Mai Tanny Novels
February 3, 2025 at 06:01 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
FOLLOW MY WHATSAPP CHANNEL. FREE BOOK
*Lost sheep*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 6
Ndakanzwa chigodo pahuro kwave kuridza zitsamwa ndichicutter but hazvina zvazvakashanda. A while later ndakaona munhu ave padoor achiti," Matoita basa, 2 minutes chete ndotobuda. Munongozivawo excitement, moyo waramba kumirira masikati kuti ndizoona mwana wangu. Ndabva kure veduwee" achitopinda akazhinyura.
Ndakarova serious yekumuratidza kuti ndaisamusekerera kana mbijana akati," Hesi Pee, I hope rimwe zuva uchazondiregererawo hako. Ndauya kuzoona mwana, I just couldn't stay away knowing my first born has arrived. I heard it's a girl, tione" ndikamboda kutanga kutopopota kwakuzokasira ndafunga kuti aive mwana wakewo and he had every right to see her.
Handina kutozotaura anything ndakabva ndatongomutarisa as he walked achiuya pamubhedha pataive. Akangosvika nekudongorera mwana wake kwave kuti," Ko zvaari musikana muhombe! She is cute" ndikaramba ndakanyarara akati," Saka nezvemwana zvese haundipindure here? Handiti chero isusu tikasawirirana we still have to raise mwana pamwechete meaning we have to communicate ka? Chingondipindurawo zvemwana chete Pee"
Aive otondibhowa nekuramba achingotaura so ndakazoti," Ita zvekuona mwana wako uende" nekutotarisa kuside. Iye haana kuzombodawo kutaura zvakawanda akangoita zvemwana uye kwave kuoneka ave kubuda.
Ndakasara ndikamboyeredza misodzi taking myself back to the day raaive andirwadzisa. Mood yakabva yatombota low up until masikati pakazouya vanhu kuzondiona. Vaive vauya nehuhwandu hwavo nekuti mai vaCourage naKaren vaive vauyawo, ndiwo waive muso wekutanga kuonana namama vangu but muzukuru akaita kuti vaite kunge vakatomboonana. Mwana wacho aiita wekutoreranwa munhu wese achida kumubatawo.
Daddy vakazouyawo kumanheru smile yakaburwa pavakabata muzukuru wavo ikandiratidza kuti munhu aive afara. I was so glad kuti Courage aive asina kuzodzoka but akazotanga kufona kumanheru. I ignored his calls akatanga kuisa ari mamessage achiti," Waswera sei nemwana? Uri kubuda nguvai mangwana ndanga ndichida kuonawo mwana before wabuda nekuti kumba kunozondiremera."
Again I ignored him kwave kudzima phonr ndikazomuka kuseni ndotogadzirira kubuda sezvo ndaive ndanzi ndaizobuda around 9. Daddy vanenge vaive vatorovha kubasa nekuti ndivo vakauya kuzonditora pamwechete namama kwave kuenda kumba kwandakanoshama kuona muspare mave necot bed. Mama vakabva vangoseja vakati," Ndivava baba vari kufarira mukadzi munyowani ava, hanzi ndiwo makorokoto angu. Ini ukati ndichiri kumboonekwa sechinhu here?"
I laughed ndikati," Inga vaita havo nhai?" vakati," Shasha yafara zvisingaite, ezvi vanga vototaura nyaya yako yekuchikoro. Hanzi kana angosimba munhu kumalesson, chikoro hachidi kunyanya kumbozorora saka hanzi wosarudza kuti unoda kunyora June here kana November."
Mufaro wacho wandakanzwa nekuona kuti ndaive ndopihwa second chance nekuporonga kwandaive ndaita wakaita kuti nditi," June" excitedly mama vakaseka vakati," Munenge matove ready?Ini ndanga ndichiona kunge November anenge akanaka" ndikati," Ndavekuda kutongozviita ndopedza mama, next year ndinenge ndave kutoita zvekutsvaga course ndoenda January" kwakubva vaseka vakati," Hupenyu hunopa shungu ka? Kana ukazvipira hako zvinotobuda, you need to be determined uchiziva kuti zvese zvauri kuita uri kuitira Angie" ndikati," Haaa izvezvi mama ndave serious" and I meant it.
Ndaive ndoda kungoisa focus pahupenyu hwangu and not let HIV or kurwadziswa naCourage pull me back. Kana zviri zvevarume zvakazonzi namama," Wombosiya zvevarume izvi, mwana wako achiri mudiki and even ukada kuzoti wave kuita move on nelife yako unofanira kunge wave mature, wave nesomething for mwana wako and wave kunyatsonzwisisa kuti whoever wauchave naye should be someone who is willing to be with iwewe naAngie mese" ndaive ndisisinei nazvo.
Ndakabva ndatoti," Iii mama inini ndichave single hupenyu hwese hangu, varume vanonetsa worse nestatus yangu iyi iiii handichada. Plus zvekuroorwa ndave naAngie ndiri ndoreperwa mwana? Mullahs medu manga mutori nemumwe musikana airepwa nastep father saka iiii handidi hangu"
Vakatanga vaseka ndokuzoti," Ahh hoo, zvakangonaka futi. Ini chandinongoda kuti uitewo chinobatika nehupenyu hwako. Tese nadaddy ndizvo zvatinoda so please don't dissappoint us" ndikati," I wont" ndoenda pacotbed iye ndonyatsoinan'anidza.
Ndakazodzokera kudining kwaive kwasara daddy ndonovatenda kwave kutanga kupihwa zve lecture rakangofanana nerandaive ndapihwa namama. Kuramba ndongoudzwa mashoko iwayo kwakawedzera shungu dzangu dzekuda kuvafadza ndichibva ndatotanga kuita browse through zvinhu zvangu zvekuchikoro ndega whenever I was free. Angie aisambonetsa zvekuti pamba paitoita sepaive pasina kacheche yet she was growing up so fast.
Mama was helping me out on almost everything chaida kuitwa Angie avawo vekwana Courage ndichingopota ndichivapa maphoto sezvo vaiti," Hatisati tave kusvika ikoko, tine mhosva" .
Mama vaive vatomboti," Ambuya vacho vanogona kungouya havo, semasikati daddy vasipo. Ko vane mhosva yei?" but mai Courage vacho vairatidza kunyatsozvikoshesa.
Uyuwo mwana wavo aingopota achiisa mamessage achibvunza mwana ndichiignore kusvika atozoramwa. Akazoisa imwe message musi wataienda nemwana ku6 weeks achiti," Heyy ,ndimhoreserewo Angie. Nhasi arikunobaiwa ka 6 weeks,let's hope haanetse" and I rolled my eyes ndakaitarisa message iye.
Ndakaenda namama kuclinic kuye and I was so happy pakatariswa mwana wangu akanzi she was still ok. Apa kuriro yacho manurse akambenge otonditi," Urikupa mwana Portia, taura chokwadi otherwise unoisa mwana parisk" ndikatoseka ndikati," Mukaka chete uyu mbuya, munoti ndingade kuvhiringa mwana wangu?" vakati," Aiwa haungati ka iwewe wakasimba, mwana akasimba woti uri kungomupa mukaka chete apa iwe wacho usiri kumboratidza kunge uri kuyamwisa"
" Mukaona chikafu chandiri kupihwa naambuya vaAngie kumba uku munovhunduka nemiwo. Ndiri pafeeding scheme chaipo" I said vakati," She is doing a great job, uvaudze kuti hanzi keep it up. Newewo urambe uchizvichengeta zvese nekuchengeta mwana wako zvakanaka ndizvo ka?" ndikagutsurira.
Vaive votoda zvenyaya neni vakazoita kunokerwa neaive mumashure manga ndikazobuda. Mama vakabva vongoti tipfuure nekwandaida kunoitira melessons kwacho vachiti," Zvinhu zvinoda kubva zvangoitwa pamazvironga ipapo, wotofanoita malesson ako wakamirira registration" and we did so kwakusvika kumba ndichiratidzwa mari yeregistration yacho ndichinzi," Changomirirwa izuva, mari yako itoripo"
Handina kuzomboda kumira ndakatotanga malessons aye ndichienda nemwana wangu sezvo aisasiika nekuda kwekunwa mukaka chete. Ndaidzidza naye kusvika daddy vatenga pram vachiti ndiwane mekumurerera and it really became easier nekuti munhu wacho airara. Akangoguta ndaibva ndaisa mupram otorara hake amai vachiita zvedzidzo.
Pakazokwana mazuva eregistration ndakaperekedzwazve namama vandakazenge ndoti," Murikutya kuti inodyiwa here?" ndikanzi," Iwewe hautembeke iwe" ndikati," Musandidaro"
Life yangu yaitofamba focus yave pamwana wangu nechikoro pandakazoona ndaisirwa message natete vachiti," Mainini mugodamburawo nekuno, ndine parcel yenyu" ndikatofunga kuti yaive yekwamai Courage nekuti vaimbopota vachitengera muzukuru wavo tunhu vonosiya kwatete.
A few times ndaitonovaona ikoko vobva vaona mwana saka ndakatoenda ndichitarisira kuvaona wanike ndairasa. Ndakanosvika kuine mhandu yangu,999 Courage uyo aive achinja nekusimba simba otoratidza kukura chaiko. Aive akachenawo fani zvandakatadza kusaona nekumuvenga ikoko apa paside pake paine zvinhu zvaitooneka kuti ndezvemwana.
Ndakamumhoresera mumhuno kwave kumhoresawo tete avo vakabva vangonditorera mwana. She didn't hold her for long vakamupa baba vacho avo vakazongotora nguva vakamuyeva ndokuzoti," Iii ari kukura" vakadairana natete.
Ndivo vaakataura navo kusvika aoneka vakaperekedzana futi ndikazonzwa vave padoor voti," Aiwa bhoo bamunini, inini ndatonzwisisa sure. Domt worry ndinosorter" ndikashaya kuti yaive nyaya yei ndikazoiziva vauya vavekuti," Koimi mainini muri kunyatsorongei chaizvo nehupenyu hwenyu? Bamunini vauya ava, varikutaura kuti vachiri kungokudai asi ndimu henyumuri kuvaignore nekudiii dii. Ufunge munin'ina ka, munhu wese anotadza and ukaona munhu achiri kushingirira kudai iyo nguva yafamba anenge achikuda zvesure. Uyezve nestatus yenyu yamave nayo iyi ndanga ndichitoona sekunge zviri nani kudzokera kumba kwenyu mongogara sezvo mave nehutano hwakafanana. Vari kuratidza kuti vave mature, ipapa hanzi ndave kutoshanda ndichibata bata handina kuzoita diploma ndakaita iri certificate ndatoona kuti semunhu ave nemhuri zvakuda kutokasira ndashanda. Tarisa mupaperbag mune zvinhu zvemwana umo uone, mune dress rawaigirwa rakanaka kwete zvekumbotamba"
end of chapter
❤️
👍
😂
🙏
😮
😢
309