Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ

3.6K subscribers

About Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ

to my special followers โ€š take care & be safe everyday I love you .โค๏ธ ,Are you bored? Yes U are wlcome Im your smile keeperโœ๏ธ https://wa.me/+263776059151?text=Hie https://wa.me/+263713408299?text=Hie

Similar Channels

Swipe to see more

Posts

Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ
2/26/2025, 3:58:29 AM

takawirirana kuti malikes akasvika 1k toisa new book thanks you guys

๐Ÿ‘ โค๏ธ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ™ ๐Ÿฅถ ๐Ÿซฃ 24
Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ
3/1/2025, 10:50:10 AM

saka mukaisa data chete chapter 1 yototanga kudonha kubva nhasi zvichienda kumberi ndakatsva this daes

Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ
3/1/2025, 10:52:40 AM

Makadii team K. T MOVEMENT book renyu Tanganyika mwanangu now rava pachapter 2 ndanga ndichida kutanga kukupai nhasi asi bunndel ndiro randisina saka kune vakazvipira havo vanoda kupawo munyori wavo airtym huyai nayo any amount yaunoda yaunokwanisa isai panumber idzi kune vaya vane dzemufoni or airtym direct apa 0776059151 then kana riri card tenga uise panumber idzi picture 0713408299 or kungosender txt message panumber dze buddie idzo kana pakawana vaisa nhasi munorara mambonzwa kuti tanganyika mwanangu chii uye zvii zvaiitika l love you all guys stay safeโค๏ธ

Post image
๐Ÿ˜ข ๐Ÿ™ 2
Image
Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ
2/25/2025, 5:02:58 PM

https://whatsapp.com/channel/0029VaIVOnT7z4kgDHlGwd2J K.T MOVEMENTS PRESENT โ—โ—โ— *2025 New book* LAST MISSION ๐Ÿš“๐Ÿš“๐Ÿš“ WRITTEN BY KUNDAI T NOVELS ๐Ÿ“ž+263776059151 ๐Ÿ“ž+263713408299 *FINAL CHAPTER (20)* Thisa anoti akagara mumba anotanga kudeedza Paida ndokubva Paida atanga kusadaira izvo zvakamunetsa kuti mumwe wake aenda kupi nguva iyoyo hana yake inotanga kurova ndokubva aenda palaptop yake ndokutanga kutarisa Tracker yaDamian ndokuzopedzisira yaPaida uye Mukoma wake Mabika ndokuona dziri panzvimbo imwechete asi yaMukoma vake yaisa mover zvaiita dzimwe zvinova zvakawedzera hana yake kurova nguva iyoyo anopinda mune imwe room ndokubva apfeka combat yebasa aitoita kunge muninja zvekuti maweapons aakatora apa aiva aya anoshandiswa nemaninja, Achipedza anopinda mumota ndokuirova akananga kuShowground uko kwaanosvika nekubva apakira mota yake pedyo nepaiva nehanzvadzi yake iyo yainge yava nyikadzimu. Paida anotanga kuridza mhere achizungunutsa hanzvadzi yake asi hapana chakachinja munhu ainge atofa nguva iyi haana kukwanisa kuzvidzora kana kudii anoramba achiridza Mhere inova nguva yakasvika Gracebye uyo anoona zvaaisafungira panzvimbo iyi sezvo anoona Damian, Paida, nemumwe mukomana anova Else More waasina kuziva uye kushamisika nemusikana, aichema anova Thisa nguva iyoyo Gracebye anotarisa rimwe divi ndokuona kune varume 4 vaiva vakakomba Minister of Defence avo vaanotarisa ndokubva vaitarisana mumaziso vachishamisika sezvo munhu wavaiona apa kaisava kekutanga kumuona asi kuti vazive vakaonerana kupi zvakaramba kubuda nguva iyi Gracebye anonyemwerera achitosunga chiso chake ndokubva abuditsa uta nemuseve wake within 5 seconds varume vainge vakaguader Minister of Defence forces vainge vatova muvhu apo miseve yake yainge yasvika iri 4 ka1 asi yainanga vanhu vayaida kusara kwaMinister of Defence avo vanoshamisika nehunyanzvi hwemunhu anonzi Gracebye apo pavanotanga kupindwa nekutya ndokubva vabuditsa Bazooker ravo riya riya rinoti rikapfuura rinoparadza zvinhu zvese zviri panzvimbo iyoyo. Kudivi raiva naDamian nevamwe vake kwaida kuzvionera pamhino Sefodya kwainge kusingadanwi anonzwa nekuhwanda kwavainge vakaita mapara emupfuti dzese akazosvika pakupera both sides pasina ainge auraiwa apo pavakabva vapa sign yekuti ngatirwei nemaoko zvakaita chikwata chavairwiswa nacho chitange kunakirwa hacho nechemumoyo uye vaya vainge vapfa kwaO. IC vainzwa kunonokerwa nekuuraya Damian kuti vanopihwa migove yavo nekudaro Damian anokombwa ne 8, Else more ndokukombwa 5 then paida anokombwa ne 6 sezvo vamwe vainge vazoenda kunokomba mukuru wavo anova Minister of Defence forces. Kudivi raiva naPaida anonyatsomira zvake stance yake zvakanaka naka ndokubva atanga kunyemwerera akatarisa varume vaiva vakamukomba apa pane vese ava raiva Team rechiwata chababa VaThisa vanova mukuru wavo Paida anosikiza fight ndokubva paita mumwe akauya achida kumurova fight zviya zvekufuta asi anonyangaria yaainge aona ndokubva yanzvengwa nguva iyoyo anorohwa bhutsu nechepahuro pakabatana neshaya ndokubva shaya dzapesana mazino kuchibva 3 ekumatadza, achibva awira pasi nekutofa nguva imwechete iyoyo vamwe vacho vachiona mumwe wavo afa vanotanga kuda kuuya vese zvinova zvaidiwa naPaida sezvo aiziva kuti vakauya vese zvichamuitira nyore sezvo pakuda kundirwisa vese kamwechete zvichaita vashaye communication nekudaro anoti vauya vese vachida kukava bhutsu anobva achimira snake style negumbo 1 zvekuti nguva inouya mabhutsu anosimuka mudenga paanodzoka asati atsika pasi rimwe gumbo rainorova muhudyu mudumbu umu memumwe muchinda and maoko achinirova mumwe wacho zvinepower pamabhora ndokubva aenda padivi zvekuti vese vari vaviri mweya inotanga kupera zvishoma nezvishoma vakamira kudaro ndokubva vawira pasi vachibva vafa Paida chinhu chaaita kuziva pekuuraya maparts anokuvadza nekuuraya ndiwo aairova manje iwawo kureva kuti apa ainge achisara akamirisana nevaviri avo vanotanga kuona kuti njuga dzarema asi sevanhu vaida kunopihwa Mari vanotsonyana nemaziso vachiudzana zvekuita izvo zvavasina kuziva kuti zvainge zvanzwikwa naPaida uyo anoverenga maseconds avainge vataurirana nguva yavanosimudzirana makicks achipesana pavaida kurovera Paida iye wacho ainge achitokotama zvekurova 180 pasi zvekuti mabhutsu evarume vaya kupesana kwaakaita nepower raaiva nawo mumwe nemumwe anonorova mumwe wake mudumbu zvekuti vese vanobva vabata mudumbu kuri kurwadza inovawo nguva yakasimukwa naPaida achibva avapedzesa ndokubva vese vafa zvavo. Else More kudivi Rake aiva munhu uya uya aigona kurwa achishandisa banga muruoko mkt zvezvibhakera chaizvo nekudaro anobuditsawo Kasold kake kadiki ndokubva chatanga kudivi rake akati 4 vainge vamukomba anocheka mumwechete wavo huro nemusoro zvichibva zvapesana izvo zvainge zvisina kutarisirwa nani zvake apa ndokubva kwasara 3 avo vanozama kumborwisa asi zvakaremera kumusoro nenguvs pfupi pfupi vese vainge vava muvhu kureva kuti kwainge kwasara chikwata chaDamian icho chaiva nevanhu 8 uko ndiko kwaiva neyese manje Damian anotanga kufunga zvese zvakaitika kubva achitanga mission yake yese zvekuti akatombopotsa auraiwa izvo zvakaita ave mhuka pachiso nemumoyo zvese uye power raainge ava naro raikunda simba reshumba. Damian akati achida kurohwa chibhakera chaiva chakananga mumusoro ndokibva achinzvega achiendesa chake icho chakanorova musoro zvekuti pfungwa neropa zvakanosangana munhu ndokutanga kutopenga nguva iyoyo uyo anobva ari chahwiriri akananga kuroad kwaitobvawo mota iri muspeed ndokubva zvaswosangana achirohwa achifira ipapo. Damian nguva yaanoona waainge arova achisimuka nespeedy anotarisa vamwe vacho 7 vainge vasara ndokubva anzvenga bhutsu yemumwe ainge ada kumurova and fast yaakaita kubata munhu iyeye t shirt ndokubva amuhedha musoro uchibva watsemuka nguva iyoyo and haana kumira ipapa anobata zvekare vamwe 3 zvine kahunyaznvi achivahedha misoro ichitsemuka iye wake wainge woita kunge dombo achipedza 3 avo vaibva vatofa ndokusara 3 vainge vamisidzana zvino nguva iyi Damian anotanga kuona virsion yeropa mumaziso ake idzo dzaiva hasha ndokubva atanga kufamba zvishoma nezvishoma achiendera chikwata icho chaidududza ndokubva chafuratira kuda kutiza inova nguva inotariswa NaGracebye uyo anokoka miseve yake ndokuiregedzera zvake vese vari vatatu ndokubva vabaiwa vachidonhera pasi. Nguva iyi ndiyo inotorwa Bazooker nemukuru wemauto uyo anobva ada kubaya Triger inovawo nguva yaisimuka Thisa kubva paiva nehanzvadzi yake uyo ainge arwadziwa nekufa kwehanzvadzi yake uye nguva iyi akangofunga kuti chikwata chaaiona chairwisa nana Paida ndocho chainge chauraya hanzvadzi yake mdiyo nguva yaanotarisa kwaiva naMinister ndokuona vatosimudza bazooker varinongedza kwaiva nana Damian apa ndosame divi raiva naGracebye uyo ainge achiri akatarisa vanhu vaaipotsera miseve zvino Thisa anonzwa hasha uyo anoburitsa zinhu zvaiita kunge razor asi zvine kahu star zviri zvihombe mbichana zvaicheka kwese ndokupotsera icho chinosvika nekucheka ruoko rwaida kubaya triger ndokubva rwadambuka nechepakati pfuti ichidonha pasi and nguva iyoyo anopotsera kamwe kanosworova gumba richibva radambuka ndokutanga kuda kufamba achienda ikoko asi asati asvika anonzwa mabrakes emota 2 dzakasvikirana ndokutarisa ikoko ndokuona muchiburuka varume 8 rinova team raiva rakasangana nerehuipi nguva iyi Thisa haana kuda kuvapa nguva yekubatanidza uyo anokanda karazor kake ndokusvika kachirova right round yeteam rainge rasviks iri kachicheka pahuro chetr vese vachibva vatofa ndokubva Damian nechikwata chaje vasimudza mutumbi waMabika uye kusimudza Minister of Defence forces ndokuvaisa mumota avo vainge vatova chirema ndokubva varova pasi kuenda kuBase uko kwavanosvika ndokubva Mutungamiriri wemauto aiswa muroom yaiva nemasvosve ered aya anoruma zvekuti saninge akaona ropa asi asati aiswa umu anotanga azorerwa salt pamaronda uye mhiripiri ndokubva achinosungwa mbira dzakondo kuruoko rumwechete negumbo rainge rasara ndokunoiswa imomo umk maanovharirwa Damian ndokubva adzoka muroom maiva Gracebye., naPaida naThisa ndokubva atora Laptop yake ndokuisa marecordings ese nemamessages aMabika ekuronga kuuraya Damian uye Paida zvese zvaaitaura Mabika achiudza mhondi apedza kudaro anobva aplayer futi zvese zvekuti pfuti dzainge dzisina kuiswa mapara uye last call yake nababa vavo vachiti Damian anourairwa kuground nguva iyi Thisa anoshamisika kuti baba vavo vainge vavapandukirawo futi ndokubva Damian azoti. *"Ruregerero Thisa mudiwa wangu nezvandaita ndini ndauraya hanzvadzi yako mushure mekunge yada kundipfuura ndakavarairwa ndokubva Paida azviona achibva amutangira asi kutaura kunoku ndingadai ndisisipo l know ndaita zvawanga usingafungire uye zvinogona kuti rudo rwangu neww rwupere sezvo Baba vako ndivo vasara zvese zvandakasangana nazvo ndivo vamwe vaitozvikonzeresa, ndichishaya kuti sei ndisiri kubata mhondi saka hunhu unababa vako neava vatabata humwechete saka mutongo wavo vese rufu iwewe kana uchindiramba ramba hako"* anodaro Damian achibva abuda mumba umu umo maanoirova mota yake akananga kubasa kwavo kuOffice yemukuru wake umo maakangosvika nekubhutsura door achivhura nguva iyoyo mukuru wake anovhunduka sezvo ainge asati ambobatanidza zvakawanda uye tarisiro yekuti angasvikirwe naDamian panguva iyi aiva asina zvachose sezvo aiziva kuti vainge vapedza kare basa zvichida Damian ainge atofa sekufunga kwake manje kupinda kwaakaita anosvika achirova Mukuri wake heavy bhutsu pachest achibva arovera pamadziro asati ambomuka kana kusimuka Damian anobva atosunga mukuru wake kumuisa njema ndokubuda naye zvekuti rimwe team rese raiva apa richiona mukuru wavo asungwa team zhinji raidya nemukuru wemauto raiva railikisa information rakabva rangoti kubuda kwakaita Damian rakaziva kuti zvadhakwa ndokubva rasarawo richibuda nekutonotiza kudzimba dzavo saka Damian anoirova mota kusvika kumba kwake uko kwaanosvika nekupinda naTezvara vake akavasunga Thisa. anoratidza kurwadziwa asi nguva iyoyo anonovakanda muroom imwechete nemukuru wemauto ndokubva atora banga ndokutanga kucheka zvigunwe zvemukuru wake maoko nemakumbo ndokuzororera salt nemhiripiri nguva iyi Vaviri ava vanotanga kuchizhamba uye kubuditsa mweya wemadhodhi zvekuti iyo tsvina yakapedzesera yakubuda ndokutanga kunhuwa zvekuti achipedza izvi anosiya avhara door ndokufonera imwe nhepfenyuro yenyika ndokuuya team remedia nenews and akabva atopreser conference iyo yakazara munyika nenguva diki diki vanhu vese ndokubva vatogara vari alert magetsi akabva adzoswa nzvimbo dzese. Nguva inosvika ve Media veNhepfenyuro hombe pabase apa Damian anoudzana nevamwe vake ndokubva vaburitsa mukuru wemauto naOIC panze uye mukadzi wemukuru wemauto nemwanakomana wake ndokuuyiswawo kwaive nevamwe nguva iyi zvese zvainge zvoitika apa zvainge zvakubuda Live nyika yese. "Baba varipekutanga taurai kuti ndimi ani uye munoita nezvei then motaura kuti mitumbi yevatungamiriri venyika iripi vakauraiwa nani uye nechinangwa chei uye zvamakaita zvese" anodaro Damian apo mukuru wemauto ainge akunzwa kuti panapa kuramba kutaura kana kunyeoa hazvaibatsira sezvo chokwadi chese chainge chava kuzikanwa uye aifunga kuti pamwe akabvuma kana kutaura chokwadi aisiiwa achirarama nguva yaanotanga kuda kutaura, anobva asanganidzana meso nemukadzi wake nemwana avo vainge vakuchema ndokubva azoti. *"Pamusoroi mhuri yeZimbabwe zita ndoitwa Juru Finias ndiri zvekare mukuru wemasoja emuno munyika ndini Minister of Defence forces uye parizvino mese munoziva ndiri inini ndiripo asi zvakadaro ndini munhu anechikwata chaiuraya nekuita zvese zvaiitika munyika chiri chinangwa chekuda kuita mari chikwata changu ndicho chaiuraya nekuba zvipfuyo zvese uye kupinza madrugs munyika ndirini zvekare ndakauraisa vatungamiriri venyika nechikwata changu chinangwa chiri chekuda kuita mari munyika muno zvandinoda inini uye mitumbi yavo ndaiva nen'anga yaiva yanditi ndikauya nayo ndaibva ndaita Mutungamiriri asi zvakazokona nekuda kwemupurisa wechidiki uyu anonzi Damian anova zvekare wandakamborova nechikwata changu ndamubata ndikanomukanda mudziva remakarwe asi chakandishamisa kuti sei ari mupenyu nanhasi imwe nyaya Uyu wamuri kuona uyu Mumwe wangu anova mukuru wemaPurisa emuchikwande vanova Boss vadetective vekutibata ava nechikwata chavo ndiye mumwe wangu iyeye wandaironga naye kubva kumavambo mwana wake akauraiwa nemadetective aya nekuda kweruchiva pamwechete kufurirwa nababa vake ava kuti auraye Damian uyu inimi hangu handina chekuraramira asi Mhuri yangu iyo ndokumbirawo muipe hupenyu nekuti akatadza ndini uye ndakadeura ropa rakawanda uye misodzi yese irimuno munyika ndini nemumwe wangu uyu"* Anodaro Mukuru wemauto ndikutsanangura zvese haana chaakasiya uye mitumbi yeVatungamiriri yakabva yatoendwa kunotorwa ndokudzokwa nayo iyo inoonekwa Live nevanhu nguva iyoyo Thisa anosimuka ndokutora Banga rake raicheka kwese ndokunogura musoro wababa vake zvichibva zvaparadzana nemutumbi uyuwo mwana wemukuru wemauto mukomana uya anorwadziwa nekurariswa namai vake huri hunhu hwababa vake ndokubva angosimudzawo banga ndokuita zvimwechete uyewo nguva iyoyo Thisa anonombundira Damian ndokuudza kuti haafe akamusiya vachipedza mitumbi inozonochengetedzwa kuheros acre senyika yainge yagarisa isisina Mutungamiriri wenyika Damian Akabva avhoterwa nevanhu vese ndokubva aitwa Mutungamiriri wenyika uyu Thisa mai Mutungamiriri sezvo rudo rwainge rwakupisa chaizvo nekudaro Damian akabva aita Gracebye mutevedzeri wake pamwechete vice President nyangwe aiva munhukadzi ane zvaakazviitra sezvo ndiye munhu akamuponesa uye akarwa naye hondo dzakawandisa, Paida anobva aitwa Minister of defence forces uyu Else More akabva aitwa Mukuru wemapurisa kuchikwata chemadetectives uye vamwe vese vainge vagara vanezvigaro zvavo hapana akachinjwa izvi akazviitira kuti asatonge nedemo zvadaro Paida naElse More vakazoroorana uyuwo Damian naThisa ndozvo zvimwechete nyika yakatanga kunakidza uye mabasa kutanga kuwanikwa nzara yese yakabva yatiza munyika uye nzira nezvimwe zvakawanda zvakava nechange nenguva pfupi pfup apa President naVice wake anova Gracebye vainge vakutoonana sevana vanyamunhu uye vainge vakabatana vese kusanganisirawo Mukuru wemauto Paida. Kuchiweshe mukadzi wekuuraiwa aiita kubvira moto mumusoro nemukanwa uye nguva iyi anotanga kuti *"Wese anoziva kuti haana kundiuraya uye haana kuisa ruoko pakufa kwangu kana kupotsera dombo nekutaura mashoko akaipa ngaauye apa"* achipedza kudaro pavanhu vaisvika 300 vakaenda vainge vasina chekuita nemukadzi uyu vakaita 150 chete kozoitawo vana vadiki vandisina kuverenga pandati 300 nekudaro vaya vachienda pavainzi vaende anobva atanga kuti. *"Ndinokutendai imimi mese uye vamwe vari apo vakaita nekusaziva asi mweya wangu nhasi ndiro zuva rekupedzesera uye ndava kuchizoroora hangu asi ndava kuchiita zvinoita kuti mweya wangu uzorore zvawo zvamakaita zvakanditsanwisa makandigurira hupenyu panzira asi*.." haaapedzise kutaura mushure mekunge akubuditsa moto wainge wakawandisa mukanwa make achipisa kune vanhu vainge vakamira vaya vaiva neruoko pakufa kwake nguva iyi sabhuku ndivo vanotanga kutsva zvekubva vatoita chimukuyu haa zveuku zvaida kuzvionera wega vanhu vakatanga kubvira apa hapana aikwanisa kuwana simba rekutiza asi zvakazoitikawo pavsnhu 150. vaiva uku sabhuku nevamwe vanosvika 100 vakatsva vese ava ndivo vainge vakonzeresa uye kunyatsoisa ruoko 50 avo ndovainzi vakaita nekusaziva saka havana kutsva moto uyu waisavapisa zvichireva kuti vanhu 200 ndovakazopona nevanawo vandisina kuisa apa uye nguva iyoyo mukadzi uya, anobva atura mafemo ndokuzorora hake nguva iyi mvura inotanga kunaya yaiva mvura yekuchenesa dunhu. Mubatsiri uya akazoita zvaakaita ndokubva vanhu vazochererwa mugomba rimwechete ndiko kunova kupera kwakazoita mashiripiti kuchiweshe uku uko kwakazogadzwa mumwe sabhuku uue vanhu vakatanga kugarisana zvakanaka pasisina chakaipa chaiitika nekufamba kwemakore vanhu vakazotanga kuzvarana kusvika vawandawo uye Preaident Damian vainge vakazobatsira vese vane vana vaakuraiwa uye hama dzakauraiwa dzese zvichireva zvirongwa zvese munyika zvainge zvakufamba zvakanaka. *END OF BOOK* _________________________________________________________________ Chekutanga ndinoda kupa kutenda kukuru kunemi mafuns kana kuti vatsigiri ve K. T MOVEMENTS nerudo rwenyu kubva kumavambo kusvika zuva ranhasi kumagumo makaramba muneni nyangwe zvazvo book raisauya sekuuya kwakanaka nekuda kwekuwandirwa kweMunyori wenyu nenyaya dzekuti mhuri dzirarame inenge itoriwo shuwiro kufadzana zuva nezuva asi ndinokundikanawo aiwa komborerwai vatsigiri vangu ndinokunamatirai kuti zvamunondishuwirawo nemiwo muitirwe zvakanaka pandinokomborerwa nemiwo mokomborerwa pasina imimi hapana K. T MOVEMENT ndinovimba tichafamba tese zvekare muzvikamu zvinotevera uye mubook redu new riri kutanga kuuya chero zuva pane iwaya atakatarisana nawo rinonzi *TANGANYIKA MWANANGU* ndinokushuwirai zvakanaka ndatenda hangu๐Ÿ™

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ‡ฟ๐Ÿ‡ผ ๐Ÿคฃ ๐Ÿซฃ 186
Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ
2/22/2025, 10:34:37 AM

OUR NEXT BOOK TANGANYIKA MWANANGU HARISI RECHINYAKARE ASI ZVIMWE ZVANDISHANDISA NDEZVEKARE KUDZORA TSIKA NEMAGARIRO EDU THEN ZVIMWE NDICHAISA CHIZVINO ZVINO THIS BOOK RIKUTANGA KUUYA MUMAZUVA ASINGAZADZI CHANZA CHIMWECHETE VARIKUBUDA MUCHANNEL AVO HANDIZIVE KUTI NDOKUUDZAI KUTII ASI KUNE VANOMIRA NE K. T MOVEMENT AIWA KOMBORERWAI NDECHENYU CHINHU ICHO

Post image
โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜ข 85
Image
Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ
2/25/2025, 5:08:30 PM

kana uri munhu anga achiverenga book iri isawo react titende๐Ÿ™

๐Ÿ™ โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ 45
Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ
2/25/2025, 6:02:38 PM

malikes ayo ngaawandewo veduwe akasvika 1k new book rotanga kuuya haro

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ™ ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ˜‚ 22
Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ
2/22/2025, 7:21:00 PM

malikes aramba kusvika 200 makaoma

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ 11
Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ
2/23/2025, 1:46:30 PM

book nhasi ndatadza kunyora ndakundikana and weekends zvinondiremera handinyore paya parinouya mistake inenge yaitika

โค๏ธ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜ฎ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ˜ฉ ๐Ÿ˜ณ ๐Ÿคฃ 22
Kundai T NOVELS๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ๐Ÿ‡ถ๐Ÿ‡ฆ
2/22/2025, 10:34:46 AM

200 likes to unlock next chapter

โค๏ธ ๐Ÿ‘ ๐Ÿ˜ข ๐Ÿ˜‚ ๐Ÿ’ฉ ๐Ÿ™ 36
Link copied to clipboard!