Mai Tanny Novels
February 15, 2025 at 08:00 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaAaOLH2ER6kEvA7av1H
*Free book, read and share*
*Lost sheep*
written by Mai Tanny
0782623403
Chapter 13
*Portia*
I laughed ndikati," Ini zvekuzobatanidzirwa munyaya dzandisingazive ndizvo zvandisingazoda. Ndinenge ndavekungonz nagogo muri kutora maplates angu namai Angie vako namai Angie vako iwe waita zvinhu zvako wega" akati," Ndega kupi? Handiti tinenge tichidya tese zvinhu zvacho?" tikaseka toita zvekudya mapopcorn andaive ndaisa mudish aye.
We spent the day tichingoita zvemamovie nekuita catch up patunyaya tusina basa kusvika pakazosvikawo Courage. Mona akabva ataura zvekunobika akambotanga kupopoterwa kuti ave kutiza but akangoseka achitobuda. Takasara tokwazisanawo nababa vekwangu nekubvunzwa kunzi," Varisei muchembere?" ndikati," Varibhoo" kwavekunzi," Vaindibvunzawo kuti ndirisei here?"
I giggled ndikati," Ehe" zvikanzi," Kunyepa kwako, ndakuda kugadzirisa nyaya dzangu manje zvekuti vanenge vavekuti arisei mwana wangu" ndikawedzera kuseka kwakubva agara pasi oti," Waiti birthday ravo ndiriinhi zviye?" ndikati," Next month" akati," Ndofanira kuvaitirawo something so, to win her heart. Hazvindinakidze zvekuti unonoona mama uri wega apa uchitovaonera kwatete futi. Ndiri kuzvigadzirisa very soon wanzwa?" ndikanyemwerera ndichigutsurira akazochinja nyaya otaura yekuscale kwandaifanira kuenda zuva raitevera achiti," Mangwana urikuda kuperekedzwa neni here kana kuti nasisi vako?"
" Asi hausi kuenda kubasa?" I asked with a smile akati," Ndiri kuenda hangu asi kana uchida kuperekedzwa neni ndinozoenda after kuclinic kwakubva ndati," Ahh don't worry, ndinoenda nasisi. Vanenge vachitodawo kuenda ava, kana ndisipo handiti anobva aita kunge nherera?" akaseka akati," Hauna kumuona nezuro iwe, ko kuzosakura yard?" ndikati," Ndanzwa nagogo, hanzi ndipote ndichimusiya ega kuti basa rifambe"
Takaseka tichirovana maoko and concluded kuti ndaizoenda naMona iye oenda hake kubasa. NaMona wacho takatoita kufumoenda chaiko sezvo kwaizara kwave kunosvika kuye nekunzi nanurse vaiveko," Mudumbu mako zvamunenge mune misoro 2? Enda kuscan" ndikati," Misoro two?" ndatomboita kaconfusion vakati," Ndirikunzwa kunge matwins muzukuru, enda kuscan to be sure pachiri padhuze nekuti we will need to refer you to a bigger hospital kana ari matwins"
Hazvina hazvo kundishocker since Courage aive mutwin, ndakatonzwa ziwave remufaro kwave kubuda nekutofonera Courage kuti," Hanzi ndinenge ndine matwins" akati," Really?" yainzwika excitement ndikati,," Ehe, hanzi nditoenda kuscan" zvikanzi," Manje une kana mari here ipapo?" ndikati," Ndine iri mueco yawakamboisa paye paye" zvikanzi," Saka Garai madzifambira nyaya dzacho tigare tave sure"
Ndaive ndatosvika panaMona wandakabva ndangotiwo," Nhaiwe, hanzi ndinenge ndine matwins saka ndave kufanira kutoenda kuscan" akati," Hiii, diro yandinoita matwins ka. I tap the annointing" kwakubva ndaseka ndikati," Annointing ipiko ingoroorwa nemutwin" akati," Exactly this time anongondiudza zvekundida ndototi une mutwin here?"
Takaseka chikwee ndikati," Saka toenda kuscan tese? Ndave kutopinda mutown nekuti hanzi kuno vane madays kunoitwa scan kudhuze kwacho. Kuti nditange kutsvaga kumwe ndikazoshaya ndopinda busy so I'm thinking kuti ndongoita zvemutown mune maoption"
" Manje ini ndanga ndaudza mbuya vaye kuti ndokasira kudzoka, ndinenge ndave kutokuona wadzoka" she said ndikati," Bhoo" kwave kupesana paye ndoenda mutown. Ndakangonanga pane imwewo private yandakaona kwakusvika nekuattendwa ndichibva ndatonzi sure aive mapatya.
I giggled ndikati," Vanai?" zvikanzi," Iboys dzese mummy, avo" vonyatsondiratidza and I couldn't contain my happiness. Ndakabuda muye ndiri all smiles nekutonanga kwaamwene vangu kunovaudzawo goodnews. Vangu amai ndaida chaizvo kuvaudza but ndakazeza reaction yavo ini kwave kungonyarara ndichiti ndaizotaura hangu mbayimbayi.
Munhu wacho wandaive ndafambira ndakanoshama kuwana atori mumagumbeze chaimo masikati iwayo ndikati," Mama! Ko hanzii kurara masikati ano?" ndinzwe munhu ave kutodairira pasi pasi achiti," Muchest mangu mai Angie iwe. Muri kurwadza" and dairies yacho yaive yemunhu ari kurwadziwa chaizvo chaizvo zvakaita kuti ndiswedere padhuze ndichiti," Ko asi makambotakura zvinorema? Matanga nguvai?"
She breathed heavily ndokuti," Matove nemazuva, chinorema hapana chandakamboita ini. Mheno pamwe ndoda kuita flue" ndikati," Dai maenda kuclinic manje nekuti kana flue yacho yave kukuitisai so ka, haina kutonaka"
" Ndoenda mangwana saka, koiwe wafamba sei? Ndanzwa kuti wanga waenda kuscale" she said kwakubva ndambokanganwa kuti vairwara ndokunyemwerera ndichiti," Hanzi ndine matwins, boys"
Vakanyemwerera nyangwe hazvo zvairatidza sekuti kusekerera kwacho kwaitovarwadza vakati," Yuwi yuwi, from mai 2 to mbuya a2?" ndikati," Mufunge henyu" vakati," Ndafara" ndikati," Saka mambodya?" ndodzokera kuhurwere hwavo nekuti I was worried.
" Handina appetite, ndambopihwa chingwa naKare asati abuda" she said ndikati," Ndave kunokubikirai porridge" ndichitobuda muye nekubva ndaudza Courage kuti vairwara nekuti," Ini ndogona kutorara hangu kuno ini nekuti vari kuratidza kurwara and mangwana ndoda kubva ndatoti daddy vavamanikidze kuenda kuhospital"
Ndaiti aizoti ave kuuyawo but akabva atoti hake," Ahh iribhoo, ini ndinozouya kuvaona mangwana. Unongondiudza kuti varisei"
*Monalisa*
My phone beeped kuratidza kupinda kwemessage ndikadongorera kwave kuona ari Portia. I smiled as I opened the message yaive yakanzi," Confirmed mai 2 boys" ndikati," Zvenyu vasikana" akati," Ndinenge ndave kutoziva kuti ndapedza nazvo, but handichadzoke nhasi. Gogo vaAngie vari kurwara saka ndakumboona kuti vanyatsori sei. Mangwana ndoda kuvamanikidza kuenda kuclinic"
" Iribhoo, ko hanzi chii?" I asked kwakutanga kutsanangurirwa and aitoratidza kuti anga ari worried. Ndakangomupawo mashoko ecomfort kwave kuonekana and I thought kuti sezvo iye aisauya baba Angie vaisauyawo so ndakatokiya door earlier musi uyu kwave kunozvivharira muspare.
Gogo vaive vatove kubedroom kwavo pakazopinda call yababa Angie ndikatoshaya kuti vaifonerei husiku ihwohwo ndinzwe voti," Huya undivhurire door"
Ndakasimuka kunovhura door riye kwakutosvika ndichiti," Ko mauya kuno? Ndafunga kuti muri kuenda kwagogo vaAngie ka ini?" zvikanzi," Aiwa zvaPortia naamwene vake handimbozvigone ini ngavayemedzane ikoko"
I giggled ndikati," Imika" zvikanzi," Wandisiira sadza here?" ndikati," Ko ndamboziva kuti muchadzoka? Ndadya rese ini" zvikanzi," Haurevese, apa nzara yandiinayo so ka! Wotobika" kwakubva ndaseka loudly ndikazozvibata muromo ndafunga kuti ndinonzwikwa nagogo ndikati," Iiii kuti zvanyanyodii? Madii kuisa message kuti murikuda sadza racho zvamanga muchiziva kuti mai Angie havako?" zvikanzi," Handina kumbozvifunga ini" ndikati" Haisi mhosva wo yangu iyo"
" Saka wotondiperekedza kunotenga sadza nekuti handingamborare nenzara sha" he went on ndikati," Ahhh" but kamunakidziro kaiita kutaura navo so ka ndaive ndoda kutoenda navo ini. I was really enjoying his company and the sort of flirty conversation kubvira iwo musi wataive ndatovapa sadza and that was why ndaive ndazonyepera Portia nhau yeplate.
" Sure, pfeka bhutsu tiende" he said ndikatadza kuramba kwave kutanga ndanodongorera if gogo had fallen asleep. Pandakangoona varara ndakadzoka ndatove nebhutsu ndichiti," Asi totokasira kudzoka, gogo vakamuka ka!" zvikanzi," Haa 2 minutes chete totodzoka" and I nodded as we walked out.
Tichifamba hapana nyaya svinu dzataimbotaura kunze kwekuita chikudo chete nekudenhanha. Vakatenga sadza ravo ini kwave kutengerwa machips nechocolate tikadzokera kumba. Instead yekupinda mumba ndakanzi," Ngatimbogarai pano panze, mumba munenge muchipisa" and ndipo patakadyira.
Tapedza takatangazve chikudo vavekuda kuti timboramba tiripanze paye, ini ndaingosekenyeka pasi pasi ndichiti," Ndisiyei mhani" pandakazonzwa ndaita kubatwa muwaist. Paive nekarima hako but ndakaona kuti ndaive ndakatariswa and kamuitiro kacho kakaita kuti ndimbopusa kwechinguva ndizonzwa munhu avekuti," Unoziva pese apa ndaifunga kuti vanhu vanonyepa kuti kazhinji unozosangana nemunhu wako chaiye watotorana neumwe? Kavibe nekaconnection kari pakati pedu uri kumbokanzwawo here Mona? Inini hangu I'm falling for you, kutokuda chaiko"
end of chapter
😢
❤️
😮
👍
🙏
😂
316