Kundai T NOVELS🇶🇦🇶🇦🇶🇦
February 3, 2025 at 04:56 PM
https://whatsapp.com/channel/0029VaIVOnT7z4kgDHlGwd2J *FREE BOOK💥💥💥* kuti usapesane nemachapters ese kusvika ripere please follow my channel umu ndomaunoriwana from chapter 1 uye kumagroups groups unogona kutadza kuriona nekuda kwekuwandirwa kana warifarira pinda muchannel please. K.T MOVEMENTS PRESENT ❗❗❗ *2025 New book* LAST MISSION 🚓🚓🚓 WRITTEN BY KUNDAI T NOVELS 📞+263776059151 📞+263713408299 CHAPTER 14 Detective Damian vanotanga kufara vakatarisa mumwe wavo anova Mabika uyo ainge adzoka kuri kufarira kuti adzoka ari mupenyu asina chakashata chamuvhiringa nekudaro anombosiya zvaaita ndokubva aenda kunotambira mumwe wake uyo aitovawo mupfungwa dzake mumoyo mainge makazara hasha zvekutu chiso chaDamian chaaiona apa aitoona ropa zvake. *"Ngatitendei Mwari Mabika zvanga zvaitika paya dai ndisina kushandisa Njere dzangu dzehutikitivha ndingadai ndafa ini uye Dephine anenge anga anenhumbu chete ndaona pandamurova paya abva abuditsa ropa rine twumagodo anga asingafanirwi kurara so wazozvifambisa sei nhai Shamwari wapabuda sei uye ha.. "* haapedzise kutaura Damian arohwa fight naMabika yakabvisa Zino rake 1 uye ropa ndokutanga kubuda mukanwa nemumhino ndokubva mabika ati. " Ungataure zvisina basa ndiwe wakaronga deal iri kuti tinouraya Dephine asi iwewe wakumubvisa nhumbu zvatisina kuwirirana pamusoro pazvo paya wandirova futi wakundisiya panguva yakaoma haudeserv e kurarama mupfana iwewe ndoda uzive kuti ndini ani nhasi hausi mupurisa iwewe urikutodya nemhondi futi" anodaro Mabika achuratidza kupupa nehasha Ndokubva Damian asimuka kubva paainge adonha hake ndokutanga kuti. *"We Are One thing Mabika paya yanga iri strategy yekuti vasazive tiri tese thats why ndakurova uye kuda kuti cheri ukazobatwa waingosiiwa ndanga ndiri kutosaver your life sory hako bro ndatadza ndiregerere ngatiitei zvebasa tisunge vanhu vese ava uye kuvauraya nyika iite peace kunyanya iye Dephine uyu ndaon.. "* haapedzise kutaura achipihwa zvekare chibhakera chepadama ndokubva adonha futi pasi sezvo ainge asina kuzvitarisa uye aingozvitora simple dai aiziva kuti mumwe wake yava mhuka dai akaita action manje anotozovhundutswa nebhutsu yakamurova mabhora ake zviri strong ndokubva amabata akakotama unova mukana zvekare wakashandiswa naMabika anobva amurova fight mudumbu ndokubva awira kwakadaro achishamisika. *"But bro what happened mapindwa nei inga ndati sorry wani ko chii wakundikuvadzirei now wandikuvadza mabhora ndozoitawi vana here u...*". "Zvawaita zvekurova Dephine nhumbu ichibva zvazvisiri mumaplana edu uye kundirova kwawaita nekundisiya mumaoko emhondi dai ndafa waiitasei ndozvauri kufira izvzvo" anodaro Mabika achitoadvancer kufamba kuenda kwaiva naDamian uko kwakasvika nekumurova bhutsu yemumeso aripasi kudari ndokubva ropa ratanga kubuda asi nguva iyi Damian anotanga kuchema zvekurwadziwa zviya zvekurova mabika aisada sezvi aiona zvichikanganisa basa ravo uye semwana wemukuru wake aiona zvisingaite. Damian anozama kusimuka ndokubva arohwa bhutsu mudumbu iri strong achibva aita kugara pasi chaipo then mabika anotora weapon raiva pasi imwe simbi ndokubva aisimudza nguva yaanotu aidzikise mumusoro maDamian anoerekana ruoko rwaiva nesimbi rwabatwa same time achirohwa uppercut mumusoro achibva aita kugara pasi chaipo uyo aiva Paida ainge atone 4 minutes apinda mumba umu akamira padoor achinzwa nekuona zvaiitika saka pakutanga akatombofunga kuti mafunis ndokubva vanhu varikutamba asi akatozoona kuti mwana Wamai vake angauraiwe ndozvakaita anzwe Hasha. saka nguva yaanorova Mabika uppercut achigara pasi anobva amurova bhutsu iri strong mudumbu ropa ndokutanga kubuda nguva iyoyo anosimudza fight kuti arove mabika but anonzwa Damian achiti. *"No Paida usadaro musiye akadaro ihasha dzaainadzo usamukuvadze ndini ndakonzeresa ndamusiya mumaoko emhondi uye ndambomurova zve disguise semutemo webasa iye haana kuzvinzwisisa ndizvo zvaakatsamwira musiye akadaro"* anodari Damian achiratidza kuti arimumarwadzo face yake rainge rangova ropa chete "No Mukoma munhu uyuka uyuka anga achitoda kukuurayai uyu l think mutengesi anenge akatengwa chete mukasamungwarira ndiye achatiuraisa uyu let me warn you my Friend kana urikutumwa kana wakatengwa neburi raDephine kuti upandukire chikwata kuti uve mutengesi handei tione uchaona kunowira tsvimbo nedohwe dai uri munwe wasvipira mukakomba wasiyana nazvo handina hangu zvakawanda asi ziva kuti ndinewe"anodaro Paida kuna Mabika achibva amurova fight iri strong padama ndokuenda kune mwana wamai vake ndokunotanga kumutova tova nekumubvisa ropa nguva iyi Damian anozotaura, chainge chatora nzvimbo sezvo iye mupfungwa dzake aifunga kuti kurova kwaainge amuita uye kumusiya ndihasha dzaainadzo saka akazoti kupedzwa kutovewa ndokubva akumbira Mabika ruregereri uyo akabva adaira kunge zvese zviri bhoo apa ainge atofunga imwe pfungwa nguva iyi Damian anobuda mumba umu asina waataura naye ndokunopinda mumota ndokuirova akananga kwaainge afunga hake. Mabika kurohwa kwaakaitwa anosara akagara achironga nekurongonora sezvo plan A yainge yaramba apa ainge apromiser chikwata chana Dephine kuti muuye kurufu mangwana nekudaro akaona zviri zvinhu zvakutangidza kumukanganisira zvinhu futi kunyanya nyaya yetrust aiona achizotadza kuwana trust so akabva afunga fast ndokunyorera dephine mesaage achimuudza kuti. *"Hie babe sorry ndatadza kubudirira ndandatova pakati nekuuraya mhuka yangu asi pabva pasvika mumwe muvhimi aswondirova ndikatadza kurova mhuka yangu asi basa ndanga ndakutopedza so ndichaita imwe plan motisvikira panzvimbo cz now inini ndikada kupedzisa ndega ndozvisikira moto so information yese ndokupai ndinayo and ndokuudzai take care my love ndokuda na 8.00hrs tisangane ku XyZ ndine plan newe.... "* ndomanyorerwo ainge akaitwa messag ndokubva yaendeswa zvayo. Kuchuweshe nguva dzinobudikira mukadzu wekupiswa uya achishama moto uchibuda nemukanwa uchipisa vanhu vaviri vachibva vaita matsito mumwe nemumwe anotiza nehupenyu hwake uye nguva iyoyo anobva adedzera nezivoice rakazhezhera kuti. *"I WANT MY LIFE BACK*" achipedza anobva atodissapear hake asi vanhu vainge vachiri kungorova bara mumwe nemumwe achidonha achisumuka zvekuti varume mabhora aikweshana vanhu vachimhanya zvakaomararw uye voice munhu wese akarinzwa uye zvarakataura. *END OF CHAPTER 14🫠* *N. B* Sorry vaverengi nekusaunza book zvinhu zvanga zvisina kumira zvakanaka pane zvanga zvichiitika asi now ndinokuvimbisai kuti ndadzoka uye book ndichazama kuti riuye everyday nyangwe machpters akaita madiki sezvo kuno kwandiri mazuvano kure neguta randogara saka kurarama kwacho zvinhu hazvisi kunyatsobatana esp panyaya dzecommunication apa foni inenge isina moto kana netwrk haibate so ndinitofamba chinhambwe kuenda kune wi-fe or network inyaya dzebasa asi zvikazofamba zvakanaka ndichadzokera kuguta soo muve nenguva yakanaka uye ruregereri handina kukukanganwai ndinokudai mese.
❤️ 👍 🙏 😢 😂 😮 🎉 👏 💃 😈 217

Comments