dzandaive ndovaperekedza. Ndichidzoka kuye ndakasvikotendwa nekuuya kwamama kunge vaive vauya nemillion daddy naCourage vachisvika vachibva vaudzwa. Courage smiled ndokuti," Ahhh!" akanzi namama," Usamboti ahh, ndanyara mhoti. Vaita rudo yet iwe uri kungogara nemwana wavo mahara kozotiwo nyaya dzako chaidzo. Ndafara hangu asi ndanga ndichinyata zvekare" ichibva yapindirwa nadaddy vachiti," Wavepapi nemaplans ekuroora Courage? Ndaitozvifunga hangu musiuno kuti kumusha kune mombe yandakapihwa pakaroorwa atete vako. Ukaitengesa ukawedzera paunapo ipapo tinotonobvisa something kumbosunga hukama. Roora ragara haripere rese, pashoma patinenge taita ipapo panotendwa and panokuzarurira makomborero ekuti unobva watozowana yekunobvisa futi. Tinoda kufambidzana nanasevere takasununguka ufunge, ndiwe uri kutongotiomesera" Akabva asekerera Courage wacho ndokuti," Ndine 800 so far daddy, zvinoda kuti ndiite sei nditotanga kufambira nyaya dzacho? Ana 2 vanofanira kuzozvarwa ndambonoitawo something" end of chapter

❤️ 👍 😢 🙏 😂 😮 357
Mai Tanny Novels
2/23/2025, 1:57:46 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 18 *Portia* Ndakananaira kuswedera pedyo mama ndokuisa vana pasi quickly vakati," Ngonono?" vachitomhanya mubedroom muye matakabva tangoteverawo nekuti reaction yavo yanga isina kumira mushe. Takanowana mama vaye vatorara vakatarisa mudenga mama kwave kuenda paye vachiti," Severe" vachibata ruoko rwavo urwo rwakabva rwangoti rwega pasi. She placed her hand on her neck vakati," Severe musade kuomesera vana" and the tone yevoice ravo nekungoti rezu kwaive kwaita mama zvakaita kuti nditi," Vaitasei?" and she turned to us voti," Endai munotora vana, vane shamwari here mama ava nhai tete?" vatarisa kuna Karen uyo akatanga amedza mate ndokuti," Havana ava, shamwari yavo ndeyekuchurch asi vanogara kure. Vaita sei? Vatobatwa nehope?" and mama nodded ndokuti," Sheedzai baba handiti varipo panze?" " Vaitaseiko mama vacho, ingotiudzai ka nhai mama. Asi vafa" ndakazongoerekana ndadaro vakati," Handizive ini, but she is not responding saka ndirikuda kuti baba vavaone. Musambochema henyu, handina kumboti vafa ini. Toda kutoenda navo kuclinic, munhu kana asina kufa haachemwe" but she was already late. Takaita kunge tanzi on your marks, set, go naKaren kwave kubongomorerana mhere yakapinza baba naCourage mumba vachimhanya vachiti," Chii?" mama ndokuti," Ndangouya kuzosheedzwa natete ava vachiti vari kuita ngonono vakasvinura kuuya muno havachadaira kana kudii" baba kwave kuswedera pedyo vakati," Mai 2? Vero" but vaingoti kusimudzwa ruoko rwototi gwajadha pasi. Vakabva vaita kugara pabed paye baba and placed her on his lap calling her vakati," Courage mhanya unosheedza mbuya Phiri" vamwe gogo vaigara panext and haana kumboda kuudzwa kaviri. He rushed out daddy vakasara vachingovasheedza mama vasina achadaira. Mbuya Phiri vaye vakazouya kwave kubata bata vakati," Chave chando ichi baba 2 iwe, koinga zvakaoma nhai" kuzodaro ichibva yatova bata wabata. Daddy ndivo vakatotanga kuti," Kufa here? Iye munhu wandanga ndichitaura naye manje manje apa? Munhu anga akatobata vazukuru vake a few minutes ago nhai gogo? Ndiko kuzorora kwacho here kwaanga achiti ndikangotamba nana2 vanyowani ndobva ndambozorora? Aiwa Vero shamwari haudaro, urikuda kuti ndisare ndichiita sei? Mai Courage, iwe mai Karen muka hako, inga ndiwe shamwari yangu wani" but dzaive dzangove shungu nekuti hapana kana akamuka. Isu vamwe taive tongoumburuka pasi chaipo zvichindirambira kuti nditoti my sweet mother in law was gone. Ehe vaive vave nenguva vachirwara but kwete zvekutoti tingafunge kuti kurwarira kufa. I tried to imagine my life, nehupenyu hwevana vavo nevazukuru vasipo ndikaona have meaningless ndikanzwa kuremerwa muhana. She was my second mum, my pillar of strength zvekuti ndaishaya kuti Mwari vaive vakasikirei kuvabvuta kudaro kwatiri. Ndakachema and in time pamba paive patozara zara vanhu, mama ndipo pavakazoita kunditakura kuenda neni kuroom yandairara nekubva vauya nevana vachiti," Wotoshinga Pee mwanangu, une vacheche ava. They need you and ivo amai vako ivava vari kutoda kuti ushingire vana vako" but haa kushinga kwacho kwainetsa. Vakapinda busy neni mama uyuwo Karen kwave kuzounzwawo mandaive nambuya Phiri vaye. Panze taive tongonzwa vanhu vari pamaphone munin'ina wamama kwave kuzosvikawo nemhere. The drastic change of events was shocking, kuti vanhu taive tatobva mukufarira kuona vacheche nekutopinda mukuchema. Vana vacho havana akazombovaitira shungu tave kungoita zvenhamo and it was sad kuona mama vataiseka navo votobuda mumba vave mubody bag pakauya nyaradzo. Vekuimba vakabva vatotanga kuimba pamba kwave kutoita panhamo zvesure. Ini ndaive ndakangozvivharira ndiina mama muroom sezvo vaiti," Uchiri murwere iwewe, usaende kune vanhu" saka vanhu ndivo vaitondivinga. Vazhinji vaizondisiya ndochema senge pavaiti kuvana," Ndivo vatizwa nagogo ava? Sure kungomirira kuti vabate vazukuru votoenda havo?" Courage ndakaswera ndisina kumbomuona, ndakatozomuona kumanheru paakauya mataive. He had puffy eyes but he smiled at me akati," Urisei?" ndikati," Bhoo koiwe?" akati," Ndiribhoo" after sniffing kwakuzoti," Maswerasei mama?" kuna mama vakabva vati," Ndaswera hangu mwanangu, usabva wanyanya kuchema baba Angie iwe. Ndinotozviziva kuti zviri kurwadza asi daddy varikutoda kusimbiswa newe ipapa. Vakaona imi mese muri vatatu muchinyanya kuchema vanobva vatoomerwa." Akatura mafemo ndokuti," Zviri kungondinetsa kubvuma so, kuti one minute munhu anga aripo then the next zvatopera" mama vakati," Tese tese ishock chaiyo. Munhu wandanga ndichitoseka naye tichifara nekuita nyaya wozongoona chave chando. Zvakaoma asi kana zvirizvo zvadiwa nedenga tingadii? Kutongochema netariro" Courage uye ndokuti," Yah chokwadi mama" and it was funny kuti Courage namama vaive votoita conversation zvekudaro asi ndakatoona kuti kubvisa mari kwaaive aita kwanga kwatoumba hukama zvesure. Hama dzangu zhinji dzakatouya including daddy asi havana havo kugarisa, vakangobata maoko nekubva vazoonawo vana two minutes kwave kutodzokera nemunin'ina wavo wavaive vauya navo. Mama ndivo vasina kumbozodzokera kumba, vakatongotumira message kuti vaigirwe zvavaida kuzoshandisa zvikauya. She was right beside me most of the time vakatozowana mukana wekusuduruka pakauya Mona. Ndakamuchemera akaguma ochemawo and aive atouyawo neblsnket zvekuti akatorarapo. Kumapoto ndiye akatozondimirira natete neimwe cousin yangu sezvo ini ndaive ndichiri muzvere. Aimhanya mhanya fani and I was so grateful for having her in my life. Mangwana acho ndipo pavakauya kuzorara mumba mama and sefunny vaive vatove mucoffin matakazoonekedzana navo the following day. Ini kumakuva ndakasara namama nevana vangu asi Mona ndakamuona aina Courage waaitaura naye as they walked kuenda kumota. Tauriro yacho yaive yemunhu aitaura mashoko enyaradzo chaiwo nekuti pamwe pacho aimbocheukirwa Courage oudzwa something and he would nod nekupukuta misodzi. Ndaive ndakanyatsovayeva feeling sorry for Courage pandakazonzwa mama voti," Ko iyo shamwari yako iyo iri kuenda kunoitei kumakuva? Handiti anga achishanda kuvaroora? Varoora vese vasara iye akuendepi?" ndikati," Ahh mama, munhu angabvunzwe izvozvo panhamo?" vakati," Kakunanaidzana kavo nababa Angie ndiko kaita ndibvunze, shamwari yako haisi shamwari yababa Angie Portia. Ba Angie uyu haana mashamwari ake here?" " Anawo" I said vakati," Ndiwo aifanira achifamba so. Hushamwari haudi kuita kunge chiramu ba, kana icho chiramu chaicho vanhu havachambochiita wani? Nekuti mugumo wazvo misodzi" " Vaita chiramu chipi panhamo pano mama?" I asked vakati," Aiwa kungotaurawo hangu, musi wemarooro uye ndakaona muchiita zvemaphoto moisa ba Angie pakati. Hazvinyatsoite" ndikazongoti," Horaiti mama" Havana kuzombotaura zvakawanda asi nenyaya yekuti amwene vangu vaive vambozvitaura futi ndakatanga kuita kakufunga nezvazvo kwakuzviudza kuti pataizodzokera kumba I would make sure handichaite zvaivaswededza padhuze nepadhuze. Ipapo hapo vakazodzoka kumakuva pake pake Mona achibva atooneka oenda along vamwe vanhu vazhinji. Pamba pakasara patove nevanhu vashoma and it was hard to adjust senge pakazoendawo vangu amai. Pakasara hapo vamwe sisi vamama but iii zvaive zvakaomera munhu wese. Vari sadaddy lost weight zvakanyanya and nyaya dzavo dzaive dzave shoma, Karen wo nekuside waizongoona ochema koti Courage wacho aigara achingooneka kuti pfungwa dziri kure. Mona would come kuzotiona nana2 vedu avo vaive vatosvitsa mwedzi pakazoenda maiguru. Musi wacho Mona aive atouya and ndiye wandakavasiira time dzataive toperekedza maiguru naKaren. Takanovasiya vakwira kwave kudzoka tichinanaira Karen uye akazomiswawo neumwe bhururu wake. Ini semunhu aive asiya vacheche ndakangomhoresa musikana uye nekutopfuurira ndichifambisa kwakunowana padoor pave nemapush aCourage uyo wataive tasiya ambobuda. As I got closer ndakabva ndatomunzwa kutaura and it was the conversation yakazoita kuti ndimire kuda kunyatsonzwa ndinzwe achiti," Haa ndave bhoo sha, nhasi ndogona kutombouya kuzorara paden. I miss you, and une nyaya yangu ka iwe yawaida kundiudza?" Mona giggled ndokuti," Ndokuudza wauya, usazorege Courage nekuti ndakusuwawo" Courage uye kwave kuti," Saka handei ka tingonodai dai 2 minutes. Hona kutaura newe zvakwave kutondiita" Mona akasekenyeka akati," Kwana Courage tiri tosvikirwa nhaiwe, unouya tonyatsorara tichipedza shungu. Ndakusuwa zvekutodaro, ndichatosvika ndofanotsvaira tsvaira mumba. Ndipe makey" end of chapter

😢 ❤️ 😮 👍 🙏 😂 538
Mai Tanny Novels
2/26/2025, 8:36:44 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 21 *Monalisa* Ndaive ndakangoti undundu bamunini vangu nababa vaCourage vachichinjana mashoko. Bamunini vaiti ndaizosara chete panaCourage avawo baba vake vachiti," Hapana ari kusara pano, hapasi pamba paCourage panapa saka ngaaende kwavakasangana. Kunogara Courage anokuziva, ndiko ngaaende ikoko. Mukaramba muripano ndiri kukusheedzerai police nekuti you are trespassing" " Trespassing? Trespassing? Imi ndimi muri kutozosungwa munotadza kutsiura mwana achifamba achizora vana vevanhu chirwere" bamunini shouted baba Courage ndokuti," Akozorwa chirwere chacho ari pai? Akarepwa? Wenyu wacho wamakatsiura sandiye here anga achidanana nemurume weshamwari yake? Handina joki rinosara pano" They went on and on vakazonyaradzwa nagogo vakaerekana varidza mhere vakati," Uri kuona zvawave kutiitisa Monalisa? Kutiita marema pano tichikamhaniswa une sure here?" kwave kutarisa kunababa vaCourage ndokuti," Chisarai henyu, wangu muzukuru ndatakura asi wenyu achingouya mouya motora. Handei Mona" bamunini ndokuti," Kuendepi naye mhai? Munomujaidza uyu and that us the reason tiri pano nhasi, zvakamboitikepi kuti munhu anotiziswa onzi ngatidzokerei?" but gogo turned a deaf ear. She grabbed my arm ndokubuda beni panze leaving bamunini vasisina option kunze kwekutongotevera vese natete. Vakazomira tave kugate gogo tete ndokuti," Mama ka? Murikuda kuenda naye kupi uyu? Anonochengetwa nani nemwana wake?" vakati," Ave kunozvionera handiti ave mukadzi mukuru? Courage wake paachavinga zvinhu zvake ndipo patichapedzerana nekuti ava baba vatirikutonetsa havana kana mhaka. Vakatobva kufirwawo nemukadzi ndaona kuti tingatozovadonhedza neBP tikaita ngozi." " Haiwa munomujaidza Mona uyu and kana reason yamatisheedzera handichaiona kana manga muchiziva kuti mune maitiro amurikuda kuita nyaya yacho. Tambopedzerei simba tichiuya kuno?" tete asked nekuti ivo gogo ndivo vaive vatovasheedza. Vaive vatoti nabamunini vauye vachiti nekuti ndaiita nharo and bamunini ndivo vaive vatozoita kuti ndibvume kuuya. "Ndanga ndichitika Courage wacho aripo, zvino kana asipo kudai tavingei? Kumba uku kune zvinhu zvake and achatozvivinga and ndipo patichamubata ipapo kana kuti tototanga izvozvi kufambira zvekuti asungwe. Mutemo unomuwana chete" gogo vakadaro tete vakati,"Bhudhi habdei tinosiya vanhu ava kumba kwavo, ini angu maoko ndageza munyaya idzi" vachitoenda pamota bamunini ndokuti," Neniwo, kudeedzerwa kuzongoitwa mapenzi sure todzokera?" gogo ndokunyarara zvavo toenda kumota kuye. We drove home in total silence kwave kungosvika tichisiiwa pagate nekabag kangu. They drove off gogo ndoiyti," Wave kutondipesanisa nemunhu wese nekuda kwehubenzi hwako, ndairamba ndichishingirira kuti tikusiye chirudziiko ipo paina mai Angie. Zvoita setave kutoisa sauti paronda, Mona wandirwadzisa. Kana wakambondirwadza apa wandigona asi wave kuzodzidza hupenyu manje, zvese zvekuti kukutsvagira mari yekuchikoro zvatoguma pano. Wave mukadzi mukuru wozvionera nemwana wako, zvekuchikoro hazvichambobuda apa wave kufanira kutotsvaga basa kuti ushandire mwana wako. Kana uchiri kuda kufawo the decision is yours" With that she walked into the gate ndikanzwa moyo uchibanda, ndaive ndonyatsoona manje kuti ndakatamba nemadhaka pasina mvura asi panga pasisina kudzokera shure. Zvekufa zvavaitaura ndaive ndarwadziwa zvekusada kuzvizama zvekare so i had no option but to face life nemaregrets iwayo. Ndaive ndoona kuti chandakagona hapana, ndaive ndachiva life yaPortia ndisingamboziva kuyi raive guyu rakatsvukira mukati rizere masvosve. I picked my bag kwave kunanaira kupinda mugate ndongotenda kuti gogo vaive vasina kubva vandirasirira. Zvekuchatsvagana naCourage ndakazviudza kuti ndaisazoita. I didn't want to be his wife neither did I want to sue him. Kuzonyatsofunga kwaive kwaita kuti ndione kuti ndini ndaive ne more to lose even pakumusungisa kwacho. The last thing I wanted was kuti nyika yese igoziva status yangu in the name of kuda kusungisa munhu so I decided to let it go. Ndaizongoonawo kuti hupenyu hwaizondiendesepi after learning the hard way. *Portia* Ndakaburuka paZBC nevana vangu mumwe murume kwave kuuya mudhuze oti," Murikuda jagger here?" ndichibva ndangomutarisa nengoro yake. I really needed it nezibag rangu asi mari chaiyo ndiyo yandaive ndisina. Ndaingove ne$10 yandaive ndakatongosungirirawo hangu chete yet ndaisatomboziva kuti rwendo rwacho rwaizoda marii. Kwaisave kure kumusha kwedu asi iyo nyaya yelaggauge plus vana ndiyo yaiita kuti ndizeze. Ndakambotura mafemo ndofunga kuMbare musika kwandaifanira kuenda nekwandaive kwakuzomhidzura bag rangu nekutanga kufamba. Energy yacho ndakatoshaya kuti yaibvepi asi ndakatofamba kuenda kuye kaAngie kachiita kunzunzutira kari padivi. Bag ndakatozoriturirwa nemahwindi aive ida kuti tipinde mubhazi tatosvika kumabhazi and handina kumboda kusarudza ndakangopinda raive padhuze iro raive risati ratombove nevanhu. Ndagara paseat pfungwa dzakabva dzatomborasikira kure kwave kuzovhundutswa naAngie akati," Mama ndaane nzara" ndikakatarisa ndikanzwa tsitsi sezvo taive tangobuda asina chaadya. Ndakakatsvagira chibuns chine cream nedrink nekubva ndayamwisa ana bhudhi vaive voshiringinyawo vari kumusana. It was my first time kuve navo ndega and ndakapinda busy kusvika vamwe mai vaive pane rimwe seat vazoti," Ndipei one" ndikavapa. Ndakavachinjanisa pamukaka paye uyo wandakazofunga kana waitombovemo since ndaive ndisati ndanyatsodya kubva the previous day. I had to but changuwo chibuns for the sake of my twins kwave kungodyira kuguta. Ndidzo nguva dzakabva dzazotangawo kurira phone yangu yandakaignore after ndaona ari Karen. I'm sure kwaive kuda kunzwa kuti ndaive ndafamba sei sezvo ndaive ndatozomanager kubuda ndisina andiona. Aona asina kudairwa akazoisa iri message yaainditi," Uripi Pee nevana? Are you ok?" asi handina still kupindura ndikazoona yave call yamama. Avo handina kuda kuignore though I was sure kuti pane zvavaive vanzwa. Ndakatodaira umwe moyo wototi maybe ndaifanira kunge ndambotanga ndavaudza pamwe vaitozondinzwisisa. Ndakadaira misodzi yatoti nyangarara mumaziso vakati," Koiwe uri kupiko uri kutsvagwa?" ndikati," Ndave kuenda kumusha ini, mama zvamaitaura zviye Courage anga achitodanana naMona saka iii handichazvikwanise hangu nekuti Mona wacho atori nenhu-mbu" ndotondandama neshungu. Vanhu vaive votondicheuka cheuka asi handina kuita shungu nazvo mama vaye vakati," Saka apa urikuenda kumusha kunagogo?" ndikati," Ehe" ndichiti pamwe ndichanzi," Aiwa usaende huya kuno" but vakabva vatoti," Ahh watogona, kuna Caro hauzoshaye anokubatsira nevana." Misodzi yakawedzera kuyerera ndikakwidzira madzihwa vakati," Unozondiudza kuti unenge wafamba sei, wonovamhoresa ivo ambuya vako" ndikati," Ehoi" ndopukuta misodzi ndatoona kuti vaisadzora tsvimbo and i deeply regrettedthe day i had give Courage another chance. Kufunga kuti ndaive ndatosiya mukana wekuenda kuchikoro for another heartbreak yaitove imwe heartbreak yakazvimiririra zvekuti bhazi rakazosimuka ndanzwa nekuyeredza misodzi ndichingopukuta chinyararire. Karen aive achiri kungozama kundifonera. Courage aive ozamawo and uyo akatozoita kundi ndidzime phone yacho nekuti zita rake raiita kundipa hasha. Ndakaita kuridza tsamwa after ndadzima phone iye ndikanzwa vamwe mai vaive vagara paside vakabata Angie vonditi," Hupenyu muzukuru asi panobudika ufunge, hapana chisingapfuure zvakarehwa nevakuru kuti chisingapere chinoshura" ndikangoti," Maitabasa" Haruna kumbondirebera rwendo rwacho nekuda kwekuwandirwa nepfungwa kwave kuita munyama wekunoburuka pabusstop ndingori one. Ndakatongoita skiri rangu kwave kunanga pamusha paambuya vango apo paive chinhambwe. Feeling yacho yaiita semunhu arikuenda kunhamo nekuti ndainzwa shungu nekuswedera pedyo nepamba. Kuzosvika pagate ndaive ndoda kutozviwisira pasi pandakaona vakagara pasi pemuti naCaro mwana wevamwe tete vaive vashaya wavaigara naye uyo aingove mudiki kwandiri negore. Ivo vakatomboramba vakangonditi ndee kwave kuzosimuka vouya kuzonditambira vese vari vaviri. Ndakatanga kuyeredza misodzi pavakangosvika padhuze vakati," Hanziiko nhai mwana wemwana wangu?" vachitora bag rangu uyu Caro orwisa kuburutsa mwana one ndikati," Gogo ini murume handichada, zvazondikurira gogo ini ndaneta ini." vakati," Chiregai kuchema amai vangu handei tinogara pasi titaure, kana usisade unongouya pano pamusha penyu hausi mhosva. Mazuvano hakuna mwana achambonzi dzokera chete kumurume kana zvaramba, nyarara hako muzukuru wangu" asi kwaitongove kutaura vega nekuti ndakatowedzera kuchema kwacho. Ndaive ndave kumberi kwavo ndichibhidhaira neshungu ivo vachitevera nezibag pandakazonzwa Caro oti," Ahh gogo murikuti vauye kuzogara nesu ivo mama vekuHarare vaiti vane Edzi? Iiii ini handidi hangu" *The end* Tommorow toenderera mberi rave kunzi *Diary of a broken woman* a continuation of Portia's journey. Stay tuned...

❤️ 😢 🙏 👍 😮 😂 420
Mai Tanny Novels
2/22/2025, 6:43:43 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 17 *Monalisa* Tapedza zvephoto Courage akabva atosuduruka oenda paive netuvanin'ina twaPortia. Akatanga kutamba natwo nekutorwa maphoto natwo uyuwo Portia kwave kutanga kutaura nemacousins ake ini ndichibva ndaenda hangu kwaive natete vaPee. However mufaro waive naCourage achitamba nevanin'ina vaPortia waindipa kamwe kaquestion mark so ndotanga kufunga if what he had told me was real. Ndaive ndoona kunge kunzi Portia aizorambwa dzaitongova ngano and ended up concluding kuti maybe aingotida tese nekuti attention kwabdiri yaingouya. Ipapo pane paakacheuka ndikatsonywa and I smiled ndichinyaririra kwakuzoona ndaisirwa message yekunzi," Ndakusuwa iwe, wish we could sneak out tomboenda kwedu tega" I blushed nyangwe hangu ndakapindura kuti," Kwana iwe" and I was so glad pandakazonzwa Portia oti," Ini nhasi ndiri kumbosara kuno, then ndozoendeswa kwanaCourage. I'm almost due saka mama vaCourage vati ndimboenda kumba kwavo kuitira pandichapona. Vangu mama vanga vatomboti ndibva ndangogara kuno but iii daddy hanzi munhu kumba kwake." " Vanotsamwa daddy vako, inga vapihwa mari yavo wani?" I asked failing to understand why he was being so hard iye kwave kungoti," Ahh zvave kutobhowa iwe. Iwewe wavekudii? Tongosara tese wozoenda ka mangwana?" ndikati," Iii nagogo? Ini ndakavati ndezve one night chete saka ndave kuenda kumba ini" akati," Thanks hako nekuuya, you made my day special. Totaura paphone" ndikati," Iribhoo" pfungwa dzave kutofunga kuti Courage aizofambawo sei. Ndaive ndotoona uri mukana wekuve naye but unfortunately akabva ati," Vanhu vakaita kundigara bumper, ndanga ndatoudza vanhu kuti ndiri kuuya kumba ikoko but it raised a lot of questions. Vanhu became suspicious since Pee asiko saka ndazoona kuti kudzikamisa mhepo better kutongoita zviripo. Ikoko ndinouya zvapera izvi" ndikati," It's ok" kwakunzi," Sorry, ndotokuzivai matsamwa mai Muchena" and kunzi mai Muchena kwaindipedza hasha dzese. Ndakabva ndangoti," Ndichitsamwei hangu, ndokuona wauya" Kwaive kuita kunge it was ok but I felt so lonely musi iwoyu kuita kunge taisambopagara pamba ipapa asati atombouya. Mangwana acho haana kuuya zvekare since paripo pakaendeswa Portia but rakatevera racho ndakanzwa shasha yasvika ndatove muroom mangu. My heart skipped nekungonzwa izwi rake chete kwakumirira message yake iyo yakabva yatouya a few minutes later ichiti," Come to daddy" ndikatanga ndaseka kwave kuzomuka ndoenda kuye. Ndimo makange matove muroom mangu since Portia aisavepo and ndaitobika nekusuka ndirimo gogo vasingambozive. Courage wacho aimborara hake kwaive naPortia but it was pano neapo making me believe kuti mazuva aya ndini ndaive panyanga. Iye Portia wacho ndaipota ndichimbonomuonawo kana ndazvifunga and dumbu raive raita kurembera zvino. Akazenge otoda kutondifeya hake umwe musi ndaendako ondoti," Courage haasi kuita zvemababy here kumba kwandisiri uko?" Ndakarohwa nehana kutadza kuziva kuti aive azvifunga sei ndikati," Ahh ko aitasei? Hapana mababy andakamboona ini" ndisina kugadzikana kwakubva ati," Hapana zvaaita hake but kamwe kakusada kugara kuno kacho ndiko kanombondipa question mark. Nhaiwe munhu angandisiye kuno kuenda kwaanenge ari ega sure? I thought he would want to be paside pangu zvekutodaro. Angie akazvarwa asipo so I thought apa achatomaker sure kuti he is there paicharwadza zvino ehh. Anenge achingopa macomplaints hobho hobho, hee kwakazara vanhu varikuuya kuzoona mama. Hee ndinenge ndichida uko kusingandinetse kuenda kubasa netsoka." Ndakashaya zvekupindura kwakutanga ndambomedza mate ndikazoti," Maybe ndiyo nyaya yachowo, plus handiti ukangorwadziwa anobva atouya here? Ko kure?" akati," Ahh zviri kungondibhowa ini, chero daddy ndakatovanzwa vachimubvunzawo zvino iye hanzi ndobhadharirei rent saka kana tave kuuya tese kuno." kwakumbonyarara ndokuti," Asi anotodzoka kumba on time? Everyday?" ndikati," Ehe" zvikanzi," Ahh hoo, chete he makes sure kuti apfuura hake achindiona but I wish we could just be panzvimbo imwechete" " You are almost there wani, musayeme mai imi. Idzo 2 weeks dzamauya kuno idzodzi ndidzo dzamave kutoita kunge maraswa kudaro?" I said and she giggled ndokuti," Ahh handiti kana ndasununguka ndichambogara futi?" tikaseka then went on to talk about her delivery dates. Aive onditsanangurira zveEDD yepacard nekusiyana nescan kudiiwe. Paakati," Ava vanongoshandisa date rawakapedzisira kuenda kuperiod, of which pamwe pacho unenge usisitori sure futi" ndipo pandakazongonzwa hana yorova as I tried to remember kuti ini ndaive ndaguma riinhi kuenda kuperiod. Ndaive ndazoita zvekutsvaga mapiritsi andainwa kuti ndisaite nhumbu asi ndaive ndaguma kare kuenda kuperiod. Ndakambofunga kuti mapiritsi iwayo aikonzera kwakugara paye naPortia asi pfungwa dzave kwadzo until I decided to get a pregnancy test on my way home. Ndakaitenga ndichitya hoping zvandaifungira sandizvo zvaizobudapo kwakusvika kumba nekutoiita. With shaky hands I took the stick out of the urine kwave kupera simba ndichiona 2 malines. *Portia* Courage walked in nepaperbag yaive nemafruits ndichibva ndasekerera as I greeted him. Akauya kuzobata dumbu rangu achiti," Maswerasei ko?" ndikati," Tiribhoo" asi ndichingopedza kudaro musana wakabva wandiudza kuti pane zvaive zvoda kuitika. Face yakabva yatochinja nekukasira ndikati," Ndave kurwadziwa baba Angie" akati," Hee?" achida kutoseka hake ndikati," Tora bag rangu Courage, ndave kurwadziwa kani" and marwadzo acho aitoita achiwedzera. Ndipo paakatozoona kuti I was serious kwakutanga kuvhundukira vhundukira and lucky enough daddy vaive vakasira kudzoka musi uyu. Ndivo vakabva vangonditakura kuenda kuchipatara naiye Courage Karen kwave kusara namama. Ndakazvishingisa road yese kuti ndisaite mashiripiti pana atezvara but tazove tega naCourage kuclinic ndakange ndoumburuka nawo marwadzo. Ndakayuwira for hours tuvanhu kwave kuzouya zvatwo midnight. Baba vacho vakabva vatopinda basa rekutumira vanhu mipikicha tikazosara touya kuzoonekwa vanhu vave kutotuziva. They were not identical zvekuti it was so easy to name them mazita aidiwa naambuya vavo, Munashe and Panashe. Ndakangoita another night ndirimo muhospital muye vanhu vari besanwa kuuya kuzondiona. Mona akazouya musi wandaibuda aina gogo but it seemed something was off paari. She wasn't the Mona that I was used to zvekuti vabuda ndakatozomuisira message ndichiti," Are you ok? Mood yako handina kuipihwa mushe" kwakubva apindura nemaziemoji emunhu aiseka ndokuti," Kuneta kwanezuro iwe, I'm good" since nezuro wacho aive atotadza kuuya kuzondiona aenda kwaaive asheedzwa kunoita stock take. " Iribhoo" I replied kwakuzoisa attention kuna mama vaive vondigadzirira kuti ndibude. Takauya kuzotorwa naatezvara vangu kwave kudzokera kumba with so much excitement yekunoratidza my mum in law vana sezvo vaive vatadza kuuya naiko kurwara kwavo. Takasvika kuye vakatogara musitting mama vachibva vangopihwa mwana one namama shasha ikaita kushaya zvekuita nemufaro. Vakazenge votonetsana naAngie aive oendawo pavari mama ndokuti," Angie wave kunetsa gogo?" vakanzi naivo gogo vacho," ZvaAngie here? Ipapa kutonzi matakura sei mwana imi musiri kunditakurawo mazuvano" vachibva vaseka mama vakati," Zvekuti gogo vari kurwara kana kuzviziva" zvikanzi," Anenge anoziva asi, ndinoswera ndichidongorerwa mhoti. Kakatamba tamba ndikangonzwa door ndotoziva ndiAngie" mama ndokuti," Asikana!" " Chindipai mumwe wacho ndimuone heyo, ndobva ndachirara. Ndagara pano kave kare, kumirira varume ivava" she said vakachinjana ini kwave kusimuka ndoenda kutoilet kwakunonzwa Courage ari panze paaive paphone achiti," Ikoko handisi kutombouya zvanhasi ini, inyaya yei ingotaura ka nhai" kwakunyarara ndokuti," In person kudiiko, horaiti ndichaona kuti ndodii ndikuone" ndikashaya kuti aive ani aitaurwa naye. Akabva asuduruka ini ndave kubudawo kudzokera kusitting kwandakasvika Karen akamira padoor rebedroom rana mama achiti kunamama vangu avo vaive vangosara vega nevana musitting," Hameno mafemero avari kuita ava mama huyai muone, ndatovabatsira kurara zvakanaka but vakuita kunge ngonono ivo vasati vatombobatwa nehope" end of chapter

❤️ 😢 👍 🙏 😮 😂 327
Mai Tanny Novels
2/20/2025, 8:02:54 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 16 *Portia* Ndakazongoerekana ndosekerera ndikati," Courage!" not believing kuti aitove neginger kudaro but aitoda. Akatotanga kuita maplans nadaddy mama kwave kupindirawo. Tete vake nasekuru vakabva vatofonerwa vakatoti vaizouya ndikabvako ndoita kushaya zvekuita nemufaro. I couldn't wait to tell Mona and nyangwe hazvo ndairoorwa ndatove nemwana plus imwe mimba ndaida kutopfekawo tumajava. Ndaizongoita naiye Mona wangu iyeye tiri two totoita squad takadaro. Ndaingosekerera road yese kwave kumuudzawo Courage zvemazambia ndikanzi," Zviri necessary here zvekusheedzana nanaMona? Marooro haafanire kuve small and intimate here?" ndikati," Iii zvigoita here kuti tongonozviita asingazive? Plus ndiri kukadawo kaexperience kacho kekuita zviri kuita vamwe" He sighed ndokuti," Eho, but chimbomira titange tafambisa zvinhu nanatete wozomuudza hako" ndikati," Ok" asi ndaive ndotonzwa kuzarirwa chaiko. Ndakatombofunga kungomuudza ndomutsindidza kwakuzodecider kuteerera baba ndikanyarara. Pakauya sekuru natete kwanagogo vaAngie ndakatongomuti ndainoona vaenzi vaive vauya kuzoona mama. Ndakanowana vanhu vacho vatopirwa nyaya kare and they were happy. Pakatodzoka Courage kubasa akabva auyawo tikabatana toenda kwatete avo vakafarawo fani. Vakazenge votondikwenyera padivi voti," Chiona manje apa waive woda kuonererwa paye uchidadira bamunini" ndikaseka ndikati," Anga andibhowa tete ahh" zvikanzi," Dzimwe nguva zvinenge zvichitoitika mumarriage kuzama kudzivisa chete chakanaka chiri mberi" and she made sense. Takangosiya vati vaizotaura nanadaddy kwave kudzokera kwana mama, ini nekuneta ndaitongoda kurara ikoko but Courage had other plans. Tichingosvika akabva aoneka nasekuru vaida kudzokera ndikati," Ahh Courage ngatingorara kuno" ndikanzi," Ndamboti handei here inini? Sara uchiita makuhwa naamwene vako naatete vako ini ndirikunosiiwa kumba nasekuru. Handisikutodawo kuenda newe" I laughed ndikati," Manje ndavekuda kuenda" ndikanzi," Handei" vanhu vese kwave kuseka osimuka kubuda naasekuru vake. Handina kana kumboita shungu nekuenda kwavo ndonakidzwa zvangu nenyaya dzatete avo vakazofuma voendawo zuva raitevera. Ini ndakabva ndangodzokerawo kwangu kumba kwandakasvika nekufonerwa nevangu atete vachiti," Nhaiwe baba vako vanenge vanoshura chete, hanzi havasikuda mari yaCourage" hana yangu kwave kuti bamu ndikati," Mhaa?" vakati," Iii vapopota iwe, zvese zvekumitiswa kwako kechitwo zvataurwa nekusateerera kwako kwese but zvichabatsirei nhai imi muri kuwirirana?" " Varikuramba mari yacho kuti ndidzoke kumba?" I asked ndotadza kunzwisisa kuti vaidei daddy vacho tete ndokuti," Hanzi ka vakakuita disown nekuti hauteerere unozoyeuka bako wanaiwa. Hanzi wakavaita benzi vachiuya kuzokutora wopedza izvozvo womitiswa futi nerweseri" I sighed ndikati," Tete taurai navo, zamai kuvaonesa kuti ndakadzokererei. Zvingaite here izvozvo kuti toti vanhu vagadzirira kuroora mari yenyu haisi kudiwa?" vakati," Aiwa hazviite ahh, hazvigone ba. Ndichatomira semukono chaiko kusvika vabvuma, ipapa ndirikuda kutifonera bhudhi Jowero vataurewo navo. Kana vasingaide mari yacho inodyiwa nemunin'ina wavo" Ndakanzwa kakurerukirwa nekunzwa kuti tete vaizoramba vachizama, vaive chandagwinyira ka saka ndaitoziva kuti vakaisa pfungwa dzavo on something vaisarega kusvika zvaita. Ndakatoita kakunyemwerera ndikati," Maitabasa" zvikanzi," Iribhoo mainini, ndichakuudzai feedback yacho" " Iribhoo" I said but ndaive ndatobuda mumood yangu yemufaro. Kuti ndiudze Courage ndakaona zvisinganyatsope picture yakanaka kwave kuguma ndazoudza Mona. Ndakangotanga nekumuti," Courage avekuda kunobvisa kumba kwedu" kwakubva anyemwerera ndokuti," Hiii, sure?" ndikati," Ehe, atoronga ronga zvinoda kurongwa, anatete takatovaudza. Vake handiti vavariko nezuro pandakaenda paye? Nasekuru, tichibva tatoenda tese kwatete vangu. Zvino baba vangu kana ndiwewo kuda kundiitira mwenya wetsvina, hanzi vari kuramba" She frowned ndokuti," Kurambei manje?" ndikati," Habzi havasikuda mari yacho nekuti I disrespected him saka vakandiita disown. Nhaiwe zvingaite here izvozvo after munhu aisa effort?" akati," Ana baba vagara vanotomboomesa musoro iwe, vozobvuma havo. Kunenge kurikuda kungoratidza kuti he is not happy but tete vakaramba vachitaura navo he will cone around obvious" " I hope so" I said then went on to say," Zvikaita ndiwe lobola team yacho, hameno kuti tinopfekei nekuti tinenge tingori 2" *Monalisa* Zvelobola crew came by surprise so ndakamboti zii kwakuzoti," Urikuda kutoita zvemajava?" akati," Ehe ahh zvekuti ndiri amai Angie ndotombokanganwa, zvinoitika once in a lifetime izvi saka handingambosare. I just want the day to be special for us but hatizoite zvakawanda wanda hedu just ma matching outfits" I nodded ndoshaya zvekufunga nenhau yacho, at first ndaive ndangodaira zvisina emotion semunhu aive angojumhwa but apa ndaive ndoedza kuda kubatanidza kuti chii chainyatsoitika. Ndaive ndakaudzwa yes naCourage kuti aizoda kunobvisa kuti awane kusiya Portia but apa zvaive zvoita sekuti ainobvisa zvemurudo. Handina kuona reason yelobola sqaud ivo vanhu vaizorambana saka ndaive ndatove nekaconfusion. However handina kuzoda kuzviratidza ndakangoti," Ahh iribhoo" ndomirira kuzonzwa from the horse's mouth who owed me an explanation. Ndaive ndotoda kuziva why he had not told me kuti vaive vototanga manegotiations kwakubva ndatobeeper. Akazoisa message adzoka ndikati," Ndirikuda ka kukuona 2 minutes" akati," Izvezvi? Kupi?" ndikati," Ndave kubuda gate, unotevera" nekuti ndaiona kunge nyaya yacho yaisada paphone or pamba asi kure chaiko. " Ok" he said ndichibva ndabuda nedoor rekumberi. Ndakafamba ndichingoteedza road ndisina kwandakananga ndichifunga hangu the previous day rataive tarara tese mumba mavo imomo. Spending the night with him made me realise kuti he was the person I wanted to spend my nights with the rest of my life. Pfungwa dzangu dzaive kure kure chaiko pandakazongonzwa oti," Kwakanaka here mai Muchena, kwamaita kundisummoner" ndikamboseka kufarira kunzi mai Muchena kwakuzoti," Wave kunoroora?" akati," Yah" ndikati," Kosei usina kundiudza? Nezuro handiti maitobva kumanegotiations?" akati," Zvanga zviri necessary here nhaiwe?" ndikati," Ehe, apa mave kutoronga kupfeka majava nei nei. Wakandinyepera ka iwewe kuti urikungonobvisa womusiya?" " Kana iye ati arikuda majava waida kuti ndimumise ndichitii? And kusiya kwacho usati ndekwekungoti musi iwoyo, ndichaita sort of kumusungira ndipo pandinozomusiya. Usabva wanditongesa tongesa kudaro kunge mwana mudiki, I had no business discussing my issues naPortia with you." Akataura achitonzwika kuti atsamwa kwakubva atofambisa kubva pandaive. Sezvinhu zvitsva ndakambosara ndakati tuzu ndiri paye kwakuzonzunzutira ndoenda kumba apa ndichicheuka cheuka kutya murima imomo. Iye ndakanowana atove kumba achiseka naPortia ndikatanga kuzvishora nekubvunzisisa kwandaive ndaita. I didn't want him to lose interest in me nekuda kwezvinhu zvisina basa so ndakabva ndatoisa message yekuti," Sorry babe" ndikanzi," It's ok maimwana" and mangwana acho takamuka towirirana kwave kutodzokera mutune. We would meet mubathroom husiku then kana Portia asipowo toita pungwe mazuva achifamba. Maplans emarooro akabva azoitawo after bamunini vaPortia vazonzi vaive vapopotera baba vake kusvika vazobvuma. Portia was so excited zvaitoita kakunzwisa tsitsi and takanorarira kumba kwavo pakasvika musi wacho. Vamwe vanhu vaivepo were happy asi baba vaPortia kufara kwavo handina kumbokuona. Vaimbomudzvokora so Courage ndobva ndatoshaya kuti daka ravo naye raive rei chaizvo kuda kuita sevaishandisa mwana wavo kudaro. However zvaiitwa zvakatofamba zvikapera tichibva tazotanga kudya, paive pakabikwa chirungu rungu and ini hameno kuti waive mweyai wakandibata but ndakadya kunge ndichaputika. Chikafu chaivepo chakandiitira kunge chinyowani, rice iri ndikaita sendichadya maplates matatu chaiwo. Ndaive ndotopedzisa yechitwo pakauya Portia kuzonditi," Huya kumaphoto" ndichibva ndadhudhudza drink rangu ndokuzoenda kuye. Takatorwa amwe tiri 2 kwakubva azosheedza Courage uyo waakati," Huya pakati apa timbokusangweja, usekerere" kwakubva taisa Courage uye pakati and we both leaned on his shoulders then smiled camera ichibva yati ketye. end of chapter

❤️ 😂 😢 👍 🙏 😮 391
Mai Tanny Novels
2/24/2025, 7:31:42 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 19 Ndakanzwa mabhonzo angu ese achigujunuka gujunuka, kupera simba chaiko kutadza kuziva kuti ndodii. Zvandainzwa mumba zvaiitira kunge kurota nekuti kuti nditi Courage naMona vaidanana zvesure zvaisamaker sense. Mona was my person, munhu wangu chaiye aimira neni munhamo nemumatambudziko. Courage wo had told me he had changed and taive tisina kuzomboita dambudziko kubva zvaaive akumbira ruregerero. Zvino vakabva vatoenderera mberi Courage oti," Ohh, rega ndimbonorara. I love you" Mona kwave kutodaira kuti," I love you too" Ndakapotsa padiki diki ndagara muvhu kwave kuzozvitsigira neruoko kuti ndisadonhe. Chest yaive yopisa iyi, kufema kwave kwekuita kukweva mweya kunge waibva kure kure. Kumedza mate so akaita kunge aive aboiliswa ndikaita kunge ndichangoscreamer or kuridza mhere chaiyo nepain yandainzwa. I breathed in and out zviri fast ndofunga kuti ndodii, I wanted to just barge in and confront them but for some reason I was hesitant. Hameno kuti yaive denial here or what but ndakazeza kupinda, instead I walked kuenda pachibridge chepagate kwave kunogara paye. Pfungwa dzangu yaingove njake njake, hapana kana chisvinu chandaifunga asi mucomotion imomo what I was sure of was ndaitoda kuti Mona arwadziwewo. Uyu Courage ndaizviudza kuti this time aive azondiruza zvachose though I was still not sure kuti ndaizobva pamba apa ndichiendepi. Uyu Mona ndaizama kunyatsofunga how to hurt her kwave kumbofunga kuti Karen akasvika tomubatirana tomurova but I felt like it wasn't enough. Ndaidazve kumuudza kuti taive nechirwere inini naCourage wangu but ndakaonazve kunge ndikapinda ndichidaro it wouldn't hurt her sezvandaida chaizvo. She would probably think dzaingove shanje yet ini ndaida kunyatsomutsondawo moyo. Kuramba ndiri pamhepo paye kwakazoita kuti nditange kufunga zviri straight kwave kuona kuti ndaida nzira yekumuudza zveHIV nayo chete then everything would settle itself. Vaizopedzerana nemudiwa wake ini ndobuda mueqaution ndichibva ndaremember kuti mangwana acho ndaifanira kuenda kucheckup nevana. Ndaida kuzoenda naye and show her my card ozvionera ini ndomirira hangu reaction nezvaizoitika. Kuchema kwaMunashe ndiko kwakazondisimudza pabridge paye and nyangwe ndaive ndichiri kunzwa kurera mumabvi umu ndakatozvishingisa. Ndakanopinda mumba muye atomira akamubata achimusvusvudza achibva asekerera akati," Manga matokanganwa ka kuti mune vacheche?" ndikaramba ndakamutarisa so wondering how she was able to smile at me like that iye achidanana nemurume wangu. Ndiyo nguva yandakabva ndaona kuti zvesure nyoka dzairarama pakati pevanhu, dzitori in human form. Hana yangu yakarova so ndofunga kuti I was even trusting her with my children kwave kufambisa ndichinoita wekubvuta. Iye semunhu asina chaaifungira akatoseka akati," Wavekuita wekubvuta asi wanga wonakidzwa nenyaya apa" ndisina kana kupindura achibva atoti," Ini ndave kuenda ini, ndimbonobika" achinyepa hake achida kunotsvaira mumba mangu kuti arare nemurume wangu. Ndakatombonzwa hasha dzekuda kungomukachikira but ndakazvishingisa kwavekuti," Iribhoo, mangwana unozondiperekedzawo kuclinic nevana kana uchikwanisa." akati," Haa bhoo, ndinouya" and she was so excited zvekuti akabva atongopicker step achibuda. Ndakasara ndichishuwa kuchema so ndofunga kuti zvaive zvakatanga riinhi zvese nekufunga kuti ana mama vese vaive vambozvireva but misodzi yakaramba kubuda. Ndakasara ndakangoyeva madziro kunge zombie so kusvika pakadzoka Karen uyo akazama kunditaudza but zvekuzoitawo nyaya ndakatadza. Sezvo vanhu vaive vachiri mumood yekuchema akabva angozviyenderawo kuspare kusvika manheru chaiwo akazobuda obika supper. Avawo vaive vavimbisana nemudiwa wake kuti aizonorara ikoko akaoneka vanhu vatopedza kudya baba ndokuti," Kwaitikei?" akati," Pane zvinhu zvekubasa zviriko saka ndangoti ndongonozvitora ndorara hangu ikoko then ndozomukira kubasa mangwana" Daddy chuckled ndokuti," Wakakwana here Courage? Waswera pano wakarara, mudzimai wako ari pano saka kumba ikoko urikuda kunodini?" and I looked at him ndikanzwa mazishungu. Kufunga zvaaida kunoita kwakaita kuti misodzi yandaive ndamboshaya iti mokoto mokoto. I sniffed Courage uye ndokuti," Ndirikuda chipart ichocho chete ini Pee, apa wave kuchemei manje? Horaiti handichaenda" ndikamboda kuchibvondora asi ndakatadza kana kutaura neshungu. Karen akatanga kuchemawo and I'm sure assumption yadaddy yakabva yangove yekuti taichema zvinamama mukati vakati," This time inoda kuti tive pamwechete Courage, as a family pasina zvekuda kuita zvekupenga zvauri kutaura izvi. Chokwadi Ungasiye vanhu vese pano kuenda kwako wega kuti zvidii? Kana uine kwauri kuda kuenda" kunge vaifembera Courage uye ndokuti," Handichaenda ini, ndinozongotora mangwana ndave kuenda kubasa" Mumba makaita runyararo rwaityisa vanhu kwave kuzongosimuka one one voenda kunorara. Ini ndakangonanga muspare mandairara namaiguru naKaren kwave kurara naKaren musi uyu. Hapana aitaura nemumwe since the atmosphere was already tense and it made it easy for me. Takatozotaura makuseni togadzirira kuenda kuclinic nemwana, avo vaCourage vaingoboira boira nenyadzi but hapana akamboita shungu naye. Ini ndaive ndatove hangu nervous nekufunga nyaya dzangu dzandaida kunobvondora. Pakasvika Mona I felt so much rage asi ndairamba ndichingoramba ndakachiller. Vakatakura vana vacho naKaren vari 2 ini kwave kungobata bag, takanosvika kuye ndikatanga ndaita zvevana tapedza kwakubva ndazoti," Regai ndiende kuside kwangu uku tete, ndanga ndave kutokanganwa kuti mapiritsi angu ave kupera ka ini. Let's hope hakuna line" Karen frowned zvine confusion since she know kuti nyaya iyoyo yaive top secret Mona kwavekutiwo," Mapiritsi eyi? Asi wave kutoita zvefamily planning?" nechemumoyo ndikati wandibvira nepi kwavekuti," Aiwa, eHIV. Asi handina kukuudza kuti ndiri positive?Ndakabatwa pana Angie ufunge. Ipapa ndizvo zvandanga ndatovinga kuti vana vatariswe kuti pakuzvarwa nepakuyamwa apa havana kuzara here" Akanditi dzvondo ndichibva ndatotanga kubvanyangura mubag kwave kuburitsa chibook changu ndikati," Asi CD4 count yangu yakakwira tete Karen last time, I just hope yaCourage yakakwirawo nekuti hanzvadzi yenyu inomboita masaramusi. Mapiritsi chaiwo unotoona munhu achitoti ndakanganwa kumba, kuita kutamba hake nehupenyu sure" apa ndavhura chibook kuratidza Karen aive achiine kaconfusion. Mona akadongorera mubook muye and swallowed ndikati tsvatu achibva ati," Uri positive zvesure Pee?" Ipapo ndakatadza kuramba ndadzikama misodzi kwave kuyerera ndikati," Yes mainini, waidanana nemurume wangu uchiti waifixer inini ka? Guess what bestie, you fixed yourself. Kana uri mumwe wotokasira kupinda mukaroom ako utijoine tikabire takawanda." I saw her lips tremble Karen ndokuti," Pee watii?" ndikati," Anga achidanana naCourage uyu Karen, vachirara mumba mangu. I overheard them nezuro, Courage paaida kuenda paye aida kuendera hure rake rinonzi Mona iri." Karen ndokuti," Courage haadzidze seiko? What us wrong with him" ndikati," Akatadza kunyarawo kundirwadzisa kuti akandizora chirwere kare, kutadza kunzwawo tsitsi Karen." She sighed ndichibva ndatora mwana wangu aive naMona ndikati," I feel sorry for you, ndipe mwana wangu. Nyoka, muroyi" but haana kumbodaira kana kudii. She just stared into space ini kwave kubhidhaira kubva paye. Karen akazondibatira kugate chaiko ndichingoyeredza misodzi paakasvika pabdaive ndichibva ndatora phone holding my baby firmly with one hand. I dialled Courages number ndikatanga nekungoti," Huya utore amugirlfriend vako kuclinic vangosticker after ndavaudza kuti vaite vapihwewo mapiritsi tinwe tese" akati," Hee?" ndikati," I know about you and Mona Courage saka ndamuudza kuti akasikire hutano hwake zvino anenge asina kuzvitora mushe nekuti angoti tuzu" " Sh*t" he cursed ndichibva ndangocutter Karen kwavekuti Pee but I didn't answer her ndakangopinda mugo fast quietly kwave kunanga kumba ndisingazive kuti hupenyu hwangu hwaive hwonanga kupi. Takanosvika kumba pfungwa dziri bararamhanywa kwakubva ndatanga mariro chaiwo ndoburitsa shungu dzese dzandaive ndambovharira. Karen akambotanga achandinyaradza kupedzisira ave kuchemawo atove makwikwi. Ndofunga after an hour ndipo pandakazoona ndopinzirwa call nagogo vaMona. I answered it ndichibva ndatambirwa nekunzi," Nhaiwe ama Angie manga maenda kupiko naMona? Asvika pamba nekuzvivharira, zvino ndave kuona kuti munhu anwa mushonga wesora wanga uri mumba umu. Chiiko chaitika iye haana chaari kutaura ari kungoyuwira apa tatove munzira kuenda kuchipatara" end of chapter

❤️ 😂 😢 👍 🙏 😮 554
Mai Tanny Novels
2/28/2025, 1:52:33 PM

Good afternoon, so I have found the sequels e Lost sheep. But they are in Pdf form, haakopeke and haaiisike pachannel. So I'm going to be sending them in my groups ese, *Diary of a broken woman ne *Rare affection*. They are complete tobva tangopedza rwendo rwaPortia rwese for free like I promised. I'm sending them in all groups dzandinoisa mabooks chero emamwe mawriters. I will also be sending a link remaold pdfs riye for vasina magroups voriwana ikoko. Kana muchinge mamawana please share nevamwe, wese akaverenga Lost sheep amawane. Let's make a date, I'm sending the books na6pm today

❤️ 🙏 👍 😢 😂 120
Mai Tanny Novels
2/27/2025, 7:19:49 AM

Takamirira hedu Diary of a broken women tombonhonga nhonga. *Grab a read from mai Tannys bookshelf* The books cost $2/100zig/50r each Ecocash/ Innbucks 0782623403 V KUSINYERA Those in SA use one for you voucher *Books by Mai Tanny* 📌Wandirasa 📌Lost and Found 📌Stepping stone 📌When all hope is gone 📌Overshadowed 📌Who is going to believe me 📌Defeated by love 📌Mr wrong 📌Our vows 📌Love and deceit 📌If only 📌Unforgettable 📌Complicated 📌Scarred 📌Circumstances 📌Entangled 📌Unacceptable 📌Wakandigura kunorira 📌 Regrets 📌 Concealed 📌 The one 📌 Vengeance 📌 Disparity 📌 Once bitten twice shy 📌Two sides of the coin 📌 Trials 📌Where do broken hearts go 📌 Baggage 📌 Tables turned 📌One night only 📌Sarudzo 1&2 📌Sunrays 📌Beyond broken 📌Love Triangle 📌Stabbed 📌Confessions 📌Bed of roses 📌Double life They are all complete and you receive them after payment. In S.A. 50r one for you voucher or 50r pay@outlet Ackermans Boxer PEP Spar Usave ShopRite Checkers Pick n Pay Reference 11454 Account number :111398774 So it will be reference number first then account number, Avon account Name: Violet kusinyera After making your payment inbox your proof of payment and name of sender pa 0782623403 mobva mataura book ramuri kuda. Chando ichi chinoda uchidziirwa uku uchiverenga book😁😁. Promo ends tomorrow

❤️ 👍 🙏 😢 36
Mai Tanny Novels
2/25/2025, 6:51:18 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Lost sheep* written by Mai Tanny 0783623403 Chapter 20 *Monalisa* Hana yakatanga kurova ndakatarisa gogo vaifonera Portia ndofunga kuti kana vaizonzwa zvaive zvaitika vaizodii. Ndakavhara maziso ndatombokanganwa kuti ndairwadziwa nemudumbu waiting kuti ndibvondorwe ndinzwe gogo voti," Ahh hoo, rega ndigonzwa kuti zvafamba sei tasvika kwachiremba kwacho. Haasi kutaura kana kudii, ave kungowira uyu. Hameno kuti apindwa nemweya upi umwe wako ufunge" ndikaona kuti anenge aive asina kutaura nekuda kwecalmness yaive nagogo. Vakatoenderera mberi voti," Ndichakufonera kuti tinenge tanzii" but I really wished kuti ndaizosvika kuchipatara kwacho ndafa hangu. Pain yandainzwa mudumbu was nothing compared to what I felt mumoyo nemupfungwa. My world had shattered nenyaya yandaive ndanzwa naPortia. Kufunga kuti ndaive ndave nechirwere plus nhumbu pamusoro kwaive kwaita kuti ndione kurarama kusisiri necessary. Ndizvo zvaive zvazondituma kutora mushonga wesora ndikanwa nekuti besides izvozvo I knew I couldn't face the world after nyika yese yave kuziva kuti ndakadanana naCourage. Zvivindi zvese zvandaive nazvo ndichimboudzana naCourage kuti Portia akaenda totorana ndaive ndisisina. Ndaive ndoona kuti ndaisazvida, the world would judge me and ndaive ndisisatode kuve naye Courage wacho. I hated him with passion ndichishaya kuti aive andiitirei hutsinye hwakadaro ndisina chandakamutadzira. Ndaiita kuita wonder how he had felt achirara neni knowing very well kuti aitondizadza chirwere. Mudumbu makambowedzera kusunga ndikayuwira gogo kwavekuti," Tave kutosvika Mona" ndokuzotanga kudemba voti," Asi izvo zvanga zvanyanya kudiiko nhai amaMoyo, manyanyoitwa sei zvekuda kutondisiya ndega? Mona unoda kuti ndiite sei nhai mwana wemwana wangu?" ndikayeredza misodzi ndichigomera. The way she looked so sad yaiita kuti nditowedzera kurwadziwa zvekuti ndakatonosvika paclinic paye misodzi ichingoyerera. Vakandibatirana nemuridzi wemota kupinda muclinic muye mandakasvika nekutanga kupopoterwa nemanurse. Ndakaisirwa 20 litres yemvura yandainzi ndaifanira kunwa and it was painful kuidutiriswa mvura iyoyo. Yakatanga kudzoka vachingoti ndikarutsa rutsa ndowedzera kupihwa imwe. Ndazopedza kuipihwa vakabva vanzi vasimudzire neni kuenda kuhospital chaiko kwaive nachiremba. Ndaive ndarukutika nekurutsa kuye kwave kusvika ndichitoadmittwa. Vakatangazve nekunditarisa mudumbu macho to check the damage that had been done nemushonga wandaive ndanwa. Ndakabva ndamborara waiting for the results kwave kuzomutswa nagogo vaiti, " Nhumbu chaiyo doctor?" vakanzi," Ehe, zviri kuratidza kuti akazvitakura. Mushonga hauna damage yakanyanya yawamboita paari and we are hoping it's the same for mwana. For now heartbeat yako iri right chaizvo asi tichada kutombosara naye tione kuti zvakanyatsomira sei. Ndakaramba ndakavhara maziso wishing I had died kwakunzwa gogo vachitura zibefu nekubva vati," Mwana waMorris achandiuraisa chete, nhumbu? Saka iyo nhumbu ndiyo yaanga oda kufira?" doctor vaye vakati," Zvichida mukomana wacho aramba" vakati," Asi ka iye pavaiita zvavaiita aiziva kuti zvinogona kuguma zvave kumimba zve. Uone ndanga ndiri kuchengeta mari izvozvi kuti aende kuUniversity. Inherera paari ipapa, mwana wemwana wangu wandiri kutovavarira kuti adzidzewo aite munhu anoverengwa pane vamwe." Vaive vototaura nhuna dzavo ini ndakangotsinzinya zvangu kunge ndakarara doctor vaye ndokuzoti," Vana vanodissapointer gogo but take it easy on yourself nepamuri zvese. We don't want you to end up BP yakwira mave murwere and iye wacho kunwa mushonga ikoku yave regret nekutoziva kuti ndarwadzisa gogo. Tichazamawo kutaura naye tonzwa dambudziko rake kuti riripapi then mozoita way forward" Vakatura mafemo ndokuti," Waita hako mwanangu" vakanzi," Izvezvi imbonozororai henyu muoffice mangu handiti mamuona? Monogara imomo pasofa, ndinouyako manje manje so timbosiya musikana azorore" ndikanzwa kuzvuva kwavo makumbo vobuda. I thought kuti ndaive ndambopona zvenguva iyoyo but doctor vaye vakabva vati," Mukai henyu mainini, vabuda gogo hapasisina need yekunyepera kurara" ndikaona kuti ndaive ndatobatwa. I opened them slowly vakati," Warwadzisa gogo Portia, getting pregnant was enough but trying to kill yourself? Wanga uchifungei? Zvanyanyodii?" vachitozvuva chair and I sniffed ndikati," Ndakazadzwa Aids" vakati," What?" ndikati," Mukomana wangu anga ari positive asingandiudze, I found out today kuti he is positive." vakati," Ahh, watotestwa?" and I shook my head vakati," Totanga tambotesta first, unogona usina if he was taking his meds zvakanaka but still chero ukatonzi unayo. It's not the end of the world, unozvara mwana wako asina and you can sue munhu iyeye nekuti kuzadza munhu chirwere intentionally imhosva." I sniffed kwakuti," Nditestei" moyo wati nyevenu nekufunga kuti pamwe ndaive ndisina. Vakasheedza nurse kuti vauye nekit dzacho but just like Portia had said ndaive ndatove positive. Ndakaibararadza mhere yakadzosa gogo and the doctor had to tell gogo everything zvese nekuti munhu iyeye aifanira kutosungwa. Ndakaona malips avo achibvunda so vakati," Ndiani iyeye?" ndikati," Ndibaba Angie" pasi pasi She frowned ndokuti," Baba Angie vapi? Vekumba kwedu? Murume weshamwari yako?" and I nodded slowly as I saw the doctor getting shocked wo gogo ndokuti," Monalisa! Monalisa! Zvino ini handipindire dzekusungisana kwenyu, munonopedzerana kumba0783623403 kwenyu ikoko. Uchibuda muno wonanga kumurume wako nekuti uri kambwa" *Portia* Ndaive ndakagara ndakagumbata mind yangu iri kure kure ndakangoyeva madziro as I heard Karen explain nyaya yaCourage kunababa panze. Zvimwe ndainzwa but zvimwe zvaingorovera panzeve, chandakazongonyatsonzwa ndibaba vakati," Courage ane mweya here? Manje pano handichada kana kumuona" nekuzowedzera nekumwe kupopota kwandaisamboteerera. Mumba vakazopinda vachiri kupopota kwave kunditi," Hanziiko nemukomana uyu nhai ambuya" and all I said was," Ini zvaCourage baba handisisinei nazvo" and ndaitorevesa. Stress yandaive nayo apa yaive yaambuya vaMona vaive vafona vachiti anwa mushonga. I had said everything I had said to her to spite and hurt her but zvekuti azozviuraya wasn't in my plan. I didn't think I would be able to live with the guilt if she died and ndizvo zvaive zvotondishungurudza. Zvaitotaurwa nadaddy ndaisave nebasa nazvo kana mbijana and Courage wacho wavaipopotera haana kutodzoka kumba musi iwoyu. Hameno kuti aive atoenda kunoona adzimai here and handina kana kuda kunzwa nezvake. Vamwe vangu vakazenge voratidza kakunetsekana nekusadzoka kwake hasha dzaserera asi ini handina kana paiti n'en'enu. Ndaive ndotofunga kwekuenda zvangu nekuti nyaya yaMona yaive yandiratidza kuti naCourage panga pasina future and he would never change. Kwedu kumba ndaitoziva kuti yaive non starter, ukuwo kwatete ndichiziva kuti ndaizongonzi shinga which was why I hadn't told her anything asi ndainzwa kuti ndaive ndofanira kubva pamba apa. Ndakafunga ndafungazve kwave kuona kuenda kwaambuya vangu kumusha chaiko kunamama vadaddy itoriyo plan. Ndaizonovachemera nekudemba kuti vazondikumbirirawo kunadaddy nekufamba kwenguva asi panguva iyi ndambowana pekuisa musoro nevana vangu. Sezvo ndaive muenzi apa hembe zhinji dzaitove mubag so handina kumboita need yekurongedza. Ndakatongomuka nekutora vana vangu umwe kwave kubereka nebabhu kumberi umwe kwave kuisa kumusana apa tisina kana kugeza. Angie ndakabata ruoko pashoulder kwave kuisa rino zibag randaive ndazopakira zvinhu zvevama vangu rairema zvekuti huya hande. I sniffed nguva idzodzo ndichibva ndanzwa inenge noise panze, ndakamboisa bag papassage kwave kuteerera ndikanzwa," Ndipo mai Manu pinda" kwakufamba ndoenda kudining kwaive nanababa. Vaive vakatogara vachibva vavhunduka nekubereka vana kwangu. Pavakati," Kwakanaka ambuya?" I couldn't even answer him door ranokwa tete vaMona nabamunini vake, iye Mona wacho nagogo vachitopinda. Ndakatarisa kwavaive Mona achibva atarisa pasi bamunini vacho vachiti, " Ndipo panowanikwa Courage here pano? Tamuvigira mukadzi wake uyu, ane nhumbu neHIV yaakapihwa naCourage iyeye" vanhu kwave kutanga kuita zhowe zhowe. Yenhumbu yaitove inyowani kwandiri and yakaita kuti ndibva ndangodzokerera bag rangu naAngie telling myself kuti nommatter what circumstances I was done with Courage. Kurema kwaiita zvandaive ndakatakura ndiko kurema kwaive muhana mangu ndichibva ndanobuda nekudoor rekuseri ndisina kana kuoneka kwave kufambisa ndakananga kugate without looking back. end of chapter

❤️ 😢 🙏 👍 😂 😮 499
Mai Tanny Novels
2/22/2025, 6:38:11 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 17 *Monalisa* Tapedza zvephoto Courage akabva atosuduruka oenda paive netuvanin'ina twaPortia. Akatanga kutamba natwo nekutorwa maphoto natwo uyuwo Portia kwave kutanga kutaura nemacousins ake ini ndichibva ndaenda hangu kwaive natete vaPee. However mufaro waive naCourage achitamba nevanin'ina vaPortia waindipa kamwe kaquestion mark so ndotanga kufunga if what he had told me was real. Ndaive ndoona kunge kunzi Portia aizorambwa dzaitongova ngano and ended up concluding kuti maybe aingotida tese nekuti attention kwabdiri yaingouya. Ipapo pane paakacheuka ndikatsonywa and I smiled ndichinyaririra kwakuzoona ndaisirwa message yekunzi," Ndakusuwa iwe, wish we could sneak out tomboenda kwedu tega" I blushed nyangwe hangu ndakapindura kuti," Kwana iwe" and I was so glad pandakazonzwa Portia oti," Ini nhasi ndiri kumbosara kuno, then ndozoendeswa kwanaCourage. I'm almost due saka mama vaCourage vati ndimboenda kumba kwavo kuitira pandichapona. Vangu mama vanga vatomboti ndibva ndangogara kuno but iii daddy hanzi munhu kumba kwake." " Vanotsamwa daddy vako, inga vapihwa mari yavo wani?" I asked failing to understand why he was being so hard iye kwave kungoti," Ahh zvave kutobhowa iwe. Iwewe wavekudii? Tongosara tese wozoenda ka mangwana?" ndikati," Iii nagogo? Ini ndakavati ndezve one night chete saka ndave kuenda kumba ini" akati," Thanks hako nekuuya, you made my day special. Totaura paphone" ndikati," Iribhoo" pfungwa dzave kutofunga kuti Courage aizofambawo sei. Ndaive ndotoona uri mukana wekuve naye but unfortunately akabva ati," Vanhu vakaita kundigara bumper, ndanga ndatoudza vanhu kuti ndiri kuuya kumba ikoko but it raised a lot of questions. Vanhu became suspicious since Pee asiko saka ndazoona kuti kudzikamisa mhepo better kutongoita zviripo. Ikoko ndinouya zvapera izvi" ndikati," It's ok" kwakunzi," Sorry, ndotokuzivai matsamwa mai Muchena" and kunzi mai Muchena kwaindipedza hasha dzese. Ndakabva ndangoti," Ndichitsamwei hangu, ndokuona wauya" Kwaive kuita kunge it was ok but I felt so lonely musi iwoyu kuita kunge taisambopagara pamba ipapa asati atombouya. Mangwana acho haana kuuya zvekare since paripo pakaendeswa Portia but rakatevera racho ndakanzwa shasha yasvika ndatove muroom mangu. My heart skipped nekungonzwa izwi rake chete kwakumirira message yake iyo yakabva yatouya a few minutes later ichiti," Come to daddy" ndikatanga ndaseka kwave kuzomuka ndoenda kuye. Ndimo makange matove muroom mangu since Portia aisavepo and ndaitobika nekusuka ndirimo gogo vasingambozive. Courage wacho aimborara hake kwaive naPortia but it was pano neapo making me believe kuti mazuva aya ndini ndaive panyanga. Iye Portia wacho ndaipota ndichimbonomuonawo kana ndazvifunga and dumbu raive raita kurembera zvino. Akazenge otoda kutondifeya hake umwe musi ndaendako ondoti," Courage haasi kuita zvemababy here kumba kwandisiri uko?" Ndakarohwa nehana kutadza kuziva kuti aive azvifunga sei ndikati," Ahh ko aitasei? Hapana mababy andakamboona ini" ndisina kugadzikana kwakubva ati," Hapana zvaaita hake but kamwe kakusada kugara kuno kacho ndiko kanombondipa question mark. Nhaiwe munhu angandisiye kuno kuenda kwaanenge ari ega sure? I thought he would want to be paside pangu zvekutodaro. Angie akazvarwa asipo so I thought apa achatomaker sure kuti he is there paicharwadza zvino ehh. Anenge achingopa macomplaints hobho hobho, hee kwakazara vanhu varikuuya kuzoona mama. Hee ndinenge ndichida uko kusingandinetse kuenda kubasa netsoka." Ndakashaya zvekupindura kwakutanga ndambomedza mate ndikazoti," Maybe ndiyo nyaya yachowo, plus handiti ukangorwadziwa anobva atouya here? Ko kure?" akati," Ahh zviri kungondibhowa ini, chero daddy ndakatovanzwa vachimubvunzawo zvino iye hanzi ndobhadharirei rent saka kana tave kuuya tese kuno." kwakumbonyarara ndokuti," Asi anotodzoka kumba on time? Everyday?" ndikati," Ehe" zvikanzi," Ahh hoo, chete he makes sure kuti apfuura hake achindiona but I wish we could just be panzvimbo imwechete" " You are almost there wani, musayeme mai imi. Idzo 2 weeks dzamauya kuno idzodzi ndidzo dzamave kutoita kunge maraswa kudaro?" I said and she giggled ndokuti," Ahh handiti kana ndasununguka ndichambogara futi?" tikaseka then went on to talk about her delivery dates. Aive onditsanangurira zveEDD yepacard nekusiyana nescan kudiiwe. Paakati," Ava vanongoshandisa date rawakapedzisira kuenda kuperiod, of which pamwe pacho unenge usisitori sure futi" ndipo pandakazongonzwa hana yorova as I tried to remember kuti ini ndaive ndaguma riinhi kuenda kuperiod. Ndaive ndazoita zvekutsvaga mapiritsi andainwa kuti ndisaite nhumbu asi ndaive ndaguma kare kuenda kuperiod. Ndakambofunga kuti mapiritsi iwayo aikonzera kwakugara paye naPortia asi pfungwa dzave kwadzo until I decided to get a pregnancy test on my way home. Ndakaitenga ndichitya hoping zvandaifungira sandizvo zvaizobudapo kwakusvika kumba nekutoiita. With shaky hands I took the stick out of the urine kwave kupera simba ndichiona 2 malines. *Portia* Courage walked in nepaperbag yaive nemafruits ndichibva ndasekerera as I greeted him. Akauya kuzobata dumbu rangu achiti," Maswerasei ko?" ndikati," Tiribhoo" asi ndichingopedza kudaro musana wakabva wandiudza kuti pane zvaive zvoda kuitika. Face yakabva yatochinja nekukasira ndikati," Ndave kurwadziwa baba Angie" akati," Hee?" achida kutoseka hake ndikati," Tora bag rangu Courage, ndave kurwadziwa kani" and marwadzo acho aitoita achiwedzera. Ndipo paakatozoona kuti I was serious kwakutanga kuvhundukira vhundukira and lucky enough daddy vaive vakasira kudzoka musi uyu. Ndivo vakabva vangonditakura kuenda kuchipatara naiye Courage Karen kwave kusara namama. Ndakazvishingisa road yese kuti ndisaite mashiripiti pana atezvara but tazove tega naCourage kuclinic ndakange ndoumburuka nawo marwadzo. Ndakayuwira for hours tuvanhu kwave kuzouya zvatwo midnight. Baba vacho vakabva vatopinda basa rekutumira vanhu mipikicha tikazosara touya kuzoonekwa vanhu vave kutotuziva. They were not identical zvekuti it was so easy to name them mazita aidiwa naambuya vavo, Munashe and Panashe. Ndakangoita another night ndirimo muhospital muye vanhu vari besanwa kuuya kuzondiona. Mona akazouya musi wandaibuda aina gogo but it seemed something was off paari. She wasn't the Mona that I was used to zvekuti vabuda ndakatozomuisira message ndichiti," Are you ok? Mood yako handina kuipihwa mushe" kwakubva apindura nemaziemoji emunhu aiseka ndokuti," Kuneta kwanezuro iwe, I'm good" since nezuro wacho aive atotadza kuuya kuzondiona aenda kwaaive asheedzwa kunoita stock take. " Iribhoo" I replied kwakuzoisa attention kuna mama vaive vondigadzirira kuti ndibude. Takauya kuzotorwa naatezvara vangu kwave kudzokera kumba with so much excitement yekunoratidza my mum in law vana sezvo vaive vatadza kuuya naiko kurwara kwavo. Takasvika kuye vakatogara musitting mama vachibva vangopihwa mwana one namama shasha ikaita kushaya zvekuita nemufaro. Vakazenge votonetsana naAngie aive oendawo pavari mama ndokuti," Angie wave kunetsa gogo?" vakanzi naivo gogo vacho," ZvaAngie here? Ipapa kutonzi matakura sei mwana imi musiri kunditakurawo mazuvano" vachibva vaseka mama vakati," Zvekuti gogo vari kurwara kana kuzviziva" zvikanzi," Anenge anoziva asi, ndinoswera ndichidongorerwa mhoti. Kakatamba tamba ndikangonzwa door ndotoziva ndiAngie" mama ndokuti," Asikana!" " Chindipai mumwe wacho ndimuone heyo, ndobva ndachirara. Ndagara pano kave kare, kumirira varume ivava" she said vakachinjana ini kwave kusimuka ndoenda kutoilet kwakunonzwa Courage ari panze paaive paphone achiti," Ikoko handisi kutombouya zvanhasi ini, inyaya yei ingotaura ka nhai" kwakunyarara ndokuti," In person kudiiko, horaiti ndichaona kuti ndodii ndikuone" ndikashaya kuti aive ani aitaurwa naye. Akabva asuduruka ini ndave kubudawo kudzokera kusitting kwandakasvika Karen akamira padoor rebedroom rana mama achiti kunamama vangu avo vaive vangosara vega nevana musitting," Hameno mafemero avari kuita ava mama huyai muone, ndatovabatsira kurara zvakanaka but vakuita kunge ngonono ivo vasati vatombobatwa nehope" end of chapter

❤️ 😢 👍 🙏 😂 😮 121
Link copied to clipboard!