Ancy Cays Novels
January 21, 2025 at 05:24 AM
https://chat.whatsapp.com/Ift6q3t4HKk60v6OivFLp1
*Huya uzvinzwire kuchannel usasarira inbox handipi book. Channel link yedu irimo muzasi*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A
*SAVED BY THE GHOST*
*Story by Ancillar Katsande*
0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣
*2025 production*
*Chapter 2*
*Princess*
Pane dzimwe nguva paunosvora kuve munhukadzi chaiko . Nokuti unofira mukati sesokisi nyangwe ukada munhu sei kuti uzviratidze kumunhu uyoyo zvinonetsa zvotoda vanhu vechinzenza nzenza ndivo vasina ganda kumeso vanogona kungoudza munhu zviri pahana pavo . Kwandiri zvaisava nyore ndine anga aroverawo hana yangu but it seems aisandi noticer . Ndaitotaura naye dzimwe nguva tichitoseka asi haana kubvira anditi ndokuda . Kuti nditi kwaiva kunyara here kana kuti kwaiva kusadawo .Ndanga ndisina kumbobvira ndaona musikana wake Judas kana kunzwawo nerunyerekupe zvarwo . Pafair Judas anga ari mukomana abve zera akasvika chaiko . Mukomana aiva nerwunako rwunotosvora . Ungati musikana iye ari munhurume dai tiri kune dzimwe nyika tototi pamwe ingochani asi kana doro ndiro raainyanya saka nguva chaiyo yekutsvagana nevasikana ndoona ndoyanga isipo. Ndakapedzisira ndasiyana nepfungwa dzacho ko aizoda ini ndaitovawo hangu house girl panext pepamba pavo. Ivo vaiva vanhu vane zvinhu zvavo . Pamba pavo ndipo pega paiva nemagetsi raini rese . Kungovira chete panga paiti ngweee kuchena naiwo malights . Ndaimuona zvangu achidarika neparoad kugate repamba pedu ari mungoro ndikaramba ndakamuyeva ndakazonzwa mbuya vandaigara navo vachitaura navasahwira hwavo vari pamushana vagere vachiti ....
Her: Mbuya Mozi mwana uyu unoshanda chaiko asi chinondinetsa madzikoma ake vakakwirira chose ko sei vasingamutoriwo kuenda naye kumadhorobha kugara mumusha hakumufiti zvachose .
Mbuya Mozi: munototaura izvozvo chete nhaimi mbuya aGladis .aipinda chikoro naMozi zve uyu anoti akapasa zvisingaiti zvamunomuona ipapo asi mari yokuenda mberi nechikoro yobvepi . Madzikoma acho ane mari chose ko vanotadza neiwo kumuendesa ikoko kunoenda vamwe . Mari dzacho zvodzoita sedzekuromba nhaimi .
Mbuya Gee: Aaa kupikowo pamwe vanoona kuti hapana chaanoshaiwa iko anoshayei ipapa . Hantie kutonoswera kudoro kutodya mari yemadzikoma ikoko.
Zvimwe iye ndiye asingatodi kuenderera mberi nechikoro chacho kana kuenda kubasa woti vana vakazvarwa paine zvinhu vanotoita spoiled kutadza kuziva kuti zvinhu hazvisi zvako unotoda kushanda chaiko kuti uite zvako .
Mbuya Mozi: Taurai henyu mapedza ipapo .
Ndakabva ndabva pandanga ndiri ndave kupinda zvangu mumba nokuti ndanga ndatova nekaruzivo kuti pamwe kusashanda kwake kuona pfuma yaiva pamba pavo .zvokuti. dai ndaimwanisa kuwana mukana wekuti ndive in love with him ndaizomuonesawo pamwe aigona kuzopepuka ndaimuda ini Judas . Iro zita racho hameno vabereki vake vakamupa vachifungei. Ndakamubvisa mupfungwa dzangu ndave kutosudurutsa masofa ndichida kucleaner pasi pawo . Ndakaita basa rangu nenguva diki ndanga ndapedza ndave kutobika kudya kwemangwanani . Paisava nebasa rakawanda zvapo nguva zhinji ndaitoswera kumaricho zvangu kuitira kuti vana vamai vangu vabatsirike . Ndaingoti kwandanzw kumoshandirwa chero mari kana zvinhu zvakaita sesugar ndaienda kunoshandira and mbuya Gee vaindinzwisisa zvavo . Ko handiti ndinenge ndasiya ndavabikira zvese hre . Pamwe pacho ndivo vaitondinzwira kwaita maricho ndotoenda . Zuva ranhasi ndaiva ndisina zvangu kwandiri kuenda ndaida kuswera pamba ndichimbo ayina hembe dzandainge ndawacha zuro wacho.
Ndakapedza kubika tikagara pasi tave kudya ndipo patakanzwa kuti tisvikewo tese takaisa meso ikoko ndokuona ari Juliana mbuya vakamuti asvike akasvika akatikwazisa achibva ati ....
Her: Hah ndiri murimi chaiye kusvika vanhu vachidya kudai .
Mbuya: Hah unorima chitogeza maoko utouya titodya vamuka sei zvavo mai kumba uko.
Her: Hah ndichangobvawo mundiro izvozvi . Mai vanofara chose ndivo vatondituma kuna Princess uyu hanzi ndine kabasa kandinako hameno kana wakasunguka nhasi muuye mutaurirane basa racho nemuripo waro
Mbuya: Hah Pee ndiro basa rakezve anouya anotowana kubatsirika kumba kwavo . Pane zvawanga uchida kuita hre Pee pamwe ndakutungamirira mberi .
Me: Kana mbuya ndinoenda regai nditopedza kudya ipapa ndinonzwa kuti zvakamira sei .
Juliana: Ok saka pedzisa ndakakumirira tiende tese ko mbuya vanouya hre ana Gladis holiday ino.
Her: Ummm muzukuru ndinganyepa hameno ivo woti vana vevamwe vanonetsa kurongera zve ava . Pavanongouyira tototi mazvita mauya . Tinongozoona yasvika kuti vanouya hre iko iwe unenge uripo hre hantie unogona kutoenda zvako kudhorobha kumadzikoma ako .
Her: Aaa handiendi ini holiday ino ndinoda kumbozorora zvangu ndine zvakawanda zvandiri kuda kuita semunhu ari kuda kunyora ndinofana kugadzirira zvokufamba izvi hazvina zvazvinobatsira .
Mbuya: Hah imi muchafoira hre imva yenyu ndeyevanhu vanogona muchikoro . Ko sei Judah asina kuendawo kuzvikoro zvekumusoro zvinoenda vamwe .
Her: Aaa vachaenda havo pane zvaimisa . Watopedza chihande Pee .
Takabva tatooneka ndokuenda mumoyo ndaiti dai ndikawana Judah asipo ko ndaimunyara ka semunhu wandinoda . Ndakafamba ndikanzwa Pee ave kuti ....
Her: ndosiona muchitaura stereki namukoma Judah asi ndimi maiguru vangu hre .
Me: Aaa kungotaurawo nyaya naJudah dziri general kwete zvamuri kufungira izvozvo .
Her: Hoo but vanoita sevanokudai wani nguva yese ndaitoti ndimi maiguru vangu . Iko mukaita maiguru vangu pane chakaipa hre askana .
Me: Aaaa zvino ndimi mungamutaurira hre anotaura ega ka nhai veduwe . Ini ndozoona kuti zvinoita hre kana hazviiti anombozvifunga hre Judah asiya nani doro .
Her: Kumwe kunyanya kumwa kutoshaiwa munhu kuya imi mukavapo mukambo voicer kuti handisi kuda kuti umwe doro anorega achitya kurambwa .
Handina kuzopindura sezvo tanga tatosvika ndakatambirwa nemufaro mai vaindifarira zvavo ivava . Ndakanzwa voti ...
Her: worovera ipapa hre nhaiwe mwana wangu kungokuona uri kure kutadza kuuyawo kudongorera vamwe muchanzwa kuti tafa muchingori mujinga imomu musingadongoreri vamwe .
Me: hah tikatoona muchidenga tobva taziva kuti muchiri vatano ko makadiiko mhai.
Her: Tofara mwanangu wakadiiwo hako iwe ndini ndakudana ndinoda kuti unondidzvarirawo Covo nemadomasi kuma bed ari kugadzirwa naJudah kugarden uko unondoratidzwa na Juliana mari ndinokupa unondiziva wani kuti ndinobhadhara madomasi ariko panursery
Me: Pakanaka mhamha .
Takabva tatoenda naJuliana wacho ndaizviona hangu kuti mai ava vaitondudawo kuti ndiite muroora wavo . Ndakaenda kugarden kuya Juliana haana kumbonogarako akangondiratidza ndokubva aenda tikasara tiri vaviri ndikanzwa ave kuti
Judah: Princess wagona wauya ndotowana wekuita naye nyaya. Nhasi ndatadza kuenda kunana boys machembere anatsondibata nhasi
Me: Vatogonazve iwe unozonyanyawo kuti everyday kudoro zvinozonatsoitawo hre . Unombopota uchijambirawo ka nhai veduwe . Doro racho rinombonaka zvokudii zvokuti rinotomwiwa everyday .
Him: Ndoswera ndichiitei hangu machembere anobhowa kuswera nawo aya kutonoswera nemajita boe zvokuti dai zvaibvira ndaitoswera hangu newe zvino iwe unenge uri kubasa kwakowo saka zvinhu zvacho ma1 chaiwo .
Me: Aaa and doro harina kumbokufita hako .
Him: Aaa mukomana wauya ko unongonyuka semvura unenge uchimbobvepi nhai chibaba .
Anga amira zvino akaisa maoko muhomwe achitarisa kuti pane munhu waari kutaura naye akatarisa asi ini ndaisaona kana munhu kana hangu . Ndakamira ndakamutarisa ndichinatsoona kuti pamwe ndidzo mbanje dzacho dzakamubata caz akatoseka hake ndakabva ndamuti .....
Me: Nhaiwe ukumbotaura nani chaizvo nhai Judas .
Him: umm newewo Princess hauna futi meso hre ndikutaura nemface wangu uyu . Taura naye ka iwe vanofunga kuti pamwe ndave kutodhunya .
Ndakanjeva njeva mativi ese zvokwadi ndikaona kuti hapana munhu ndakabva ndamuti ....
Me: hapana munhu wandiri kuona ini hameno kuti uri kutaura nani .
Him: Aaa saka shaar iwe uri munhu hre kana uri goritoto zvaro why inini ndirini ndega ndiri kukuona whats going on .
Ndakatoona kuti pane zvaimunetsa Judah why is it aitaura nezvataisaona . I am beginning to suspect kuti pamwe mhuri yavo yakaromba sokutaurwa kwazvo . Apa waaitaura naye aimuti mface i let him be kutorova nyaya pamwe omboseka oga . Paakazotu bye ndange ndave kutodzvara madomasi akabva anditarisa akasekerera zvaibva zvamufanira nerasta raaiva naro aoa ainatsori mantainer zvakanaka ndakanzwa ave kuti.....
Him: Princess mwanasikana waMambo uri sei hako .
Me: Boe ndingaonei asi chimbondiudza Judah chii chinomboitika pauri nhai . Inini ukandiudza i will understand . Wanga uchitaura nani waunoona wega iwewe isusu tisingamuone .
Him: You will not understand but i am beggining to like his company . Pawataura iwe kuti hausi kumuona ndatombotya kuramba ndichitaura nemunhu akadaro but tati fambe fambe ndipo pandazoona kuti he needs me as much as i need him .
Me: Ari ani iyeye .
Him: Kutaura chokwadi handimuzivi but soon ndinenge ndomuziva munhu uyu ndakamuona murwizi Dewure
Me:Saka ari kuti ari kudei kwauri caz truly speaking he is not a human being . He might be a ghost caz iwewe wega ndiwe unomuona .
Him: Dont worry about that ngatitaure zvangu inini newe . Haudiwo kuita muroora wamai Josh hre Princess . Usaona zvandiri nhasi ukafunga kuti i will remain like this forever . Ndokuda hako Princess .
Yoh ndaimada chose mashoko aya kubva kwaari but akauya sechibhakera chandakatadza kuvhika kana kudzorera chandakangoita chete kumira ndakati tuzu ndapererwa nemashoko ndakazongoti.....
*Stay tuned*
❤️
🙏
👍
😂
😢
💚
🔥
162