Mai Tanny Novels
February 5, 2025 at 07:36 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Follow my channel for updates, free book read and share* *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 8 Ndakambove lost in the moment, kutombofarira zvaiitika kusvika pakuvhara maziso nekutoenda kukanyika kangu ndega. Pfungwa dzemamiriro aive akaita zvinhu ndidzo dzakazondidzosa in the moment kwave kutanga kufunga iuti ndaisafanira kunge ndichiita zvandaiita. I quickly came back to my senses ndikamupushira kure ndikati," Ndisiye iwe" akati," Pee kani" achibata ruoko rwangu ndikati," Takawirirana kuti uri kudzoka tichiita zvemwana Courage, izvi zvawave kuita izvi wave kuda kuti titobudana." " I want more mai Angie, izvi hazvisi kutondiitira. I want you to be mine again, life yacho haisi kumbonakidza usipo. Izvi zvekupota ndichingotaimira kuti ndikuone nemwana hazvisi kundiitira. I know I wronged you, I know I hurt you beyond words but please come back go me" Mashoko ake akaenda pamoyo chaipo ndikatanga kuona kunge he was being sincere kwave kuramba ndakanyarara ndakamutarisa. I swallowed kwakuona kuti ndaive ndotodyira ndikazongoti," Ndave kuenda" nekutovhura door and rushed out. Mumba ndakanosvika ndichiri ndakarohwa nechadzimira kwakusvika ndichinotora mwana wangu kunogara naye pasofa. My mind was all over the place thinking of how it would feel to be a complete family naCourage naAngie. Fear wo yaizevezera from a distance reminding me how much he had hurt me and how dissappointed my parents would be if I got back with him. Kana kudya handina kuzombodya pfungwa dzandangazhika apa iye Courage wacho kwave kutozoisa message yekuti," Goodnight my love, today has been one of the happiest days of my life. Spending the day with you and getting a kiss was something changa chongoitika kuhope kwangu yet ngasi it really happened" ndikangotura mafemo after reading it. Kuramba ari persistent kwaaive oita kwaive koita kuti bdione kunge aitove genuine and he really loved me achinja. Izvozvo zvakaita kuti pandakazomuona the following week ndichibva kuchikoro ari pabridge pake ndisamuitire hasha. I just danced to his tune ndakapfavirira ndichida kuona kuti zvaizosvikepi. Ndiko kutanga kutozodanana patsva kwatakaita and I liked the fact that taitangira pakutodanana chaiko pasina pressure yekuti dzoka kumba. Zvinhu zvacho zvaingozviita zvega zvekuti ndakatozoona ndotomupindurawo mamessage nekutoenjoyer spending time with him. However we made sure that we were as discreet as possible zvekuti hapana kana aizviziva. Taive totowanza kunoonanirana kure ndongobva kumba in the name of kunoverenga abd discussions. Mazuva ekunyora kwedu akatozosvika tichingopisa rudo kudaro and ndaiperekedzwa when he was free ndouya kuzotorwa ndapedza. Musi wandanyora last paper ndakabva ndatonzi," I'm taking you out on a date, kucelebrator kupedza kunyora" kwave kutonoita mutactic wekunyepa kumba kuti ndibude. Ndakanyepa kuti pane kwaidiwa munhu anoshanda mushop kwandaida kunoisa CV mama kwave kutomboti," Ko zvebasa zvabvepi? Handiti takawirirana kuti uri kuenda kucollege?" ndikati," January ka mama? But ndichada hembe, netumwe wo tunhu hobho hobho and I was thinking kuti ndikawana basa handizonyanye kuremedza daddy. Plus kugara pamba kunotondipa stress mama, apa ndanga ndichingoswera kuchikoro so I can't imagine myself spending the whole day pamba ndichingogwesha." " Ahh kana wadaro hako, imboenda unosiya asi tinotanga tatotarisa zvinhu zvakawanda chero ukanzi wariwana basa racho" she said and sezvo zvaive zvenhema ndakabva ndangoti," Ehoi" Ndivo vakazenge votondikamhanisa mangwana acho vachiti ndiende kuchiri kuseni. I did so tikazoswera tovisitor nzvimbo dzakasiyana siyana naCourage tisati tatoenda kulunch kwacho. Takatozokuenda around 3 and paive pahotel which made it extra special nekuti ini zvemahotel ndaive ndisati ndambozviita. Ndakazoshama ndonzwa munhu oenda pareception instead of kuenda kune chikafu but I chilled semunhu aisaziva zvepo. Ndakazoona kuti munhu aitonditamba ndaona tave kumarooms kwaitoratidza kuti chikafu chaisave mudhuze ndikati," Tiri kuenda kupi nhaiwe Courage?" akatu," To our room babe, to chill. Food iri kuuya I have already paid for it" ndikati," Iiii ini zveroom newe handisi kuita, ndisiye" I said ndoita kakutorova U turn akati," Pee usade kundinyadzisa veduwee, I miss you asi kana paine zvaunenge usingade I won't force you. Handei kani" ondibata ruoko achitovhura door reroom iye ndikapinda muye ndichiita kakudhonzwa" Maive makanaka zvekuti ndakazenge ndotarisa tarisa around the room ndikanzi," Makanaka ka?" apa munhu achitondibata muwaist. Ndakatryer kumuti," Imbomira izvozvo Courage" but ndaitotaura ndega nekuti akabva aisa musoro wake muhuro mangu ndokuti," Chii?" planting a wet kiss on my neck. I swallowed ndikati," Courage asi wati haundimanikidze zvandisiri kuda" akati," Hausikuda chii?" nekazevezeve munzeve mangu chaimo ukumaoko ave pamukaka wangu. Ndakabva ndatokanganwa zvandaida kutaura kwave kuvhara tuziso letting him do zvaaida kuita zvacho. Ndakange ndangopfavirira ndozviudza kuti ndanga ndisisatye kununa ini ndaive ndasasikwa. Ndakatozoguma ndodairirawo nekuita zvandaigona until we made love zvevanhu vanga vasuwana chaiko. Food yakazouya tatopedza tikambodya nekuzosimudzira kwave kuzorora tikazobudamo tomhanya mhanya ini ndofunga mastatement ekunotaura kumba. Phone yaive yatozara mamissed calls amama nemamessage vachibvunza kuti ndaive ndichiri kupi ndichibva ndazongoti," Ndave kuuya" asi hana yobika manhanga kwete zvekutamba. Handina kutomboda zvekuperekedzwa takapesana pabusstop chaiko ndikaenda kumba ndichinzunzutira hoping mama would not suspect anything. I got relieved pavakatotanga kuti," Wanga uchiri kuitei Portia? I hope hauna kuita zvisizvo kuti uwane basa, ndatokanganwa kukuudza kuti usanombunyikidzwe ikoko for basa. We are very capable of taking care of you and basa iroro kuda kwako saka you don't have to be abused or harassed to get the job. Varume vemumakambani umu ishumba dzakamirira kuita prey on innocent and young girls" ndikati," Handina amboda kundiabuser ini mama, kungoti munhu wacho watanga tichida kupa maCV anonoka kusvika and ndazenge ndave kungotenderera hangu ndichingokanda kwakasiyana siyana" She sighed ndokuti," Wobva watoita kunge munhu ari stranded kudaro? Pee ka?" ndikaseka ndikati," Transport ndiyo yazondiwedzerawo, yanga ichinetsa mama" vakati," Ndizvo zvinonetsera pick hour, mutown munotoda kuita make sure kuti wabuda before 4" ndikati," Ndatozozviona" nemufaro ndoona kuti ndaive ndahwinha. Yakabva yatove habit yedu naCourage yekupota tichiita sneak around ndonwa mamorning after and it was towards kubuda kwemaresults pandakazongomuka ndichiita kunge kakurwara. Ndainzwa moyo kumira nedzungu and the feeling wasn't new. Ndakabva ndatongokasira kuremember kuti ndizvo zvandainzwa panhumbu yaAngie ndikadikitira. I rushed to get a pregnancy test ichibva yangoita positive ndikapererwa kunzwa mabhonzo ese achipera simba. Plan nematauriro ekuzoita kunana mhamha ndakashaya kwave kutoona kuti paida kuudza muridzi oita plan pachiri padhuze nekuti kuzobatwa ndoita kutiziswa kepiri ndaisada. Iko kwana Courage kwacho ndaitoshaya kuti ndaizokuenda sei kurikunzi kudzokera, dziri nyadzi dzemabviro andaive ndaita. Ndakatanga kuona kuti I has messed up big time ndikapotsa padiki diki kuchema kwave kuzorangarira kuti tete vaive vamboti Courage aida zvekuroora ndikaona zvirinani kutoti auye achitaura zveroora. Vaitsamwa havo vabereki vangu but zvaive nani chose ndichibva ndamufonera but munhu wacho musi iwoyu akaita nguva asina kumbodaira. Yakatozodairwa pave paye achiti," Ndanga ndiri busy wadii?" ndikati," Ndine nhumbu Courage, ma1" akati," Ma1 eyi manje munhu ane murume wake?" " Courage handisi kuita zvemafunny parikutoda plan" I said akati," Plan yei? Handiti kungodzoka kumba? And this time tinobva tangoenda kunoroja kwedu" ndikati," Waroora ka, pakutoda kumhanya mhanya ubvise something" akati," Manje handina kana mari ini Pee, roora rinotoda time to save. Ko iwewe unoswera uchitongeswa nani? Unongoti ndavekuda kudzokera kumurume wangu, or kutongobva chinyararire tete vozoita mamwe madeals ese ekuzivisa ana mudhara." end of chapter
❤️ 😂 😢 😮 🙏 👍 287

Comments