Mai Tanny Novels
February 12, 2025 at 07:38 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H *Free book read and share* *Lost sheep* written by Mai Tanny 0782623403 Chapter 12 *Monalisa* Ndakatomboshaya kuti aive ani kwakuzorangarira kuti baba Angie vainzi Courage. I laughed ndichienda kuprofile kwakuona vari ivo zvesure ndikati," Imika imi, saka kana munhu asina mukomana haabvumidzwe kuenda pawhatsapp?" zvikanzi," Husiku ka, ehe" ndikati," Ndezvekupenga izvo, ko imi muri kudei saka pawhatsapp pacho husiku asi mune musikana? Nekuti munin'ina wangu ariko ikoko" akati," Ndinenge ndichiitira kutaurawo nemi ana Mona musina vanhu, munondinzwisa tsitsi vanhu vari single. Wadya here?" Ndakagegedzera zvakaita kuti gogo vati," Hezvo" ndikati," Sorry" still smiling as I replied ndichiti," Handina" zvikanzi," Idya please, makatotikoshera nehusingu hwenyu ihwohwo" ndikati," Mukwane" akadaira nechisticker chemunhu aiseka ndichibva ndazongoisawo phone iye pasi kuti ndirare. Vakazoisimudzira the following morning pavaibuda kuenda kubasa ini ndichitsvaira kuroad vachiti," Wamuka seiko munhu asina munhu?" ndikangoti," Zvakaoma" zvikanzi," Uswere bhoo hako" ndikasara ndoseka nekubva ndambofunga kuti zvesure ndaive ndisina munhu. Ndakabva ndambotanga kufunga macandidates angu acho, vakomana vaingogarira mudhuze nyangwe ndaivaramba ndichiedza kufunga kana paive neane potential but ndakamushaya. It seemed my standard had become high nekuda kwaivo baba Angie ivava, not that I liked him but ndaive ndoona kuti ndaidawo munhu anenge ivo. Kubvira pa the way he presented himself chaiyo, despite basa ravo he was always smart. Worksuit yavo yaipfekwa zvine kaswag so zvekubva yanyatsoita zvimwe zvinhu. Even hembe, he had style vachioneka kuti havapfeke junk musoro uchigara wakagerwawo kacut. He had a distinctive smell yandaive ndazoona hangu kuti yaitongove Brut which wasn't even that expensive asi he smelled nice. Tabva ikoko the way he talked chaiyo, hameno zvazvaingove so kuvanzwa vachitaura kubva kuvoice kusvika kumashoko acho. Vaiti kusanganisa shona nekachirungu vobva vatongoti kamwe kahucharming so. Vaikawanzwa vachitaura naPortia and I really hoped I would get man aitongonzwika kundida nekutaura. He was also so affectionate kumukadzi wavo, chero paina ani vaisanyara kuratidza nekutaura kuti vaida munhu wavo which was something chaingofadza so. He also helped her out even tumabasa tutorial petty like kuchera mvura, kuburitsa bin and even kuwacha ndaive ndatovaona vachiwacha Portia achiyanika. Kana kuri kufamba naye taisataura, vaisamboita zvaiitwa nevarume vazhinji zvekufamba umwe kumberi umwe ari ten metres away. Usually vaiita kunanaidzana pamwr votobatana maoko chaiwo kozotiwo pamwe pavaiita kachikudo. Chero pfungwa yandaisimbofunga yekuti vanhu kana varoorana vanenge vasisadanane yaive yototiza ndoona kuti munhu aingoneeder the right person chete. Ndakazviseka as I analysed vaindida vacho vese ndichishaya kana one aisvika kana pahalf zvapo kwave kuzviti," Haaa zverudo hazvisi zvangu" ndopedzisa kutsvaira kuye. Pandakazotenderera kuseri ndakanowana Portia ave kutoburitsa maplates ndikati," Ehh kwakanaka?" since aiwanza kunonoka kusuka hake, aitononoka kumuka kwacho ototanga abika odya ozosuka ka1 saka ndakatovhunduka kuti zvaive zvadii. She laughed ndokuti," Dzanga dzichararika here hope dzacho nekutya maresults?" ndikati," Abuda?" zvikanzi," Hana yangu iri kuita kubika manhanga maimwana, I just hope ndakapasa" ndikati," Wakapasa, rega nditonoti kavara kavara basa rangu nekuti ndoda first hand information. Ndiri kuenda newe" She giggled ndokuti," Good nekuti I need the support" Takaita basa redu real quick kwave kuenda kuchikoro kuye and hausi mufaro iwoyo waakabuda ainawo muoffice ndikati," Zvakarongeka ka?" akati," Ko kuzoita ari maA? Haaa inini ndopisa ini" and I hugged her ndikati," Makorokoto mufanami" kwave kuzotambidzwa slip riye raive nemaA ake. Aive oita kutadza kugadzikana kwave kufonera mama vake, amwene vake akazopedzisira naamuhusband. Ndaive ndakaita kuteya nzeve achinzi," I'm so proud of you babe, wagonesa. Tinozouya totaura kuti tochidii but it's obviously after Junior comes handiti?" and she giggled blushing zvakaita kuti ndierekane ndonyemwererawo akati," Ati ndiJunior ndiani? But yes ndinozozviita ipapo" akanzi," Good girl, ndokuona ndauya" ndikaona kuti yaitove zve imwe quality yakanaka yekugona kusupporter mumwe wako nekudawo kuti aite zvakanaka. Ipapo akatovigirwa necklace yemakorokoto yandakaratidzwa kuseni nekubva ndanzi," Nhasi ndiri kunoona mama vangu kwatete vati ndiuye, ndinodzoka mangwana." and akabva atobuda kuseni ikoko. Ndakaswera ndichisurukirwa zvisingaite ndikapfidza nekusekwa nagogo ndichingoumburuka. Ndaiti ndikamboenda panze ndopinda mumba ndoona TV kuri kusuwa bhururu chete ndikatozoguma ndaenda kunotimbira maruva panze to occupy myself. Ndaitove pakati pekurova basa ndichiimbirira pandakazongonzwa maziso angu avharwa. Ndakasimuka neconfusion munhu uye achibva achatsondibata uku aswedera padhuze zvekuti taive tatogumhana. Ndakamboda kuti nditi Portia but the scent yemunhu uye yakanyatsopinda mumhuno dzangu ndichibva ndatanga kumubata bata munhu uye kuti ndive sure ndikazoti," Ba Angie" He laughed ndokuti," Ahhh, wandiziva sei?" letting me go ndikati," Ndichitadza kukuzivai nei?" zvikanzi," Wakangwara" kwave kumboseka then went on to say," Nhasi wamasakura ka maruva, bhururu haapo?" ndikati," Ndagara ndinongoita basa wani?" zvikanzi" Kunyepa chaiko, uri kunyatsooneka nekupusa kuti sahwira haapo" ndikati," Ko imi?" zvikanzi," Ko ini ndinonetseka nei hangu ini ndiine mumwe mukadzi? Handisi kutombozviona kuti Portia haapo ini, handiti uripo?" ndikaseka vakawedzera kuti," Nhasi utobika sadza nerangu" Ndaiti he was joking but nguva dzandaive ndobika ndakaona ndaisirwa message yekuti," Raita here sadza?" ini ndave kutopedzawo kubika kwakubva ndangofunga kutonovapa zvesure. Ndakatora plate kwave kupakura sadza and luckily taidya hedu nemadora aive asina zvekuzoti mapiece akaverengwa. Ndakaisa kavege paside kwave kutanga ndadongorera gogo nekuti ndaiziva kuti yaitozoita nyaya kwakuzofambisa kunonoka slightly on his door. Vachingovhura door I handed him the plate ziso riri kudoor redining ndikazongonzwa ndonzi," Waita mudiwa" and I giggled ndichibva paye nekukasira. *Portia* Mama vainyatsopenengura result slip rangu ndokuzoti," Aiwa magona, saka way forward yave yei?" ndikati," Courage akati ndoenda kuteaching kwacho ndapona" kwakubva vatanga vaita chuckle nekuti kadumbu ikaka vaive vatokaona zuva iri. Vaive vangondotarisa nekuti," Zvakaoma" ndikaziva kuti kupererwa nekuona ndave neimwe nhumbu. " Kana makawirirana kudaro pakanaka" she said tete kwave kutsigira kuti," Focus anayo zvake munhu wacho, kungotiwo hwana hudiki hwakanomuwisira pasipo asi kuda mukadzi wake Aiwa anomuda" and I wished I could support her zvino iii ndaive ndichiri kunyengetedza mama nekutofara kuti after so long vaive vazodawo kundiona. Ndakaramba ndakanyarara but I agreed with tete nekuti Courage aive onyatsoratidza kuti achinja. Marriage iye yaive yanyatsove zvakanaka kuva pano zvekuti ndaive ndotoda kuti vabereki vangu vaonewo zvinhu maonero andaizviita. Zvino mama vakabva vatoti," Ndisiyei zvangu ini, musade kundinzwa" tete vakati," Muchazvionera henyu nekufamba kwenguva vakati," Hameno" Takatandara until late tikazorara tese kwatete ikoko ivo vakazodzokera kwavo kuseni. Ini ndakaenda ave masikati ndikanowana Mona akaita kuzvambarara paveranda. Kungondiona akabva ati kwanyanu ndokuti," Vasikana musarove kudaro" ndikati," Ukwane" kwave kumhoresana nekutodungamidzana kupinda mumba. Maive makatowaridzwa tuplate twakasukwa isu kwave kutanga kutoita hedu zvemamovie manyowani aive aiswa mulaptop. Pandakazoda kupoper mapopcorn ndipo pandakazosangana neplate yagogo mumaplates andaibvisa mudish randaida kuisa mapopcorn. It wasn't new nekuda kwaMona aimbouya nechikafu todya tese mumba mangu so ndakatongoti," Ucharohwa chete nagogo nenyaya yemaplate avo" nekuti vaimbomapopotera achibva angoti," Hiii taura hako, apa kana kuchaziva kuti yakauya muno riinhi" end of chapter
❤️ 😢 😮 👍 🙏 😂 270

Comments