Mai Tanny Novels
January 29, 2025 at 07:12 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 5 Ndakakwidzira madzihwa ndikati," Horaiti" feeling better already. Ndakabva ndatosimuka kutanga kurongedza hembe dzangu zveshungu chaizvo kwave kuona Courage Amira padoor. He sighed ndokuti" Saka apa wavekuda kuita sei Pee? Urikuda kuenda kupi?" ndikaramba ndakanyarara . kumuona kwaive kotondipa hasha dzekuda kudzokorora kumuruma chaiko so I decided to keep quiet Karen kwavekuti," Anenge anga achitaura nadaddy vake" Pasina nguva ndakazoonawo mama vatevera vakasvika nekuti," Mave kudiizve nhai amwene?" ndikati," Ndave kuenda kumba kwedu" ndakarova inonzi serious. She sighed ndokuti," Ko mukamboenda kwatete? Tozotaura hedu shungu dzenyu dzaserera? Tokuperekedzai kwatete?" ndisati ndapindura kwave kunzwa bhero pagate. Ndakatongoziva kuti ndidaddy kwave kuvhara monarch rangu despite the fact yekuti ndaive ndisati ndatopedza kurongedza kwacho. Ndakarinyamura ndikati," Ndidaddy vangu vauya kuzonditora" mama ndokuti," Nhai Mwari wee, ko manga matofonera baba? Ndizvo zvazvinoitwa here nhai asikana? Handiti tinenge toita setave kutodheerera?" but handina kuita basa nazvo. Ndakabhidhaira nemonarch rangu nedoor rekuseri kwave kubuda ndakananga kugate. Daddy vacho ndakaita vekusangana navo pagate vavekuda kutopinda vakatora monarch riye ndokuti," Handei" I sniffed ndichinopinda mumota and rwendo rwacho rwaive nerunyararo rwunototyisa muchingonzwika ini kukwidza madzihwa ndichifunga kuti daddy kwana Courage vaive vakuziva sei. Ndakazoguma ndofunga zve if kubva kwana Courage would solve things for me ndichizvishaya. Kubva kwacho ndaive ndangobva nechirwere changu and I didn't know kuti chero ndave kumba kwacho ndaizodii nacho. However kuramba ndozvifunga kwakaita kuti ndione kuti ndaizove nacho hangu asi ndave kure nemunhu aive andipa. Izvozvo zvakarerutsa hana yangu asi kusvika kumba ndichiona mai vangu kwakaita kuti shungu dzimbodzoka. Ivo vaive vakaita kugara paveranda and Im sure kwaive kutondimirira. Ndakaiti kwetsu mhere and she came to hug me vachiti," Chirega kuridza mhere Portia, vavakidzani vangasati paita mariro? Chinyarara mwanangu handei tinotaurira mumba" ndikatanga kupedzera shungu dziye mukufemeruka kuti ndisacheme. Tapinda mumba ndakanotsanangura nyaya yangu in between sobs vese vakanyarara ndapedza daddy kwave kuzoti," Ini handina zvakawanda zvekutaura besides kuti isu tinokuda sezvauri. Hatimbokurasa nekuti warwara and it doesn't make us love you any less." and with that he stood up and left ndikasara namama. Avo vakatanga nekumbondicounsellor kwavekuzoti," Varume vane hutsinye mwanangu, ndipo paye pataiti imboitai zvedzidzo musiye zvevarume izvi muchiita nharo. Not kuti atanga aita zvechikoro haazare chirwere asikuti munhu kana ave mature you handle things better plus nemimba iyoyi unowana pekutangira. It's so unfortunate you have learnt the hard way but I hope wadzidza sure." " Ndadzidza, ndavekuda kutozviitira hangu zvechikoro ndosiyana nezvakawanda" I said vakaseka vakati," Iwe wakadya mari yeregistration?" ndikatovhunduka kuti vaive vazviwana kupi. Handina kupindura and she went on to say," Ndakazviziva hangu,pakabuda mastatement of entry ndikangoona waramba uri zii usina kutsvaga chitupa chiri kuno ndakabva ndatoziva kuti hapana kuregistwa kwakaitwa. Tinenge tave kutozozviona mapona kuti wochidii" I nodded vakati," Saka watotanga here kunwa mapiritsi kuti mwana asabatire," ndikati," Ndanzi nditange ndaenda kunoitwa test yeCD4 count" vakati," Horaiti, totofumoenda mangwana. Zvinoda kukasikirwa zvinhu zvacho plus kutongogamuchira so kuti ndizvo zvavepo. Hapana chauchamboita chichazvichinja handiti ndizvo? Wongonwa mapiritsi ako hupenyu hwotofamba, unenge usina kutombosiyana neni ndinonwa angu eBP neemoyo aya. Iwe ukatenge nani nekuti hakuna kwawakambonzwa munhu anofuma akafa neHIV asi isu veBP kutoswera nemunhu mushe mushe mugodya naye sadza ozongoti zii hake. Usatombonyanya kuzviomesera, zvinowanikwa mwanangu" I nodded and talking to her made me feel like a huge burden had been lifted off my shoulder. She even insisted to sleep with me and hope hadzina kutombonetsa kubata ndichitaudzwa. Kuchiyedza ndakamutswa kwave kugadzirira kubuda tichibva tangobudirana nadaddy. He dropped us off tikapinda muye ndave kuhuta, for some reason I was scared of whatever I was facing. Ndaive ndofunga zvakawanda wanda including kuti pamwe mwana wangu aive atozara. Mama ndivo vakatozondisimbisa and luckily ndainzi ndaive ndakasira ndatestwa zvekuti yaive isati yanyanya kuvhiringa body yangu. Ndakabva ndatopihwa mishonga yangu but it wasn't easy as mama had put it. Kungofunga kuti ndaifanira kunwa mapiritsi iwayo my whole life was depressing. Zvisinei mama was trying so hard to be there for me, vakabva vatotenga tanga zvimwe zvinhu zvandaive ndakurudzirwa nadoctor kudya. Takaita kuenda kuMbare kwave kuzoenda kumba tatoremerwa. Ndivo vakabva vatondipa time dzekunwa and taive busy kugadzira timetable yefood pakazosvika tete. My sixth sense yakatongondiudza kuti vaive vafambira nyaya dzangu nyangwe hazvo ndaive ndisina kumbovaudza nekuti phone ndaive ndakatoidzima kubva ndibve kwanaCourage. Ndakatongofungira kuti ndiCourage aive avatuma kwave kunzwa hasha but vaive vatumwa nehanzvadzi yavo. Vaisatoziva zvaiitika vachiti," Ko ava vari kuiteiko kuno ava zvandabva ndaita kunzi nababa vavo endai munotora zvinhu zvemwana wangu? Makaitana seiko nemuramu wangu nhaimi?" Ndakanonoka kudaira ndichifunga pekutangira vakati," Iye munhu akazotiza achiuya kuno sei? Kumba hamukuzive nhai mainini? Handiti ndiko kunogadziriswa nyaya?" mama vakati," Kugadzirisa chii iye mwana akazorwa chirwere? Tete moyo wangu uri kurwadza tete, zera rake uyu tatobva kunopihwa mapiritsi pamusoro penhumbu." and sniffed kuratidza kuti vaive voda kutochema. " Nhaimi!" tete exclaimed ndikazotanga kuvaudzawo nemisodzi pamatama. Vaingokanuka kusvika ndapedza kwave kuzoti," Saka imi hamuchatoda murume?" ndikati," Ndinomudii munhu anohura? Handichada ini" vakati," Asi ka hazvina zvazvichasolver handiti matove nacho kare?" mama vakati," Saka murikuti mwana adzokere nhaimi tete? Aiwa ngaagare hake chero zvikasabatsira nekuti kamunhu kake ikako ibenzi." tete vakati," Handina kumboti adzokere ini kwanga kuri kuda kungoziva kuti masolver chii nekuti adzoke." vakanzi," Tinenge tasolver kuzadzwa resistance nemamwe maSTI hobho nekuti it's clear kuti he is a womanizer. Endai munotora zvinhu zvemwana tete, Portia haasi kudzokera ikoko hazviite" " Aiwa kana madaro imi varidzi vemwana ndinoenda, asi zvanga zvisingade iye muridzi aripo here?" tete said vakanzi," Munongonotora zvavanoti ndizvo zvake zvacho chete, iye kuti adzokere ikoko hazvichatoite" vakangoti," Ehoi" ine kakuratidza kusafara. Vakaenda zvakadaro vakadzoka nezvinhu zviye vachiti," Asi vanhu vacho vanga vachiri kuratidza kuda kutaurirana zvavo" asi ini izvozvo zvese ndaisada. Ndizvo zvakazoita kuti nditombogara phone iri off for 2 weeks, I just concentrated on myself. I was slowly accepting my status with the help of my parents, they made sure kuti ndadya nekunwa mapiritsi angu on time and rudo rwavo made the adjustment easier. Ndakatozopihwa nemari yescan nadaddy ndikanonzi mwana aive musikana kwave kutombokanganwa zvestatus ndongofunga my little princess. Ndiwo musi wandakazobatidza phone iyo yaive nematutu emamessage from Courage and his family. Ake ndakamaignore, ndakatongonanga pablock and blocked him. Ndakazongopindura Karen namama avo vakareplier in an instant asking how I was. Ndakavapindura nekubva ndavaudza zvescan nekuda kweexcitement vanhu vakafara. Karen aive otongotaura zvemwana mama ndivo vakazoti," Ko saka makatotiramwa here?" ndikati," Ehe" vakati," Musadaro amai" but that was the last time she talked about it. Mumazuva akatevera vaive vongotaura nezvangu nezvemwana mazuva achitofamba. Uyu Courage handina kuzombotaura naye, ndaingove kumba kwedu ndotoronga zvelife yangu. Everything was in place kuti ndidzokere kuchikoro after giving birth and mazuva angu aiswedera with everyday that passed. Zuva racho rakazosvika ramirirwa nemunhu wese and ndakarwadziwa hutori husiku. Ndakaperekedzwa namama nadaddy kwave kusiiwa ndikazosununguka kwave kuchena to my beautiful girl ndikamuti Angel. Kukura kwaaive akaita kwakabvisa tumafears twekuti pamwe aive abatirawo chirwere nekuti she seemed so healthy and paakatariswa she really was healthy. Pakazouya vanhu kuseni ndaive ndatopedza kurairidzwa how to protect her during the breastfeeding process. Kwakangouya vekumba kwedu chete vekwana Courage ndikavaudza paphone nekuvapa mapicture kwave kuzoona ndofonerwa nenew number after visit. Ndakatoidara ndichitoshaya kuti aive ani asi voice raCourage harina kumbondirasa paakati," Ndeip, uri muward ani ndauya kuzoona mwana" end of chapter
❤️ 🙏 👍 😂 😢 😮 357

Comments