Mai Tanny Novels
February 11, 2025 at 07:39 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Follow my channel for updates* *FREE BOOK, READ AND SHARE...* *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 11 *Portia* Mona akauya pamubhedha paye hesitantly Courage kwave kubvisawo worksuit yake nekutotora bucket onogeza. Takasara nemovie yedu Courage kwave kuzodzoka yave kutopera. Akasvika nekumbotora chingwa odya kwave kuzouyawo pamubhedha oti," Ndauya manje, mati toona ipi" and I had to give him the laptop kuti asarudze. Akasarudza Romantic comedy which was so nice tikariona ndiri pakati pake naMona tichimboseka tese as the movie progressed. Takazotanga nharo rapera totaura if the kind of love we had witnessed existed Mona achiti," Hakuna ndezvemuTV izvi" Courage kwavekuti," Zviriko, hamusati mangosangana henyu ne the one. Otherwise kana wamuwana unonyatsonzwa kuti it's nice to be here" Ndakaseka chikwee Courage ndokuti," Aiwa babe, imbotaurawo. Handikude here inini?" and I giggled feeling flattered nekuti he wasn't ashamed of proclaiming his love for me pamberi pevanhu. I blushed a bit ndikati," Ahh ko inini ndambotii?" akati," Hapana, ndiri kungoda kuti uite assure maiguru kuti true love exists and iriko nekuti it seems she was damaged to the extent yekuti she now thinks kuti rudo hakuna" Ndakasekenyekazve ndikazoti," Aiwa rudo ruriko, do not give up too soon sisi. Muchamuwana wenyu" Courage kwave kuwedzera kuti," Anenge inini, ane rudo chairwo" tikaseka chikwee naMona tichirovana maoko akazosimuka oti ," Regai ndinobika veduwee, gogaz vakazotanga kundisheedza hazvipere mushe" ndikati," Iribhoo" Isu takasara tofungawo zvekubika kwave kuzoronga kuenda kunotsvaga hedu zondo rakabikwa kare nekuti ndaiita kurida. Takabuda kwave kunanaidzana kunotenga tikadzoka tomona kasadza nekudzokera hedu pamamovie. Ndihwo hwakabva hwatove hupenyu hwedu ihwohwo hwekuita zvinhu pamwechete all the time. Everyday taitozonotenga muriwo pamwechete kana akasira kudzoka kana anonokawo ndoenda naMona. Hushamwari hwedu was growing so strong zvekusada kushayana chaizvo, aive atondiudza zvese zvemukomana wake wekumbomurwadzisa iniwo kwave kumuudza zvekusangana kwangu naCourage. Ndaive ndisina kuzotaura hangu zvechirwere nei nei but aive oziva zvakawanda nezvangu. Kana ari masiblings angu aive otovataura nemazita when we talked about them nyangwe hazvo aive asati avaona. Kwaamwene vangu ndakatozoenda naye umwe musi wandaive ndafunga mwana wangu uyo akanoshaya hake basa neni. Haana kana kutimhanyira akangotitarisa naMona wangu kwave kutoenderera nekutamba magaba ake. Ambuya vacho vakabva vaseka vakati," Mwana atove wangu uyu" ndikati," Iiii hatidi mbavha dzevana" vakati," Abiwa nani? Handiti akuramba ega? Angie mhanyira mama" but akatoita seaisavanzwa hake. Ndakatozoita wekusimudza by ginya kakaseka ndikati," Hesi Angie" asi handina hangu akadaira. Aive ototamba nemabraids aive mumusoro mangu ini ndomhoresa mama. Vakabva vamhoresanawo naMona and sevanhu vaive vakamboonana I didn't say much. Takapinda hedu mumba kwave kutanga kukurukura tikaswerako vakazouya vonditi," Bhururu wenyu uyu haazotsvagwe kumba here? Akuperekedza?" time dzandaive ndotobika sadza remanheru ndichiti," Courage ati achauya nekuno achititora avekubva kubasa" " Gogo vari kuzviziva kuti auya neni haambotsvagwe, ndatovakumbira kuti andiperekedze" I said confidently vakati," Ahh hoo" kwave kumbonyarara then went on to say," Munowirirana sterek handiti?" and I giggled ndikati," Takangoenzana mama imi, ndakabva ndatongoti ndawana shamwari. Last week pandakaenda kuclini. ndiye akatondiperekedza." zvikanzi," Ndakuonai muchiratidzana ratidzana phone hangu ndikati paita kuwirirana apa" ndikaseka nekuti pandaimuratidza pacho yaitove message yaCourage aiti," Ndakusuwa" tichangosvika pana mama. Vakatura kabefu ndokuti," Asi mukadzi mukuru manje ka, haafanire kunyanya kubva aita zvemashamwari worse musikana. You have to set maboundaries mukuwirirana handiti?" ndikati," Ehoi mama" zvikanzi," Handisi kukurambidza kuwirirana naye but munhu kana aroorwa hushamwari hunoda mabrake, and iye munhu ndewekupota achiuya kuchina. Chinokutadzisa kuuya kuchina chii? Handiti taimboenda tese?" ndikati," Kwandave kugara kure ka uku?" zvikanzi," Unokwira kalift kako, kana kutongotsvaga iri kudhuze ikoko nekuti dzimwe nyaya hadzitode ndiripo" Ndakaseka ndikati," Ehoi mbuya vaAngie" vakati," Good girl" and started helping me out Mona tichimunzwa kutaura natete Karen. Courage akazosvikawo a while later tikadya kwave kuzotorana toenda kwedu kumba kwatakawana gogo vakatogara panze vakati," Ndanga ndotoshaya kuti vanhu vaye vadii ka ini" ndikati," Tanga tamirira baba ivava vanga vati vanouya kuzotitora" zvikanzi," Heya, asi vakadii havo ivo anaamai?" ndikati," Varipo zvavo" Takazovasiya nemuzukuru wavo topinda mumba medu mandakasvika nekupihwa $100 ndikanzi," Ichengete pakanaka, ndeyerusambo" and I giggled ndikati," Hii" akati," Sure, ndirikutoda kuroora shamwaric Kutaura kwaakaita kuti shamwari kwakabva kwadzosa conversation yangu namama ndikati," Mama vanenge vasina kufarira kutamba kwangu naMona, hanzi kana wave mukadzi mukuru haufanire kuita zveshamwari. Asi tiri kunyanya here kuwirirana kwacho?" and he laughed ndokuti," Muchinyanya kupi? Ungatonzi mukadzi mukuru here iwewe? And even ukatove mukadzi mukuru wacho mafriends haana zera. Hauvazive here machembere vanenge vachingodeepisa havo" *Monalisa* Takanzwa Portia nababa Angie kuseka mumba mavo gogo ndokuti," Vana vanowirirana zvavo ava, nezera ravo iri ndaitozeza kuti tichagara takabata fight pano but iii vanonzwanana" ndikati," Taurai zvenyu" nekuti vaitaura chokwadi. I really admired their relationship and hoped kuti one day ndaizosanganawo nemunhu wandaiwiriranawo naye kudaro. " Asiwo iwe, ndaitoti ndichataura newe. Kana murume wemumwe wako auya, chiregawo kuramba wongoti kwati kwati. Unofanira kupa vanhu nguva yavo vari vaviri, senge mumba mavo umu ndakakunzwa musi uno uchiseka chikwee urimo iye murume wake aripo. Hazvinzwarwoba, wanzai kutambira panze" ndikati," Horaiti gogo, mabika here? Ini ndakatoguta" vakaseka vakati," kapork, tatodya tichiziva kuti uchauya wakaguta" ndikati," Iii gogo!" nekuti pork ndaiida. Vainyepa havo nekuti sadza raitovepo qsi handina kuridya hangu nguva iyoyo nekuti ndaive ndakaguta zvesure. Takazoridya naPortia the following morning wave munya and zvaive zvataurwa nagogo ndakabva ndatozvikanganwa. Takatongoenderera mberi nekuwirirana kwedu tichiswerera mamovie as long as ndaivepo pamba. I enjoyed spending time with them vese zvavo nababa Angie vacho avo vaiita make sure kuti kana ndirino ndaincludwa in their conversations. Musi wavaida kuti Portia anotenga zvinhu zvemwana akatopihwa mari ndirimo tikanzi," Monotenga zvinhu muchibatsirana, zvakakosha first mozonhonga nhonga tumwewo nekufamba kwenguva. Maiguru ndimi munhu mukuru, motoona kuti zvinhu zvafamba nemazvo" Portia akabva aseka akati," Vachiziveiko maiguru vako ivava ivo vasati vamboita mwana. Handiti ndini nditori neexperience?" ndikati," But uri mudiki sha" akati," Izvozvo unozondiudza waane mwana, zvaizvezvi ndini ndiri in charge" zvikanzi nababa Angie," Ingoitai mwana maiguru mumuratidze kuti muri mukuru" and I giggled ndikati," Ndinenge ndamuwanepi manje?" vakati," Nekushayei varume tizere" Ndakaseka kachikwee ndikati," Mukwane imi" ndakavanongedzera kwakubva vati," Kunongedzera murume here uku?" kwakutouya kuzondibata ruoko rwauve rwakanongedza rwacho. I screamed Portia kwave kusekawo akati," Ini dzenyu handipindire hangu" tikakikiritsana kikiritsana iye achingoseka kusvika ndazosiiwa. Akabva apihwa imwe mari ndokuti," Isa paye paye" ndikazoudzwa naPortia kuti yaive mari yeroora. I smiled ndikati," Majava ave padhuze?" akati," I'm sure pandinozopona inenge yave nani toenda. I can't wait to rebuild relationship yangu nevabereki vangu iwe. Ndavasuwa" ndikati," Taura hako" since aive andiudza nezvekakusawirirana kaivepo nevabereki vake nenyaya yekutizira kwake. Tichipedza kutaura iyoyo takapinda pakulister down zvataifanira kuzotenga zuva raitevera ndikazobuda pakadzoka baba Angie kunogeza. Vaive voda kunditi," Kunditiza here uku?" ndikangoseka ndichitobuda kuzeza kuzoramba ndotsiurwa nagogo. Ndakanoita zvekubika kwave kuzotanga zvephone after supper gogo voona maIndia avo and I was surprised kuona WhatsApp yangu iine message from a new number. Yaive yakangonzi," Mona" ndikaita kakufinyama ndichiti," Ndiani uyu?" kwave kunzi," NdiCourage, ko hausati warara uri kutaura naniko paApp iwe uchiti hauna mukomana?" end of chapter
❤️ 😢 😮 👍 🙏 😂 270

Comments