Mai Tanny Novels
February 4, 2025 at 08:40 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*Follow my channel for updates*
*Free book, read and share*
Lost sheep
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 7
I chuckled ndikati," Tete ka, ini zvaCourage handichada. Right now focus yangu iti pachikoro kwete zvemunhu answerable achingoita zvechihure" vakati," Yaive mistake Portia and vakangoitawo munyama wekubva vawira pamunhu airwara otherwise nezera ravo iri zvaitove normal kuti vanopota vachiitawo vamwe vasikana. Varume ndizvo zvavatori and chero ukazoenda kupi hauna kwauchanowana mutsvene. Iye Courage iyeyu achatozowana umwe futi ukazorwadziwa apa iwe nezvawave izvi kuti mwana woti chirwere watove padisadvantage"
Ndakanyatsonzwa mashoko avo achinobaya pahana but handina kuda kuvaratidza. I kept a straight face ndichiti," Ini manje zvevarume handisisinei nazvo saka chero ndikashaya handina kana basa nazvo" vakaseka chikwee ndokuti," Mainini! Mashoko emunhu achangorwadziswa aya, muri mwana mudiki sterek imimi and murume muchatomuda. Handisi kukumanikidzai ini mainini, hupenyu ndehwenyu asi itai decision makadzikama nekuti zvimwe zvinhu unozozviregretter life yako yese"
"Handisikuda ini tete, chero dress racho munogona kutopfeka handiti tinopfekerana?" ndakadaro ndodhonza plastic bag iye. Ndaisatorida dress racho asi zvinhu zvemwana wake ndaisazoramwa hangu. Ndakaburitsa dress riye iro raitooneka kunaka necolour chete usati watoribhedhenura. Handina kutoribhedhenura ndakangoisa paside kwave kutanga kuona zvemwana tete ndokuti," Usaome moyo kudaro Portia, uri mwana mudiki iwewe"
I laughed ndikati," Tete so ka" vakati nyamu kwave kutora dress riye ndokuti," Dress rakanaka iri mainini, horai?" vari bhedhenura vakaisa pamberi pavo. I couldn't help but look and indeed it was breath taking. Pavakaona ndatarisa vakabva vaita rekupfeka vakati," Ini zvekuzonzi hee dress rangu ndatombopfeka hangu handidi" ndikati," Inga ndini ndakupai wani? Pfekai atete" zvikanzi," Aiwa haaa handipfeke, ndorongedza one day uchaita come to your senses hako"
I just chuckled ndoenderera mberi nekuona hembe dzaAngie, dzaive dzakanakawo zvekuti apa twakatowanda ndichibva ndati," Mugoudza hama yenyu kuti hanzi maitabasa chose" vakati," Ehoo"
Handina kuzogara sezvo vaive vapedza nyaya yavo and as I walked back home I couldn't help but replay mashoko atete. Aive atodyara imwe pfungwa mandiri worse netumwe tumacouple twandaisangana natwo muroad imomo. Ndaive ndofunga if we could really get back together naCourage zvikatobuda. I started asking myself if it was possible kutihe had really changed, face yake nemashoko ainzi natete aive ataura zvobva zvauyawo.
Ndakasvika kumba ndisina kuzomboona kureba kwedistance yacho, kuzosvika ndichiona amai vangu nekurangarira how bad I wanted to make her happy kuchibva kwadeleter zvese zvaCourage. Ndakatanga kuvatsanangurira zvekuchikoro kwave kuzoguma nezvekwatete, handina kuvaudza zvese knowing very well she would be upset. Ndakangotaura zvekuti Courage aiveko achida kuona mwana vakati," So tete vanga vave kutokupesvedzera kuti udzokere ndinovaziva. Usambobvuma kuitiswa zvisina basa iwe, there is more to life than a stupid marriage nemunhu asina kudzikama. You still have a bright future ahead of you and a chance to choose a better husband for yourself. Zvauriwe unyengedzwe"
Ndakabva ndakasira kuti," Iiii ndichibvuma zvakapusa kudaro? Handina kutombotaura naye nyaya idzodzo" vakati," Iko ngavachironga vauye vabvise damage so that vanongoona mwana wavo zvakasununguka. Handiti wati anzi ave kushanda? Ngaagadzirise nyaya dzake zvirege kuita zvekuhwanda hwanda" ndikati," Yah" vakati," Ndichatovaudza tete vamuudze, zvekuti uvhiringwe futi chikoro ini handidi hangu. Handidi"
Vanenge vakabva vatovaudza tete nekuti ndakazoona ndofonerwa ndichinzi," Ko imi mabva matondimhan'arira sei kunamhamha?" ndikati," Handina chandambomhan'ara ini, ndangovaudza kuti Courage auya ikoko achida kuona mwana. Obvious hapana pandaizozvinyarara nekuti pane hembe dzavanenge vachida kuziva kuti dzabvepi. Ndivo havo vanga vave kutozonditi Courage haana kuda kukunyengerera here nekubva vati varikuda kutaura nemi" vakati," Vachitaura neni zvedamage? Bamunini hakusi kuti havana mari, asi kutodelayer nekuti varikuda mhuri yavo and kubhadhara damage kunobva kwaita sekuti kwatove kubvuma kusurrender mhuri yavo."
" Mhuri ipiko tete ndisiyei imi, muudzei kuti ndakaita move on asiyane neni" I said vakati," Dzikama Portia, ini ndatongovaudza kuti ndinomuudza aite plan. Asi kutopa imimi mukana wekufunga kuti muri kunyatsodei"
" Ayha" ndakazongodaro ndaona kuti nyaya yavo vaitive serious nayo kwave kuvaoneka.
Sezvo ndaive ndaona kuti mashoko avo aidyara pfungwa dzandaisada mumusoro mangu I started avoiding her. Kumba kwavo ndaive ndisisaende senge pavaitoita kundideedza. Ndaingopa mareason echikoro vakambotanga vachacomplainer dzamara vanyarara.
Yaive yotobuda mumusoro mangu nyaya iyoyo pandakazoona Courage akagara pabridge kudhuze nekwandaiitira malessons. Achingondiona akabva asimuka ndikaita sendicharova U turn asi ndikazvishingisa. Ndakatomuita ndeip ndichipfuura paaive akati," Amana! Kutondipfuurira here uku ini ndave nehour rese ndiri pano?" ndikaramba ndakanyarara.
Akangouya kuzofambira paside achirezva mwana wake achiti," Heyy Angel" Angie uye kwave kuita kuzhinyura achiburitsa tumavende itwotwo zvakaita kuti nditadze kuramba ndakarova serious.
Vakabva vanditarisa baba vacho ndokuti," Urisei," ndikadzokera mukwindi mood kwave kunzi," P amana, I know ndakakutadzira pasi nekudenga but I'm begging you to let me be a part of your life again. Not as you lover, it's clear hauchandida hako but as you baby daddy and friend"
Friend part yakaita kuti ndiseke akati," You don't know the torture that I live in. Kungoziva kuti I messed up your life hurts like hell and I just want to be near you making sure you are fine nekugara ndichiona wo mwana wangu" ndikati," Mwana wako haumborambidzwe kumuona asi tete havana kukuudza zvauri kufanira kuita" akati," Ayha"
Takambofamba kadistance in silence akazoti," Ndokumbirawo mwana ndipushe" ndikatanga ndambomutarisa kwavekuzoti," Haunosvike kumaraini kwedu asi" akati," Fine" kwave kuenda neni nenzira yaitenderera ichinobuda line raive kuseri kwedu. Ndakapihwa mari paaive oenda ndikapfuurira kumba and yakabva yatove habit kana asina kuenda kubasa sekutaura kwake.
Ndaive ndongoona munhu ari pabridge ndichibva kuchikoro and kuramba ndichimuona kwakaita kuti kuve padhuze naye kureruke. The heaviness of anger and resentment i had felt subsided ndikatanga kutove comfortable around him all over again. Taive tototaura nyaya dzaAngie even dzevanhu vekumba kwavo tichitoseka pamwechete.
Yekudzokerana aisamboitaura and that also made me feel comfortable around him apa iye aibva andikurudzirawo chikoro chaizvo as the exams were getting closer. Paaive onyatsosvika ndakabva ndatorumura Angie like the doctor had instructed tichibva tamuintroducer to food. Aive onyatsosara namama but that didn't stop Courage from coming pabridge. Zvakabva zvazomupawo mukana wekuti anditi," Ndokumbirawo ka kumboona mwana, like kutoti timboenda naye out"
Ndakamboda kuramba ramba kusvika ndazobvuma kwave kutanga kupishana nekufunga mabudiro andaizoita naye since zvese zvandaiita ndaiita muchivande. Ndakatozoita kutaimira mama nadaddy vaita rwendo, kumusha kwaita nhamo kwakubva ndatomuudza tikaendeswa mutown.
Yakazenge yatove date time yedu since munhu wachi aive akarara most of the time asi ini I had a great time. Takaperekedzwa kumba kwave kuda kutodoka tikanosiiwa kumaraini ekuseri zvekare apa ndichingoti ndikafunga the events of the day ndonyemwerera. Kumba kwacho ndakatopa vanin'ina vangu mwana kwave kunozvivharira ndoita zvephone. Ndaiviewer mapictures pakapinda call yaCourage ndikadaira akati," Ndakanganwa ID yangu mubag mako. Ndaikanda time dzandanga ndichipusher Angie paswing paye" ndikatarisa kwave kuona itorimo.
" Irimo" I replied akati," Apa iri kutodiwa mangwana kubasa wena, unokwanisa kundivigira? Ndauya nemota yadaddy, ndakaparker 3 houses kubva penyu hapana anombokuona parima" ndikati," Haa unobhowa iwewe" asi ndichitosimuka paye.
Ndakatora ID iye and rushed out kwave kunosvika pamota paye nekuvhura door since the windows were closed. Paive parima hapo zvekuti hapana aimbondiona asi kusagadzikana kwakaita kuti ndipinde mumota very fast. Ndakagara achibva aseka akati," Kutya vanhu here," ndikati," Ahh iwe" ndichitarisa kwaari ndatonenekedza ID but haana kana kutoitarisa. Akaramba akatarisa kwabdiri ndokuti," Ndakusuwa ini Portia" achitorerekera kubva kudrivers seat kuuya kwandaive nekutondinama nekiss ini kwave kutsinzinyira ndoteerera kaspark kandaive ndanzwa the moment his lips reached mine.
end of chapter
❤️
😂
👍
🙏
😢
😮
293