Mai Tanny Novels

5.2K subscribers

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Mai Tanny Novels
5/26/2025, 7:29:58 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 13 *Tariro* He sniffed kwave kuzoti," Thanks" ndokutanga kufamba kuenda pasofa. Vakanozvikandira pasofa paye ndikati," Saka ivo sisi varisei?" zvikanzi," She is ok, operation yaitwa zvakanaka but munoti ndinorara here mainini? Ndinenge ndichingofunga kuti saka arisei both physically and emotionally apa inini ndiri kutorwadziwawo nemwana iyeye. She has made everything worse henyu mainini with an operation you have to wait I think its 5 years kuti uzoita mumwe mwana and by that time age yake chaiyo inenge yatove imwe risk" Ndakashaya kana chekupindura ndikati," Yah Haa zvakaoma" zvikanzi," Sisi venyu havanzwisise mainini handidi kumbokunyeperai. I try kuve a good husband but pamwe pacho anondiisa mukona chaimo. Pamaikura naye ndizvo zvaaingoita?" Ndakavatarisa ndikaseka ndikati," Ndichikura navo kupi? Pandakazotanga kuziva ivo vanga vatove kuno kuHarare kuchikoro, vaingouyawo kumba pano neapo ava." zvikanzi," I noticed kuti your bond harisi that firm, ndiyo nyaya yacho handiti?" ndikatura mafemo ndikati," I guess so" He laughed ndokuti," Mandipa answer chaiyo, the age gap still doesn't make how much she doesn't like you normal." the fact yekuti vaizvionawo uye vaive vanyatsozvidoma like that ikaita kuti ndivatarise. He smiled ndokuti," Ndinozviona hangu, she treats you unfairly and I keep on wondering why. Kare ndaiona kunge she is a really good person, kakusanzwisisa ndaikaona but kwamuri mmm ndine maquestions hobho hobho" ndikaseka ndikati," Eyi manje?" zvikanzi," Ekungoti why ari mean kudaro yet you are just a child, imimi hazvikubhowei?" ndikati," Ahh ndajaira ini" ndakatarisa pasi nekuti nomatter how much time passed zvaingondinetsawo. " Muchikura ndozvaaingoita? The few times she was home?" ndikati," Yah but ndivo vakandiendesa kuchikoro and she took care of us namama tese. Even mukoma Pride, I think she just has a funny way of showing her love for me" " Hamunyare kutaura semunhu mukuru?" he said ndikaseka kwave kuzoti," Ndokuvigirai sadza?" zvikanzi," Yah I think now rinogona kudzika mbijana" Ndakabva ndangosimuka kunodziisa sadza riye and he followed me kukitchen vachiti," Ndikasara ndega ndinenge ndave kufungisisa" ndikaseka ndikati," Ehh" zvikanzi," Sure, ndatoti brother yangu iuye irare neni. Ndingamuke ndave kupenga" " Iiii munoyema" I said zvikanzi," Ndoyema ini, and pandafonera brother yangu ndipo pandanga ndave kufunga your relationship with your sister. Ndangotaura muromo mumwe, and he is driving from Marondera to be with me. I felt sorry for you" ndikati," Mukoma Pride would do that for me, even makoti" zvikanzi," Chero neni, I would do that for you as well" I smiled ndikati," Saka maona ka, ndinavo vanhu hobho" zvikanzi," Plus mukomana wenyu, uye aive kunhamo yamuchembere" " Iiiii" ndakadaro ndichinyaririra zvikanzi," Akandiudza, he seems like a fine young man. Ingozvibatai chete imimi, mukomana haadi kupihwa zvese asati akuroora anobva akushaisa value" ndikati," Taurai henyu" kwavekunzi," Kunge kuteerera" The microwave beeped ndikaburitsa food yavo ndikavapa kwavekunzi," Munonditandadza ka kusvika mukoma vauya?" ndikati," Iii bamukuru nave kutongondinetsawo henyu" zvikanzi," Hapana kumbonetsa ndiri munhu afirwa inini, plus ndiwo mukana wekuti ndimbotaurawo nemi. Kana sisi venyu varipo munenge muchizviita muranda" Takagara tese pasi ndikatanga kubvunzwa zvekuchikoro ndichinzi," Saka kana mapasa apa mavekuda kudii?" ndikati," Handisati ndanyatsofunga, ndiri kutombofunga hangu kuenda kana kupolice or kuArmy" and ndaitozvifunga zvesure. I had been looking at zvinhu zvaisada fees and kuzeza nursing yaingonzi yaidiwa mari ndiko kwakazoita kuti ndifunge maforces. " Iiii mainini!" bamukuru exclaimed ndikati," Chii?" zvikanzi," Not that there is anything wrong with those professions but hamuna zvimwe zvamunoda kuita? Why do I feel like muri kusarudza zvinhu izvozvo kutiza fees?" ndikati," Kana, uniforms yemapurisa ndoifarira" zvikanzi," Kwanai, nyatsofungai zvamurikuda. Kana iri nyaya yefees you don't have to worry, ndichataura natsano and fees iri kuzobhadharwa" ndikanzwa rimwe zikurerukirwa so mumoyo mangu kwave kunyepera hangu kuti," But chero chipurisa ndaida" zvikanzi, "Munozoenda mapedza imwe course, tsvagai kana kupoly uku especially mamale dominated fields anemari manje for women. Mabasa munoita ekusarudza nekuti munenge muchipihwa first preference" I became interested ndikatanga kupihwa lecture ndichinyatsoteerera kusvika pakazosvika mukoma wavo. Ndakavasiya vombomudembera kusuruwara kwadzoka ndonovaitira food yaive yasisi kwave kuzonorara. Ivo vakabva vatorara pamasofa musitting imomo vari vaviri ndikaseka nekuti paitove neimwe spare koti main bedroom zvaive free. Rariro yacho yairatidza kuti vaive vatorara late futi saka handina kuvamutsa vakatozomuka vega ndokugadzirira voenda kuhospital. Iniwo ndakasara ndombofunga nezvasisi avo vaingondisiririsa nommater how bad she treated me. I could only imagine how she was feeling neexcitement yavakange vave nayo. Ndakazonovaona the following day and she looked so pale kunge munhu asisina kana hupenyu. Vaingove zii havo vachioneka kunetsekana kukuru apa vakakomberedzwa nehama dzemurume wavo dzaiita sympathize navo. Vamwe vakazenge vongotaura taura havo tave kubuda kunge vamwe tete vaiti," Zvave nechinodaro izvi, saka ipapa munoti pane chichabuda? Munombofambawo here nhaiwe B, kutoti nhumbu yavepo mombonzwa vemweya?" amwene vasisi ndokuti," Kuchurch chaiko havaende mukadzi nemurume, unoshaya kuti vanhu rudzii tete. Life haisi physical Brighton ine painotomboda a supernatural force, kuchurch sesu hamudi chiendai ka kun'anga tione. Ungangorarama, kungomuka woswera, wodya ,worara usingatembe naJesu kana chii?" Havana kudaira bamukuru mama vaye ndokuti," Nhai amainini, hamuendewo kuchurch? Handisi kumbonyeya sisi venyu ini, kana apora ndichatomuudzawo. Hamuende here kuchurch mainini?" vobvunza ini ndikaseka ndikati," Ahh ndoenda ini" zvikanzi," Ko hama dzenyu idzi munodzisiirei?" bamukuru vakati " Nhai zvenyu mama imi, munotisiirei mainini? Moyo wenyu hauna kunaka" Vanhu vese vakaseka mama vaye vakati," Haisi nyaya yekuseka iyi Brighton, matokura imimi." zvikanzi," Ndichaita plan" plan yacho vakazenge vonetsana sisi vabuda muhospital nenyaya yemachurch iyoyo. Bamukuru vaiti vaende kune yaipinda naparents avo sisi kwavekutiwo," Ini zvemachurch enyu aya handizvigone ini. Ndoda kwangu kwandakajaira" zvikanzi nabamukuru," Kana usingade zvekuenda kwedu wogara hako pamba" vakati," Ehoi" Vakatopasara Sunday yacho zvesure though zvaive zvichiri zvekuti opp yaive isati yapora ini ndikabuda ndichisiya bamukuru vachipedzisa kugadzirira kuenda kuchurch for the first time kubva ndigare navo. Ndakatanga kufamba ndakananga kwedu uko kwaitove nekamufambo ndizonzwa mota yomira mudhuze mangu. Yaive yabamukuru avo vakabva vati," Saka iwewe ndiwe une nharo?" " Ndadii?" ndakadaro ndichitotadza kunzwisisa nekuti vaive vakatorova serious. Vakazoseka vaona kuti ndave kunetseka ndokuti," Unoenda kuchurch isiri yemurume wako" ndikati," Ahh handiti murume wacho aisaenda?" zvikanzi," Ave kuenda, handei tione" ndikashaya marambiro kwave kupinda kumashure. I had a great time kuchurch kwavo zvekuti ndakatoshaya kuti sisi sei vaisakuda and if we were in good books ndaidai ndaitozovaudza kuti vapote vachiuya havo. Zvino kutovafunga kwakandifungidza kuti ndaive ndatopara mhosva nekuuya nemurume wavo pakudzokera ndichibva ndatonzvenga bamukuru. Ndagara ndaida kutoonawo Thomas so pavakasara vachimhoreswa mhoreswa nevakuru vesangano ndakabva ndatoti verere. Vakafona ndave kutosvika pataisangana naThomas vachiti," Ko madii?" ndikati," Ahh ndaona mave kumbomhoresana mhoresana nevanhu ndikatungamira. Ndirikuda kupfuura ndichiona shamwari yangu." ndikanzi," Endeka! it's ok" tichibva taseka tese. Ndakafambisa kwavekuda kuti ndisazonyanya kunonoka kuenda kumba kwakunowana Tommy wangu atomira. We hugged akati," Happy anniversary" ndikaseka nekuti ndaive ndatozvikanganwa ini. Kuzvitaura ndiko kwakatozoita kuti ndorangarire kuti taive tave negore nehalf tichidanana. " Thank you but I thought tongocelebrator makore ka ini" I said zvikanzi," Ndatointrojuicer nemahalf acho" tikaseka ndoti," Kopresent yacho?" ndikanzi," Iripo, don't worry. Ndiperekedze kwefriend yangu kuseri uko, ndiko kune tumasinhi twacho. Ndakaorder kubva kusister yake inoira zveAvon so ndati tongoenda tese wosarudza chauri kuda chacho exactly" Nyemwerero yakasvika kunzeve chaiko tichibva taenda kweshamwari kwairehwa kuye. Takapinda pamba pacho apo paingove zii ndikati," Pane vanhu ipapa?" zvikanzi," Mira tione, vanoshandisa door rekuseri" and I nodded. Takanoknocker door riye pakabuda mumwe mukomana waakamhoresana naye nekubva amuti," Sistran varipo here?" mukomana uye akati," Havasati vadzoka ava, mira ndinovatarisa, 2 minutes. Pindai muzayani mundimirire" Thomas ndokuti," Bhoo" tichibva tangodungamidzana kupinda muye. " Room yake ndeiyi" Thomas said and I nodded topinda muye matakanogara pabed achibva ati," Ndanga ndakusuwa iwewe, I hope uchauya kupoly tinyatsoonana" ndikati," Ko kana ndichida kuenda kuBulawayo poly?" ndikanzi," Unobva wagara ikoko zvachose" tikaseka. Tichingopedza kuseka akabva auya kukiss ndisina kutarisira ini kwave kupfavirira sechinhu chataingoita. Akaisa rumwe ruoko pamukaka ndikati," Ahh Thomas!" zvikanzi," Babe we have been together for long manje, we need to take our relationship to the next level" uku otomanikidzira kundirarisa pabed. Ndakapfichuka pfichuka kuda kumurwisa but it was to no avail worse pandakatozotanga kuchema nekuti simba rangu rakatoita seraive ropedzwa neshungu. Akatondirarisa pasi zvine simba rumwe ruoko rwake kwave kuisa pant paside and i felt his member on my entrance akati," Relax Tari don't be tense unorwadziwa" end of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ 304
Mai Tanny Novels
5/25/2025, 5:30:16 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 12 *Emma* Ndakanzwa kunge pakati pemakumbo pangu paive nechaiyerera pandirikuti nditarise Brighton kwave kuti," Waspoiler Emma" kucheuka kudai kwave kuona skirt yese yave ropa. Ndakanzwa kamusoro kaka wiiii so kwave kutura zibefu ndikati kunaBrighton," Imiscarriage ka iyi?" and he nodded ndikati," Mhosva yangu ndeyei inini?" misodzi yotoyerera akati," Mhosva yei? Handei uchinje timhanye kwadoctor" ndikati," Kunoitei iye mwana wacho abva kudhara? Ndoenda kwadoctor kunoitei?" getting all emotional. Ndaiita kunzwa moyo kudzimba and the pain was double nekuti ndaisachema uyu chete but marwadzo ethe first one aive atodzokawo. Ndakatanga kuhwihwidza Tariro ndokuti," Sorry sisi" nguva idzodzo imwe pfungwa ichibva yacrosser mind yangu. Yaive pfungwa yekuti maybe I was cursed nekuda kwaTari and I looked at her hana yangu ikarova. I didn't even know what to do or think zvekuti ndakazongonzwa ndabatwa ruoko naBrighton ondimanikidza kuenda kubedroom. He had to force me zvese nekuchinja kwacho kwave kunanaidzana toenda kumota. Muroad ndaingochema and kuhospital kwacho hapana chataive tamboendera besides kungonoudzwa kuti nhumbu paive pasisina nekugezwa chibereko. Brighton akabva azamawo kubvunza doctor if there could be a cause to the stillbirth and the miscarriage tikanzi," We will have to carry out some tests to figure out if there is any problem but considering kuti imwe istillbirth imwe imiscarriage it could just be a coincidence or maybe issue yekuti chibereko changa chisati chave fully healed" Ndakabva ndaita kupihwa corner yeziso nevamwe baba vaive vambonditi ndimire ini kwave kutarisa hangu kudivi. The doctor went on votitsanangurira zvavaifungidzirawo and so forth kwave kuti for the tests avaive vataura we would have to come back tichibva tazobuda hedu. I was expecting nyaya yekuti ndakambokuudza ndatogadzirira mhinduro but haina kumbotaurika. Ndakatosvika kumba nekuitwa pamper zvekutombokanganwa kuti I had just lost a baby. Tari wo aingotambira tambira mudhuze zvairamba zvichimbodzosa pfungwa dzekuti maybe she had something to do with kunetseka kubata mwana kwangu. Ndakambotanga ndichifunga zviri spiritual kwave kuzofungazve zviri medical. Ndakabva ndatoronga kunbotsvaga vamwe doctor vaisandiziva vekumboconsulter but I had to do that after taenda kune vedu vemazuva ese. Avo vakangoita zvavaita kutarisa zvacho ndokuti," Everything seems fine, just make sure you rest for a while mozozama zvenyu zvekare. Also give yourself time yekutozorora chaiko, kwete kuzorora kuita mwana but rest yekuzorodza nyama. Kana zvichinge zvazoita mokasira kuuya kuzonyoresa so that we monitor the pregnancy from an early stage. Izvozvo zvinogona kutibatsira kuti tione pakaita dambudziko tobva tarigadzirisawo nekukurumidza" We both nodded then left asi ini I wasnt satisfied, Brighton aingoita emphasize nyaya yekumbomira ini ndichingobvumira but zuva randatanga kuenda kubasa ndakabva ndatoenda kweumwe gynae. Avo ndakanyatsosununguka kuvaudza chokwadi chese chekuti ndaive ndamboita mwana ndiri kuhighschool vakati," Kunyanya kuspacer comes with complications" ndikati," Asi zvinogadzirika?" akati," Unenge uchitongoda close monitoring nekungoti tikutarise kuti hutano hwako generally hurisei before waita pamuviri pacho" She said I was healthy and izvozvo zvakaita kuti ndizviudze kuti I just had to wait mbijana ndotoita hangu imwe nhumbu. Chaingodiwa kuti ndive closely monitored chete which wouldn't be a problem hazvo senhumbu inenge yatorongwa isiri yekuzoti ndakaziva yatokura. Ndakaenda kumba in high spirits zvekuti chero Brighton akatonoshama nekuti I had been low kubva zvaive zvabva nhumbu. He laughed ndokuti," Hanzii nhasi?" ndikati," I want to be happy again, zvinoita kuti body yangu irelaxe" zvikanzi," Kwete zvekuti uite imwe nhumbu Emmaculate, ngatimbozorora. Let your body get the rest it need, im not in a rush" ndikati," Aiwa kwete izvozvo" telling myself kuti this time ndaisazomuudza aizongoona yavepo. Akaita seafembera kwave kumbotanga kunditsoma tsoma kuti ndinwe mapiritsi but akazvisiya in no time. Ini ndakabva ndatomasiyawo kwave kutojamba mwedzi ndikaita kufara. Handina kuda kutambisa nguva I went to my gynae avo vandakabva ndazoudza kuti," Kana ndazouya nemurume wangu please don't mention kuti ndakamboita umwe mwana kare" nekuti ndaiziva kuti paaizozivira he would want to be involved. She widened her eyes ndikati," Handiti ndakakuudzai kuti ndaive ndichiri kuchikoro? Mwana wacho haana kuzomborarama nguva refu, aigara namama vangu akafa achitori mudiki so handina kumboona reason yekumuudzira" " I'm not here to judge you, and I'm sworn to keep your personal information safe so don't worry about it" she said ndikati," Maitabasa" and musi iwoyo ndiwo wandakabva ndabatwa naBrighton kuti ndaive nenhumbu. Ndakangonzi from nowhere," Ko sei usati waenda kuperiod?" ndikati," Ahhh, nda.." ndikanzi," I hope you are not pregnant because if you are, handimo munyaya dzacho" munhu kwave kutosimuka achibuda. *Tariro* Ndakatarisa bamukuru vakasvika vachizvikandira pasofa vachioneka kutsamwa. Pavakacheuka vakabva vazhinya zvekunyepedzera and I couldn't help it. I burst laughing ivo kwave kusekawo ndokuzoti," Muri kusekei?" ndikati," Ahh hapana" Vakabva vangonyarara ini kwave kudzosera meso kuTV asi ndichipota ndichibiridzira kuvatarisa. Chiso chavo chairatidza kushushikana ndikatadza hangu kuvabvunza kuti vainetseka nei asi ndaive ndotonetsekanawo. He was usually a happy person even paive pabva nhumbu yasisi ndivo vaitozama kuvaita cheer up so ndaitoita wonder kuti apa chaive chazovanetsa chaive chii chaizvo. Ndakazozviziva later that night ndonzwa vachipopotedzana nasisi vainzi vaive nenhumbu. Bamukuru vaipopota vachiti," Wambonzi nani ita mwana, I don't even remember giving you pressure saka uri kumhanyirepi? Do you think I enjoy watching you in pain? Unofunga kuti zvinondinakidza kugara ndichirasikirwa nevana?" sisi vakati," Handiti zvakanzi tinongokasira kunyoresa here? I have already done that" vakanzi," It's ok" Mumazuva akatevera yaingove mitsindo mumba mese vanhu vakatsamwa, iniwo ndisina mhosva ndaive ndongobatanidzirwa. Sisi vaitongopedzeea shungu dzavo pandiri, ndaitukwa kunge hameno hameno. Bamukuru would always apologise on her behalf paphone but I had become immune to kutukwa kwacho. Hapana chandaiita chakanaka vaingoshoropodza nekutsvaga fault zvaiita kuti ndizombonochemerawo mudiwa wangu. Aive ave kupoly and taitotamirana hedu, ndakatosarudza class yemazuvarodoka kuitira kuzoonana and ndiye aindicomforter. He would just say," Iwewe chingivajaira kuti ndizvo zvavari, apa pamwe zvatove worse nemahormones enhumbu. Ziva kuti chinangwa chako ndechekuita something for yourself" ndikati," I know but dzimwe nguva zvinombobhowa hazvo" zvikanzi," Hang in there my queen" wanike ndave kungobwibwinyika. Mashoko ake iwayo aitondipa simba zvekuti ndakatosvika pakunyora ndichingoshingirira. Sisi dumbu ravo raive rati kurei and bamukuru vanenge vaive vodzora moyo. Zvaive zvomboita zvichiwirirana votomboenda vese kwadoctor. Mahopes asisi were really high nekuti vakatozokiinura nursery kwave kuicleaner cleaner umwe musi iri weekend. Vakacleaner ivo mbune kwete kutuma tuma ini wavaive vakajaira kuitirwa zvese naye. Mangwana acho vachienda kubasa makasiiwa makavhurwa mawindow ndikanzi," Ndirikuda kuti mumbopinda mhepo wozovhara hako time time" ndikaita saizvozvo.. Ndaive ndoswera pamba ka semunhu aive apedza kunyora so I spent the day pamamovie angu kwakuzobuda briefly kuona Thomas aibva kuchikoro. Handina kutomuona nguva refu nekuti ndidzo nguva dzaidzokawo ana sisi but ndakadzokera kumba kwave kutonoita hour vanhu casati vauya vese vari vaviri. Ndakatanga ndichizvitora lightly kupedzisira ndatove worried kwave kufonera sisi but handina kudairwa. Ndaive ndoda kutofonera bamukuru pandakazoona malights pagate kwave kutura mafemo. It was his car yasisi pasina but ndakangoti obvious ivo vaive neexplanation. Ndakazorohwa nehana ndichiona murume mukuru achipinda aine misodzi pamatama ndikati," Bamukuru chii?" zvikanzi," Inini hangu sisi venyu ka, handizive kuti ndodii navo" " Vaita sei?" I asked vakati," Aita stillbirth futi, operation this time apa uone ndakambomutsiura. Hameno kuti anofunga kuti zvinondinakidza here but I suffer twice mainini. It hurts kuona mukadzi wako ari mumarwadzo, woti kurwadziwawo nekurasikirwa nemwana. She is making life really difficult for me" Vakatoyeredza mimwe misodzi and I honestly didn't know what to say. Ndakatombosticker and he sniffed vachizvipukuta maziso nekuseri kweruoko ndichibva ndaswedera padhuze navo ndikati," Sorry henyu bamukuru" placing my hand on his shoulder. end of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ 364
Mai Tanny Novels
5/29/2025, 7:50:39 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 16 *Emma* Ndakapedza kutaura kwave kunyarara ndakanyatsomuyeva Tariro, airatidza kuti she was in a ball of confusion. I'm sure zvandaive ndataura zvaive zvamuwandisira kuti aite process nguva imwechete nekuti chero ini zvaive zvakatondiwandirawo. Zvimwe zvacho ndaive ndazongozvitaura ipapo ndisina kana kuzvironga zvekuti ndaitoshaya kuti zvaibvepi. Issue yekuenda kunodzidza kunze was not even part of the plan but ndazvitaura so ndaive ndoona kunge yaigona kutova nyaya yakanaka. At least it would be good pakuti aisazova nebond nemwana iyeye and aisazowana mukana wekuda kumuclaimer or kuda kuita mafunny tricks. After a while angori zii akazongoerekana ati," Murikuti ndiite nhumbu?" ndikati," Hauite as such, unotongoiswa ave mwana mudumbu wezai rangu naB then chako kuchengeta nhumbu yacho chete kusvika yazvarwa. If you want unogona kutongoitwa operation worega kusvika pakurwadziwa hako. Uchiri virgin?" and she nodded ndikati," Then operation ndiyo itori safe, munenge muchida kuzoti bamunini vavhure vega ka?" ndoseka seka but iye haana kuseka kana kudii. Akatozongotura befu ndikati," I know it's a big decision saka handikumhanyise and kana zvisingaite feel free kutaura. Kungoti I'm so eager to have a child and I thought kuti ndipe iwewe first preference senge nemaresults aya I'm sure wave mushishi kufunga kuti wochidii saka ndabva ndati ndikuudzewo imwe opportunity" ndotsimbirira yechikoro nekuti I knew kuti it was a catch for her. She nodded then literally dragged herself out of the room ndikasara ndotura befu hoping she would give in. Ndaive ndotongoda iye kuda kuavoider vanhu vekunze nekusada zvinozonetsa. I also wanted someone anonditeerera during the pregnancy saka Tari ndiye aitongove perfect candidate. Ndakasara ndotombofunga some other ways to convince her but hapana chimwe chakauya mumusoro mangu besides kutongombonyepera kuita a good big sister. Ndakabva ndatonobatidza marasha panze kwave kutanga kuita kabraai kandakasvikirwa naBrighton ndiri pakati. He frowned ndokuti," Whats the occasion?" ndikati," Tari abuda neA, she passed" akaratidza kakushamisika ndokuti," Saka that's why you are doing a braai?" ndikati," Iiii veduwee, am I that strict with her? Ndinenge ndichida kutomupusher kuti aite zvakanaka and today I'm really proud of her" " Ehh, let me change" he said kwave kupinda mumba ndikasara ndichipedzisa. Ndakavasheedza ndapedza and Tari was equally shocked tikadya ndichingonyanya kutaura inini. Ko taisamboita ka muconversations as a family saka zvaive odd but I was trying kuti ndikambotaura naTari ndombotaura naBrighton. Ndiyo yakabva yatove mood yangu around them apa uyu Tari angori zii paproposal yangu ndichibva ndatozoita wekuti," Did you think about nyaya iye nhaiwe Tari? Pane munhu wandawana arikuda and ndatomumisa ndichiti nditange ndanzwa iwewe" She sighed ndokuti," Makati munondiendesa chero nyika yandinoda?" ndikati," Bamukuru vako vane malink I will make sure he makes it happen" kwakubva atura zve rimwe befu ndokuti," Saka zvinoita" Mufaro wandakanzwa ipapo one would think aive atoita nhumbu yacho nemwana wacho zvese izvo kwaani. I had hold my mouth kuti ndisascreame kwave kuzoti," Thank you Tari, I'm so grateful" akanyemwerera zvishoma ndokuti," It's ok" apa ini ndave over the moon. Excitement yacho yakaita kuti nditadze kuzvichengeta, B achingosvika kubva kubasa ndakabva ndatotanga nekumuti," Ndawana munhu arikuda kutiitira surrogate" " Kupi? Nezuro waiti hapana ati abudikira ari serious kwese kwatakaisa maadverts wani?" and ndaive ndatozvitaura zvesure..Dzaive nhema hadzo because vaivepo vamwe vaive vatomboshower interest ndichivaignore nekuda kumirira kuti Tari abvume. " Haana kubva ikoko, Haa kuye hakuna kana chimuko and ndiri kuona kunge tingona kutoscamwa." I said zvikanzi," Saka wauri kutaura wacho wamuwana kupi?" ndikati," NdiTari" achibva avhurisa ziso zvakatongondiudza kuti aizozviramba ndikakasira ndati," Andinzwa ndichitaura naFiona paphone nenyaya iyoyo kwavekuti anoda hake. Asi mari yake tinenge tichingomupa hanzi ndinenge ndichizoda kunodzidza kunze kwenyika" He chuckled ndokuti," Saka uri kubhadharisa mwana wamai vako chikoro nekukuitira mwana?" ndikati," Ndizvo zvandambotaura here? Ndiye aoffer ega it's not like ndamumanikidza or kumukumbira" zvikanzi," Muudze kuti hazviite, she is a child herself anoda kutakura mwana wekudii. Iwe mukadzi mukuru ungatosekerera zvinhu zvakadaro sure? Can't you see kuti we will be ruining her life? Kana aita mwana wacho ozodii? She still has a future ahead of her, kana ada kuroorwa oti but ndakamboita mwana wasisi vangu?" " Ndanga ndafunga kuti anenge ave kungoitwa iri opp" I said akati," Opp ndiyo inodii? Oroorwa oti operation iyi ndeyemwana wasisi vangu?" ndikaramba ndakanyarara nekuti aive otoratidza kutsamwa akaenderera mberi oti," Chero tikatonzi tashaya umwe asiri Tari, togara hedu tisina mwana wacho" *Tariro* I scrolled on my phone ndichiona martenity dresses netumwe tunhu twevana vana. I was trying to get myself ready for rwendo rwandaive ndabvuma kupinda. I wasnt really sure about it, I had fears but kufunga kuenda kunze kwenyika and starting a new life for myself was exciting. Especially panguva iyi yandaive ndasiyana naThomas ndisisina kana reason svinu yekugarira muZimbabwe. Ndaiti ndikazvifunga zvekunze izvozvo ndototanga kuita picture myself in different countries ndichiedza kuona kuti kwainyatsondiitira kaaive kupi. Painternet chaipo ndainge ndongopota ndichitarisa mauniversities and programs offered ndichitarisa kuti yandaida yaiwanika papi uye yaida chii nechii. Izvi zvevana ndaive ndazongosanganawo nazvo which had me wondering how I would look like pregnant and what the baby would look like as well. I just couldn't stop wondering how it felt to be carrying someone mudumbu mako as well as to give birth nyangwe hazvo taingonzwa mbiri yekurwadza kwacho. My scroll was interrupted by a message yasisi yaive yakanzi," Heyy, bamukuru vako vari kuramba madeals aye nhai. Vari kufunga kuti ndakuforcer, I tried explaining to him kuti ndiwe urikuda but vari kutoita nharo." ndikati," Ahh ko hanzi ndaita sei? Why vasirikuda kuti ndiite" zvikanzi," Hanzi uri mudiki, hameno pamwe unogona kuvaconvincer wo nekuti I'm sure he will ask you about the issue" ndikati," Ok" ndotoshaya kuti bamukuru vaida kundishaisa mukana wekuenda kunze kuti zvidii. " Zvakaoma, I can't help but think kuti maybe haasi kutozvida zvesurrogate zvacho. Maybe arikuda kutongotsvaga hake umwe mukadzi" she said and in as much as I knew kuti hunice hwavo hwavaiita mazuva aya hwaive hwekuti ndibvume zvavaida I still felt sorry for her. Ndakatoona kuti ikoko kuzozvininipisa nekundinyengetedza yaitove desperation chaiyo saka despite kuda kuenda kunze ndaida kutongovaitirawo mwana wacho. I was sure mama would have wanted me to do that for her plus I hoped kuti maybe kuvaitira sacrifice yakakura kudaro kwaizoita kuti vandidewo nekubuilder bond redu. " Haaa kana, maybe kungozezawo nekufunga kuti kundibatira" ndakadaira zvine hunyoro kuti ndicomforte munhu zvikanzi," Thanks" Bamukuru vacho vakabva vaita kunge vaive vakatomirira kuti mukadzi wavo apedze kutaura neni nekuti ndichingobva kuchat rasisi vakabva vaisa message yekuti," Zvii zvauri kufurirwa nasisi vako Tariro?" ndikati," Hapana, ndini ndiri kuzvida" zvikanzi," Unokuziva kutakura nhumbu iwe? Waisavaona sisi vako vachipotsa kufa pano? Why would you want to risk your life for her? Do you even understand what you are signing up for?" Hana yangu yakati gidhi gidhi kurova nekuti zvekuzorasikirwa nemwana wacho and the risks that came with childbirth ndaive ndisina kumbozvifunga. It was scary kufunga everything that could go wrong but ndakanyepera kuve brave ndikati," I do, ndirikuda kubatsira sisi vangu" zvikanzi," Manje mototsvaga mumwe murume nekuti ini handiite izvozvo" Handina kupindura nekuti ndakashaya kuti ndotii and mangwana acho havana kumbozvitaura. Infact vaive vakatotsamwira vanhu vese vachibva vatokasira kubuda kuenda kubasa sisi kwave kutanga yavo yekuti vanenge vaida zveumwe mukadzi. Ndakangowedzera kuvasimbisa kwakubva vabuda voendawo kwavo kubasa ndikazoshama bamukuru vadzoka masikati. Vaive nepaperbag yavakasvikondipa vachiti," Present yenyu yekupasa iyi, ndanga ndakatoitenga kare yangosvika nhasi ndosaka ndakupai. Dai ndanga ndisati ndatenga handaikupai nekuti muri benzi" ndikati," Ndaitasei?" zvikanzi," Muri kubvuma kumanipulatwa nasisi venyu, handisi kumbofara nazvo ini" ndikati," It's my decision bamukuru" He looked at me sitting down ini kwakutanga kuvhura present iye which was a brand new cellphone. Yaive Samsung nyama yandakangotarisa nekutoti," Iii bamukuru!" zvikanzi," You deserve it, you deserve much more than sacrificing yourself as a baby carrier for someone who doesn't even care for you" ndikati," Handiti ndiri kuitira mese nemi here?" He laughed ndokuti," You really want to carry my child?" ndikadaira nemusoro vakati," Hamuna kumanikidzwa?" ndikazoti," Ahhh imi" ndobhowekana nemibvunzo yacho kwakubva ndazopindura kuti," Handina kumbomanikidzwa ini, ndirikuda" end of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 348
Mai Tanny Novels
5/27/2025, 7:16:01 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 14 *Tariro* Ndakafemeruka neshungu ndichishaya kuti aive iye here Thomas wandaiziva or ndaive ndachinjirwa hangu. I had never thought he was capable of doing that to me nekuti ndaive ndakangomuratidza kuti ndaizvikoshesa. Ndakatoramba ndakaomesa muviri iye achiti ndirelaxe akati," Baby" achitozama kufoseredza kupinda but struggling tichibva tanzwa mutsindo panze. Tese takavhunduka achibva asimuka ini ndikamukawo and I was shocked nezvandakaona ipapo. Aive atobvisa ka trousers rake riri mumabvi umu his member pointing at me. Iye haana kumbonyara akatoti," Dzikama tinzwe" tizonzwa," T man, Tom" kubva panze akati," Hee?" zvikanzi," Pakaipa wangu, machembere arova chicome back kubva kugospero" " Shit" he cursed achikwidzira trouse rake ini ndikati Mwari mandibvira nepi nechemumoyo. Thomas aive otopanicker ave kushaya pekubata ini kwavekuti kwanyanu nekutomhanya kudoor. Shamwari yake yaive yakatomira ipapo yakabva yabgoti," Huyai nekuno" kwave kuendeswa nerimwe side raive nezvikwere zvehuku. Taiita kufamba neside apa ini fear yave kuzara mandiri pandaifunga kuonekwa nevabereki veshamwari yaThomas ndiri pamba pavo. Taive totovanzwa kupinda pagate nemota and all I wanted was to leave ndoenda kumba straight. Takaita kamudungwe tichimarwa nemadziro kwave kuzonzi," Mirai" nekazevezeve tave kusvika kumberi. Vanhu vaive vonzwika kuburuka mumota munhukadzi achitoti," Aripo here ipapa Roy? Anenge abuda hake kuenda kumashamwari asina kana kukiya madoor, mawindow ese akashama. Pano kusabirwa kungochengetwa naMwari sure" " Anofanira kuenda kuchurch, chaasarira ipapa chii? Handiti anga achiti hee assignment iri due zvakazodii wee paye?" a male voice said the female one rikati," Mukamubeliever ka henyu, ini ndazviziva kuti inhema zvangu" mavoice aye kwave kutanga kufader. Patakazonzwa door rekuseri kuvhurwa Roy uye akabva atongoti," Handei" kwave kunanga kugate ini ndiri panumber one chaipo. Tichingotsika kunzw kwegate ndakabva ndatovhurira bara svinu rekuti ndofunga vakandiona vakatopererwa. Kungoti the street was quiet zvekuti kumhanya kwangu ndiko kwakatozoita kuti imbwa dzevaridzi dzitange kuhukura. Ndipo pandakazonzwisisa zvaingonzi nevanhu kuhukura kwembwa hakumise nzou kufamba nekuti ndakaramba ndichingomhanya chete despite ruzha rwaive rwoitwa nembwa dzaive dzoita choir chaiyo. Munoise yembwa iyoyo ndakanzwawo voice raThomas raiti," Tariro, Tari" but handina kucheuka kusvika ndave kune rimwe line iye ndisisamunzwe. Ndakabva ndambomira kwave kutanga kufemeruka kwasangana kuti kwekuneta then kwekuti ndapona murutsva. Ndakatora chimwe chimukoto kurasisa Thomas kana aizoda kunditevera kwakuenda kumba mumusoro ndichiita replay everything that had happened. Ndaive ndoona kuti ndaive ndatambwa pachena, kuvhevhetedzwa nepresent isiko and I felt so angry at myself for being so naive and stupid. Ndakazongoerekana ndatove pagate rekumba ndisina kumbonyatsoona kuti ndaive ndafamba sei kwakupinda mugate muye ndakazara nyadzi feeling as if bamukuru vaitozoona zvaive zvaitika semunhu wandaive ndatiza kuchurch. Vaive vakatogara zvavo muveranda ndichingopinda vachibva vazunza musoro then lipsed kuti," Titambire" obviously kuzeza sisi vaive mumba ndikatenderedza maziso walking past him ndokuzoti," Maswerasei?" ndikanzi," Ndaswera" Sisiwo vaive vakazvambarara pasofa mumba kungovamhoresa ndichibva ndanzi," Church yenyu inopera nguvaiko nhaiwe? Wanga usiri kuziva kuti kumba kunoda kubikwa lunch? Ndosimuka ka ndobika ini operation idambuke?" kunge vaimbobika chero vasina operation yacho and I shook my head zvikanzi," Tikwanire, kana wave mukadzi mukuru wotiudza wobva wagarira ikoko kwaunenge uri. Ndiite musikana wako webasa inini? Unokurega kukuenda kuchurch ikoko ukada kufarisa" Handina kupindura ndakangoramba ndiri zii zvikanzi," Enda unobika uko" ndikakwesvaira ndakananga kukitchen. Bamukuru vakabva vaisawo message yekuti," Ndagriller pork, chingomonai kasadza" ndikanyemwerera ndichiti," Maitabasa" Mvura ndakatongoisa mujug kwave kupambira sadza riye phone kwave kuchitangawo kurira. Aive Thomas ndikacutter but he kept calling chete nekuisa mamessage imwe yakanzi," Sorry Tari, taura neni" imwe yakanzi," I don't know what got over me, it will never happen again" ndikaridza zitsamwa. Sadza ndakarimona ndichitongoripedzera shungu ndichipedza imwe call kwave kupindazve. Ndakaidaira this time kwave kubuda panze ndikati," Iwe, siyana nelife yangu. I want nothing to do with you, it's over usandifonere, usanditextire urimbwa yemunhu" Handina kumupa mukana wekudaira ndakabva ndacutter ndinzwe munhu ave kuseka. Ndakacheuka kwakuona bamukuru vaive vamira padoor rekitchen vakati," Maitwa seiko?" ndikati," Nani?" zvikanzi," Nabamunini ka vamabva mapopotera kudaro, saka ndiko kwamanga muri ka?" "Siyanai neni" I said angrily zvikanzi," Ok" but tapedza kudya or let me say vamwe vapedza kudya nekuti ini chakaramba kudzika nekuti moyo waive worwadza. Heartbreak ndaive ndoinzwa ipapo nekufunga kuti ndaive ndamuramba koti iyo betrayal of the trust yandaive nayo in him. Ndichingopedza kusuka ndakanozvivharira kwave kutanga kuchema ndonzwisisa zvainzi nevanhu moyo unorwadza ndichibva ndaona message yabamukuru yaive yakanzi," Whatever he did to you I'm really sorry" *Emma* Brighton sighed achiisa phone pasi ndichibva ndaturawo mafemo, I'm sure we were both struggling about the same thing. Hana dzedu tese dzaive dzakaremerwa yet we couldn't be there for each like we used to do kumashure. Taive tese muroom imwechete yet we felt so distant, like there was a huge drift pakati pedu and it hurt like hell. Zvaiita kuwedzera marwadzo angu nekuti ndaive ndotoona imba yangu yoparara apa ndichizvipa blame futi pamwana wangu wekupedzisira aive ashaya. Deep down ndaive ndongoshuwa kuti dai ndakangoteerera hangu ndisina kuita mumwe pamwe dai ndaive ndakuchitanga kurongawo kuita panguva iyi. Zvino ndaive ndatora 10 steps back chaidzo nekuti ndaive ndazonzi ndimire 5 years before having umwe mwana. Infact vaive vatomboti if possible ndichitongosiyana hangu nazvo but kana ndaizoda kuzama it would be after 5 years yet my age would be another threat. I had been beyond broken by the news kotiwo iye mwana wacho aive apedzisira kufa uyu aive anyatsondibanda. She had been an almost full term baby apa aive muhombe ari chubby. Ndaive ndatombomurambira ini kuti aiswe kumortuary ndakamubata ndichiti pamwe kumugukuchira kwaizomumutsa. It had been the worst moment of my life and ipapa I was still finding it hard to get past that experience. Wekunyatsochemera ndiye wandaishaya hangu nekuti I'm sure Brighton aitondiblamer wo and our house had become an unhappy home. Ipapa akazongosimuka akananga kubedroom ndikambosara ndichichema then followed him ndikawana ari paphone zvake. Pfungwa dzakabva dzatowedzera kuenda kure mumwe moyo wototi pamwe aive otsvaga hake mumwe aizomuitira mwana nekuti papi pacho paazomirira 5 years kuti tizame tisina kana sure yekuti zvaizoita. I couldn't sleep that night yet iye akazenge onyatsoridza ngonono. Ini ndakazongorara zvekutongobiwawo nehope kwakumutswa naye oda kundibatsira kugeza opp. Nditwo tumwe twetunhu twaaive achiri kuita hake twaimbondipa hope, he bathed me kwakumaker sure kuti ndadya porridge ndokuzoenda hake kubasa. Ndakasara naTari uyo aitongondiirritator hake nekuti ndaingofunga kuti dai ndaive ndisina kumbomuzvara ndiri mudiki then i probably wouldnt be having macomplication ese andaive ndoita. Musi uyu aisaoneka oneka hake, she spent much time kuroom kwake pandakazomuona akaita seaive nemapuffy eyes. Handina kuzvinetsa nezvazvo sterek sezvo ndaitovewo nenhamo dzangu zuva kwave kutofamba kusvika kuma4 pakazouya some of my workmates kuzondiona. Ndakatombonzwa moyo kuti nyevenu nekuona kuti there are people who cared and vakanditandadza for a while. Hapana aitaura zvemwana or zvaive zvaitika but being around them made me feel warm. Vamwe vakaoneka early vomhanyira kudzimba but Fiona remained behind akambotanga nekunditi," Kubasa kuri kubhowa musiko vasikana, ndangove ndega ndega mazuvano" ndikanyemwerera ndikati," Manje manje ndinenge ndadzoka don't worry" She sighed ndokuti," How have you been, zvemasure sure chaizvo Emma. I want you to tell me how you feel" the fact yekuti she was the first person to ask me that ikaita kuti ndibva ndatongoita break down. Ndakatanga kuchema and she hugged me achiti," It's ok Emma, let it all out" and I tried kudziburitsa dzese shungu kwave kuzotanga kumutsanangurira state yaive marriage yangu. I told her my fears and everything that was happening akati," Imbozamai counselling Emma, you both are grieving and it's not easy for you both." ndikati," Counselling inogadzirisa kuti achada mwana here? Obvious achatongondicheater otsvaga munhu anoita vana" akati," Those are not facts and yes counselling inogona kukugadzirisirai nyaya yemwana iyoyo. Munogona kutoudzwa other ways of having the kids, like surrogacy. People are adopting that, muno muZimbabwe ufunge. Recently I heard someone aitoti akaitirwa mwana nasurrogate, aiti hake it's expensive zvekutodaro and the whole process yekutsvaga munhu ari willing inoti netsei but it's doable. Chenyu kunenge kwave kungotsvaga mari chete nekuti munhu anotocharger parefu then you have your child, but you can only do that after dealing with your grief" end of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜‚ 317
Mai Tanny Novels
5/22/2025, 7:06:56 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 11 *Tariro* Ndakatofunga kuti ndaitadza kunzwa kwavekuti," Mhaa?" zvikanzi," Ndati wotsvaga course yekuita iri easy nekuti masubjects ako aya unonetseka ku A level" ndikati," Ndinogona kumbonyorera hangu maths ndozoenda A level next year but one" vakati," Tinotaura wauya, wati unodzoka mangwana?" ndikati," Ehe" Sadly ndonyatsodzamisa mashoko avaive vataura. I swallowed ana 2 ndokuti," Ko chii?" ndikati," Ahh hanzi nasisi nditsvage macourse ekubika kana kusona nhaimi?" Thomas ndokuti," Ahh, why?" misodzi ikati nyangarara mumaziso as I said," Nekuti hanzi handinosimudze A level nemasubjects mashoma andiinawo" Rudo ndokuti," Zvekutoita tumashort course? Ehe hatuna kushata but tunoda uri kuiita pamusoro pesomething or uchitoziva kuti zvimwe izvi hautozvigone zvachose. Iwewe hausi dofo ka iwe, it's only that wakadisturbwa nekushaya kwamama chete" I sniffed wiping misodzi yaive yoda kubuda neruoko ndikati," Ndanga ndati ndonyorera hangu maths ndozoenda A level next year" Thomas ndokudairira achiti," Even ukasatoenda A level yacho, dai vataura kana kuti nyorera maths wotsvaga macourse ananateaching, nursing nemamwewo. She is being unfair havo, ko kumbotaura natsano?" The part yekuti tsano made me laugh nemisodzi pamatama ana 2 kwave kujoiner akati," Muri kuseka chii? Havasi tsano vangu here nhaiwe Tari" and i giggled ndikati," Ndivo, ndichavaudza kana ndikazotaura navo" I felt so much better nekusimbiswa ikoko kwave kutanga kufamba toenda kumba. Takaperekedza ana2 first kwave kutonosvika pamba chaipo ndichiona mama vavo. Thomas takamusiya akamira a distance away so ndakakasira kubva kwave kuzonanaidzana toenda kwatete. Ndaive ndonzi," Kana vanhu varamba vachingoti uite macourse ayo acho ingoita so that unongowanawo skill then kana ndakuroora ndozokuendesa kuchikoro" I giggled ndikati," Ana Thomas!" akati," Chii? Asi you don't see us getting married? Uri kuona kunge tirikuita relationship yemafunny?" ndikati," Aiwa ndiri kutongoseka confidence dzacho hangu, marriage mazuvano inoda kuenda watovewo nesomething chako kwete kutemba murume" akati," Inini ndinotembeka manje, I don't want you to stress Tari. Kana zvaita zvaita but zvikaramba unongoita zviripo handiti?" I nodded kwave kudhonzerwa padhuze tikatanga kufamba ndakakochekerwa kwave kuzonzi," Chimbondipawo kiss usati waenda, ndanga ndave nenguva ndisingambokuona" ndikati," Ahh iwe" asi ndaitaura ndega nekuti aive atove mudhuze. Ndakaipihwa kiss which was deep and longer than kataive tamboita munhu kwakuzotanga kubata bata my but ndikazoti," Aiwa Thomas" and he laughed ndokuti," Saka mangwana tinodzokera nguvai?" ndikati," kumasikati." kwave kuonekana. Zvemashoko asisi ndaive ndatombozvikanganwa ndichiti ndikangofunga kiss ndoblusher. Muviri wangu uyu waiita kundiudza kuti pane zvaive zvaitika zvikatinakidza. Chero pandakasvika patete vakatoseka vakati," Ukaona munhu aive smile yakadai kwapaswa" kusaziva kuti yaive smile yerudo. Ndakawedzera kunyemwerera ndikati," Handina kunyatsopasa ini tete" handing her my slip vakati," Ahh ahh magona wani mainini, makapasa imi. Science dziripo ka apa, nechirungu aiwa mamira mira. Kufoira 2 chete? Maths dzagara dzakaoma hadzo, iyi practical zvekuvaka makagara musingade" Ndakanzwa manyuku nyuku and she went on to say, " Maths unonyorera idzi zvinoita, and una D saka uri padhuze dhuze kupasa" ndikati," Ahh sisi varikuti ndiite course yekubaker or kusona kana zvekuruka nenzara" Vakaseka chikwee vakati," Emma anombopenga here asi? Uye ndiye munhu akaenda mademon edzinza rese chaiko. Hanzi chikonzero chii?" ndikavaudza vakati," Murwere wepfungwa, rega ndifonere Pride" kwakufonera mukoma vaye vachivava zvekuvava zviye. Mukoma vacho vakabva vati ndipihwe phone vakati," Unonyorera maths, tozoona zvekuita kumberi handiti?" ndikati," ehe" zvikanzi," Ukasvika kuHarare wotsvaga kunoitwa malessons emaths uite, zvaEmma zvekuita seanopenga ndezvake. Kana asingade kubhadhara malesson acho ndichabhadhara inini" " Maitabasa" ndakadaro pasi pasi call kwave kupera asi tete vakamboramba vachipopota chete. Vakatozodzikama nekusvika kwemwana wavo vavekuti tibate huku tikachitanga kuita nyaya and it was so refreshing kuve kumusha. Mangwana acho ndave kuda kudzokera kuHarare ndakanopfuura nekumba uko kwaive kogara imwe couple ndikafara kumboveko though it brought back mamemories amama. Ndakabva ndazoenda nekuguva ravo sat there for a while telling her I had passed kwakuzoenda kubusstop kwandakawana ndatsamwirwa. Haana hake kutsamwa for long ndazomuudza zvaive zvandinonotsa nekuzotanga kumuudza yemalessons emaths. Akabva atoti," Ndichakunzwira, but unogona kutoita nekashortcourse paside since iri skill and ari enguva diki unotoita zvese wogona kutowana zvekuita kutotsvaga mari" " Yah ipapo une point" I said akati," Asi ndinomboshaya here?" ndikati," Aiwa" zvikanzi," Ndizvo zvauri kutoreva" kwave kutanga chikudo chatakazosvikirwa nebus tichiita. Takapinda mubhazi vanhu votinyeya ini ndangotarisa pasi kwave kunogara kumashure shure. Kuda kupedza chishuwo chekuonana ndakaperekedzwa kumba chaiko munhu achisiya makombi ekwavo ndikange ndotomutyira kuti achazofamba husiku nekuti kwaive kotosviba. Ini ndakatonowana bamukuru vadzoka vakatogara nasisi musitting avo vakati ndichingopinda nekutotanga kuti," Ehh wadzoka? Ndanga ndichiti hauchadzoka ka ini?" ndikafunga kuti yaive nyaya yekunonoka kusvika ndikati," Ndanonoka kuwana transport, sorry sisi" " Handisi kureva zvekunonoka kudzoka ini, wanga uchiudza vanhu kuti chii? Unogona zvekumhan'ara ka sterek, wabva wadii wagara kuvanhu vawanga uchiudza kuti ndiri munhu akaipa? Kutokuoffer mukana wekuti uronge future yako iwe wototanga kuda kuonererwa. Wakambozvibvunza here kuti vanhu ivavo vakaregererei kukutora kudzimba dzavo kana vachikuda sterek?" she shouted bamukuru ndokuti," What happened?" vakati," Hameno ka iyeyu anga achiudza vanhu kumusha kuti ndakurambidza kudzidza yet ndanga ndichida kutoti uite zvinhu zvinobatsira iwewe. A level inokupei?" Ndakaramba ndakanyarara looking down as I felt tears build up in my eyes uku ndichitsvaga kuti ndaive ndanyanya kutadza papi ndichipashaya vakaenderera mberi vachiti," Manje ndabuda munyaya dzako, chiitai zvamaronga naPride wako ini ndave kungoyeva and I don't ever want kuzonzwa ndonzi ndirikudawo chakati chekuchikoro. Changu kukupa chikafu Pride is taking over your education handiti ndiye anoziva sterek?" Vakabhidhaira vachibuda ndikasara muye ndichidonhedza misodzi, yakanyatsonowira pafloor chaipo bamukuru ndokuti," Mainini chii chaitika?" but I couldn't answer him, ndaisada kuwedzera mhosva ndonzi ndaive ndomhan'ara kumurume wavo futi so I walked out in tears. Ndakanopinda muroom mangu and locked the door ndikatanga kuchema, ndakatanga kutoona kuti the hate my sister had for me was deep and I wished she could tell me kuti ndaive ndakaparei ndokumbira ruregerero hangu. Ndakachema zvekuchema zviye kwakutobiwa nehope mushungu dzekuchema imomo only to be awaken by a call. Yaive WhatsApp call from bamukuru and I didn't answer it. Ndakangoendq pawhatsapp pandakawana paine message yaive yakanzi," Mainini are you ok? I'm really worried about you" Knowing he was genuinely worried ndakapindura kuti," I'm OK" zvikanzi," It's going to be ok manzwa? I don't know what really happened but don't worry too much, your sister is going through a lot. Nezvakabva kuitika zviye she is a mess emotionally" ndikangoti," Ok" fighting the urge to tell him kuti mukadzi wenyu agara akandivengera reason yandisingazive. " Musanyanye kuchema" he said ndikaseka ndikati," Handichambochemi" zvikanzi," Good girl, chiregai ndirare manje" Ini ndakatodzokerawo kuhope ndikamuka kuseni kuita basa rangu, raitoratidza kuti hapana chaive chaitwa kubva ndibvepo so I had a lot to do. Ndakagadzirira bamukuru avo vaive vangove zii kunge vasirivo vekundiisira message kwakutobuda voenda kubasa. Sisi vakamuka nekubhidhairawo kwave kuenda kwavo kubasa ndikasara ndozorora nekuudza ana 2 mashura andaive ndaitirwa. They sympathized with me ndokuti," Usaite kuti zvikumise kutsvaga malessons" and I took that advice. Ndakatomawana kwave kuudza mukoma Pride ndikatumirwa mari kwave kuzoita stress pakuudza sisi. Zvakatora zvivindi chaizvo kuvaudza ndikataimira bamukuru varipo ndikataura ndikanzi," Hoo?" but I still didn't let that stop me. Ndakatotanga kuenda and kwaitove kudhuze nekwanaThomas since kumasebhabha kwana sisi kwanga kusina mafacility akadaro. Ndaitokwira kalift ndobva ndatotora mukana kuona munhu wangu uyo aive asati atanga kuenda kuPoly kwake. Kumba yaingove ngoma ndiyo ndiyo ndichimboignowewa but she needed me nekuda kuitirwa basa saka vaisazondidzinga havo. Ini wacho I stayed in my line even pakutaura nabamukuru I kept my distance. Ivo vacho nabamukuru vakazotanga kuita sevaive vasisawirirane ndikazonzwa kuti yaive nyaya yemwana ndanzwa sisi vachiti," Inini ndirikunzwa kuti ndave fit saka iwe unondirambidza ndiwe une chibereko chacho here? The earlier the better" kwave kuzoonazve nekuyemedzana kuti vaive vave nenhumbu. However hapana kumboita week kubva ndaona kuyemedzana ndichibva ndatoti umwe musi takagara musiting kwakuona sisi vachisimuka dress ravaive vakapfeka razara ropa. end of chapter.

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ 387
Mai Tanny Novels
5/28/2025, 8:03:54 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 15 *Emma* I frowned ndikati," Nekudhura ikoko agozvibvuma amaimwana? Unoti angasarudze zvinhu zviri expensive paine chance yekuita mwana mahara nekungotsvaga mukadzi?" akati," Usatange nekuva negative, give him the chance muone. You don't rush to suggest it, imbotangai necounselling then mahealer wochipawo suggestion yacho or you might be surprised kutozonzwa osuggester ndiye" " Mmm hameno, it's just hard to accept iwe kuti pane possibility yekuti ndotadza kuita mwana anorarama zvachose. Ndiri kungofema Fiona but mukati umu ndakafa kare kare, dai ndangopihwawo one chete just one" akati," Keep believing zvinoita" and she went on and on achingotaura neni dzamara ndotoona kunge surrogacy yacho was a good option. Nyaya dzakve dzoendeka zvekuti Brighton akatozosvika achiripo akati," Iiii nhaimi, ndakuwanikwa nabamunini ndichiri pano" ndikati," Ko vane basa rei?" Brighton uye kwave kupinda with a smile on his face kuita kunge asiriye munhu aive ombondikwindimarira. They greeted each other and since yaive isiri first time yavo kuonana Fiona akabva atotanga kutaura nyaya. Aingotaura dziri general nekubva azooneka akanzi," Kwave kusviba uku gulez, regai ndinokusiyai makwira" akati," Ahh bamunini zororai handiti mabva kusvika?" but nekutaura neni kwaaive aita and all I felt it was only fair kuti aperekedzwe ndikati," Perekedzwai vakoma, ndobasa ravo iroro" vakati," Ahhh vasikana ka?" ndikati," Maitabasa mauya kuzondiona vakoma, ndanzwa kudziirwa" and she hugged me and said," That's what friends are for" Vakabuda naBrighton ndikasara ndonzwa kakurerukirwa, though i wasnt sure of how I would talk to Brighton about the issue kungofunga kuti there was a way to save my marriage made me feel so much better. Ndaive ndotozama kufunga kuti taizomuwana kupi surrogate wacho and how it would all work. It came with its own fears like kuzeza ka bond pakati pake naBrighton but I told myself kuti ndaizosiya basa ndoita bond racho naye inini. Ndaive ndotoita tumaimagination twangu bhoo bhoo ndave nemucheche wekurarisa in our nursery which was still intact pakazodzoka Brighton. Akasvika nekuzvikanda pasofa kwave kumboti zii akadaro ndokuzoti," Gulez vambotaura newe nenyaya yecounselling?" ndikati," Ehe" zvikanzi," What do you think about it? Unoda kuti tiende?" and I nodded zvikanzi," Ok, vati she will send some recommended grief counsellors" I nodded again kunzwa oita interest neni kuchibva kwaita kuti misodzi iyerekane yayerera. He sighed and hugged me akati," It's ok, shhh" wanike atodenha dzimwe shungu. Ndakahwihwidza and he let me kwave kuzondirega oti," I'm so hungry, pane chekudya?" ndikati" Tari anofanira apedza manje" Ndakamusheedza Tari uye akauya nekuita dish up and musi uyu ndakatombonyatsodya. Taive tisina zvakawanda zvataive tataura especially panyaya yemwana but ikoko kuhuggwa meant a lot. Ndaitonzwa kuti atmosphere yachinja nguva dzataidya even patakanorara and ndiye akatozouya nenumber dzacounsellor. We started going and it was a bit hard at first especially paakazodudza kuti he blamed me zvesure nekuti ndaisateerera but zvishoma nezvishoma zvakatanga kureruka. Takatanga kutoita muconversations and musi wandakazotaurawo kunacounsellor nyaya yekuti ndaitya kuti he would cheat kutsvaga mwana ndipo pandakazopinza yesurrogacy. He chuckled ndokuti," Mmm ini I'm not complaining hangu, takaroorana tiri 2 rudo rwedu nderwevaviri and children will just be a bonus" ndikati," Ini ndomuda mwana B, even akave one hake. Ndinodawo kunzi mama and the child will be our flesh and blood" akati," Ok, I don't think its a bad idea hangu. If you are comfortable with it" ndikati," I am so long you promise you won't leave me for the surrogate" He laughed ndokuti," Shamwari, I'm here to stay. I'm not leaving for any reason" and I smiled feeling the assurance deep in my soul. Takabva kuye tave excited, chero iye zvekumboti hee vana ibonus zvaive zvapera oti," But muno muZimbabwe tingatomuwana munhu anoda kuita surrogate?" ndikati," Vanowanika, mari chete" akati," That won't be a problem, and we have to legalize everything zvekuzotanga kuti munhu arambire nemwana wedu iii ini handidi" ndikati," Obvious iii, zvinotoda mapaper akakwana izvi" Takatotanga kuita maresearch nei nei nezvazvo and ways dzekutsvaga munhu wacho. I also tried to find mari dzaidiwa and kuwanda yaive yakawanda. Muresearch idzodzo ndimo zve mandakazoona vamwe voti," Zvinoda munhu wepadhuze izvi, maybe your sister or friend kana mai vako chaivo. Zvevatorwa zvinogona kuti netsei" Tari akabva apinda mandaive nedish rake rehembe achiimbirira pfungwa dzangu kwavekuti," Asi Tari angaite here?" Ndakanyatsomuyeva and there was nothing chaiita kuti akonewe, ndiye munhu wepadhuze ega wandaive naye and she probably would save us from kuburitsa mari yakawanda. Kuzofunga kuti aive mwana wangu kwakange koda kuti ndione kunge zvaisaita but then I remembered kuti vamwe vaive vati amai vaitoita saka panga pasina kana dambudziko. Ndakazotura mafemo ndofunga Brighton who would probably not agree with that kwakubva ndazozviudza kuti," I just need to convince Tari first kana angobvuma chete tochiudza Brighton ndatopedzerana naTari" *Tariro* I walked past sisi nervously feeling uncomfortable nekunditarisa kwavaive vakaita. I exhaled ndave mupassage kwakucheuka ndikaona vayeverwa nemadziro ndikashaya kuti vaimbofungei. Handina hangu kuzoda kumira nguva refu semunhu aitovewo netwake twaimunetsa. I was finding it hard to let go of Thomas and I was still not Ok zvekutoti washen yaive modish ndaive ndatoiwachira kudzora pfungwa. Ndaive ndisina kuzombotaura naye despite his efforts to talk to me, zvairwadza but ndaiona iri iyo good decision for me. I had dreams to chase and judging nemacircumstances ehupenyu hwangu ndaive ndisina room for stupid decisions. I needed to be focused and Thomas was proving to be a distraction uye threat kufuture yangu. I folded the clothes ndichiplayer "no more you" yaAkon kwakupedza nekutonotanga kubika still playing the same song. Bamukuru vakazenge vadzoka vaina sisi vachitoita nyaya ndikapedza kudya nekutonozvivharira ndizoona message yavo yakanzi," Wazvinzwa here kuti maresults Monday nhaiwe No more you?" and zvemamessage izvozvo vaizviita daily. He had been the only person who checked on me and who knew kuti ndaive neheartbreak. He had never asked the whole story but he sympathized with me, told me I would be ok and I appreciated that. Last part yemessage yavo yakaita kuti ndiseke kukanganwa zvakakosha zvaive kwekutanga ndikati," No more you ndiani?" ndikanzi," imimi, ndati maresults Monday" ndikazoti," Maitabasa" hana yobika manhanga zvikanzi," Kuti zii makukwata here?" and I giggled ndikati," Handisi kukwata ini" but Monday yacho yakasvika ndave bhoo nefear. Ivo bamukuru vaiita kuramba vachingondipoker chete Monday yacho kwakunditi," If you need support or kudirwa mvura mafenda handiti munoziva kuti kubasa kwangu padhuze nemutown? Call me" ndikati," Ehoi" Sisi wo pandaive ndobuda she smiled ndokuti," Kanjani hana kurova?" ndikati," I'm nervous" zvikanzi" Haaa wakapasa don't worry" ndikatoshama nekuve nice kwacho but ndakangoti," Thanks" ndichitambira mari yelift yavaindipa. Ndakaenda kuchikoro wishing Thomas was there with me kwave kusvika kuye ndoita serutsanga ruri mumvura. Apa kutya kwese ikoko kwaive kwemahara zvako nekuti I had scooped myself an A. Ndakanzwa misodzi kuzara mumaziso ndikaipukuta nekutotanga kudialler number dzabamukuru. He was the first person wandaitoda kuudza and vakadaira at first ring ndikati," Ndapasa bamukuru, ndine A" vakaita," Wow" yakadzikama zvakaita kuti ndiseke. Vakasekawo vakati," You deserve it, I'm so happy for you" ndikati," Thank you" kwakunzi," What do you want as a gift?" ndikati," Ahh hapana ini" zvikanzi," Kakapusa" tikaseka nekutocutter ndofonera makoti. Uyo akaita kuscreamer even mukoma vakafara zvekufara zviye when I told him. Sisi ndakangoti I would tell her in person sezvo vaisace vekutemba kwave kudzokera kumba kwandakasvika nekunzi," Titambirei" ndikaseka handing her the slip vakati," Nhaiwe, nhaiwe welldone" and I smiled shyly feeling so proud of myself vakati," Hiiii. Haa I underestimated you mupfanha, wagona" ndikati," Maitabasa" " Saka apa wave kudii?" she asked ndavekuda kupindura zvepoly, iyo yandaive ndoda kuendera kure naThomas vachibva vati," Ndirikuda kuti uzoita choice ndakuudza kaoffer kandiinako, so I need a surrogate anonditakurira mwana. Panoshandiswa zai rangu nesperm raB then munhu iyeye otakura nhumbu, give birth then otipa mwana isu tomupa mari in return. Tichiri kutsvaga candidate but ndangoti ndikuudzewo kana uchida, infact I would appreciate it ukabvuma nekuti uri hama yepedyo and I trust you. Kana wave iwewe manje watiitira isusu tinenge tave kukuendesa kuchikoro kunze kwenyika, you will choose a country of your choice and kana watongoenda kunodzidza obvious wave kutotsvaga basa ikoko which will be life changing" end of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ 338
Mai Tanny Novels
6/1/2025, 4:43:17 PM

Chapter sponsored by+263 77 240 6977 https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 18 *Emma* I smiled nervously ndikati," Maitabasa" Brighton kwave kuitawo the same tichibva taoneka. Tari aive angonyarara I'm sure aive onyatsoita digest zvese zvaive zvaitika ofunga kuti zvesure aive ave nepotential yekutoita kamunhu mudumbu. Aitoratidza kuti pfungwa dzaive kure ndikazonzwa B omuti," Mave kurwara here mainini?" achibva aseka akati," Aiwa ahh" and I rubbed her shoulder ndikati," We are going to go through this together handiti?" She nodded as we got into the car and just like last time we were spoilt nelunch nadaddy then did a bit of shopping. We headed home kwatakanosiiwa B kwave kutobuda despite it being a weekend ndikasara ndoita make sure kuti Tari ambozorora. Akabva atorara hope chaidzo ndikazonzwa shasha yamuka kwatove kumasikati. I fixed her something to eat kwave kuenda kuroom kwake ndikaona shasha ichirova masmile iri paphone. Smile yacho yaisambove yemunhu njee so I tried to peek akainzvengesa achiti," Ahh sisi!" ndikati," Uri kutaura nani Tariro? Waisati hauna mukomana here iwewe," nekuti kuviga kwake showed kuti aive munhurume chete. And also the blush that was on her face gave her away though akabva ati," Handina mukomana ini sure" " Aiwa saka uri kutaura nani ipapa nesmile iyo? Kana uine mukomana ndinenge ndichida kungoziva chete Tari" I said akati," Handina sure" ndikati," Fine, because this time I would really appreciate ukamboita lay low panyaya dzevakomana idzi. It would complicate a lot kubva kunyaya dzenhumbu kusvika kune yako yekuenda kuchikoro chaiyo" She nodded ndikati," Food iyi, ndimi ka queen vedu" ndichiseka and she giggled akati," Ndotomboshandisa mukana zvakasimba, muchandiguta" ndikati," Iii zvekutoronga here vasikana? Atove mapersonal aya" akati," Aiwa ndirikutoda hwiza dzine tushuga" Her sense of humour got me rolling ndikati," Rega ndifonere bamukuru vako ndivaudze, idzi handingambodzikwanisa ndega" ndichitotora phone yangu akatanga kuseka. Brighton ndiye aive oda kutobhowesa nyaya yacho nekumborega kudaira phone the first time kwave kudaira kechitwo ndikati," Hanzi pane munhu arikuda hwiza dzinetusugar kuno, munokwanisa kumubatira here in your way back?" He laughed ndokuti," Ndimainini?" ndikati," Kana ndiwewo, hanzi muchandiguta pano" Tari wacho kwave kugegedzera akati," Nemadzambarafuta" akanzi," Regai ndiite plan mainini, madzambarafuta munoda aine mapapiro here or asina" tikaseka tese achiti," asina" ndikti," Itai plan baba mwana" then walked out ndopedzisa kutaura naye ndavekuti," Ko waendepiko weekend ino, was looking forward to spending the day with you" ndikanzi," I'm out with the boys" " Ko wadii kuendawo nesu?" I said ndichiyemerera zvikanzi," Inga uri kutoti nesu wani, mawandisa" ndikaseka ndikati," Haiwa unobhowa iwewe" Akazodzoka later tikavigirwa hedu nyama yakagochwa iyo yatakazenge toita seticharamba kubva musi iwoyo after Tari ati," Vanhu ava vanonyatsogona kugocha" Naiyoka nyaya yekuti she was about to carry something special akabva atonzi pamwe macravings yet it was only days later. Taive tatonzi tizodzoka after the whole month yet aive otongoitwa kunge atove nayo nhumbu yacho. Ini I was just watching her closely looking for signs and symptoms aizondiratidza kuti zvaita. Hana yaingove mumaoko the whole time, crossing my fingers kuti zvichingoita ndizororewo uye tizviite zvipere. First week rakapera pasina kana chaitika second one munhu kwave kungoswera mumagumbeze hake. I had to go and check on her ndichiti," Asi hausi kunyatsonzwa mushe here Tari? Pane pari kurwadza?" ndikanzi," Hapana" munhu ari mumood ndikati," Ko kuswera mumagumbeze, kana paine zvisiri kunyatsoita mushe kukasira kutaura kunenge kwakanaka Tari, so that tinokasira kuona kuti todii" ndikati," Ndati hapana wani nhaimi, I just need to be alone" Yaitove rough yandakapindurwa ipapo but it didn't make me angry, it actually made me happy mumoyo. However I kept a straight face ndikati," Ok" iye kwave kutura mafemo ndokuti," Sorryi, I'm just feeling low" ndikati," Its ok, I'm sure mahormones nezviri kuitika. Zorora hako" then walked out nekunyemwerera ndichiti," Yes! Thank you Jesus" *Tariro* Ndakasara ndichitura mafemo feeling kairritation kandainzwa kachitoita worse. Ndaive ndatongomuka ndichinzwa kuneta nekubhowekana ndichitotadza kunzwisisa kuti chaive chii. Zvaive zvazotaurwa nasisi zvekuti mahormones zvaive zvatozoita kunge zvechokwadi nekuti zvandainzwa zvaisanzwisisika. Ndakasara ndotura mafemo wondering kuti mahormones acho aive echii chaizvo, ekuti ndaive ndave nenhumbu here or what. Ndaive ndazvibvuma, ndatoitwa process dzese but fear was creeping in ndonyatsofunga nine months nemunhu mudumbu ndoti the risks and all. Ndakatura zve mamwe mafemo phone yangu ichibva yapinda message ndikaisimudza ndichitongonyumwa kuti vaive bamukuru. Ndiye munhu wandaitongonyanya kutaura naye paphone pacho. Ana 2 ndaitaura navo zvepano neapo zvekuti ndaive ndotoona kuti hushamwari hwaive hwoita huchifader nekuda kwedistance saka bamukuru was my phone buddie and I enjoyed talking to him. Ndakatotora phone yacho with excitement kwave kuona message yacho yakanzi," Amai vevana, murisei?" ndikati," Ndiribhoo, murisei?" zvikanzi," Ndiribhoo, arisei Ju?" kwakubva ndambotanga ndaseka ndikazoti," Aribhoo hake" kwavekunzi," Nhasi arikudei? Ndine pandaona majuru ane dovi" ndikawedzera kuseka ndikati," Huyai nawo henyu" " Anything for you baby" he said ndikasekerera ndiri ndega muye and he added imwe yakanzi," Just wanted to check on you hangu, kana uribhoo chirega ndichishanda" ndikanyemwerera and said," Have a good day" ndikanzi," Thanks" Ndaive ndotofeeler better nekutaura navo so I woke up kwakutoita tusimba twekuwaridza bed. Ndakabva ndatonzwa kuda kugeza kwakunopinda mubathroom mandakasvika ndichisangana neshura. My panties were stained with blood mudumbu muchibva matotanga kudairira kuratidza kuti chaive chatochaya. It obviously meant kuti nhumbu yaive isina kubata and it scared me. Ndakafunga rudo rwandaive ndopihwa nasisi, how happy she was nekufunga kuti ndaive ndave nenhumbu ndikapera simba. I really wanted to be pregnant saka I was so hurt and dissappointed zvekutonzwa misodzi kuzara mumaziso. Ndaive ndotofunga kuti pamwe ndaisaitawo vana and it escalated my fear. I didn't even know how I was going to break the news to sisi ndichibva ndatombogara pasi kuhwihwidza. She was obviously going to be angry and hurt zvekuti vaigona kubva vatodzokera pakundivenga zvese zvekunodzidza kunze zvovharana which I wasnt even ready for. Ndakazongogeza zvekuvavarira kwave kupedza nekutodzokera kunorara kupinda mugumbeze chaimo zvowedzerawo neperiod pain yandaive ndonzwa. Ivo vakaswera vachingouya kuzondichecker and bringing me food zvaitoita kuti ndiwedzere kutya. Kurara rara kwangu made her believe kuti ndaive ndave nenhumbu zvesure and the princess treatment became worse. Ndaive ndisisabvumidzwe kana kudii apa ini nditori pakati peperiod zvangu. Kana pekutangira nyaya yacho ndakapashaya kwave kunyarara kusvika 3 days dzangu dzapera. Ndaive ndichingori low low and kahulow ikako kaionekwa nabamukuru. Vaive vatanga vachimbonditreater wo nice nice vachiti inhumbu but umwe musi he came back earlier. Auntie vaive vopota vachiuya kuzoita basa vaive vatoenda when he arrived ndakatogara pasofa nekafleece ndichiona TV. Maziso ndiwo aiona pfungwa dzichifunga matangiro andaizoita nyaya kunasisi pandakatozovhunduka munhu agara paside achiti," Ko dai ndiri mbavha nhaiwe Tariro, uri kufungei ko?" Ndakacheuka ndikati," Ahhh hapana, Maswerasei bamukuru?" vakati," Ndaswera bhoo, ko iwewe what's wrong with you? Kwete zvanhasi but pese apa ndiri kukuona hangu kuti hausi bhoo. I thought kuti mahormones enhumbu but I can see there is more. Asi pane zvamakaitwa nasisi venyu here handiti munoziva kuti stress haina kunaka when you are pregnant?" The moment he mentioned zvenhumbu ndakabva ndanzwa misodzi ichiyerera vakati," Ko chii Tari? Wave kuchemei?" vachindibata ruoko ndikati," Handina nhumbu ini, I'm not pregnant" He frowned ndokuti," Hee? But..." ndikavacutter vasati vapedza ndichiti," Hazvina kumboita izvi, ndakazoona ndatoenda kuperiod. Sisi vachatsamwa bamukuru, she is going to be so angry" and he took my other hand ndokuti," Heyy heyy, it's ok you don't have to cry. Ko imhosva yako here? Kana zvaramba ka zvaramba, maybe it was just never meant to be" I sniffed zveshungu zvikanzi," Usacheme handiti? Hapana zvaanombokuita nekuti haisi mhosva yako" ndikati," Tanga tave kuwirirana now vachatanga futi kusandifarira" He laughed ndokuti," Hezvo, saka iwe unoda kudirwa kutakura mwana? Zvauri kabenzi" sekero yavo ikaita kuti ndisekewo nemisodzi yangu ndonzwa how hilarious my statement was. I wiped my tears ndoti," Ahh" ndikanzi," We will tell her, infact patichaenda kwadoctor ndiko kwaachanoudzwa ikoko and you shouldn't buy love. Kudiwa kwekudirwa zvinhu hakusi kudiwa uri kunzwa Tari?" and I nodded and he opened his arms ndokuti," Come here" Ndakazviwisira mumaoko muye and he hugged me tightly ndokuti," Uchiswera uchinetsana nekuda kudiwa nevanhu vasingakude uchisiya isusu vanokuda sure?" I giggled vachibva vandiregedza, he looked at me zvekunditarisa mumaziso chaimo making me shy ndichibva ndatarisa pasi. He sighed and held my chin ndokuti," Uri kunyarei manje?" pasi pasi and for some reason I found myself swallowing feeling a bit uncomfortable. Ndakavanzwa vachimedzawo mate before he pulled me closer to him then kissed me hungrily. end of chapter Our book is going to be on sale from Chapter 23, as usual tinotanga nepromotion $1.20\ 40zig on 0782623403 V. Kusinyera then inbox proof of payment to be added kusubgroup. Airtime it's $2 netone and those in Sa it's 30r ott/ one for you/ Blu voucher.

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข 280
Mai Tanny Novels
5/31/2025, 3:29:31 AM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 17 *Tariro* He smirked ndokuti," Saka kana usina kumanikidzwa ngatingoitai ka wedu tiri 2" ndichibva ndamboseka not really realising what he was saying. When I did ndakavatarisa necorner yeziso and he quickly said," I'm joking, hamusati matombove age yekuita zvevana izvi mainini." and I sighed ndikati," I'm over 18 meaning I'm an adult ndogona kutodecider zvandinoda kuita" Vakaseka vakati," Adulthood haisi kids game mupfanha wangu usaiitire dzungu" ndikasekawo ndokuzoti," Siyanai neni" zvikanzi," Ahiii, uri kufunga kuti kungoita kanhumbu and everything goes as planned?" ndikati," Ndaona maternity akanaka" ndototora phone and he came kuzogara paside vachiti," Api?" and I scrolled ndomatsvaga. I started showing him vakatarisa attentively vachiti," Iri rakanaka iri, neiri, neiri" kwave kusvika pane rimwe and said," Haaa iri haribude kana iri, haritombokufitei" apa ini ndaive ndatorifarira iroro racho so ndakabva ndati, " Rakanaka wani bamukuru, ndiwo ari mufashion iwaya unenge uchitoslayer naro" " Aiwa haaa tingatozvirega hedu zvemwana zvacho if you are going to be wearing this. Mwana wangu haapfekerwe zvinhu zvakadai, aiwa haaa maya" he said ndikashaya kuti vaive vazobvuma nguvai nekuti tye last i had checked vaizviramba. Ndakaseka ndikati," Mazobvuma nguvai? Ndoita?" He smiled ndokuti," Kana uri kuzvida iwewe, I don't want you to be manipulated into doing it and if you are going to do it you won't wear this dress" ndikati," Iri ndotoripfeka iri, handiti nhumbu yacho ndini ndinenge ndiinayo?" kwave kurohwa kambama padama ndichinzi," Aka, kari kutotora kunge zvinhu zviri simple wena" ndikasekenyeka. Vakatura mafemo vakati," Ndave kubaya amaimwana, I hope mudziyo wenyu maufarira." ndikaombera pachimai chaipo ndichiti," Maita Shava, mhofu yangu" and he laughed loudly ndokuti," Dzokorora futi" ndichibva ndanyatsoita kari kadetembo chaiko giggling. I knew it very well nekuti ndiwo waive mutupo wana2 and kumba kwavo kwaive nechidetembo chacho kumadziro mudining saka takakura tichichireciter zvekunakidzwa kusvika totochigona. " Muchatipedza mari anaTariro neyamatanga iyi" he said smiling ndikati," Ehe ngaipere" kwave kuzoonekwa futi munhu ave kubuda. Ndakasara ndovhura phone iye kuti ndinyatsoivetter and aiwa raive bango chairo. Ndakatozoita stress ndofunga kuti sisi ndaizovati ndaiwana kupi ndikazvishaya kwave kuona bamukuru voisawo message vachiti," Phone muchati maiwanepi? You know how your sister is" ndikati," Ndiri kutozvishayawo, regai ndinzwe kuti maiguru vanobvuma here kundikavhira" " Ok but munenge mave kuvati matengerwa nemuface wenyu ka?" he said ndikaseka ndikati," Ahh" zvikanzi," Chii, handisi muface wenyu here inini?" ndikati," Muri kwacho, ndichatii ini ndabva kutengerwa phone?" zvikanzi," Hapana shuwa" Maiguru vacho handina kuda kuvaitira dzungu, ndakatomboirongedza phone yacho kwave kuvaudza vakati," Tete mave kuita zvevakomana?" ndikati," Mukomana, ione chete" zvikanzi," And that is supposed to be ok? Handiti maiti murikuda kuenda A level imi? Makazodii, mukoma wenyu aitobvunza" since zviri izvo zvandaive ndavaudza zvesure after passing maths. Sisi vaive vatotsigirawo pakuvaudza nekubva vatoti vaibhadhara saka vanhu vaive vototarisira kuti nditange. " Ndiri kutogadzirira kutanga" I said zvikanzi," Mukoma wenyu anga ave kutoti hanzi akuda kuuya kuzotaura natete achiti pamwe vatanga masketch avo. Kana muri kuenda it's ok, ko iye mukomana wacho akura sei anowana mari yekutenga phone?" ndikati," Takada kungoenzana asi ari kuita attachment kupoly" zvikanzi," Hooo, asi ndikarambwa nenyaya dzenyu idzi pacharohwa munhu. Mumuudze kuti ndoda kumuona futi mukuwasha iyeye" I laughed ndikati," Ehoi" but I kept it hidden ndichiti kana vazouyawo ndochiiburitsa kuti zvisave suspicious. Bamukuru vakazodzoka ndikavaudza sisi kwave kuuyawo ndikanzwa votaurirana yenhumbu manje. Bamukuru vaiita semunhu ave kungobvuma zvekuramwa vachiti," Munin'ina ndewako Emma, if you think its right and iye arikuzvida ndingatii? Changu kungokupai sperm rangu asi pakawana chinonetsa handimo munyaya dzenyu" sisi ndokuti," I will make sure nothing goes wrong, I will take good care of her chero zvawaimbocomplainer zviye kuti hee bond rangu naye I want to rebuild it" He chuckled ndokuti," Nekuti wavekuda kumushandisa?" sisi vakati," This was an eye opener yekuti I need her and munhu wese akakosha." bamukuru ndokuti," Hoo?" zvakaita kuti ndide kuseka. Sisi vaye vakazouya kwandaive voti," Vazobvuma baba vaye, I'm now worried about vamwe vanhu like ana Pride. Unongovaudza what you told your bamukuru kuti it was your decision handiti?" ndikati," Ok" zvikanzi," Ndave nervous manje" vachikwizanisa maoko avo. She left bamukuru kwave kuuyawo, avo havana chavakataura kunze kwekungopfuura vachirova dumbu rangu ndikati," Hezvo" and he winked ndokuti," Ndiri kusampler bag remwana wangu" in a whisper making me laugh ndichibva ndatiwo nekazeve zeve, " Mukwane" *Emma* I sighed sitting down nervously, B aive azobvuma zvekuramwa hake but ndaive ndisina basa nazvo. Chakakosha was the fact yekuti aive abvuma and I didn't want him to regret the decision. I was going to take good care of Tari and a part of me nekuda kwekubvuma kwaaive aita yaive yotoita fall in love with her zvemasure chaizvo. I also loved the fact yekuti ndaitowana wekupota ndichitaura naye, aitoratidza kuti anga atove munhu mukuru nekuti she understood and comforted me pese pandaitaura naye. I was realising kuti maybe having her wasn't all bad after all nekuti ane zvaaive akatokosherawo muhupenyu hwangu. Ndaive ndoona kuti I didn't have to view her as a child who ruined my life but as a sister nekuti she was playing the role very well. Ipapa kakauya a few minutes later ndokuti," Ko zvamunenge matove nestress nhai sisi" ndikaseka ndikati," Iii iwe zvinotyisa izvi, ndinenge ndichitokutyira mhoti? Nekutya kuti ko zvikanetsa once again ndichadii, it's just so stressful." zvikanzi," Don't worry zvinoita muchaona, and I'm going to be ok" ndikati," I hope so" kwakutanga kutaudzwa tumwe tunyaya tusina basa twandakaona kuti kwaitove kuvaraidzwa. Takabva tatozotaurirana date rekunoona doctor baba vekumbozviti vaisada kunyanya kuve involved ndikazovaudza date racho vakati," Tinoenda, handiti ndipo pavanenge vachinotariswa mainini kuti vari healthy here and so forth?" ndikati," Ehe" zvikanzi," Toenda" and he did go with us. Doctor vacho vakaratidza kuve neconcern nekuti aive musikana asati amboita mwana but Tari wacho insisted she was ok with it. Vakaita machecks avaida vakati," She is perfectly healthy so apa tave kufanira kuzotora your samples toita the fertilization process then move forward. In the meantime just make sure mainini is well taken care of and she eats healthy so that zvinofamba zvakanaka" I nodded kwave kubvapo tapihwa date rekuzodzoka just inini naBrighton uyo akabva atosuggestor kuti tiende kulunch. I'm sure he was feeling bad for Tari nekuti the whole time tiri kulunch ikoko he was looking at her, sighing and not talking zvakanyanya. He bought her tunhu tunhu twekudya then said to me," Handiti doctor vati we should feed her well?" ndikaona kuti he thought kuti ndaive ndichiri nepfungwa dzangu dzekudhara. I smiled ndikati," Its ok, waitabasa. Tiri kutombofanira kukaspoiler zvakasimba, ndanga ndichitofunga kuti titsvage helper. Stay out anopota achimubatsira basa, she needs rest" akati," Ndaitozvifungawo ndichishaya kuti ndozvitaura sei" ndikatizve," Then zvepaperwork yataimbotaura paye I don't think its really necessary since tave kuita naTari. Tinotowaster imwe mari toita zvemalawyers, pachadiwa mari kuti anodzidza kunze so zvitori nani kusaver" akati," Fine by me" Takanosiiwa kumba kwandaswera ndomuspoiler wo Tariro and ndiyo yakave life yake new one iyoyo. Bamukuru vacho would spoil her nekudivi and I guess it was her pampered girl season nekuti makoti paakauya akamuvigirawo phone yainzi," Ndaibira hanzvadzi yenyu mari kutindiitenge phone iyoyi" Tari akati," Saka akatenga ndiani?" zvikanzi," Ndini ka, handiti ndairisker?" and phone iyoyo yakasara isingaiswe pasi. She would giggle aripo zvakaita kuti ndizomboti," Asi une mukomana nhaiwe Tari?" ndikanzi," Handina ini, ndakamboita ndikamuramba avekuda kuita zvekurara neni" ndikaseka. Takazoenda kuappointment yedu when it was due tikatorwa masamples aye and got a call a few weeks later kuti zvaive zvatoita. Takazoenda naTari achibva atonoitwa process yacho smoothly Brighton ndokuti," Zvatoita so?" doctor vaye vakati," Yes, chasara kuti kaembryo kacho kachiita attach to the uterus. It might me successful of not successful but we are just hoping for the best" end of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜‚ 363
Mai Tanny Novels
5/23/2025, 5:14:52 PM

Ndarovera ruoko, thought it was something minor but zvigunwe zvese zvave kudairira and ruoko rwacho rwatoita kakuzvimba. Kutyper nhasi ihondo chaiyo but I hope tomorrow rinenge rave nani. Goodnightโค๏ธ

๐Ÿ˜ข โค๏ธ ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜‚ 290
Mai Tanny Novels
5/21/2025, 8:15:29 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *The untold* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 10. *Emma* Zvaakataura zvakaita kuti nditovhunduka ndikati," Saka mwana wangu ave kuita sei? What's happening?" akati," Calm down, handei kumota" kwave kuzosheedzera kuti," Mainini!" Tari uye ndokuuya achimhanya akanzi," Endai munotora bag riri mucotbed muroom iye yataiti yemwana" Tari uye kwave kubuda aribara. Isu takabva tangonanga kumota akazotevera nebag apa face yake ichioneka kuve worried. Akangoisa bag kwave kusara akayeva mota as we drove out ini ndokwiza musana waive woita kunge wavekuda kutyoka. Brighton aive akangoisa concentration pakudriver and in no time taive tatove pahospital. Akandiburutsa nekutonditakura achipfuurira wheelchair yaiuya kuzonditora. Akatozobatwa opinda neni muhospital kwave kuzotorwa ndoiswa pawheelchair. I was terrified, mumoyo ndichingonamata kuti mwana wangu ararame as they rushed me to the examination room. Ndakanonzi yaive yatove labour fear ichibva yatowedzera ndikati kunadoctor," 9 months dzanga dzisati dzakwana asi" zvikanzi," I know. Let's just hope for the best" Ndakanzi ndaive ndatove 3cm kwakumboyuwira ndirimo naBrighton wangu padivi. Aizama paaigona napo to make the pain go away nyangwe hazvo zvaisashanda chinhu. He would rub my back, massage my feet and rub my tummy but pain yacho yaitoita seyaiwedzera for what seemed like ages. Doctor vaingopota vachiuya kuzonditarisa macm aye achingonzi awedzera kusvika pandakazonzi zvaive zvaita. Ndega bdaive ndotofeeler the urge to push kwave kupusher mwana wangu zvakanaka naka. He let out a loud cry doctor vaye ndokuti," Mmm seems like someone really wants to be here. Haisi mhere yemunhu asati akwana iyi" kunzwa izvozvo kukaita kuti ndinyemwerere. Brighton squeezed my hand zvemufaro kwave kundimirira as they stitched me up mwana achitariswa. Vakati aive asina kukwana zvesure and he needed to be incubated for a while vachibva vabuda naye . Takasara nababa vacho as he kissed me know the forehead achiti," Thank you" ndikanzwa kuti," Ndiko kuzvara uku" mumoyo mangu. The experience was different from when I gave birth to Tari, apa paive nerudo pakatosiyana nepaTari pandaive namama nambuya vangu vaingonditi ndipushe zvehasha. Apa baba vacho vaivepo vachinditsigira zvisina kana trauma mukati zvakaita kuti ndinyatsogamuchira kuti the baby was a part of me zvesure. Pandakapedzwa neni takasundana nemurume wangu kuenda kunursery kwatakanoona big boy wedu akatorara zvake peacefully. Ndakabva ndatoenda kuroom kwangu kunozorora kwave kunyatsorara peacefully ndikazomutswa kuti tiende kuvana. He was being monitored closely asi vaitoti he was fine zvekuti ndakazenge ndotokatora maphoto ndichitumira ana amwene vangu. Vakazouya kuzondiona kumanheru vainana Pride naTari and everyone was just happy. Vaitorwadziwa nekusakwanisa kumuona mwana wacho chete kwave kungopedzera shungu pamaphoto iwayo. Takarara zvakanaka ndatove zvangu homesick nekuzama kufunga kuti naiyo premature yangu ndaizomugara kusvika riinhi muchipatara. Ndaive ndoda kutoenda kumba kunonyatsowana nguva nemwana wangu time dzakazouya Brighton nadoctor. B looked sad zvakaita kuti nditi," Ko chii?" doctor ndokuti," I'm really sorry mai Makuni, mwana ashaya." Ndakaita sendanyatsonzwa sound yekuti," Pwaka" mukati mangu umu ndikati," B" ndichida kuti andiudze kuti the doctor was joking but akabva atokwidzira madzihwa nekuzadza misodzi mumaziso ndikati," B no, inga anga ararama wani? B tell me it's not true, B!!!" and screamed on top of my voice iye kwave kungouya kuzondihugger tightly ndokuti," I'm sorry babe" ndikachinyatsotanga kuhwihwidza. I felt like my world had been taken from me kunzwa kuti pane chadzurwa pandiri chaive choita kuti ndipindwe nemhepo pamoyo apa. Ndakagomera B kwave kuramba akangonyatsondibata zvekuti," I'm not going anywhere" Paakazondisiya aitoyeredzawo misodzi ndichibva ndatanga kuchema nepake and he sat with me kusvika pakazouya vamwe. Ndaingonzi sorry vanhu vasingataure zvakawanda vamwe votonditi ndaisafanira kuchema but handina kurega. Senge pandakazosara ndega ndakatoita worse nekunzwa twevamwe tuchichema muchipatara imomo. Ndakazonzi ndaibuda the following day and zvaisave nyore kubudamo ndisina chandakabata. Ndaingove nebag retuhembe vamwe vachibuda nevana vavo mumaoko kwave kunosvika kumba nekunanga kunursery yataive tagadzira. I looked around the blue room ndichibva ndagara pasi ndichitangidza mhere. *Tariro* Ndakavhundutswa nekuchema kwasisi kwave kutarisana natete hanzvadzi yabamukuru yandaive nayo mukitchen. She sighed ndokuti," This is not easy veduwee apa wonzi futi usacheme?" ndikatura mafemo wo misodzi ichizara mumaziso ndikati," Vanga vakamumirira" zvikanzi," Taurai henyu mainini, tese tese" I sniffed ndikati," Ma1" vakati," Zvamurimi mutangewo kuchema" kutaura kwavakaita kuchibva kwatoita kuti misodzi iti mokoto. She rubbed my shoulder ndokuti," Zvekuzoti musha wese uite mariro ndizvo zvisingazodiwe, mukachema zvekudai havazoite mumwe mwana" ndichibva ndapukuta misodzi really fast nekuti ndaisada kuti zvidaro. I was hurting on her behalf nekuti mwana iyeye ndaive ndakatomutarisirawo. I nodded ndikati," Ndanyarara" but zvaingove zvenguva iyoyo. Pese pandainzwa sisi vachichema mumazuva akatevera ndaitombochemawo and hoped kuti vaizoita mumwe nekukasira. Taisawirirana hedu zvekudaro but state yavaive vave vese nabamukuru yaisandikomborera. They were both sad vachingooneka kuti vaidyika mumoyo and I wished there was something I could do for them. Zvino munhu wandaiita vent kwaari aitozviita majokes hake achiti," Huya tivaitire mwana, vanobva vatonyaradzika" ndikati," Hazvisi kusekesa Thomas" asi ndave kutoseka. Akasekawo akati," Maresults hanzi ave kubuda ka, wave ready here?" ndikati," Iiii usade kundipa BP" but he was right. Akabuda in no time hana dzikatanga kubika manhanga, musi iwoyo kubva zvaive zvafa mwana ndipo pandakazoona smile yabamukuru vachinditi," Magadzirira here maresults mainini? Abuda ka?" ndikati," Hana uri kurova" zvikanzi," Ngaisarove, ndinotemba nemi maimwana" kwave kubata muromo vachicheuka and yaitove the longest conversation we had had kubva ndigarepo tatsiurwa. I wanted to laugh at kuvhunduka kwavo ndikabata muromo uvo vachibva vasekawo ndokuti," Wakapasa usatye" nekazeve zeve and left ndikasara ndoseka. Sisi vakazouyawo vakapfeka zvakandiratidza kuti vaive vodzokera kubasa vakati," Hanzi maresults abuda?" and I nodded vakati," Saka unoenda mangwana, make sure wasiya waita washen asi. Unenge uchidzoka riinhi?" ndikati," Ndogona kumbonoona hangu anatete" " Ok" she said ndikagara ndapihwa mari yebhazi. Ndakasara ndoita washen iye yaive yakatoti wandei but kudokwairira maresults kwakaita kuti isareme. Takabva tatotaurirana nemudiwa wangu kuti tigoenda tese patakaonana ndikaita kutakurwa mupark matakasangana. I giggled ndikati," Unopenga here?" zvikanzi," Ndanga ndakusuwa shamwari, unorova kunge usiri muHarare sure?" ndikati," Kumba kwedu kunonetsa kubuda plus nezvanga zvichiitika izvi?" akati," I understand but now that tinenge tave kuenda kuchikoro mukana unenge wanyatsovepo. Iwe wakazoti uri kudii?" " Kana ndakapasa zvakanaka ndirikuda A level ini" I said iye akati," Inini it's official, kuPoly. Zvekuwaster two years bodo." ndikati," Kuwaster nekudzidza? Tibvirepo" akati," Aiwa zvitori bhoo, iwewe paunozotangawo tertiary daddy vanenge vave kushanda zvobalancer. Ndinenge ndave kutongoroora wozopedza dzidzo ndave newe" I blushed ndikati," Thomas ka?" ndikanzi," Ndiri kutokuudza baby" Hatina kuzoda kuwaster nguva takaenda kumabhazi and it was the best journey muhupenyu hwese. Kungofamba tichiyemedzana nekuyemerana kwakandinakidza uku ndichipota ndichitengerwa tumastondido muroad. Takanosiiwa pachikoro chaipo apo paitove nevamwe vataidzidza navo. Vanhu vese vakaratidza kushama kutiona tiri tese nekuti zvaitongooneka kuti pane zviripo but isu hatina kuita shungu nazvo. Ana 2 ndivo vamwe vakazobatsirawo vauya kuzondimhanyira attention kwave kumboenda pavari. We had a lot of catching up to do and takaiita tiri muqueye yekuenda kwahead. Excitement yakazopera taswedera pedyo wofunga kukohwa simba rako and ndiri seki ndaive ndonyatsoona the need to pass. Pakasvika turn yedu Thomas ndiye wandakati atange ndikawedzera stress nekuona iye achibuda nemufaro akapasa. Ana 2 vaive vakapasawo sare ini ndaive ndongobvunda serutsanga as I walked in ndikatura befu ndichiona ndiine 6 subjects dzangu.. Maths dzaive dzisipo hadzo but nestate yandaive ndanyora ndiri ndaiona kubata kwaMwari. Ndakazoenda kwatete watove mufaro chete chete kwakuisirwawo message nabamukuru yakanzi," Ndokumbirawo maresults" ndikatora photo kwakutumira vese vari 4 kuti sisi nabamukuru kotiwo Pride namakoti. Macongratulatory message akatanga kunaya from everyone ndichingonyemwerera yasisi Emma kwave kuzopinda yakanzi," Wamira mira, ndichatonzwa panoitwa mashort course emusoro nekusona nekubaker. Kana pasina maths panotonetsa apa plus A level hauisimudze iwe O wakatotatarika so" end of chapter

โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜‚ 281
Link copied to clipboard!