Kundai T NOVELS🇶🇦🇶🇦🇶🇦
February 3, 2025 at 03:11 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaIVOnT7z4kgDHlGwd2J
*FREE BOOK💥💥💥*
kuti usapesane nemachapters ese kusvika ripere please follow my channel umu ndomaunoriwana from chapter 1 uye kumagroups groups unogona kutadza kuriona nekuda kwekuwandirwa kana warifarira pinda muchannel please.
K.T MOVEMENTS PRESENT ❗❗❗
*2025 New book*
LAST MISSION 🚓🚓🚓
WRITTEN BY KUNDAI T NOVELS
📞+263776059151
📞+263713408299
CHAPTER 13
*"Baba nemi Amai muchindiona ndakamira pano ndakuraiwa uye shungu dzangu dzaiva dzekukuonai seizvi asi kuuraiwa kwandakaitwa mumba mangu maiva nemari yaiva kuma 56 000 yandaiva ndakachengetera kuda kukutengerai musha mudhorobha sezvo ndaida mubve kuno uye ndaida kuchinjawo hupenyu hwangu hwese pamwechete nehwevana vangu vaviri asi zvese zviroto ndakauraiwa pamwechete nevana vangu vaviri nhasi ndava kuzokuonai ndava rinda kudai*".
*"Ndiri kuda kuti mukadzi uyu wechidiki uyu mwana waSabhuku ava mumutore kumuita mukadzi wenyu akakuzvarirai vana 3 ozodzokera hake kumusha kwake uye mombe ndiri kuda 50 dzinotsika kana mari inikwanirana nemombe idzodzo kana vakakupai zvese izvi modzokera navo vanokuratidzai pane mapfupa angu mundivige pakanaka mweya wangu uzorore ndatambura ndaida muone vazukuru venyu amai asi zvakaramba pavanhu 3 vasara ava mukadzi 1 nevarume 2 sezvo uyo ndakupai ndava kudzokera nemumwe wacho sarai muchiita zvinhu nemazvo ndava kuenda*" anodaro Makwe chipoko cheropa ndokubva angodosapear asi nguva iyoyo anonyangarika nemukadzi waainge ataura uyo ainge atoenda kunouraiwa saka kupedza kwaakaita kutaura Baba naMai vanotanga kuchema uye hama dzakada kumbosimuka kuti dzipedzise vainge vasara asi hazvina kuita saizvozvo vakazobatwa ndokubva baba vazosimuka.
"Handina chekuwedzera kana chekutapudza mashoko emufi mamanzwa uye dai pasina sekuru ava ndingadai ndakuparadzai mese mava zvitunha mwana wangu ndiye pese iyeye zvino chandava kuda ndechekuti zvakawanda mazvinzwa mombe 1 kuno inoita 400 dollers Saka chiitai mathts dzacho kureva mari yese irikudiwa i $20.000 plus mwanasikana wenyu uyu achazvara vana vatatu vaachasiya pano odzoka kwamuri hameno murikuti kudii" vanodaro baba Vaya anova muridzi waMakwe ndokubva Musharukwa asimuka achiombera maoko kuratidza rukudzo.
*"Handina chekupikisa kana kuwedzera asi ndinotodawo kuchema nemi muchitiona tasvika pano isusu tiri pwere nyaya dzakaitwa nemadzibambo edu isu tichiri ndumure dzine mukaka pamhino asi sezvo ngozi isina kuti ndiyani akapera ndizvo zvaita tisimuke titsike pano uye kutaura kudai hama dzese dzatarasikirwa nadzo nekuda kweMwana wenyu dzamakusvika makumi matatu saka chichemo chatinacho pamwana harisi dambudziko kuda kana kusada anosara hake asi pamari apa mari yedu yashota ne 4000 kureva kuti pane $16 000 chitori chikumbirowo vana baba nemi vanasekuru nehama dzese*" anodaro Musharukwa uya akazvininipisa chaizvo zvakaita sekuru vaMakwe vasimuke.
"Hazvina mhosva muzukuru chakakosha kuti masvika chete ripai henyu tiwane kufamba tingarebese nyaya ndine hurombo nezvakakuwirai asi ndizvo zvinoita kudeura ropa risina mhaka" vachipedza mari inoverengwa ndokubva varipisana nekubva vapinda munzira kudzoka vainge vauya vaiva 18 asi pakazodzokera 2 chete asi vasina kufa i3 kusanganisira mwana wasabhuku uyo ainge asara misodzi ichingobuda kuri kurwadziwa asi chekuita painge pasisina , mota inororohwa hayo kuhama dzamakwe kwainge kwaenda 7 vanhu avo vakazosvika kuZimbabwe muzuva repiri zvakaita vasatambise nguva ndokunoratidza kwainge kwakachererwa Makwe uko kwavakasvika nekutanga kuchera asi vanorohwa nehana varipakati pekuchera vanoona mutumbi waMakwe uchiri wakangoita sezvavainge vakauisa wakaitwa makore 40 ainge adarika usiri kunhuwa kana kuitasei achingoita kunge munhu akarara zvake chiitiko ichi chakakatyamadza vese vaivapo ndokubva vaisa mutumbi wavo mumota ndokudzokera zvavo kwavo Sabhuku nemusharukwa ndokuenda kumusha kwavo uko kwavakasvika vachiunganidza dare sezvo paiva nemashoko.
*"Pamusoroi vakuru nevadiki kufamba kwatakaita takafamba zvisina kunaka vakwanisa kudzoka ndini nemusharukwa uyu vamwe vese vauriwa nechipoko takasvika asi chakaitika.. anodaro Sabhuku* anotanga kutaura zvese zvakaitika from A kusvika kuZ hapana chaakasiya uye kutaura zvekuti mwana wake akasara akazvitaura uye chikonzero zvino vanoti vakaungana kudaro vanonzwa sound yaiva yakanyanya uye weather ichibva yatanga kuchinja mbichana mbichana munhu wese anotarisa nechemudenga divi raibva sound ndokuona kune chinhu chaisanzwisisika chichiburuka pasi asi nguva dzachinoburuka chinoburukira padivi nasabhuku ndokubva chachinja kuita mukadzi wekupiswa uya uyo anotanga kubuditsa moto mukanwa uchibva wapisa varume 2 zvekutoita black nguva iyoyo hapana akazomira vanhu vanotanga kuridza tsoka vachidonha vachimuka kuri kutiza nehupenyu hwavo.
Mota yaiva nana Damian unorohwa vasarwa ne I kilometer kuti vasvike kubase Damian anovhura maziso ake zvishoma nezvishoma ndokutanga kusunungura paaiva akasungwa apo pasina kumbomunetsa zvakanyanya sezvo ainge asina kunyanya kusungwa vachiti zvaadonha pavakamurova nepfuti anogona kusamuka , anoti kupedza kusunungura kwaakaita anotarisa kumberi kwaiva kwakagara vanhu vake vaya ndokubva asimuka mbichana mbichana asina kupedza nguva anotora tambo yesit belt ndokusunga aiva pamothers sit huro achiidhonza zvine power uya uya akamboedza kuda kurwisa asi mweya wakabva wapera nekubva atofa aidriver achiona mumwe wake atofa anobva amisa mota nguva yainongomira Damian anovhura door nekurova mapombi zvekuti kana simba rekutevera akarishaiwa.
Mota yaMabika naDephine inobva yasvika apo pavanorohwa nehana vachiona Damian achinzi abuda asiya auraya mumwe wavo zvinova zvakavanetsa sezvo team iri raisafa zvechihwai apa Damian ainge atongofutawo hake asi dai zvakaenda nepamwe ndokwaitova kupera kwaDetective Damian and kutiza kwaakaita anozonofemera ava kumberi achitenda Mwari kuti vamukundisa sezvo ainge anzwa mweya werufu kunhuwira.
*"Basa iri ndipei aurayisa mwana wangu Damian uyu ndipei time diki diki ndonomuuraira kubase muuye kurufu mangwana*" anodaro Mabika achibva atokwira taxie kuenda kumba uko kwaakasvika Damian avako uyewo Damian wacho anotanga kunyemwerera kuti mumwe wake adzoka hapana auraiwa then murume aonge arasara naDephine achinzwa kunzi Damian abvisa mwana wangu pane zvaakabva afunga ndokutanga kunyemwerera hake sezvo ainge abatanidza nguva yavakapinda mumba time dzavakazorova Damian vainge vaona ropa pasi rairatidza kuti nderekumwedzi saka akabva afunga kuda kunoudza Boss vake kuti mukadzi arikudyiwa naMabika saka vakabva vapinda havo munzira kuenda kumba kwaBoss asi mumwe nemumwe aiva mupfungwa dzake Dephine aitofunga mudiwa wake zvake kuti dai akanokunda obva atomuda munyika apa murume wehuipi ainge asara aitofunga kunoudza Boss kuti mukadzi akatozodyiwa muchero wavo.
*END OF CHAPTER 13*💥💥
Chiziviso book ndanyora zvekushinga ndakafirwa nehanzvadzi yangu ndiri pakuchema izvezvi akangodonha nhezuro achibva atisiya zvake zvinova zvinhu zvisina kugamuchirika saka ndanyorawo zvandakwanisa muve nezuva rakanaka number dzangu dziri pamusoro apo kune vanoda kuchemawo nemunyori wavo kana kubatsira munyori wavo nepashoma paunapo
0776059151 buddie number
Kana uchida kunzwa zvizere unouya paapp netone number idzi 0713408299
❤️
👍
😢
🙏
😂
😮
🤷♀️
20