Ancy Cays Novels
4.1K subscribers
About Ancy Cays Novels
The channel were you relax and enjoy reading novels that will insipire and teach you the aspects of life .
Similar Channels
Swipe to see more
Posts
Book rouya pane zvakabata munyori but rinouya zvaro
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Whatsapp grp* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 11* *Tariro* Ndakabva pawire pandanga ndiri ndatoona kuti haiwa mukoma ava ziso ravo ndanga ndisina kurichenesa . Ko iko kuzoramba wakandibata sekuti zvinhu kwazvo . Ndakanovanda ndanzwa kutaura ndokuona havo mbuya nechikomba chavo voenda .ndakabva ndamborega zvokuenda kumba ndikaenda kumba kwana Jamela . Ndikanoita zvokumutsvaira kusvika manatsochena zvokuti nyangwe ivo vanogutsikana Ndakasiya ndavhura mawindow kuti mweya mutsva umbopinda mumba . Ndakabva ndazoenda medu mumba maidyiwa zvinonaka mapaper azvo anga angosara ari patafura ndakasvika ndiksmhikura nyama ndikaitsarida Handina kumbofunga zvokuti vachauya kupopotera nyama yavo ndaizozviona vauya . Ndakagara pasi ndave kudzvuta huro mbiri dzejuice ndichibva ndanatsogara zvakanaka ndave kuona video riya zvakanaka ndakatanga kufunga kuti zvandaritora saka ndichariitisei ko ivo sekuru vacho havazivi hre kuti mukadzi wavo ipfambi zvayo. Ivo vanhu ivava vakambowanana sei pamwe vakawanana mubhawa ka munhu haangazochinji nekuti wamuwana hameno asi ndaiziva kuti raizondibatsira ndakasimuka ndichibva ndaenda kuroom kwangu ndichangoti gare gare Jamela akatoisa messege paapp achinditi.... Him: Zale we are back ayewa wakaita basa guru chiuya utore mari yako . Ndakasekerera zvangu ndichibva ndabuda kuenda kuseri . Ndakasvika vakagara naMike uyu wekuEconet . Ndakavamhorosa Mike akatoti ... Him: Zale wasekuru hah makanatsogadzira mumba nekuwacha zvese . Kuno mari yekuwacha i150 Rand rega ndikupe mari yacho ugondipawawo Yekucleaner nasekuru avo . Akanditambidza mari 150 sekuru Jamela vakandipawo 150 ndakafara chose ndanga ndatowana kamari kangu plus yandainge ndaitira conductor . Ndakabva ndafunga mai vangu . Ndakambogara ndichitandara nana Jamela ko ndaiziva ka kuti avo vabuda vanogona kusatodzoka . Vakatobika vakomana ndiri panze tichitandara vakatouya neplate yangu tikatanga kudya vanga vabika sadza nebeef stew . Takadya tichiita nyaya ndakazonzwa kutaura tikatarisa ndokuona vari mbuya apa vaitaura kwavasina kuswera . Her: Nhaiwe ukutora chikafu changu mumba umo uchiuya uchibika kuno uku. Me: Chikafu chenyu chipi ndatokwatawo ini . Vakandirova nembama yokuti ndakanzwa nzeve kuti wiii. Her: Uri kundidaidza hako uchiita zvisina basa chuhure chakadhakwa kudanana nevanhu vepamba haunyari wakaita sei . Jamela: Hah gulecy zvamuri kuita zviriko hre . Saka munotiudza kuti isu hatina mari yekutenga beef hre kana kuti . Mungarovera mwana zvisina basa manzwa kuti pane anodanana naye hre pano tinongomuona semuzukuru Her: Bamunini nyararai zvenyu hamumuzivi ihure iri kana musingazivi pamwe imi hamuna pfungwa iyoyo asi iye ari kuda kutoti dai mamunyenga . Mwana wemusikana asingatyi vanhurume chii chakadaro Ipapo ndipo pavanga voda kuenderera ndaiedza chose but apa pakuzonditi hure ivo varivo hure guru nxaa . Vakada futi kundipa mbama caz ndanga ndaramba ndakavatarisa ndisingadzosi ziso . Vakada kundirova imwe mbama ndikavabata ruoko vakada kurubvisa muruoko rwangu asi simba vanga vasina . Ndakaona kushamisika pachiso chavo ndakabva ndavati.... Me: Hure ramuri kuti ihure ndiani zvikanzi batai hure pakati pedu mungabata ini imi . Chii chamunoziva nekumba kwandakabva . Mave kuenderera mbuya kawanda ndichikunyararirai mozviona sokuti mune yese . I can take everything from you but definatly not insults . Her: Heee heee honaiwo veduwe kurera imbwa nomukaka mangwana inofuma yokuruma ndakambozvitaura izvi . Manje mumba mangu munogara mukadzi 1 kwete vaviri wotoona kwaunoenda kwete mumba mangu Me: Pano pamba pasekuru vangu zvokutondibvisa pano mototsvaga iri crane chaiyo caz imi mungatobva pano ini ndichisara Vana Sekuru Jamela vaindipa sign yekuti ndinyarare asi ini ndaisatoda zvese izvozvo . Her: Manje tiri kuda kuzviona izvozvo nhasi chaiye ukubuda mumba mangu. Me: Yah ndinobuda zvetemprary asi imi muchamubuda for good musati meso aya mabutton nhasi manga muchiitei mumba umu i am ten steps ahead of you kusakwana . Havana zvavakataura vakabva vanyarara ndokuenda mumba ndokusara ndichipedzisa sadza rangu zvangu ndakanzwa Jamela akuti.... Him: Apa wamhanya zale apa zvino ukadzingwa pano unoenda kupi. Even kana dai wanga une zvaunoziva waifana kungonyarara wozoudza sekuru zvaorera. Me: Asi kuti ndingoitwa punching bag hre its not the first time ka vachindirova ava ndichinyarara inini sekuru vakandiudza kuti usaitiswe navo . Ndaivarecorder pavaitaura zvakawanda ava . Ndaisada kuparadza wanano yavo ini asi vari kundipusher . Mike: Yah waifana kungonyarara Tary zviriko hantie ukuda kuenda kuchikoro taitotaura nasekuru vako paapp tanga tatobudirira kuti uyende kunogara kwako iwe wave kutodai vari kuuya manje manje sekuru vako iwewe usataura . Ndakangoti boe ndichibva ndatooneka kuenda ikoko ndakanzwa Jemela ave kuti... Him: Kana ukadzingwa udzoke urare kuno unogara kusvika sekuru vauya vari kutouya manje manje . Me: Ehoi Ndakabva ndafamba ndaiti ka ndichawana bag rangu riri panze asi kana ndakamira padoor ndikanzwa vachitaura pafoni munhu aitaura ndaisanzwa kuti aiti kudii asi ivo ndakanzwa vachiti.... 📱 ehe zvako can you imagine asi i suspect anenge akatoona ndina Made caz maguts ake ka anogona kundiputsira imba yangu . Vakambonyrara maybe vaiteerera ndakazonzwa vave kuti.... 📱hah ndichambozama asi ini zvokunyengerera munhu handizvigoni hangu . Regai ndinzwe kuti pane chaaona hre ndimbonyengerera inini sekuru vake vakauya vachamutsvagira zvavo pekugara . If you see zvaanga averi unogona kutongorohwa ka . Vakabva vanyarara ndokunyararisa ndikatoona kuti vanenge vabva pacall ndakabva ndambomira ndokuzopinda mukati ndakaona vakagara ndakada kudarikira kuroom kwangu vakabva vatonditi ..... Her: Tariro imbouya ugare apa . Ndakabva ndaenda kunogaara zvangu asi ndakazviudza kuti i have to becarefull . Vakabva vati.... Her: ko paya wanga uchiti kudii nhai Tary Me: Papi pacho Her: Ipo pawanga uchiti hure ndini.... Me: Mashoko ematukano imi manga muchimboti ini ndini hure kumusha ndakabva nenyaya dzechihurr manga muchizviwanepi . Ndakavatarisa ndikaona vakanyarara ndichibva ndati . Me: You see mataura kwamusina kuswera same applies neni . Manga muchipopotera nyama musina kutanga matoona kuti mumba menyu zvinhu zvese zvirimo . Her: mzaya kwandabva uko pane changondivhiringa i am sorry i transfered my anger on you Me: Its ok. Her: Zvino waguta hre ubike udye one more thing usafarira kudya kumaraini . Vane makuhwa vakomana ava vanozouya voudza sekuru vako nepasipo zvoita as if ndinokunyima chikafu. Me: Its ok ndizvo zvamaifana kungotaura izvozvo pane kutaura kwamusina kuswera. Ini ndakaguta asi kana imi mune nzara ndikubikirei . Her: Ayewa ndakaguta . Ndakabva ndasimuka ndokuenda muroom mangu ndikaenda ndikatanga kuayina uniform yangu ndikarongedza mari yangu ndikazviudza kuti mangwana ndaizoenda kueccocash ndaida kunotumira chero ndikavatumira $40 vaimboita zvimwewo nayo . Ndakanzwa phone yangu kuringer ndakatarisa ndikaona dziri number dzamai Attah ndakadaira vachibva vacutter ndakazivs kuti kubhipa uku . Ndakabva ndatenga maminutes kuti ndimbovafonera pamwe pane zvavaitoda zviri serious . Ndakabva ndafona vakadaira .... 📱 Hello 📱 Hello handiti ndiTariro hre . 📱 Ehe ndini ko makadiiko . 📱 Tofara unofara hre tichatiiko mai vako varohwa naMachuma vese nababa vako vakadonhedzwa zino repahuma apa . 📱 Whaaat ko vangq vachiroverwei hanzi zvaita sei naivo baba vacho nemukadzi wavo . 📱 Hanzi vanga varamba kubereka gubhu kufirita ndizvo zvavakaroverwa . 📱 hah its ok maita basa Ndakabva ndacutter ndaiita kuvira nehasha . Kungoti mangwana iSvondo dai changa chiri Chishanu ndaikwira ndikaenda ikoko nazvino handichatotumiri mari ndichatoihafura ndichitora yekuenda kumusha ikoko nekudzoka ndoenda Chishanu ndodzoka Sunday vakajaidzwa vakajaira . Ndakaenda paapp uyu Irvine aitaura achifara chose kuti musikana wake ave munhu kwaye . Aitoti mangwana ndiuye kumba kwake masikati audze kuti taingo acter . Ndikati boe moyo waitofara kuti mari yapinda contract yanga yapera and ndakambo benefiter . Ndakabva ndarara zvangu ndikamuka kuseni ndichiita basa ivo mbuya vakabuda vapfeka hembe dzakatotsiga ndikanzwa vachiti vari kuenda kuChurch ndakaziva kuti inhema idzi ndichibva ndavati.... Me: Ko hamuna kundiudza wani ingadai ndatogadzira ndatoendawo nemi kuchurch . Her: Aaa handina kuziva kuti unoda kuenda tozoenda tese next Sunday . Ndakangobvumira zvangu chipurse chavo chikadonha mukabuda macondom vakamhanyira kuanhonga vachidzosera muksti ndikaita sendisina kuona zvangu hameno ichurch rudzii yave kushumirwa vanhu vane maputiro . Vakabva vaenda zvavo ndikasara ndega paziimba rese ndakaita zvokuverenga Irvine akandifonera masikati achiti ndichiendako ndakaenda ndikatopinda mumba macho ummm kune vanhurume vakarongeka chaiko . Ndakagara akandivigita 400 Rands akandipa akabva ati HIm: Ishoma hre . Me : aaa shoma iri usatamba nokuzvipa jambwa rekunzi ndodanana newe Him: (Achiseka) hah ijambwa kudanana neni manje hauna mumuromo iwe . Me: Haiwa wedzera shaar mashoko angu ainyautsamuromo ndaitombokuona uchisekerera iwe . Mashoko ese andaituka musikana wako haiwa wedzerai tione . Akaseka zvake achibva anotora 100 Rand akauya akandipa achiseka ndipo pakabva papinda musikana wake akangosinama kumeso achibva ati.... *Stay tuned*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Grp link* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 14* *Tariro* Her; Who is this thing . Me: (ndichiseka) Thing ndiwe musikana anyway handina kumbobvira ndadanana nemunhu wako shaar but waive nehunhu hwakafumuka iwewe musikana akakura kudai aitadza kubika aaa Irvine: Tary watanga shaar its ok bby uyu anonzi Tariri mzaya wefriend yangu . Zvese zvataiita kwaiva acter hatidanani asi kuti ndaida uchinje hunhu shaar caz inini ndaisada musalad but an African woman . Her: Hiii musadaro vasikana asi makambondinzwisa mudumbu askana . And uri mufree spirit zvako . Me: Yah atleast makachinja hunhu sisto . Regai ndiende zvangu batisisa chibaba chenyu ichi chinoenda nokuda kweusimbe chete . Regai ndiende veduwe ndozokuonai . Vakabvumira vachiseka vese ndakatyorera mari yangu musamba ndokuenda kumba ndakasvika ndichimirira vaya vekuchurch vadzoke . Ndakafana kubika pandakapedza kubika ndakamboita zvechikoro ndakabuda ndikanowana vakagara pasofa ndakabva ndanzwa munhuwi uri funy funy so ndakabva ndavaudza kuti endai munogeza caz ummm vasipo munhuwi iwoyo panga pasina . Vakabva vaenda ndikasara ndichitevera kuroom kwavo ndaida ndabika usavi 2 ndaida kubvunza kuti ndovapakurira chii chacho ndipo pandakanzwa vachitaura pafoni nyaya yavaitaura yakandipedza vaitaura zvokutoti vaisire umwe munhu drug ndakangonyumwa matauriro acho vachiti haatodi akaoma musoro . Ndakazvibvisa mumusoro ndichibva ndatorega kunovadana ndakangonopakura vakazouya kudya . Takadya tichiita nyaya vaitomboitawo munhu kwaye sometimes nhai . The following day ndakamuka kugadzira kuenda kuchikoro ndave kubuda ndakanzwa ndadanwa ndichibva ndapihwa mari Ndakabvunza kuti ndeyei zvikanzi ndeyekudya . Ndakavatarisa ruviri ummm zviriko hre izvozvo munhu wandinoziva chaiko ongondipa mari pakashata . Ndakatambira ndikaenda nayo kuchikoro ndakasvika handina kumboiishandisa mari yacho ndakatozviudza kuti ndaizoiisa pamari yandaizoenda nayo kumusha kudzosera marasha kuHwange ndanga ndisingadzoseri zvangu ipapo ndanga ndisingaiti . Ndakagara ndikaona vachiglower sisi vachipinda apa achisekerera zvake ndakanzwa akuti.... Her: Waaal Tary wakarukwa zvakanaka wena wakarukwa kupi nhaiwe Me: Ndakarukwa zvangu kumba ikoko uri sei hako yanga iri sei weekend yako . Her: hah shaar ndaikuudza kuti dai wakauya kumba caz weekend yanga ichinakidza iyoyo nambuya . Me: Chirega kudaro ndichazovaona zvangu rimwe day . Her: Unongouya kumba this weekend vanenge varipo neMugovera . Me: Its unfortunate this weekend ndikuenda kumusha neFriday chaiyo ndichatonzvenga palunch ndigoenda kumba . Her ; ok pari boe . Taswera boe tichidzidza zvedu ndokuzoenda kumba ndakasvika kumba ndiine mufaro wakanyanyisa ndikanochinja ndakasiya ndarecorder phone yangu ndokuiisa padhuze navo mbuya pacouch ravanga vakagara ndakaipfinyira mukati mbichana . Ndakavhara nemucheka ndikanochinja i habe to do that caz mbuya minyati yavo ndanga ndisingachainzwisisi . Paya vaida kumbondipa mari yanga yabva zvikomba kuti ndibvume . Ko now vave kungondipa mari sei . Plus kutochinja kwavanga vaita kwakaita ndisare ndiine mubvunzo . Ndakaenda kunochinja ndikavanzwa vachitaura pafoni ndiri ikoko . Ndapedza kuchinja ndakabuda neuniform yangu ndichida kunowacha ndakabva ndakaiisa muchibucket vanga vaenda kubedroom kwavo ndakanotora phone yangu ndokuenda kusink ndakanosvika ndikambogara pasi ndave kuteerera audio iya apa munhu wavaitaura naye ainzwika caz yanga iri paloud . Ndakapererwa zino irema chaiko regai zvinzi Judas akatengesa Jesu netsvodi chaiyo . Ndakati regai titambe tione game yacho apa voice remunhu wacho raitove voice remunhu akura . Ndaida kuvaratidza kuti neni nditori Mambokadzi wemadrama acho ndakati regai chitatu chazvoni chisvike . Ndakazviudza kuti handitodyi anything kana kunwa anything chinenge chichibva kuna mbuya ava . Ndaifana kuronga tsoro dzangu chinyararire . Ndakawacha uniform yangu ndokuyanika ndikabva ndokuenda mumba . Ndakanoita zino irema neniwo asi mumoyo ndichizviudza kuti mbuya imi muri dhiabhurosi nyoka chaiyo . Ndivo vanhu vaiurawa muhondo ava . Ndakabika kusvika ndapedza ndirimo ndikadya zvese . Ndakazviudza kuti Jah akaimba akati ita kuti ndione mhandu dzisati dzanditangira . Ndiyo situation yandanga ndava nayo ndaisada kutandara day iri asi ndakazonzwa ndobvunziwa zvekare zvekunditsvagira varume . Ndakavaudza zvinoenderana navo ndichibva ndanyarara zvangu . Ndokuenda kunorara ndakamuka chipiri kuchikoro . Sekuru ndakambotaura navo paapp vachitonditi phone wakaiwanepi hameno vanga vaona sei kuti ndiri paapp . Ndakangovati shamwari yangu yakafana kundipa kuti ndishandise vakabvuma . Vakandibvunza zvakawanda pamusoro pekuti wakagara sei ndaingovati taizotaura vauya . Vakangopedzisira vanditi be strong ndava pedo kuuya ndozvigadzirisa hameno vaizvigadzirisa how chandaingoda kuti zvinhu zvangu zvinake chete . Ndakabva kuchikoro ndakatodhinhiwa zvangu handina kuwacha zuva iri ndaingoita basa rangu chinyararire nyangwe ivo mbuya handina kutaura navo . The following da was the D day ndakakurimidza kubva kuchikoro nokuti ndaida kuona yess inotambika . Vakareceiver call yavo vakadaira ndikaona vabuda panze ndakabodongorera ndikaona pane mota vakaenda pane murume iyeye vakapihwa paperbag ndokupinda naro mumba vakadungamidzana ini ndanga ndaenda kunogara mukitchen vakauya mbuya vaine mufaro vakanditi..... Her: Huya uone sekuru hanzvadzi yangu . Me: Ok mbuya regai ndiuye ndione . Ndakabuda ndakadungamidzana navo ndikasvika ndichibva ndanogara murume wacho akatisekererawo wena pakaitwa maintroduction. Ndakavakwazisa ndikadzokera kukitchen ndakasiya ndabairira phone yangu paTV stand uchitora video ivo havana chavakaona nokuti vanga vari busy kufarirana . Ndakaenda mukitchen vaifara kai vasingagoni kugarisika vakabva vauya kukitchen ndokutora mawine glass 3 ndikanzwa vachiti.... Her; Ko nhasi uri low low chii nhai mzaya asi vaenzi pamba pasekuru vako hre . Me: Far from that ndikungonzwa usimbe zvangu ipapa ndikungotenderera hamubvunzi kuti unobika nei manheru ipapa . Her: Uchabika hako time dzichipo zvapo . Vakabva vabuda vakanoita nyaaa ndikanzwa ndosheedzwa ndikasvika ndichitora phone yangu ndokunogarawo imomo ndikaona pane mawine glass 3 rimwe rakatoiswa kuside kwangu . Ndakatanga ndasaver video riya mbuya vave kuda kutaura ndakabva ndatoti.... Me: Let me go and easy myself ndodzoka ndakabva ndaenda mutoilet ndikanotanga kuvhura video riya ndikaona kuti vanhu ava vanotozivana . Zvichida ndiye murume wacho wekuda kurara neni. Ndakaona vachiisa something chavakagura mudrink rangu vakakurunga ndaifana kufunga very fast kuti ndoita sei kuti vana bomba avo vamwe vari ivo ndanga ndaona pavanga vaisa piritsi ravo . Ndakabuda mutoilet ndichibva ndaenda kukitchen ndikatora soda ndokuisa mumvura ndichibva ndaenda nemix iya ndakasvika ndikabva ndasekererawo ndichivati.... Me: ndauya nemvura iyi ndichiti mumbomwa sevanhu vabva kudya zvine salt . Mbuya: Dirira sekuru vamwe ndivo vanga vachiti vane nyota tigomwa hedu majuice edu hope unofarira juice iyi. Me: Yah juice ndokumwa kwangu manje riya ramakasiya mumba umu ndakatombori poacher zvangu. Vakasekerera mbuya ndainatsoona kuti hakusi kufarira kuti ndomwa juice asi kuti kufarira kuti ndiri kuzoitiswa nezimunhu ravo iri . Ndakavaisira mvura vakamwa asi vaingoti inoshanda . Mbuya vakairamba . Umwe neumwe aichengeta juice rake ndakatora rangu ndokuisa pedo neni ndikatanga kutaurisa ndipo pandakanzwa uya murume obudisa mweya takamutarisa tese akanyara ndokuti.... Him: Can i use your toilet it seems like my stomarch is anching Mbuya: Enda navo unovaratidza Tary . Me: Hakuna tissue uko dai matovaendesa kwenyu hantie ndisekuru hre . Kana kuenda kunotora tissue racho mondovagamuchidza kutoilet kwangu uko . Her: Ok saka rega ndiende navo uko ko waindiudza ka kuti hausisina tissue . Vakasimuka ndokuenda navo ndakasara ndikachinja drink rangu nerambuya rasekuru vaya ndakatora pill ranga raiswa pasi pecushion ndichibva ndarifufunura ndokuisa mudrink muya ndikakurungawo vakadzoka vese ndave kutomwa juice vakasekerera vakatarisana vachitsonyana vakauua vakamwa ravowo vese ndaida kuona zvichaitika kana varivo vairara vaizorara ivo nxaaa. Ndakaona vasisina kugarisika . Ndakabva ndasimukapo ndokuenda kukitchen ndokubatidza phone yangu ndaida kuvatora video ndakaona aikana ko vanhu vave ku ...... door richivhurwa main door ndokuona .... *Stay tuned* *The drama is about to begin saka usasare handei kusub group tinozvionera pachedu* Nzira dzokubhadhara book hedzinoi Zim side $2 eccocash $2,10 innbucks $2 buddie airtime scratch card 100 zig eccocash 120 zig airtime . *Unosarudza nzira dzakanyoreka dzekubhadhara nadzo* mouya neproof of payment pa0778863031 ndipo pamunoisa zvekare eccocash dzenyu. SA side Ott voucher 30 Rand Blu voucher30 Rand One for you voucher 30 Rand Easy load airtime 30 Rand *Mouyisa maslip acho pa0778863031 izim line* *Please note this is the last free chapter* *Mhanya kusub group ubatane nevamwe usasara* *Book redu richange rouya neboom reader guys* *Ancy loves you all* 💋💋💋💋
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Whatsapp grp* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *CHAPTER 12* *Maggie* Me: Saka muri kusekei nhai askana ndiri kutoti ndapinda mumasmart zhet zvagara small house ndiyo inopihwa attention yese . Plus mbuya yaMude iya isingagoni kana nekusimudza gumbo chairo nokusimbisa anenge angova wangu ndichiitirwa zvandinoda mari uchingouya zvangu . Maka : Muudze shaar anofunga tingamuitira tsere usaramba murume wako nokuda chihure . Mude ndizvo zvaari kana anakirwa nechinhu anodhomoka zvinhu zvaasingagoni kuita . Akararura uya Theresa apa aramba murume achimuda sei akazodemba ave kusasaradzwa zvino naMude ikozvino angova pfambi zvayo sesu vana Maka Dzimba idzi taitodzidawo mwana wamai vangu asi takadzikonewa ndizvo zvandaikuudza kuti ingomuitirawo mwana kwete kuzoita sokuti hauzvari ungati jadel plus loop . Chihure chinonakidza ichi asi une imba yako ichengetedza kwete kuzoda kuita sesu . Zvasisi vangu vaitopenga haiwa haana kumbo complainer Abiner wacho ivo vave kuda kutoita mutsvene . Yes zvaMude ndaizvinzwa semunhu ari agara mufield vanogona vakatoonera zvinhu izvi kare . Me:Its ok askana ko iyi yemuzukuru wangu ari kumba ndorega hre mari ichienda ichichema its like Mude anotomuda zvokudaro . Zvokuti ndogona kutodyawo . Maka: Hah ipapo unogona kutodya unogona kutokwidza mari and anotoibvisa caz ari desperate to taste her . Me: Yah hamurevi nhema saka nhasi tiri kuita seiko muri kupindana nedzipi handisi kudzokera kumha Maka: Kumba unodzokera waakufana kuita uchiziva kuti nguva dzafamba murume wako anogona kuuya any day . Vairevesa havo sisi Maka ndaifana kudzokera handidi kuzochema . Iko kangoma kanav koririsa kanenge koda kuparuka . Ndakageza ndakambogara tichiita nyaya ivo vanga voda ndipo pandakabuda nguva dzatopera pera . Ndakasvika mumba door risina kukiiwa asi rakavharwa . Ndakatombofunga kuti Tary haana kuzodzoka kwaanga ayenda kunorukwa hre Ndakatarisa muroom make aisavamo . Ndakapota kuseri ndichibva ndanomuona shasha ichitodya sadza ndakabhowekana nhai munhu haaoneri mari takarasima nana Jamela . Apa ndaisads vawirirane caz Jamela nahubby vaiwirirana zvokutodaro aivaona aitoti mukoma nemunin'ina . Ini chaiye ndakazozviziva manje kuti havana kana ukama . Ndakataura zvandinoda zvangu ko huzivei kuti ndadenha mago . Ndakamaudzwa makobvu nematete ko iko kuzoita seeds kundirova regai zvinzi dont judge a book by its cover ndaimuona semunhu akapusa wandaifunga kuti ndinoita yese yese asi apa anga andiratidza kuti anogona kundirova . Ndakazviudza kuti panouya Abiner ndinoda kumudzingisa ndamupina zvangu ndomuudza kuti mzaya wako ngaabve pano hah unondiudza nhema . Masikati anga asipo and inini naMude tabva 4 isati yakwana saka zvaanotaura sokuti anga aripo wani . Zvakandinetsa ndakabva ndanofonera ana Maka ndichivaudza ndikanzwa vave kuti ..... 📱 Ndakagara ndazvireva kuti hama yomurume haisi yokugara nayo . Itomunyengerera uone kuti pane zvaanoziva hre kana pasina wongwarira mamovements ako usaite kuti akufungire . 📱 Kumunyengerera seiko sisi ini zvagara zvokunyengerera munhu handizvigoni ini . Asi ndichaedza Takataura zvimwe akabva apinda haiwa hwaiva utsi zvago hapana zvaiziikanwa . Hana yangu yanga yatorova ka ndichiti pamwe kuda . Asi kakunditya kaaiva nako pakutanga anga asisina . Akati haadi kubika ini ndanga ndakatozvigutira saka ndakabva ndatoenda kunorara . Ndakatanga kufunga kuti izvozvi ana Maka vari kufara uko noone will monitor her movements ini ndakagara all in the name of marriage . Mai vaitoita kupembera chaiko vachiti vane mukuwasha wavo pega pega pavaifona vaitokuudza kuti chengetedza imba yako mwanangu urege kuita hunhu hwaMaka . Vaiudza zvavo chigutsa mai vangu . Ndakarara zvokutobiwa nehope ndakabva ndaisirwa call naMude achiti tisangane kuhotel the following day . Ndakazviudza kuti ndaizobuda ndichiti ndiri kuenda kuchurch . Aisambofungira chinhu ndakarara hope ndokumuka late ndikatobuda ndatogadzirira ndipo podonhawo handbag yangu macondom achibuda kuda kundinyadzisa . Ndakabva ndabuda lucky iye haana kuzviona . Ndakaenda kuhotel yatanga tareva ndokunofona ndasvika akanondiudza hotel room yaaiva ndakabva ndafamba ndichienda ikoko . Ndakanosvika muroom macho ndakamuwana akamira hameno zvaaifunga ndakasvika ndikagara pabed ndakamutarisa achibva ati .... Him: Unofara hre Maggie . Me: Ndiri boe ini ko zvamunenge muri low low is everything ok . Him: Yah its ok ndakudanira nyaya yamzaya wako uya wakazoti kudii hauna kuzombotaura chinhu . Ari kuti kudii ndiri kuda kunzwa kuti wakazomuconvincer hre nhaiwe kana wave kutoita zvako godo . Me: Hah kana hantie zvinhu zvine mari mukati hazvo caz kurisker chaiko . Kutaura naye kunenge kuchida mari yekuti agone kudyira . Ko ihovezve inotonyengedzwa nemasese . Him: Money is not an issue here but i am running out of time chete . Mari ndokupa but ndiri kutofana kurara naye paweekend nomatter what . Ndichakubvunza neChitatu kuti wava papi kana zvaramba toita zvedrug kutomukotsirisa paanozomuka anomuka ndatomora kare ndaenda . Me: Good idea ko dai tangoita ka izvozvo zvacho nhai . Him: Hah tinozviita kana zvekutaura naye zvaramba . Anogona achitodawo ko vana vemazuvaano vakaonav bag vanoita yese yese rega timbomuredza nemari tione . Ndakabvumira zvaaireva asi ini ndanga ndotoda mari yemuwando kamwe . Aipakaura chete Tariro for insulting me aizorarwa nedhara iri and ndaitozomuti aite zvakadaro zvokuti ana Mude ava pavakafamba pawanda pamwe aitove murwere zvake . Takamboisa yaTary paside ndokumboita dzimwe nyaya ndainge ndatobva ndagadzirira ndichifunga kuti zvimwe ndinondozhakwa ndiyo but day iri haana akatondipa mari yokuti ndinonyengerera Tary yaiva 100 mari . Ndakatombobatwa negodo kuti ko sei ave kuita sekuti ave more intrested naTariro than inini. Apa munhu wacho aisamuziva ndakasvika pakuparadzana naye pasina zvataita tichitoronga zvokuita ndakada kuti ndiende kumba asi ndakanzwa kuti kana ndanga ndisingachagoni zvokupedzs zuva rese ndisina kumbopihwa rudo ini . Ndakadarika nemuzvi corner ndikatowana client ndakabvak9 ndave kunzwa kuti zvangu zvaita ndichienda kumba ndakasvika ndichibva ndagara zvangu ndichiona TV semunhu anga aneta akauya iye Tary achibva atanga kufunidza funidza ndokuzonditi ... Her: Ko chii chiri kunhuwa kunomu mageza hre mbuya. Me: Ndanga ndageza nguvau nhau Tary ini ndichangosvika pamwe iziya zvaro ko kwanga kuchinakidza zvako kuchurch. Her: Ok chiendai munogeza mugouya todya Ndakabvumira ndichienda kunogeza ndichizviudza kuti ndinayo size yako inokwana . Regai amboita hake minana yake yaari kuita kuda kundiudza kuti ndikunhuwa . Ndakaenda kunogeza ndichibva ndazodzoka ndokupakurirwa sadza tikadya makuseni ndakamuka ndikataimira Tary ndakagara pasofa akauya akuda kuenda kuchikoro ndokubva ndamugamuchidza $10 Akanditarisa ndokuti..... Her: Ndeyei . Me: Kuti undodya kuchikoro ka Her: Oh ok thank you mbuya . Akatambira ndokuenda ndakasara ndikazviudza kuti uchaifira zvako mari iyoyo . Akaenda ndaingosara ndakazvigarira zvangu ko basa rese anenge aitazve . Ndakaswera ndiri pamba day iri akadzoka Tariro akauya akachinja ndaishaya kuti hembe dzeclass kudaro akadziwanepi akauya pandanga ndiri ndikabva ndamuti..... Me: Ko hembe dzeclass idzi ukudziwana kupi imbondiudza Tariro unoita nezvei . Her: kuita nezvei kwekuita sei ihembe dzangu idzi asi munoti kumusha hakupfekewi izvi hre . Me: Hoo ndanga ndichiti pamwe kuda wakazviwana muno caz ukutochena kudarika vamwe vasikana vemuno . Ok saka wakazoramba offer iya unondiudza kutu uchiri virgin hre zvokuti ungatotya munongoshandisa protection. Her: Mbuya imi munondityisa chaiko munoziva vamwe vana mbuya vanotoparidzira vazukuru vavo hunhu chaiho asi imi munotonditsvagira varume . Zvimwe itai muchiti munotamba chokwadi kutomisa netsinga dzekuyekera dzese muchinditsvagira murume munoda Jesu askana Akabva ayenda ndakangofinyama ndikabva ndatosara ndichifonera Mude ndichimuudza kuti munhu ari kuoma musoro iye akanditi hazvinetsi tichangoita zvedrug ndikati patsvene . Kutoti ndimupe drug racho agomuita ndaitoda mari . Chemahara mushana ndakagara ndave kuita akafona Mude ndikadaira akati achandipa drug neChitatu manheru tozviita ipapo abva kuchikoro ndikati boe ndakafara kuti Chitatu chacho ndinenge ndiri mumari. Days passed kusvika Chitatu chacho chandaifana kunopihwa drug riya . Akabva atoti aizouya once kuma 6pm aizotuma munhu nedrug racho. Akandiudza mainstruction ndaifana kungoisa mudrink juice obva amwa zvinhu zvese zvinenge zvatove bhoo . Ndakagara zvangu ndichimuona achinaira abva kuchikoro ndikati manje manje ndikukubatai ndanga ndangomirira kuuya kwemunhu wacho . Chandakanzwisisa ndechekuti drug racho rinorarisa . Munhu wacho akasvika nemota yake anga atumwa ndakabuda panze ndikanzwa achiti... *Stay tuned*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Grp link* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *CHAPTER 13* *Mai Tary* Upenyu hauna kumbobvira wati tasa kwandiri ndakaroorwa nabamukuru mushure mekunge tete mbereko yaramba . Vakauya vakachemera baba vangu nokuti murume anga oda kuvasiya . Ndakamanikidzwa vatoronga natete vakaronga dhiri ravo nemurume wavo vandidaba kumba kwabo he raped me ndokugara kwandakaita ikoko . Apa ndaiva nemukomana wangu aida kundiroora aishanda kuZESA . Vasikana kwaiva kusekerera zvako kunze but pamoyo ndaiva bundu . Akarwadziwa asi panga pasina zvekuita nokuti ndanga ndatobatira mimba yaTary . Ndakagara zvangu mazuva ekutanga zvaiva nane baba vangu vachiri vapenyu . Murume aindida chosr zvokuti attention zhinji yanga yave kuunzwa kwandiri zvinova zvairwadza tete vangu ndipo pakangodonha baba vangu vachipfirira pamba pevamwe mai ndokutofa ndanga ndava naTino ndine pamuviri paTatenda . Ndakarwadziwa asi zvinhu zvakangoti shandu tabva kunhamo yababa . Tete vakatanga kuchinja vanga vave kuchiratidza macolour avo chaiwo . Ndinoona kuti baba Tary vanenge vanga vatodyiswa chaiko nokuti kubasa vanga vasingachaendi vave kungoswera vachiteverana natete . Basa rikasvika pakupera tikatanga kuita zvokurima . Ndanga ndatova more of mushandi kudarika mukadzi . Uku mari yacho yataiwana tatengesa zvinhu ndaisaiwana kana kupihwa . Ndakapedzisira ndatoona kuti kugarira maoko ndichiti ndinotarisa baba ava kwaiva kupedza nguva . Hama dzavo hanzvadzi dzavo vaingotaura kuti tete vako vakadyisa murume ko ndaigotii zvangu . Tary anga akura zvokuti kumaricho taienda tese and chandakafarira mwana wangu aishanda aiyemurwa nevanhu vakawanda . Vamwe vana mai vasinganyari vaitonditi vanoda kuti aite muroora wavo . Izvo ndizvo zvandairamba nokuti zvokurongerana izvo zvakaita kuti ndive pandiri zvino ndichigara ndichichema ndave kunze kune vamwe ndonyepedzera kufara . Ndaida kuti mwana wangu aite choice yake iye pachake awane mufaro wake . Apa zvinoita Mwari vanw vangu vaidambura chikoro kwete zvekuseka . Akaenda kuchikoro kusvika form 4 akaipasa zvinoyevedza ipapowo vaibvisa school fees tete . Apasa kudaro tete i am sure tete vakarwadziwa vatoona kuti mwana wangu anogona kupasa akatoita zviri nane plus hantie anga akura aiona kuti vaiti bata rough and Tary aiva nepamuromo chaipo zvaipedzerana zvokuti vanga vatomumaka mwana wangu ndaitomutyira kuti vanogona kumuita zvimwe ko ndaisavachenesa ka tete vangu . Asi iye aigonzwa hre Tary wacho aitogona kudenha iye zvawaitoona kuti apa ndiye adenha Ndakaona rimwe day vauya vachibva vati... Her: mai Tary ikozvino mari yokuti Tary achienderera mberi nechikoro hapana tombopinza vakomana ava . Plus munhu haasi wekutuka ruoko rwunokupa sadza haana pamuromo mwana wako haateereri anorwadziwa nesimba rake saka achadya izvozvo.. Ndakanyarara zvangu vakaenda zvakandibaya pamoyo cotton iyoyo yavairima tichishandamo Tary ndiye wainzwa nekubereka gubhu achifirita . Nekupasa kwaanga aita kuti ndingotarisa mwana zvaisaita . Apa inu kuti nditi ndinoita maricho ndikakwanisa fees yake kwaiva kunyepa nhema chaiko . Nokuti chikafu ndaitorikichira chaiko taigona kutorima muriwo chaiyo mugarden muriwo uya unenge watova wavo wave kutounyimwa ndikapedzisira ndarega . Ndakapedzisira ndataura nehanzvadzi yangu Abiner kuti apinzewo mwana wangu chikoro. Haana kuramba akatoti ayozouya uya achimutora Asi dzaiva shungu zvadzo ndainatsoziva kuti mukadzi waAbiner anotsvinya hameno kana vaizondogarisana naTary . Ndakamboedzawo kumuudza kuti azive nhamo yake pamwe zvainoshanda . Akaenda Tary ivo vaifunga kuti zvimwe ayenda kubasa . Ipapo ndipo pamwe pandakazviparira caz vakaita kuuya kumba kwangu vakasvika vakamira ndokuti.... Her; Nhaiwe mai Tary waendesa Tary iwe uchinatsokuziva kuti ndiye anobereka gubhu ndiye anosakura saka unoti zvese izvozvo zvichaitwa nahi.. Me: hezvo nhai tete saka orega kuzvishandira zvese zvaanoda munomupa hre . Pano ndinotambura anotondibetserazve zvino mwana ungagarira zvokurima hre .dai anga ane chaanowana aigara zvino hapana saka ogarirei . Her: Ok manje ndiwe uchaita zvese izvozvo ndinoda kukuratidza kuti ini ndiri Machuma chaiye . Aslong mari ichitombobuda kuendesa vana vako ava chikoro unofana kutoishandira nxaa ingadai ndichingozvidyira mari dzangu. Handina kuvapindura ndakanyarara vakaenda ndakanzwa maungira evoice raTary achinditi mhamha musangoitiswawo imi . Ndakabva ndanyarara zvangu vaizoona side rangu rimwe . Kunyangwe mai vangu vaitonditi chipfuwo changu ichi rambawo kuitiswa zvimwe . Ndakasara zvangu nevana vangu ndakafunga kuti nhamo ingandipurura ndikaita i zvokutamba saka ndakaenda kumba kwedu ndikasvika ndikabva ndati kuna mai.... Her: mhai ndauya kuti ndikumbire kurima miriwo yangu kuno ndigone kutengesa ndochengete mhuri uko ndikarima vanenge voti ndezvavo vave kutotengesa ivo . Her: Zvakaoma huya urime garden rakazara apa rakanyorova futi . Asi vatete vasadaro chaiko kana zvarema haudzoki hak9 ukagara pano ukavasiya nemurume wavo Me: Ko vana vangu mhai regai ndishinge vachitomboendeswa kuchikoro Tary vakatoramba kumupinza . Her: Hezvo saka angori kumba hre . Me: Ndakatotaura namukoma Abiner ndivo vakaenda naye kuti andopindira kudhorobha uko achigara nemukadzi wavo . Her: : Ummm nekutsvinya kune mukadzi uya anongofinyama finyama vanondogarisana hre naTary . Me: Hameno mhai akangoziva nhamo yake anondogara Takataura nyaya ndikatosiya ndasima covo yangu ndokunesera rape nesweetcabbage nemadomasi ndichibva ndaenda kumba kwangu ndakatosvika vanhu vave mumunheu ndikangotora badza rangu ndokutevera vakati vatanga tete . Her; Imi mai Tary mave kungoita zvokufamba pano musingarimi munoti basa roitwa nani . Handina kutaura ndakaramba ndichisakura apa baba Tary vanga varipo vachisakura vakatonyarara zvavo. Vakapopota handina kuvadzaidza ndakazonzwa kuti goo musaba nemupini webadza ndakanatsorwadziwa . Her: Saka ndikutaura ndega hre iwe hausi kunzwa zvandiri kutaura hre . Me: Muri kuda kuti nditi kudiiko nhai tete inga ndiri kusakura wani pane ndima ipiko yamaita ingatonzi wanonoka kuuya kumunda . Vakaridza kamhere hanzi ukundidaidza asi ndivo vanga vachiti ndiri kutaura ndega hre unoshaya kuti munhu akadai womuita sei chaiko. Vakada kuuya kundingonda nebadza zvekare ndipo pavakabva ndavabata ndichivapa chibhakera hezvo ndainyarara zvangu vachindituka kwete kuzoda kundirova sokuti ndava mwana mudiki . Takarovana ndakazonzwa chibhakera chandakarohwa pahuma apa ndokuona vari baba Tary ndakanatsonzwa kuti pano ndapfira zino . Ndakarwadziwa kuda kundikomberana hre . Ndanga ndadhinhiwa ndakatora matombo ndikavatema mumhazha iyoyo vakayuwira . Vakauya vanin'ina vavo ndichirova vanhu nematombo vakanatsomira havana kubata . Ndanga ndarwadzwa ini voti kundishungurudza . Hakuna kushandwa zuva iri vakabuda mumunda vachimhanya mukadzi nemurume ini nditevera ndivakuzha chete . Vaitemwa misana iyi vachiyuwira vachienda . vakasvika vakazvivharira muimba yavo hombe ndikaenda kwangu kumba chokwadi kupihwa vende nemunhu hre ndizvo zvega zvakandipa hasha izvozvo. Ndakagara nevana vangu panze umwe mweya wakambofunga kuti ndiende kumba umwe ukafunga kuti vana vangu vanozodii.. vakasvika vana mainini vakadzi vevanin'ina vababa Tary ndikanzwa mai Sekai vave kuti..... Her: Mavagona mainini vanhu vepi vasinganyari ini ndaitomboti pamwe hamuzvioni kuti muri kukaviswa dombo natete venyu ava izvo munototsamwawo kudai maiguru . Me: Zvimwe zvinozonyanyawo ndinozotaurawo ko handiti ndiri munhuwo hre askana . Mai Natsai: Ayewa ndafara ko ivo bamukuru kuzorovawo ndaona drama rese ndiri kumunda umo . Matobviswa nezino nezino askana . Vakadyiswa bamukuru zvimwe vanenge vasingatozvioniwo Ndaisada zvangu zvemashoko vana mainini vangu ndaivaziva. Navo havana nekumbogara . Vakabva vaenda ndaizviziva kuti magossip mistress vakatosvika vakasvitsa gososo kuna mai Attah ndakatoona vouya vachiti..... Her: Nhaiwe ko ndanzwa kuti wabviswa zino . Asi hanzi wakiya vanhu iwewe chaiye mai Tary kutaurawo . Me: Kutondibvisa zino kwavaita ikoko ndiko kwandipa hasha . Her: Ndiri kuda kutoudza Tary aaa haungamborohwi zvakadai Me: Iwe usada kupa mwana wangu bp ari kure kwakadai Her: Hah she should know iwewe hautauri ndozviziva . Iye ndiye anogona kukutaurira Tichitaura kudaro ndakaona pamba pasvika VaMashudhu mupurisa waVashe vakangotarisana namai Attah ndakasimuka ndikavapa chigaro ndikanzwa vave kuti.... Her: Ndatumwa kuno kuti ndikuzivisei kuti munodiwa kwaVashe neChitatu . Munouya ne$10 nemubereki wenyu kana mumwe anokumiririraiwo Me: zvakanakai Ndakaseka zvangu saka vanga vatomhanya kunondimhan'arira kwavashe nhai regai tinoona kuti zvakamira sei . Vakabva vaenda zvavo tikasara totarisana namai Attah vakabva vanditi .... Her: Vanopenga mukadzi nemurume vanokumhan'arira ivo varivo vatanga musindo ndivozve vakakubvisa mazino . Me: Rega zvakadaro tinoenda ndichanoudza baba Muku hanzvadzi yangu ndiye wandichaenda naye . Her: Manje paya dzinokona apo handiregi kunoteerera ndinotoendawo $10 ndokupa vafakazi vakazara saka iwewe chill. Ndakanyarara zvangu ndikazviudza kuti ndikavabudisa vave kuenda taizongoona kunowira tsvimbo nedohwe . Zuva rakatevera ndakaenda kumba ndikanoudza hanzvadzi yangu iyoyo nyaya yaivapo vakaseka zvavo vakati.... *Stay tuned* *Handei tinosangana kudare*🏃🏼♀️🏃🏼♀️🏃🏼♀️ *Please note this book is going to be onsale from chapter 15* *Hedzinoi nzira dzekubhadhara nadzo* $2 eccocash $2,10 innbucks 100 zig eccocash 120 zig airtime $2 airtimr buddie scratch card . *Moisa pa0778863031 zita rinobuda A Katsande* *Musakanganwe kuuya neproof of payment panumber idzodzo zvekare* unosarudza nzira yakanyoreka kwauri yekubhadhara nayo *SA side* *Ott voucher 30 Rand* *Blue voucher 30 Rand* *One for you voucher 30 Rand* *Easy load airtime 30 Rand* *Mokanda mavouchers acho panumber yangu ini 0778863031* izim number *Mhanyai mubate nzvimbo kusub vamwe vatoveko nechekare vakatogara vabatira . Kwasara only one free chapter* munosarudza nzira inokuitira pane zviri pamusoro *Free book ndoriri kutevera rino iri* *Ancy loves you all*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* *Chachaya wasara wasara bhuku redu rave kusubgroup huyai nehuwandu hwenyu tienderere mberi nerungano rwaTariro urwu . Huyai mubatane nevamwe vatoveko kusub group ramba kusara* *Hedzinoi nzira dzekuti ukwanise kupinda musub group unongosarudza nzira imwe chete yakanyoreka kwauri* *ZIM SIDE* $2 ECCOCASH $2 , 10 INNBUCKS $2 BUDDIE SCRATCHCARDS. 100 ZIG ECCOCASH 120 ZIG AIRTIME *S.A SIDE* OTT VOUCHER 30 RAND BLU BOUCHER 30RAND EASY LOAD AIRTIME 30 RAND ONE FOR YOU VOUCHER 30 RAND *ZITA RINOBUDA A KATSANDE PAMA ECCOCASH APO . NUMBER 0778863031 NDIDZO NUMBER DZAMUNOISA PROOF OF PAYMENT YENYU ZVEKARE* *NB: BOOK RICHAUYA NEBOOM READER OR STORY* *MHANYAI KUSUB KWADIRWA SUGAR* *ANCY LOVES YOU ALL*💋💋💋💋
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Whatsapp group* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 10* *Alvina* Upenyu so ndakasvoora my parents for over pumpering us hapana zvandaida zvansaishaiwa. Even ndikanzwa kuti ndinoda chakati ndaingokadaidzira mamaid otomhanya nazvo ondipa . Ndakatombonzwa Moana na Maybe vachindinyeya vachiti munhu asingagoni kana kubika . Vakazongochinja zvavo nyaya asi waitoona kuti ndiwe waibvirwa . Ndakangozvisiya zvakadaro ndichibva ndaendereea nezvandaiita . Madays acho ndanga ndave kudanana naIrvine that guy ndaimuda with all my life and soul . Takadanana kwekanguva asi zvinhu zvakangochinja in a blink of an eye ndanga ndisingachaoni madiro aanondita Irvine wacho anga achinja henyu zvakangoitika after tanetsana achiti ndibikirewo . Nhai munhu abe mari seya Irvine ndiye angatoomesa musoro kuti ndoda home cooked food . Ndakaenda kumba after a serious argument ndipo pandakatoona kuchinja kwezvinhu ipapo . He used kutaura neni always but apa anga ave kuita zvokufunga chaizvo kuti ndofona hre kana ndorega pakatouya Belinda achichemawo dzake ndakabva ndatomuti.... Me: Unotochema zvako zvaBee inini ndiri panguva yakaoma ipapa Irvine handisi kumunzwisisa hako haachaiti zvaanosiita i am really worried . Her: Makanetsana hre asi Irvine ari nane Bee ane strong rural back ground ipapa hapana chatinonetsana kunze kwehubackward hwake ihoho Me: Hah pakaipa wena Irvine auya hot takangonetsana paaiti ndimubikire apa inini kubika handigoni ndongogona zviri light light . Yakatoita nyaya until now akatoitsamwira . Her: Ndizvo zvandaikuudza kuti usamira negumbo rimwe iwe wakaita kunyura murudo ini handirwadziwi naye Bee paangodawo nezvangu ipapo ndipo pandinoita action asi anotondipa mari tiri kuita chihure . Me: Shaar you are not helping at all uri kutoita zvinhu izvi zviite worse . Inini i love my man zvekuti ndiite chihure chako ndezvako izvozvo. Akabhowekana achibva ayenda zvake ndikasara ndega . Ndakambogara zvangu ndaive low low ndipo pandakaona paDP raIrvine paine mumwe musikana . Yes ndozviti ndakanaka zvangu asi munyika mune vanhu vakanaka . Something in me chakangondiudza kuti ndiri kuitiswa chaiko ndakaenda kumba kwake ndipo pandakanoudzwa chokwadi chinorwadza ipapo . Unotoona kuti zvakaoma chaiko kurambirwa kushanda chaiko . Inini manje kuda kuti ndiite side chick juss because ndakatadza kubika . Ndaimuda Irvine ndakazviudza kuti its better kudzidzira basa than to lose him. Ndaifana kutoshanda nesimba kuti zviite . Aindida Irvine that i know he juss sacrifice our happiness kuti ave nenyaya yokuti i cant meet his standard . Apa musikana wacho aichenama ndati kutaura naye unenge uchida kuzvitsvagira crying tablet . Aigokuudza zvokuti waitoti audzirwa naIrvine . Ndakatoona kuti better kutoita something to save my relationship . Ndipo pandakatanga kufunga aunt mai Ray vanga vasingashanyi kuden vaimbouya kumba asi vakanetsana namama kubva ipapo vanga vasingachauyi handizivi zvangu kuti vainetsana nei . Mama chaivo vaisamboziva kuti ndiri down hre kana kwete vanga vasina nguva neni mama vaikoshesa basa ravo kudarika zvese rimwe day pavakauya takatogara ndakabva ndati kuna dad . Me: Dad ndokumbirawo mari ndikuda kumboenda kwatete mai Ray . Mama::Kwatete mai Ray kunodii vaya vanochenama vaya unondodzidziswei navo . Dad: Zvokuti vakachenama kana vakadii ndeimwe nyaya aslong vari vatete vake anotoenda iwe vana vehanzvadzi dzako havauyi pano hre . Handidi munhu anodzidzisa mwana mbengo dzisina basa . Ipapa iwe nguva naye mwana musikana wako uyoyu hauna unenge uchingoita zvebasa saka achamudzidzisa upenyu ndiani kana atoti ari kuda kuenda kwatete anotoenda . Ndakafara ndosaka ndakatotaura nadad dai ndakataura namama pasina kana chabuda apa . Ndakabva ndatonzi ndaienda mangwana vaiva vakatoti vave kunonditengera grocery randaizoenda naro . Vakabva vaenda ndikasara namama vakabva vabudawo ndokuenda kunogeza vakazouya ndokugara pandanga ndakagara vachibva vati... Her: Nhai Alvina kwatete kwauri kuda kuenda ukuda kunodii . Hamusi mutown ka pagrowth point zvapo hakutombonakidzi . The main reason yauri kuda kuendera ikoko ndeyei . Me: ndikids kungonoona vamwe nothing more . Plus nditete ka pane zvizhinji zvamusingakwanisi kutaura nemi imimi asi tete vanondiudza . Her: Vanongondibhowa tete vako vaya i am telling you enda zvako asi vakada kukushainira you know the road unodzoka kumba Me: Its ok momy . Vakauya nezvinhu dad ndichizviudza kuti ndoenda mangwana . Manheru iwayo ndakataura nemusikana uya ndichida kutomupa mari kuti asiyane naIrvine but yoh munhu wacho anga akaoma musoro . Kuseni takabva tamukira kuenda kwatete vangu takasvika masikati varipo pamba pavo vakatogara paveranda . Ndanga ndisina kumbokuuya kuno but driver wandakauya naye aikuziva aitoti akambokuuya aina dad . Vakatofunga kuti ihanzvadzi yavo caz ndakaona vofamba kuuya kumota pandakaburuka ini ndakanzwa voti.... Her: Hezvo ko ndimainini Alvina nhasi maratidzwa naniko nzira . Me: Ko ndimi tete ko kurova veduwe ndatoti regai ndinoona kuti muri vapenyu hre . Her: Maita zvakanaka . Takafamba kunogara kuveranda kwavanga vari asi ndaiti ndikafunga ndaibva ndatombosuwa i think she noticed ndakanzwa vave kuti kwamabva kwakanaka hre mainini ndakabva ndavaudza zvese hapana chandakasiya vakabva vatonditi.... Her: Makarara naye hre munhu uyu mainini nokuti mukomana ukanyanya kumupa sokuti murume wako anomhera akatofinhiwa newe akakusiya . Ipapozve yes naIrvine tanga takarara tese . Ndainzwa zvichinetsa kuti ndimurambire he was not my first . Ukada kutomurambira aigona kutokuudza kuti vakakuvhurai maingovapa apa ini ndini wooda kunyima . Ndaibva ndapera power ndotomupa zvisinei tete ndakangovaudza chokwadi handina kana kuvavanzira ndakanzwa vave kuti .... Her: Ndazviziva hangu kuti kuuya kwamaita pane chamuri kuda zvisinei zvamunoda zvacho ndinokuitirai ndosaka ndiripo asi rega ndikuudze mwana wehanzvadzi yangu wakagara wakanyanya pakupa munhu chinhu chaasina kutenga iwe ukuti anokuda nyaya iri kunetsa ndeyekuti haigoni kumibikira and staff . Ndizvo zvataiti shanyai muchidzidziswa zvakasiyana siyana chionai mave kuda kusiiwa nezvinhu zviri nyore nyangwe mukaita mari dzenyu sei gonai kushanda hantie ndizvo zvega . Ndakabvumira vakati vaida number dzake ndakavapa vakafona nephone yangu vakaisa paloud zvavaitaurirana ndaizvinzwa ndakademba nguva yese yandaipedza ndichiramba kudzidzira basa tichizviita tine yese Plus shamwari chaidzo dzinonyengera ndave kuzviona nhasi. Belinda hunhu hwake hwanga husina kuti tasa apa ndiye aive besty friend yangu since childhood . Maparents edu anga aiwirirana . Vakapedza kutaurirana ndikanzwa vave kuti.... Her:You see wanga watoruza munhu waunoda nokuda kweusimbe chaiho . Munhu wako anotokuda uyu asi anga atozviudza kuti better uyende hakuna munhu wemukaranga chaiye anoda mashura iwayo munhu ndewekungoita zvinoitwa nevamwe nyangwe ukazogara muupfu sei unenge wongoita hako zvemamaid asi ukazoendawo kumafunction kunoda varoora unondomirawo. Basa ratotanga handidi kunyadziswa ini vhiki uri kuno tichimboita basa . Me: Ko munhu waanaye uyo . Her: Ipapo musazvifunge izvozvo anozvigadzirisa oga . Hantie mamunzwa achitaura oga kuti ndakatoita ndaona kuti imi hamudi kudzidza . Apa maakufana kumuratidza kuti mave kuzvigona kana ari wenyu hapana chinombonetsa munongoroorwa naye . Ndakabvumira asi moyo wairwadza ndakambofunga mweya wokufonera musikana uya hantie number dzake ndaiva nadzo asi ndakatoona kutti ndingazvirwadzisa nezvinhu zvisina basa . Zuva iroro hapana zvatakaita basa rakazotanga mangwana veduwe unoona wega kuti upenyu hwakaoma . Chinhu chausati wamboita ukazochiita unonatsonzwa kurwadziwa chaiko . Takatanga nekudzidziswa kusenga mugono bucket chairi ndakatanga risina kuzara . Tichibvapo tichienda pakubika chaiko kusuka mandiro ndaigona hangu . Vhiki yakatozopera ndave kugona chaiko . Zvatanga zvichirwadza ndisingagoni kana kumona sadza richiota ndainzwa kuti sadza kurimona rinotorwadza . Ndakange ndave kutobikawo meal inodyiwa nevanhu vese . Ndakaita 1 and half week tete vachiti hazvisati zvaita . Iye Irvine anga akuita achifonawo tete vachinditi ndisamupa pressure varume havadi a nagging girl . Ndakazvibvuma zvavaitaura nokuti vairevesa vatete nokuti anga ave kudzoka manje achifona . Ndakaoneka vakatonditi vaida kuzomuona Irvine . Number dzake vanga vainadzo vaizopota vachitaura . Ndakaenda kumba iye aitozviziva kuti ndiri munzira . Ndiri munzira akabva afona achiti ndiuye nekumba kwake ndakada kuramba asi ndakazofunga kuti ndingatomusundira mumaoko emusikana uya ndakabva ndaendako Takafambisa tikazosvika masikati ndakaenda kumba straight ndikano refresher ndokuenda kumba kwaiye Irvine ndakasvika akagara nemusikana uya ndakabitirirwa chaiko nehasha ndakabva ndambundirwa musikana uya akanditarisa akasekerera zvake achibva a...... *Stay tuned*
https://whatsapp.com/channel/0029VaSaQalATRSt9UZPMY3A *Whatsapp grp* https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *SMILE IN PAIN* 🥲🥲🥲 *STORY BY ANCILLAR KATSANDE* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *CHAPTER 9* *Irvine* Ndakasvika kumba ndichibva kubasa ndikawana Alvina arimo mumba . Handina kutaura ndakasvika ndichida kudarika kuenda kubedroom kwangu iye anga akagara pasofa akabva asimuka ndokuti.... Her: Am i too small zvokuti you cant notice my presents Me: Oh so what are you expecting me to do . To shout , to scream hee Her: What come over you Irvine ko inga tainzwanana wani ndiani wawakaisa padp . Me: ihama yangu why are you sounding like you my relatives am i not allowed kuisa hama dzangu pama dp again. Ndaibaya baya phone yangu nhema ndiri kuapp ndiri pachat yaTary ndakabva ndaita sendakanganwa phone yangu paTV stand nhema chaidzo ndokuenda kubedroom ndakapinda mupassage ndokudongorera ndikaona achimhanya kuenda paTV stand ndakaserera zvangu ndikati zvandanga ndichida chaizvo ndizvo zvaitika kana aida kutsvaga makudo mugomo aimawana akatora number dzaTary aizoita order caz Tary wacho anenge ane pamuromo naye zvaizopedzerana . Ndakanochinja ndikazoona munhu ouya mumba achiyeredza misodzi ndakamutarisa ndikabva ndatarisa kuside kuita sekuti hapana chandaona ndakanzwa ave kuti .... Her: Why are you doing this to me Irvine wave kutodanana zvako neumwe munhu Irvine . Me: Lets talk bby yes thats what it is inini i am an African man handisi muborn born like you . I loved you and i still love but as it is right now i cant marry you caz you lack the qualities of a woman i want to marry . Inini i love an African woman who can cook , wash clothes do the house chores even pakazoita zvapo mamaid but kana pakaita function kumba kwako vamwe varoora vachiita basa haunyari naye you see money cant buy everything pane zvinotoda iwewe mbune . Waona ka paya pandaikunyengerera kuti ita chino ndiitirewo chino uchindipa mareason asina basa ndizvo zvandairevera . Wakaramba kudzidza you can be my side chick if you like definately not my wife. Akachema zvandakanzwa tsitsi ndega but ndaifana kuramba ndakatsunga kana achida nezvangu aitofana kuzviratidza . Ndakaona abuda ndikasara ndikapedzisa kupfeka ndikaenda kudinning ndakanzwa kugudubudza kukitchen akabva ndakanotarisa ndikatoona munhu achisuka ndiro . . Ndakasekera mumoyo kuti zviri kuita wani . Ndaimboda munhu anozviitisa hre ini kusuka kwacho aitogona wani . Paakapedza haana kumbogara akabva angooneka ndikati boe . Akaenda kumba ndikasara ndega ndipo paakafona achichema kududza achitaura zvokutaura naTary achiti atukwa . Ndakaseka zvangu ndichibva ndazobvunza Tary ndaida kunzwa kuti vataurirana kuti kudii ndipo paakandiudza zvese hayas Tariro ane chambo chaiwo akasharwa sharwa kuita sekuti haana kusimira . Tary wacho aisaudzika kuti umuudze kuti gejo racho usanyanya kuridzikisa aikuudza kuti ndozvirega iye anga atombounza kashanduko kandakaona . Ndakazoisa futi pic rake ari kuphoto shoot akarukwa amana unonatsoona kuti Tary ibby riripo chaiko mwana mudiki zvake but hey dai ndanga ndisina Alvina apa ndaimbozama zvagara murume anofana kutoita mukuru kumukadzi chero nemakore 15 chaiwo . Ndakazonzwa phone yangu kuringer apa ndaitova pagraft ndakadaira ndokunzwa ndiBee ndakabva ndadaira ndikanzwa ave kuti.... 📱 Chibaba ko ndicho chibby chauri kuita magame nacho hre icho . 📱Yah ndicho wangu usandiudza kuti you want to poke your nose oh her unorovesa mwana wevanhu naBelinda . 📱 Hah anotoratidza kuti mudont guy pachake haatomugoniwo uyo . But maya ndiri kungobvunza zvangu muchakaruka madanana vanhu imi . Bby itambo mhani iro iwe 📱Eee dzikama i wont let you harm her. Siya mwana iwe musoro bhangu her uncle is a very goof friend of mine . 📱You mean uya truck driver wawaiti mukadzi wacho anenge anochekesa . 📱 Yah iyeye hah zvagara mukadzi wake mudealer unotoshaya kuti unomuudza sei . Zvinhu zvakadai hazvisi zvokuudza munhu vanhu vanourayana . Ukasara uchingofunga kuti ndakaurayisa munhu 📱 But this time akaita good move akati mzaya wake agare naye ndiye achamuudza iyeye . 📱 Hameno wangu ari kutobatwawo rough uyo zvokuti ndakanzwa muchinda anogarapo achiti ari kuda kutomuudza atsvagire Tary wacho imba agare oga paaveri ikozvino hapatombodi madisturbances Takataura zvakawanda ko taiti tasangana nyays dzacho dzaisapera taiti bate ino tsvee tobata imwe tichisiya. Ndipo paakati tiende nekumba kwake aida kuperekedza mai vake kumba kwehanzvadzi yake saka aida kuti ndimuperekedze ikoko Takabva taenda kumba kwake takadungamidzana . Tikasvika kumba kwake mai vake vanga vatogara vachena chena . Ndakasvika ndikavaswedza ndikanzwa vave kuti..... Her: Vakomana moudzana udzana pandiri kudzoka ndinoda kuwana wava nemusikana kana wave kutoronga zvokuda kuroora . Aaa nhai munoda kuvigwa negonzo hre sure vanhu vaoinde basa rokutandanisana nemakonzo musi waunofa zvigobuda hre . Me: Hah pamunodzoka anenge ava naye musikana mhai izvozvi pane mumwe ari kudiwa nemoyo saka pamunodzoka munowana zvatoita . Her: Tichaona tora bag rangu mukati umo ndiende hantie wati uchauyako negoods racho kumba kwamai Oly uko . Bee: Yah pari boe mama ndichauya nazvo ikoko chero mangwana muri kunogarako zvakadii . Hazvidi kuzogarisa kumukuwasha mama munogarawo moenda kumba kana kuti kutogara kuno kuti nani moenda kunba mave kuds henyu . Her: Wati ndinombogara hre ndikutomhanyira huku dzangu kumusha uko ndinowana vasikana vakanganwa kudzipa chikafu dzikatodzikira zvadzo idzo ndave kuda kutodzivhura . Takasengs mabag avo ndokunoisa mumota ivo vachitevera takabva taenda navo kumba kwehanzvadzi yake hatina kumbonyanya kugara takabva taenda kumba takasvika kumba ndokuenda mumba mangu ndakawana muri clean ndakaziva kuti ndevamwe sisi vari kucampainer vanenge vambouya kuno since ane spare key . Takagara mumba akafona Alvina ndikabva ndatoudza Brandon kuti ave kufona ndakaisa paloud ndakabva ndadaira to my surprise raisava voice rake Alvina . 📱 Hello 📱Hello muri kutaurawo namai Mutema ndini tete vaAlvina nofunga hamundizivi hamuna kumbouya kwandiri . Mazoda kuti ndipinde munyaya dzenyu zvinhu zvashata andiudza nhau yamuri kunetsana bamunini asi ndaona kuti inyaya diki inogadzirika bamunini ndinokumbirawo vhiki mbiri dzoga bamunini munhu uyu anenge ava perfect musamusiya ndakumbira zvangu . Izvozvi ndinaye kuno kumusha madiwa bamunini handina kumboona mwana wehanzvadzi yangu ari broken like this . 📱 Zvakanaka tete i loved her but aisada kuchinja hunhu. Saka ini hangu ndanga ndave kukundikana maita basa teach him . Hakusi kuti ndiri kuda kuti anoita mushandi but chiroora chinotoitwa nayw zvokuzonyadziswa munhu abika mbodza kana kuti ati handigoni kubika . 📱 Hah izvo zvidiki bamunini muchauya muchimushaiwa kuti ndiye hre uya musalad wenyu . 📱Zvakanaka tete ndingatenda zvikuru kana mukadaro . Vakabva vacutter zvavo ndakafara chaiko neshanduko yave kuitika ndichatombotenda Tary she is a good actor ndakabva ndanzi naBee . Bee: Chibaba zvako zvaita handina kumboziva kuti acting yenyu ingatoshandura zvinhu sp fast . Me: You can try that zvinogona kuita naBelinda wako . Him: hah chibaba Belinda handiroori ane zvizhinji zvinondiodza moyo kuti ndimuroore. Uya hazvishamisi kuti atori nevanhurume vaanodanana naye kunze uko . Vakatosiyana naAlvina . Me: Pakaipa saka ko musikana uyo kunext uko haasiye hre zvaanoita seari kudongorera mumba . Ndakatarisa ndokuona ari ndakabva ndabuda ndokunotaura naye uyi Bee achiuya achimubata ruoko pakumhoresana ndakanzwa ave kuti.... Her: Mukwasha ndikwanirei ka zvomoita seZim care raona chingwa munomhoresa muchiregedza vanhu ka . Ndakaseka zvangu kuputika chaiko hayas Bee wacho aisada kuseka asi akazoseka zvake . Haana kuzomira Tariro wacho takasara takamira paya Bee: Hah mwana mudiki zvechokwadi dzungu raanaro nderemunhu asati ambodai dai. Anotoda kudzikamiswa but handidaro zvangu asi kana zvikaita ndichatomushandisawo kana mama vakauya ndisati ndawana agutsa moyo Me: Haanetsi uyo ndakatonzwa Jamela achimutsvagira mapiece job kana woda kuwachirwa anowacha zvese anoita . Him: This Jamela of a guy haasi kutonyangira mwana here . Me: Hah maya vanoita sevane ukama handizivi hangu . Takabva tabva patanga takamira patakaona Tary wacho avanda pakabuda mumba mukadzi neumwe murume hameno vakabuda nemota . Takapinda mumba aiziva zvaaiita Tariro strategy yaatora hauna marambiro aunoita aitora zvake video pandakamuona ari pawindow. Takapinda mumba ndikatanga kubika ko Bee aida kudya zvee and aisada kubika kana ari kuden kwangu aitokuudza kuti ndashanya . Takabva taenda tese kukitchen ndikatanga kubika tichiita nyaya . Brandon aindinetsera nyaya yokuenda kuchurchi hameno taka clicker sei uyo aiva church person ini ndaisaenda kuchurch but we were best buddies . Me: Hah chibaba ingoendai kuchurch kwenyu ini ndichaendawo kana time yangu yakwana. But hakuna machurch girls semi hre wekuti anoita wife material. Him: Hah ikozvino vachiko hre vasikana vaishumira Mwari chaiko ikozvino vari kubva munyika vabvubvudzwa vouya muchurch kuda kuzotsvaga vanoroora manje isu vamwe takatozvionera waona handiroori muchurch ini . Me: Hayas chibaba ndimi matova nemademon aya amaigara muchindiudza aya muchiregerera mabby anoziva Mwari uko . Him: Ukavaona varu kunze uko vasiri muchurch ndipo paunozoziva kuti kuvanda zvavo muchurch . Takapedza kubika tikadya day iri takaswera tese ndokurara kuden kwangu tikafuma tichienda kubasa *Stay tuned*
[2023/11/19, 08:23] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *BITTER TRUTH* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 5* *Thomas* Ndakashaya kuti Munana wapindwa nei kuchemera zvakadaro. Handina kumboziva kuti nguva yese iyi aiti kudanana kurara tose . Ndaimutarisa ndiine kukatyamadzwa naye . Chandaingobata ndechekuti zviri nane iwe hako utore umhandara hwangu . Paakada kuti arondedzere ndipo pasvika rimwe boys richimutora . Ndakada kuvarwisa asi vanga vakawanda pandiri . Ndakarwadziwa ndichiona Munana achienda . Umwe moyo wakada kuti nditevere nechekure . Asi imwe pfungwa yakanditi mombe dzinopinda mumunda mevanhu ukaripa nei . Ndakabva ndanzwa mhosva mandiri Munana anga aenda nevanhu . Ndanga ndava kuchema dai ndakaziva hangu ndangoita zvaanga achida ndaizonzwa explanation yake later . Ndakasara ndichiita kuzarirwa chaiko ndainatsonzwa kuti ndalooser something chiri very important . Ndakaswera ndiri low low kunyangwe pandakanovharira mombe . Sekuru vakatobvunza kana zvese zvaiva boe . Ndakangoti patsvene . Apa vana boys vaizouya mangwana toenda kule vaisamboketa vaitoronga basa rekuti ndigoita mangwana . If only they knew vaigara vadzidzisa vana kule Davy basa kwete kuvaregerera kwavaiita vachitemba simba rangu . Vaisara vakaiona zvavo nhamo yacho . Ndakangoti ehoi ndokusimuka ndaakuchienda kwasekuru baba Kudzie . Ndakasvika vachitowanzirana zvavo nemukadzi wavo . Ndakasvika tikamborova nyaya vachibva vazonditi ... Him: mafunga kuenda mangwana hre . Mazobudirira . Me: Ehe tosangana kuma 3am neboys pamashops apo .. Him; Ok rega ndikupe mari yacho uende hakusi kwekunodya mari sebenzi uko ndekwekutochengetedza mari munenge muri musango . One meal per day apa ndiri kungokupa yekuti ufane kunowana chekubata . Mari hapana asi ndatoona kuti raramo yauri kurarama yandibata . Me: Ndizvozvo sekuru hah ndizvo zvamuchabvunza hre tave kuziva nhamo sekuru . Vakabva vapinda mumba ndokubuda vaine mari vakandipa yanga yakatowanda kwandiri yaiva $50 ungazodei pakadai . Ndirwo rwunonzi rudo . Ndaisatofungira kuti vangandiitirawo zvakadaro sekuru ava . Ndakavatenda chose ndokubva ndavaudza nyaya yaMunana vakaramba vakanditarusa ndokubva vanditi ..... Him: Vanhu vacho vamutora ndivanani . Kana Munana ari wako muchasanganiswa zvekare . Parizvino chimbogadzira upenyu hwako wozoenda kunoona vana baba vako mufambidzane .Ndichikupa mari iyi Thomas handina kuti undidzosere ndakupa kubva pasi pemoyo wangu. Enda unoita mari uye mari yekoko haizi yekuti ndinodya ndochera imwe . Kana watoiwana wotoichengetedza wotoita zvine musoro nayo. Ipapo pabatisise . Me: maita basa Sekuru dai Mwari anditingamira ndanowanawo chouviri rimwe ramakore muchakohwa pamadyara apa Him: Idzo dzinenge dzava nyasha muzukuru . Me: Ichokwadi ini chiregai nditonorongedza kanhava kangu mangwana ndofuma ndakashaika apa ndanga ndatorongerwa kuti ndinososa garden . Him; Aaa zvakaoma mai Kudzi chipa muzaya katsapo kaya . Vakabuda mbuya ndokuuya nepaperbag diki raiva nenzungu dzemusvo, chibage ,chimukuyu , nyama yehuku yakasasikwa . Mbeva dzakaomeswa . Her: ndizvo zvatakupa izvi wonowana pekutangira muzukuru wofamba munyasha dzedenga tinenge tichikunamatira kuti Mwari vakuitire zvakanaka . Ndakavatenda ndokutora kanhava kangu ndokungoti verere neseri kwemba ndichinoisa mugota mangu . Ndokuzoenda kunodya nevamwe . Takambotandara ndokuzoenda kunorongedza zvinhu zvangu ndichibva ndarara ndakamuka kuseni seni ndokurova pasi takanosangana nana boys tikatimba netsoka paikandwa nhanho. Zuva rakazobuda tarova matunhu takazokwira chimota tava kuresa tikabva tanoburuswa kwacho kwataiti tichafamba tainzwa kwazvo . Kuenda kumasango kwacho kwaiva kungonoti gunduru kurara . Ndiko kunonzi baba vari musango . Kwaiwanikwa mizera yakasiyana siyana chikuru kuri kutsvaga kurarama . Takafuma tikanocherawo imi hakusi kuchera gurwe kuchera chaiko kusvika mbabvu dzarwadza . Vakomana vandaifamba navo vaiva nedzungu manheru vanga vototaura zvekuti ngatiende kumwe kwakadhuuka imwe mari. Ndipo patakapesana ipapo nokuti ini ndakati ndombosara . Nhai kungoti topo topo pashaikwa chinhu vanhu vototi handei kumwe mungasanzwa nekufamba hre munoitawo vhiki imwe maona masango ari matema motsvaka dzimwe mhindu . Vakamuka vachienda ini ndokusara zvangu ndakabva ndatosara murume aiva padivi pangu akatoseka achinditi ..... Him: Mfana midzimu yako yakasimba uko kwavada kumhanyira sandi kuurayana kuri kuita vanhu. Mugodhi ichangobuda saka hakujairiki iko kuno ukangoita bamba unoinhonga mari ini ndakati umburu pano ndinotori nemota nhatu dziri kufamba muroad umu naipo pano apa . Me: Chokwadi hre blaz . Him: Ndiri kutokuudza kana une lucky remari chete unoibata chihande tinochera kusati kopisa. Takabva tabuda ndokuenda kune rwumwe rutivi ndokunochera umwe neumwe aiva pake oga . Ndakachera kusvika ravira pasina chabuda . Mukuru vaya vakandisimbisa kuti zvichaita ndisaora moyo . Ndakatomboti pamwe inyaya yekuti handina kuoneka vandaigara navo. Asizve kana dai ndakavaoneka vainditendera unotongoona wega kuti zvakangofanana . Vanenge vaita mari mazuva iwayo vanenge vachitooneka nekunogara kulocation vachidya vachiraradza . Vanhurume vachinocatcher and kanzvimbo kacho kanga kanue chihure chakaoma . Ikoko kusango kwatairara waitonzwa vamwe vachichemedzama nechekurutivi rwako . Ndipo paunoona kuti munhu anonzi pfambi ane chivindi chakaoma .Unoitiswa zvokwadi nemusango . Imwe miedzo yacho yaivako yanga yakatooma . Vanotokuvinga votokuti chimbondipa iwe ndokuitira mari yakati . Umwe akanatsonditi nyangwe usina mari huya body yako ndaida unenge wakasenga zvakaoma kai zvataioneswa ikoko . Ndaiti ndikafunga nhamo yandinayo ndovatarisa kuti saka vakagarira kuda kudya mari yangu hre .. Ndaibva ndanzwa kuvavenga skiri reko rese blaz vaya vanga vandiudza . Ndakaita vhiki pasina chabuda ndikazowanawo dombo asi ranga riri diki ndakaendesawo ndikanowana kamari kaiva kashoma zvako asi zvaiva nane . Ndakabva ndatoenda kumusha kwangu straight . Ndakasvika ndikafarirwa Sekuru vaiva vapenyu mombe yakawa vakati .... Him: ndaizviziva zvangu kuti uchauya wega sazita wangu . Mombe ngaibatwe vakomana iurawe vauya mdara Gwenzi vacho . Ndaingoseka zvangu nomufaro waiva nemukuru uyu . Vakanditi ndigare pasi ndikaita sekudaro vachibva vati ...... Him: kubva nhasi chibata mari , ita zvisvinu muupenyu hwako . Zvanga zvakataurwa pamusoro pako ngazvisungurwe . Vakabva vatora bute ravondokufemba ndega ndakatoona kuti vanoita zvemidzimu mudzimu . Heya vanga vakatoreverera zvakaipa pazita rangu ko ini mhosva yangu yaiva yei. Handina kuda kubvunza zvakawanda nokuti ndakaona posvika vamwe madzimai anga akura nevamwe vechidiki vaine madengu vachienda pamakuyo zvaingoitika pamba apa zvaiva nane . Vachembere vaya vakauya vakandikwazisa ndokugara pasi . Vaiva vatatu Sekuru: Ehe muzukuru ava vese ndivana mbuya vako madzimai angu . Avo vari kwekutanga uko vane ngowani tsvuku ndivo mbuya vako vakazvara baba . Eee mbuya vaAcc uyu mwana waPanganai zvingada kubvunzwa hre makamutarisa mukomana akati haadi kurova Vakafara mbuya vangu vacho kuita kuridza mhururu chaiyo . Vakauya vachiita sevachandisimudza ndakaseka ndakavatarisa . Ndakavabvunza mashoko pakabva patosvika imwe mota sekuru vakanzi vombopinda mumatare . Zvakandijekera kuti sekuru vangu ndigodobori . Ndakaona vakadzi vaya vachikuya mhunga zvichireva hre kuti pamba apa paidyiwa sadza rekukuya . Mbuya vakabva vatoti ndiende kumba kwavo . Pamba pacho paiva paguta zichivanze rakakurisa pakavakwa dzimba dzinongoenda . Mbuya vangu ndivo vaiva vahosi takasvika paiva nezvisikana nezvivana zvakawanda . Ndakanzwa kuti vese vaiva vazukuru vavo . Umm paiva nevanhu vakawanda pamba apa . Ndakagara mazuva matatu ndichibva ndazooneka ndokuenda zvangu kumakomba ndikasiira mbuya nasekuru kamari kaya . Ndakawana mface wangu uya atoriwo kumusha asati adzoka . Ndakabva ndatomuka ndichinochera handina chandakawana day iroro apa ndanga ndachera zvokurwadziwa chaiko. Ndakanorara ndisina kana kudya ndokumuka makuseni ndipo pandakangonoti fombo fombo ndikaona kupenya ndakaziva kuti ndapinda machena . Ndakaita kurikuhumura ndokuisa muchisaga . Ndakangobuda mugomba ndakarova mabude . Ndakanotengesa ndikawana mari ine mumvuri chaiwo . Ndakagara pasi ndichifunga kuti ndoita sei nayo. Ndakabva ndafonera bamunini vangu vandaitaura navo vaiti pamashops avo paiva nemunhu aitengesa hardware yanga yakakura . Ndanga ndatova nedzimwe pfungwa . Vakanditi ndiuye nditaure nemunhu wacho ndichibva ndaenda .ndakanorara ndikazimuona kuseni mari yaakataura pahardware yake ndakamupa yese paine mawitness pachitori nemaform eagreement of sale Ndakasara neimwe mari ndikabva tafambira nyaya yekuchinja ownership. Zvakafamba hazvo negwara rakanaka ndakabva ndafunga rimwe zuva pandakasangana naMunana tichibva kuchurch nditori nemabhurukwa akabooka ndichimupa mangai . Mashoko ake akabva atenderera mumusoro mangu . "Chipavhurire achakodzwa ramba zvako wakadaro ziva kuti uri kudzvara ichasvika nguva yekukohwa and kana wokohwa zvinoita double double . I declare and decree you will prosper in your life . Uchaita mari muupenyu hwako uchafamba nemota asi kana zvaita usakanganwe kutenda Mwari" Mashoko aya sei auya mupfungwa dzangu ndiwo munamato waMunana waita kuti ndive pandiri . Kana kuti vadzimu vangu vakandisungura ndizvo zvaita zvidai . Ndakashaiwa kuti chaizvo chaizvo ndezvipi Munana akanditi uchafuma asi usakangamwe kutenda Mwari . Sekuri vakati enda unotora mari hezvo ndakanoitora saka ndotenda ani apa . Dai anga aripo andiratidzawo gwara ...... *Stay tuned* [2023/11/19, 08:23] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *BITTER TRUTH* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 6* *Mai Ruth* Pandakabva kumba moyo wangu waiva kure dai sisi vasina kuzviuraya pasina zvese izvi . Pamwe ndaiwanawo wekuturira nhamo dzangu . Ipapa ndaizvibvunza mibvunzo yakawanda kuti ndaizorigona barika nemutorwa . Munana waiva nane nokuti ndaiita zvandaida naye nokuti mwana wehanzvadzi yangu . Ndichisvika ndakatowana kune imwe yekuti ndaisazorora . Anga amwa mushonga wekubvisa nhumbu Ruth apa achingogomera achishukushira . Kumuti tiende kuchipatara wairamba aitokuudza kuti mukandiendesa kuchipatara ndonosungwa . Nekuda kwekuzvara moyo wakarwadza ndakamusiya akadaro ndokunogara panze . Ndakazonzwa oridza mhere kunotarisa kudai paiva pazere ropa apa abudisa chana chacho chichingotakwaira . Kachishama muromo . Anenge aisunga nokuti changa choonekwa kuti chana bvudzi rega ndiro ranga risati ramera zvimwe zvese zvanga zvavapo. Ndakanotora mvura inopisa akamwa . Manheru ndipo patakanoviga chana . Kutoendawo yaiva nyaya yekutyira kuti pamwe vaizomuradzika neside risiro akazotadza kuzvara hake . Takadzoka ndokubva tadya kudya kwemanheru zvakangobikwa zvichiitwazvekumhanya mhanya naTecla zvaimbova zvisvinu hre . Me: ummm sadza rako kuita sewabika nemakumbo . Mapundu ari nawo hariiti . Her: Aaa mambosiirei Munanawashe ini zvepamoto handitodi maidai mauya naye . Me: kuuya naye kupiko Munana haachiko motodzidza kuzvishandira kuno haachauyi . Akatoendeswa kunoripa ngozi kwatakazonzwa tabvako kuti akapihwa benzi kuti riite murume wake . (Ndakadaro ndotoseka hangu nhamo serugare) Ruth: Waaal kunaka kwese kuya waya kubenzi life yakaoma veduwe Tacla: Ini ndoblamer vanhu vekumhuri kwana mhamha maimuda Munana baba vake vachivapenyu kungofa kwavakaita makatora mwana wacho kumuita chikorobho chaicho. Why Munana ivo vana mainini Cee vese vaya variko . Me: Evo ndiregei zvangu zvagara kana uri nherera ndiwe unotoripiswa izvo zvatopera hazvo chitozivai kuti life yave kuzovava chaiko saka motogwinya kushanda . Kutonoita mahouse girl chaiko tiwane kurarama Vakaseka vese vanenge vaiona sendaitamba . Iraramo yavasati vamboita . Asi ndizvo zvaitovapo upenyu ivhiri hunotenderera hapana aiziva pakati pavo kuti nababa vavo tiri kunetsana . Ndakatonzwa Ruth ave kuti..... Her: Itonotorai mainini Cee kana kuti muri kuda kuti maspecial children enyu azoshaya mface masvinu . Me: Kama uri sewe nyarara hako tsvee kutsvaga mukomana wekuti akuroore waakutoita zvekumitiswa uchipihwa nhumbu . Her: Nhumbu ndiyo yashatazve asi pandaiuya nemari maigamuchira maiti netunonaka maigamuchira munoti zvaingouya mahara hre . Makainonokera colgate mazino akaora . Vechingezi vanoti lets catch them young . Zvino imi pataiva vadiki pacho ndipo pamaitotikurudzira . I blame you mhamha vana vevamwe vari kufamba negwara asi imi gwara ramakatidzidzisa ndiro rakaipa . Nhasi uno maakuda kupopota . Munoziva ndakaramba ndakamutarisa ndanga ndaudziwa chokwadi chinorwadza . Yes i failed them but hapana pandakambovatuma kuita chipfambi . Ndakaona kuti ndikaramba ndigere navo ndaipedzisira ndamurova angokura kudaro. Ndakanogara mubedroom mangu ndichifunga nhamo dzangu . Vari kutoratidza kuti vari kure nekuchinja kutoti danai mainini , Cee . Vachaonawo upenyu hwacho chikuru vakachekwa pakati . Ndakazobudamo ndavanzwa vachibika . Hameno kana maibikwa zvisvinu. Ndakanogara zvangu ndakaona Tecla omhanya nephone yangu . Ndakatarisa ndikaona vari baba Ruth ndakabva ndadaira asi hana yakarova nokuti ndaitarisira kuudzwa anodzimba moyo . 📱 hello 📱 hello mai Ruth ndiri kuuya mangwana chii chakashota kumba handidi kuti mukadzi wangu mudiki apange . Ikozvino ndaakuuya ndichivabata manje vachiziva kuti vatova mukadzi wangu . Ndanga ndichifunga kuti ndigouya navo kuno mochinjana henyu hatidi godo mai Ruth. 📱 Flour , sugar , rice , masamba , ndingangoti zvese hapana baba Ruth . Makapedzisira kutenga mainini vachiuya paya munoti zvanga zvichipo hre 📱 Ok hah ndozvigadzirisa mai Ruth musatye . As long muchigara nemukadzi wangu zvakanaka . Moita muchiziva kuti ndiye wakatobata upenyu hwenyu ipapo. 📱 Toona mauya . Ndakabva ndacutter ndichinatsonzwa kagodo zvazvinodai kuchifungwa kuti Munana aripo ko pavachaziva kuti Munana hapana zvichamira sei. Ko iko kuda kundionerera naMunana ko kukazouya mumwewo panogarika hre. Ndakabva ndati regai vatenge grocery kana vachizotiramwa vanotiramwa zvavo tinenge tava nepekutangira. Ndakangonyarara zvangu nyangwe kudya manheru handina ndakabva ndangoenda kunorara . Makuseni ndakamuka kuseni seni ndokugadzirisa pamba kuti vaone pachionekera . Izvo ndizvo zvandaiita pese pandainzwa kuti vave padhuze kuuya . Ndaona kuti zvava boe ndakazodya ndikabva ndaudza vasikana kuti baba vari kuuya vadzikame . Ndakazoti ava masikati vakabva vafona zvekare vachiti .... 📱 eee mai Ruth itii mainini vandigamuchire kustation . 📱 Ndichangouya ndirini nokuti havapo . 📱 Ko imi mazotuma munhu sei muchiziva kuti ndiri kuuya . Ndakataura wani kuti ndiri kuuya mangwana . Ko seiko muchiita sekuti muri kuitira munhu godo . Ndakabva ndatocutter ndikatonzwa usimbe kuendako ndirini ndakabva ndatuma vasikana kuti vaende vanogarira baba vavo . Vakaenda ndikaona vadzoka vakasvika vakaita kuzvimba i am sure vasikana vanga vavaudza zvaivapo Vakangosvika nekunditi ndiuye kubedroom . Vana vakatarisana nofunga vaifunga kuti kwaiva kutsvene . Ndakabva ndangosimuka ndokutevera ndikasvika ndichigara pasi ndikanzwa vave kuti .... Him: Ko zvandanzwa ndizvo hre waigoendesa mainini Munana sei iwe waiziva kuti ndaivada ndicho chii ichocho chawakaita . Me: Imi handisini ndakazvara Munanawashe manzwa une vane kodzero yekumutonga . Imi kana maimuda makaregerei kuenda kuvabereki vake makanovaudza . Vakaita zvavanoda nemwana wavo ndakambozama zvikaramba Him: Wakaregerei kundiudza unoto ndaiuya hre . Ndanga ndavinga Munana kuno uku. Uchaona hako zvandichaita . Ndakabva ndanyarara ndokusiyana navo ndaiziva kuti yaingova nyaya yekuda kuwana saka ndaisava nebasa nazvo chero zvavanenge vangoita . Chikuru ndechekuti grocery rauya . Ndakabva ndabuda panze ndikawana kuchinzi vabuda ndakangoti kana hanya nazvo . Ruth: Mhamha whats going on baba patavaudza kuti Munana akaripiswa ngozi kwaiva kwakaroorwa maiguru sandi kutsamwa kwavaita . Vatoti ndinomutevera chii chaizvo chiri kuitika apa vangobuda vachiratidza kuti vakatsawa . Me: Ndizvo zvandaireva kuti munofana kutodzidza kushanda tione kurarama nokuti pfungwa dzababa venyu vave kungofunga vanhukadzi . Munana vaitomuda kuti aite mudzimai wavo hanzi handingagumi nevana vaviri chete worst part of it muri vasikana chete . Tecla: Saka Munana aizviziva hre kuti ndizvo zvairongwa ummm mwana uya anga agara akangorongerw horror nevanhu . Nemakuriro akaita baba vafunge kugonya pana Munana zviriko hre. Ruth; Baba varesva kukura nxaa ko isu hatisi vana hre haiwao ko vanoita vana vasikana vega havasi vanhu hre . Zvino vakanomutora haiiti nyaya hre nana sekuru . Kana kutozotikanganisira mumhuri medu . Me:Vanozvitemba hantie havaudziwi vasiyei vakadaro . Takagara zvedu mamheru takaibika sadza nenyama yebeef yavanga vauya nayo . Tave kuda kutopakura ndipo pavakati tucha tucha vaina ....... *Baba Kudzie* Takamuka mangwanani tichiita mabasa edu . Ndakaseka zvangu ndichinzwa Davy achidaidzira zita raThomas . Aaa vachati baba zvavo caz vanga vajaira kuti zvese zvese Thomas aite . Dzimwr nguva waigona kutowana achibika chaiko maiguru vajati n'oo kugara . Handina zvandakataura ndakabva ndatobuda kuenda kumatanda andaida kugadzirira mukadzi wangu chidara . Ndakaenda ndikadzoka ndave kutogadzira ndipo pandakanzwa kudaidzwa . Ndakadavira vaivava baba Davy vainditi ndiuye kumba kwavo. Handina kutora nguva ndakazviudza kuti ndaizouya ndichipedzisa zvandaiita ndadzoka . Ndakasvika vese varipo ndikavamutsa ndokugarawo pasi ndakanzwa vaakuti .. Him: Ndini ndakudanai Thomas angomuka asipo pamba apa tatoona kuti atora dzimwe hembe dzake hamuna . Zuro akambouya kwenyu baba Kudzie hameno kuti mungaziva kuti aripi hre . Me: Thomas akaenda kunotsvaga mari kuri kucherwa uko . Him: Oooh ndambozvitaura zvino kana wakanyengera mwana akandourawa kumakomba ikoko unozvimiririra . Me: Ko kana kuchinzi adzoka aine mota ndini ndinodya mari yacho zvekare . Maida kuti adii mwana hamutofari kuti akafunga zvakanaka . Kana ainzi aroora maimuroodza hre ipapa . Maimuchengetera mhuri yake . Vakaramba vongohumana zvevanhu vawanikidzwa ndakabva ndatooneka ndokuenda Ndokuenda kumba kwangu zvavanga vachida kunzwa ndanga ndavaudza. Ndakasvika ndikaudza madam vakangoseka . Nhai padambudziko ndiko kwavanomhanyira akafuma vanenge vaakuti ndini ndakamuchengeta . Ndakagadzira chidara chavo chikabuda zvakanaka ndokuswera zvangu ndakagara ndaingonamata kuti dai Mwari amugonera awana cheuviri ikoko. Takaita mazuva ndipo patakamzwa kuti Munana anga aripiswa ngozi . Muzukuru wangu ndaizomuudza pava paya amboti shande shande aizorwadziwa ndaizviziva caz Munana aimuda. Takagara nguva tisina kunzwa nezvaThomas . Ndakatomborohws nehana pandakanzwa kuti Aaron umwe wevakomana vakaenda naThomas kuchinzi akawanikwa akafira mumugodhi . Hana yangu yakarova panhamo pake ndipo pandakakwanisa kubata vamwe vacho vanga vauyawo vakachena chena vakataura kuti vainge vasiya Thomas vachienda mberi kwanga kadhuuka rimwe . Ndakagadzikana ipapo zvanga zvotondirwadza ndichibvawo kumba ndakasvika phone yangu ine mamissed call hobho ndikati ndibhipe munhu wacho haanawo kunonoka kufona ndakaona ari..... *Stay tuned* [2023/11/19, 08:23] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *BITTER TRUTH* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 7* *Munanawashe* I have found a mother vandanga ndisina kumbobvira ndawana rudo rwavo . Ipapa mai Derreck vacho ndaiva nemubvunzo yakawanda yandaiva nayo kwavari ndikanzwa vave kuti ..... Him: Bvunza hako mwanangu ndiri kuona kuti une mibvunzo yakawanda ndinokupindura . Me: ko mune vana vangani ndiri kungoona Derreck iyeyu chete . Her: Vana vangu vaviri vasikana vanotevera Dereck vakaroorwa . Kopedzisira mukomana ndanga ndapererwa nemari ndatomuti agare asi hanzvadzi yangu yakati inomuendesa kuchikoro ndiko kwaari kugara anongouya pamaholidays . Vana vangu vanokwatura chikoro mwanangu ndototyira kuti vanondishaishira zvekare iyeye . Me: Not anymore chasara kuti vatondidzinga pano vaona kuti zvavanoda zvaramba Her: aaa hazviiti izvozvo ndinenge ndaendepi ko iwewe why vakasarudza kuti iwewe uripe ngozi hakuna hre vamwe vasikana . Me: Variko asi kana usisina mubereki anokumiririra unongoitwa yese yese . Her: Zvakaoma zvavaronga vana bamunini vangu hazviiti izvi . Waifana kuroorwa hako ivo vodya pfuma yacho . Caz vana Artie vachikuona hantie uri mai vavo . Zvino Artie angazoti maiguru kuna mai zvingabuda hre . Me: hazvibudi henyu mhamha isu ngatingoita sekuti zvavakataura ndizvo zviri kuitika . Kana nguva yaMwari yakwana yekufumura zvakavanzika ndipo pavachasara pamhene . Ok mhamha saka tobikei mhamha ndoona sekuti zuva racho rovira . Her: hameno uchazvigona hre mune mufushwa werudhe wandakafusha hapana kana mafuta zvakaoma mwanangu . Me: Tinoita zviripo mhamha madii kunotenga zvisipo nemari yamanzi munditengere hembe ndozonotora dzangu dzandakasiya kwatete vangu . Her: heya hapana chakaipa ndichatokupai mangwana kwaedza mugomhanya . Ndakatanga kuita zvekubika ivo vakagara vakatarisa mwana wavo aiita basa rekudzingirirana nehuku . Achifa nekuseka zvake achitaura nadzo huku dzacho . Dzaiita kupihwa mazita zvakaoma ndakadzungudza musoro wangu ndakamudongorera ndakangoti , Mwari ndipei simba mudzikinure mwana wenyu nemuti ndega handigoni" Ndakapedza kubika takanomubatirana achirwisa kuda kupinda muchirugu sezvo huku dzanga dzapindawo . Kungoti kamukova kacho kaisakwana munhu aitorwisa .... Him: Ndiregei mhani imi vana Jonas vanozondinzvenga avo varimo umo. Mai vacho vakangobudisa misodzi vachinditi..... Him: Ibva paari mwanangu kana atotanga kutaura mazita ana bamunini vake kudai anenge ari violent . Unokuvadzwa ipapa achatorara panze zvakaoma upenyuwo hre nhai vehama . Me: Mhamha nguva yakwana enough is enough nhasi chaiye anorara mumba . Ndakasvika paanga ari akabudisa ziso kuita seachandiminya . Ndakatanga kunamatira mumoyo akatanga kuchedha . Ndakabva ndamubata akaridza mhere yakavharira achibva anyarara ndakamusimudza ndikaona mai vacho vouya kuti tibetserane ndokunomuisa mukitchen. Ndakatanga kumupa chikafu chaidyiwa kwete zvekutamba aguta akatanga kukanya kanya ndichingozadzwa masadza akandiisa kumeso oseka achinditendeka . Ndakatofara kuti akadya ndakabva ndatanga kudyawo mai vacho vanga vanyevenuka chiso . Tapedza takaenda naye maairara isu ndokunorara kubedroom kwamai vacho. Ndakarara ndipo pandakanzwa a faint voice richinditi," Prepare yourself for there is a great battle ahead you . 31 days fasting and praying you will see what is going to happen " Munhu wacho aitayra ndaisamuona asi ndakagutsikana kuti its another way of communication with the holy spirit . Caz ndanga voice ndakarinzwa ndakasvinura ndisina kukotsira. Ndakazvibvunza kuti ndaizodzogona hre 31 days fasting yacho uye ndaizotanga riini . Umwe moyo wakazviudza kuti chinono chinengwe ndaifana kutotanga zuva raitevera . Ko ndaimirirei chandanga ndafarira ndechekuti havana kuda kundiitira utsinye hwekuti ndirare naDerreck . Ndakangotenda Mwari kuti hongu vandiita muripo wengozi asi vari kuda kundishandisa ndiri muripo wengozi kudaro. Ndakabva ndajekerwa nemharidzo yeumwe Mufundisi aiti Mwari vanoropofadza pakazvidzika . Painge pamira Goliath achidaidzira kuti kuwanikwe mumwe auye kurwa naye kwakashaikwa munhu asi mwanakomana waJesse aiva kumakwai ndiye akauya kumira akawisira Goliath pasi . Vachindidana kuti ndiite mukadzi webenzi vaiti vagona asi havana kuziva kuti vazvigokera moto muziso sezvo ndauya kumira pakakoromoka . Simba raMwari ririmo mandiri . Ndakamuka ndikatanga kunamata mashoko aiita kudururika zvokuti ndakapedzisira ndava kutaura nendimi zvandanga ndava kuona zvacho ndizvo zvaikunda ngoma kurira . Ndichipedza kunamata ndakabva ndarara. Ndichangobatirwa nehope ndakaona zvivanhu zvitatu zvainditi ndisiyane nezvandiri kuda kutanga. Ndakatanga kunamata kuhope ikoko ndikapepuka ndichidaidzira kuti Jesus . Ndega ndakaona kuti pamba apa pakarema . Her: Kwakanaka hre mwanangu ndaona kuti wapepuka uchinamata . Me: Kwakanaka mhamha ngatirare Havana kuedza nharo ndakazorara sekacheche ndikamuka ma4am ndokunamata . Ndaakuda kubuda kuti ndinoita hangu basa mhamha vakabva vati .... Her: Mwanangu kana pane zvawaona ndiudze . Me: (Ndichiseka) mhamha ndikakuudzai munoutiza musha wenyu uno . Chandinongokukurudzirai kunamata . Muchinamatira vana venyu vari kuvarume ndaona vadzoka nokuti vakatsvagirwa varume kare vasingadi kuona umwe munhurume pavari Her: Taura hako nokuti nmdzimba dzavo kungogaro konana regai ndivati vauye umbovabetserawo nemunamato . Me: Ngavanamate ini ndichine hondo yandada kudenhana nayo . Regai ndiende zororai mhamha . Ndakabva ndabuda ndakanotsvaira chivanze vanhu vemuraini ndivo vaingoita up and down vachiuya vanenge vanga vanzwa kuti Derreck waroora saka vaida kuzvionera pamhino sefodya . Vamwe ndivo vaibvunza nhema hanzi ko ava ndevapi ava . Mai vaingoti mukadzi waDereck . Hameno pavaibva ipapo vaizoenda neversion yekuti kudii. Ndakapedza basa rangu achimangwanani mhamha vakauya nemari iya yanga yakatowanda zvishoma . Vakanditi ..... Her:ndiyo mari yacho motengawo mafuta amunozorawo tozviziva kuti vasikana vanodawo aya anochenerusa kumeso ndaizvionawo nevana vangu . Ndakangoseka zvangu ndichigamuchira vaida chose kuti ndisununguke asi ndanga ndakatozvifarira . She is like a mother to me . Nenguva pfupi yandagara navo iyoyo ndakatowana mai vangu . Ndakageza ndokupinda munzira ndoenda pamashops pacho paingoonekwa tiri pamba . Taiva pakati pezvikoro nemashops . Ndakamhanya ndiri munzira ndakasangana nevana vechikoro vakawanda vachiti pasecondary paiva nemasports ezvikoro 6 . Ndakati dhuu ndikagaya zvimwe . Ndakasvika ndikatenga kagrocery kangu. Ndikatenga maflour maviri nemazepi mapack maviri neremaputi one . Ndakasvika havana kutaura mai vakangotarisa . Ndakabva ndabika nekukasira Ndapedza ndakakanya flour yangu ndokubika masamusa angu ndikazadza 20 litres ivo vakangotarisa ndikabva ndati kuna mhamha . Me; Mhamha ndanzwa apo kuti pane masports saka ndati ndimbo spinner kamari tigare tinako mumba . Her: (vachisekerera) kuwanda kwakanaka ita izvozvo mwanangu . Ndakabva ndatotora bucket rangu nemazepi nemaputi ndokunogara hangu vaiuya vachitenga havo haana kumira masamusa vaiita kubvutidzana . Mazepi akapera nemaputi ndikamhanya ndikanotenga mamwe matatu ndiwo akazosara mashoma chaiwo zuva ranga rovira ndakasvika mai vachitoundura huku . Her: Titambire mwana wangu ndatobata chikuku ichi ndikati nhasi timbodyawo . Me: Aaa mhamha matogona chindipai ndipedzise . Her: Ndotopedzisa mwana wangu Me: Heya mhamha ndaita mari mhai nasamusa aya apera mazepi apera ndikanotenga mamwe asara ndiwaya mashoma . Her: Heya saka zvafamba chokwadi Me: Zvafamba ndafunga kuti nditsvage huku chero 20 imwe totenga starter ini ndichitaimira break nelunch pachikoro ipapa ndichitengesa kuitira tiwane kurarama . Ari sei Dereck mhamha Him: ari right uyu nenoise yaanosimboita kuvharira raini rese .. nhasi anga akadzikama . Kana uchitozvigona mwana wangu ita tinotorarama pano . Bva ivo vanhu vemuraini vaswerera kuuya kuzokutsvaga pano hanzi tauya kuzoona mukadzi waDerreck . Mashoko vanhu vemuraini muno wotovangwarira mukufamba imomu havavaki . Me: Musandityira mhamha ndakanoisa mari mumba ndokubva ndadzoka ndichinzwa mhamha vachitaura mumba . Ndakasvika ndikaona vari bamukuru baba Ruth ndakatoshaiwa kuti vavingei pano. Ndakavamhorosa ndokugara pasi ndikanzwa mai vave kuti ...... Her: Ndivo murume watete vako zve mwanangu . Me: Ehe ko makauya riiniko bamukuru mafamba nguva dzino. Him: Ndasvika masikati zvino ndati ndiuye ndikuonei mumbouya kumba mozodzoka henyu . Me: Ayewa bamukuru zvekuti ndiende kumba hazviiti ndichazouya zvangu . Mhamha: Madii kuenda henyu sezvo iri weekend mangwana ndirevera pamadhiri aya ekuchikoro mozodzoka motonotora hembe dziya chitobikai sadza muende madya hantie mokwira zvimota hre. Ndakangoti sezvo vari mai vataura ndaisada zvangu kunorarako ini . Ndaitofunga kuti ndaizokuenda rimwe day ari makuseni ndodzoka zvangu manheru. Ndakabika tikadya vachiita havo nyaya namai . Ndakapakura tikadya ndokuoneka tobuda nabamukuru . Takanokwira zvipipipi ndokuenda takaburuka ratovira . Munzira vaingobvunza mibvunzo nhando hee murume wenyu saka aripi vakazondityora mabhonzo pavakanditi .. . Him: Saka murume wenyu anotonatsokugutsai chaiko hre anonatsoita chaiko hre mainini . Nokuti ndikuona kuti ari kukutadzai zamu richiri rakamira so. Me: Zvichiri zvemunemo hre kana mobvunza nezvemubedroom mangu nhai bamukuru . Him: Aaa nanhasi muchiri cheeky sepaya musati maziva muto wayo . Ndaiti izvozvi zvamakairavira makanzwa kunaka kwayozve . Kana musati mainzwa bvaa murume wenyu haagoni basa zvee.. Me: Hayas dai maimwa doro ndaiti madhakwa zvino hamuna . Izvozvo hazvo hazvina basa uye hazvinei nemi ndezvemumba mangu . Imi kana muchigona gonerai tete ndivo mukadzi wenyu .. Zvinyaya zvacho zvanga zvaakutondibhowa . Lucky tanga takutosvika vakangoseka nhema tichisvika takawana vanhu vachida kutopakura kuti tidye . Ziso randakapihwa natete raiva nemunhu pasi even vana vacho ndakavamhorosa vakaramba vakangoti tuzu bamukuru ndivo vakazoti ....... *Stay tuned* [2023/11/19, 08:23] Mai Ivan: https://chat.whatsapp.com/CdpVeQK8Kko1CLTgHymtct *BITTER TRUTH* *Story by Ancillar Katsande* 0️⃣7️⃣7️⃣8️⃣8️⃣6️⃣3️⃣0️⃣3️⃣1️⃣ *Chapter 8* *Munanawashe* Him: Munogoramba makanyarara wani hamugoni kudaira mwana hre imi . Mai huru inongoita sechanana . Mune godo rakasakisa kuti nyimo dzifukwe zviri paiko mukadzi mukuru . Munonzi makadii nemwana imi munoramba muri zii semuroi ari pabere . Hezvo ko zvakwanga kwava kutotukana nhaimi . Nechandanga ndichauyira zvangu ndakabva ndati ...... Me: Ndauya kuti kutora hembe dzangu handisi kugara zvangu . Ndinogona kunorara paChurch apo musandityire henyu . Bamukuru: muchiendepiko mainini hapana kwamuchaenda vanga vasina kukuudzai hre vatete venyu . Ndatouya kukutorai kuti tiende tese kubasa kwatinoshandira uko . Mungaitwa mukadzi wengozi apa mopihwa benzi zvekare Ndakavatarisa ndichida kuona kuti vairevesa hre . Kuenda neni kupi futi , ko kuti tete venyu vakakuudzai hre chii zvekare ndakabva ndangotora bhutsu yandaida kurongedza ivo vachifamba vachiuya pandiri. Ndakanatsokuzamudzira chaiko ndichirova ipapo pasingadi kudzikama munhu angokura . Ndakabva ndasvoca ndikavasiya vachibararadza varimo mumba . Aaa munhu wepi Ruth chaiye atori mukuru kwandiri asi anochiva munhu anofanira ari mwana wake . Ndakabva ndadyiwa nerima kwanga kwatosviba . Ndakananga kuchurch ndikasvika pasina vafudzi vemweya yedu paiva nevana chete. Vaindiziva zvavo saka hapana chakambonetsa ndakabva ndatorara ipapo mangwanani ngwanani ndokumuka ndoenda kumba waiva Mugovera ndakatodarika ndichibookisa zvitiyo nekutenga imwe flour nepakiti rimwe remazepi . Ndakabva ndaenda kumba ndakasvika pamba paine mai nevamwe vakadzi vechidiki vaviri . Ndisati ndavamhorosa ndakangoona chinhu chakabuda pamukadzi umwe wacho ndakanzwa voice rakanditi ..... " Namatira mvura umupe amwe ndokuti abatsirwe mimba yake yadarikidza mwedzi akanonokerwa anofa" vese vanga vachinditarisa nokuti ndanga ndasticker ndichida kuvamhorosa pandakazonzwa inzwi riya . Ndakatarisa padumbu pake ndikadzungudza musoro. Me: Makadii henyu ... Both: Tofara makadiiwo . Me: Mhamha mamuka sei regai ndiise zvinhu mumba izvi ndinoda kuzovaka chirugu apa . Her: Ndokugona mwanangu asi isa umbouya pano . Me: Zvakanaka ari sei zvake Derreck . Her: Iii ndosaka tati usai muuye zuro zvanga zvakaoma ndatozofonera vasikana ava ndichiti pamwe hamuuyi. Zuro aitoda zvekuuraya munhu imi zvakaoma .. Ndakangodzungudza musoro ko seiko vanhu vachishungurudza vamwe . Ndakasvika ndikarongedza zvandanga ndauya nazvo ndokudzoka ndogara pasi takambonyararidzana ndainzwa paine force yaindituma kutaura asi ndichirwisana nayo ndakazongoerekana ndati .... Me: Anonzi Eneres ndiani .... Vakatarisana vari vatatu asiri wemimba akabva adaira kuti ndiye ndakabva ndati .... Me: Unoda murume wako hre ... Her: Ehe ndinomuda ..... Me; Ummm namata mweya uri pauri ubve ndava ndiwo uri kukutuma kuti uite zvevava baba vandiri kuona ava . Tsveta pasi imbwa inonge kana uchiri kuda imba yako.. Vakatarisana zvekare uya anga ongoti bwai bwai . Ndikabva ndatarisa wemumba ndikamuti ..... Me: Else Mimba yako yadarika 9 months saka uchazvara riini . Her: Iii ndibatsireiwo maiguru handizivi henyu ndafamba ndaneta apa mwana wacho azorora haachatambi . Me: Munoda kuurawa askana ndiri kuona bepa rakanyorwa nechinyoreso chitsvuku zita renyu ririro rikutevera raEgness asi raEgness rakadzimwa kuratidza kuti akapfuura . Namatai muchiri kufamba kutsvaga rubatsiro kuvanhu muchitadza kuzvinamatira . Zvino manga mauya nepreparation hre nokuti taakuda kubreaker every yoke which was set against you . Asi ndinenge ndotokwinya nokuti pane zvanga zvavimbiswa nyama uye gare reropa rave gama . Mhamha: (Vachieredza misodzi) mubetserewo mwanangu regai vafonere vanhu vekumba kwacho vauye nepreparation yacho chipatara chiri padhuze apa. Tomumhanyisa . Ndakabva ndambonyarara ndichifunga zvandakaona day riya randarara pano for the first time . Zvichindirwisa ndakatoona kuti ndinokunda hangu asi ndaidawo spiritual guidance fro. Vazodziwa vaMwari . My Pastor vaigarondiudza kuti i can see the great prophetess on you ndichototi baba ava vanopenga now ndava kungoona zvakawanda who will guide me . Ndakazviudza kuti i need to find him . Ndakaona ndazungunuswa namai vemimba vaya ndakabva ndati....... Me: Oh ndanga ndarasika ndiri mupfungwa ok torai mvura ndiinamatire sekuudzwa kwandaitwa mubatsirwe chikomana chenyu asi motosunga dzisimbe nokuti ipapa ndichisvika pano pane chabva pamuri zvatosvika kare kune vakazviisa kuti hakuchagariki hondo yacho ihombe zvava kuda kurwa nemabvi muchinamatawo nekwamunenge muri kuitira tigone kukunda . Vakabva vasimuka ndokunouya nemvura ndakaimba worship song vachibvumira . Ndakaimba kusvika ndanzwa ndega kuti ndava panumber . Ndakabva ndatanga kunamata ndakabata mvura iya . Munamato wedzikinuro Mwari vamuitire zvakanaka . Ndakabva ndamupa akamwa tikagara tichiita nyaya after 1hr ndakaona vosekerera vachiti mwana ave kutamba teverere yatova mhere yekurwadziwa takatozobvapo toteka teka munhu tichienda kuchipatara . Zvinhu zvakatozosvikira kuchipatara . Ndakavasiya vaveko ndichienda kumba ndakasvika ndikanamata ndiroko ndichitenda Mwari . Ndakabika sadza nematemba aiva mumba .ndokupinda muroom yaDerreck akamhanyira kucorner kuita sekuti ainditya . Ndangosiya sadza pasi ndokuvhara door ndava kuenda Kuchipatara kunopa vanhu chikafu ndakawana vachifara ainge azvara zvakanaka mwana wake . Mai; Mwanangu uri blessing mumhuri yangu. Uchiuyiswa paya ndaitotii vari kuda kundiwedzera mutoro but now ndaakutoona kuti uri chiropafadzo muupenyu hwangu . Wakauya kuzodzikinura mhuri yangu handizivi kuti ndokutenda nei . Me: Musatenda ini mototenda musiki saka ari sei mwana zvake . Her: Ari boe and azvara zvakanakisa . Me: ndakuvigirai chikafu ichi mudye . Ndakanoona mwana vaifara chaizvo mwana wacho ngaakure . Vakatonditi ndinamatire mwana wavo . Ndakamunamatira tikambogara tichitandara kusvika tazodzingwa sezvo lunch yanga yatopera . Takabva taenda hedu kumba namhamha namai Eric ndivo vekucheater murume ava vanga vaiswa demon rekuhura Takasvika kumba ndikapinda muroom maDereck apa ainyangadza . Chikafu changa chadyiwa usavi hwega sadza anga apushira kumadziro emba . Apa anga akaungana kucorner . Ndakarwadziwa ndikamucleaner ndapedza ndakabva ndaenda kune vamwe panze. Mai: Anga ari sei zvake Derreck huya ugare apa unzwe hayas mashura chaiwo. Me: Ari boe uyo (ndichigara pasi) abvepizve mashura mhamha ndatozogara pano kukanganwa kuvaka chirugu changu . Her: Zvavari bamunini baba Carol (James) hanzi hausi right kuna Derreck ndikabva ndavati uri perfect chaiyo ndavapedza mongo vakabva vacutter . Aaa vanhu vepi ini ndivo vandiri kufungira hangu kunyangwe zvako usati watiudza kuti ari kukonzera zvese izvi ndiani . Me: Nguva yaMwari ichasvika pamuchaona zvese zvakavanzika zvichibuda pachena . Ndakabva ndasimuka ndokunochera makomba angu andaida kumisa matadza echirugu changu . Ndakaita 4 makomba ndikatora bhemba rangu ndokunotema matanda angu ndikasenga mashoma mashoma Ndikatanga kumamisa ndichivaka zvishoma mhamha vakauya kundibatsira chakabva chatobudawo chirugu chedu pamusoro takabva taisa uswa ndokugara zvanga zvatova bhoo . Mai Eric vakabva vanditi ndimbozorora ivo vachibika . Vaifara vachiseka zvavo tete vakabika tikadya kuseni mhamha vakafonerwa naaunt vemimba vachiti murume wavo auya aizoenda navo kumba . Vaifara chose tete vakabva vaenda ivo ini ndakaramba kuenda ndaida kugadzirira kuti ndizoenda kuchurch . Ndakaita basa rangu rese ndokuenda mhamha vakadzoka ndatobata bible rangu ndaakuda kutoenda kuchurch vakabva vatomhanya kugadzira kuti tiende tese . Takabuda tete ndivo vakasara vachiona Dereck munzira ndaifunga kuti hausiwo mukana hre wandazarurirwa naMwari kuti ndisaroorwe nemunhu wandisingadi . Asi umwe moyo wainditi ndakanzi uchaona zvichaitika pa31 days fasting and after . Zvichireva kuti zvanga zvatotanga kumavambo emazuva acho . My mission was to rescue this family from bondage . Kutangana naDereck ndanga ndichiri nekafear . Ndiri mukufunga kudaro ndakangojekerwa nemashoko ekuti Fear not the lord is with you . In deed the lord is with me ndikatarisa kwandakabva ndinoona Munana waMwari . Ndikatarisa kwandiri kuenda ndiri kuona basa guru raMwari kuti richaburitsa mamiracles hre ? Come on Munana dont be a doubting Thomas you can do it with God of cause . Ndakatoona kuti pano paakuda vasimbi vanomhanya vasinganeti Mwari achandipa simba ndichabhururuka semakondo . Kubwinya kwewedenga kuchaonekwa pamusoro pangu . Ndakabva ndatonzwa kugwinya mandiri Takasvika kuchurch namhamha takasvika tikagara pasi takatosvika devotion yatopera praise and worship team yave kutotanga. Ndakarwadziwa devotion ndaiida chaizvo ndiyo yaindisimudzira zvisinei next time ndaizokurumidza kuenda . Kuchurch kwandakaenda yaisava yangu yandanga ndajaira aingova machurch aimuka iwaya mhamha vakangoti ikoko vanonzwa kuti kunorira founder wacho aigara pagrowth point . For sure sekutaura kwavo manga makazara kuti paa ko vanhu neMinana ndizvo zvavozve . Yakaitwa praise and worship vaiimba zvainakidza chose . Takaimba tikanamata vakati kwave kuparidzwa ndakangosvoora mumwe murume akasimuka akati regai ndikure nzira dzaJesu . Akati paridzei paridzei ndokuzouya umwe murume aiita kukomberanwa nevanhu achingobata mic ndakaona...... .. . *Stay tuned*